Millat al-Islam

Chapter 1 · 7 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Fatihah in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Fatihah (1787 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ ١Muzita raAllah, Vane Tsitsi, Vane Ngoni ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٢Kurumbidzwa nekutendwa kwese ngakuve kuna Allah, Tenzi venyika dzese (zvisikwa zvese: vanhu, maJinn nezvese zviripo) ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ ٣Vane Tsitsi zhinji, neNgoni zhinji مَٰلِكِ يَوۡمِ ٱلدِّينِ ٤Muridzi (Mutongi) wezuva rekutongwa (zuva rekumutswa kwevakafa) إِيَّاكَ نَعۡبُدُ وَإِيَّاكَ نَسۡتَعِينُ ٥Imi moga ndimi vatinonamata, uye imi mega ndimi vatinokumbira rubatsiro (rwazvose) ٱهۡدِنَا ٱلصِّرَٰطَ ٱلۡمُسۡتَقِيمَ ٦Titungamirirei munzira yakatwasuka صِرَٰطَ ٱلَّذِينَ أَنۡعَمۡتَ عَلَيۡهِمۡ غَيۡرِ ٱلۡمَغۡضُوبِ عَلَيۡهِمۡ وَلَا ٱلضَّآلِّينَ ٧Nzira yeavo vamakapa makomborero (vatumwa, maporofita, nevaiti vezvakanaka), kwete nzira yeavo vamakatsamwira, kana yeavo vakarasika

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.