Millat al-Islam

Chapter 100 · 11 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Adiyat in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Adiyat (1269 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلۡعَٰدِيَٰتِ ضَبۡحًا ١Ndinopika nemabhiza anomhanya achifemereka فَٱلۡمُورِيَٰتِ قَدۡحًا ٢Achiburitsa zvimvari zvemoto (nemakumbo awo) فَٱلۡمُغِيرَٰتِ صُبۡحًا ٣Uye achimhanyira kunorwa mambakwedza فَأَثَرۡنَ بِهِۦ نَقۡعًا ٤Uye achipfumbura huruva nawo فَوَسَطۡنَ بِهِۦ جَمۡعًا ٥Uye achipinda nawo mukati (memuvengi) إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لِرَبِّهِۦ لَكَنُودٌ ٦Zvirokwazvo, munhu haatendi Tenzi vake وَإِنَّهُۥ عَلَىٰ ذَٰلِكَ لَشَهِيدٌ ٧Uye zvirokwazvo iye ichapupu kune izvozvo (nemabasa ake) وَإِنَّهُۥ لِحُبِّ ٱلۡخَيۡرِ لَشَدِيدٌ ٨Uye zvirokwazvo anosimbirira mukuda zvakanaka (hupfumi) ۞ أَفَلَا يَعۡلَمُ إِذَا بُعۡثِرَ مَا فِي ٱلۡقُبُورِ ٩Haazivi here kuti apo zviri mumakuva zvichaburitswa وَحُصِّلَ مَا فِي ٱلصُّدُورِ ١٠Uye izvo zviri muzvipfuva pazvichaitwa kuti zvizivikanwe إِنَّ رَبَّهُم بِهِمۡ يَوۡمَئِذٍ لَّخَبِيرُۢ ١١Zvirokwazvo, nezuva iroro Tenzi vavo vachange vachinyatsoziva nezvavo (mabasa avo uye vovapa mubairo wavo)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.