Millat al-Islam

Chapter 43 · 89 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Az-Zukhruf in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Az-Zukhruf (1167 reciters)
Meccanسورة الزخرف89 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

حمٓ ١Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ ٢Ndinopika neGwaro (Qur’aan) riri pachena (Rinobuditsa zvinhu zvese pachena) إِنَّا جَعَلۡنَٰهُ قُرۡءَٰنًا عَرَبِيًّا لَّعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ ٣Zvirokwazvo, takariita Qur’aan rive muchirudzi chechiArabhu kuti muve munonzwisisa وَإِنَّهُۥ فِيٓ أُمِّ ٱلۡكِتَٰبِ لَدَيۡنَا لَعَلِيٌّ حَكِيمٌ ٤Uye zvirokwazvo (Qur’aan) riri muna Amai veBhuku (Al-Lauh Al-Mahfoodh) nesu, zvirokwazvo ndere pamusoro, rizere neungwaru أَفَنَضۡرِبُ عَنكُمُ ٱلذِّكۡرَ صَفۡحًا أَن كُنتُمۡ قَوۡمًا مُّسۡرِفِينَ ٥Tochitora here yeuchidzo (Qur’aan) kubva kwamuri, nokuda kwekuti muri vanhu vanopfurikidza mwero وَكَمۡ أَرۡسَلۡنَا مِن نَّبِيٍّ فِي ٱلۡأَوَّلِينَ ٦Uyezve vaporofita vangani vatakatumira pakati pevanhu vekare وَمَا يَأۡتِيهِم مِّن نَّبِيٍّ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٧Uyezve hakuna kuuya muporofita kwavari kusara kwekuti vaimuseka فَأَهۡلَكۡنَآ أَشَدَّ مِنۡهُم بَطۡشًا وَمَضَىٰ مَثَلُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٨Naizvozvo takaparadza vanhu vakasimba pane ava, uye muenzaniso wevekare wakapfuura (Pamberi pavo) وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ لَيَقُولُنَّ خَلَقَهُنَّ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡعَلِيمُ ٩Uye zvirokwazvo ukavabvunza: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo, vachataura kuti: “Samasimba vane ruzivo rwose ndivo vakawasika.” ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ مَهۡدًا وَجَعَلَ لَكُمۡ فِيهَا سُبُلًا لَّعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ ١٠Avo vakakugadzirirai nyika semubhedha, uye vakakugadzirirai nzira mairi, kuti muve munotungamirirwa (munofamba zvakanaka) وَٱلَّذِي نَزَّلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءَۢ بِقَدَرٍ فَأَنشَرۡنَا بِهِۦ بَلۡدَةً مَّيۡتًاۚ كَذَٰلِكَ تُخۡرَجُونَ ١١Uye avo vanotumira mvura (inonaya) kubva kudenga zvakaenzanirana, naizvozvo tinopa upenyu kuivhu nayo mvura, uye saizvozvo muchava munodzoswa (kuupenyu mushure mekunge mafa) وَٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡأَزۡوَٰجَ كُلَّهَا وَجَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلۡفُلۡكِ وَٱلۡأَنۡعَٰمِ مَا تَرۡكَبُونَ ١٢Uye avo vakasika zvinhu zvose zviri zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye vakakugadzirirai ngarava nezvipfuyo izvo zvamunotasva لِتَسۡتَوُۥاْ عَلَىٰ ظُهُورِهِۦ ثُمَّ تَذۡكُرُواْ نِعۡمَةَ رَبِّكُمۡ إِذَا