Millat al-Islam

Chapter 7 · 206 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-A'raf in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-A'raf (1239 reciters)
Meccanسورة الأعراف206 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

الٓمٓصٓ ١Alif – Laam – Meem – Swaad. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) كِتَٰبٌ أُنزِلَ إِلَيۡكَ فَلَا يَكُن فِي صَدۡرِكَ حَرَجٌ مِّنۡهُ لِتُنذِرَ بِهِۦ وَذِكۡرَىٰ لِلۡمُؤۡمِنِينَ ٢Iri Gwaro (Qur’aan) rakadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)), naizvozvo usava nekushushikana mukati memoyo wako kubva mariri, kuti uve unoyambira (vanhu) naro, uye iyeuchidzo kune vanotenda ٱتَّبِعُواْ مَآ أُنزِلَ إِلَيۡكُم مِّن رَّبِّكُمۡ وَلَا تَتَّبِعُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَۗ قَلِيلًا مَّا تَذَكَّرُونَ ٣Iti Muhammad (SAW) kuvanamati vezvidhori): “Teverai zvakadzikiswa kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Qur’aan ne Sunnah), uye musave munotevera maAwliya (avo vanokukurudzirai kuti muve munosanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata) kusara kwavo (Allah). Zvishoma ndizvo zvamunorangarira!” وَكَم مِّن قَرۡيَةٍ أَهۡلَكۡنَٰهَا فَجَآءَهَا بَأۡسُنَا بَيَٰتًا أَوۡ هُمۡ قَآئِلُونَ ٤Uye madhorobha mangani atakaparadza (nekuda kwezvivi zvavo)? Mutongo wedu wakauya kwavari usiku kana kuti varere nguva dzemasikati فَمَا كَانَ دَعۡوَىٰهُمۡ إِذۡ جَآءَهُم بَأۡسُنَآ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ ٥Hapana zvavakataura mushure mekunge mutongo wedu wauya kwavari kusara kwekuti: “Zvirokwazvo, takanga tiri vatadzi.” فَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلَّذِينَ أُرۡسِلَ إِلَيۡهِمۡ وَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٦Zvirokwazvo, tichava tinobvunza avo (vanhu) vakaritumirwa (Bhuku), uye zvirokwazvo, tichava tinobvunza vatumwa فَلَنَقُصَّنَّ عَلَيۡهِم بِعِلۡمٍۖ وَمَا كُنَّا غَآئِبِينَ ٧Zvirokwazvo, tichavaudza (nyaya yavo yose) neruzivo, uye zvirokwazvo, hatina kunge tisipo (taivapo nguva dzose) وَٱلۡوَزۡنُ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡحَقُّۚ فَمَن ثَقُلَتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ٨Uye kuyera kwezuva iroro (zuva rekutongwa) kuchange kuri (kuyera) kwechokwadi. Naizvozvo kune avo vachange vaine chikero (chemabasa akanaka) chichange chichirema, vachava vanobudirira (nekupinda Paradhiso) وَمَنۡ خَفَّتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُم بِمَا كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَظۡلِمُونَ ٩Uye kune avo vachange vaine chikero chichange chisingaremi, avo ndivo vachave nekusabudirira pachezvavo (nekupinda kuGehena) nokuda kwekuramba kwavo zviratidzo zvedu وَلَقَدۡ مَكَّنَّٰكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَجَعَلۡنَا لَكُمۡ فِيهَا مَعَٰيِشَۗ قَلِيلًا مَّا تَشۡكُرُونَ ١٠Uye zvirokwazvo, takava tinokuisai panyika tikava tinokugadzirirai raramo mairi. Asi kutenda kwamunopa kushoma وَلَقَدۡ خَلَقۡنَٰكُمۡ ثُمَّ صَوَّرۡنَٰكُمۡ ثُمَّ قُلۡنَا لِلۡمَلَٰٓئِكَةِ ٱسۡجُدُواْ لِأٓدَمَ فَسَجَدُوٓاْ إِلَّآ إِبۡلِيسَ لَمۡ يَكُن مِّنَ ٱلسَّٰجِدِينَ ١١Uye zvirokwazvo, takava tinokusikai (baba venyu Adam) uye tikakupai chimiro (chimiro chakanaka chokuva munhu); tikabva taudza ngirozi: “Pfugamirai Adam”, uye dzikava dzinopfugama, kusara kwaIblees (Satani), akaramba kuva pane avo vakapfugama قَالَ مَا مَنَعَكَ أَلَّا تَسۡجُدَ إِذۡ أَمَرۡتُكَۖ قَالَ أَنَا۠ خَيۡرٌ مِّنۡهُ خَلَقۡتَنِي مِن نَّارٍ وَخَلَقۡتَهُۥ مِن طِينٍ ١٢(Allah) Vakati: “Chii chakukanganisa kuti usave unopfugama mushure mekunge ndakukomekedza?” Iblees akati: “Ini ndiri nani pane iye (Adam), makava munondisika kubva kumoto, uye iye mukava munomusika kubva kuvhu.” قَالَ فَٱهۡبِطۡ مِنۡهَا فَمَا يَكُونُ لَكَ أَن تَتَكَبَّرَ فِيهَا فَٱخۡرُجۡ إِنَّكَ مِنَ ٱلصَّٰغِرِينَ ١٣(Allah) Vakati: “(Iwe Iblees (Dhiyabhorosi)) Dzika pasi kubva mariri (Paradhiso), haisi kodzero yako kuti uve unozvitutumadza mariri. Chibuda, zvirokwazvo uri muboka reavo vakadzikisirwa.” قَالَ أَنظِرۡنِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ ١٤(Iblees) Akati: “Ndipei nguva kusvika zuva iro ravachamutswa (zuva rokutongwa).” قَالَ إِنَّكَ مِنَ ٱلۡمُنظَرِينَ ١٥(Allah) Vakati: “Uri mumwe weavo vachave vanopihwa nguva (yekurarama).” قَالَ فَبِمَآ أَغۡوَيۡتَنِي لَأَقۡعُدَنَّ لَهُمۡ صِرَٰطَكَ ٱلۡمُسۡتَقِيمَ ١٦Iblees (Dhiyabhorosi)) Akati: “Nokuda kwekuti maita kuti ndive akarasika, zvirokwazvo, ndichavagarira (vanhu) munzira yenyu yakatwasuka.” ثُمَّ لَأٓتِيَنَّهُم مِّنۢ بَيۡنِ أَيۡدِيهِمۡ وَمِنۡ خَلۡفِهِمۡ وَعَنۡ أَيۡمَٰنِهِمۡ وَعَن شَمَآئِلِهِمۡۖ وَلَا تَجِدُ أَكۡثَرَهُمۡ شَٰكِرِينَ ١٧“Nokudaro ndichava ndinouya kwavari kubva mberi kwavo uye mumashure mavo, kubva kurudyi kwavo uye nokuruboshwe kwavo, uye hamusi kuzowana vakawanda vavo vari avo vanotenda (havasi kuzoita basa renyu).” قَالَ ٱخۡرُجۡ مِنۡهَا مَذۡءُومًا مَّدۡحُورًاۖ لَّمَن تَبِعَكَ مِنۡهُمۡ لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنكُمۡ أَجۡمَعِينَ ١٨(Allah) Vakati (kuna Iblees): “Buda mariri (Paradhiso) uchidzikisirwa nekudzingwa. Kune uyo kubva mavari (vanhu) achakutevedzera, zvomene ndichazadza Gehena nemi mose.” وَيَٰٓـَٔادَمُ ٱسۡكُنۡ أَنتَ وَزَوۡجُكَ ٱلۡجَنَّةَ فَكُلَا مِنۡ حَيۡثُ شِئۡتُمَا وَلَا تَقۡرَبَا هَٰذِهِ ٱلشَّجَرَةَ فَتَكُونَا مِنَ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٩“Uye iwe Adam! Gara iwe nomukadzi wako muParadhiso, uye modya zvamunoda mariri, asi musave munosvika pedyo nomuti uyu munozova vamwe vevatadzi.” فَوَسۡوَسَ لَهُمَا ٱلشَّيۡطَٰنُ لِيُبۡدِيَ لَهُمَا مَا وُۥرِيَ عَنۡهُمَا مِن سَوۡءَٰتِهِمَا وَقَالَ مَا نَهَىٰكُمَا رَبُّكُمَا عَنۡ هَٰذِهِ ٱلشَّجَرَةِ إِلَّآ أَن تَكُونَا مَلَكَيۡنِ أَوۡ تَكُونَا مِنَ ٱلۡخَٰلِدِينَ ٢٠Iblees (Satani) akabva azevezera mavari kuti avabuditsire pachena zvakavanzwa kwavari kubva kunhengo dzavo dzakavandika; (Satani) akati: “Tenzi venyu havana kukurambidzai muti uyu kusara kwekuti munozoita ngirozi kana kuti hamuzofi zvachose.” وَقَاسَمَهُمَآ إِنِّي لَكُمَا لَمِنَ ٱلنَّٰصِحِينَ ٢١Uye (Satani) akapika naAllah kwavari (achiti): “Zvirokwazvo, ndiri mumwe weavo vanokushuvirai rombo rakanaka.” فَدَلَّىٰهُمَا بِغُرُورٍۚ فَلَمَّا ذَاقَا ٱلشَّجَرَةَ بَدَتۡ لَهُمَا سَوۡءَٰتُهُمَا وَطَفِقَا يَخۡصِفَانِ عَلَيۡهِمَا مِن وَرَقِ ٱلۡجَنَّةِۖ وَنَادَىٰهُمَا رَبُّهُمَآ أَلَمۡ أَنۡهَكُمَا عَن تِلۡكُمَا ٱلشَّجَرَةِ وَأَقُل لَّكُمَآ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ لَكُمَا عَدُوٌّ مُّبِينٌ ٢٢Nokudaro akavabvisa mugwara (raAllah) nenyengedzo. Pavakangoravira muti uyu, izvo zvakanga zvakavandika pamuviri yavo (nhengo dzakavandika) zvakabva zvabuda pachena kwavari, vachibva vatanga kuzvivanza nemashizha emuParadhiso. Uye Tenzi vavo vakava vanodeedzera kwavari (vachiti): “Handina here kukurambidzai muti uyu ndikakuudzai kuti: ‘Zvirokwazvo Satani muvengi ari pachena kwamuri?’” قَالَا رَبَّنَا ظَلَمۡنَآ أَنفُسَنَا وَإِن لَّمۡ تَغۡفِرۡ لَنَا وَتَرۡحَمۡنَا لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٢٣Vakati (Adam naHawwa (Evha)): “Tenzi vedu! Tava tinozvikanganisira pachezvedu. Mukasatiregerera mova munoisa tsitsi dzenyu patiri, zvirokwazvo, tichave vamwe veavo vakarasikirwa.” قَالَ ٱهۡبِطُواْ بَعۡضُكُمۡ لِبَعۡضٍ عَدُوٌّۖ وَلَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُسۡتَقَرٌّ وَمَتَٰعٌ إِلَىٰ حِينٍ ٢٤(Allah) Vakati: “Dzikai pasi, mumwe ari muvengi wemumwe (Adam, Hawwa (Evha), naSatani). Pasi ndipo pachava nzvimbo yenyu yekugara uye yemafaro kwenguva diki.” قَالَ فِيهَا تَحۡيَوۡنَ وَفِيهَا تَمُوتُونَ وَمِنۡهَا تُخۡرَجُونَ ٢٥(Allah) Vakati: “Muchagara imomo (pasi rino), uye mariri ndimo mamuchafira, uye mariri ndimo mamuchamutsirwa (zuva rekutongwa).” يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ قَدۡ أَنزَلۡنَا عَلَيۡكُمۡ لِبَاسًا يُوَٰرِي سَوۡءَٰتِكُمۡ وَرِيشًاۖ وَلِبَاسُ ٱلتَّقۡوَىٰ ذَٰلِكَ خَيۡرٌۚ ذَٰلِكَ مِنۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ لَعَلَّهُمۡ يَذَّكَّرُونَ ٢٦Imi vana vaAdam! Takava tinodzikisa mbatya kwamuri kuti muve munovanza nhengo dzenyu uye seshongedzo, uye mbatya dzine huremu (kutya Allah), idzo ndidzo dzakanaka. Izvi zviratidzo zvaAllah kuti vangangorangarira (vosiya mabasa akaipa uye votevedzera chokwadi) يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ لَا يَفۡتِنَنَّكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ كَمَآ أَخۡرَجَ أَبَوَيۡكُم مِّنَ ٱلۡجَنَّةِ يَنزِعُ عَنۡهُمَا لِبَاسَهُمَا لِيُرِيَهُمَا سَوۡءَٰتِهِمَآۚ إِنَّهُۥ يَرَىٰكُمۡ هُوَ وَقَبِيلُهُۥ مِنۡ حَيۡثُ لَا تَرَوۡنَهُمۡۗ إِنَّا جَعَلۡنَا ٱلشَّيَٰطِينَ أَوۡلِيَآءَ لِلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ ٢٧Imi vana vaAdam! Musave munoita kuti Shaitwaan (Satani) akunyengedzei, sekubuditsa kwaakaita vabereki venyu (Adam naHawwa (Evha)) muParadhiso, achivabvisa mbatya dzavo, kuti avaratidze nhengo dzavo dzakavandika. Zvirokwazvo, iye nedzinza rake vanokuonai vari kwamusingakwanise kuvaona. Zvirokwazvo, takaita kuti vanaDhiyabhorosi vave shamwari dzeavo vasingatendi وَإِذَا فَعَلُواْ فَٰحِشَةً قَالُواْ وَجَدۡنَا عَلَيۡهَآ ءَابَآءَنَا وَٱللَّهُ أَمَرَنَا بِهَاۗ قُلۡ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَأۡمُرُ بِٱلۡفَحۡشَآءِۖ أَتَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٢٨Uye kana vachinge vaita Al-Faahishah (zvinonyadzisa, kutenderera Ka’bah vasina kupfeka, uye hupombwe) vanoti: “Takaona madzibaba edu achizviita, uye Allah vakazvikomekedza kwatiri.” Iti: “Zvirokwazvo, (Allah) havambokomekedzi Faahishah (zvinonyadzisa). Munotaura here pamusoro paAllah zvamusingazive?” قُلۡ أَمَرَ رَبِّي بِٱلۡقِسۡطِۖ وَأَقِيمُواْ وُجُوهَكُمۡ عِندَ كُلِّ مَسۡجِدٍ وَٱدۡعُوهُ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَۚ كَمَا بَدَأَكُمۡ تَعُودُونَ ٢٩Iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vakava vanokomekedza ruenzaniso uye (vakati) munofanira kutarisa ivo chete munzvimbo yose yekunamatira muminamato, uye mova munovakumbira (Allah) muchiita chitendero chavo chete. Sekukusikai kwavakaita pakutanga, muchava munodzoka kuupenyu (Pazuva Rekutongwa).” فَرِيقًا هَدَىٰ وَفَرِيقًا حَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلضَّلَٰلَةُۚ إِنَّهُمُ ٱتَّخَذُواْ ٱلشَّيَٰطِينَ أَوۡلِيَآءَ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُم مُّهۡتَدُونَ ٣٠Vakatungamira boka, uye rimwe boka raikodzera kurasika; (nokuda kwekuti) zvirokwazvo vakatora vanaDhiyabhorosi sevabatsiri kunze kwaAllah, uye vanofunga kuti vakatungamirirwa ۞ يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ خُذُواْ زِينَتَكُمۡ عِندَ كُلِّ مَسۡجِدٍ وَكُلُواْ وَٱشۡرَبُواْ وَلَا تُسۡرِفُوٓاْۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُسۡرِفِينَ ٣١Imi vana vaAdam! Zvishongedzei (nekupfeka mbatya dzakachena) panzvimbo yose yokunamatira, uye idyai nekunwa uye musave munoshandisa (hupfumi) zvakapfurikidza (kutambisa), zvirokwazvo (Allah) havadi avo vanoshandisa (hupfumi) zvakapfurikidza قُلۡ مَنۡ حَرَّمَ زِينَةَ ٱللَّهِ ٱلَّتِيٓ أَخۡرَجَ لِعِبَادِهِۦ وَٱلطَّيِّبَٰتِ مِنَ ٱلرِّزۡقِۚ قُلۡ هِيَ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا خَالِصَةً يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٍ يَعۡلَمُونَ ٣٢Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiani akarambidza kuzvishongedza nembatya dzakapihwa naAllah, dzavakagadzirira varanda vavo, uye zvakachena kubva kuchikafu?” Iti: “Ndezve avo vanotenda muupenyu hwepano pasi, uye zvichange zviri zvavo chete (vanotenda) pazuva rokumutswa.” Saizvozvo tinotsanangura maAyaat (mitemo yeIslaam) zvizere kune avo vane ruzivo قُلۡ إِنَّمَا حَرَّمَ رَبِّيَ ٱلۡفَوَٰحِشَ مَا ظَهَرَ مِنۡهَا وَمَا بَطَنَ وَٱلۡإِثۡمَ وَٱلۡبَغۡيَ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَأَن تُشۡرِكُواْ بِٱللَّهِ مَا لَمۡ يُنَزِّلۡ بِهِۦ سُلۡطَٰنًا وَأَن تَقُولُواْ عَلَى ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٣٣Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakarambidza Al-Fawaahish (Zvinonyadzisa) kunyangwe zvichiitwa pachena kana