بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
وَٱلۡفَجۡرِ ١(Ndinopika) nemambakwedza وَلَيَالٍ عَشۡرٍ ٢Neusiku gumi (mazuva gumi ekutanga kwemwedzi weDhul-Hijjah) وَٱلشَّفۡعِ وَٱلۡوَتۡرِ ٣Uye nezvinhu zvinofambidzana muuviri uye zvakapfunda وَٱلَّيۡلِ إِذَا يَسۡرِ ٤Neusiku apo paunopfuura هَلۡ فِي ذَٰلِكَ قَسَمٌ لِّذِي حِجۡرٍ ٥Zvirokwazvo mazviri mune humboo kuvanhu vanonzwisisa أَلَمۡ تَرَ كَيۡفَ فَعَلَ رَبُّكَ بِعَادٍ ٦Hauoni here (Iwe Muhammad (SAW)) kuti Tenzi vako vakaita sei nemaAad إِرَمَ ذَاتِ ٱلۡعِمَادِ ٧VeIram (vaive vakareba) kunge mapango ٱلَّتِي لَمۡ يُخۡلَقۡ مِثۡلُهَا فِي ٱلۡبِلَٰدِ ٨Vasina vamwe vakasikwa saivo panyika وَثَمُودَ ٱلَّذِينَ جَابُواْ ٱلصَّخۡرَ بِٱلۡوَادِ ٩Uye maThamood, avo vaiveza matombo mumupata (vachigadzira dzimba) وَفِرۡعَوۡنَ ذِي ٱلۡأَوۡتَادِ ١٠Uye (na)Farawo muridzi wehoko (dzaaishandisa kurwadzisa vanhu) ٱلَّذِينَ طَغَوۡاْ فِي ٱلۡبِلَٰدِ ١١Avo vaipfurikidza mwero panyika فَأَكۡثَرُواْ فِيهَا ٱلۡفَسَادَ ١٢Uye vachikonzera nyonga nyonga zvakanyanya mairi (nyika) فَصَبَّ عَلَيۡهِمۡ رَبُّكَ سَوۡطَ عَذَابٍ ١٣Naizvozvo Tenzi vako vakaisa pavari (vanhu) mitongo yakasiyana siyana yakaoma إِنَّ رَبَّكَ لَبِٱلۡمِرۡصَادِ ١٤Zvirokwazvo, Tenzi vako vanoona فَأَمَّا ٱلۡإِنسَٰنُ إِذَا مَا ٱبۡتَلَىٰهُ رَبُّهُۥ فَأَكۡرَمَهُۥ وَنَعَّمَهُۥ فَيَقُولُ رَبِّيٓ أَكۡرَمَنِ ١٥Kana munhu, Tenzi vake kana vachinge vamuedza nekumupa chiremera nemakomborero, ipapo anobva ati: “Tenzi vangu vandipa chiremera!” وَأَمَّآ إِذَا مَا ٱبۡتَلَىٰهُ فَقَدَرَ عَلَيۡهِ رِزۡقَهُۥ فَيَقُولُ رَبِّيٓ أَهَٰنَنِ ١٦Asi kana (Allah) vakamuedza nekushomesa (kutambura) raramo yake anoti: “Tenzi vangu vandidzikisira!” كـَلَّاۖ بَل لَّا تُكۡرِمُونَ ٱلۡيَتِيمَ ١٧Kwete! Asi hamubati nherera zvakanaka (uye hamudzipi nhaka yadzo yakakwana) وَلَا تَحَٰٓضُّونَ عَلَىٰ طَعَامِ ٱلۡمِسۡكِينِ ١٨Uye hamukurudzirani kupa chikafu kuAl-Miskeen (anoshaya) وَتَأۡكُلُونَ ٱلتُّرَاثَ أَكۡلًا لَّمًّا ١٩Uye munodya nhaka nemakaro وَتُحِبُّونَ ٱلۡمَالَ حُبًّا جَمًّا ٢٠Uye munoda hupfumi nerudo rwakanyanya كـَلَّآۖ إِذَا دُكَّتِ ٱلۡأَرۡضُ دَكًّا دَكًّا ٢١Kwete! Apo nyika paichakuiwa kuita huruva وَجَآءَ رَبُّكَ وَٱلۡمَلَكُ صَفًّا صَفًّا ٢٢Uye Tenzi vako vouya nengirozi dziri mumitsara وَجِاْيٓءَ يَوۡمَئِذِۭ بِجَهَنَّمَۚ يَوۡمَئِذٍ يَتَذَكَّرُ ٱلۡإِنسَٰنُ وَأَنَّىٰ لَهُ ٱلذِّكۡرَىٰ ٢٣Uye Gehena richaunzwa pedyo musi uyu. Pazuva iroro munhu acharangarira, asi kurangarira (kwake) kuchamubatsirei يَقُولُ يَٰلَيۡتَنِي قَدَّمۡتُ لِحَيَاتِي ٢٤Achati: “Matambudziko kwandiri! Dai ndakatungamidza (mabasa akanaka) paupenyu hwangu!” فَيَوۡمَئِذٍ لَّا يُعَذِّبُ عَذَابَهُۥٓ أَحَدٌ ٢٥Saka pazuva iri hapana achatonga sematongero avachaita (Allah) وَلَا يُوثِقُ وَثَاقَهُۥٓ أَحَدٌ ٢٦Uye hapana achasunga (vasingatendi nevaiti vemabasa akashata) semasungiro avo (Allah) يَٰٓأَيَّتُهَا ٱلنَّفۡسُ ٱلۡمُطۡمَئِنَّةُ ٢٧(Zvichanzi kuvatsvene): “Iwe mweya uri pazororo ٱرۡجِعِيٓ إِلَىٰ رَبِّكِ رَاضِيَةً مَّرۡضِيَّةً ٢٨Dzoka kunaTenzi vako, uchifadzwa (navo) uye vachifadzwa newe فَٱدۡخُلِي فِي عِبَٰدِي ٢٩Naizvozvo, pinda pakati pevaranda vangu (vanoremekedzeka) وَٱدۡخُلِي جَنَّتِي ٣٠Uye pinda muParadhiso rangu!”