بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
سَبَّحَ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ١Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لِمَ تَقُولُونَ مَا لَا تَفۡعَلُونَ ٢Imi vanotenda! Sei muchitaura izvo zvamusingaiti كَبُرَ مَقۡتًا عِندَ ٱللَّهِ أَن تَقُولُواْ مَا لَا تَفۡعَلُونَ ٣Zvakanyanya kuvengwa pamberi paAllah ndezvekutaura izvo zvamusingaiti إِنَّ ٱللَّهَ يُحِبُّ ٱلَّذِينَ يُقَٰتِلُونَ فِي سَبِيلِهِۦ صَفًّا كَأَنَّهُم بُنۡيَٰنٌ مَّرۡصُوصٌ ٤Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanorwa munzira yavo vari pamitsara sokunge mudhuri wakasimba وَإِذۡ قَالَ مُوسَىٰ لِقَوۡمِهِۦ يَٰقَوۡمِ لِمَ تُؤۡذُونَنِي وَقَد تَّعۡلَمُونَ أَنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡۖ فَلَمَّا زَاغُوٓاْ أَزَاغَ ٱللَّهُ قُلُوبَهُمۡۚ وَٱللَّهُ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡفَٰسِقِينَ ٥Uye rangarirai apo Musa akati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Nemhaka yei imi muchindirwadzisa asi imi muchiziva muchokwadi kuti ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri?” Saka pavakafuratira, Allah vakaita kuti moyo yavo ifuratire (nzira yakanaka). Uye Allah havatungamiri vanhu vasingateereri وَإِذۡ قَالَ عِيسَى ٱبۡنُ مَرۡيَمَ يَٰبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُم مُّصَدِّقًا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيَّ مِنَ ٱلتَّوۡرَىٰةِ وَمُبَشِّرَۢا بِرَسُولٍ يَأۡتِي مِنۢ بَعۡدِي ٱسۡمُهُۥٓ أَحۡمَدُۖ فَلَمَّا جَآءَهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ قَالُواْ هَٰذَا سِحۡرٌ مُّبِينٌ ٦Uye rangarirai apo Isa (Jesu) mwana wa Mariya akati: “Imi vana vaIzrairi! Ini ndiri mutumwa waAllah kwamuri, kuzodudzira izvo zvakauya pamberi pangu zviri muTorah, uye kupa mashoko akanaka emutumwa achauya mushure mangu, zita rake anonzi Ahmad (zita rimwe raMuhammad (SAW)).” Asi paakauya (Ahmad (SAW)) kwavari nehumboo huri pachena, vakati: “Aya masaramusi ari pachena.” وَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ وَهُوَ يُدۡعَىٰٓ إِلَى ٱلۡإِسۡلَٰمِۚ وَٱللَّهُ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ ٧Uye ndiani anotadza zvikuru kudarika uyo anonyepera Allah, asi iye achidaidzirwa kuIslaam? Uye Allah havatungamiriri vanhu vanotadza يُرِيدُونَ لِيُطۡفِـُٔواْ نُورَ ٱللَّهِ بِأَفۡوَٰهِهِمۡ وَٱللَّهُ مُتِمُّ نُورِهِۦ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡكَٰفِرُونَ ٨Vanoshuvira kudzima mwenje waAllah (Islaam) nemiromo yavo, asi Allah vachadzadzikisa mwenje wavo kunyangwe zvazvo vasingatendi vachizvivenga هُوَ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ رَسُولَهُۥ بِٱلۡهُدَىٰ وَدِينِ ٱلۡحَقِّ لِيُظۡهِرَهُۥ عَلَى ٱلدِّينِ كُلِّهِۦ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡمُشۡرِكُونَ ٩Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nenungamiro uye chitendero chechokwadi (Islaam) kuti chigokunda zvitendero zvose kunyangwe zvazvo maMushrikoon (Vasingatendi nevanonamata vana mwari vakawanda) vachizvivenga يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ هَلۡ أَدُلُّكُمۡ عَلَىٰ تِجَٰرَةٍ تُنجِيكُم مِّنۡ عَذَابٍ أَلِيمٍ ١٠Imi vanotenda! Ndingakutungamirai here kune bhizimusi richakununurai kubva kumurango unorwadza تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَتُجَٰهِدُونَ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ بِأَمۡوَٰلِكُمۡ وَأَنفُسِكُمۡۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٌ لَّكُمۡ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ١١Kuti imi mutende kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye moshinga nekurwa munzira yaAllah nehupfumi hwenyu uye nehupenyu hwenyu. Izvozvo ndizvo zvakanaka kwamuri kana muchiziva يَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡ وَيُدۡخِلۡكُمۡ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ وَمَسَٰكِنَ طَيِّبَةً فِي جَنَّٰتِ عَدۡنٍۚ ذَٰلِكَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ ١٢(Allah) vachakuregererai zvitadzo zvenyu, uye vachakupinzai muParadhiso iro pasi paro panoerera nzizi, uyedzimba dzakanaka muEden, Paradhiso. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kubudirira kukuru وَأُخۡرَىٰ تُحِبُّونَهَاۖ نَصۡرٌ مِّنَ ٱللَّهِ وَفَتۡحٌ قَرِيبٌۗ وَبَشِّرِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٣Nezvimwe zvamunoda kubva kuna Allah (vachakupai), rubatsiro kubva kuna Allah nekukunda kuri pedyo. Uye ipa mashoko akanaka (Muhammad (SAW)) kune vatendi يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ كُونُوٓاْ أَنصَارَ ٱللَّهِ كَمَا قَالَ عِيسَى ٱبۡنُ مَرۡيَمَ لِلۡحَوَارِيِّـۧنَ مَنۡ أَنصَارِيٓ إِلَى ٱللَّهِۖ قَالَ ٱلۡحَوَارِيُّونَ نَحۡنُ أَنصَارُ ٱللَّهِۖ فَـَٔامَنَت طَّآئِفَةٌ مِّنۢ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ وَكَفَرَت طَّآئِفَةٌۖ فَأَيَّدۡنَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ عَلَىٰ عَدُوِّهِمۡ فَأَصۡبَحُواْ ظَٰهِرِينَ ١٤Imi vanotenda! Ivai vabetseri vaAllah sokutaura kwakaita Isa (Jesu) mwana waMariya kuvadzidzi vake (achiti): “Ndivanaani vachandibetsera kuna Allah?” Vadzidzi vakataura kuti: “Isu tiri vabetseri vaAllah!” Naizvozvo chikwata chevana veIzrairi chakatenda uye chikwata chimwe hachina kutenda. Naizvozvo takapa simba kune avo vakatenda pamusoro pemhandu dzavo, uye vakabva vakunda