Millat al-Islam

Chapter 87 · 19 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Ala in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Ala (1421 reciters)
Meccanسورة الأعلى19 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

سَبِّحِ ٱسۡمَ رَبِّكَ ٱلۡأَعۡلَى ١Kudza Zita raTenzi vako, vepamusoro-soro ٱلَّذِي خَلَقَ فَسَوَّىٰ ٢Avo vakasika (zvinhu zvose) vakazvishongedza وَٱلَّذِي قَدَّرَ فَهَدَىٰ ٣Uye avo vakaronga (mafambiro ezvinhu zvese), uye vakatungamira (vakaratidza vanhu nzira yakanaka kubva kune yakaipa, uye vakaratidza mhuka mafuro adzo) وَٱلَّذِيٓ أَخۡرَجَ ٱلۡمَرۡعَىٰ ٤Uye avo vanobuditsa mafuro فَجَعَلَهُۥ غُثَآءً أَحۡوَىٰ ٥Uye vomaita (mafuro) kuti aome, oita ruvara rwakasvibira سَنُقۡرِئُكَ فَلَا تَنسَىٰٓ ٦Tichakuita kuti uverenge (Qur’aan), saka (Muhammad (SAW)) hauzombokanganwi إِلَّا مَا شَآءَ ٱللَّهُۚ إِنَّهُۥ يَعۡلَمُ ٱلۡجَهۡرَ وَمَا يَخۡفَىٰ ٧Kunze kweizvo Allah zvavanoda. Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zviri pachena nezvakavanzika وَنُيَسِّرُكَ لِلۡيُسۡرَىٰ ٨Uye tichakurerutsira nzira iri nyore (kuita mabasa akanaka) فَذَكِّرۡ إِن نَّفَعَتِ ٱلذِّكۡرَىٰ ٩Naizvozvo yeuchidza (vanhu) kana yeuchidzo ichibatsira سَيَذَّكَّرُ مَن يَخۡشَىٰ ١٠Rangaridzo ichatambirwa neuyo anotya (Allah) وَيَتَجَنَّبُهَا ٱلۡأَشۡقَى ١١Asi icharambwa nemuipi ٱلَّذِي يَصۡلَى ٱلنَّارَ ٱلۡكُبۡرَىٰ ١٢Uyo achapinda moto mukuru ثُمَّ لَا يَمُوتُ فِيهَا وَلَا يَحۡيَىٰ ١٣Zvakare imomo haazombofi (kuti azorore) kana kurarama (hupenyu hwakanaka) قَدۡ أَفۡلَحَ مَن تَزَكَّىٰ ١٤Zvirokwazvo uyo anozvichenesa (kubva mukusatenda uye otambira Islaam) achava anobudirira وَذَكَرَ ٱسۡمَ رَبِّهِۦ فَصَلَّىٰ ١٥Uye achirangarira zita raTenzi vake, uye achinamata (kashanu pazuva uye achiita minamato isina kukomekedzwa) بَلۡ تُؤۡثِرُونَ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا ١٦Asi munoshuvira upenyu wepano pasi وَٱلۡأٓخِرَةُ خَيۡرٌ وَأَبۡقَىٰٓ ١٧Kunyangwe upenyu uchatevera uri nani uye haugumi إِنَّ هَٰذَا لَفِي ٱلصُّحُفِ ٱلۡأُولَىٰ ١٨Zvirokwazvo, izvi zviri muMagwaro ekutanga صُحُفِ إِبۡرَٰهِيمَ وَمُوسَىٰ ١٩Magwaro aAbrahamu naMusa

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.