Millat al-Islam

Chapter 37 · 182 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah As-Saaffat in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah As-Saaffat (1189 reciters)
Meccanسورة الصافات182 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلصَّٰٓفَّٰتِ صَفًّا ١Ndinopika neavo (ngirozi) vari mumitsara فَٱلزَّٰجِرَٰتِ زَجۡرًا ٢Neavo (ngirozi) vanofambisa makore mune zvakanaka فَٱلتَّٰلِيَٰتِ ذِكۡرًا ٣Neavo (ngirozi) vanosvitsa mashoko kuvanhu kubva kuna Allah إِنَّ إِلَٰهَكُمۡ لَوَٰحِدٌ ٤Zvirokwazvo, Mwari wenyu vamwechete رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا وَرَبُّ ٱلۡمَشَٰرِقِ ٥Tenzi vematenga nenyika neizvo zviri pakati pazvo uye Tenzi vemabvazuva إِنَّا زَيَّنَّا ٱلسَّمَآءَ ٱلدُّنۡيَا بِزِينَةٍ ٱلۡكَوَاكِبِ ٦Zvirokwazvo, takava tinoshongedza denga repadyo neshongedzo yenyenyedzi وَحِفۡظًا مِّن كُلِّ شَيۡطَٰنٍ مَّارِدٍ ٧Uye sechidziviriro kubva kumweya yose yadhiyabhorosi yakapanduka لَّا يَسَّمَّعُونَ إِلَى ٱلۡمَلَإِ ٱلۡأَعۡلَىٰ وَيُقۡذَفُونَ مِن كُلِّ جَانِبٍ ٨Havakwanisi kuteerera kune gungano riri pamusoro (ngirozi) nokuda kwekuti vanotemwa kubva kumativi ose دُحُورًاۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ وَاصِبٌ ٩Vakarasirirwa, uye vachava nemutongo unorwadza usingaperi إِلَّا مَنۡ خَطِفَ ٱلۡخَطۡفَةَ فَأَتۡبَعَهُۥ شِهَابٌ ثَاقِبٌ ١٠Kusara kweuyo anotora (anobvuta) chimwe chinhu mushure mekunge aba, uye oteverwa nemarimi emoto anovheneka فَٱسۡتَفۡتِهِمۡ أَهُمۡ أَشَدُّ خَلۡقًا أَم مَّنۡ خَلَقۡنَآۚ إِنَّا خَلَقۡنَٰهُم مِّن طِينٍ لَّازِبِۭ ١١Naizvozvo (Muhammad (SAW)) vabvunze (vasingatendi): “Ndivo here vakaoma kusika, kana kuti ndeizvo zvatakasika (matenga nenyika nemakomo)?” Zvirokwazvo, takavasika kubva muivhu rinonamira (matope) بَلۡ عَجِبۡتَ وَيَسۡخَرُونَ ١٢Asi unoshamiswa (Muhammad (SAW)) apo ivo vachituka (vachitsvinyira) (iwe pamwe neQur’aan) وَإِذَا ذُكِّرُواْ لَا يَذۡكُرُونَ ١٣Uye kana vachinge vayeuchidzwa, havayeuki (havarangariri) وَإِذَا رَأَوۡاْ ءَايَةً يَسۡتَسۡخِرُونَ ١٤Uye kana vachinge vaona chiratidzo (kubva kuna Allah) vanochitsvinya وَقَالُوٓاْ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا سِحۡرٌ مُّبِينٌ ١٥Uye vanoti: “Hapana zviripo kusara kwemapipi ari pachena!” أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابًا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ ١٦“Kana tichinge tafa tave huruva nemapfupa, zvirokwazvo tichamutswa here?” أَوَءَابَآؤُنَا ٱلۡأَوَّلُونَ ١٧“Pamwechete nemadzibaba edu ekutanga here?” قُلۡ نَعَمۡ وَأَنتُمۡ دَٰخِرُونَ ١٨Iti (Muhammad (SAW)): “Hongu, zvakare muchava munodzikisirwa.” فَإِنَّمَا هِيَ زَجۡرَةٌ وَٰحِدَةٌ فَإِذَا هُمۡ يَنظُرُونَ ١٩Kuchangova kudeedzera kumwechete (Zajrah – kuridzwa kwehwamanda kechipiri), uye ngwarirai, vachange vakayeva (vakatarisa) وَقَالُواْ يَٰوَيۡلَنَا هَٰذَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ ٢٠Vachati: “Matambudziko kwatiri! Iri ndiro zuva rekutongwa (remugove)!” هَٰذَا يَوۡمُ ٱلۡفَصۡلِ ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ ٢١(Zvichanzi kwavari): “Iri ndiro zuva rekutongwa ramairamba.” ۞ ٱحۡشُرُواْ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ وَأَزۡوَٰجَهُمۡ وَمَا كَانُواْ يَعۡبُدُونَ ٢٢(Zvichanzi kungirozi): “Unganidzai avo vaiita zvisakarurama, pamwechete nevaigara navo (vanadiyabhorosi) uye neizvo zvavainamata.” مِن دُونِ ٱللَّهِ فَٱهۡدُوهُمۡ إِلَىٰ صِرَٰطِ ٱلۡجَحِيمِ ٢٣“Kunze kwaAllah, uye vatungamirirei kunzira yekumoto.” وَقِفُوهُمۡۖ إِنَّهُم مَّسۡـُٔولُونَ ٢٤“Uye vamisei (vadzorei), zvirokwazvo vanofanirwa kubvunzwa.” مَا لَكُمۡ لَا تَنَاصَرُونَ ٢٥“Dambudziko renyu nderei? Sei musiri kubatsirana (sezvamaisiita panyika)?” بَلۡ هُمُ ٱلۡيَوۡمَ مُسۡتَسۡلِمُونَ ٢٦Asi zuva iroro vachazvipira (Vachakanda mapfumo pasi) وَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍ يَتَسَآءَلُونَ ٢٧Uye vachava vanocheukirana vachibvunzana قَالُوٓاْ إِنَّكُمۡ كُنتُمۡ تَأۡتُونَنَا عَنِ ٱلۡيَمِينِ ٢٨Vachati: “Zvirokwazvo, ndimi maiuya kwatiri kubva kurudyi (muchitikurudzira kusatenda nekuita mabasa akaipa).” قَالُواْ بَل لَّمۡ تَكُونُواْ مُؤۡمِنِينَ ٢٩Vachati (Vadzvanyiriri): “Asi imi pachenyu makange musiri vatendi.” وَمَا كَانَ لَنَا عَلَيۡكُم مِّن سُلۡطَٰنِۭۖ بَلۡ كُنتُمۡ قَوۡمًا طَٰغِينَ ٣٠“Uye takanga tisina masimba pamusoro penyu. Asi makange muri vanhu vaisatenda (vaipfurikidza mwero).” فَحَقَّ عَلَيۡنَا قَوۡلُ رَبِّنَآۖ إِنَّا لَذَآئِقُونَ ٣١“Saka izwi raTenzi vedu rava rinonangana nesu kuti zvirokwazvo tichava tinoravira (mutongo wakaomarara).” فَأَغۡوَيۡنَٰكُمۡ إِنَّا كُنَّا غَٰوِينَ ٣٢“Uye takakutungamirai kugwara rakarasika nokuda kwekuti isu pachedu takanga takarasika.” فَإِنَّهُمۡ يَوۡمَئِذٍ فِي ٱلۡعَذَابِ مُشۡتَرِكُونَ ٣٣Uye zvirokwazvo zuva iroro vachava vese vanowana marwadzo إِنَّا كَذَٰلِكَ نَفۡعَلُ بِٱلۡمُجۡرِمِينَ ٣٤Zvirokwazvo, ndiwo maitiro atinoita nevatadzi إِنَّهُمۡ كَانُوٓاْ إِذَا قِيلَ لَهُمۡ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا ٱللَّهُ يَسۡتَكۡبِرُونَ ٣٥Zvirokwazvo, pazvakanzi kwavari: “Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah),” vakazvitutumadza وَيَقُولُونَ أَئِنَّا لَتَارِكُوٓاْ ءَالِهَتِنَا لِشَاعِرٍ مَّجۡنُونِۭ ٣٦Uye vakati: “Tingasiye vanamwari vedu here nokuda kwemudetembi asina kukwana?” بَلۡ جَآءَ بِٱلۡحَقِّ وَصَدَّقَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٣٧Asi iye (Muhammad (SAW)) auya nechokwadi (Islaam) uye achisimbisa (achitsigira) vatumwa (vaivepo iye asati avepo) إِنَّكُمۡ لَذَآئِقُواْ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡأَلِيمِ ٣٨Zvirokwazvo, muchava (vasingatendi) munoravira mutongo unorwadza وَمَا تُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٣٩Uye hamusi kuzopihwa chimwe chinhu kusara kweizvo zvamaiita إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ٤٠Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa (maMuslim) أُوْلَٰٓئِكَ لَهُمۡ رِزۡقٌ مَّعۡلُومٌ ٤١Vachave neraramo inozivikanwa (muParadhiso) فَوَٰكِهُ وَهُم مُّكۡرَمُونَ ٤٢Michero, uyezve vacharemekedzwa فِي جَنَّٰتِ ٱلنَّعِيمِ ٤٣Mumapindu emafaro (MuParadhiso) عَلَىٰ سُرُرٍ مُّتَقَٰبِلِينَ ٤٤Vakatarisana muzvigaro (zvoumambo) يُطَافُ عَلَيۡهِم بِكَأۡسٍ مِّن مَّعِينِۭ ٤٥Mukombe wewaini yakanaka uchitenderedzwa pakati pavo بَيۡضَآءَ لَذَّةٍ لِّلشَّٰرِبِينَ ٤٦(Waini) ichena, inonaka kuvanwi لَا فِيهَا غَوۡلٌ وَلَا هُمۡ عَنۡهَا يُنزَفُونَ ٤٧Havasi kuzovhiringidzwa (kurwadziwa) nayo, kana kuti kudhakwa nayo وَعِندَهُمۡ قَٰصِرَٰتُ ٱلطَّرۡفِ عِينٌ ٤٨Uye parutivi pavo pachange paine vakadzi vanodzora maziso avo (vasingadi vamwe kunze kwevarume vavo), vane maziso mahombe akanaka كَأَنَّهُنَّ بَيۡضٌ مَّكۡنُونٌ ٤٩(Vakachena) sekunge mazai (akavigwa) akachengetedzwa فَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍ يَتَسَآءَلُونَ ٥٠Nokudaro vachava vanotarisana vachibvunzana (kubvunzana kwakanaka) قَالَ قَآئِلٌ مِّنۡهُمۡ إِنِّي كَانَ لِي قَرِينٌ ٥١Mutauri pakati pavo achiti: “Zvirokwazvo, ndaive neshamwari (Panyika).” يَقُولُ أَءِنَّكَ لَمِنَ ٱلۡمُصَدِّقِينَ ٥٢“Aitaura kuti: ‘Uri pakati peavo vanotenda (muhupenyu hunotevera here).’ أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابًا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَدِينُونَ ٥٣‘(Kuti) Kana tichinge tafa tova huruva nemapfupa, tichava tinomutswa kuti tinowana mubairo kana murango (zvichienderanda nemabasa edu)?’” قَالَ هَلۡ أَنتُم مُّطَّلِعُونَ ٥٤(Mutauri) akati: “Mungatarise here pasi?” فَٱطَّلَعَ فَرَءَاهُ فِي سَوَآءِ ٱلۡجَحِيمِ ٥٥Naizvozvo akatarisa pasi uye akamuona ari pakati pemoto قَالَ تَٱللَّهِ إِن كِدتَّ لَتُرۡدِينِ ٥٦Akati: “Ndinopika naAllah! Zvirokwazvo, wakaposa hwandidzikisira (hwandiparadza).” وَلَوۡلَا نِعۡمَةُ رَبِّي لَكُنتُ مِنَ ٱلۡمُحۡضَرِينَ ٥٧“Dai dzisiri nyasha dzaTenzi vangu, ndingadai ndiri mumwe weavo varimo (mumoto).” أَفَمَا نَحۡنُ بِمَيِّتِينَ ٥٨(Vagari vemuParadhiso) vachati: “Hatisi kuzofa (zvakare) here?” إِلَّا مَوۡتَتَنَا ٱلۡأُولَىٰ وَمَا نَحۡنُ بِمُعَذَّبِينَ ٥٩“Kusara kwekufa kwedu kwekutanga, uye hatisi kuzopihwa murango (mushure mekupinda muParadhiso)?” إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ ٦٠Zvechokwadi, uku ndiko kubudirira kukuru لِمِثۡلِ هَٰذَا فَلۡيَعۡمَلِ ٱلۡعَٰمِلُونَ ٦١Semuenzaniso weizvi siyai vashandi vashande أَذَٰلِكَ خَيۡرٌ نُّزُلًا أَمۡ شَجَرَةُ ٱلزَّقُّومِ ٦٢Ndiwo magariro ari nani here (Paradhiso) kana kuti muti weZaqqoom (muti unovava zvekuti wekumoto) إِنَّا جَعَلۡنَٰهَا فِتۡنَةً لِّلظَّٰلِمِينَ ٦٣Zvechokwadi, takaugadzira semuedzo kune avo vasingatendi (vatadzi) إِنَّهَا شَجَرَةٌ تَخۡرُجُ فِيٓ أَصۡلِ ٱلۡجَحِيمِ ٦٤Zvirokwazvo, imuti unobuda kubva pasi pemoto طَلۡعُهَا كَأَنَّهُۥ رُءُوسُ ٱلشَّيَٰطِينِ ٦٥Kupukira kwemadzinde emichero yacho kunenge misoro yemaShayaatween (ana Dhiyabhorosi) فَإِنَّهُمۡ لَأٓكِلُونَ مِنۡهَا فَمَالِـُٔونَ مِنۡهَا ٱلۡبُطُونَ ٦٦Zvechokwadi, vachadya