بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
الٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡحَكِيمِ ١Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hakuna anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Idzi ndidzo ndima dzemuBhuku (Qur’aan) rehungwaru أَكَانَ لِلنَّاسِ عَجَبًا أَنۡ أَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ رَجُلٍ مِّنۡهُمۡ أَنۡ أَنذِرِ ٱلنَّاسَ وَبَشِّرِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَنَّ لَهُمۡ قَدَمَ صِدۡقٍ عِندَ رَبِّهِمۡۗ قَالَ ٱلۡكَٰفِرُونَ إِنَّ هَٰذَا لَسَٰحِرٌ مُّبِينٌ ٢Zvishamiso here kuvanhu kuti takava tinotumira mashoko edu kumurume anobva pakati pavo (Muhammad (SAW) tichiti): “Yambira vanhu (nekuuya kwemarwadzo emoto (Gehena)), uye ipa mashoko akanaka kune vanotenda (muIslaam) kuti vachawana mubairo hwemabasa avo akanaka kuna Tenzi vavo?” (Asi) vasingatendi vanoti: “Zvirokwazvo, uyu muiiti wemapipi ari pachena.” إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٍ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَۖ مَا مِن شَفِيعٍ إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ إِذۡنِهِۦۚ ذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبُّكُمۡ فَٱعۡبُدُوهُۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ ٣Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndivo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu uye vakabva vakwira pamusoro pechigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehukuru wavo), vachifambisa hurongwa hwezvinhu zvose. Hakuna humiriri kunze nekuda kwavo. Ava ndivo Allah, Tenzi venyu, nokudaro vanamatei (ivo voga). Nokudaro hamurangariri here إِلَيۡهِ مَرۡجِعُكُمۡ جَمِيعًاۖ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقًّاۚ إِنَّهُۥ يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ بِٱلۡقِسۡطِۚ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَهُمۡ شَرَابٌ مِّنۡ حَمِيمٍ وَعَذَابٌ أَلِيمُۢ بِمَا كَانُواْ يَكۡفُرُونَ ٤Kwavari ivo ndiko kwamuchadzokera mese. Vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Zvirokwazvo, ndivo (Allah) vakatanga kusika zvisikwa uye vachadzokororazve, kuti vave vanopa mugove zvakaringana avo vaitenda (muhumwe chete hwaAllah) uye kuita mabasa ehutsvene. Asi avo vasingatendi, vachamwa zvinwiwa zvemvura dzinopisa, uye vachawana marwadzo akaomarara nokuti vakanga vasingatendi هُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ ٱلشَّمۡسَ ضِيَآءً وَٱلۡقَمَرَ نُورًا وَقَدَّرَهُۥ مَنَازِلَ لِتَعۡلَمُواْ عَدَدَ ٱلسِّنِينَ وَٱلۡحِسَابَۚ مَا خَلَقَ ٱللَّهُ ذَٰلِكَ إِلَّا بِٱلۡحَقِّۚ يُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٍ يَعۡلَمُونَ ٥Ndivo vakasika zuva sechinhu chinobwinya uye nemwedzi semwenje uye vakava vanoupimira madanho kuti muve munoziva kuverenga makore uye mipimo. Allah havana kusika izvi asi pachokwadi. Vanotsanangura humboo zvizere kuvanhu vane ruzivo إِنَّ فِي ٱخۡتِلَٰفِ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ وَمَا خَلَقَ ٱللَّهُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَتَّقُونَ ٦Zvirokwazvo, mukuchinjana kwehusiku nemasikati, uye mune zvisikwa zvose zvaAllah zviri mumatenga uye pasi munyika, mune humboo kune avo vanhu vanochengetedza basa ravo kuna Allah, uye vanovatya zvakanyanya إِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ لِقَآءَنَا وَرَضُواْ بِٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَٱطۡمَأَنُّواْ بِهَا وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَنۡ ءَايَٰتِنَا غَٰفِلُونَ ٧Zvirokwazvo, avo vanoshuvira kusasangana nesu, asi vanofadzwa uye kugutsigakana nehupenyu hwenyika ino, uye neavo vasina hanya nendima dzedu (humboo hwedu) أُوْلَٰٓئِكَ مَأۡوَىٰهُمُ ٱلنَّارُ بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ ٨Ava mhedzisiro yavo ichava moto nekuda kwezvavaibata (zvavaiwana) إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ يَهۡدِيهِمۡ رَبُّهُم بِإِيمَٰنِهِمۡۖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهِمُ ٱلۡأَنۡهَٰرُ فِي جَنَّٰتِ ٱلنَّعِيمِ ٩Zvirokwazvo, avo vanotenda uye voita mabasa ehutsvene, Tenzi vavo vachavapa gwara kuburikidza nekutenda kwavo; pasi