بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
حمٓ ١Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) تَنزِيلُ ٱلۡكِتَٰبِ مِنَ ٱللَّهِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ ٢Kudzikiswa kweBhuku (Qur’aan) kubva kuna Allah, Samasimba, Muchenjeri Mukuru مَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَأَجَلٍ مُّسَمًّىۚ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَمَّآ أُنذِرُواْ مُعۡرِضُونَ ٣Hatina kusika matenga nenyika nezviri pakati pawo asi kuti muchokwadi, uye kwenguva yakatarwa. Asi avo vasingatendi vanofuratira izvo zvavanoyambirwa nazvo قُلۡ أَرَءَيۡتُم مَّا تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ أَرُونِي مَاذَا خَلَقُواْ مِنَ ٱلۡأَرۡضِ أَمۡ لَهُمۡ شِرۡكٌ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِۖ ٱئۡتُونِي بِكِتَٰبٍ مِّن قَبۡلِ هَٰذَآ أَوۡ أَثَٰرَةٍ مِّنۡ عِلۡمٍ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٤Iti (Muhammad (SAW)): “Munoona here zvose izvo zvamunodaidza kunze kwaAllah? Ndiratidzei. Chii chavakasika panyika? Kana kuti vane mugove here kumatenga (pakusikwa kwawo)? Ndiunzirei Bhuku (riri mumashure meiri) kana matsimba eruzivo (anotsigira zvamunotaura), kana imi muri pachokwadi!” وَمَنۡ أَضَلُّ مِمَّن يَدۡعُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَن لَّا يَسۡتَجِيبُ لَهُۥٓ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَهُمۡ عَن دُعَآئِهِمۡ غَٰفِلُونَ ٥Uye ndiani akarasika zvakanyanya kukunda uyo anodaidza (anonamata) izvo zvisiri Allah, izvo zvisingazomupinduri kusvikira pazuva rekutongwa, zvakare havana kana chavanoziva maererano neminamato yavo kwavari وَإِذَا حُشِرَ ٱلنَّاسُ كَانُواْ لَهُمۡ أَعۡدَآءً وَكَانُواْ بِعِبَادَتِهِمۡ كَٰفِرِينَ ٦Uye kana vanhu vaunganidzwa (pazuva rekutongwa), (zvavainamata) zvichave mhandu kwavari uye zvicharamba kunamatwa kwavo وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتُنَا بَيِّنَٰتٍ قَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلۡحَقِّ لَمَّا جَآءَهُمۡ هَٰذَا سِحۡرٌ مُّبِينٌ ٧Uye kana humboo hwedu huri pachena hukaverengwa kwavari, avo vasingatendi vanoti kune chokwadi kana chauya kwavari: “Aya ndiwo masaramusi ari pachena!” أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۖ قُلۡ إِنِ ٱفۡتَرَيۡتُهُۥ فَلَا تَمۡلِكُونَ لِي مِنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۖ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَا تُفِيضُونَ فِيهِۚ كَفَىٰ بِهِۦ شَهِيدَۢا بَيۡنِي وَبَيۡنَكُمۡۖ وَهُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ ٨Kana kuti vanoti: “Iye (Muhammad (SAW)) akazvigadzirira!” Iti: “Kana ndakazvigadzirira, nazvino hamuna kana simba rekundibetsera kubva kuna Allah. Ivo (Allah) vanoziva chaizvo zvamunotaura pakati penyu maererano nezvaro (Qur’aan)! Vakakwana semupupuri pakati pangu nemi! Uye ndivo vanoregerera, vane nyasha zhinji.” قُلۡ مَا كُنتُ بِدۡعًا مِّنَ ٱلرُّسُلِ وَمَآ أَدۡرِي مَا يُفۡعَلُ بِي وَلَا بِكُمۡۖ إِنۡ أَتَّبِعُ إِلَّا مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ وَمَآ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٌ مُّبِينٌ ٩Iti (Muhammad (SAW)): “Handisi chinhu chitsva pavatumwa (handisi ini wekutanga), uye handizivi kuti chii chichaitwa kwandiri kana kwamuri. Ndinongotevera chete izvo zvinodzikiswa kwandiri, uye ndinongori muyambiri ari pachena chete.” قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كَانَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِ وَكَفَرۡتُم بِهِۦ وَشَهِدَ شَاهِدٌ مِّنۢ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ عَلَىٰ مِثۡلِهِۦ فَـَٔامَنَ وَٱسۡتَكۡبَرۡتُمۡۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٠Iti: “Munoona here kana iri (Qur’aan) richibva kuna Allah uye imi moriramba, uye mupupuri kubva kuvana vaIzirairi (Abdullah bin Salaam (RA)) vopupura kuti (iri Qur’aan riri kubva kuna Allah) se(Torah), uye otenda (opinda Islaam) apo imi muchizvitutumadza (musingatendi).” Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vanotadza وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَوۡ كَانَ خَيۡرًا مَّا سَبَقُونَآ إِلَيۡهِۚ وَإِذۡ لَمۡ يَهۡتَدُواْ بِهِۦ فَسَيَقُولُونَ هَٰذَآ إِفۡكٌ قَدِيمٌ ١١Uye avo vasingatendi (vane simba nehupfumi) vanoti kune avo vanotenda (varombo vasina simba): “Dai change chakanaka (chitendero che Islaam), vangadai (varombo vasina simba) vasina kutitangira kwachiri!” Uye kana vasina kutungamirwa nacho, vanoti: “Aya ndiwo manyepo ekare!” وَمِن قَبۡلِهِۦ كِتَٰبُ مُوسَىٰٓ إِمَامًا وَرَحۡمَةًۚ وَهَٰذَا كِتَٰبٌ مُّصَدِّقٌ لِّسَانًا عَرَبِيًّا لِّيُنذِرَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُحۡسِنِينَ ١٢Uye mushure maro (Qur’aan) kwaive neGwaro raMusa richitungamira uye senyasha. Uye iri iBhuku (Qur’aan) rinopupura mururimi rwechiArabhu, richijekesa uye richiyambira avo vanoita zvakaipa, uye semashoko akanaka kune vanoita mabasa akanaka إِنَّ ٱلَّذِينَ قَالُواْ رَبُّنَا ٱللَّهُ ثُمَّ ٱسۡتَقَٰمُواْ فَلَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ ١٣Zvirokwazvo, avo vanoti: “Tenzi vedu ndiAllah,” uye vobva vashinga zvakasimba (muIslaam), hapazove nekutya kwavari kana kushushikana (kusuruwara) أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ خَٰلِدِينَ فِيهَا جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٤Vanhu vakadaro vachave vagari vekuParadhiso, vachagara imomo (zvachose) semubairo wezvavakaita وَوَصَّيۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ بِوَٰلِدَيۡهِ إِحۡسَٰنًاۖ حَمَلَتۡهُ أُمُّهُۥ كُرۡهًا وَوَضَعَتۡهُ كُرۡهًاۖ وَحَمۡلُهُۥ وَفِصَٰلُهُۥ ثَلَٰثُونَ شَهۡرًاۚ حَتَّىٰٓ إِذَا بَلَغَ أَشُدَّهُۥ وَبَلَغَ أَرۡبَعِينَ سَنَةً قَالَ رَبِّ أَوۡزِعۡنِيٓ أَنۡ أَشۡكُرَ نِعۡمَتَكَ ٱلَّتِيٓ أَنۡعَمۡتَ عَلَيَّ وَعَلَىٰ وَٰلِدَيَّ وَأَنۡ أَعۡمَلَ صَٰلِحًا تَرۡضَىٰهُ وَأَصۡلِحۡ لِي فِي ذُرِّيَّتِيٓۖ إِنِّي تُبۡتُ إِلَيۡكَ وَإِنِّي مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ ١٥Uye takakomekedza munhu kuti abetsere vabereki vake, nekuve nemoyo munyoro kwavari. Amai vake vakamutakura mumatambudziko uye vakamubereka vachitambudzika. Uye kumutakura nekumuyamwisa kwakatora mwedzi makumi matatu, kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana uye asvika makore makumi mana, obva