kubva mauri uye matumbu avo achazadzwa nawo ثُمَّ إِنَّ لَهُمۡ عَلَيۡهَا لَشَوۡبًا مِّنۡ حَمِيمٍ ٦٧Uye pamusoro pazvo vachapihwa mvura inopisa kuti vanwe kuti ive musanganiswa (wemvura inopisa neZaqqoom) ثُمَّ إِنَّ مَرۡجِعَهُمۡ لَإِلَى ٱلۡجَحِيمِ ٦٨Uye mushure mazvo, zvirokwazvo, vachadzokera mumarimi emoto إِنَّهُمۡ أَلۡفَوۡاْ ءَابَآءَهُمۡ ضَآلِّينَ ٦٩Zvirokwazvo, vakawana madzibaba avo ari mugwara rakarasika فَهُمۡ عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِمۡ يُهۡرَعُونَ ٧٠Naizvozvo ivo (zvakare) vakatevera tsoka dzavo وَلَقَدۡ ضَلَّ قَبۡلَهُمۡ أَكۡثَرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٧١Uye zvirokwazvo vazhinji vakave vakarasika ivo vasati vavapo وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا فِيهِم مُّنذِرِينَ ٧٢Uye zvirokwazvo takava tinotumira vayambiri pakati pavo (vatumwa) فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُنذَرِينَ ٧٣Naizvozvo tarisai magumo eavo vakayambirwa (asi havana kuteerera) إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ٧٤Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa (maMuslim) وَلَقَدۡ نَادَىٰنَا نُوحٌ فَلَنِعۡمَ ٱلۡمُجِيبُونَ ٧٥Uye zvirokwazvo Nowa akatisheedza, uye ndisu tiri pamusoro peavo vanopa mhinduro وَنَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥ مِنَ ٱلۡكَرۡبِ ٱلۡعَظِيمِ ٧٦Uye takamununura pamwechete nemhuri yake kubva kumarwadzo makuru (kunyura) وَجَعَلۡنَا ذُرِّيَّتَهُۥ هُمُ ٱلۡبَاقِينَ ٧٧Uye takaita kuti vana vake (Shem, Ham naJapheth) vave vanorarama وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ ٧٨Uye takava tinomusiira (kurangarira kwakanaka) pakati pemarudzi aizouya سَلَٰمٌ عَلَىٰ نُوحٍ فِي ٱلۡعَٰلَمِينَ ٧٩“Rugare (kubva kwatiri) ngaruve kuna Nowa pasi rose!” إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٨٠Zvirokwazvo, ndiwo mubairo watinopa maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka) إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٨١Zvirokwazvo, (Nowa) akanga ari umwe wevaranda vedu vaitenda ثُمَّ أَغۡرَقۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ ٨٢Uyezve takava tinonyudza vamwe vose (vaisatenda) ۞ وَإِنَّ مِن شِيعَتِهِۦ لَإِبۡرَٰهِيمَ ٨٣Uye zvirokwazvo pakati pevakatevera nzira yake (Nowa) aiva Ibrahim (Abrahamu) إِذۡ جَآءَ رَبَّهُۥ بِقَلۡبٍ سَلِيمٍ ٨٤Apo paakauya kuna Tenzi vake nemoyo wakachena إِذۡ قَالَ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦ مَاذَا تَعۡبُدُونَ ٨٥Apo paakati kuna baba vake nevanhu vake: “Chii chamunonamata?” أَئِفۡكًا ءَالِهَةً دُونَ ٱللَّهِ تُرِيدُونَ ٨٦“Ndivana mwari venhema here vamunoda muchisiya Allah?” فَمَا ظَنُّكُم بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٨٧“Saka munofungei pamusoro paTenzi vepasi rose?” فَنَظَرَ نَظۡرَةً فِي ٱلنُّجُومِ ٨٨Uye akabva atarisa nyenyedzi فَقَالَ إِنِّي سَقِيمٌ ٨٩Uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri kurwara. (Akaita izvi kuti asaende kemhemberero dzavo kuti