pavo pachange pane nzizi dzinoerera mumapindu anoevedza (Paradhiso) دَعۡوَىٰهُمۡ فِيهَا سُبۡحَٰنَكَ ٱللَّهُمَّ وَتَحِيَّتُهُمۡ فِيهَا سَلَٰمٌۚ وَءَاخِرُ دَعۡوَىٰهُمۡ أَنِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٠Nzira yavo yokukumbira imomo, ichava Sub-haanaka Allaahumma (Kurumbidzwa kwamuri, Imi Allah!) uye Salaam (Runyararo, chengetedzo kubva kune zvakaipa) kuchava kumhorosana kwavo imomo (muParadhiso)! Uye mhedzisiro yekukumbira kwavo kuchava Al-hamdu lillaahi Rabbil- Aalameen (Rumbidzo nekutendwa ngazvive kuna Allah, Tenzi weAl-Aalameen (vanhu, maJinn nezvose zviripo) ۞ وَلَوۡ يُعَجِّلُ ٱللَّهُ لِلنَّاسِ ٱلشَّرَّ ٱسۡتِعۡجَالَهُم بِٱلۡخَيۡرِ لَقُضِيَ إِلَيۡهِمۡ أَجَلُهُمۡۖ فَنَذَرُ ٱلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ لِقَآءَنَا فِي طُغۡيَٰنِهِمۡ يَعۡمَهُونَ ١١Uye dai Allah vaimhanyidza zvakaipa zvevanhu (zvavanozvikumbirira pachavo uye vana vavo vakatsamwa) sokumhanyidza kwavanoita zvakanaka kwavari (zvavanokumbira), nokudaro dai vakaparadzwa kare. Nokudaro tinosiya avo vasingashuvira kusangana nesu mukupfuura mirairo kwavo, vachidzungaira semapofu vasingazivi zvavarikuita وَإِذَا مَسَّ ٱلۡإِنسَٰنَ ٱلضُّرُّ دَعَانَا لِجَنۢبِهِۦٓ أَوۡ قَاعِدًا أَوۡ قَآئِمًا فَلَمَّا كَشَفۡنَا عَنۡهُ ضُرَّهُۥ مَرَّ كَأَن لَّمۡ يَدۡعُنَآ إِلَىٰ ضُرٍّ مَّسَّهُۥۚ كَذَٰلِكَ زُيِّنَ لِلۡمُسۡرِفِينَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٢Uye kana chakaipa chabata munhu, anokumbira isu, akarara nedivi, kana kugara kana kumira. Asi kana tabvisa zvakaipa zvake kubva kwaari, anoenderera mberi sokunonzi haana kumbovhira atikumbira nemarwadzo aiva amubata! Zvakaitwa kuti zvienzane kuma Musrifoon (vasingatendi uye vapfuurkidzi vemirairo yaAllah) zvavaigara vachiita وَلَقَدۡ أَهۡلَكۡنَا ٱلۡقُرُونَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَمَّا ظَلَمُواْ وَجَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَمَا كَانُواْ لِيُؤۡمِنُواْۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ١٣Uye zvirokwazvo, takaparadza marudzi akapfuura imi musati mavepo pavakaita zvakaipa, mushure mokunge vatume vauya kwavari nemicherechedzo iri pachena, asi havana kutenda! Sokudaro tinoparadza Al-Mujrimoon (vatadzi, mhondi) ثُمَّ جَعَلۡنَٰكُمۡ خَلَٰٓئِفَ فِي ٱلۡأَرۡضِ مِنۢ بَعۡدِهِمۡ لِنَنظُرَ كَيۡفَ تَعۡمَلُونَ ١٤Nokudaro taita imi vatori vechinzvimbo mushure mavo, marudzi mushure memamwe marudzi munyika, kuti tione kuti munoshanda sei وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَاتُنَا بَيِّنَٰتٍ قَالَ ٱلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ لِقَآءَنَا ٱئۡتِ بِقُرۡءَانٍ غَيۡرِ هَٰذَآ أَوۡ بَدِّلۡهُۚ قُلۡ مَا يَكُونُ لِيٓ أَنۡ أُبَدِّلَهُۥ مِن تِلۡقَآيِٕ نَفۡسِيٓۖ إِنۡ أَتَّبِعُ إِلَّا مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّۖ إِنِّيٓ أَخَافُ إِنۡ عَصَيۡتُ رَبِّي عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ١٥Uye pose panoverengwa kwavari humboo hwedu huri pachena, avo vasingashuviri kusangana nesu vanoti: “Hunza Qur’aan risiri iri kana kuti richinje.” Iti (Muhammad (SAW)): “Hazvisi kwandiri kuri chinja pamadiro angu, ndinongotevedzera chete izvo zvinounzwa kwandiri. Zvirokwazvo, ndinotya marwadzo ezuva hombe (zuva rokumutswa) kana ndikasateerera Tenzi vangu.” قُل لَّوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَا تَلَوۡتُهُۥ عَلَيۡكُمۡ وَلَآ أَدۡرَىٰكُم بِهِۦۖ فَقَدۡ لَبِثۡتُ فِيكُمۡ عُمُرًا مِّن قَبۡلِهِۦٓۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ١٦Iti (Muhammad (SAW)): “Dai iri shuviro yaAllah, ndaisariverenga kwamuri, kana kuti vaisariita kuti rizivikanwe kwamuri. Zvirokwazvo, ndagara pakati penyu kwekanguva mushure meizvi. Hamuna here njere?” فَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا أَوۡ كَذَّبَ بِـَٔايَٰتِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ ١٧Saka ndiani anoita zvakaipa kudarika uyo anogadzira manyepo kuna Allah kana kuramba humboo hwavo? Zvirokwazvo, maMujrimoon (vatadzi, mhondi, nevamwe vanoita zvakaipa) havafi vakabudirira وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَضُرُّهُمۡ وَلَا يَنفَعُهُمۡ وَيَقُولُونَ هَٰٓؤُلَآءِ شُفَعَٰٓؤُنَا