Millat al-Islam

Chapter 35 · 45 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Fatir in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Fatir (1232 reciters)
Meccanسورة فاطر45 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ فَاطِرِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ جَاعِلِ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ رُسُلًا أُوْلِيٓ أَجۡنِحَةٍ مَّثۡنَىٰ وَثُلَٰثَ وَرُبَٰعَۚ يَزِيدُ فِي ٱلۡخَلۡقِ مَا يَشَآءُۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ١Kurumbidzwa nekutenda kwose ndekwaAllah, Musiki wematenga nenyika, vakaita ngirozi vatumwa vane mapapiro maviri, matatu kana mana. Vanowedzera mukusika zvavanoda. Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kuita zvose مَّا يَفۡتَحِ ٱللَّهُ لِلنَّاسِ مِن رَّحۡمَةٍ فَلَا مُمۡسِكَ لَهَاۖ وَمَا يُمۡسِكۡ فَلَا مُرۡسِلَ لَهُۥ مِنۢ بَعۡدِهِۦۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٢Kubva mutsitsi Allah dzavanopa kuvanhu, hapana angazvidzivirira; uye dzavanodzivirira hapana angape mushure mezvo. Uye ndivo samasimba, vane hungwaru hwose يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱذۡكُرُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡۚ هَلۡ مِنۡ خَٰلِقٍ غَيۡرُ ٱللَّهِ يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۖ فَأَنَّىٰ تُؤۡفَكُونَ ٣Imi vanhu! Rangarirai makomborero aAllah kwamuri! Pane here mumwe musiki kunze kwaAllah avo vanokupai kubva kudenga (mvura) uye nepasi? Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Saka munotendeukirei (kubva kwavari) وَإِن يُكَذِّبُوكَ فَقَدۡ كُذِّبَتۡ رُسُلٌ مِّن قَبۡلِكَۚ وَإِلَى ٱللَّهِ تُرۡجَعُ ٱلۡأُمُورُ ٤Uye vakakuramba (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo vamwe vatume vakarambwa mushure mako. Uye kuna Allah ndiko kunodzoserwa nyaya dzose يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقٌّۖ فَلَا تَغُرَّنَّكُمُ ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَا وَلَا يَغُرَّنَّكُم بِٱللَّهِ ٱلۡغَرُورُ ٥Imi vanhu! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Saka musarega hupenyu huno huchikunyengedzai, uye mambo wevanyengedzi (satani) asakunyengedzei nezvaAllah إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ لَكُمۡ عَدُوٌّ فَٱتَّخِذُوهُ عَدُوًّاۚ إِنَّمَا يَدۡعُواْ حِزۡبَهُۥ لِيَكُونُواْ مِنۡ أَصۡحَٰبِ ٱلسَّعِيرِ ٦Zvirokwazvo, Satani imhandu kwamuri, saka mutorei semuvengi. Anoshevedza vateveri vake kuti vave vagari vemumariri emoto ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَهُمۡ عَذَابٌ شَدِيدٌۖ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ لَهُم مَّغۡفِرَةٌ وَأَجۡرٌ كَبِيرٌ ٧Avo vasingatendi, chavo uchange uri