asare achiparadza zvidhori zvavainamata).” فَتَوَلَّوۡاْ عَنۡهُ مُدۡبِرِينَ ٩٠Naizvozvo vakabva vamusiya vachibva vaenda فَرَاغَ إِلَىٰٓ ءَالِهَتِهِمۡ فَقَالَ أَلَا تَأۡكُلُونَ ٩١Uye akabva atendeukira kunanamwari vavo achibva ati: “Hamudyi here (chikafu chirimberi kwenyu)?” مَا لَكُمۡ لَا تَنطِقُونَ ٩٢“Dambudziko renyu nderei rinoita kuti musataure?” فَرَاغَ عَلَيۡهِمۡ ضَرۡبَۢا بِٱلۡيَمِينِ ٩٣Uye akabva atendeukira kwazviri achizvirova neruoko (rwake) rwerudyi فَأَقۡبَلُوٓاْ إِلَيۡهِ يَزِفُّونَ ٩٤Uye (vanamati vezvidhori) vakauya kwaari vachimhanya قَالَ أَتَعۡبُدُونَ مَا تَنۡحِتُونَ ٩٥Akabva ati: “Munonamata zvamakaveza here (pachenyu)?” وَٱللَّهُ خَلَقَكُمۡ وَمَا تَعۡمَلُونَ ٩٦“Asi Allah vakakusikai (imi) nezvamunogadzira!” قَالُواْ ٱبۡنُواْ لَهُۥ بُنۡيَٰنًا فَأَلۡقُوهُ فِي ٱلۡجَحِيمِ ٩٧Vakati: “Muvakirei chivakwa uye momukanda mumoto!” فَأَرَادُواْ بِهِۦ كَيۡدًا فَجَعَلۡنَٰهُمُ ٱلۡأَسۡفَلِينَ ٩٨Naizvozvo vakamurongera zano asi takavaita kuti vave vepasi pasi وَقَالَ إِنِّي ذَاهِبٌ إِلَىٰ رَبِّي سَيَهۡدِينِ ٩٩Uye akati (Anunurwa kubva mumoto): “Zvirokwazvo, ndavakuenda kuna Tenzi vangu. Vachanditungamirira!” رَبِّ هَبۡ لِي مِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ١٠٠“Tenzi vangu! Ndipeiwo vana vanoita mabasa akanaka.” فَبَشَّرۡنَٰهُ بِغُلَٰمٍ حَلِيمٍ ١٠١Naizvozvo takamupa shoko rakanaka remukomana akashinga فَلَمَّا بَلَغَ مَعَهُ ٱلسَّعۡيَ قَالَ يَٰبُنَيَّ إِنِّيٓ أَرَىٰ فِي ٱلۡمَنَامِ أَنِّيٓ أَذۡبَحُكَ فَٱنظُرۡ مَاذَا تَرَىٰۚ قَالَ يَٰٓأَبَتِ ٱفۡعَلۡ مَا تُؤۡمَرُۖ سَتَجِدُنِيٓ إِن شَآءَ ٱللَّهُ مِنَ ٱلصَّٰبِرِينَ ١٠٢Uye paakanga akura (mwana wake) zvekukwanisa kufamba naye, (Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Iwe mwana wangu! Zvirokwazvo, ndaona kuhope ndichikucheka (sechipiro kuna Allah). Naizvozvo unozviona sei?” Akati: “Imi baba vangu! Itai zvamaudzwa, kana Allah vachida, muchandiwana ndiri pakati peavo vanotsungirira.” فَلَمَّآ أَسۡلَمَا وَتَلَّهُۥ لِلۡجَبِينِ ١٠٣Uye apo vose vakanga vazvipira pachezvavo (kuna Allah), uye akanga amuradzika akatarisa pasi وَنَٰدَيۡنَٰهُ أَن يَٰٓإِبۡرَٰهِيمُ ١٠٤Takamudaidza: “Iwe Ibrahim (Abrahamu)!” قَدۡ صَدَّقۡتَ ٱلرُّءۡيَآۚ إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٠٥“Zvirokwazvo, wava unozadzisa hope (dzako)!” Zvirokwazvo, ndiwo mubairo watinopa maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka) إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡبَلَٰٓؤُاْ ٱلۡمُبِينُ ١٠٦Zvirokwazvo, kwaiva kuedzwa kuri pachena وَفَدَيۡنَٰهُ بِذِبۡحٍ عَظِيمٍ ١٠٧Uye takava tinomubhadhara nechipiro chikuru (Hwai) وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ ١٠٨Uye takava tinomusiira (kurangarira kwakanaka) pakati pemarudzi aizouya سَلَٰمٌ عَلَىٰٓ إِبۡرَٰهِيمَ ١٠٩“Rugare ngaruve kuna Ibrahim (Abrahamu)!” كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١١٠Saizvozvo tinopa mubairo maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka) إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١١١Zvirokwazvo, akanga ari umwe wevaranda vedu vaitenda وَبَشَّرۡنَٰهُ بِإِسۡحَٰقَ نَبِيًّا مِّنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ١١٢Uye takamupa shoko rakanaka raIshaaq (Isaka), muporofita kubva kune vanhu vanoita mabasa akanaka وَبَٰرَكۡنَا عَلَيۡهِ وَعَلَىٰٓ إِسۡحَٰقَۚ وَمِن ذُرِّيَّتِهِمَا مُحۡسِنٌ وَظَالِمٌ لِّنَفۡسِهِۦ مُبِينٌ ١١٣Takava tinomukomborera naIshaaq (Isaka). Uye kubva muvana vavo pane vamwe vaiita mabasa akanaka, nevamwe vaizvidzvanyirira zviri pachena pachezvavo وَلَقَدۡ مَنَنَّا عَلَىٰ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ ١١٤(Naizvozvo) zvirokwazvo, takava tinokomborera Musa naHaroon (Aroni) وَنَجَّيۡنَٰهُمَا وَقَوۡمَهُمَا مِنَ ٱلۡكَرۡبِ ٱلۡعَظِيمِ ١١٥Takava tinovanunura pamwechete nevanhu vavo kubva kudambudziko guru وَنَصَرۡنَٰهُمۡ فَكَانُواْ هُمُ ٱلۡغَٰلِبِينَ ١١٦Takavabatsira kuti vave vanokunda وَءَاتَيۡنَٰهُمَا ٱلۡكِتَٰبَ ٱلۡمُسۡتَبِينَ ١١٧Takava tinovapa Gwaro riri pachena وَهَدَيۡنَٰهُمَا ٱلصِّرَٰطَ ٱلۡمُسۡتَقِيمَ ١١٨Tikavatungamira kunzira yakatwasuka وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِمَا فِي ٱلۡأٓخِرِينَ ١١٩Takavasiira (ndangariro dzakanaka) pakati pemadzinza akatevera سَلَٰمٌ عَلَىٰ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ ١٢٠“Salaam (Rugare) ngaruve kuna Musa naHaroon (Aroni)!” إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٢١Zvirokwazvo, ndiwo mapiro atinoita mugove kune vanoita mabasa akanaka إِنَّهُمَا مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٢٢Zvirokwazvo, vari vaviri (Musa naHaroon (Aroni)) vakanga vari vamwe vevaranda vedu vanotenda وَإِنَّ إِلۡيَاسَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٢٣Uye zvirokwazvo Elyaas (Eriya) akanga ari umwe wevatumwa إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦٓ أَلَا تَتَّقُونَ ١٢٤Paakati kuvanhu vake: “Hamutyi Allah here?” أَتَدۡعُونَ بَعۡلًا وَتَذَرُونَ أَحۡسَنَ ٱلۡخَٰلِقِينَ ١٢٥“Mungadaidza Ba’l (chiumbwa chaizivikanwa chavainamata) muchisiya musiki wepamusoro soro.” ٱللَّهَ رَبَّكُمۡ وَرَبَّ ءَابَآئِكُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٢٦“Allah, Tenzi venyu, uye Tenzi vemadzibaba (madzitateguru) enyu ekutanga.” فَكَذَّبُوهُ فَإِنَّهُمۡ لَمُحۡضَرُونَ ١٢٧Asi vakamuramba (Elyaas (Eriya)), saka naizvozvo vachava vanounzwa (kumutongo) إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ١٢٨Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ ١٢٩Takamusiira (ndangariro dzakanaka) kumadzinza akatevera سَلَٰمٌ عَلَىٰٓ إِلۡ يَاسِينَ ١٣٠“Salaam (Rugare) ngaruve kuna Elyaaseen (Eriya)!” إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٣١Zvirokwazvo, ndiwo mapiro atinoita mugove kune avo vanoita mabasa akanaka إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٣٢Zvirokwazvo, akanga ari umwe wevaranda vedu vanotenda وَإِنَّ لُوطًا لَّمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٣٣Uye