Millat al-Islam

Chapter 64 · 18 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah At-Taghabun in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah At-Taghabun (1129 reciters)
Medinanسورة التغابن18 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

يُسَبِّحُ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ لَهُ ٱلۡمُلۡكُ وَلَهُ ٱلۡحَمۡدُۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ١Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Humambo ndehwavo, uye rumbidzo nekutenda kwese ndekwavo, uye (Allah) vane simba pamusoro pezvinhu zvose هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ فَمِنكُمۡ كَافِرٌ وَمِنكُم مُّؤۡمِنٌۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٌ ٢Ndivo (Allah) vakakusikai, naizvozvo vamwe venyu havatendi uye vamwe venyu vanotenda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّ وَصَوَّرَكُمۡ فَأَحۡسَنَ صُوَرَكُمۡۖ وَإِلَيۡهِ ٱلۡمَصِيرُ ٣Vakasika matenga nenyika muchokwadi, uye vakakuumbai ndokubva vaita maumbirwo enyu kuti ave akanaka. Uye kwavari ndiko kune magumo ekupedzisira يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَيَعۡلَمُ مَا تُسِرُّونَ وَمَا تُعۡلِنُونَۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ ٤(Allah) vanoziva zvose zviri kumatenga uye zvose zviri panyika, uye vanoziva zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena. Uye Allah vanoziva zvose zviri muhana أَلَمۡ يَأۡتِكُمۡ نَبَؤُاْ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَبۡلُ فَذَاقُواْ وَبَالَ أَمۡرِهِمۡ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٥Hadzina kusvika kwamuri here nhau dzeavo vasina kutenda mumashure? Naizvozvo vakaravira magumo emabasa avo akaipa (kusatenda kwavo), uye vachawana mutongo unorwadza ذَٰلِكَ بِأَنَّهُۥ كَانَت تَّأۡتِيهِمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَقَالُوٓاْ أَبَشَرٌ يَهۡدُونَنَا فَكَفَرُواْ وَتَوَلَّواْۖ وَّٱسۡتَغۡنَى ٱللَّهُۚ وَٱللَّهُ غَنِيٌّ حَمِيدٌ ٦Nokuda kwekuti vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, asi vakati: “Varume zvavo vangatitungamira?” Naizvozvo havana kutenda ndokubva vafuratira (chokwadi). Uye Allah vakanga vasingadi rubetsero rwavo. Uye Allah ndivo mupfumi (hapana chavanoda), muridzi werumbidzo dzese زَعَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَن لَّن يُبۡعَثُواْۚ قُلۡ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتُبۡعَثُنَّ ثُمَّ لَتُنَبَّؤُنَّ بِمَا عَمِلۡتُمۡۚ وَذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٌ ٧Avo vasingatendi vanofungidzira kuti havasi kuzomutswa. Iti (Muhammad(SAW)): Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, kuti zvirokwazvo muchamutswa, uye muchazoudzwa izvo zvamaiita, uye izvozvo zviri nyore kuna Allah فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَٱلنُّورِ ٱلَّذِيٓ أَنزَلۡنَاۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٌ ٨Naizvozvo tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nechiedza chatakatumira (Qur’aan iri). Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita يَوۡمَ يَجۡمَعُكُمۡ لِيَوۡمِ ٱلۡجَمۡعِۖ ذَٰلِكَ يَوۡمُ ٱلتَّغَابُنِۗ وَمَن يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ وَيَعۡمَلۡ صَٰلِحًا يُكَفِّرۡ عَنۡهُ سَيِّـَٔاتِهِۦ وَيُدۡخِلۡهُ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدًاۚ ذَٰلِكَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ ٩(Rangarirai) Zuva iro (Allah) vachakuunganidzai mose pazuva rekuungana. Ndiro richava zuva rokuwana nekurasikirwa (vatendi vachipinda Paradhiso uye vasingatendi vachipinda Gehena). Uye uyo anotenda muna Allah uye achiita mabasa akanaka, (Allah) vachamukanganwira zvitadzo zvake, uye vachamupinza mumapindu ayo anoerera nzizi pasi pawo, umo vachagara zvachose. Uku ndiko kubudirira kuhombe وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِ خَٰلِدِينَ فِيهَاۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ ١٠Uye avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) uye vakaramba zviratidzo zvedu, vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, umo vachagara zvachose. Uye magumo akadaro ndiwo akashata مَآ أَصَابَ مِن مُّصِيبَةٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۗ وَمَن يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ يَهۡدِ قَلۡبَهُۥۚ وَٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٌ ١١Hakuna matambudziko anouya asi nokuda kwemvumo yaAllah. Uye wese anotenda kuna Allah, vachatungamira moyo wake (kuchokwadi). Uye Allah vanoziva zvinhu zvose وَأَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَۚ فَإِن تَوَلَّيۡتُمۡ فَإِنَّمَا عَلَىٰ رَسُولِنَا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ ١٢Uye teererai Allah uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)); asi kana mukafuratira, zvino zvirokwazvo basa remutumwa wedu kuparidza shoko pachena ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١٣Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo). Uye regai vatendi vavimbe naAllah (vega) يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِنَّ مِنۡ أَزۡوَٰجِكُمۡ وَأَوۡلَٰدِكُمۡ عَدُوًّا لَّكُمۡ فَٱحۡذَرُوهُمۡۚ وَإِن تَعۡفُواْ وَتَصۡفَحُواْ وَتَغۡفِرُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٤Imi vanotenda! Zvirokwazvo mukati mevakadzi venyu nevana venyu pane mhandu dzenyu (vanokudzivirirai kuteerera Allah), naizvozvo vachenjererei! Asi kana mukavasiya uye kuvakanganwira nekuvaregerera, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji إِنَّمَآ أَمۡوَٰلُكُمۡ وَأَوۡلَٰدُكُمۡ فِتۡنَةٌۚ وَٱللَّهُ عِندَهُۥٓ أَجۡرٌ عَظِيمٌ ١٥Zvirokwazvo hupfumi hwenyu nevana venyu miedzo chete, apo Allah vane mubairo mukuru (Paradhiso) فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُمۡ وَٱسۡمَعُواْ وَأَطِيعُواْ وَأَنفِقُواْ خَيۡرًا لِّأَنفُسِكُمۡۗ وَمَن يُوقَ شُحَّ نَفۡسِهِۦ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ١٦Naizvozvo ityai Allah sekukwanisa kwamunoita; inzwai uye teererai, uye shandisai (hupfumi hwenyu), zvakanaka kwamuri. Uye uyo anonunurwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira إِن تُقۡرِضُواْ ٱللَّهَ قَرۡضًا حَسَنًا يُضَٰعِفۡهُ لَكُمۡ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡۚ وَٱللَّهُ شَكُورٌ حَلِيمٌ ١٧Kana mukapa Allah chikwereti chakanaka (mochishandisa munzira yaAllah), vachachipeta kaviri kwamuri, uye vachakuregererai. Uye Allah vanotenda zvikuru, uye vane moyo munyoro عَٰلِمُ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ١٨Ndivo muzivi wezvose zvisingaoneki nezvinooneka, mukuru, vane hungwaru wese

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.