Millat al-Islam

Chapter 55 · 78 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Ar-Rahman in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Ar-Rahman (1411 reciters)
Medinanسورة الرحمن78 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

ٱلرَّحۡمَٰنُ ١Mupi ane tsitsi dzakanyanya (Allah) عَلَّمَ ٱلۡقُرۡءَانَ ٢Vakava vanodzidzisa (vanhu) Qur’aan (netsitsi dzavo) خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ ٣Vakasika munhu عَلَّمَهُ ٱلۡبَيَانَ ٤Vakava vanomudzidzisa kutaura zvakanaka ٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُ بِحُسۡبَانٍ ٥Zuva nemwedzi zvinomhanya munzira yadzo yakatarwa yakaerwa zvakanaka وَٱلنَّجۡمُ وَٱلشَّجَرُ يَسۡجُدَانِ ٦Uye zvirimwa (kana nyenyedzi) nemiti zvinopfugamira (Allah) وَٱلسَّمَآءَ رَفَعَهَا وَوَضَعَ ٱلۡمِيزَانَ ٧Uye matenga: Vakava vanomasimudza mudenga, uye vakava vanogadzirisa chikero أَلَّا تَطۡغَوۡاْ فِي ٱلۡمِيزَانِ ٨Kuti musazove munotsaudzira (kudzikisa) chikero وَأَقِيمُواْ ٱلۡوَزۡنَ بِٱلۡقِسۡطِ وَلَا تُخۡسِرُواْ ٱلۡمِيزَانَ ٩Uye muve munoera zvakafanira, uye musave munodzikisa chikero pakuera وَٱلۡأَرۡضَ وَضَعَهَا لِلۡأَنَامِ ١٠Uye nyika: Vakava vanoiita yezvisikwa فِيهَا فَٰكِهَةٌ وَٱلنَّخۡلُ ذَاتُ ٱلۡأَكۡمَامِ ١١Mukati mayo mune michero, uye miti yemadheti inobuditsa mapazi anenzvimbo dzinochengetedza michero وَٱلۡحَبُّ ذُو ٱلۡعَصۡفِ وَٱلرَّيۡحَانُ ١٢Uye chibage chine mashizha acho nemashanga sechikafu chezvipfuyo, uye zvirimwa zvinonhuhwirira فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ١٣Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ مِن صَلۡصَٰلٍ كَٱلۡفَخَّارِ ١٤Vakave vanosika munhu (Adam) kubva muivhu rakafanana neivhu rekuumbisa وَخَلَقَ ٱلۡجَآنَّ مِن مَّارِجٍ مِّن نَّارٍ ١٥Uye maJinn vakaasika kubva muviriri remoto usina chiutsi فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ١٦Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) رَبُّ ٱلۡمَشۡرِقَيۡنِ وَرَبُّ ٱلۡمَغۡرِبَيۡنِ ١٧Tenzi vekumabvazuva maviri (munguva yekupisa neyechando) nekumadokero maviri (munguva yekupisa neyechando) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ١٨Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) مَرَجَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ يَلۡتَقِيَانِ ١٩Vakave vanosiya nzizi mbiri (mvura ine munyu neisina) dzichisangana بَيۡنَهُمَا بَرۡزَخٌ لَّا يَبۡغِيَانِ ٢٠Pakati padzo pane chidziviro chekuti hapana inokwanisa kudarika imwe فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٢١Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) يَخۡرُجُ مِنۡهُمَا ٱللُّؤۡلُؤُ وَٱلۡمَرۡجَانُ ٢٢Madziri (nzizi) munobuda matombo akakosha (mapera nekora) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٢٣Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) وَلَهُ ٱلۡجَوَارِ ٱلۡمُنشَـَٔاتُ فِي ٱلۡبَحۡرِ كَٱلۡأَعۡلَٰمِ ٢٤Uye ngarava ndedzavo dzinoenda nekuuya mumakungwa, semakomo فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٢٥Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) كُلُّ مَنۡ عَلَيۡهَا فَانٍ ٢٦Zvose zviri pairi (nyika) zvichaparara وَيَبۡقَىٰ وَجۡهُ رَبِّكَ ذُو ٱلۡجَلَٰلِ وَٱلۡإِكۡرَامِ ٢٧Uye kuchasara chiso chaTenzi vako chakazara nehukuru, neruremekedzo فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٢٨Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) يَسۡـَٔلُهُۥ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ كُلَّ يَوۡمٍ هُوَ فِي شَأۡنٍ ٢٩Ani naani ari kumatenga nepanyika vanovakumbira (Allah, rubetsero). Zuva nezuva vanenge vari mune zvimwe (sekupa hupenyu nerufu) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٣٠Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) سَنَفۡرُغُ لَكُمۡ أَيُّهَ ٱلثَّقَلَانِ ٣١Tichauya kwamuri, imi mapoka maviri (vanhu nemaJinn) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٣٢Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) يَٰمَعۡشَرَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ إِنِ ٱسۡتَطَعۡتُمۡ أَن تَنفُذُواْ مِنۡ أَقۡطَارِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ فَٱنفُذُواْۚ لَا تَنفُذُونَ إِلَّا بِسُلۡطَٰنٍ ٣٣Imi gungano remaJinn nevanhu! Kana muchikwanisa kupfuura hwaro hwematenga nenyika, pfuurai! Asi hamukwanisi kupfuura kunze kwekuti zvine mvumo (yaAllah) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٣٤Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) يُرۡسَلُ عَلَيۡكُمَا شُوَاظٌ مِّن نَّارٍ وَنُحَاسٌ فَلَا تَنتَصِرَانِ ٣٥Kuchatumirwa kwamuri maviriri emoto usina chiutsi uye simbi yakanyunguduka, uye hamuzokwanisi kuzvidzivirira فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٣٦Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فَإِذَا ٱنشَقَّتِ ٱلسَّمَآءُ فَكَانَتۡ وَرۡدَةً كَٱلدِّهَانِ ٣٧Zvino apo denga parichaparadzwa, uye robva raita dzvuku semafuta matsvuku فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٣٨Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فَيَوۡمَئِذٍ لَّا يُسۡـَٔلُ عَن ذَنۢبِهِۦٓ إِنسٌ وَلَا جَآنٌّ ٣٩Naizvozvo nezuva iroro hakuna mubvunzo uchabvunzwa munhu kana Jinn maererano nezvitadzo zvake (nekuti zvichange zvichizivikanwa nezviso zvavo, vamwe vachipenya (vekuParadhiso) uye vamwe vakasviba (vekuGehena) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٤٠Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) يُعۡرَفُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ بِسِيمَٰهُمۡ فَيُؤۡخَذُ بِٱلنَّوَٰصِي وَٱلۡأَقۡدَامِ ٤١Vatadzi vachazivikananwa nezviratidzo zvavo, uye vachabatwa nebvudzi ravo repamberi uye netsoka dzavo فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٤٢Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) هَٰذِهِۦ جَهَنَّمُ ٱلَّتِي يُكَذِّبُ بِهَا ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٤٣Iri ndiro Gehena iro vatadzi ravairamba يَطُوفُونَ بَيۡنَهَا وَبَيۡنَ حَمِيمٍ ءَانٍ ٤٤Vachaenda pakati paro (Gehena) uye mvura inopisa فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٤٥Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) وَلِمَنۡ خَافَ مَقَامَ رَبِّهِۦ جَنَّتَانِ ٤٦Asi uyo anotya kumira pamberi paTenzi vake (oita mabasa akanaka) achawana mapindu maviri (muParadhiso) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٤٧Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) ذَوَاتَآ أَفۡنَانٍ ٤٨Anemapazi anopararira فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٤٩Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِمَا عَيۡنَانِ تَجۡرِيَانِ ٥٠Mukati mawo muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٥١Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِمَا مِن كُلِّ فَٰكِهَةٍ زَوۡجَانِ ٥٢Mukati mawo muchange muine marudzi ose emichero iri miviri miviri فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٥٣Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) مُتَّكِـِٔينَ عَلَىٰ فُرُشِۭ بَطَآئِنُهَا مِنۡ إِسۡتَبۡرَقٍۚ وَجَنَى ٱلۡجَنَّتَيۡنِ دَانٍ ٥٤Vachange vakarara pamibhedha yakarukirwa nesiriki, uye michero yemapindu maviri ichange iri padyo فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٥٥Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِنَّ قَٰصِرَٰتُ ٱلطَّرۡفِ لَمۡ يَطۡمِثۡهُنَّ إِنسٌ قَبۡلَهُمۡ وَلَا جَآنٌّ ٥٦Mukati mawo muchange muine vakadzi vakatsiga, vasina varume kana maJinn akamborara navo فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٥٧Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) كَأَنَّهُنَّ ٱلۡيَاقُوتُ وَٱلۡمَرۡجَانُ ٥٨(Runako) Sokunge vari matombo akakosha (masandawana nemakora) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٥٩Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) هَلۡ جَزَآءُ ٱلۡإِحۡسَٰنِ إِلَّا ٱلۡإِحۡسَٰنُ ٦٠Pane mubairo wezvakanaka here kunze kwezvakanaka فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٦١Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) وَمِن دُونِهِمَا جَنَّتَانِ ٦٢Uye asiri aya maviri, pane mamwe mapindu maviri (muParadhiso) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٦٣Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) مُدۡهَآمَّتَانِ ٦٤Ane ruvara rwakasvibira فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٦٥Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِمَا عَيۡنَانِ نَضَّاخَتَانِ ٦٦Mukati mawo (mapindu) muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٦٧Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِمَا فَٰكِهَةٌ وَنَخۡلٌ وَرُمَّانٌ ٦٨Mukati mawo ose muchange muine michero uye madheti neRummaan (chibage chechirungu) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٦٩Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) فِيهِنَّ خَيۡرَٰتٌ حِسَانٌ ٧٠Mukati mawo muchange muine vakadzi vakanaka فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٧١Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) حُورٌ مَّقۡصُورَٰتٌ فِي ٱلۡخِيَامِ ٧٢Vakadzi vakanaka munzvimbo dzakachengetedzwa فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٧٣Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) لَمۡ يَطۡمِثۡهُنَّ إِنسٌ قَبۡلَهُمۡ وَلَا جَآنٌّ ٧٤Hapana murume akambovabata mushure kana maJinn فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٧٥Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) مُتَّكِـِٔينَ عَلَىٰ رَفۡرَفٍ خُضۡرٍ وَعَبۡقَرِيٍّ حِسَانٍ ٧٦Vanenge vakazorora pamakusheni akasvibira uye nemametiresi akakosha, akanaka فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ ٧٧Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn) تَبَٰرَكَ ٱسۡمُ رَبِّكَ ذِي ٱلۡجَلَٰلِ وَٱلۡإِكۡرَامِ ٧٨Rakakomborerwa zita raTenzi vako, mukuru, uye muridzi weremekedzo

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.