Millat al-Islam

Chapter 80 · 42 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Abasa in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Abasa (1306 reciters)
Meccanسورة عبس42 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

عَبَسَ وَتَوَلَّىٰٓ ١Akafinyama (Muhammad (SAW)) uye akafuratira أَن جَآءَهُ ٱلۡأَعۡمَىٰ ٢Apo bofu (Abdullah Ibn Umm Maktoom) rakanga rauya kwaari (Muhammad (SAW) achiparidzira mukuru kana vakuru vemaQuraish وَمَا يُدۡرِيكَ لَعَلَّهُۥ يَزَّكَّىٰٓ ٣Uye unoziva sei pamwe anogona kuzvichenura (kubva kuzvitadzo) أَوۡ يَذَّكَّرُ فَتَنفَعَهُ ٱلذِّكۡرَىٰٓ ٤Kana kuti anogona kuyeuka, uyezve yeuchidzo yobva yamubatsira أَمَّا مَنِ ٱسۡتَغۡنَىٰ ٥Asi kune uyo akapfuma فَأَنتَ لَهُۥ تَصَدَّىٰ ٦Kwaari unoenda وَمَا عَلَيۡكَ أَلَّا يَزَّكَّىٰ ٧Hapana mhosva kwauri kana iye asina kuzvichenura (kubva mukusatenda) وَأَمَّا مَن جَآءَكَ يَسۡعَىٰ ٨Asi kune uyo anouya kwauri achimhanya (nechido) وَهُوَ يَخۡشَىٰ ٩Uye achitya (Allah) فَأَنتَ عَنۡهُ تَلَهَّىٰ ١٠Kwaari ndiko kwausingaendi (kwausingaratidzi hanya) كـَلَّآ إِنَّهَا تَذۡكِرَةٌ ١١Kwete! Zvirokwazvo, iri Qur’aan irangaridzo فَمَن شَآءَ ذَكَرَهُۥ ١٢Naizvozvo uyo anoda, ngaarangarire فِي صُحُفٍ مُّكَرَّمَةٍ ١٣(Zviri) muMagwaro anoremekedzwa (Al-Lauh Al-Mahfoodh) مَّرۡفُوعَةٍ مُّطَهَّرَةِۭ ١٤Akasimudzirwa, akachenurwa بِأَيۡدِي سَفَرَةٍ ١٥Mumaoko evanyori (ngirozi) كِرَامِۭ بَرَرَةٍ ١٦Vanoremekedzeka uye vanoteerera قُتِلَ ٱلۡإِنسَٰنُ مَآ أَكۡفَرَهُۥ ١٧Ngaashorwe munhu (asingatendi)! Nekusatenda kwake uku مِنۡ أَيِّ شَيۡءٍ خَلَقَهُۥ ١٨Kubva pai (munhu) vakamusika مِن نُّطۡفَةٍ خَلَقَهُۥ فَقَدَّرَهُۥ ١٩Kubva kuNutfah (Mvura yemurume nemukadzi) vakamusika uye vakanyatsomugadzira zvakanaka ثُمَّ ٱلسَّبِيلَ يَسَّرَهُۥ ٢٠Uye vanomuitira kuti nzira imuitire nyore ثُمَّ أَمَاتَهُۥ فَأَقۡبَرَهُۥ ٢١Uye vanomuita kuti afe uye vomuisa muguva ثُمَّ إِذَا شَآءَ أَنشَرَهُۥ ٢٢Uye nekuda kwavo, vachamumutsa (zvekare) كـَلَّا لَمَّا يَقۡضِ مَآ أَمَرَهُۥ ٢٣Kwete! Asi (munhu) haana kuita zvaakaudzwa (zvaakakomekedzwa) فَلۡيَنظُرِ ٱلۡإِنسَٰنُ إِلَىٰ طَعَامِهِۦٓ ٢٤Naizvozvo rega munhu atarise chikafu chake أَنَّا صَبَبۡنَا ٱلۡمَآءَ صَبًّا ٢٥Tinonaisa mvura yakawanda ثُمَّ شَقَقۡنَا ٱلۡأَرۡضَ شَقًّا ٢٦Uye zvirokwazvo tinopatsanura ivhu فَأَنۢبَتۡنَا فِيهَا حَبًّا ٢٧Uye tinoita kuti zvirimwa zvikure imomo وَعِنَبًا وَقَضۡبًا ٢٨Nemagirepi uye nechikafu chemombe وَزَيۡتُونًا وَنَخۡلًا ٢٩Nema Orivhi uye miti yemadheti وَحَدَآئِقَ غُلۡبًا ٣٠Nemapindu akasvibira akazara nemiti وَفَٰكِهَةً وَأَبًّا ٣١Uye michero nehuswa مَّتَٰعًا لَّكُمۡ وَلِأَنۡعَٰمِكُمۡ ٣٢(Kuti zvive) rubatsiro (chikafu) kwamuri nezvipfuyo zvenyu فَإِذَا جَآءَتِ ٱلصَّآخَّةُ ٣٣Uye apo zuva rekutongwa parichauya (Hwamanda paicharidzwa kechipiri) يَوۡمَ يَفِرُّ ٱلۡمَرۡءُ مِنۡ أَخِيهِ ٣٤Zuva iri murume achatiza mukoma wake وَأُمِّهِۦ وَأَبِيهِ ٣٥Uye amai nababa vake وَصَٰحِبَتِهِۦ وَبَنِيهِ ٣٦Uye mukadzi nevana vake لِكُلِّ ٱمۡرِيٍٕ مِّنۡهُمۡ يَوۡمَئِذٍ شَأۡنٌ يُغۡنِيهِ ٣٧Munhu wese zuva iri achange anezvinomukwanira zvichamuita kuti ashaye hanya nevamwe وُجُوهٌ يَوۡمَئِذٍ مُّسۡفِرَةٌ ٣٨Zvimwe zviso zuva iroro zvichave zvakajeka (vatendi vechokwadi muIslaam) ضَاحِكَةٌ مُّسۡتَبۡشِرَةٌ ٣٩Zvichiseka, zvichifara nemhaka yenhaurwa yakanaka (yeParadhiso) وَوُجُوهٌ يَوۡمَئِذٍ عَلَيۡهَا غَبَرَةٌ ٤٠Uye zvimwe zviso zuva iroro zvichange zvakasuwa تَرۡهَقُهَا قَتَرَةٌ ٤١Rima richava kwidibira أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡكَفَرَةُ ٱلۡفَجَرَةُ ٤٢Ava vanhu vange vasingatendi (kunaAllah) uye vachiita mabasa akaipa

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.