pakavandika, zvivi (zvemhando dzose), udzvanyiriri usina kodzero, kusanganisa Allah (mukunamata) nezvimwe zvisikwa zvavasina kupa mvumo, uye kutaura pamusoro paAllah zvamusina ruzivo nazvo.” وَلِكُلِّ أُمَّةٍ أَجَلٌۖ فَإِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ لَا يَسۡتَأۡخِرُونَ سَاعَةً وَلَا يَسۡتَقۡدِمُونَ ٣٤Uye boka rose rine nguva yaro yakatarwa; uye kana nguva yaro ichinge yasvika, (Allah) havamboinonotsa kana kuiwedzera neawa (kana kanguva kadiki) يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ إِمَّا يَأۡتِيَنَّكُمۡ رُسُلٌ مِّنكُمۡ يَقُصُّونَ عَلَيۡكُمۡ ءَايَٰتِي فَمَنِ ٱتَّقَىٰ وَأَصۡلَحَ فَلَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ ٣٥Imi vana vaAdam! Kana vatumwa vachinge vauya kwamuri kubva mamuri, vachikuverengerai ndima dzangu, uye kune uyo anotya (Allah) uye oita mabasa akanaka, kwavari kuchange kusina kutya kana kusuruvara وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَٱسۡتَكۡبَرُواْ عَنۡهَآ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٣٦Asi avo vanoramba zviratidzo zvedu uye vozvitutumadza mazviri, ivavo ndivo vagari vekumoto, vachagara imomo zvachose فَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا أَوۡ كَذَّبَ بِـَٔايَٰتِهِۦٓۚ أُوْلَٰٓئِكَ يَنَالُهُمۡ نَصِيبُهُم مِّنَ ٱلۡكِتَٰبِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُنَا يَتَوَفَّوۡنَهُمۡ قَالُوٓاْ أَيۡنَ مَا كُنتُمۡ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِۖ قَالُواْ ضَلُّواْ عَنَّا وَشَهِدُواْ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَنَّهُمۡ كَانُواْ كَٰفِرِينَ ٣٧Ndeupi anonyanyodzvinyirira pane uyo anogadzira manyepo pamusoro paAllah kana anoramba zviratidzo zvavo? Ivavo vachawana chidimbu chavo chakatarwa (zvakanaka zvehupenyu hwepasi rino) kubva muBhuku, kusvikira vatumwa vedu (ngirozi yerufu nevabatsiri vayo) vauya kwavari kuzotora mweya yavo, dzichati (ngirozi): “Ko varipi avo vamaikumbira nekunamata kunze kwaAllah?” Vachapindura vachiti: “Vatsakatika kwatiri.” Uye vachava vanozvipupurira pachezvavo, kuti zvirokwazvo vakanga vasiri vatendi قَالَ ٱدۡخُلُواْ فِيٓ أُمَمٍ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِكُم مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ فِي ٱلنَّارِۖ كُلَّمَا دَخَلَتۡ أُمَّةٌ لَّعَنَتۡ أُخۡتَهَاۖ حَتَّىٰٓ إِذَا ٱدَّارَكُواْ فِيهَا جَمِيعًا قَالَتۡ أُخۡرَىٰهُمۡ لِأُولَىٰهُمۡ رَبَّنَا هَٰٓؤُلَآءِ أَضَلُّونَا فَـَٔاتِهِمۡ عَذَابًا ضِعۡفًا مِّنَ ٱلنَّارِۖ قَالَ لِكُلٍّ ضِعۡفٌ وَلَٰكِن لَّا تَعۡلَمُونَ ٣٨(Allah) Vachati: “Pindai muzvikwata zvemapoka evakanga varipo musati mavepo evanhu neJinn mumoto.” Pose panopinda boka idzva, richatuka rimwe raro rakapfuura, kusvika vaunganidzwa vose mumoto. Vekupedzisira vavo vachati kune vekutanga vavo: “Tenzi vedu! Ava ndivo vakatirasisa, naizvozvo vapei mutongo wakapetwa kaviri kubva kumoto.” Vachati (Allah): “Umwe neumwe ane (mutongo) wakapetwa kaviri asi hamuzivi.” وَقَالَتۡ أُولَىٰهُمۡ لِأُخۡرَىٰهُمۡ فَمَا كَانَ لَكُمۡ عَلَيۡنَا مِن فَضۡلٍ فَذُوقُواْ ٱلۡعَذَابَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡسِبُونَ ٣٩Vekutanga vavo vachati kune vekupedzisira vavo: “Makanga musiri nani panesu, naizvozvo ravirai mutongo nokuda kwezvamaiwana.” إِنَّ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَٱسۡتَكۡبَرُواْ عَنۡهَا لَا تُفَتَّحُ لَهُمۡ أَبۡوَٰبُ ٱلسَّمَآءِ وَلَا يَدۡخُلُونَ ٱلۡجَنَّةَ حَتَّىٰ يَلِجَ ٱلۡجَمَلُ فِي سَمِّ ٱلۡخِيَاطِۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُجۡرِمِينَ ٤٠Zvirokwazvo, avo vanoramba zviratidzo zvedu uye vozvitutumadza mazviri, havazombozarurirwi misuwo yekudenga, uye havazombopindi Paradhiso kusvikira ngamera yapinda nepaburi retsono (izvo zvisingaitiki). Saizvozvo tinobhadhara vatadzi لَهُم مِّن جَهَنَّمَ مِهَادٌ وَمِن فَوۡقِهِمۡ غَوَاشٍۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلظَّٰلِمِينَ ٤١Vachave nemubhedha wemoto, uye pamusoro pavo pachave nezvifukidzo zvemoto. Saizvozvo tinobhadhara vanoita mabasa akaipa وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ لَا نُكَلِّفُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَآ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٤٢Asi avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye voita mabasa akanaka, hatipi munhu mutoro kusara kwewaanokwanisa kutakura, ivavo vachava vagari vekuParadhiso. Vachagara imomo zvachose وَنَزَعۡنَا مَا فِي صُدُورِهِم مِّنۡ غِلٍّ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهِمُ ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ وَقَالُواْ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي هَدَىٰنَا لِهَٰذَا وَمَا كُنَّا لِنَهۡتَدِيَ لَوۡلَآ أَنۡ هَدَىٰنَا ٱللَّهُۖ لَقَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُ رَبِّنَا بِٱلۡحَقِّۖ وَنُودُوٓاْ أَن تِلۡكُمُ ٱلۡجَنَّةُ أُورِثۡتُمُوهَا بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٤٣Uye tichabvisa ruvengo mumoyo yavo (rwavakanga vainaro muhupenyu hwepano pasi); nzizi dzichiyerera pasi pavo, uye vachati: “Kurumbidzwa nekutenda kwose ngakuve kuna Allah, avo vakatitungamirira kune izvi, tingadai tisina kuwana nhungamiro, dai Allah vasina kutitungamirira! Zvirokwazvo, vatumwa vaTenzi vedu vakava vanouya nechokwadi.” Uye zvichave zvinoshevedzerwa kwavari: “Iri ndiro Paradhiso ramuchagara senhaka nokuda kweizvo zvamaiita.” وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ أَصۡحَٰبَ ٱلنَّارِ أَن قَدۡ وَجَدۡنَا مَا وَعَدَنَا رَبُّنَا حَقًّا فَهَلۡ وَجَدتُّم مَّا وَعَدَ رَبُّكُمۡ حَقًّاۖ قَالُواْ نَعَمۡۚ فَأَذَّنَ مُؤَذِّنُۢ بَيۡنَهُمۡ أَن لَّعۡنَةُ ٱللَّهِ عَلَى ٱلظَّٰلِمِينَ ٤٤Uye vagari vemuParadhiso vachashevedzera kune vagari vemumoto (vachiti): “Tave tinowana zviri chokwadi izvo Tenzi vedu zvavakativimbisa; mave munowana zviri chokwadi here izvo Tenzi venyu zvavakakuvimbisai?” Vachati (vagari vemumoto): “Hongu.” Nokudaro mushevedzeri pakati pavo achashevedzera: “Kurengera kwaAllah kuri pane vatadzi.” ٱلَّذِينَ يَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَيَبۡغُونَهَا عِوَجًا وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ كَٰفِرُونَ ٤٥Avo vaidzivirira (vanhu) kubva munzira yaAllah, uye vachitsvaga nzira dzokuiipisa, uye vakanga vasingatendi muhupenyu hunotevera وَبَيۡنَهُمَا حِجَابٌۚ وَعَلَى ٱلۡأَعۡرَافِ رِجَالٌ يَعۡرِفُونَ كُلَّۢا بِسِيمَىٰهُمۡۚ وَنَادَوۡاْ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ أَن سَلَٰمٌ عَلَيۡكُمۡۚ لَمۡ يَدۡخُلُوهَا وَهُمۡ يَطۡمَعُونَ ٤٦Uye pakati pavo pachava nemupingo (Hijaab) uye paAl-A’raaf (pamudhuri murefu refu) pachange pane vanhu (mabasa avo akanaka neakaipa achange akaenzana pachikero), vachange vachiziva vose (vagari vemuParadhiso uye vemumoto) nenharidzo dzavo (vagari vekuParadhiso nezviso zvavo zvakachena, uye vagari vekumoto nezviso zvavo zvakasviba). Uye vachashevedzera kuvagari vekuParadhsio vachiti: “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri)”, uye panguva iyoyo ivo (vanhu vepamudhuri murefu) vanenge vasati varipinda (Paradhiso), asi vaine tarisiro yokuripinda ۞ وَإِذَا صُرِفَتۡ أَبۡصَٰرُهُمۡ تِلۡقَآءَ أَصۡحَٰبِ ٱلنَّارِ قَالُواْ رَبَّنَا لَا تَجۡعَلۡنَا مَعَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٤٧Uye maziso avo paacharatidzwa kuvagari vekumoto, vachati: “Tenzi vedu! Musave munotiisa pamwechete nevatadzi.” وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلۡأَعۡرَافِ رِجَالًا يَعۡرِفُونَهُم بِسِيمَىٰهُمۡ قَالُواْ مَآ أَغۡنَىٰ عَنكُمۡ جَمۡعُكُمۡ وَمَا كُنتُمۡ تَسۡتَكۡبِرُونَ ٤٨Uye vanhu vepaAl-A’raaf (mudhuri murefu) vachashevedzera kune vanhu vavachaziva nokuda kwenharidzo dzavo vachiti: “Chii chamawana nohuwandu hwenyu (uye nehupfumi wakawanda), uye nokuzvitutumadza kwenyu?” أَهَٰٓؤُلَآءِ ٱلَّذِينَ أَقۡسَمۡتُمۡ لَا يَنَالُهُمُ ٱللَّهُ بِرَحۡمَةٍۚ ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ لَا خَوۡفٌ عَلَيۡكُمۡ وَلَآ أَنتُمۡ تَحۡزَنُونَ ٤٩Ndivo here, avo veavo vamaipikira kuti Allah havasi kuzovaratidza tsitsi? (Tarisai! Zvakanzi kwavari): “Pindai muParadhiso, hapana kutya kuchave kwamuri, kana kubatikana.” وَنَادَىٰٓ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ أَنۡ أَفِيضُواْ عَلَيۡنَا مِنَ ٱلۡمَآءِ أَوۡ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُۚ قَالُوٓاْ إِنَّ ٱللَّهَ حَرَّمَهُمَا عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ ٥٠Uye vagari vekumoto vachashevedzera kuvagari vekuParadhsio: “Dirai mvura matiri kana chii zvacho chamakapihwa naAllah.” Vachati (vagari vemuParadhiso): “Zvirokwazvo, Allah vakave vanozvirambidza kune avo vasingatendi.” ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ دِينَهُمۡ لَهۡوًا وَلَعِبًا وَغَرَّتۡهُمُ ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَاۚ فَٱلۡيَوۡمَ نَنسَىٰهُمۡ كَمَا نَسُواْ لِقَآءَ يَوۡمِهِمۡ هَٰذَا وَمَا كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَجۡحَدُونَ ٥١“Avo vaitora zvitendero zvavo semuvaraidzo uye sechinhu chekutamba nacho, uye hupenyu hwepano pasi hwakavanyengedza.” Naizvozvo zuva rino tichavakanganwa sekukanganwa kwavakaita kusangana kwezuva rino, uye nekuramba kwavaiita zviratidzo zvedu وَلَقَدۡ جِئۡنَٰهُم بِكِتَٰبٍ فَصَّلۡنَٰهُ عَلَىٰ عِلۡمٍ هُدًى وَرَحۡمَةً لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٥٢Zvirokwazvo, takava tinovaunzira Gwaro (Qur’aan) ratakatsanangura zvizere neruzivo, nhungamiri uye setsitsi kune vanhu vanotenda هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا تَأۡوِيلَهُۥۚ يَوۡمَ يَأۡتِي تَأۡوِيلُهُۥ يَقُولُ ٱلَّذِينَ نَسُوهُ مِن قَبۡلُ قَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُ رَبِّنَا بِٱلۡحَقِّ فَهَل لَّنَا مِن شُفَعَآءَ فَيَشۡفَعُواْ لَنَآ أَوۡ نُرَدُّ فَنَعۡمَلَ غَيۡرَ ٱلَّذِي كُنَّا نَعۡمَلُۚ قَدۡ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٥٣Pane chavangamirire here kunze kwemagumo azvo? Zuva richauya kuzadzikiswa kwemagumo, avo vaimborifuratira mushure vachati: “Zvirokwazvo, vatumwa vaTenzi vedu vakauya nechokwadi, iyezvino pane vamiriri vedu here kuti vave vanotimirira? Kana kuti tingadzorerwe here (panyika) kuti tinoita mabasa (akanaka) kwete ayo (akaipa) ataimboita?” Zvirokwazvo, vakave vanorasikirwa (vakazviparadza) pachezvavo, uye neizvo zvavaiwedzeredza (kunamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah) zvave zvinoshaika kwavari إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٍ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَ يَطۡلُبُهُۥ حَثِيثًا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ وَٱلنُّجُومَ مُسَخَّرَٰتِۭ بِأَمۡرِهِۦٓۗ أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُۗ تَبَارَكَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٥٤Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, avo vakave vanosika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakabva vazvigadza pachigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehumambo hwavo). Vanounza usiku kuti uve unofugidza masikati, uchiwatsvaga nekukurumidza, uye (vakasika) zuva, mwedzi, nyenyedzi dzichitevedzera mirairo yavo. Zvirokwazvo, ndivo muridzi wekusika nemirairo. Vakakomborerwa ndiAllah, Tenzi vepasi rose ٱدۡعُواْ رَبَّكُمۡ تَضَرُّعًا وَخُفۡيَةًۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُعۡتَدِينَ ٥٥Deedzai (namatai) Tenzi venyu zvine kuzvininipisa uye chinyararire. Havadi avo vanodarikidza mwero وَلَا تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بَعۡدَ إِصۡلَٰحِهَا وَٱدۡعُوهُ خَوۡفًا وَطَمَعًاۚ إِنَّ رَحۡمَتَ ٱللَّهِ قَرِيبٌ مِّنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٥٦Musava munoita huori panyika, mushure mekunge pagadziridzwa, uye vadaidzei (Allah) mune kutya netarisiro. Zvirokwazvo, tsitsi dzaAllah dziri pedyo peavo vanoita zvakanaka وَهُوَ ٱلَّذِي يُرۡسِلُ ٱلرِّيَٰحَ بُشۡرَۢا بَيۡنَ يَدَيۡ رَحۡمَتِهِۦۖ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَقَلَّتۡ سَحَابًا ثِقَالًا سُقۡنَٰهُ لِبَلَدٍ مَّيِّتٍ فَأَنزَلۡنَا بِهِ ٱلۡمَآءَ فَأَخۡرَجۡنَا بِهِۦ مِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِۚ كَذَٰلِكَ نُخۡرِجُ ٱلۡمَوۡتَىٰ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ ٥٧Zvirokwazvo, ndivo vanotumira mhepo ichiratidza rombo ranaka pamberi petsitsi dzavo (mvura). Kusvikira yatakura makore akaremerwa (nemvura), tinowatumira kune nzvimbo iyo yakaoma, uye tinokonzera mvura kuti ive inodzika ikoko. Uye tinoburitsa nayo (mvura) mhando yese yemichero. Saizvozvo tichave tinomutsa avo vakafa, kuti mungava munorangarira وَٱلۡبَلَدُ ٱلطَّيِّبُ يَخۡرُجُ نَبَاتُهُۥ بِإِذۡنِ رَبِّهِۦۖ وَٱلَّذِي خَبُثَ لَا يَخۡرُجُ إِلَّا نَكِدًاۚ كَذَٰلِكَ نُصَرِّفُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٍ يَشۡكُرُونَ ٥٨Uye ivhu rakanaka zvirimwa zvaro zvinobuda nemvumo yaTenzi wazvo; uye iro rakashata hazvibudi kusara (kwezvishoma) zvichinetseka. Kudaro tinotsanangura zviratidzo zvedu zvakawanda kune vanhu vanotenda لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحًا إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ فَقَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓ إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ٥٩Zvirokwazvo, takava tinotumira Nowa kuvanhu vake, uye akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo. Zvechokwadi ndinokutyirai mutongo wezuva guru (Qiyaamah)!” قَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِهِۦٓ إِنَّا لَنَرَىٰكَ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٦٠Vatungamiriri vevanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tinoona kuti wakarasika zviri pachena.” قَالَ يَٰقَوۡمِ لَيۡسَ بِي ضَلَٰلَةٌ وَلَٰكِنِّي رَسُولٌ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٦١(Nowa) Akati: “Imi vanhu vanhu! Hapana kurasika mandiri, asi ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose!” أُبَلِّغُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَأَنصَحُ لَكُمۡ وَأَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٦٢“Ndirikusvitsa kwamuri mashoko aTenzi vangu, uye ndichikupai yambiro yakanaka. Uye ndinoziva kubva kuna Allah izvo zvamusingazivi.” أَوَعَجِبۡتُمۡ أَن جَآءَكُمۡ ذِكۡرٌ مِّن رَّبِّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٍ مِّنكُمۡ لِيُنذِرَكُمۡ وَلِتَتَّقُواْ وَلَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ ٦٣“Munoshamiswa here kuti kwauya yeuchidzo kubva kuna Tenzi venyu kuburikidza nemurume pakati penyu, kuti akuyambirei kuti mungave munotya Allah, uye kuti zvimwe mungagamuchire nyasha dzavo?” فَكَذَّبُوهُ فَأَنجَيۡنَٰهُ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥ فِي ٱلۡفُلۡكِ وَأَغۡرَقۡنَا ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمًا عَمِينَ ٦٤Asi vakamuramba, saka takamununura pamwechete neavo vaiva naye mungarava, uye takanyudza (mumvura) avo vakaramba zviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, vakanga vari mapofu ۞ وَإِلَىٰ عَادٍ أَخَاهُمۡ هُودًاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ ٦٥Uye kumaAad takatumira mukoma wavo Hud. Akati (Hud): “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Ko hamutyi (Allah) here?” قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦٓ إِنَّا لَنَرَىٰكَ فِي سَفَاهَةٍ وَإِنَّا لَنَظُنُّكَ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ ٦٦Vatungamiriri veavo vaisatenda kubva kuvanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tinokuona uri muurema (ubenzi), uye zvirokwazvo, tinofunga kuti uri mumwe wevanyepi.” قَالَ يَٰقَوۡمِ لَيۡسَ بِي سَفَاهَةٌ وَلَٰكِنِّي رَسُولٌ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٦٧(Hud) Akati: “Imi vanhu vanhu! Hamuna urema mandiri, asi ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose.” أُبَلِّغُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَأَنَا۠ لَكُمۡ نَاصِحٌ أَمِينٌ ٦٨“Ndirikusvitsa kwamuri mashoko aTenzi vangu, uye ndiri muyambiri akavimbika kwamuri.” أَوَعَجِبۡتُمۡ أَن جَآءَكُمۡ ذِكۡرٌ مِّن رَّبِّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٍ مِّنكُمۡ لِيُنذِرَكُمۡۚ وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ جَعَلَكُمۡ خُلَفَآءَ مِنۢ بَعۡدِ قَوۡمِ نُوحٍ وَزَادَكُمۡ فِي ٱلۡخَلۡقِ بَصۜۡطَةًۖ فَٱذۡكُرُوٓاْ ءَالَآءَ ٱللَّهِ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ ٦٩“Munoshamiswa here kuti kwauya yeuchidzo kwamuri kubva kuna Tenzi venyu kuburikidza nemurume pakati penyu kuti akuyambirei? Uye yeukai kuti (Allah) vakakuitai vatevedzeri mushure mevanhu vaNowa, uye vakakuwedzerai muzvimiro. Naizvozvo rangarirai nyasha dzaAllah kuti muve munobudirira.” قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا لِنَعۡبُدَ ٱللَّهَ وَحۡدَهُۥ وَنَذَرَ مَا كَانَ يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَا فَأۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٧٠Vakati: “Wauya kwatiri kuti tive tinonamata Allah voga uye tosiya izvo zvainamatwa nemadzibaba edu here? Saka tiunzire izvo zvauri kutivimbisa kana uri mumwe wevanotaura chokwadi.” قَالَ قَدۡ وَقَعَ عَلَيۡكُم مِّن رَّبِّكُمۡ رِجۡسٌ وَغَضَبٌۖ أَتُجَٰدِلُونَنِي فِيٓ أَسۡمَآءٍ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّا نَزَّلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍۚ فَٱنتَظِرُوٓاْ إِنِّي مَعَكُم مِّنَ ٱلۡمُنتَظِرِينَ ٧١(Hud) Akati: “Marwadzo uye kutsamwa kwave kunokuwirai kubva kuna Tenzi venyu. Munopokana neni here pamusoro pemazita amakadoma, imi nemadzibaba enyu, zvisina mvumo kubva kuna Allah? Naizvozvo mirirai, ndinemi pane avo vanomirira.” فَأَنجَيۡنَٰهُ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥ بِرَحۡمَةٍ مِّنَّا وَقَطَعۡنَا دَابِرَ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَاۖ وَمَا كَانُواْ مُؤۡمِنِينَ ٧٢Naizvozvo takamununura pamwechete neavo vaiva naye nokuda kwetsitsi kubva kwatiri, uye takadambura midzi yeavo vairamba zviratidzo zvedu, uye vakanga vasiri vatendi وَإِلَىٰ ثَمُودَ أَخَاهُمۡ صَٰلِحًاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٌ مِّن رَّبِّكُمۡۖ هَٰذِهِۦ نَاقَةُ ٱللَّهِ لَكُمۡ ءَايَةًۖ فَذَرُوهَا تَأۡكُلۡ فِيٓ أَرۡضِ ٱللَّهِۖ وَلَا تَمَسُّوهَا بِسُوٓءٍ فَيَأۡخُذَكُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٧٣Uye kumaThamood, takava tinotumira mukoma wavo Swaalih. Akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, kwave kunouya kwamuri chiratidzo chiri pachena (kubuda kwengamera hombe kubva mugomo) kubva kuna Tenzi venyu. Ngamera hadzi iyi yaAllah chiratidzo kwamuri. Nokudaro iregei ichifura munyika yaAllah, uye hamufaniri kuikanganisa, kana kuti mungangowanikwa nomutongo mukuru.” وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ جَعَلَكُمۡ خُلَفَآءَ مِنۢ بَعۡدِ عَادٍ وَبَوَّأَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ تَتَّخِذُونَ مِن سُهُولِهَا قُصُورًا وَتَنۡحِتُونَ ٱلۡجِبَالَ بُيُوتًاۖ فَٱذۡكُرُوٓاْ ءَالَآءَ ٱللَّهِ وَلَا تَعۡثَوۡاْ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُفۡسِدِينَ ٧٤“Uye rangarirai pavakakuitai vatevedzeri mushure memaAad (vanhu verudzi rwemaAad) uye vakakupai pekugara munyika, mukava munovaka dzimba mumabani, uye mukagadzira dzimba mumakomo. Naizvozvo rangarirai nyasha dzaAllah (makomborero aAllah), uye musave munotenderera muchikonzera huori panyika.” قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لِلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُواْ لِمَنۡ ءَامَنَ مِنۡهُمۡ أَتَعۡلَمُونَ أَنَّ صَٰلِحًا مُّرۡسَلٌ مِّن رَّبِّهِۦۚ قَالُوٓاْ إِنَّا بِمَآ أُرۡسِلَ بِهِۦ مُؤۡمِنُونَ ٧٥Vatungamiriri veavo vakanga vachizvitutumadza kubva muvanhu vake vakati kune avo vainge vasina simba, kune avo vaitenda: “Munozviziva here kuti Swaalih ave anotumwa naTenzi vake?” Vakati: “Zvirokwazvo, tinotenda muneizvo zvaakatumwa nazvo.” قَالَ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُوٓاْ إِنَّا بِٱلَّذِيٓ ءَامَنتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ ٧٦Avo vaizvitutumadza vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi mune izvo zvamuri kutenda mazviri.” فَعَقَرُواْ ٱلنَّاقَةَ وَعَتَوۡاْ عَنۡ أَمۡرِ رَبِّهِمۡ وَقَالُواْ يَٰصَٰلِحُ ٱئۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٧٧Naizvozvo vakave vanouraya ngamera hadzi iya, uye (nokuda kwekushaya hunhu) vakatyora mirairo yaTenzi vavo, uye vakati: “Iwe Swaalih! Chiunza izvo zvawaitivimbisa kana uri muzvirokwazvo mutumwa (hwaAllah).” فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دَارِهِمۡ جَٰثِمِينَ ٧٨Naizvozvo kundengendeka kwenyika kwakavabata, vakasiiwa vakatambarara vakapfugama mudzimba dzavo (misoro yavo yakatarisa pasi) فَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَٰقَوۡمِ لَقَدۡ أَبۡلَغۡتُكُمۡ رِسَالَةَ رَبِّي وَنَصَحۡتُ لَكُمۡ وَلَٰكِن لَّا تُحِبُّونَ ٱلنَّٰصِحِينَ ٧٩Nokudaro (Swaalih) akavafuratira, uye akati: “Imi vanhu vangu! Ndakave ndinosvitsa mashoko aTenzi vangu kwamuri, uye ndikakupai yambiro yakanaka asi hamudi vanoyambira zvakanaka.” وَلُوطًا إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦٓ أَتَأۡتُونَ ٱلۡفَٰحِشَةَ مَا سَبَقَكُم بِهَا مِنۡ أَحَدٍ مِّنَ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٨٠Uye (rangarirai) Loti, paakati kuvanhu vake: “Munoita here chitadzo chakaipisisa chisina kumboitwa mushure menyu nani zvake pasi rose?” إِنَّكُمۡ لَتَأۡتُونَ ٱلرِّجَالَ شَهۡوَةً مِّن دُونِ ٱلنِّسَآءِۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٌ مُّسۡرِفُونَ ٨١“Zvirokwazvo, munopedzera shungu dzenyu kuvarume (pabonde) muchisiya vakadzi. Saka muri vanhu vanodarikidza mwero.” وَمَا كَانَ جَوَابَ قَوۡمِهِۦٓ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ أَخۡرِجُوهُم مِّن قَرۡيَتِكُمۡۖ إِنَّهُمۡ أُنَاسٌ يَتَطَهَّرُونَ ٨٢Uye havana mhinduro yavakapa kusara kwekuti: “Vaburitsei muguta renyu, zvirokwazvo, ava vanhu vanoda kuzvichenura (kubva muzvitadzo)!” فَأَنجَيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ إِلَّا ٱمۡرَأَتَهُۥ كَانَتۡ مِنَ ٱلۡغَٰبِرِينَ ٨٣Naizvozvo, takamuchengetedza iye nemhuri yake, kusara kwemukadzi wake, akanga ari mumwe weavo vakasara (vachipihwa mutongo) وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِم مَّطَرًاۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ٨٤Uye takava tinonaisa kwavari mvura (yematombo). Naizvozvo cherechedzai kuti akange akaita sei magumo evapari vemhosva (vatadzi) وَإِلَىٰ مَدۡيَنَ أَخَاهُمۡ شُعَيۡبًاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ قَدۡ جَآءَتۡكُم بَيِّنَةٌ مِّن رَّبِّكُمۡۖ فَأَوۡفُواْ ٱلۡكَيۡلَ وَٱلۡمِيزَانَ وَلَا تَبۡخَسُواْ ٱلنَّاسَ أَشۡيَآءَهُمۡ وَلَا تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بَعۡدَ إِصۡلَٰحِهَاۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٌ لَّكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ ٨٥Uye ku (vanhu veku) Madyan, takava tinotumira mukoma wavo Shuaib. Akati kwavari: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo (Allah). Zvirokwazvo, humboo huri pachena hwave hunouya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo ipai chiero chakakwana uye neuremu hwakakwana, uye musave munokanganisira vanhu muzvinhu zvavo, uye musave munokonzeresa zvakaipa munyika mushure mekunge yagadziriswa, izvi zvinova zvakanaka kwamuri kana muri vatendi.” وَلَا تَقۡعُدُواْ بِكُلِّ صِرَٰطٍ تُوعِدُونَ وَتَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ مَنۡ ءَامَنَ بِهِۦ وَتَبۡغُونَهَا عِوَجًاۚ وَٱذۡكُرُوٓاْ إِذۡ كُنتُمۡ قَلِيلًا فَكَثَّرَكُمۡۖ وَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ٨٦“Uye musava munogara munzira dzose, mutyityidzira uye muchidzivirira kubva munzira yaAllah avo vanotenda mavari, uye muchitsvaga nzira dzokuiipisa. Uye rangarirai pamakanga muri vashoma, uye vakakuitai kuti muwande. Uye cherechedzai kuti akange akaita sei magumo eavo vaiita huori (zvakaipa, mhirizhonga).” وَإِن كَانَ طَآئِفَةٌ مِّنكُمۡ ءَامَنُواْ بِٱلَّذِيٓ أُرۡسِلۡتُ بِهِۦ وَطَآئِفَةٌ لَّمۡ يُؤۡمِنُواْ فَٱصۡبِرُواْ حَتَّىٰ يَحۡكُمَ ٱللَّهُ بَيۡنَنَاۚ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلۡحَٰكِمِينَ ٨٧“Uye kana paine boka pakati penyu rinotenda mune izvo zvandakatumwa uye neiro risingatendi, naizvozvo ivai munotsungirira kusvika Allah vave vanotonga pakati pedu, uye ndivo mutongi wepamusoro-soro.”