ٱسۡتَوَيۡتُمۡ عَلَيۡهِ وَتَقُولُواْ سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي سَخَّرَ لَنَا هَٰذَا وَمَا كُنَّا لَهُۥ مُقۡرِنِينَ ١٣Kuti muve munotasva kumisana yazvo (zvipfuyo), uye kuti muve munorangarira makomborero aTenzi venyu pamunotasva, uye moti: “Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakatungamidza izvi kwatiri, uye hataikwanisa kuzviwana (nekuda kwesimba redu)!” وَإِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا لَمُنقَلِبُونَ ١٤“Uye zvirokwazvo kuna Tenzi vedu tichadzokera!” وَجَعَلُواْ لَهُۥ مِنۡ عِبَادِهِۦ جُزۡءًاۚ إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَكَفُورٌ مُّبِينٌ ١٥Asi vanovasanganisa (Allah) nechidimbu kubva mune vamwe varanda vavo (vachiti vane vana uye vachivaenzanisa pakunamata). Zvirokwazvo, munhu ari mukusatenda kuri pachena أَمِ ٱتَّخَذَ مِمَّا يَخۡلُقُ بَنَاتٍ وَأَصۡفَىٰكُم بِٱلۡبَنِينَ ١٦Kana kuti (Allah) vakatora vanasikana kubva mune zvavakasika, uye ivo (Allah) vakakusarudzirai imi vanakomana وَإِذَا بُشِّرَ أَحَدُهُم بِمَا ضَرَبَ لِلرَّحۡمَٰنِ مَثَلًا ظَلَّ وَجۡهُهُۥ مُسۡوَدًّا وَهُوَ كَظِيمٌ ١٧Uye kana umwe wavo akaudzwa nezvemashoko (ekuzvarwa kwemwanasikana) zvaanotaura kune Mupi wenyasha (Allah), chiso chake chinosviba uye anozadzwa nekutsamwa أَوَمَن يُنَشَّؤُاْ فِي ٱلۡحِلۡيَةِ وَهُوَ فِي ٱلۡخِصَامِ غَيۡرُ مُبِينٍ ١٨Uyo anokudzwa achishongedzwa (achipfekedzwa siriki negoridhe, mukadzi), uye asingakwanisi pakupokana kutaura mashoko ari pachena وَجَعَلُواْ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ ٱلَّذِينَ هُمۡ عِبَٰدُ ٱلرَّحۡمَٰنِ إِنَٰثًاۚ أَشَهِدُواْ خَلۡقَهُمۡۚ سَتُكۡتَبُ شَهَٰدَتُهُمۡ وَيُسۡـَٔلُونَ ١٩Uye vanoita ngirozi izvo dziri varanda veMupi ane nyasha (Allah), vakadzi. Vakamboona kusikwa kwazvo here? Uchapupu hwavo hwuchanyorwa uye vachabvunzwa وَقَالُواْ لَوۡ شَآءَ ٱلرَّحۡمَٰنُ مَا عَبَدۡنَٰهُمۗ مَّا لَهُم بِذَٰلِكَ مِنۡ عِلۡمٍۖ إِنۡ هُمۡ إِلَّا يَخۡرُصُونَ ٢٠Uye vanoti: “Dai kusiri kuda kweMupi ane nyasha (Allah), tingadai tisina kuzvinamata.” Havana ruzivo nazvo, uye hapana chavanoita kusara kwekunyepa أَمۡ ءَاتَيۡنَٰهُمۡ كِتَٰبًا مِّن قَبۡلِهِۦ فَهُم بِهِۦ مُسۡتَمۡسِكُونَ ٢١Kana kuti takavapa rimwe Bhuku mushure meiri (Qur’aan) iro ravarikubatisisa بَلۡ قَالُوٓاْ إِنَّا وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا عَلَىٰٓ أُمَّةٍ وَإِنَّا عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِم مُّهۡتَدُونَ ٢٢Asi vanoti: “Takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye tinozvitungamirira kuburikidza netsoka dzavo.” وَكَذَٰلِكَ مَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ فِي قَرۡيَةٍ مِّن نَّذِيرٍ إِلَّا قَالَ مُتۡرَفُوهَآ إِنَّا وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا عَلَىٰٓ أُمَّةٍ وَإِنَّا عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِم مُّقۡتَدُونَ ٢٣Uye saizvozvo, hatina kutuma muyambiri mushure mako (Muhammad (SAW)) kune guta ripi zvarwo (vanhu), asi vaigara zvakanaka pakati pavo vakati: “Zvirokwazvo, takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye zvirokwazvo ticharamba tichitevera tsoka dzavo.” ۞ قَٰلَ أَوَلَوۡ جِئۡتُكُم بِأَهۡدَىٰ مِمَّا وَجَدتُّمۡ عَلَيۡهِ ءَابَآءَكُمۡۖ قَالُوٓاْ إِنَّا بِمَآ أُرۡسِلۡتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ ٢٤(Muyambiri) akati: “Kunyangwe ndakuunzirai gwara rakanaka pane ramakawana madzibaba enyu achitevera?” Vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi mune zvawakatumwa nazvo.” فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ٢٥Naizvozvo takavadzorera (takavaranga), uye tarisai ndeapi akazova magumo eavo vakaramba (Islaam) وَإِذۡ قَالَ إِبۡرَٰهِيمُ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦٓ إِنَّنِي بَرَآءٌ مِّمَّا تَعۡبُدُونَ ٢٦Uye (Rangarira) apo Abrahamu paakati kuna baba vake nevanhu vake: “Zvirokwazvo, handipo pane zvamunonamata.” إِلَّا ٱلَّذِي فَطَرَنِي فَإِنَّهُۥ سَيَهۡدِينِ ٢٧“Kusara kwaivo (Allah) vakandisika; uye zvirokwazvo, vachanditungamirira.” وَجَعَلَهَا كَلِمَةَۢ بَاقِيَةً فِي عَقِبِهِۦ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٢٨Uye akariita shoko (Laa ilaaha illallaah (Hapana chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah)) rinogara muvana vake, uye kuti zvimwe vangadzoke (kuna Allah kana kuwana yambiro) بَلۡ مَتَّعۡتُ هَٰٓؤُلَآءِ وَءَابَآءَهُمۡ حَتَّىٰ جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ وَرَسُولٌ مُّبِينٌ ٢٩Asi ndakapa (zvakanaka zvehupenyu hwuno) kune ava (vasingatendi) nemadzibaba avo kuti vafare, kusvikira chokwadi chauya kwavari (Qur’aan), nemutumwa (Muhammad (SAW)) ari pachena (anoburitsa zvinhu zvese pachena) وَلَمَّا جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ قَالُواْ هَٰذَا سِحۡرٌ وَإِنَّا بِهِۦ كَٰفِرُونَ ٣٠Asi pakauya chokwadi kwavari (Qur’aan), vakati (vasingatendi mariri): “Aya ndiwo mapipi, uye hatitendi maari.” وَقَالُواْ لَوۡلَا نُزِّلَ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانُ عَلَىٰ رَجُلٍ مِّنَ ٱلۡقَرۡيَتَيۡنِ عَظِيمٍ ٣١Uye vakati: “Sei Qur’aan iri risina kudzikiswa kumurume mukuru wemaguta maviri (Makkah neTaif)?” أَهُمۡ يَقۡسِمُونَ رَحۡمَتَ رَبِّكَۚ نَحۡنُ قَسَمۡنَا بَيۡنَهُم مَّعِيشَتَهُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَرَفَعۡنَا بَعۡضَهُمۡ فَوۡقَ بَعۡضٍ دَرَجَٰتٍ لِّيَتَّخِذَ بَعۡضُهُم بَعۡضًا سُخۡرِيًّاۗ وَرَحۡمَتُ رَبِّكَ خَيۡرٌ مِّمَّا يَجۡمَعُونَ ٣٢Ndivo here vanopa tsitsi dzaTenzi vako? Tisu tinopa pakati pavo raramo yavo muhupenyu hwepano pasi, uye