mutongo wakaomarara; uye avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) zvekare voita mabasa akanaka, vachawana ruregerero uye nemubairo mukuru (Paradhiso) أَفَمَن زُيِّنَ لَهُۥ سُوٓءُ عَمَلِهِۦ فَرَءَاهُ حَسَنًاۖ فَإِنَّ ٱللَّهَ يُضِلُّ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۖ فَلَا تَذۡهَبۡ نَفۡسُكَ عَلَيۡهِمۡ حَسَرَٰتٍۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِمَا يَصۡنَعُونَ ٨Uyo mabasa ake akaipa anoshongedzwa aonekere kwaari seakanaka (akafanana here neuyo ari panzira yakatwasuka)? Zvirokwazvo, Allah vanosiya uyo wavanoda kuti apengereke, zvekare votungamira wavanoda. Usazviparadze (Muhammad (SAW)) kana kuzvigumbura nekuda kwavo. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvavanoita وَٱللَّهُ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ ٱلرِّيَٰحَ فَتُثِيرُ سَحَابًا فَسُقۡنَٰهُ إِلَىٰ بَلَدٍ مَّيِّتٍ فَأَحۡيَيۡنَا بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَاۚ كَذَٰلِكَ ٱلنُّشُورُ ٩Uye ndiAllah vanotumira mhepo kuti isimudze makore.Tomaendesa kunzvimbo yakafa (yakaoma), nekuda kwavo tinobva tamutsa nzvimbo iyi mushure mekufa kwayo. Nekudaro kuchava kumutswa kwevafi (pazuva rekutongwa) مَن كَانَ يُرِيدُ ٱلۡعِزَّةَ فَلِلَّهِ ٱلۡعِزَّةُ جَمِيعًاۚ إِلَيۡهِ يَصۡعَدُ ٱلۡكَلِمُ ٱلطَّيِّبُ وَٱلۡعَمَلُ ٱلصَّٰلِحُ يَرۡفَعُهُۥۚ وَٱلَّذِينَ يَمۡكُرُونَ ٱلسَّيِّـَٔاتِ لَهُمۡ عَذَابٌ شَدِيدٌۖ وَمَكۡرُ أُوْلَٰٓئِكَ هُوَ يَبُورُ ١٠Kana mumwe munhu achida mukurumbira, ngaazive kuti mukurumbira wese ndewaAllah chete (Uye munhu anokwanisa kuwana mukurumbira chete kuburikidza nekuteerera Allah nekuvanamata). Mashoko akanaka anoenda kwavari, uye basa rakanaka zvakare anowasimudza (Mashoko akanaka haatambirwi naAllah kunze kwekuti achiteverwa nemabasa akanaka). Asi avo vanoronga kuita mabasa akaipa, vachange vaine mutongo wakaomarara. Uye urongwa wavo unopera (unoparara) وَٱللَّهُ خَلَقَكُم مِّن تُرَابٍ ثُمَّ مِن نُّطۡفَةٍ ثُمَّ جَعَلَكُمۡ أَزۡوَٰجًاۚ وَمَا تَحۡمِلُ مِنۡ أُنثَىٰ وَلَا تَضَعُ إِلَّا بِعِلۡمِهِۦۚ وَمَا يُعَمَّرُ مِن مُّعَمَّرٍ وَلَا يُنقَصُ مِنۡ عُمُرِهِۦٓ إِلَّا فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٌ ١١Uye Allah vakakusikai (Adam) kubva muvhu, uye kubva muNutfah (vana vaAdam kubva mumvura yababa naamai yakasangana), uye vakakuisai muhuviri (murume nemukadzi). Hapana mukadzi anozvitakura kana kuzvara mwana kusiya kwekuti ivo vanenge vachizviziva. Hapana kana munhu anowedzerwa kana kudimburirwa hupenyu kusara kwekuti zvinenge zvakanyorwa mugwaro. Zvirokwazvo, pamberi pavo Allah zvinhu zvidukusa (zvirinyore) وَمَا يَسۡتَوِي ٱلۡبَحۡرَانِ هَٰذَا عَذۡبٌ فُرَاتٌ سَآئِغٌ شَرَابُهُۥ وَهَٰذَا