عِندَ ٱللَّهِۚ قُلۡ أَتُنَبِّـُٔونَ ٱللَّهَ بِمَا لَا يَعۡلَمُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ١٨Uye vanonamata vachisiya Allah zvinhu zvisingavape marwadzo kana kuvabatsira, uye vanoti: “Ava ndivo vamiriri vedu kuna Allah.” Iti: “Murikuudza Allah izvo zvavasingazivi here mumatenga nemunyika?” Rumbidzo nehukuru ndezvavo vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo وَمَا كَانَ ٱلنَّاسُ إِلَّآ أُمَّةً وَٰحِدَةً فَٱخۡتَلَفُواْۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةٌ سَبَقَتۡ مِن رَّبِّكَ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡ فِيمَا فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ ١٩Vanhu vakange vari boka rimwe (vari pachitendero chimwe chete, Islaam) uye vakazosiyana (mushure); uye dai rakanga risiri shoko rakauya kwavari mushure kubva kuna Tenzi vako, dai zvakagadziriswa pakati pavo maererano nezvavaisiyana وَيَقُولُونَ لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡهِ ءَايَةٌ مِّن رَّبِّهِۦۖ فَقُلۡ إِنَّمَا ٱلۡغَيۡبُ لِلَّهِ فَٱنتَظِرُوٓاْ إِنِّي مَعَكُم مِّنَ ٱلۡمُنتَظِرِينَ ٢٠Uye vanoti: “Sei humboo husina kutumirwa kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Izvo zvisingaoneke ndezva Allah voga, nokudaro mirirai, zvirokwazvo ndinemi pamwechete pakati peavo vakamirira (zuva rekutongwa).” وَإِذَآ أَذَقۡنَا ٱلنَّاسَ رَحۡمَةً مِّنۢ بَعۡدِ ضَرَّآءَ مَسَّتۡهُمۡ إِذَا لَهُم مَّكۡرٌ فِيٓ ءَايَاتِنَاۚ قُلِ ٱللَّهُ أَسۡرَعُ مَكۡرًاۚ إِنَّ رُسُلَنَا يَكۡتُبُونَ مَا تَمۡكُرُونَ ٢١Uye kana tikaravidza vanhu tsitsi mushure mokunge matambudziko avawira, ngwarirai! vanova vanoronga kupikisa humboo hwedu! Iti: “Allah vanokasika mukuronga!” Zvirokwazvo, vatumwa vedu (ngirozi) vanonyora zvose zvamunoronga هُوَ ٱلَّذِي يُسَيِّرُكُمۡ فِي ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا كُنتُمۡ فِي ٱلۡفُلۡكِ وَجَرَيۡنَ بِهِم بِرِيحٍ طَيِّبَةٍ وَفَرِحُواْ بِهَا جَآءَتۡهَا رِيحٌ عَاصِفٌ وَجَآءَهُمُ ٱلۡمَوۡجُ مِن كُلِّ مَكَانٍ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُمۡ أُحِيطَ بِهِمۡ دَعَوُاْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ لَئِنۡ أَنجَيۡتَنَا مِنۡ هَٰذِهِۦ لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلشَّٰكِرِينَ ٢٢Ndivo vanoita kuti mukwanise kufamba pasi nemumvura (nyanza), kusvika pamunenge muri mungarava, uye dzofamba navo nemhepo dzakanaka, uye vanofara imomo, uye kobva kwauya kuvhuvhuta kwakanyanya uye masai-sai ovavinga kubva kumativi ose, uye vofunga kuti vaunganirwa imomo. Nokudaro vanodana Allah vachiita kuti kutenda kwavo kuchenere Allah voga (vachiti): “Kana Allah mukatibuditsa muizvi, zvirokwazvo, tichava pakati pevanotenda.” فَلَمَّآ أَنجَىٰهُمۡ إِذَا هُمۡ يَبۡغُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّۗ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنَّمَا بَغۡيُكُمۡ عَلَىٰٓ أَنفُسِكُمۖ مَّتَٰعَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ ثُمَّ إِلَيۡنَا مَرۡجِعُكُمۡ فَنُنَبِّئُكُم بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٢٣Asi pavanovanunura, tarisai, vanopanduka munyika vachitadza. Imi vanhu! Kupanduka kwenyu kwakaipira imi pachenyu – kufadzwa kushoma kwehupenyu hwepano pasi, nokudaro (mhedzisiro yacho) kwatiri ndokwamuchadzokera, uye tichava tinokuzivisai izvo maigara muchiita إِنَّمَا مَثَلُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا كَمَآءٍ أَنزَلۡنَٰهُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ فَٱخۡتَلَطَ بِهِۦ نَبَاتُ ٱلۡأَرۡضِ مِمَّا يَأۡكُلُ ٱلنَّاسُ وَٱلۡأَنۡعَٰمُ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَخَذَتِ ٱلۡأَرۡضُ زُخۡرُفَهَا وَٱزَّيَّنَتۡ وَظَنَّ أَهۡلُهَآ أَنَّهُمۡ قَٰدِرُونَ عَلَيۡهَآ أَتَىٰهَآ أَمۡرُنَا لَيۡلًا أَوۡ نَهَارًا فَجَعَلۡنَٰهَا حَصِيدًا كَأَن لَّمۡ تَغۡنَ بِٱلۡأَمۡسِۚ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٍ يَتَفَكَّرُونَ ٢٤Zvirokwazvo, kufanana kwehupenyu hwepano panyika kwakafanana nemvura (yokunaya) iyo yatinotumira pasi kubva kudenga, nokudaro nayo munosimuka (inoburitsa) zvirimwa (nemichero) zvakasangana zvepasi izvo vanhu nemhuka dzinodya, kusvika nyika yatora shongedzo yayo uye yobva yanaka, uye vanhu vayo vobva vafunga kuti vane masimba pamusoro payo, murairo wedu oisvikira husiku kana masikati, uye toiita segoho rakohwewa, sokunge yakange isina kunaka nezuro! Kudaro tinotsanangudzira zvizere zviratidzo (humboo) avo vanhu vanofunga وَٱللَّهُ يَدۡعُوٓاْ إِلَىٰ دَارِ ٱلسَّلَٰمِ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُ إِلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٢٥Allah vanodanira kuimba yerunyararo (Paradhiso), uye vanotungamirira wavanoda mugwara rakatwasuka ۞ لِّلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ ٱلۡحُسۡنَىٰ وَزِيَادَةٌۖ وَلَا يَرۡهَقُ وُجُوهَهُمۡ قَتَرٌ وَلَا ذِلَّةٌۚ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٢٦Kune avo vakaita zvakanaka (kune mubairo weParadhiso) kana wakapfuura ipapo (Kuona Allah pachavo). Uye hapana kunyange rima kana guruva kana chinhu chinonyadzisa, chichavhara zviso zvavo. Vachange vari vagari vekuParadhiso, uye vachagara imomo zvachose وَٱلَّذِينَ كَسَبُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ جَزَآءُ سَيِّئَةِۭ بِمِثۡلِهَا وَتَرۡهَقُهُمۡ ذِلَّةٌۖ مَّا لَهُم مِّنَ ٱللَّهِ مِنۡ عَاصِمٍۖ كَأَنَّمَآ أُغۡشِيَتۡ وُجُوهُهُمۡ قِطَعًا مِّنَ ٱلَّيۡلِ مُظۡلِمًاۚ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٢٧Uye kune avo vakaita mabasa akaipa, muripo wezvakaipa wakafanana naizvo, uye nyadzi dzichavavhara (zviso zvavo). Hapana mudziviriri wavachawana kubva kuna Allah. Zviso zvavo zvichavharwa sekunge zvidimbu kubva murima rehusiku. Vachange vari vagari vemumoto, uye vachagara imomo zvachose وَيَوۡمَ نَحۡشُرُهُمۡ جَمِيعًا ثُمَّ نَقُولُ لِلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ مَكَانَكُمۡ أَنتُمۡ وَشُرَكَآؤُكُمۡۚ فَزَيَّلۡنَا بَيۡنَهُمۡۖ وَقَالَ شُرَكَآؤُهُم مَّا كُنتُمۡ إِيَّانَا تَعۡبُدُونَ ٢٨Uye zuva ratichavaunganidza vose, nokudaro tichati kune avo vanosanganisa zvimwe zvinhu nesu mukunamata: “Mirai panzvimbo yenyu, imi nevabetseri venyu (vamainamata panyika)!” Nokudaro tichavapatsanura, uye vabatsiri vavo vachati: “Hatisi isu vamaiwanzo kunamata.” فَكَفَىٰ بِٱللَّهِ شَهِيدَۢا بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمۡ إِن كُنَّا عَنۡ عِبَادَتِكُمۡ لَغَٰفِلِينَ ٢٩“Nokudaro Allah vanokwana semufakazi pakati pedu nemi, kuti zvirokwazvo hapana chataiziva mukutinamata kwenyu kwamaiita.” هُنَالِكَ تَبۡلُواْ كُلُّ نَفۡسٍ مَّآ أَسۡلَفَتۡۚ وَرُدُّوٓاْ إِلَى ٱللَّهِ مَوۡلَىٰهُمُ ٱلۡحَقِّۖ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٣٠Ipapo munhu wese achaziva zvaakawana kumashure uye vachadzorerwa kuna Allah, Tenzi vavo vechokwadi, uye zvavaiwedzera zvenhema mukunamata zvichatsakatika kubva kwavari قُلۡ مَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ أَمَّن يَمۡلِكُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَمَن يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَمَن يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَۚ فَسَيَقُولُونَ ٱللَّهُۚ فَقُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ ٣١Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiani anokupai kubva kudenga uye nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa vapenyu kuvafi uye kubuditsa vafi kubva kuvapenyu? Kana anoronga nekufambisa nyaya dzese?” Vachati: “Allah.” Iti: “Saka hamutyi here mutongo waAllah (nekuvasanganisa nezvimwe zvinhu mukuvanamata)?” فَذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبُّكُمُ ٱلۡحَقُّۖ فَمَاذَا بَعۡدَ ٱلۡحَقِّ إِلَّا ٱلضَّلَٰلُۖ فَأَنَّىٰ تُصۡرَفُونَ ٣٢Ava ndiAllah, Tenzi venyu muchokwadi. Nokudaro mushure mechokwadi, chii chimwe chingavepo, kunze kwekurasika? Saka sei muchifuratidzwa (muchirasiswa) كَذَٰلِكَ حَقَّتۡ كَلِمَتُ رَبِّكَ عَلَى ٱلَّذِينَ فَسَقُوٓاْ أَنَّهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ ٣٣Nokudaro iri izwi raTenzi vako rakaenera richipokana nevapanduki (vasingateereri Allah) kuti havasi kuzotenda (muhumwe chete hwaAllah uye kuti Muhammad (SAW) mutumwa hwaAllah قُلۡ هَلۡ مِن شُرَكَآئِكُم مَّن يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥۚ قُلِ ٱللَّهُ يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥۖ فَأَنَّىٰ تُؤۡفَكُونَ ٣٤Iti: “Aripo here mumwechete