tinosimudzira vamwe vavo pamusoro pevamwe muzvidanho, kuti vamwe vave vanotora vamwe mumabasa avo. Asi tsitsi dzaTenzi vako (Paradhiso) dziri nani pane zvavanounganidza وَلَوۡلَآ أَن يَكُونَ ٱلنَّاسُ أُمَّةً وَٰحِدَةً لَّجَعَلۡنَا لِمَن يَكۡفُرُ بِٱلرَّحۡمَٰنِ لِبُيُوتِهِمۡ سُقُفًا مِّن فِضَّةٍ وَمَعَارِجَ عَلَيۡهَا يَظۡهَرُونَ ٣٣Uye dai vanhu vakanga vari boka rimwe chete (vasingatendi), tingadai takapa vanhu vasingatendi muna Mupi ane nyasha (Allah) matenga esirivha edzimba dzavo, nemanera avanokwira nawo وَلِبُيُوتِهِمۡ أَبۡوَٰبًا وَسُرُرًا عَلَيۡهَا يَتَّكِـُٔونَ ٣٤Uye padzimba dzavo paiva nemisiwo (yesirivha) nemibhedha (yesirivha) yavairarira وَزُخۡرُفًاۚ وَإِن كُلُّ ذَٰلِكَ لَمَّا مَتَٰعُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَٱلۡأٓخِرَةُ عِندَ رَبِّكَ لِلۡمُتَّقِينَ ٣٥Uye shongedzo dzegoridhe. Asi zvose izvi hapana zvazviri kusara kwemafaro epano panyika. Uye hupenyu hwuchatevera hwuna Tenzi vako ndewe avo vanotya Allah (vanoteerera Allah) وَمَن يَعۡشُ عَن ذِكۡرِ ٱلرَّحۡمَٰنِ نُقَيِّضۡ لَهُۥ شَيۡطَٰنًا فَهُوَ لَهُۥ قَرِينٌ ٣٦Uye uyo anofuratira kubva kurangariro yeMupi ane nyasha (Allah) (Qur’aan nekunamata Allah), tinomusarudzira Satani kuti ave shamwari yake وَإِنَّهُمۡ لَيَصُدُّونَهُمۡ عَنِ ٱلسَّبِيلِ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُم مُّهۡتَدُونَ ٣٧Uye zvirokwazvo vanasatani vanovadzivirira kubva munzira (yaAllah), asi vanofunga kuti vakatungamiririrwa حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَنَا قَالَ يَٰلَيۡتَ بَيۡنِي وَبَيۡنَكَ بُعۡدَ ٱلۡمَشۡرِقَيۡنِ فَبِئۡسَ ٱلۡقَرِينُ ٣٨Kusvika (iye) auya kwatiri, anoti (kushamwari yake satani): “Ndinoshuvira kuti dai pakati pangu newe pange pane musiyano wemufambo wemabvazuva maviri (kana wemabvazuva nemadokero).” Zvirokwazvo uri shamwari yakaipa وَلَن يَنفَعَكُمُ ٱلۡيَوۡمَ إِذ ظَّلَمۡتُمۡ أَنَّكُمۡ فِي ٱلۡعَذَابِ مُشۡتَرِكُونَ ٣٩Hazvikubatsirei zuva ranhasi (imi vasingatendi) nekuti maiita zvakaipa. Muchava vagovani (iwe neshamwari yako) mumarwadzo أَفَأَنتَ تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ أَوۡ تَهۡدِي ٱلۡعُمۡيَ وَمَن كَانَ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٤٠Muhammad (SAW)) ungaite kuti matsi anzwe here, kana kutungamirira bofu, kana uyo ari mukurasika kuri pachena فَإِمَّا نَذۡهَبَنَّ بِكَ فَإِنَّا مِنۡهُم مُّنتَقِمُونَ ٤١Uye kunyangwe tikakutora (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo tichava tinovadzorera (tinovaranga) أَوۡ نُرِيَنَّكَ ٱلَّذِي وَعَدۡنَٰهُمۡ فَإِنَّا عَلَيۡهِم مُّقۡتَدِرُونَ ٤٢Kana (tikava) tinokuratidza zvatakavavimbisa, zvirokwazvo tine simba pamusoro pavo فَٱسۡتَمۡسِكۡ بِٱلَّذِيٓ أُوحِيَ إِلَيۡكَۖ إِنَّكَ عَلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٤٣Naizvozvo