مِلۡحٌ أُجَاجٌۖ وَمِن كُلٍّ تَأۡكُلُونَ لَحۡمًا طَرِيًّا وَتَسۡتَخۡرِجُونَ حِلۡيَةً تَلۡبَسُونَهَاۖ وَتَرَى ٱلۡفُلۡكَ فِيهِ مَوَاخِرَ لِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ١٢Uye makungwa maviri (mhando dzemvura dzirimo) hadzina kufanana. Imwe inonaka uye ichitapira pakunwa, uye imwe ichivava zvekare ichisvota kunwa. Uye kubva maari (Makungwa) munodya nyama yehove nyoro, uye munowana kubvamo zvipfekwa. Uyezve zvekare unoona ngarava dzichifamba imo mumvura, muchitsvaga zvimwe zvezvipo zvavo (Allah), uye kuti muve munotenda يُولِجُ ٱلَّيۡلَ فِي ٱلنَّهَارِ وَيُولِجُ ٱلنَّهَارَ فِي ٱلَّيۡلِ وَسَخَّرَ ٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ كُلٌّ يَجۡرِي لِأَجَلٍ مُّسَمًّىۚ ذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبُّكُمۡ لَهُ ٱلۡمُلۡكُۚ وَٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ مَا يَمۡلِكُونَ مِن قِطۡمِيرٍ ١٣Vanoita kuti usiku upinde muzuva (nguva inoshomeka usiku inowedzerwa kunguva yemasikati), uye voita kuti masikati apinde muhusiku (nguva inoshomeka yemasikati inowedzerwa kunguva yeusika). Ndivo zvekare vane masimba pamusoro pezuva nemwedzi, chimwe nechimwe chinofamba panguva yakatarwa. Ava ndiAllah, Tenzi venyu. Ndivo vane humambo. Uye avo vanomudavidzira vasiri ivo (Allah), havasi varidzi kana veganda remodzi yemadheti إِن تَدۡعُوهُمۡ لَا يَسۡمَعُواْ دُعَآءَكُمۡ وَلَوۡ سَمِعُواْ مَا ٱسۡتَجَابُواْ لَكُمۡۖ وَيَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ يَكۡفُرُونَ بِشِرۡكِكُمۡۚ وَلَا يُنَبِّئُكَ مِثۡلُ خَبِيرٍ ١٤Kunyange mukavashevedzera, havanzwi kana kudana kwenyu. Uye kunyangwe vakakunzwai havatombokwanisi kana kukupindurai (kukupai zvamurikuda). Uye pazuva rekumutswa vacharamba kuvanamata kwamaiita. Zvekare hapana achakuudza (Muhammad (SAW)) seavo anoziva zvose (Allah) ۞ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ أَنتُمُ ٱلۡفُقَرَآءُ إِلَى ٱللَّهِۖ وَٱللَّهُ هُوَ ٱلۡغَنِيُّ ٱلۡحَمِيدُ ١٥Imi vanhu! Imi ndimi munomirira rubatsiro rwaAllah. Asi Allah ndivo vane upfumi hwose, vanofanirwa kurumbidzwa إِن يَشَأۡ يُذۡهِبۡكُمۡ وَيَأۡتِ بِخَلۡقٍ جَدِيدٍ ١٦Ingadai vaida, vaikuparadzai mose uye vounza zvisikwa zvitsva وَمَا ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ بِعَزِيزٍ ١٧Izvi hazvina kana kumbooma kuna Allah وَلَا تَزِرُ وَازِرَةٌ وِزۡرَ أُخۡرَىٰۚ وَإِن تَدۡعُ مُثۡقَلَةٌ إِلَىٰ حِمۡلِهَا لَا يُحۡمَلۡ مِنۡهُ شَيۡءٌ وَلَوۡ كَانَ ذَا قُرۡبَىٰٓۗ إِنَّمَا تُنذِرُ ٱلَّذِينَ يَخۡشَوۡنَ رَبَّهُم بِٱلۡغَيۡبِ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَۚ وَمَن تَزَكَّىٰ فَإِنَّمَا يَتَزَكَّىٰ لِنَفۡسِهِۦۚ وَإِلَى ٱللَّهِ ٱلۡمَصِيرُ ١٨Uye hapana kana munhu achatakura