pakati pevabatsiri venyu (vamunosanganisa naAllah) anotanga kusika zvisikwa obva azvidzokorora?” Iti: “Allah vanotanga kusika zvisikwa vobva vazvidzokorora. Saka muri kubuditswa sei (muchokwadi)?” قُلۡ هَلۡ مِن شُرَكَآئِكُم مَّن يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّۚ قُلِ ٱللَّهُ يَهۡدِي لِلۡحَقِّۗ أَفَمَن يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّ أَحَقُّ أَن يُتَّبَعَ أَمَّن لَّا يَهِدِّيٓ إِلَّآ أَن يُهۡدَىٰۖ فَمَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ ٣٥Iti: “Aripo here mumwechete pakati pevabatsiri venyu (vamunosanganisa naAllah) anokutungamirirai kuchokwadi?” Iti: “Allah ndivo vega vanotungamirira kuchokwadi. Saka uyo anotungamirira kuchokwadi haana kodzero yakanyanya kuti ave anotevedzerwa, kana uyo asina kuwana gwara (pachake) kunze kwekuti atungamirirwa? Saka chii chiri kunetsa kwamuri? Munotonga sei?” وَمَا يَتَّبِعُ أَكۡثَرُهُمۡ إِلَّا ظَنًّاۚ إِنَّ ٱلظَّنَّ لَا يُغۡنِي مِنَ ٱلۡحَقِّ شَيۡـًٔاۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِمَا يَفۡعَلُونَ ٣٦Uye vazhinji vavo havana chavanotevera kunze kwepfungidziro. Zvirokwazvo, pfungidziro haibatsiri chinhu pamberi pechokwadi. Zvechokwadi, Allah vanoziva zvose zvamunoita وَمَا كَانَ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانُ أَن يُفۡتَرَىٰ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَلَٰكِن تَصۡدِيقَ ٱلَّذِي بَيۡنَ يَدَيۡهِ وَتَفۡصِيلَ ٱلۡكِتَٰبِ لَا رَيۡبَ فِيهِ مِن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٣٧Uye iri Qur’aan harisi rokuti ringagadzirwa nani kunze kwaAllah (Tenzi vematenga nepasi), asi rinozadzisa izvo zvakauya mushure maro (Torah, neInjeel (Vhangeri)), uye tsanangudzo yakazara yeBhuku (mitemo yakatarirwa vanhu), iro mariri hamuna kusagutsikana, kubva kuna Tenzi veAalameen (vanhu, maJinn nezvese zviripo) أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۖ قُلۡ فَأۡتُواْ بِسُورَةٍ مِّثۡلِهِۦ وَٱدۡعُواْ مَنِ ٱسۡتَطَعۡتُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٣٨Kana kuti vanoti: “Iye (Muhammad (SAW)) akarigadzira?” Iti: “Hunzai chitsauko (Surah) chakafanana naichocho, uye modaidza wese wamunokwanisa kunze kwaAllah kana muri pachokwadi!” بَلۡ كَذَّبُواْ بِمَا لَمۡ يُحِيطُواْ بِعِلۡمِهِۦ وَلَمَّا يَأۡتِهِمۡ تَأۡوِيلُهُۥۚ كَذَٰلِكَ كَذَّبَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلظَّٰلِمِينَ ٣٩Asi (kutoti) vakaramba (izvo) zvakanga zvisina kukomberedzwa neruzivo rwavo (zvavakanga vasingazive) uye tsanangudzo dzacho dzisati dzauya kwavari. Naizvozvo, avo vakanga varipo ivo vasati vavepo vakarambawo. Pedzezvo chitarisai magumo eavo vaiita mabasa akaipa وَمِنۡهُم مَّن يُؤۡمِنُ بِهِۦ وَمِنۡهُم مَّن لَّا يُؤۡمِنُ بِهِۦۚ وَرَبُّكَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُفۡسِدِينَ ٤٠Uye mavari mune vamwe vanotenda mariri; uye mavari mune vamwe vasingatendi mariri, uye Tenzi vako ndivo muzivi mukuru wevatadzi وَإِن كَذَّبُوكَ فَقُل لِّي عَمَلِي وَلَكُمۡ عَمَلُكُمۡۖ أَنتُم بَرِيٓـُٔونَ مِمَّآ أَعۡمَلُ وَأَنَا۠ بَرِيٓءٌ مِّمَّا تَعۡمَلُونَ ٤١Asi kana vakuramba, iti: “Kwandiri mabasa angu uye kwamuri mabasa enyu! Hamuna mhosva kune zvandinoita, uye handina mhosva kune zvamunoita!” وَمِنۡهُم مَّن يَسۡتَمِعُونَ إِلَيۡكَۚ أَفَأَنتَ تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ وَلَوۡ كَانُواْ لَا يَعۡقِلُونَ ٤٢Uye mavari mune vamwe vanokuteerera, asi ungaite kuti vanamatsi vanzwe here kunyange vasinganzwisise وَمِنۡهُم مَّن يَنظُرُ إِلَيۡكَۚ أَفَأَنتَ تَهۡدِي ٱلۡعُمۡيَ وَلَوۡ كَانُواْ لَا يُبۡصِرُونَ ٤٣Uye mavari mune vamwe vanokutarisa, asi ungatungamira here mapofu kunyange vasingaoni إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَظۡلِمُ ٱلنَّاسَ شَيۡـًٔا وَلَٰكِنَّ ٱلنَّاسَ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ٤٤Zvechokwadi, Allah havatadziri vanhu chipi zvacho, asi vanhu vanozvitadzira pachavo وَيَوۡمَ يَحۡشُرُهُمۡ كَأَن لَّمۡ يَلۡبَثُوٓاْ إِلَّا سَاعَةً مِّنَ ٱلنَّهَارِ يَتَعَارَفُونَ بَيۡنَهُمۡۚ قَدۡ خَسِرَ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِلِقَآءِ ٱللَّهِ وَمَا كَانُواْ مُهۡتَدِينَ ٤٥Uye pazuva iro ravachavaunganidza vose