ati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo simba kuti ndikwanise kutenda makomborero amakandipa nevabereki vangu, uye kuti ndikwanise kuita mabasa akanaka ayo amunofarira, uye mhuri yangu moiita yakanaka. Chokwadi, ndatarisa kwamuri ndichikumbira ruregerero rwenyu, uye chokwadi, ndiri umwe wevatendi (maMuslim).” أُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ نَتَقَبَّلُ عَنۡهُمۡ أَحۡسَنَ مَا عَمِلُواْ وَنَتَجَاوَزُ عَن سَيِّـَٔاتِهِمۡ فِيٓ أَصۡحَٰبِ ٱلۡجَنَّةِۖ وَعۡدَ ٱلصِّدۡقِ ٱلَّذِي كَانُواْ يُوعَدُونَ ١٦Vanhu vakadaro ndeavo vatichatambira mabasa avo akanaka uye tovakanganwira mabasa avo akaipa. (Vachava) mukati mevagari vekuParadhiso, vimbiso yechokwadi, iyo yavakavimbiswa وَٱلَّذِي قَالَ لِوَٰلِدَيۡهِ أُفٍّ لَّكُمَآ أَتَعِدَانِنِيٓ أَنۡ أُخۡرَجَ وَقَدۡ خَلَتِ ٱلۡقُرُونُ مِن قَبۡلِي وَهُمَا يَسۡتَغِيثَانِ ٱللَّهَ وَيۡلَكَ ءَامِنۡ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقٌّ فَيَقُولُ مَا هَٰذَآ إِلَّآ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٧Asi uyo anotaura kuvabereki vake achiti: “Hapana zvamunotaura! Muri kundivimbisa ini kuti ndichamutswa zvakare asi kwadarika zvizvarwa kare mushure mangu (Pasina kumutswa)?” Apo (vabereki) vachikumbira Allah rubetsero (vachiyambira mwana wavo) (vachiti): “Matambudziko kwauri! Tenda! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi.” Asi iye achiti: “Hapana zviripo, asi inyaya dzekare chete.” أُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ حَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلُ فِيٓ أُمَمٍ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهِم مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِۖ إِنَّهُمۡ كَانُواْ خَٰسِرِينَ ١٨Vanhu vakadaro ndeavo shoko (rechirango) rakazadziswa kumarudzi akapfuura mushure maivo vasati vavepo maJinn nevanhu. Zvirokwazvo, vakarasikirwa وَلِكُلٍّ دَرَجَٰتٌ مِّمَّا عَمِلُواْۖ وَلِيُوَفِّيَهُمۡ أَعۡمَٰلَهُمۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ١٩Uye vose, kwavari kuchange kuine kukwiridzirwa zvichienderana nezvavaiita, uye (Allah) zvakare vachavapa mugove wakakwana nokuda kwemabasa avo. Uye havazombodzvanyirirwa وَيَوۡمَ يُعۡرَضُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَلَى ٱلنَّارِ أَذۡهَبۡتُمۡ طَيِّبَٰتِكُمۡ فِي حَيَاتِكُمُ ٱلدُّنۡيَا وَٱسۡتَمۡتَعۡتُم بِهَا فَٱلۡيَوۡمَ تُجۡزَوۡنَ عَذَابَ ٱلۡهُونِ بِمَا كُنتُمۡ تَسۡتَكۡبِرُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَبِمَا كُنتُمۡ تَفۡسُقُونَ ٢٠Uye nezuva iro avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) vachaendeswa kumoto (zvichataurwa zvichinzi): “Zvakanaka zvenyu makazviwana paupenyu hwenyu hwepanyika, uye mukanakidzwa mairi. Zvino zuva ranhasi muchapiwa murango unonyadzisa, nokuda kwekuti maizvitutumadza panyika zvisina mvumo, uye imi maipandukira mirairo yaAllah (maisateerera Allah).” ۞ وَٱذۡكُرۡ أَخَا عَادٍ إِذۡ أَنذَرَ قَوۡمَهُۥ بِٱلۡأَحۡقَافِ وَقَدۡ خَلَتِ ٱلنُّذُرُ مِنۢ بَيۡنِ يَدَيۡهِ وَمِنۡ خَلۡفِهِۦٓ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّا ٱللَّهَ إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ٢١Uye