zvirokwazvo Loti akanga ari umwe wevatumwa إِذۡ نَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ أَجۡمَعِينَ ١٣٤(Rangarirai) patakamununura pamwechete nemhuri yake yose إِلَّا عَجُوزًا فِي ٱلۡغَٰبِرِينَ ١٣٥Kusara kwechembere (mudzimai wake) yakava pane vakasara kumashure ثُمَّ دَمَّرۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ ١٣٦Uye takava tinoparadza vamwe vose (Guta reSodom kuPalestine) وَإِنَّكُمۡ لَتَمُرُّونَ عَلَيۡهِم مُّصۡبِحِينَ ١٣٧Zvirokwazvo, munopfuura nepavari munguva dzemangwanani وَبِٱلَّيۡلِۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ١٣٨Uye neusiku, hamufungi here وَإِنَّ يُونُسَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٣٩Uye zvirokwazvo, Yunus (Jonah) akange ari umwe wevatumwa إِذۡ أَبَقَ إِلَى ٱلۡفُلۡكِ ٱلۡمَشۡحُونِ ١٤٠(Rangarirai) apo paakamhanyira mungarava فَسَاهَمَ فَكَانَ مِنَ ٱلۡمُدۡحَضِينَ ١٤١Uye akava (anobvumirana) nekutsvaga mhanza, uye akava anokundwa فَٱلۡتَقَمَهُ ٱلۡحُوتُ وَهُوَ مُلِيمٌ ١٤٢Uye akamedzwa nehove (hombe) sezvo iye aiva nemhosva فَلَوۡلَآ أَنَّهُۥ كَانَ مِنَ ٱلۡمُسَبِّحِينَ ١٤٣Dai kusiri kuti akanga ari mumwe wevairumbidza Allah لَلَبِثَ فِي بَطۡنِهِۦٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ ١٤٤Angadai akaramba ari mudumbu mayo (hove) kusvikira zuva rekupedzisira (rekumutswa) ۞ فَنَبَذۡنَٰهُ بِٱلۡعَرَآءِ وَهُوَ سَقِيمٌ ١٤٥Asi takava tinomukanda kumahombe kombe ava kurwara وَأَنۢبَتۡنَا عَلَيۡهِ شَجَرَةً مِّن يَقۡطِينٍ ١٤٦Takava tinoita kuti munhanga umere pamusoro pake وَأَرۡسَلۡنَٰهُ إِلَىٰ مِاْئَةِ أَلۡفٍ أَوۡ يَزِيدُونَ ١٤٧Uye takamutumira kuzviuru zana (zvevanhu) kana kudarika ipapo فَـَٔامَنُواْ فَمَتَّعۡنَٰهُمۡ إِلَىٰ حِينٍ ١٤٨Uye vakatenda; naizvozvo takava tinovapa mafaro kwekanguva فَٱسۡتَفۡتِهِمۡ أَلِرَبِّكَ ٱلۡبَنَاتُ وَلَهُمُ ٱلۡبَنُونَ ١٤٩Vabvunze (Muhammad (SAW)): “Kuna Tenzi vako ndiko kune vanasikana uye kwavari ndiko kune vanakomana here?” أَمۡ خَلَقۡنَا ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ إِنَٰثًا وَهُمۡ شَٰهِدُونَ ١٥٠“Kana kuti takasika ngirozi dzechikadzi here ivo vachiona (vachipupura)?” أَلَآ إِنَّهُم مِّنۡ إِفۡكِهِمۡ لَيَقُولُونَ ١٥١Zvirokwazvo, zvingori zvemanyepo avo (vasingatendi) kuti vanoti وَلَدَ ٱللَّهُ وَإِنَّهُمۡ لَكَٰذِبُونَ ١٥٢“Allah vane vana (ngirozi)!” Uye zvirokwazvo vanyepi أَصۡطَفَى ٱلۡبَنَاتِ عَلَى ٱلۡبَنِينَ ١٥٣(Allah) vakasarudza vanasikana here pane vanakomana مَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ ١٥٤Dambudziko renyu nderei? Ko munoronga sei أَفَلَا تَذَكَّرُونَ ١٥٥Hamurangariri here أَمۡ لَكُمۡ سُلۡطَٰنٌ مُّبِينٌ ١٥٦Kana kuti mune kodzero iri pachena here فَأۡتُواْ بِكِتَٰبِكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ١٥٧Naizvozvo huyai neGwaro renyu kana muri pachokwadi وَجَعَلُواْ بَيۡنَهُۥ وَبَيۡنَ ٱلۡجِنَّةِ نَسَبًاۚ وَلَقَدۡ عَلِمَتِ ٱلۡجِنَّةُ إِنَّهُمۡ لَمُحۡضَرُونَ ١٥٨Uye vakagadzira ushamwari pakati pavo (Allah) nemaJinn, asi ivo maJinn anoziva zvakanaka kuti arikuzomira pamberi pavo (Allah) سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ عَمَّا يَصِفُونَ ١٥٩Kurumbidzwa ndekwaAllah! Kubva kune izvo zvavanovasanganisa (zvavanovatsanangudza) nazvo إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ١٦٠Kusara kwevaranda vaAllah, vavakasarudza (vatendi vechokwadi) فَإِنَّكُمۡ وَمَا تَعۡبُدُونَ ١٦١Naizvozvo, zvirokwazvo imi (vasingatendi) neavo vamunonamata (zvidhori) مَآ أَنتُمۡ عَلَيۡهِ بِفَٰتِنِينَ ١٦٢Hamukwanise kurasisa (kusandura avo vanotenda muna Allah) إِلَّا مَنۡ هُوَ صَالِ ٱلۡجَحِيمِ ١٦٣Kusara kweavo vakanyorerwa kutsva (muGehena) وَمَا مِنَّآ إِلَّا لَهُۥ مَقَامٌ مَّعۡلُومٌ ١٦٤Uye hakuna pakati pedu (ngirozi) kusara kwekuti ine chinzvimbo chinozivikanwa وَإِنَّا لَنَحۡنُ ٱلصَّآفُّونَ ١٦٥Uye zvirokwazvo, isu (ngirozi) tinomira mumitsara (tichinamata sezvamunoita maMuslim pakunamata) وَإِنَّا لَنَحۡنُ ٱلۡمُسَبِّحُونَ ١٦٦Uye zvirokwazvo, isu (ngirozi) ndisu avo vanorumbidza (Allah) وَإِن كَانُواْ لَيَقُولُونَ ١٦٧Uye zvirokwazvo ivo (vasingatendi) vaiti لَوۡ أَنَّ عِندَنَا ذِكۡرًا مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٦٨“Dai tiine muyeuchidzi sevanhu vekare (Muporofita Muhammad (SAW) asati auya).” لَكُنَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ١٦٩“Taiva zvirokwazvo varanda vaAllah vakasarudzwa (vatendi vechokwadi)!” فَكَفَرُواْ بِهِۦۖ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ ١٧٠Asi (Qur’aan rave rinouya) havasi kutenda mariri, naizvozvo vachaziva وَلَقَدۡ سَبَقَتۡ كَلِمَتُنَا لِعِبَادِنَا ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٧١Uye zvirokwazvo, shoko redu rakatopfuura kuvaranda vedu, vatumwa إِنَّهُمۡ لَهُمُ ٱلۡمَنصُورُونَ ١٧٢Kuti zvirokwazvo vachava vanoitwa vakundi وَإِنَّ جُندَنَا لَهُمُ ٱلۡغَٰلِبُونَ ١٧٣Uye zvirokwazvo mauto edu achava vakundi فَتَوَلَّ عَنۡهُمۡ حَتَّىٰ حِينٍ ١٧٤Naizvozvo vafuratire (Muhammad (SAW)) kwekanguva وَأَبۡصِرۡهُمۡ فَسَوۡفَ يُبۡصِرُونَ ١٧٥Uye vatarise uye vachazoona (mutongo) أَفَبِعَذَابِنَا يَسۡتَعۡجِلُونَ ١٧٦Vari kuda kukurumidzira mutongo wedu here فَإِذَا نَزَلَ بِسَاحَتِهِمۡ فَسَآءَ صَبَاحُ ٱلۡمُنذَرِينَ ١٧٧Naizvozvo paunodzikiswa muzvivanze zvavo (padyo navo), kuipa kuchava mangwanani eavo vakayeuchidzwa وَتَوَلَّ عَنۡهُمۡ حَتَّىٰ حِينٍ ١٧٨Naizvozvo vafuratire (Muhammad (SAW)) kwekanguva وَأَبۡصِرۡ فَسَوۡفَ يُبۡصِرُونَ ١٧٩Uye vatarise uye vachazoona (mutongo) سُبۡحَٰنَ رَبِّكَ رَبِّ ٱلۡعِزَّةِ عَمَّا يَصِفُونَ ١٨٠Kurumbidzwa ndekwaTenzi vako, Tenzi veruremekedzo nesimba! Kubva mune izvo zvavanovasanganisa (zvavanovatsanangudza) nazvo وَسَلَٰمٌ عَلَى ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٨١Uye rugare ngaruve kune vatumwa وَٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٨٢Uye kurumbidzwa nekutendwa ndekwaAllah, Tenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvese zviripo)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.