Juz 9

۞ قَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لَنُخۡرِجَنَّكَ يَٰشُعَيۡبُ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَكَ مِن قَرۡيَتِنَآ أَوۡ لَتَعُودُنَّ فِي مِلَّتِنَاۚ قَالَ أَوَلَوۡ كُنَّا كَٰرِهِينَ ٨٨Madzimambo eavo vaizvitutumadza kubva muvanhu vake vakati: “Zvirokwazvo, tichakudzinga, iwe Shuaib, pamwechete neavo vakatenda newe kubva mudhorobha redu, kana kuti zvirokwazvo muchava munodzokera kuchitendero chedu.” Akati: “Kunyange tichizvivenga?” قَدِ ٱفۡتَرَيۡنَا عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا إِنۡ عُدۡنَا فِي مِلَّتِكُم بَعۡدَ إِذۡ نَجَّىٰنَا ٱللَّهُ مِنۡهَاۚ وَمَا يَكُونُ لَنَآ أَن نَّعُودَ فِيهَآ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُ رَبُّنَاۚ وَسِعَ رَبُّنَا كُلَّ شَيۡءٍ عِلۡمًاۚ عَلَى ٱللَّهِ تَوَكَّلۡنَاۚ رَبَّنَا ٱفۡتَحۡ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَ قَوۡمِنَا بِٱلۡحَقِّ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡفَٰتِحِينَ ٨٩“Zvirokwazvo tinenge tagadzira manyepo pamusoro paAllah kana tikadzokera kuchitendero chenyu, mushure mekunge Allah vatinunura kubva machiri (chitendero). Uye hazvisi zvedu kuti tive tinodzokera kwachiri kunze kwekuti Allah, Tenzi vedu, vachida. Tenzi vedu vane ruzivo rwezvose (ruzivo rwavo rwunokunda zvose). Kuna Allah tinoisa vimbo yedu. Tenzi vedu! Tongai pakati pedu nevanhu vedu muchokwadi, uye muri pamusoro peavo vanopa mutongo.” وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ لَئِنِ ٱتَّبَعۡتُمۡ شُعَيۡبًا إِنَّكُمۡ إِذًا لَّخَٰسِرُونَ ٩٠Madzimambo eavo vaisatenda kubva muvanhu vake vakati (kuvanhu vavo): “Mukatevera Shuaib, zvirokwazvo, muchava vanhu vakarasikirwa!” فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دَارِهِمۡ جَٰثِمِينَ ٩١Naizvozvo kundengendeka kwenyika kwakavabata vakasiiwa vakatambarara vakapfugama mudzimba dzavo (misoro yavo yakatarisa pasi) ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ شُعَيۡبًا كَأَن لَّمۡ يَغۡنَوۡاْ فِيهَاۚ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ شُعَيۡبًا كَانُواْ هُمُ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٩٢Avo vakaramba Shuaib, vakaita sekunge havana kunge vagara imomo (mudzimba dzavo). Avo vakaramba Shuaib vakave vanhu vakarasikirwa فَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَٰقَوۡمِ لَقَدۡ أَبۡلَغۡتُكُمۡ رِسَٰلَٰتِ رَبِّي وَنَصَحۡتُ لَكُمۡۖ فَكَيۡفَ ءَاسَىٰ عَلَىٰ قَوۡمٍ كَٰفِرِينَ ٩٣Zvakare (Shuaib) akavafuratira, uye akati: “Imi vanhu vangu! Ndakave zvirokwazvo ndinosvitsa mashoko aTenzi vangu kwamuri uye ndakave ndinokuyambirai. Naizvozvo ndingashushikane sei neavo vanhu vasingatendi.” وَمَآ أَرۡسَلۡنَا فِي قَرۡيَةٍ مِّن نَّبِيٍّ إِلَّآ أَخَذۡنَآ أَهۡلَهَا بِٱلۡبَأۡسَآءِ وَٱلضَّرَّآءِ لَعَلَّهُمۡ يَضَّرَّعُونَ ٩٤Uye hatina kutumira muporofita kudhorobha ripi zvaro (vakave vanomuramba), kusara kwekuti takavaranga vanhu varo kuburikidza nenhamo yakanyanyisa uye kurasikirwa neutano, kuti zvimwe vangazvininipise pachezvavo (uye vokumbira ruregerero kuna Allah) ثُمَّ بَدَّلۡنَا مَكَانَ ٱلسَّيِّئَةِ ٱلۡحَسَنَةَ حَتَّىٰ عَفَواْ وَّقَالُواْ قَدۡ مَسَّ ءَابَآءَنَا ٱلضَّرَّآءُ وَٱلسَّرَّآءُ فَأَخَذۡنَٰهُم بَغۡتَةً وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ٩٥Mushure maizvozvo, takashandura zvakaipa kuve zvakanaka, kusvikira vawedzera muhuwandu uye neupfumi, uye vakati: “Madzibaba edu akawirwa nezvakaipa pamwechete nezvakanaka.” Naizvozvo takavaparadza vasingafungiri وَلَوۡ أَنَّ أَهۡلَ ٱلۡقُرَىٰٓ ءَامَنُواْ وَٱتَّقَوۡاْ لَفَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَرَكَٰتٍ مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَٰكِن كَذَّبُواْ فَأَخَذۡنَٰهُم بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ ٩٦Uye dai vanhu vemumadhorobha vakatenda uye nekutya (Allah), zvirokwazvo, dai takavazarurira makomborero kubva kudenga uye nepanyika, asi vakaramba (vatumwa). Nokudaro takavaranga pamusana peizvo zvavaiwana (kusatenda nezvitadzo) أَفَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا بَيَٰتًا وَهُمۡ نَآئِمُونَ ٩٧Saka vanhu vemumadhorobha vanonzwa kusununguka here kubva mukuuya kwemutongo wedu panguva dzemanheru apo pavanenge vakarara أَوَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا ضُحًى وَهُمۡ يَلۡعَبُونَ ٩٨Kana kuti vanhu vemumadhorobha vanonzwa kusununguka here kubva mukuuya kwemutongo wedu panguva dzemasikati apo pavanenge vachitamba أَفَأَمِنُواْ مَكۡرَ ٱللَّهِۚ فَلَا يَأۡمَنُ مَكۡرَ ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ ٩٩Vanonzwa kusununguka here kubva muhurongwa hwaAllah? Hapana anonzwa kusununguka kubva muhurongwa hwaAllah, kusara kweavo vanhu vakarasikirwa أَوَلَمۡ يَهۡدِ لِلَّذِينَ يَرِثُونَ ٱلۡأَرۡضَ مِنۢ بَعۡدِ أَهۡلِهَآ أَن لَّوۡ نَشَآءُ أَصَبۡنَٰهُم بِذُنُوبِهِمۡۚ وَنَطۡبَعُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ فَهُمۡ لَا يَسۡمَعُونَ ١٠٠Hazvina kujeka here kune avo vakagara nyika nhaka mushure mevanhu vayo (vaivapo ivo vasati vavapo), kuti dai taida, tingadai takavaparadza nokuda kwezvivi zvavo. Uye tikava tinovhara moyo yavo kuti vasave vanonzwa تِلۡكَ ٱلۡقُرَىٰ نَقُصُّ عَلَيۡكَ مِنۡ أَنۢبَآئِهَاۚ وَلَقَدۡ جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَمَا كَانُواْ لِيُؤۡمِنُواْ بِمَا كَذَّبُواْ مِن قَبۡلُۚ كَذَٰلِكَ يَطۡبَعُ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِ ٱلۡكَٰفِرِينَ ١٠١Ayo aiva madhorobha nyaya yavo tirikukuudza (Muhammad (SAW)). Uye zvirokwazvo, vatumwa vavo vakauya kwavari nehumboo uri pachena, asi havana kuve vanotenda mune zvavakaramba pakutanga. Saizvozvo, Allah vanovhara moyo yeavo vasingatendi وَمَا وَجَدۡنَا لِأَكۡثَرِهِم مِّنۡ عَهۡدٍۖ وَإِن وَجَدۡنَآ أَكۡثَرَهُمۡ لَفَٰسِقِينَ ١٠٢Uye vazhinji vavo, hatina kuwana chokwadi muzvitsidzo zvavo, asi vazhinji vavo takavaona zvirokwazvo vari vatadzi ثُمَّ بَعَثۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِم مُّوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَظَلَمُواْ بِهَاۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ١٠٣Nokudaro, mushure mavo takatumira Musa nezviratidzo zvedu kuna Farawo nemadzishe ake, asi vakazviramba. Naizvozvo chionai kuti akange ari sei magumo evakonzeri venyonga-nyonga وَقَالَ مُوسَىٰ يَٰفِرۡعَوۡنُ إِنِّي رَسُولٌ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٠٤Uye Musa akati: “Iwe Farawo! Zvirokwazvo, ndiri mutumwa kubva kuna Tenzi vepasi rose.” حَقِيقٌ عَلَىٰٓ أَن لَّآ أَقُولَ عَلَى ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡحَقَّۚ قَدۡ جِئۡتُكُم بِبَيِّنَةٍ مِّن رَّبِّكُمۡ فَأَرۡسِلۡ مَعِيَ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ١٠٥“Zvakakodzera kwandiri kuti hapana chandinotaura pamusoro paAllah kusara kwechokwadi. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu nehumboo uri pachena. Naizvozvo itai kuti vana veIzirairi vaende pamwechete neni.” قَالَ إِن كُنتَ جِئۡتَ بِـَٔايَةٍ فَأۡتِ بِهَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ١٠٦(Farawo) Akati: “Kana wauya nechiratidzo, tiratidze, kana uri umwe weavo vanotaura chokwadi.” فَأَلۡقَىٰ عَصَاهُ فَإِذَا هِيَ ثُعۡبَانٌ مُّبِينٌ ١٠٧Nokudaro Musa akakanda tsvimbo yake, uye tarirai, yakasanduka kuva nyoka iri pachena وَنَزَعَ يَدَهُۥ فَإِذَا هِيَ بَيۡضَآءُ لِلنَّٰظِرِينَ ١٠٨Akaburitsa ruoko rwake, uye tarirai, rwakava ruchena (nemwenje) kune vaiona قَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِ فِرۡعَوۡنَ إِنَّ هَٰذَا لَسَٰحِرٌ عَلِيمٌ ١٠٩Madzimambo kubva kuvanhu vaFarawo vakati: “Zvirokwazvo, iyi ihambura inoziva chaizvo.” يُرِيدُ أَن يُخۡرِجَكُم مِّنۡ أَرۡضِكُمۡۖ فَمَاذَا تَأۡمُرُونَ ١١٠“Ari kuda kukuburitsai munyika yenyu, saka mune yambiro ipi?” قَالُوٓاْ أَرۡجِهۡ وَأَخَاهُ وَأَرۡسِلۡ فِي ٱلۡمَدَآئِنِ حَٰشِرِينَ ١١١Vakati: “Munonotse, iye namukoma wake, uye wotumira vashevedzeri kumaguta kunounganidza.” يَأۡتُوكَ بِكُلِّ سَٰحِرٍ عَلِيمٍ ١١٢“Wouya kwauri nehambura dzinoziva chaizvo.” وَجَآءَ ٱلسَّحَرَةُ فِرۡعَوۡنَ قَالُوٓاْ إِنَّ لَنَا لَأَجۡرًا إِن كُنَّا نَحۡنُ ٱلۡغَٰلِبِينَ ١١٣Uye, naizvozo hambura dzakauya kuna Farawo dzikati: “Zvirokwazvo, pane muripo kwatiri kana tave tinokunda?” قَالَ نَعَمۡ وَإِنَّكُمۡ لَمِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ ١١٤(Farawo) Akati: “Hongu, muchave muri vanhu vepedyo (kwandiri).” قَالُواْ يَٰمُوسَىٰٓ إِمَّآ أَن تُلۡقِيَ وَإِمَّآ أَن نَّكُونَ نَحۡنُ ٱلۡمُلۡقِينَ ١١٥Vakati: “Iwe Musa! Unokanda (pekutanga), kana isu tive tinokanda pekutanga?” قَالَ أَلۡقُواْۖ فَلَمَّآ أَلۡقَوۡاْ سَحَرُوٓاْ أَعۡيُنَ ٱلنَّاسِ وَٱسۡتَرۡهَبُوهُمۡ وَجَآءُو بِسِحۡرٍ عَظِيمٍ ١١٦(Musa) Akati: “Tangai kukanda imi.” Uye pavakakanda vakashinhira maziso evanhu vachizadza garudzo (kutya) mavari, uye vakaratidza chitsinga chikuru ۞ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنۡ أَلۡقِ عَصَاكَۖ فَإِذَا هِيَ تَلۡقَفُ مَا يَأۡفِكُونَ ١١٧Uye takave tinoti kuna Musa: “Kanda tsvimbo yako,” uye tarirai, yakamedza manyepo ose akanga aratidzwa (kuvanhu) فَوَقَعَ ٱلۡحَقُّ وَبَطَلَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١١٨Ipapo chokwadi chakabva chabuda pachena, uye zvose