batisisa (Muhammad (SAW)) izvo zvirikudzikiswa kwauri. Zvirokwazvo, uri panzira yakaswatuka وَإِنَّهُۥ لَذِكۡرٌ لَّكَ وَلِقَوۡمِكَۖ وَسَوۡفَ تُسۡـَٔلُونَ ٤٤Uye zvirokwazvo (Qur’aan) iri zvirokwazvo iyambiro kwauri (Muhammad (SAW)) nevanhu vako, uye muchabvunzwa (nezvaro) وَسۡـَٔلۡ مَنۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رُّسُلِنَآ أَجَعَلۡنَا مِن دُونِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ءَالِهَةً يُعۡبَدُونَ ٤٥Uye (Muhammad (SAW)) bvunza vamwe vevatumwa vedu vatakatuma mushure mako kuti: “Takasarudza here vamwe vanamwari kuti vave vanonamatwa kunze kweMupi ane nyasha (Allah)?” وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَقَالَ إِنِّي رَسُولُ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٤٦Uye zvirokwazvo takatuma Musa nezviratidzo zvedu kuna Farawo nemadzimambo ake (achivakoka kuchitendero chaAllah cheIslaam). Akati: “Zvirokwazvo, ndiri mutumwa waTenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvihnu zvese).” فَلَمَّا جَآءَهُم بِـَٔايَٰتِنَآ إِذَا هُم مِّنۡهَا يَضۡحَكُونَ ٤٧Asi apo paakasvika kwavari nezviratidzo zvedu kwavari, zvirokwazvo vakazviseka وَمَا نُرِيهِم مِّنۡ ءَايَةٍ إِلَّا هِيَ أَكۡبَرُ مِنۡ أُخۡتِهَاۖ وَأَخَذۡنَٰهُم بِٱلۡعَذَابِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٤٨Uye hapana chiratidzo chatakavaratidza asi kuti chaiva chikuru kudarika chimwe chacho, uye takavabata nemarwadzo kuti pamwe vangadzoke (kuchitendero chaAllah, Islaam) وَقَالُواْ يَٰٓأَيُّهَ ٱلسَّاحِرُ ٱدۡعُ لَنَا رَبَّكَ بِمَا عَهِدَ عِندَكَ إِنَّنَا لَمُهۡتَدُونَ ٤٩Uye vakati (kuna Musa): “Iwe wemapipi! Tikumbirire kuna Tenzi vako maererano nezvavakakuvimbisa. Zvirokwazvo, tichava tinozvitungamirira (zvakanaka).” فَلَمَّا كَشَفۡنَا عَنۡهُمُ ٱلۡعَذَابَ إِذَا هُمۡ يَنكُثُونَ ٥٠Asi patakabvisa mutongo kwavari, vakave vanotyora chitsidzo (kuti vaizotenda tikabvisa marwadzo kubva kwavari) وَنَادَىٰ فِرۡعَوۡنُ فِي قَوۡمِهِۦ قَالَ يَٰقَوۡمِ أَلَيۡسَ لِي مُلۡكُ مِصۡرَ وَهَٰذِهِ ٱلۡأَنۡهَٰرُ تَجۡرِي مِن تَحۡتِيٓۚ أَفَلَا تُبۡصِرُونَ ٥١Uye Farawo akasheedzera kuvanhu vake (achiti): “Imi vanhu vangu! Hausi hwangu here humambo hweEgypt, uye nzizi idzi dzinoyerera pasi pangu? Hamuoni here?” أَمۡ أَنَا۠ خَيۡرٌ مِّنۡ هَٰذَا ٱلَّذِي هُوَ مَهِينٌ وَلَا يَكَادُ يُبِينُ ٥٢“Handisi nani here pane uyu (Musa) wepasi, uye asingagoni kutaura zvinonzwika?” فَلَوۡلَآ أُلۡقِيَ عَلَيۡهِ أَسۡوِرَةٌ مِّن ذَهَبٍ أَوۡ جَآءَ مَعَهُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ مُقۡتَرِنِينَ ٥٣“Sei nguwo dzendarama dzisina kuiswa paari, kana kutumwa aine ngirozi?” فَٱسۡتَخَفَّ قَوۡمَهُۥ فَأَطَاعُوهُۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمًا فَٰسِقِينَ ٥٤Naizvozvo (Farawo) akafurira vanhu vake uye vakamuteerera. Zvirokwazvo, vange vari vanhu vakapanduka (vasingateereri Allah) فَلَمَّآ ءَاسَفُونَا ٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ فَأَغۡرَقۡنَٰهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٥٥Naizvozvo pavakatitsamwisa, takavapa murango, uye tikavanyudza vose فَجَعَلۡنَٰهُمۡ سَلَفًا وَمَثَلًا لِّلۡأٓخِرِينَ ٥٦Uye takavaita chidzidzo uye muenzaniso kune vaizotevera ۞ وَلَمَّا ضُرِبَ ٱبۡنُ مَرۡيَمَ مَثَلًا إِذَا قَوۡمُكَ مِنۡهُ يَصِدُّونَ ٥٧Uye panotorwa mwanakomana waMariya (Jesu) somuenzaniso, vanhu vako vanoseka muenzaniso iwowo وَقَالُوٓاْ ءَأَٰلِهَتُنَا خَيۡرٌ أَمۡ هُوَۚ مَا ضَرَبُوهُ لَكَ إِلَّا جَدَلَۢاۚ بَلۡ هُمۡ قَوۡمٌ خَصِمُونَ ٥٨Uye vanoti: “Vanamwari vedu vari nani here kana kuti iye (Jesu)?” Havape muenzaniso uyu, kusara kwekuda kupikisa. Naizvozvo vari vanhu vanopikisa إِنۡ هُوَ إِلَّا عَبۡدٌ أَنۡعَمۡنَا عَلَيۡهِ وَجَعَلۡنَٰهُ مَثَلًا لِّبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٥٩Zvirokwazvo, (Isa (Jesu)) anga asiri kunze kwemuranda. Takamupa makomborero edu, uye tikamuita muenzaniso kuvana vaIzirairi (kusikwa kwake pasina baba) وَلَوۡ نَشَآءُ لَجَعَلۡنَا مِنكُم مَّلَٰٓئِكَةً فِي ٱلۡأَرۡضِ يَخۡلُفُونَ ٦٠Uye dai taida, ingadai (takakuparadzai imi vanhu mese, uye) tikaisa ngirozi pachinzvimbo chenyu panyika وَإِنَّهُۥ لَعِلۡمٌ لِّلسَّاعَةِ فَلَا تَمۡتَرُنَّ بِهَا وَٱتَّبِعُونِۚ هَٰذَا صِرَٰطٌ مُّسۡتَقِيمٌ ٦١Uye iye (Isa (Jesu)) mwanakomana waMariya (nekuburuka kwake achibva kudenga achiuya pasi pano) achave chiratidzo chinozivikanwa chenguva (zuva rekutongwa). Naizvozvo musave nefungidziro pamusoro paro (zuva rekutongwa). Uye nditeverei (ini Allah)! Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam) وَلَا يَصُدَّنَّكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُۖ إِنَّهُۥ لَكُمۡ عَدُوٌّ مُّبِينٌ ٦٢Uye musave munosiya Satani achikurasisai (kubva muchitendero cheIslaam). Zvirokwazvo, (satani) muvengi ari pachena kwamuri وَلَمَّا جَآءَ عِيسَىٰ بِٱلۡبَيِّنَٰتِ قَالَ قَدۡ جِئۡتُكُم بِٱلۡحِكۡمَةِ وَلِأُبَيِّنَ لَكُم بَعۡضَ ٱلَّذِي تَخۡتَلِفُونَ فِيهِۖ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ٦٣Uye Isa (Jesu) paakauya nehumboo huri pachena akati: “Zvirokwazvo, ndave ndinouya kwamuri neAl-Hikmah ( Huporofita), uye kuti ndive ndinoburitsa pachena izvo zvamaisiyana. Naizvozvo ityai Allah uye mova munonditeerera.” إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ رَبِّي وَرَبُّكُمۡ فَٱعۡبُدُوهُۚ هَٰذَا صِرَٰطٌ مُّسۡتَقِيمٌ ٦٤“Zvirokwazvo, Allah ndi Tenzi vangu uye Tenzi venyu. Naizvozvo vanamatei. Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam).” فَٱخۡتَلَفَ ٱلۡأَحۡزَابُ مِنۢ بَيۡنِهِمۡۖ فَوَيۡلٌ لِّلَّذِينَ ظَلَمُواْ مِنۡ عَذَابِ يَوۡمٍ أَلِيمٍ ٦٥Asi mapato pakati pavo akapatsanurana. Nokudaro matambudziko kune avo vanokanganisa (nekutaura manyepo pamusoro paJesu) kubva kune mutongo wakaomarara unorwadza هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا ٱلسَّاعَةَ أَن تَأۡتِيَهُم بَغۡتَةً وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ٦٦Vanomirira here nguva ichauya nekukurumidza kwavari vasingazive ٱلۡأَخِلَّآءُ يَوۡمَئِذِۭ بَعۡضُهُمۡ لِبَعۡضٍ عَدُوٌّ إِلَّا ٱلۡمُتَّقِينَ ٦٧Shamwari pazuva iri dzichave vavengi, kusara kwevaitya (Allah) يَٰعِبَادِ لَا خَوۡفٌ عَلَيۡكُمُ ٱلۡيَوۡمَ وَلَآ أَنتُمۡ تَحۡزَنُونَ ٦٨(Zvichanzi kune avo vaitenda): Vanamati vangu! Hapana kutya kuchave kwamuri zuva ranhasi, kana kuti kusuruvara ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ مُسۡلِمِينَ ٦٩Avo vaitenda muzviratidzo zvedu uye vaive vakazvipira kuna Allah (maMuslim) ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ أَنتُمۡ وَأَزۡوَٰجُكُمۡ تُحۡبَرُونَ ٧٠Pindai muParadhiso imi nevakadzi venyu murufaro يُطَافُ عَلَيۡهِم بِصِحَافٍ مِّن ذَهَبٍ وَأَكۡوَابٍۖ وَفِيهَا مَا تَشۡتَهِيهِ ٱلۡأَنفُسُ وَتَلَذُّ ٱلۡأَعۡيُنُۖ وَأَنتُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٧١Matireyi egoridhe nemakomichi achatenderedzwa mavari. Mariri (Paradhiso) muchange muine zvinoshuvirwa nemoyo yavo, neizvo meso anoyevedzwa nazvo, uye vachagaramo zvachose وَتِلۡكَ ٱلۡجَنَّةُ ٱلَّتِيٓ أُورِثۡتُمُوهَا بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٧٢Iri ndiro Paradhiso ramagadzwa nhaka nekuda kwemabasa enyu amaiita (pahupenyu hwepanyika) لَكُمۡ فِيهَا فَٰكِهَةٌ كَثِيرَةٌ مِّنۡهَا تَأۡكُلُونَ ٧٣Mariri (Paradhiso) kwamuri muchange muine michero yakawanda yamuchange muchidya (sezvamunoshuvira) إِنَّ ٱلۡمُجۡرِمِينَ فِي عَذَابِ جَهَنَّمَ خَٰلِدُونَ ٧٤Zvirokwazo, maMujrimoon (vatadzi) vachange vari mumarwadzo ekumoto umo mavachagara zvachose لَا يُفَتَّرُ عَنۡهُمۡ وَهُمۡ فِيهِ مُبۡلِسُونَ ٧٥Marwadzo haazomborerutswi kwavari, uye vachakandwa mumatambudziko vaine kudemba kwakanyanya, uye vaine kushushikana mariri وَمَا ظَلَمۡنَٰهُمۡ وَلَٰكِن كَانُواْ هُمُ ٱلظَّٰلِمِينَ ٧٦Hatina kuva tinovakanganisira, asi (kuti) ivo pachavo vaiva vatadzi وَنَادَوۡاْ يَٰمَٰلِكُ لِيَقۡضِ عَلَيۡنَا رَبُّكَۖ قَالَ إِنَّكُم مَّٰكِثُونَ ٧٧Uye vachachema: “Iwe Malik (muchengetedzi weGehena)! Ita kuti Tenzi vako vatipedzise (vatiuraye).” Achati: “Zvirokwazvo, muchagaramo zvachose.” لَقَدۡ جِئۡنَٰكُم بِٱلۡحَقِّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَكُمۡ لِلۡحَقِّ كَٰرِهُونَ ٧٨Zvirokwazvo, taunza chokwadi (Muhammad (SAW) neQur’aan) kwamuri, asi vazhinji venyu vanovenga chokwadi أَمۡ أَبۡرَمُوٓاْ أَمۡرًا فَإِنَّا مُبۡرِمُونَ ٧٩Kana kuti vakaronga