mikwende yemumwe. Uye kana ane mikwende akasheedzera kuti itakurwe, hapana chichatakurwa kubva kwairi, kunyangwe ari munhu wepedyo. Zvirokwazvo, unokwanisa (Muhammad (SAW)) kuyambira avo vanotya Tenzi vavo vasingaoneki uye voita Swalaah. Uye uyo anozvichenura (kubva kuzvitadzo), anenge achizvichenura nekuzvibatsira pachake. Uye zvirokwazvo kuna Allah ndiko kwatichadzokera وَمَا يَسۡتَوِي ٱلۡأَعۡمَىٰ وَٱلۡبَصِيرُ ١٩Havana kuenzana, asingaoni (asingatendi) neanoona (mutendi) وَلَا ٱلظُّلُمَٰتُ وَلَا ٱلنُّورُ ٢٠Uye (hazvina kuenzana) rima (kusatenda) nechaedza (kutenda) وَلَا ٱلظِّلُّ وَلَا ٱلۡحَرُورُ ٢١Uye (hazvina kuenzana) mumvuri nekupisa kwezuva وَمَا يَسۡتَوِي ٱلۡأَحۡيَآءُ وَلَا ٱلۡأَمۡوَٰتُۚ إِنَّ ٱللَّهَ يُسۡمِعُ مَن يَشَآءُۖ وَمَآ أَنتَ بِمُسۡمِعٍ مَّن فِي ٱلۡقُبُورِ ٢٢Uye havana kuenzana vapenyu (vatendi) nevafi (vasingatendi). Zvirokwazvo, Allah vanoita kuti wavanoda anzwe, asi iwe haukwanise kuita kuti vari mumakuva vanzwe إِنۡ أَنتَ إِلَّا نَذِيرٌ ٢٣Unongove (iwe Muhammad (SAW)) muyambiri (Basa rako kungosvitsa shoko chete, asi kutambirwa kwaro kuri mumaoko aAllah) إِنَّآ أَرۡسَلۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ بَشِيرًا وَنَذِيرًاۚ وَإِن مِّنۡ أُمَّةٍ إِلَّا خَلَا فِيهَا نَذِيرٌ ٢٤Zvirokwazvo, takava tinokutumidzira nechokwadi, mupi wenhaurwa tsvene uye uri muyambiri. Zvekare hapana kana chikwata (chevanhu) asi kusara kwekuti muyambiri akapfuura nemavaiva vari وَإِن يُكَذِّبُوكَ فَقَدۡ كَذَّبَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَبِٱلزُّبُرِ وَبِٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُنِيرِ ٢٥Uye vakaramba (kukuteerera) iwe, vainge varipo mushure mavo vakarambawo zvekare. Vatumwa vavo vakauya kwavari nezviratidzo zviri pachena, uye nemagwaro, pamwe negwaro rinopa chiedza ثُمَّ أَخَذۡتُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْۖ فَكَيۡفَ كَانَ نَكِيرِ ٢٦Uye ndakave ndinotora (ndinoranga) avo vasingatendi. Uye mutongo wangu wange wakaoma sei أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَأَخۡرَجۡنَا بِهِۦ ثَمَرَٰتٍ مُّخۡتَلِفًا أَلۡوَٰنُهَاۚ وَمِنَ ٱلۡجِبَالِ جُدَدُۢ بِيضٌ وَحُمۡرٌ مُّخۡتَلِفٌ أَلۡوَٰنُهَا وَغَرَابِيبُ سُودٌ ٢٧Ko hauoni here kuti Allah vanotumira mvura kubva kumatenga. Uye toburitsa nayo michero yemhando dzakasiyana-siyana, uye kubva mumakomo mune mhando chena netsvuku dzemivara yakasiyana-siyana uye (dzimwe) dzakanyanyo svibira وَمِنَ ٱلنَّاسِ وَٱلدَّوَآبِّ وَٱلۡأَنۡعَٰمِ مُخۡتَلِفٌ أَلۡوَٰنُهُۥ كَذَٰلِكَۗ إِنَّمَا يَخۡشَى ٱللَّهَ مِنۡ عِبَادِهِ ٱلۡعُلَمَٰٓؤُاْۗ إِنَّ ٱللَّهَ عَزِيزٌ غَفُورٌ ٢٨Uye kubva muvanhu nemhuka nemombe mune mavara akasiyana-siyana