zvavakaita zvakabva zvashaya basa فَغُلِبُواْ هُنَالِكَ وَٱنقَلَبُواْ صَٰغِرِينَ ١١٩Nokudaro vakabva vakundwa ipapo uye vakabva vanyadziswa وَأُلۡقِيَ ٱلسَّحَرَةُ سَٰجِدِينَ ١٢٠Uye vatsinga vose vakabva vagwadama قَالُوٓاْ ءَامَنَّا بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٢١Vakati: “Tinotenda muna Tenzi vepasi rose.” رَبِّ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ ١٢٢“Tenzi vaMusa naAroni.” قَالَ فِرۡعَوۡنُ ءَامَنتُم بِهِۦ قَبۡلَ أَنۡ ءَاذَنَ لَكُمۡۖ إِنَّ هَٰذَا لَمَكۡرٌ مَّكَرۡتُمُوهُ فِي ٱلۡمَدِينَةِ لِتُخۡرِجُواْ مِنۡهَآ أَهۡلَهَاۖ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ ١٢٣Farawo akati: “Matenda maari (Musa) ndisati ndakupai mvumo. Zvechokwadi, iri ndiro bangano ramaronga muguta kuti mubuditse vanhu vari mariri, asi muchazoziva zvenyu.” لَأُقَطِّعَنَّ أَيۡدِيَكُمۡ وَأَرۡجُلَكُم مِّنۡ خِلَٰفٍ ثُمَّ لَأُصَلِّبَنَّكُمۡ أَجۡمَعِينَ ١٢٤“Zvirokwazvo, ndichakudamburai maoko nemakumbo enyu kubva kumativi akasiyana (gumbo rekuruboshwe neruoko rekurudyi, kana kuti gumbo rekurudyi neruoko rwekuruboshwe) nekukurovererai mose (pamichinjikwa).” قَالُوٓاْ إِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا مُنقَلِبُونَ ١٢٥Vakati: “Zvirokwazvo, tinenge tichidzokera kuna Tenzi vedu.” وَمَا تَنقِمُ مِنَّآ إِلَّآ أَنۡ ءَامَنَّا بِـَٔايَٰتِ رَبِّنَا لَمَّا جَآءَتۡنَاۚ رَبَّنَآ أَفۡرِغۡ عَلَيۡنَا صَبۡرًا وَتَوَفَّنَا مُسۡلِمِينَ ١٢٦“Uye unotora chitsividzo kwatiri nekuda kwekuti tatenda muzviratidzo zvaTenzi vedu mushure mekunge zvasvika kwatiri! Tenzi vedu! Ivai munoisa kutsungirira matiri, uye moita kuti tife tiri maMuslim (Vanozvipira kutevedzera mitemo yaAllah).” وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِ فِرۡعَوۡنَ أَتَذَرُ مُوسَىٰ وَقَوۡمَهُۥ لِيُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَيَذَرَكَ وَءَالِهَتَكَۚ قَالَ سَنُقَتِّلُ أَبۡنَآءَهُمۡ وَنَسۡتَحۡيِۦ نِسَآءَهُمۡ وَإِنَّا فَوۡقَهُمۡ قَٰهِرُونَ ١٢٧Madzimambo kubva kuvanhu vaFarawo vakati: “Uchasiya here Musa nevanhu vake vachikonzera nyonga-nyonga panyika, uye vachisiya iwe nanamwari vako?” Akati: “Tichava tinouraya vanakomana vavo, uye tosiya vanasikana vavo, uye tine masimba asingatsiviki pamusoro pavo.” قَالَ مُوسَىٰ لِقَوۡمِهِ ٱسۡتَعِينُواْ بِٱللَّهِ وَٱصۡبِرُوٓاْۖ إِنَّ ٱلۡأَرۡضَ لِلَّهِ يُورِثُهَا مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦۖ وَٱلۡعَٰقِبَةُ لِلۡمُتَّقِينَ ١٢٨Musa akati kuvanhu vake: “Tsvagai rubatsiro kuna Allah uye mova munotsungirira. Zvirokwazvo, nyika ndeya Allah. Vanoipa senhaka kune uyo wavanoda kubva kuvaranda vavo, uye magumo akanaka ndee avo vanotya Allah.” قَالُوٓاْ أُوذِينَا مِن قَبۡلِ أَن تَأۡتِيَنَا وَمِنۢ بَعۡدِ مَا جِئۡتَنَاۚ قَالَ عَسَىٰ رَبُّكُمۡ أَن يُهۡلِكَ عَدُوَّكُمۡ وَيَسۡتَخۡلِفَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرَ كَيۡفَ تَعۡمَلُونَ ١٢٩Vakati: “Isu (vana veIzirairi) takawirwa (takasangana) nematambudziko usati wauya kwatiri, uye kubva pawakauya kwatiri.” Akati: “Zvimwe Tenzi venyu vangangoparadza vavengi venyu, uye vokuitai vagari venhaka panyika, kuti vaone kuti munoshanda sei.” وَلَقَدۡ أَخَذۡنَآ ءَالَ فِرۡعَوۡنَ بِٱلسِّنِينَ وَنَقۡصٍ مِّنَ ٱلثَّمَرَٰتِ لَعَلَّهُمۡ يَذَّكَّرُونَ ١٣٠Uye zvirokwazvo takava tinorwadzisa vanhu vaFarawo nemakore enzara, nekushomeka kwemichero (zvirimwa), kuti zvimwe vangarangarira فَإِذَا جَآءَتۡهُمُ ٱلۡحَسَنَةُ قَالُواْ لَنَا هَٰذِهِۦۖ وَإِن تُصِبۡهُمۡ سَيِّئَةٌ يَطَّيَّرُواْ بِمُوسَىٰ وَمَن مَّعَهُۥٓۗ أَلَآ إِنَّمَا طَٰٓئِرُهُمۡ عِندَ ٱللَّهِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ١٣١Asi pose paiuya chakanaka kwavari vaiti: “Izvi ndezvedu.” Uye vakawirwa nechakaipa vaichipomera kuminyama vakanangana naMusa neavo vanaye. Tarisai! Zvirokwazvo, minyama yavo ina Allah asi vazhinji vavo havazivi وَقَالُواْ مَهۡمَا تَأۡتِنَا بِهِۦ مِنۡ ءَايَةٍ لِّتَسۡحَرَنَا بِهَا فَمَا نَحۡنُ لَكَ بِمُؤۡمِنِينَ ١٣٢Uye vakati (kuna Musa): “Chero chiratidzo chaunouya nacho kwatiri kuti uchishandise semapipi ako kwatiri, hatizombofa takatenda mauri.” فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلطُّوفَانَ وَٱلۡجَرَادَ وَٱلۡقُمَّلَ وَٱلضَّفَادِعَ وَٱلدَّمَ ءَايَٰتٍ مُّفَصَّلَٰتٍ فَٱسۡتَكۡبَرُواْ وَكَانُواْ قَوۡمًا مُّجۡرِمِينَ ١٣٣Naizvozvo takatumira kwavari mafashamu, hwiza, inda, matatya neropa, sezviratidzo zviri pachena, asi vakaramba vakazvitutumadza, uye vaive vamwe veavo vaitadza وَلَمَّا وَقَعَ عَلَيۡهِمُ ٱلرِّجۡزُ قَالُواْ يَٰمُوسَى ٱدۡعُ لَنَا رَبَّكَ بِمَا عَهِدَ عِندَكَۖ لَئِن كَشَفۡتَ عَنَّا ٱلرِّجۡزَ لَنُؤۡمِنَنَّ لَكَ وَلَنُرۡسِلَنَّ مَعَكَ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ١٣٤Uye pavakawirwa nemarwadzo vakati: “Iwe Musa! Tikumburire kuna Tenzi vako nokuda kwevimbiso yavo kwauri. Kana ukabvisa marwadzo patiri, zvirokwazvo, tichava tinotenda mauri, uye ticharega vana vaIzirairi vaende newe.” فَلَمَّا كَشَفۡنَا عَنۡهُمُ ٱلرِّجۡزَ إِلَىٰٓ أَجَلٍ هُم بَٰلِغُوهُ إِذَا هُمۡ يَنكُثُونَ ١٣٥Asi patakabvisa marwadzo pavari kwenguva yakatarwa, iyo yavaifanira kusvitsa, uye tarirai, vakaputsa shoko فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ فَأَغۡرَقۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡيَمِّ بِأَنَّهُمۡ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ عَنۡهَا غَٰفِلِينَ ١٣٦Naizvozvo takatora mubhadharo kwavari. Takavanyudza mugungwa, nokuda kwekuti vakaramba zviratidzo zvedu uye vakanga vasina hanya nazvo وَأَوۡرَثۡنَا ٱلۡقَوۡمَ ٱلَّذِينَ كَانُواْ يُسۡتَضۡعَفُونَ مَشَٰرِقَ ٱلۡأَرۡضِ وَمَغَٰرِبَهَا ٱلَّتِي بَٰرَكۡنَا فِيهَاۖ وَتَمَّتۡ كَلِمَتُ رَبِّكَ ٱلۡحُسۡنَىٰ عَلَىٰ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ بِمَا صَبَرُواْۖ وَدَمَّرۡنَا مَا كَانَ يَصۡنَعُ فِرۡعَوۡنُ وَقَوۡمُهُۥ وَمَا كَانُواْ يَعۡرِشُونَ ١٣٧Uye takaita kuti vanhu vaitorwa sendonda kuti vave vanogara nhaka zvidimbu zvenzvimbo yekumabvazuva nezvekumadokero zvatakava tinokomborera. Uye shoko raTenzi vako rakajeka rakazadzikiswa kuvana vaIzirairi, nokuda kwekutsungirira kwavo. Uye takaparadza zvachose mabasa makuru ose nezvivakwa zvakanga zvamiswa naFarawo nevanhu vake وَجَٰوَزۡنَا بِبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٱلۡبَحۡرَ فَأَتَوۡاْ عَلَىٰ قَوۡمٍ يَعۡكُفُونَ عَلَىٰٓ أَصۡنَامٍ لَّهُمۡۚ قَالُواْ يَٰمُوسَى ٱجۡعَل لَّنَآ إِلَٰهًا كَمَا لَهُمۡ ءَالِهَةٌۚ قَالَ إِنَّكُمۡ قَوۡمٌ تَجۡهَلُونَ ١٣٨Uye takava tinoyambutsa vana vaIzirairi gungwa (mune zvakanaka), uye vakauya pane vanhu vakanga vakazvipira kuzvimwe zvidhori zvavo (mukunamata). Vakati: “Iwe Musa! Tigadzirire chimwari sezvimwari zvavanazvo.” (Musa) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivi (Hukuru hwaAllah nezvakamanikidzirwa kwamuri).” إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ مُتَبَّرٌ مَّا هُمۡ فِيهِ وَبَٰطِلٌ مَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٣٩(Musa akapamhidzira): “Zvirokwazvo, vanhu ava vachaparadzwa nokuda kwezvavarikuita. Uye zvose zvavarikuita hazvina maturo.” قَالَ أَغَيۡرَ ٱللَّهِ أَبۡغِيكُمۡ إِلَٰهًا وَهُوَ فَضَّلَكُمۡ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٤٠Akati: “Ndingakutsvagirei umwe mwari here kunze kwaAllah, vari ivo vakakukomborerai pamusoro pevanhu vose (venguva yenyu).” وَإِذۡ أَنجَيۡنَٰكُم مِّنۡ ءَالِ فِرۡعَوۡنَ يَسُومُونَكُمۡ سُوٓءَ ٱلۡعَذَابِ يُقَتِّلُونَ أَبۡنَآءَكُمۡ وَيَسۡتَحۡيُونَ نِسَآءَكُمۡۚ وَفِي ذَٰلِكُم بَلَآءٌ مِّن رَّبِّكُمۡ عَظِيمٌ ١٤١Uye (rangarirai) patakakununurai kubva kune vanhu vaFarawo, avo vaikushungurudzai nemutongo wakaipisisa, vachiuraya vanakomana venyu uye vachisiya vanasikana venyu vari vapenyu. Uye mazviri maive nemuedzo mukuru kubva kuna Tenzi venyu ۞ وَوَٰعَدۡنَا مُوسَىٰ ثَلَٰثِينَ لَيۡلَةً وَأَتۡمَمۡنَٰهَا بِعَشۡرٍ فَتَمَّ مِيقَٰتُ رَبِّهِۦٓ أَرۡبَعِينَ لَيۡلَةًۚ وَقَالَ مُوسَىٰ لِأَخِيهِ هَٰرُونَ ٱخۡلُفۡنِي فِي قَوۡمِي وَأَصۡلِحۡ وَلَا تَتَّبِعۡ سَبِيلَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ١٤٢Uye takava tinotarira (kutemera) Musa makumi matatu ehusiku, uye takapamhidzira gumi (pamusoro), uye akazadzikisa nguva yakatarwa naTenzi vake yemakumi mana ehusiku. Uye Musa akati kuna mukoma vake Aroni: “Nditsive pavanhu vangu, uye shanda nenzira yakanaka (nekukurudzira vanhu kuteerera Allah nekuvanamata vari voga), uye usave unotevedzera nzira yeavo vanokonzera nyonga-nyonga.” وَلَمَّا جَآءَ مُوسَىٰ لِمِيقَٰتِنَا وَكَلَّمَهُۥ رَبُّهُۥ قَالَ رَبِّ أَرِنِيٓ أَنظُرۡ إِلَيۡكَۚ قَالَ لَن تَرَىٰنِي وَلَٰكِنِ ٱنظُرۡ إِلَى ٱلۡجَبَلِ فَإِنِ ٱسۡتَقَرَّ مَكَانَهُۥ فَسَوۡفَ تَرَىٰنِيۚ فَلَمَّا تَجَلَّىٰ رَبُّهُۥ لِلۡجَبَلِ جَعَلَهُۥ دَكًّا وَخَرَّ مُوسَىٰ صَعِقًاۚ فَلَمَّآ أَفَاقَ قَالَ سُبۡحَٰنَكَ تُبۡتُ إِلَيۡكَ وَأَنَا۠ أَوَّلُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٤٣Uye Musa paakauya panguva nenzvimbo yakatarwa, uye Tenzi vake vakataura naye, akati: “Imi Tenzi vangu! Zviratidzei kwandiri kuti ndive ndinokuonai.” Allah vakati: “Haukwanisi kundiona asi tarisa pagomo, rikaramba rimire panzvimbo yaro uchandiona.” Naizvozvo Tenzi vake pavakazviratidza pagomo, vakariita kuti rive rinoparara kuita huruva, uye Musa akawira pasi akakomoka (asisazivi zvaaiita). Uye paakanga ava kuziva zvaaiita akati: “Kurumbidzwa ngakuve kwamuri (Allah), ndinotendeuka kwamuri mururegerero, uye ndiri wekutanga wevatendi.” قَالَ يَٰمُوسَىٰٓ إِنِّي ٱصۡطَفَيۡتُكَ عَلَى ٱلنَّاسِ بِرِسَٰلَٰتِي وَبِكَلَٰمِي فَخُذۡ مَآ ءَاتَيۡتُكَ وَكُن مِّنَ ٱلشَّٰكِرِينَ ١٤٤(Allah) vakati: “Iwe Musa! Ndakusarudza pamusoro pevanhu nemirairo yangu, uye nekutaura kwangu (kwauri). Naizvozvo batisisa pane izvo zvandakupa uye iva mumwe wevanotenda.” وَكَتَبۡنَا لَهُۥ فِي ٱلۡأَلۡوَاحِ مِن كُلِّ شَيۡءٍ مَّوۡعِظَةً وَتَفۡصِيلًا لِّكُلِّ شَيۡءٍ فَخُذۡهَا بِقُوَّةٍ وَأۡمُرۡ قَوۡمَكَ يَأۡخُذُواْ بِأَحۡسَنِهَاۚ سَأُوْرِيكُمۡ دَارَ ٱلۡفَٰسِقِينَ ١٤٥Takava tinomunyorera pamagwaro chidzidzo chinotorwa kubva kuzvinhu zvose uye netsanangudzo izere yezvinhu zvose (uye vakati): “Batisisa izvi zvine simba, uye wova unokurudzira vanhu vako kuti vatore zvakanaka kubva mazviri. Ndichazokuratidzai musha wevanotadza.” سَأَصۡرِفُ عَنۡ ءَايَٰتِيَ ٱلَّذِينَ يَتَكَبَّرُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَإِن يَرَوۡاْ كُلَّ ءَايَةٍ لَّا يُؤۡمِنُواْ بِهَا وَإِن يَرَوۡاْ سَبِيلَ ٱلرُّشۡدِ لَا يَتَّخِذُوهُ سَبِيلًا وَإِن يَرَوۡاْ سَبِيلَ ٱلۡغَيِّ يَتَّخِذُوهُ سَبِيلًاۚ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ عَنۡهَا غَٰفِلِينَ ١٤٦Ndichava ndinofuratidza zviratidzo zvangu avo vanozvitutumadza panyika, zvisina kodzero, uye kunyange vachiona zviratidzo zvedu zvose havave vanotenda mazviri. Uye kunyange vakaona nzira yakanaka havaitori senzira. Asi vakaona nzira yakarasika vanoitora senzira, nokuda kwekuti vakaramba zviratidzo uye vakanga vasina hanya mazviri وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَلِقَآءِ ٱلۡأٓخِرَةِ حَبِطَتۡ أَعۡمَٰلُهُمۡۚ هَلۡ يُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٤٧Uye avo vanoramba zviratidzo zvedu uye kusangana pahupenyu uchatevera (zuva rekutongwa), mabasa avo ndiwo asina maturo. Havasi kuzobhadharwa nechimwe chinhu, kusara kwezvavaiita وَٱتَّخَذَ قَوۡمُ مُوسَىٰ مِنۢ بَعۡدِهِۦ مِنۡ حُلِيِّهِمۡ عِجۡلًا جَسَدًا لَّهُۥ خُوَارٌۚ أَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّهُۥ لَا يُكَلِّمُهُمۡ وَلَا يَهۡدِيهِمۡ سَبِيلًاۘ ٱتَّخَذُوهُ وَكَانُواْ ظَٰلِمِينَ ١٤٨Uye vanhu vaMusa paakanga asipo, vakagadzira kubva muzvishongedzo zvavo chimufananidzo chemhuru (chekunamata). Chaiva nemuririro (kunge chaikuma). Vaisaona here kuti chaisataura navo kana kuvatungamirira kunzira (yakatwasuka)? Vakachitora (kuti vachinamate) uye vaiva vatadzi وَلَمَّا سُقِطَ فِيٓ أَيۡدِيهِمۡ وَرَأَوۡاْ أَنَّهُمۡ قَدۡ ضَلُّواْ قَالُواْ لَئِن لَّمۡ يَرۡحَمۡنَا رَبُّنَا وَيَغۡفِرۡ لَنَا لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ ١٤٩Uye pavakademba nekuona kuti vakanga varasika, (vakakumbira ruregerero) vakati: “Kana Tenzi vedu vakasatinzwira tsitsi nekutiregerera, zvirokwazvo, tichava vanhu vakarasikirwa.” وَلَمَّا رَجَعَ مُوسَىٰٓ إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ غَضۡبَٰنَ أَسِفًا قَالَ بِئۡسَمَا خَلَفۡتُمُونِي مِنۢ بَعۡدِيٓۖ أَعَجِلۡتُمۡ أَمۡرَ رَبِّكُمۡۖ وَأَلۡقَى ٱلۡأَلۡوَاحَ وَأَخَذَ بِرَأۡسِ أَخِيهِ يَجُرُّهُۥٓ إِلَيۡهِۚ قَالَ ٱبۡنَ أُمَّ إِنَّ ٱلۡقَوۡمَ ٱسۡتَضۡعَفُونِي وَكَادُواْ يَقۡتُلُونَنِي فَلَا تُشۡمِتۡ بِيَ ٱلۡأَعۡدَآءَ وَلَا تَجۡعَلۡنِي مَعَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٥٠Uye Musa paakadzokera kuvanhu vake, akatsamwa uye akasuwa, akati: “Chinhu chakaipa ndeicho chamaita ndisipo (kunamata chimhuru). Makurumidzira mutemo waTenzi venyu here?” Uye (Musa) akakanda magwaro pasi uye akabata mukoma wake nemusoro wake uye akamudhonzera kwaari. Aroni akati: “Iwe mwana waamai vangu! Zvirokwazvo, vanhu vakandiona sendisina simba uye vaida kutondiuraya, naizvozvo usaita kuti vavengi vafare pamusoro pangu, kana kundiisa pakati pevanhu vanoita mabasa akaipa.” قَالَ رَبِّ ٱغۡفِرۡ لِي وَلِأَخِي وَأَدۡخِلۡنَا فِي رَحۡمَتِكَۖ وَأَنتَ أَرۡحَمُ ٱلرَّٰحِمِينَ ١٥١Musa (akati): Imi Tenzi vangu! Ivai munondiregerera nemukoma wangu, uye mova munotiisa mutsitsi dzenyu, nokuti ndimi mune tsitsi dzakanyanya pane avo vanoratidza tsitsi.” إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ ٱلۡعِجۡلَ سَيَنَالُهُمۡ غَضَبٌ مِّن رَّبِّهِمۡ وَذِلَّةٌ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُفۡتَرِينَ ١٥٢Zvirokwazvo, avo vakava vanotora mhuru (saMwari), kutsamwa kubva kuna Tenzi vavo uye nokudzikisirwa kuchauya kwavari muhupenyu hwepano pasi. Nokudaro tinopa mubairo kune avo vanogadzira manyepo وَٱلَّذِينَ عَمِلُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ ثُمَّ تَابُواْ مِنۢ بَعۡدِهَا وَءَامَنُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٥٣Asi kune avo vakaita mabasa akaipa, mushure mazvo vakazokumbira ruregerero, uye vakatenda, muzvirokwazvo, Tenzi venyu mushure mazvo (zvose) vanoregerera, uye vane tsitsi dzose وَلَمَّا سَكَتَ عَن مُّوسَى ٱلۡغَضَبُ أَخَذَ ٱلۡأَلۡوَاحَۖ وَفِي نُسۡخَتِهَا هُدًى وَرَحۡمَةٌ لِّلَّذِينَ هُمۡ لِرَبِّهِمۡ يَرۡهَبُونَ ١٥٤Uye hasha dzaMusa padzakadzikira akava anotora magwaro, uye mukunyorwa kwavo makanga muine kutungamiririrwa netsitsi kune avo vanotya Tenzi vavo وَٱخۡتَارَ مُوسَىٰ قَوۡمَهُۥ سَبۡعِينَ رَجُلًا لِّمِيقَٰتِنَاۖ فَلَمَّآ أَخَذَتۡهُمُ ٱلرَّجۡفَةُ قَالَ رَبِّ لَوۡ شِئۡتَ أَهۡلَكۡتَهُم مِّن قَبۡلُ وَإِيَّٰيَۖ أَتُهۡلِكُنَا بِمَا فَعَلَ ٱلسُّفَهَآءُ مِنَّآۖ إِنۡ هِيَ إِلَّا فِتۡنَتُكَ تُضِلُّ بِهَا مَن تَشَآءُ وَتَهۡدِي مَن تَشَآءُۖ أَنتَ وَلِيُّنَا فَٱغۡفِرۡ لَنَا وَٱرۡحَمۡنَاۖ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡغَٰفِرِينَ ١٥٥Uye Musa akasarudza varume makumi manomwe kubva muvanhu vake, panguva yedu uye nenzvimbo yokusanganirana. Uye pavakava vanovingwa nokundengendeka kwenyika akati: “Imi Tenzi vangu! Dai manga muchida, mungadai makavaparadza kumashure ivo neni wacho. Mungatiparadze here nokuda kwemabasa evakaipa pakati pedu? Kuedza kwenyu chete kunoita kuti vamunoda varasike, uye kutungamiririra avo vamunoda. Muri muchengei wedu, naizvozvo tiregererei uye mova netsitsi kwatiri, nokuti ndimi muregereri akanakisisa pane avo vanoregerera.” ۞ وَٱكۡتُبۡ لَنَا فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةً وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِ إِنَّا هُدۡنَآ إِلَيۡكَۚ قَالَ عَذَابِيٓ أُصِيبُ بِهِۦ مَنۡ أَشَآءُۖ وَرَحۡمَتِي وَسِعَتۡ كُلَّ شَيۡءٍۚ فَسَأَكۡتُبُهَا لِلَّذِينَ يَتَّقُونَ وَيُؤۡتُونَ ٱلزَّكَوٰةَ وَٱلَّذِينَ هُم بِـَٔايَٰتِنَا يُؤۡمِنُونَ ١٥٦“Uye motinyorerawo zvakanaka pano panyika, uye nemuhupenyu hwunotevera. Zvirokwazvo, tave tinotarisa kwamuri.” Vakati (Allah): “Mutongo wangu ndichauunza kune uyo wandinoda uye tsitsi dzangu dzinobvumbatira zvinhu zvose. Ndichava ndinodzinyorera (nyasha) kune avo vanotya (Allah), uye vachipa Zakaah (Zvipo kuvarombo); uye avo vanotenda muzviratidzo zvedu;” ٱلَّذِينَ يَتَّبِعُونَ ٱلرَّسُولَ ٱلنَّبِيَّ ٱلۡأُمِّيَّ ٱلَّذِي يَجِدُونَهُۥ مَكۡتُوبًا عِندَهُمۡ فِي ٱلتَّوۡرَىٰةِ وَٱلۡإِنجِيلِ يَأۡمُرُهُم بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَيَنۡهَىٰهُمۡ عَنِ ٱلۡمُنكَرِ وَيُحِلُّ لَهُمُ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَيُحَرِّمُ عَلَيۡهِمُ ٱلۡخَبَٰٓئِثَ وَيَضَعُ عَنۡهُمۡ إِصۡرَهُمۡ وَٱلۡأَغۡلَٰلَ ٱلَّتِي كَانَتۡ عَلَيۡهِمۡۚ فَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِهِۦ وَعَزَّرُوهُ وَنَصَرُوهُ وَٱتَّبَعُواْ ٱلنُّورَ ٱلَّذِيٓ أُنزِلَ مَعَهُۥٓ أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ١٥٧“Avo vanotevedzera mutumwa, muporofita asingakwanise kuverenga kana kunyora (Muhammad (SAW)) uyo wavanoona akanyorwa nezvake muTorah uye nemuInjeel (Muvhangeri) mavo, anovakomekedza zvakanaka uye achivarambidza izvo zvakaipa; uye anobvumidza izvo zvinhu zvakachena, uye anorambidza izvo zvakaipa setsvina, anovabvisa mitoro yavo inorema, uye ngetani dzakanga dziri pavari. Naizvozvo avo vanotenda maari (Muhammad (SAW)), vachimukudza, nekumubatsira, uye vachitevera mwenje (Qur’aan) waakatumwa nawo, ndivo vachava vanobudirira.” قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ ١٥٨Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ndave ndinotumwa kwamuri mose semutumwa waAllah, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa hupenyu uye vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo, muporofita asingakwanisi kuverenga kana kunyora (Muhammad (SAW)), anotenda munaAllah nemashoko avo (Qur’aan). Naizvozvo muteverei kuti mugova avo vakatungamiririrwa.” وَمِن قَوۡمِ مُوسَىٰٓ أُمَّةٌ يَهۡدُونَ بِٱلۡحَقِّ وَبِهِۦ يَعۡدِلُونَ ١٥٩Uye kubva muvanhu vaMusa, mune boka rinotungamirira (vanhu) muchokwadi uye richikurudzira ruenzaniso imomo وَقَطَّعۡنَٰهُمُ ٱثۡنَتَيۡ عَشۡرَةَ أَسۡبَاطًا أُمَمًاۚ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ إِذِ ٱسۡتَسۡقَىٰهُ قَوۡمُهُۥٓ أَنِ ٱضۡرِب بِّعَصَاكَ ٱلۡحَجَرَۖ فَٱنۢبَجَسَتۡ مِنۡهُ ٱثۡنَتَا عَشۡرَةَ عَيۡنًاۖ قَدۡ عَلِمَ كُلُّ أُنَاسٍ مَّشۡرَبَهُمۡۚ وَظَلَّلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡغَمَٰمَ وَأَنزَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَنَّ وَٱلسَّلۡوَىٰۖ كُلُواْ مِن طَيِّبَٰتِ مَا رَزَقۡنَٰكُمۡۚ وَمَا