rangarira (Hud) mukoma wemaAad, apo akatsiura vanhu muAl-Ahqaaf (dzimba dzavaigadzira mumakomo muArabia). Uye zvirokwazvo kwange kwadarika vayambiri mushure make uye mberi kwake (vachiti): “Musanamata chimwe chinhu kunze kwaAllah; zvirokwazvo, ndinokutyirai kubva kumutongo wezuva guru (zuva rokumutswa).” قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا لِتَأۡفِكَنَا عَنۡ ءَالِهَتِنَا فَأۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٢٢Vakati: “Wauya here kuzotiburitsa kubva kuna vanamwari vedu? Zvino chitiunzira izvo zvauri kutityityidzira nazvo, kana iwe uri umwe weavo vanotaura chokwadi!” قَالَ إِنَّمَا ٱلۡعِلۡمُ عِندَ ٱللَّهِ وَأُبَلِّغُكُم مَّآ أُرۡسِلۡتُ بِهِۦ وَلَٰكِنِّيٓ أَرَىٰكُمۡ قَوۡمًا تَجۡهَلُونَ ٢٣Akati: “Zvirokwazvo, ruzivo rwacho (rwemurango) rwuna Allah chete. Uye ini ndinongokuudzai izvo zvandakatumwa nazvo, asi ndiri kukuonai muri vanhu vasina ruzivo!” فَلَمَّا رَأَوۡهُ عَارِضًا مُّسۡتَقۡبِلَ أَوۡدِيَتِهِمۡ قَالُواْ هَٰذَا عَارِضٌ مُّمۡطِرُنَاۚ بَلۡ هُوَ مَا ٱسۡتَعۡجَلۡتُم بِهِۦۖ رِيحٌ فِيهَا عَذَابٌ أَلِيمٌ ٢٤Zvino pavakauona (murango) segore rakanga richiuya padyo nemipata yavo, vakati: “Iri igore ririkutiunzira mvura!” Asi kwete, ndeizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitika, mhepo ine murango unorwadza تُدَمِّرُ كُلَّ شَيۡءِۭ بِأَمۡرِ رَبِّهَا فَأَصۡبَحُواْ لَا يُرَىٰٓ إِلَّا مَسَٰكِنُهُمۡۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ٢٥Ichiparadza zvinhu zvose nokuda kwekuronga kwaTenzi wayo! Nokudaro vakapedzisira pasina chaioneka kusara kwepokugara pavo chete! Saizvozvo ndiwo mapiro atinoita mubairo kuvanhu vanotadza وَلَقَدۡ مَكَّنَّٰهُمۡ فِيمَآ إِن مَّكَّنَّٰكُمۡ فِيهِ وَجَعَلۡنَا لَهُمۡ سَمۡعًا وَأَبۡصَٰرًا وَأَفۡـِٔدَةً فَمَآ أَغۡنَىٰ عَنۡهُمۡ سَمۡعُهُمۡ وَلَآ أَبۡصَٰرُهُمۡ وَلَآ أَفۡـِٔدَتُهُم مِّن شَيۡءٍ إِذۡ كَانُواْ يَجۡحَدُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٢٦Uye zvirokwazvo tange takavagadzika zvakasimba neizvo zvatisina kukugadzikai imi (maQuraish)! Uyezve tikavaita kuti vave nekunzwa uye kuona uye nemoyo. Asi kunzwa kwavo, uye kuona kwavo, nemoyo yavo hazvina kuvabetsera kana nechimwechete zvacho nekuti vairamba humboo hwaAllah (maporofita aAllah nedzidziso dzavo), uye vakabva vakomberedzwa neizvo zvavaituka (zvavaiseka) وَلَقَدۡ أَهۡلَكۡنَا مَا حَوۡلَكُم مِّنَ ٱلۡقُرَىٰ وَصَرَّفۡنَا ٱلۡأٓيَٰتِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٢٧Uye zvirokwazvo takaparadza matunhu akakukomberedzai, uye tikavaratidza zvakare zviratidzo kuti pamwe vangadzoka (kuchokwadi, Islaam) فَلَوۡلَا نَصَرَهُمُ ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ قُرۡبَانًا ءَالِهَةَۢۖ بَلۡ ضَلُّواْ عَنۡهُمۡۚ وَذَٰلِكَ إِفۡكُهُمۡ وَمَا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٢٨Nokudaro sei avo vavakatora saanamwari vachisiya Allah vasina kuvabetsera, senzira yemasvikiro (kuna Allah)? Asi vakavarasa zvachose (pakauya murango). Uye uku ndiko kwaive kunyepa kwavo neivo zvavaiwedzerera (vasati vaparadzwa) وَإِذۡ صَرَفۡنَآ إِلَيۡكَ نَفَرًا مِّنَ ٱلۡجِنِّ يَسۡتَمِعُونَ ٱلۡقُرۡءَانَ فَلَمَّا حَضَرُوهُ قَالُوٓاْ أَنصِتُواْۖ فَلَمَّا قُضِيَ وَلَّوۡاْ إِلَىٰ قَوۡمِهِم مُّنذِرِينَ ٢٩Uye rangarira (Muhammad (SAW)) apo takatumira chikwata chemaJinn (vatatu kunosvika gumi) vachiteerera Qur’aan. Zvino (maJinn) pavakamira pamberi paro vakati: “Teererai!” Zvino parakapedziswa kuverengwa, vakadzokera kune vamwe vavo, sevayambiri قَالُواْ يَٰقَوۡمَنَآ إِنَّا سَمِعۡنَا كِتَٰبًا أُنزِلَ مِنۢ بَعۡدِ مُوسَىٰ مُصَدِّقًا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِ يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّ وَإِلَىٰ طَرِيقٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٣٠Vakati: “Vamwe vedu! Zvirokwazvo, tanzwa Bhuku (Qur’aan) rakadzikiswa mushure maMusa richidudzira zvakauya mushure maro. Rinotungamira kune chokwadi uye kunzira yakatwasuka (Islaam).” يَٰقَوۡمَنَآ أَجِيبُواْ دَاعِيَ ٱللَّهِ وَءَامِنُواْ بِهِۦ يَغۡفِرۡ لَكُم مِّن ذُنُوبِكُمۡ وَيُجِرۡكُم مِّنۡ عَذَابٍ أَلِيمٍ ٣١“Vamwe vedu! Dairai mudaidzi waAllah (Muhammad (SAW)), uye tendai kwaari (uye momutevera), Allah vachakuregererai kubva kune zvitado zvenyu, uye vachakununurai kubva kune murango unorwadza (Gehena).” وَمَن لَّا يُجِبۡ دَاعِيَ ٱللَّهِ فَلَيۡسَ بِمُعۡجِزٍ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَيۡسَ لَهُۥ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءُۚ أُوْلَٰٓئِكَ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٣٢“Uye uyo asingadairi mudaidzi waAllah, haakwanisi kutiza munyika, uye hapana vabetseri vaachawana kunze kwavo (Allah). Vanhu vakadaro ndivo vakarasika zviri pachena.” أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَلَمۡ يَعۡيَ بِخَلۡقِهِنَّ بِقَٰدِرٍ عَلَىٰٓ أَن يُحۡـِۧيَ ٱلۡمَوۡتَىٰۚ بَلَىٰٓۚ إِنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٣٣Havaoni here kuti Allah avo vakasika matenga nenyika, uye havana kuomerwa nekusikwa kwawo, vane simba rokupa upenyu kune vakafa? Hongu, zvirokwazvo vanokwanisa kuita zvinhu zvose وَيَوۡمَ يُعۡرَضُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَلَى ٱلنَّارِ أَلَيۡسَ هَٰذَا بِٱلۡحَقِّۖ قَالُواْ بَلَىٰ وَرَبِّنَاۚ قَالَ فَذُوقُواْ ٱلۡعَذَابَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡفُرُونَ ٣٤Uye nezuva iro avo vasingatendi vachaunzwa kumoto (zvichanzi kwavari): “Hachisi chokwadi here ichi?” Vachati: “Hongu, tinopika naTenzi vedu!” Vachati: “Zvino chiravirai murango nokuda kwekuti makanga musingatendi!” فَٱصۡبِرۡ كَمَا صَبَرَ أُوْلُواْ ٱلۡعَزۡمِ مِنَ ٱلرُّسُلِ وَلَا تَسۡتَعۡجِل لَّهُمۡۚ كَأَنَّهُمۡ يَوۡمَ يَرَوۡنَ مَا يُوعَدُونَ لَمۡ يَلۡبَثُوٓاْ إِلَّا سَاعَةً مِّن نَّهَارِۭۚ بَلَٰغٌۚ فَهَلۡ يُهۡلَكُ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ ٣٥Zvino chitsungirira (Muhammad (SAW)) sezvakaita vatumwa vakasimba (Muhammad, Nowa, Abrahamu, Musa naJesu) uye usamhanye nezvavo (vasingatendi). Nezuva ravachaona izvo zvavakavimbiswa, zvichaita sokunge havana kugara nguva imwe chete zvayo pazuva rimwechete. Mashoko ari pachena (iri Qur’aan kunokununurai kubva mukuparadzwa)! Asi pachave here nekuparadzwa kunze kwevanhu vanopandukira Allah (vasingateereri Allah)