zvekare. Zvirokwazvo, ndeavo chete vane ruzivo kubva pavaranda vavo vanotya Allah. Zvirokwazvo, Allah vane masimba, uye vanoregerera zvikuru إِنَّ ٱلَّذِينَ يَتۡلُونَ كِتَٰبَ ٱللَّهِ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَأَنفَقُواْ مِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ سِرًّا وَعَلَانِيَةً يَرۡجُونَ تِجَٰرَةً لَّن تَبُورَ ٢٩Zvirokwazvo, avo vanoverenga Gwaro raAllah (Qur’aan), uye voita Swalaah (vonamata), vopa (zvipo) kubva kune zvatakavapa muchivande kana pachena, vanotarisira mubairo uyo usingambopera لِيُوَفِّيَهُمۡ أُجُورَهُمۡ وَيَزِيدَهُم مِّن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ غَفُورٌ شَكُورٌ ٣٠Kuti vachavaripa mibairo yavo zvizere, uye vovawedzera kubva munyasha dzavo. Zvirokwazvo, ndivo vanoregerera, vanoyemura (mabasa akanaka) وَٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ مِنَ ٱلۡكِتَٰبِ هُوَ ٱلۡحَقُّ مُصَدِّقًا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِۗ إِنَّ ٱللَّهَ بِعِبَادِهِۦ لَخَبِيرُۢ بَصِيرٌ ٣١Uye zvatadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)) muGwaro (Qur’aan) ndezvechokwadi (kuti uzvitevedzere iwe nevatevedzeri vako), uye zvichitsigira izvo (zvakadzikiswa) zviri mumashure maro. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye vanoona zvose zviri muvaranda vavo ثُمَّ أَوۡرَثۡنَا ٱلۡكِتَٰبَ ٱلَّذِينَ ٱصۡطَفَيۡنَا مِنۡ عِبَادِنَاۖ فَمِنۡهُمۡ ظَالِمٌ لِّنَفۡسِهِۦ وَمِنۡهُم مُّقۡتَصِدٌ وَمِنۡهُمۡ سَابِقُۢ بِٱلۡخَيۡرَٰتِ بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَضۡلُ ٱلۡكَبِيرُ ٣٢Uye takave tinopa Gwaro (Qur’aan) senhaka kuvaranda vedu kubva kune avo vatakasarudza (vatevedzeri vaMuhammad (SAW)). Uye kubva mavari mune vanozvikanganisira, zvekare kubva mavari mune vanotevedzera nzira iri pakati nepakati, uye kubva pavari pane vamwe vari pakuita kunyanya mabasa akanaka nekuda kwaAllah. Iyi (nhaka yeQur’aan) inhaka svinu chaiyo (inyasha huru) جَنَّٰتُ عَدۡنٍ يَدۡخُلُونَهَا يُحَلَّوۡنَ فِيهَا مِنۡ أَسَاوِرَ مِن ذَهَبٍ وَلُؤۡلُؤًاۖ وَلِبَاسُهُمۡ فِيهَا حَرِيرٌ ٣٣Paradhiso vacharipindamo, uye vachapfekedzwa fumba dzegoridhe (mabhenguru) nemapera, uye mbatya dzavo dzichange dziri dzesiriki وَقَالُواْ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِيٓ أَذۡهَبَ عَنَّا ٱلۡحَزَنَۖ إِنَّ رَبَّنَا لَغَفُورٌ شَكُورٌ ٣٤Uye vachataura kuti: “Kurumbidzwa nekutendwa kose ngakuve kuna Allah vatibvisira matambudziko ose. Zvirokwazvo, Tenzi vedu vanoregerera, vanoyemura (mabasa akanaka uye kupa mubairo).” ٱلَّذِيٓ أَحَلَّنَا دَارَ ٱلۡمُقَامَةِ مِن فَضۡلِهِۦ لَا يَمَسُّنَا فِيهَا نَصَبٌ وَلَا يَمَسُّنَا فِيهَا لُغُوبٌ ٣٥“Avo, kubva paNyasha dzavo, vatigarisa