ظَلَمُونَا وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ١٦٠Uye takava tinovapatsanura kuva ndudzi gumi nezviviri semapoka (akasiyana). Takava tinoudza Musa apo vanhu vake pavakamubvunza mvura (tichiti): “Rova dombo netsvimbo yako”, nokudaro mvura yakava inobuda kubva muzvitubu gumi nezviviri, boka rimwe nerimwe rakaziva nzvimbo yaro yemvura. Takava tinovafukidza nemumvuri wemakore uye tikatumira kwavari Manna (chikafu chinotapira) neSalwa (Zvihuta) (tichiti): “Idyai kubva mune zvakanaka zvatakupai.” Havana kutikanganisira, asi vakazvinganisira pachavo وَإِذۡ قِيلَ لَهُمُ ٱسۡكُنُواْ هَٰذِهِ ٱلۡقَرۡيَةَ وَكُلُواْ مِنۡهَا حَيۡثُ شِئۡتُمۡ وَقُولُواْ حِطَّةٌ وَٱدۡخُلُواْ ٱلۡبَابَ سُجَّدًا نَّغۡفِرۡ لَكُمۡ خَطِيٓـَٰٔتِكُمۡۚ سَنَزِيدُ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٦١Uye (yeukai) pazvakanzi kwavari: “Garai muguta rino (reJerusarema) uye mova munodya mariri kwese kwamunoda, uye mova munoti: ‘(Imi Allah!) Tiregererei zvitadzo zvedu’, uye mova munopinda mumikova makapfugama. Tichakuregererai zvitadzo zvenyu. Tichava tinowedzera (mubairo) kune avo vanoita mabasa akanaka.” فَبَدَّلَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ مِنۡهُمۡ قَوۡلًا غَيۡرَ ٱلَّذِي قِيلَ لَهُمۡ فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ رِجۡزًا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ بِمَا كَانُواْ يَظۡلِمُونَ ١٦٢Asi avo vaitadza pakati pavo vakasandura shoko ravakanga vaudzwa. Naizvozvo takavatumira marwadzo kubva kudenga nekutadza kwavakaita وَسۡـَٔلۡهُمۡ عَنِ ٱلۡقَرۡيَةِ ٱلَّتِي كَانَتۡ حَاضِرَةَ ٱلۡبَحۡرِ إِذۡ يَعۡدُونَ فِي ٱلسَّبۡتِ إِذۡ تَأۡتِيهِمۡ حِيتَانُهُمۡ يَوۡمَ سَبۡتِهِمۡ شُرَّعًا وَيَوۡمَ لَا يَسۡبِتُونَ لَا تَأۡتِيهِمۡۚ كَذَٰلِكَ نَبۡلُوهُم بِمَا كَانُواْ يَفۡسُقُونَ ١٦٣Uye iva unovabvunza (Muhammad (SAW)) pamusoro pedhorobha iro rakanga riri pedyo negungwa, pavakapfurikidza mwero maererano neSabata (Mugovera), apo hove dzavo padzaiuya pachena musi weMugovera (Sabata), uye dzainge dzisingauyi kwavari musi wavakanga vasina Sabata. Naizvozvo takava tinoisa miedzo kwavari nokuda kwekusateerera kwavakaita murairo hwaAllah وَإِذۡ قَالَتۡ أُمَّةٌ مِّنۡهُمۡ لِمَ تَعِظُونَ قَوۡمًا ٱللَّهُ مُهۡلِكُهُمۡ أَوۡ مُعَذِّبُهُمۡ عَذَابًا شَدِيدًاۖ قَالُواْ مَعۡذِرَةً إِلَىٰ رَبِّكُمۡ وَلَعَلَّهُمۡ يَتَّقُونَ ١٦٤Uye (yeukai) boka pakati pavo parakati: “Munoparidzirei kuvanhu varikuda kuparadzwa naAllah kana kuti vavari kuda kurwadzisa nomutongo wakaomarara?” (Vaparidzi) vakati: “Kuti tive tinozvichenura pamberi paTenzi venyu, uye kuti zvimwe vangave vanotya Allah.” فَلَمَّا نَسُواْ مَا ذُكِّرُواْ بِهِۦٓ أَنجَيۡنَا ٱلَّذِينَ يَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلسُّوٓءِ وَأَخَذۡنَا ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ بِعَذَابِۭ بَـِٔيسِۭ بِمَا كَانُواْ يَفۡسُقُونَ ١٦٥Naizvozvo pavakakanganwa yeuchidzo yakanga yapihwa kwavari, takava tinonunura avo vairambidza zvakaipa, asi takaparadza avo vaiita zvakaipa nomutongo wakaomarara nokuda kwekusateerera mirairo yaAllah فَلَمَّا عَتَوۡاْ عَن مَّا نُهُواْ عَنۡهُ قُلۡنَا لَهُمۡ كُونُواْ قِرَدَةً خَٰسِـِٔينَ ١٦٦Naizvozvo pavakapfurikidza mwero weizvo zvatakavarambidza, takati kwavari: “Ivai tsoko, uye makashoreka nekurambwa.” وَإِذۡ تَأَذَّنَ رَبُّكَ لَيَبۡعَثَنَّ عَلَيۡهِمۡ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَن يَسُومُهُمۡ سُوٓءَ ٱلۡعَذَابِۗ إِنَّ رَبَّكَ لَسَرِيعُ ٱلۡعِقَابِ وَإِنَّهُۥ لَغَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٦٧Uye (rangarira) Tenzi vako pavakataura kuti vacharamba vachituma kwavari (maJudha), kusvikira zuva rokumutswa, avo vachavatambudza nemarwadzo akaomarara. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanopa mutongo nokuchimbidza, uye zvirokwazvo, ndivo vanoregerera zvikuru, vane nyasha zhinji وَقَطَّعۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ أُمَمًاۖ مِّنۡهُمُ ٱلصَّٰلِحُونَ وَمِنۡهُمۡ دُونَ ذَٰلِكَۖ وَبَلَوۡنَٰهُم بِٱلۡحَسَنَٰتِ وَٱلسَّيِّـَٔاتِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ١٦٨Uye takava tinovapatsanura (maJudha) tichivaisa mumapato akasiyana panyika, vamwe vavo vanoita mabasa akanaka uye vamwe vari kure nazvo. Uye takava tinovaedza nezvakanaka nezvakaipa kuti vave vanodzokera (kuna Allah) فَخَلَفَ مِنۢ بَعۡدِهِمۡ خَلۡفٌ وَرِثُواْ ٱلۡكِتَٰبَ يَأۡخُذُونَ عَرَضَ هَٰذَا ٱلۡأَدۡنَىٰ وَيَقُولُونَ سَيُغۡفَرُ لَنَا وَإِن يَأۡتِهِمۡ عَرَضٌ مِّثۡلُهُۥ يَأۡخُذُوهُۚ أَلَمۡ يُؤۡخَذۡ عَلَيۡهِم مِّيثَٰقُ ٱلۡكِتَٰبِ أَن لَّا يَقُولُواْ عَلَى ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡحَقَّ وَدَرَسُواْ مَا فِيهِۗ وَٱلدَّارُ ٱلۡأٓخِرَةُ خَيۡرٌ لِّلَّذِينَ يَتَّقُونَۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ١٦٩Mushure mavo vakateverwa nezvizvarwa (zvakaipa), zvakava zvinotora magwaro, asi zvakava zvinozvisarudzira hupenyu hwepano pasi zvichiti: “Zvinhu (zvose zvatinoita) zvichava zvinoregererwa kwatiri.” Uye vakapihwa mukana (zvakare) wakafanana neuyu (wekuita zvinhu zvakaipa) vaiutora. Chitsidzo cheGwaro (Torah) hachina kutorwa kwavari kuti hapana chavachataura pamusoro paAllah kusara kwechokwadi? Uye vadzidza zvazviri mariri (Gwaro). Uye musha wehupenyu huchatevera uri nani kune avo vanotya (Allah) وَٱلَّذِينَ يُمَسِّكُونَ بِٱلۡكِتَٰبِ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ إِنَّا لَا نُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُصۡلِحِينَ ١٧٠Uye kune avo vanobatisisa Gwaro uye voita munamato (Swalaah), zvirokwazvo, hatizomborasi mubairo weavo vanoita zvakanaka ۞ وَإِذۡ نَتَقۡنَا ٱلۡجَبَلَ فَوۡقَهُمۡ كَأَنَّهُۥ ظُلَّةٌ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُۥ وَاقِعُۢ بِهِمۡ خُذُواْ مَآ ءَاتَيۡنَٰكُم بِقُوَّةٍ وَٱذۡكُرُواْ مَا فِيهِ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ ١٧١Uye (rangarirai) patakavasimudzira gomo sekunge raive gore dema pamusoro pavo sekunge chipfugidzo, uye vakafungidzira kuti pamwe rinovawira. (Takati): “Batisisai pane izvo zvatakupai (Torah), uye morangarira zviri mariri, kuti muve munotya Allah nekuvateerera.” وَإِذۡ أَخَذَ رَبُّكَ مِنۢ بَنِيٓ ءَادَمَ مِن ظُهُورِهِمۡ ذُرِّيَّتَهُمۡ وَأَشۡهَدَهُمۡ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ أَلَسۡتُ بِرَبِّكُمۡۖ قَالُواْ بَلَىٰ شَهِدۡنَآۚ أَن تَقُولُواْ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ إِنَّا كُنَّا عَنۡ هَٰذَا غَٰفِلِينَ ١٧٢Uye (yeuka) apo Tenzi vako (Allah) vakaburitsa kubva muvana vaAdam, kubva kumisana yavo, vana vavo (kana kuti kubva kumusana waAdam vana vake), uye vakavaita kuti vave vanopa huchapupu pachavo (Allah vachiti): “Handisi ini here Tenzi venyu?” Vakati: “Hongu! Tinopa huchapupu”, pamwe nezuva rekumutswa (Qiyaamah) mungazoti: “Zvirokwazvo izvi takanga tisingazvizivi.” أَوۡ تَقُولُوٓاْ إِنَّمَآ أَشۡرَكَ ءَابَآؤُنَا مِن قَبۡلُ وَكُنَّا ذُرِّيَّةً مِّنۢ بَعۡدِهِمۡۖ أَفَتُهۡلِكُنَا بِمَا فَعَلَ ٱلۡمُبۡطِلُونَ ١٧٣Kana kuti mungazoti: “Madzitateguru edu ndivo vaisanganisa Allah nezvimwe zvisikwa (muhumwe hwavo) mushure, uye isu takanga tingori vana mushure mavo. Mungatiparadza here nokuda kwezvakaitwa neavo vaitadza?” وَكَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ وَلَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ١٧٤Saka naizvozvo tinopenengura maAayaat (humboo) zvizere kuti pamwe vangadzoka (kuchokwadi) وَٱتۡلُ عَلَيۡهِمۡ نَبَأَ ٱلَّذِيٓ ءَاتَيۡنَٰهُ ءَايَٰتِنَا فَٱنسَلَخَ مِنۡهَا فَأَتۡبَعَهُ ٱلشَّيۡطَٰنُ فَكَانَ مِنَ ٱلۡغَاوِينَ ١٧٥Uye verenga kwavari (Muhammad (SAW)) nyaya yeuyo watakapa humboo hwedu, asi akaurasa kure; naizvozvo Dhiyabhorosi akamutevera, uye akazove uyo weavo vakarasika وَلَوۡ شِئۡنَا لَرَفَعۡنَٰهُ بِهَا وَلَٰكِنَّهُۥٓ أَخۡلَدَ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ وَٱتَّبَعَ هَوَىٰهُۚ فَمَثَلُهُۥ كَمَثَلِ ٱلۡكَلۡبِ إِن تَحۡمِلۡ عَلَيۡهِ يَلۡهَثۡ أَوۡ تَتۡرُكۡهُ يَلۡهَثۚ ذَّٰلِكَ مَثَلُ ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَاۚ فَٱقۡصُصِ ٱلۡقَصَصَ لَعَلَّهُمۡ يَتَفَكَّرُونَ ١٧٦Uye dai taida, taimukwidziridza nahwo (humboo), asi iye akada mafaro enyika uye akatevera zvido zvake. Naizvozvo mucherechedzo wake wakafanana nemucherechedzo weimbwa, ukaitandira kure inoburitsa rurimi panze, kana ukaisiya yakadaro inongoburitsa rurimi panze. Uyu ndiwo mucherechedzo weavo vanoramba humboo hwedu. Naizvozvo vaudze nyaya pamwe vangayeuka سَآءَ مَثَلًا ٱلۡقَوۡمُ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَأَنفُسَهُمۡ كَانُواْ يَظۡلِمُونَ ١٧٧Wakaipa muenzaniso weavo vanoramba humboo hwedu, uye pachavo vaive vanhu vanozvikanganisa (vanozvitadzira) مَن يَهۡدِ ٱللَّهُ فَهُوَ ٱلۡمُهۡتَدِيۖ وَمَن يُضۡلِلۡ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ ١٧٨Uyo (munhu) Allah vanotungamirira, zvirokwazvo ndiye ari mugwara rakatwasuka, uye uyo wavanosiya achirasika, vakadaro ndivo vakarasikirwa وَلَقَدۡ ذَرَأۡنَا لِجَهَنَّمَ كَثِيرًا مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِۖ لَهُمۡ قُلُوبٌ لَّا يَفۡقَهُونَ بِهَا وَلَهُمۡ أَعۡيُنٌ لَّا يُبۡصِرُونَ بِهَا وَلَهُمۡ ءَاذَانٌ لَّا يَسۡمَعُونَ بِهَآۚ أُوْلَٰٓئِكَ كَٱلۡأَنۡعَٰمِ بَلۡ هُمۡ أَضَلُّۚ أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡغَٰفِلُونَ ١٧٩Uye zvirokwazvo, takasikira Gehena maJinn nevanhu vakawanda. Ivo vane moyo asi havanzwisisi nayo, uye vane maziso asi havakwanisi kuona nawo, uye vane nzeve asi havanzwi nadzo (chokwadi). Vanhu vakadaro vakafanana nemombe, asi ivo vakatonyanya kurasika. Vanhu vakadaro ndivo vasingafungi (vasina hanya) وَلِلَّهِ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰ فَٱدۡعُوهُ بِهَاۖ وَذَرُواْ ٱلَّذِينَ يُلۡحِدُونَ فِيٓ أَسۡمَٰٓئِهِۦۚ سَيُجۡزَوۡنَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٨٠Uye Allah ndivo vane mazita akanaka, naizvozvo vadaidzei nawo, uye mosiyana neavo vanoramba mazita avo. Vachapiwa mubairo wezvavaiita وَمِمَّنۡ خَلَقۡنَآ أُمَّةٌ يَهۡدُونَ بِٱلۡحَقِّ وَبِهِۦ يَعۡدِلُونَ ١٨١Uye kune avo vatakasika, pane vanhu vanotungamira muchokwadi, uye nacho vanotonga zvakafanira وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا سَنَسۡتَدۡرِجُهُم مِّنۡ حَيۡثُ لَا يَعۡلَمُونَ ١٨٢Uye avo vanoramba humbooo hwedu, tichavaparadza (tichavaranga) zvishoma nezvishoma nemutongo wavasingafungiri وَأُمۡلِي لَهُمۡۚ إِنَّ كَيۡدِي مَتِينٌ ١٨٣Uye ndichavasiya kwekanguva; zvirokwazvo hurongwa hwangu hwakasimba أَوَلَمۡ يَتَفَكَّرُواْۗ مَا بِصَاحِبِهِم مِّن جِنَّةٍۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا نَذِيرٌ مُّبِينٌ ١٨٤Havarangariri here? Hapana kuumwe wavo (Muhammad (SAW)) kupenga. Haasi kunze kwemuyambiri ari pachena أَوَلَمۡ يَنظُرُواْ فِي مَلَكُوتِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا خَلَقَ ٱللَّهُ مِن شَيۡءٍ وَأَنۡ عَسَىٰٓ أَن يَكُونَ قَدِ ٱقۡتَرَبَ أَجَلُهُمۡۖ فَبِأَيِّ حَدِيثِۭ بَعۡدَهُۥ يُؤۡمِنُونَ ١٨٥Havatarisi here muhumambo hwekudenga nepanyika uye zvinhu zvese Allah zvavakasika; uye pamwe zvingava kuti kuguma kwehupenyu hwavo kwava pedyo. Saka ndeapi mashoko avachatenda mushure meaya مَن يُضۡلِلِ ٱللَّهُ فَلَا هَادِيَ لَهُۥۚ وَيَذَرُهُمۡ فِي طُغۡيَٰنِهِمۡ يَعۡمَهُونَ ١٨٦Uyo munhu Allah wavanorasisa, hakuna anogona kumutungamira; uye anovasiya mukuterereka kwavo vasingaoni يَسۡـَٔلُونَكَ عَنِ ٱلسَّاعَةِ أَيَّانَ مُرۡسَىٰهَاۖ قُلۡ إِنَّمَا عِلۡمُهَا عِندَ رَبِّيۖ لَا يُجَلِّيهَا لِوَقۡتِهَآ إِلَّا هُوَۚ ثَقُلَتۡ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ لَا تَأۡتِيكُمۡ إِلَّا بَغۡتَةًۗ يَسۡـَٔلُونَكَ كَأَنَّكَ حَفِيٌّ عَنۡهَاۖ قُلۡ إِنَّمَا عِلۡمُهَا عِندَ ٱللَّهِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ١٨٧Vanokubvunza nezvenguva (zuva rekumutswa) (vachiti): “Nguva yacho yakatarwa iriko rinhi?” Iti: “Ruzivo rwacho rwuna Tenzi vangu (Allah). Hakuna anoburitsa pachena nguva yacho kusara kwaivo (Allah). (Nguva yacho) Mutoro wayo unorema kumatenga nekunyika. (Nguva yacho) haizombouyi kwamuri asi kunze kokuti makavarairwa.” Vanokubvunza sokunge iwe une ruzivo nezvayo. Iti: “Ruzivo rwayo runa Allah (voga), asi vanhu vazhinji havazvizivi.” قُل لَّآ أَمۡلِكُ لِنَفۡسِي نَفۡعًا وَلَا ضَرًّا إِلَّا مَا شَآءَ ٱللَّهُۚ وَلَوۡ كُنتُ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ لَٱسۡتَكۡثَرۡتُ مِنَ ٱلۡخَيۡرِ وَمَا مَسَّنِيَ ٱلسُّوٓءُۚ إِنۡ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٌ وَبَشِيرٌ لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ١٨٨Iti (Muhammad (SAW)): “Handina kana simba rekubetsera kana kurwadzisa pachangu, asi kunze kwekuti kana Allah vachida. Dai ndaiva noruzivo rwezvisingaoneki ndaiunganidza hupfumi hwakawanda, uye hapana chakaipa chaindiwana. Ndinongori muyambiri chete, uye muunzi wezvakanaka kune avo vanotenda.” ۞ هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَكُم مِّن نَّفۡسٍ وَٰحِدَةٍ وَجَعَلَ مِنۡهَا زَوۡجَهَا لِيَسۡكُنَ إِلَيۡهَاۖ فَلَمَّا تَغَشَّىٰهَا حَمَلَتۡ حَمۡلًا خَفِيفًا فَمَرَّتۡ بِهِۦۖ فَلَمَّآ أَثۡقَلَت دَّعَوَا ٱللَّهَ رَبَّهُمَا لَئِنۡ ءَاتَيۡتَنَا صَٰلِحًا لَّنَكُونَنَّ مِنَ ٱلشَّٰكِرِينَ ١٨٩(Allah) Ndivo vakakusikai kubva kumunhu mumwechete (Adam), uye vakasika kubva kwaari mudzimai wake (Hawwa (Evha)) kuti ave anofara nekugara naye. Paakasangana (murume asingatendi kubva kuvana vaAdam) naye (mukadzi wake asingatendi) pabonde akatakura pamuviri zvisina matambudziko. Uye pakakura pamuviri, vakakumbira Allah, Tenzi vavo (vachiti): “Kana mukatipa akanaka (mwana), zvirokwazvo, tichava avo vevanotenda.” فَلَمَّآ ءَاتَىٰهُمَا صَٰلِحًا جَعَلَا لَهُۥ شُرَكَآءَ فِيمَآ ءَاتَىٰهُمَاۚ فَتَعَٰلَى ٱللَّهُ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ١٩٠Zvino (Allah) pavakavapa (murume nemukadzi wake vasingatendi) mwana akanaka, vakavapa (Allah) vabatsiri mune izvo zvavakanaga vavapa. Asi Allah vari pamusoro peizvo zvavanovasanganisa nazvo sevabatsiri أَيُشۡرِكُونَ مَا لَا يَخۡلُقُ شَيۡـًٔا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ ١٩١Varikusanganisa here naAllah avo vasingakwanisi kusika chimwe chinhu asi ivo vakatosikwawo وَلَا يَسۡتَطِيعُونَ لَهُمۡ نَصۡرًا وَلَآ أَنفُسَهُمۡ يَنصُرُونَ ١٩٢Hapana rubatsiro rwavanokwanisa kuvapa, kana pachavo kuzvibetsera وَإِن تَدۡعُوهُمۡ إِلَى ٱلۡهُدَىٰ لَا يَتَّبِعُوكُمۡۚ سَوَآءٌ عَلَيۡكُمۡ أَدَعَوۡتُمُوهُمۡ أَمۡ أَنتُمۡ صَٰمِتُونَ ١٩٣Uye kana mukavasheedzera kuchokwadi, havakuteverei. Zvakafanana kwamuri kuvasheedza kana kunyarara إِنَّ ٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ عِبَادٌ أَمۡثَالُكُمۡۖ فَٱدۡعُوهُمۡ فَلۡيَسۡتَجِيبُواْ لَكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ١٩٤Zvirokwazvo, avo vamunosheedza kunze kwaAllah varanda vakafanana nemi. Naizvozvo vasheedzei vagokudairai kana muri pachokwadi أَلَهُمۡ أَرۡجُلٌ يَمۡشُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ أَيۡدٍ يَبۡطِشُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ أَعۡيُنٌ يُبۡصِرُونَ بِهَآۖ أَمۡ لَهُمۡ ءَاذَانٌ يَسۡمَعُونَ بِهَاۗ قُلِ ٱدۡعُواْ شُرَكَآءَكُمۡ ثُمَّ كِيدُونِ فَلَا تُنظِرُونِ ١٩٥Vane makumbo here avanofamba nawo? Kana kuti vane maoko here avanobata nawo? Kana kuti vane maziso here avanoona nawo? Kana kuti vane nzeve here dzavanonzwa nadzo? Iti (Muhammad (SAW)): “Daidzai shamwari dzenyu dzamunosanganisa naAllah uye mondirongera (zvakaipa), uye musandipa nguva!” إِنَّ وَلِـِّۧيَ ٱللَّهُ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡكِتَٰبَۖ وَهُوَ يَتَوَلَّى ٱلصَّٰلِحِينَ ١٩٦“Zvirokwazvo, muchengeti wangu ndiAllah avo vakadzikisa Bhuku (Qur’aan), uye ndivo vanochengeta avo vanoita mabasa akanaka.” وَٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ لَا يَسۡتَطِيعُونَ نَصۡرَكُمۡ وَلَآ أَنفُسَهُمۡ يَنصُرُونَ ١٩٧“Uye avo vamunodaidza kunze kwaAllah havakwanisi kukubatsirai kana kuzvibatsira pachavo.” وَإِن تَدۡعُوهُمۡ إِلَى ٱلۡهُدَىٰ لَا يَسۡمَعُواْۖ وَتَرَىٰهُمۡ يَنظُرُونَ إِلَيۡكَ وَهُمۡ لَا يُبۡصِرُونَ ١٩٨“Uye kana mukavadaidzira kuchokwadi havanzwi, uye unovaona vakakutarisa asi havaoni.” خُذِ ٱلۡعَفۡوَ وَأۡمُرۡ بِٱلۡعُرۡفِ وَأَعۡرِضۡ عَنِ ٱلۡجَٰهِلِينَ ١٩٩Iva unoratidza ruregerero, uye kurudzira zvakanaka, uye furatira avo vasingazivi (usavaranga) وَإِمَّا يَنزَغَنَّكَ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ نَزۡغٌ فَٱسۡتَعِذۡ بِٱللَّهِۚ إِنَّهُۥ سَمِيعٌ عَلِيمٌ ٢٠٠Uye kana kuzevezera kwakashata kwauya kwauri kubva kuna Dhiyabhorosi, tsvaga chengetedzo kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvose إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ إِذَا مَسَّهُمۡ طَٰٓئِفٌ مِّنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ تَذَكَّرُواْ فَإِذَا هُم مُّبۡصِرُونَ ٢٠١Zvirokwazvo, avo vanotya Allah, kana zvakaipa zvikauya kwavari kubva kuna Dhiyabhorosi, vanorangarira (Allah), uye vanobva vaona (chokwadi) وَإِخۡوَٰنُهُمۡ يَمُدُّونَهُمۡ فِي ٱلۡغَيِّ ثُمَّ لَا يُقۡصِرُونَ ٢٠٢Uye madzikoma avo (vanaDhiyabhorosi) vanovawedzera kutadza, zvakare havaregeri وَإِذَا لَمۡ تَأۡتِهِم بِـَٔايَةٍ قَالُواْ لَوۡلَا ٱجۡتَبَيۡتَهَاۚ قُلۡ إِنَّمَآ أَتَّبِعُ مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ مِن رَّبِّيۚ هَٰذَا بَصَآئِرُ مِن رَّبِّكُمۡ وَهُدًى وَرَحۡمَةٌ لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٢٠٣Uye ukasavaunzira chishamiso vanoti: “Sei usina kutiunzira chishamiso?” Iti: “Zvirokwazvo, ndinongotevera chete izvo zvakadzikiswa kwandiri kubva kunaTenzi vangu. Iri (Qur’aan) ndihwo humboo kubva kuna Tenzi venyu, nekutungamirwa uye tsitsi kuvanhu vanotenda.” وَإِذَا قُرِئَ ٱلۡقُرۡءَانُ فَٱسۡتَمِعُواْ لَهُۥ وَأَنصِتُواْ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ ٢٠٤Uye kana Qur’aan richiverengwa ivai munoriteerera, uye monyarara kuti pamwe mungaratidzwe tsitsi (naAllah) وَٱذۡكُر رَّبَّكَ فِي نَفۡسِكَ تَضَرُّعًا وَخِيفَةً وَدُونَ ٱلۡجَهۡرِ مِنَ ٱلۡقَوۡلِ بِٱلۡغُدُوِّ وَٱلۡأٓصَالِ وَلَا تَكُن مِّنَ ٱلۡغَٰفِلِينَ ٢٠٥Uye rangarira Tenzi vako pachezvako uchizvininipisa nekutya, uye neizwi riripasi mangwanani nemanheru, uye usave umwe veavo vasina hanya إِنَّ ٱلَّذِينَ عِندَ رَبِّكَ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ عَنۡ عِبَادَتِهِۦ وَيُسَبِّحُونَهُۥ وَلَهُۥ يَسۡجُدُونَۤ ۩ ٢٠٦Zvirokwazvo, avo vana Tenzi vako (ngirozi) havazvitutumadze mukuvanamata, asi vanovarumbidza uye vanovapfugamira

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.