Millat al-Islam

Chapter 92 · 21 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Lail in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Lail (1283 reciters)
Meccanسورة الليل21 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلَّيۡلِ إِذَا يَغۡشَىٰ ١(Ndinopika) neusiku apo paunosvika وَٱلنَّهَارِ إِذَا تَجَلَّىٰ ٢Nemasikati apo paanobwinya وَمَا خَلَقَ ٱلذَّكَرَ وَٱلۡأُنثَىٰٓ ٣Neavo vakasika chirume nechikadzi إِنَّ سَعۡيَكُمۡ لَشَتَّىٰ ٤Zvirokwazvo, simba nemabasa enyu akasiyana siyana فَأَمَّا مَنۡ أَعۡطَىٰ وَٱتَّقَىٰ ٥Kune uyo anopa (zvipo) uye achitya Allah وَصَدَّقَ بِٱلۡحُسۡنَىٰ ٦Uye achitenda mune zvakanaka (Laa ilaaha illallaah – Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwaAllah; kana kuti mubairo kubva kuna Allah) فَسَنُيَسِّرُهُۥ لِلۡيُسۡرَىٰ ٧Tichava tinomurerutsira nzira yakanaka وَأَمَّا مَنۢ بَخِلَ وَٱسۡتَغۡنَىٰ ٨Asi uyo asingapi (anonyima), uye achifunga kuti mupfumi (haana chaanoda kubva kune umwe munhu) وَكَذَّبَ بِٱلۡحُسۡنَىٰ ٩Uye achiramba Al-Husna (zvakanaka: Laa ilaaha illallaah, kana kuti mubairo kubva kunaAllah) فَسَنُيَسِّرُهُۥ لِلۡعُسۡرَىٰ ١٠Tichava tinomurerutsira nzira yakaipa وَمَا يُغۡنِي عَنۡهُ مَالُهُۥٓ إِذَا تَرَدَّىٰٓ ١١Uye hupfumi hwake huchamubatsira chii paachawira pasi (mumatambudziko) إِنَّ عَلَيۡنَا لَلۡهُدَىٰ ١٢Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune nhungamiro وَإِنَّ لَنَا لَلۡأٓخِرَةَ وَٱلۡأُولَىٰ ١٣Uye zvirokwazvo kwatiri ndiko kune magumo nemavambo (upenyu hwepano pasi neuchatevera) فَأَنذَرۡتُكُمۡ نَارًا تَلَظَّىٰ ١٤Naizvozvo ndinokuyambirai nezvemoto unopisa (Gehena) لَا يَصۡلَىٰهَآ إِلَّا ٱلۡأَشۡقَى ١٥Hapana achaupinda kunze kweavo vachange vasina mufaro ٱلَّذِي كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰ ١٦Avo vanoramba vofuratira وَسَيُجَنَّبُهَا ٱلۡأَتۡقَى ١٧Uye Al-Muttaqoon (vatsvene, vanhu vanotya Allah) vachaiswa kure nawo (moto weGehena) ٱلَّذِي يُؤۡتِي مَالَهُۥ يَتَزَكَّىٰ ١٨Uye anopa hupfumi hwake kuti azvichenese وَمَا لِأَحَدٍ عِندَهُۥ مِن نِّعۡمَةٍ تُجۡزَىٰٓ ١٩Uye uyo asiri kuripa chakanaka chaakaitirwa naani zvake إِلَّا ٱبۡتِغَآءَ وَجۡهِ رَبِّهِ ٱلۡأَعۡلَىٰ ٢٠Kunze kwekuti achitsvaga chiso (kufadza) chaTenzi vake vepamusoro-soro وَلَسَوۡفَ يَرۡضَىٰ ٢١Uye zvirokwazvo mushure maizvozvo, achava anofara (paachapinda Paradhiso)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.