isu munzvimbo yatichagara zvachose, umo musina kana dambudziko rinotiwana, kana kuneta.” وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَهُمۡ نَارُ جَهَنَّمَ لَا يُقۡضَىٰ عَلَيۡهِمۡ فَيَمُوتُواْ وَلَا يُخَفَّفُ عَنۡهُم مِّنۡ عَذَابِهَاۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي كُلَّ كَفُورٍ ٣٦Asi avo vasingatendi (muhumwechete hwaAllah), vachawana moto weGehena, uko havasi kuzombourayiwa kana mutongo wavo kumbodzorwa. Kudaro tinopa mubairo kune wese asingatendi وَهُمۡ يَصۡطَرِخُونَ فِيهَا رَبَّنَآ أَخۡرِجۡنَا نَعۡمَلۡ صَٰلِحًا غَيۡرَ ٱلَّذِي كُنَّا نَعۡمَلُۚ أَوَلَمۡ نُعَمِّرۡكُم مَّا يَتَذَكَّرُ فِيهِ مَن تَذَكَّرَ وَجَآءَكُمُ ٱلنَّذِيرُۖ فَذُوقُواْ فَمَا لِلظَّٰلِمِينَ مِن نَّصِيرٍ ٣٧Umo vachachema: “Tenzi wedu! Tiburitseiwo, tichaita mabasa akanaka kwete ayo ataiita.” (Allah vachapindura vachiti): “Hatina here kukupai hupenyu hwakakwana, kuitira kuti uyo anenge atambira chenjedzo obva aitambira? Uye muyambiri akauya kwamuri. Saka ravirai (huipi hwemabasa enyu). Kune vaiti vezvakashata hapana mubatsiri.” إِنَّ ٱللَّهَ عَٰلِمُ غَيۡبِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّهُۥ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ ٣٨Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvakavandika mumatenga nepanyika. Chokwadi, vanoziva zvose zviri mumoyo هُوَ ٱلَّذِي جَعَلَكُمۡ خَلَٰٓئِفَ فِي ٱلۡأَرۡضِۚ فَمَن كَفَرَ فَعَلَيۡهِ كُفۡرُهُۥۖ وَلَا يَزِيدُ ٱلۡكَٰفِرِينَ كُفۡرُهُمۡ عِندَ رَبِّهِمۡ إِلَّا مَقۡتًاۖ وَلَا يَزِيدُ ٱلۡكَٰفِرِينَ كُفۡرُهُمۡ إِلَّا خَسَارًا ٣٩Ndivo vakakuitai vamiririri muri zvikwata mushure mezvikwata panyika, kuitira kuti uyo asingatendi (muIslaam) kunenge kuri kusatenda kwake. Uye kusatenda kwevasingatendi hakuna chakunowedzera kusara kweruvengo rwaTenzi vavo. Uye kusatenda kwevasingatendi hakuna kana zvakunowedzera kusara kwekurasikirwa قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ شُرَكَآءَكُمُ ٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ أَرُونِي مَاذَا خَلَقُواْ مِنَ ٱلۡأَرۡضِ أَمۡ لَهُمۡ شِرۡكٌ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ أَمۡ ءَاتَيۡنَٰهُمۡ كِتَٰبًا فَهُمۡ عَلَىٰ بَيِّنَتٍ مِّنۡهُۚ بَلۡ إِن يَعِدُ ٱلظَّٰلِمُونَ بَعۡضُهُم بَعۡضًا إِلَّا غُرُورًا ٤٠Taura (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiudzei zvamunofunga maererano nezvamunodaidza kuti vanamwari kunze kwaAllah? Ndiratidzei kunyangwe chavakasika pano panyika. Kana kuti vane here kunyangwe chidimbu kumatenga? Kana kuti takavapa Gwaro kuti vakwanise kuzotevedzera hwapupu huri mariri? Vaiti vezvakaipa havavimbisani kusara kwenyengedzo.” ۞ إِنَّ ٱللَّهَ يُمۡسِكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ أَن تَزُولَاۚ وَلَئِن زَالَتَآ إِنۡ أَمۡسَكَهُمَا مِنۡ أَحَدٍ مِّنۢ بَعۡدِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ كَانَ حَلِيمًا غَفُورًا ٤١Zvirokwazvo, Allah vakapfumbata matenga nenyika kuitira kuti zvisafambe-fambe kubva panzvimbo yazvo, uye kana akafamba kubva panzvimbo yavo, hapana anokwanisa kumapfumbata mushure mavo. Muchokwadi, Allah vane moyo murefu, uye vanoregerera zvikuru وَأَقۡسَمُواْ بِٱللَّهِ جَهۡدَ أَيۡمَٰنِهِمۡ لَئِن جَآءَهُمۡ نَذِيرٌ لَّيَكُونُنَّ أَهۡدَىٰ مِنۡ إِحۡدَى ٱلۡأُمَمِۖ فَلَمَّا جَآءَهُمۡ نَذِيرٌ مَّا زَادَهُمۡ إِلَّا نُفُورًا ٤٢Uye vakapika naAllah mundudziro dzavo kuti kana muyambiri akauya kwavari, vachange vari vakatungamirirwa zvakanyanya kupinda avo vaivapo. Apo muyambiri (Muhammad (SAW)) paakauya kwavari, hapana kana chakawedzera pavari kusara kwekumhanyidzana (kubva pachokwadi) ٱسۡتِكۡبَارًا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَكۡرَ ٱلسَّيِّيِٕۚ وَلَا يَحِيقُ ٱلۡمَكۡرُ ٱلسَّيِّئُ إِلَّا بِأَهۡلِهِۦۚ فَهَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا سُنَّتَ ٱلۡأَوَّلِينَۚ فَلَن تَجِدَ لِسُنَّتِ ٱللَّهِ تَبۡدِيلًاۖ وَلَن تَجِدَ لِسُنَّتِ ٱللَّهِ تَحۡوِيلًا ٤٣(Vakamhanyidzana mukutiza nekuda kwe) Kusanzwisisa kwavo panyika uye kuipa kwehurongwa hwavo. Asi huipi hwehurongwa ndewe uyo anenge ahuronga. Uye vanotarisira here (chimwe) chinhu kusara kweSunnah (nzira) yevanhu vekare? Saka hapana kana shanduko paSunnah (Nzira) yaAllah yauchawana. Uye hapana kana kudzokera shure kuchaitika paSunnah (Nzira) yaAllah أَوَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ وَكَانُوٓاْ أَشَدَّ مِنۡهُمۡ قُوَّةًۚ وَمَا كَانَ ٱللَّهُ لِيُعۡجِزَهُۥ مِن شَيۡءٍ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّهُۥ كَانَ عَلِيمًا قَدِيرًا ٤٤Havana here kufamba panyika vakaona magumo eavo vaive mumashure mavo kunyangwe zvavo vaiva nemasimba akawanda kupinda avo? Allah havasi vekuti chii zvacho chiri mumatenga nenyika chingakwanisa kuvatiza. Chokwadi, Allah vanoziva zvese, uye vane masimba pamusoro pezvinhu zvose وَلَوۡ يُؤَاخِذُ ٱللَّهُ ٱلنَّاسَ بِمَا كَسَبُواْ مَا تَرَكَ عَلَىٰ ظَهۡرِهَا مِن دَآبَّةٍ وَلَٰكِن يُؤَخِّرُهُمۡ إِلَىٰٓ أَجَلٍ مُّسَمًّىۖ فَإِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ كَانَ بِعِبَادِهِۦ بَصِيرَۢا ٤٥Uye ingadai Allah vakada kurwadzisa (kuranga) vanhu zvichienderana nemabasa avo, vaisambosiya kana chii zvacho chinorarama pano panyika. Asi vanovaregerera (vanovasiya) kusvikira nguva yakatarwa yasvika. Uye kana nguva yavo ichinge yasvika, zvirokwazvo Allah vanoona zvizere varanda vavo

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.