urongwa? Naizvozvo nesuwo tiri kuronga أَمۡ يَحۡسَبُونَ أَنَّا لَا نَسۡمَعُ سِرَّهُمۡ وَنَجۡوَىٰهُمۚ بَلَىٰ وَرُسُلُنَا لَدَيۡهِمۡ يَكۡتُبُونَ ٨٠Kana kuti vanofunga here kuti hatinzwi zvakavandika zvavo uye zvavanoutaura muchivande? Hongu (tinozinzwa), uye vatumwa vedu (ngirozi) vanawo, vachinyora قُلۡ إِن كَانَ لِلرَّحۡمَٰنِ وَلَدٌ فَأَنَا۠ أَوَّلُ ٱلۡعَٰبِدِينَ ٨١Iti (Muhammad (SAW)): “Kana vane nyasha dzose (Allah) vaine mwana (kana vana sezvamunotaura), naizvozvo ndiri wekutanga weavo vanomunamata (kuramba zvamunotaura, uye kutenda kuti Allah vari vega uye havana vana).” سُبۡحَٰنَ رَبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ رَبِّ ٱلۡعَرۡشِ عَمَّا يَصِفُونَ ٨٢Kukudzwa kwose ngakuve kuna Tenzi vematenga nenyika, Tenzi vechigaro chepamusoro-soro. Kurumbidzwa kwose ngakuve kwavari pane zvose zvavanovasanganisa navo فَذَرۡهُمۡ يَخُوضُواْ وَيَلۡعَبُواْ حَتَّىٰ يُلَٰقُواْ يَوۡمَهُمُ ٱلَّذِي يُوعَدُونَ ٨٣Saka vasiyei vachitaura zvisina maturo uye vachitamba kusvikira vasangana nezuva ravo iro ravakavimbiswa وَهُوَ ٱلَّذِي فِي ٱلسَّمَآءِ إِلَٰهٌ وَفِي ٱلۡأَرۡضِ إِلَٰهٌۚ وَهُوَ ٱلۡحَكِيمُ ٱلۡعَلِيمُ ٨٤Ndivo (Allah) vanova vamwechete Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) kudenga, vanova zvakare Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) panyika. Ndivo vazere neungwaru, muzivi wezvose وَتَبَارَكَ ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا وَعِندَهُۥ عِلۡمُ ٱلسَّاعَةِ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٨٥Makomborero ndeavo, muridzi weumambo hwekudenga nepasi, nezvose zviri pakati pawo, uye kwavari ndiko kune ruzivo rwenguva, uye kwavari muchadzoserwa (mese) وَلَا يَمۡلِكُ ٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِهِ ٱلشَّفَٰعَةَ إِلَّا مَن شَهِدَ بِٱلۡحَقِّ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ ٨٦Uye avo vavanodana kunze kwavo (Allah) havana masimba ekumiririra – kusara kweavo vanopa uchapupu pachokwadi (vanotenda muhumwechete hwaAllah uye vachiteerera mirairo yavo), uye vanoziva (humwechete hwaAllah) وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُۖ فَأَنَّىٰ يُؤۡفَكُونَ ٨٧Asi kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, muzvokwadi vanoti: “Allah.” Saka vanofuratira sei (mukunamata Allah vakavasika) وَقِيلِهِۦ يَٰرَبِّ إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ قَوۡمٌ لَّا يُؤۡمِنُونَ ٨٨(Uye Allah vane ruzivo) rwe (Mashoko aMuhammad (SAW)) anoti: “Tenzi wangu! Zvirokwazvo, ava vanhu vasingatendi!” فَٱصۡفَحۡ عَنۡهُمۡ وَقُلۡ سَلَٰمٌۚ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ ٨٩Saka vafuratire (Muhammad (SAW)) uye oti: Salaam (Runyararo)! Asi vachazviziva

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.