pamwechete, (zvichaita sokunge) havana kumbogara (hupenyu hwepano pasi nemuguva) asi kanguva kadiki kezuva (awa). Vachazivana. Nyonganidzo zvirokwazvo ichava kune avo vairamba kusangana naAllah uye vange vasina kutungamirirwa وَإِمَّا نُرِيَنَّكَ بَعۡضَ ٱلَّذِي نَعِدُهُمۡ أَوۡ نَتَوَفَّيَنَّكَ فَإِلَيۡنَا مَرۡجِعُهُمۡ ثُمَّ ٱللَّهُ شَهِيدٌ عَلَىٰ مَا يَفۡعَلُونَ ٤٦Kunyange tikakuratidza (iwe Muhammad (SAW)) zvimwe zvezvinhu zvatakavavimbisa (marwadzo), kana tikakuita kuti ufe, kunyange zvakadaro kwatiri ndokwavanodzoka. Uye Allah mufakazi wezvavanoita وَلِكُلِّ أُمَّةٍ رَّسُولٌۖ فَإِذَا جَآءَ رَسُولُهُمۡ قُضِيَ بَيۡنَهُم بِٱلۡقِسۡطِ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ٤٧Uye kurudzi roga-roga kune mutumwa; apo pachauya mutumwa wavo, nyaya dzichatongwa pakati pavo zvakafanira, uye havambotadzirwi وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٤٨Uye vanoti: “Ndirinhiko pachava nevimbiso iyi (marwadzo kana zuva rokumutswa) kana muchitaura chokwadi?” قُل لَّآ أَمۡلِكُ لِنَفۡسِي ضَرًّا وَلَا نَفۡعًا إِلَّا مَا شَآءَ ٱللَّهُۗ لِكُلِّ أُمَّةٍ أَجَلٌۚ إِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ فَلَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ سَاعَةً وَلَا يَسۡتَقۡدِمُونَ ٤٩Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Handina simba rekuzvikuvadza pachangu kana kuzvibetsera kunze kwekuti Allah vatoda. Rudzi rwega-rwega rwune nguva yakatarwa; kana nguva yavo yasvika, havakwanisi kuinonotsa kana kuiwedzera kunyange nekanguva kadiki.” قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِنۡ أَتَىٰكُمۡ عَذَابُهُۥ بَيَٰتًا أَوۡ نَهَارًا مَّاذَا يَسۡتَعۡجِلُ مِنۡهُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٥٠Iti: “Ndiudzei, kana mutongo wavo ukauya kwamuri manheru kana masikati, ndechipi chidimbu chawo vatadzi vachakumbira kuti chikurumidze?” أَثُمَّ إِذَا مَا وَقَعَ ءَامَنتُم بِهِۦٓۚ ءَآلۡـَٰٔنَ وَقَدۡ كُنتُم بِهِۦ تَسۡتَعۡجِلُونَ ٥١“Ndizvo here kuti kana yakuwirai munobva matenda mairi? Chii! (Chamunotenda) iye zvino? Uye maiwanzo kukumbira (mushure) kuti ikurumidze!” ثُمَّ قِيلَ لِلَّذِينَ ظَلَمُواْ ذُوقُواْ عَذَابَ ٱلۡخُلۡدِ هَلۡ تُجۡزَوۡنَ إِلَّا بِمَا كُنتُمۡ تَكۡسِبُونَ ٥٢Nokudaro zvichanzi kwavari avo vakazvitadzira pachavo: “Ravirai imi mutongo usina magumo! Hamusi kuwana mubairo kusara kwezvamaiwana.” ۞ وَيَسۡتَنۢبِـُٔونَكَ أَحَقٌّ هُوَۖ قُلۡ إِي وَرَبِّيٓ إِنَّهُۥ لَحَقٌّۖ وَمَآ أَنتُم بِمُعۡجِزِينَ ٥٣Uye vanokubvunza (iwe Muhammad (SAW)) kuti uvazivise (vachiti): “Ichokwadi here (marwadzo ezuva rekumutswa)?” Iti: “Hongu! Ndinopika naTenzi vangu! Ichokwadi chemazvokwadi! Uye hamugoni kuwatiza!” وَلَوۡ أَنَّ لِكُلِّ نَفۡسٍ ظَلَمَتۡ مَا فِي ٱلۡأَرۡضِ لَٱفۡتَدَتۡ بِهِۦۗ وَأَسَرُّواْ ٱلنَّدَامَةَ لَمَّا رَأَوُاْ ٱلۡعَذَابَۖ وَقُضِيَ بَيۡنَهُم بِٱلۡقِسۡطِ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ٥٤Uye kana munhu wega-wega akatadza (nekusatenda muna Allah uye kunamata vamwe vanamwari) aine zvose zvepanyika uye ozoda kuzvishandisa kutenga chidzikinuro chake (hachisi kuzogamuchirwa), uye vachave mumoyo yavo nekugunun’una pavachaona mutongo, uye vachatongwa zvine ruenzaniso, uye hapana chakaipa chichaitwa kwavari أَلَآ إِنَّ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۗ أَلَآ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقٌّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ٥٥Tarisai! Zvirokwazvo, zvese zviri kumatenga nemunyika ndezvaAllah. Tarisai! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Asi vazhinji vavo hapana chavanoziva هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٥٦Ndivo vanopa hupenyu nekukonzera rufu, uye kwavari ndiko kwamuchadzoserwa يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ قَدۡ جَآءَتۡكُم مَّوۡعِظَةٌ مِّن رَّبِّكُمۡ وَشِفَآءٌ لِّمَا فِي ٱلصُّدُورِ وَهُدًى وَرَحۡمَةٌ لِّلۡمُؤۡمِنِينَ ٥٧Imi vanhu! Zvirokwazvo, zano rakanaka rauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Qur’aan), uye chiponeso pane izvo zviri mumoyo yenyu (kushaiwa ruzivo, hunyengedzi, kugunun’una nekupesana), gwara uye tsitsi kuvatendi (richitsanangudza zvinobvumidzwa uye zvinorambidzwa) قُلۡ بِفَضۡلِ ٱللَّهِ وَبِرَحۡمَتِهِۦ فَبِذَٰلِكَ فَلۡيَفۡرَحُواْ هُوَ خَيۡرٌ مِّمَّا يَجۡمَعُونَ ٥٨Iti: “Mumakomborero aAllah, uye mutsitsi dzavo (Islaam neQur’aan), mazviri ngavafare.” Ndizvo zviri nani pane (hupfumi) hwavanounganidza قُلۡ أَرَءَيۡتُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ لَكُم مِّن رِّزۡقٍ فَجَعَلۡتُم مِّنۡهُ حَرَامًا وَحَلَٰلًا قُلۡ ءَآللَّهُ أَذِنَ لَكُمۡۖ أَمۡ عَلَى ٱللَّهِ تَفۡتَرُونَ ٥٩Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiudzei, ndeipi raramo yamatumirwa naAllah! Uye mukaiita kuti ive inobvumidzwa kana kurambidzwa.” Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Asi Allah vakubvumidzai imi (kuita izvozvo), kana kuti muri kupomera Allah manyepo?” وَمَا ظَنُّ ٱلَّذِينَ يَفۡتَرُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَذُو فَضۡلٍ عَلَى ٱلنَّاسِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَشۡكُرُونَ ٦٠Uye vanofungei avo vanovambira Allah manyepo nezuva rokumutswa? (Vanofunga kuti vacharegererwa! Kwete! Vachawana marwadzo asingaperi kumoto). Zvirokwazvo, Allah vane makomborero akawanda kuvanhu, asi vazhinji vavo havatendi وَمَا تَكُونُ فِي شَأۡنٍ وَمَا تَتۡلُواْ مِنۡهُ مِن قُرۡءَانٍ وَلَا تَعۡمَلُونَ مِنۡ عَمَلٍ إِلَّا كُنَّا عَلَيۡكُمۡ شُهُودًا إِذۡ تُفِيضُونَ فِيهِۚ وَمَا يَعۡزُبُ عَن رَّبِّكَ مِن مِّثۡقَالِ ذَرَّةٍ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَلَآ أَصۡغَرَ مِن ذَٰلِكَ وَلَآ أَكۡبَرَ إِلَّا فِي كِتَٰبٍ مُّبِينٍ ٦١Kunyange iwe (Muhammad (SAW)) ukaita basa kana kuverenga chero ndima yemuQur’aan, kana imi (vanhu) mukaita chero basa (rakanaka kana rakaipa), asi isu tiri vafakazi mazviri pamunozviita. Uye hapana chakavanzika kubva kuna Tenzi vako (kunyange) huremu hwekanhu kadiki-diki panyika kana kudenga. Kunyange kari kadiki pane ikako kana kahombe kupfuura ikako, asi kari (kakanyorwa) mugwaro riri pachena أَلَآ إِنَّ أَوۡلِيَآءَ ٱللَّهِ لَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ ٦٢Pasina kupokana! Zvirokwazvo, shamwari dzaAllah dzichave dzisina kutya kana kushushikana ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَكَانُواْ يَتَّقُونَ ٦٣Avo vaitenda (muIslaam), uye vaigara vachitya Allah zvakanyanya (vachiita mabasa akanaka vachisiya akaipa) لَهُمُ ٱلۡبُشۡرَىٰ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِۚ لَا تَبۡدِيلَ لِكَلِمَٰتِ ٱللَّهِۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ ٦٤Kwavari kune mashoko akanaka, muhupenyu hwepano pasi (munhu pachake kurota zvakanaka kana vamwe vanhu kuratidzwa), uye muhupenyu hwamangwana. Hapana kuchinja pamashoko aAllah. Zvirokwazvo, uku ndiko kubudirira kukuru وَلَا يَحۡزُنكَ قَوۡلُهُمۡۘ إِنَّ ٱلۡعِزَّةَ لِلَّهِ جَمِيعًاۚ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٦٥Uye usarege mashoko avo achikushungurudza (iwe Muhammad (SAW)), nekuti zvirokwazvo simba neruremekedzo ndezvaAllah. Ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose أَلَآ إِنَّ لِلَّهِ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَن فِي ٱلۡأَرۡضِۗ وَمَا يَتَّبِعُ ٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ شُرَكَآءَۚ إِن يَتَّبِعُونَ إِلَّا ٱلظَّنَّ وَإِنۡ هُمۡ إِلَّا يَخۡرُصُونَ ٦٦Pasina kusagutsikana! Zvirokwazvo, Allah ndivo muridzi wevose vari mumatenga uye nevose vari pasi. Uye avo vanonamata nekukumbira zvimwe zvinhu vachisiya Allah, pachokwadi hapana chavanotevera kusara kwefungidziro, asi vanovamba manyepo chete هُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ لِتَسۡكُنُواْ فِيهِ وَٱلنَّهَارَ مُبۡصِرًاۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَسۡمَعُونَ ٦٧Ndivo vakakugadzirirai usiku kuti muve munozorora mauri, uye masikati kuti zvinhu zvive pachena (kamuri). Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune vanhu vanoteerera قَالُواْ ٱتَّخَذَ ٱللَّهُ وَلَدًاۗ سُبۡحَٰنَهُۥۖ هُوَ ٱلۡغَنِيُّۖ لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ إِنۡ عِندَكُم مِّن سُلۡطَٰنِۭ بِهَٰذَآۚ أَتَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٦٨Vanoti (maJudha nemaKristu): “Allah vakazvara mwana (vana).” Kurumbidzwa ngakuve kwavari! Ndivo mupfumi (hapana chavanoda). Zvavo ndozviri kudenga nezvose zviri pasi. Hamuna bvumo yeizvi. Munotaura here pamusoro paAllah izvo zvamusina ruzivo nazvo قُلۡ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَفۡتَرُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ لَا يُفۡلِحُونَ ٦٩Iti: “Zvirokwazvo, avo vanovamba manyepo pamusoro paAllah havambofi vakabudirira.” مَتَٰعٌ فِي ٱلدُّنۡيَا ثُمَّ إِلَيۡنَا مَرۡجِعُهُمۡ ثُمَّ نُذِيقُهُمُ ٱلۡعَذَابَ ٱلشَّدِيدَ بِمَا كَانُواْ يَكۡفُرُونَ ٧٠Mafaro epano pasi (madiki)! Uye kwatiri ndiko kwavachadzoka, uye tichaita kuti vave vanoravira marwadzo akanyanya nemhaka yokuti vakange vasingatendi (muna Allah, vatumwa vavo, uye vairamba zviratidzo zvavo) ۞ وَٱتۡلُ عَلَيۡهِمۡ نَبَأَ نُوحٍ إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦ يَٰقَوۡمِ إِن كَانَ كَبُرَ عَلَيۡكُم مَّقَامِي وَتَذۡكِيرِي بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ فَعَلَى ٱللَّهِ تَوَكَّلۡتُ فَأَجۡمِعُوٓاْ أَمۡرَكُمۡ وَشُرَكَآءَكُمۡ ثُمَّ لَا يَكُنۡ أَمۡرُكُمۡ عَلَيۡكُمۡ غُمَّةً ثُمَّ ٱقۡضُوٓاْ إِلَيَّ وَلَا تُنظِرُونِ ٧١Uye verenga kwavari nhau dzaNowa (Nuh). Apo paakati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Kana kugara kwangu (nemi), uye yeuchidzo yangu (kwamuri) yezviratidzo zvaAllah yakakuomerai, nokudaro ndinoisa vimbo yangu muna Allah. Nokudaro pananai hurongwa hwenyu imimi nevabatsiri venyu, uye musaita kuti hurongwa hwenyu huve nekusagutsikana kwamuri. Nokudaro ndipei mutongo wenyu uye musave munondipa zororo.” فَإِن تَوَلَّيۡتُمۡ فَمَا سَأَلۡتُكُم مِّنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَى ٱللَّهِۖ وَأُمِرۡتُ أَنۡ أَكُونَ مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ ٧٢“Asi kana mukafuratira (mukasagamuchira Islaam), nokudaro hapana mugove wandinokumbira kwamuri; mugove wangu unaAllah voga, uye ndakava ndinokomekedzwa kuti ndive mumwe wemaMuslim (avo vanozvipira kuteerera mirairo yaAllah).” فَكَذَّبُوهُ فَنَجَّيۡنَٰهُ وَمَن مَّعَهُۥ فِي ٱلۡفُلۡكِ وَجَعَلۡنَٰهُمۡ خَلَٰٓئِفَ وَأَغۡرَقۡنَا ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَاۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُنذَرِينَ ٧٣Nokudaro vakamuramba, asi takamubatsira uye neavo vaainge ainavo mungarava, uye tikavaita madzinza achitsiva mamwe mushure memamwe, apo patakanyudza avo vakaramba zviratidzo zvedu. Nokudaro tarisai mhedzisiro yeavo vakayambirwa ثُمَّ بَعَثۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِۦ رُسُلًا إِلَىٰ قَوۡمِهِمۡ فَجَآءُوهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَمَا كَانُواْ لِيُؤۡمِنُواْ بِمَا كَذَّبُواْ بِهِۦ مِن قَبۡلُۚ كَذَٰلِكَ نَطۡبَعُ عَلَىٰ قُلُوبِ ٱلۡمُعۡتَدِينَ ٧٤Uye mumashure make takatumira vatumwa kuvanhu vavo. Vakavavigira zviratidzo zviri pachena, asi havana kutenda mune izvo zvavakange varamba mushure. Nokudaro tinovhara moyo yevaiti vezvakaipa (avo vasingatendi muhumwechete hwaAllah uye vasingavateereri) ثُمَّ بَعَثۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِم مُّوسَىٰ وَهَٰرُونَ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ بِـَٔايَٰتِنَا فَٱسۡتَكۡبَرُواْ وَكَانُواْ قَوۡمًا مُّجۡرِمِينَ ٧٥Uye mumashure mavo takatumira Musa naAroni kuna Farawo nemadzimambo ake nezviratidzo zvedu. Asi vakazvitutumadza uye vakange vari vatadzi فَلَمَّا جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ مِنۡ عِندِنَا قَالُوٓاْ إِنَّ هَٰذَا لَسِحۡرٌ مُّبِينٌ ٧٦Saka pakauya chokwadi kwavari kubva kwatiri, vakati: “Zvirokwazvo, aya mapipi ari pachena.” قَالَ مُوسَىٰٓ أَتَقُولُونَ لِلۡحَقِّ لَمَّا جَآءَكُمۡۖ أَسِحۡرٌ هَٰذَا وَلَا يُفۡلِحُ ٱلسَّٰحِرُونَ ٧٧Musa akati: “Mungataura here izvi pamusoro pechokwadi chauya kwamuri? Aya mapipi here? Asi vaiti vemapipi havambofi vakabudirira.” قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا لِتَلۡفِتَنَا عَمَّا وَجَدۡنَا عَلَيۡهِ ءَابَآءَنَا وَتَكُونَ لَكُمَا ٱلۡكِبۡرِيَآءُ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا نَحۡنُ لَكُمَا بِمُؤۡمِنِينَ ٧٨Vakati: “Wauya kwatiri kuzotisiisa izvo zvatakawana vana baba vedu vachitevera, uye kuti imi vaviri muve nechinzvimbo chepamusoro-soro munzvimbo? Hatifi takatenda mamuri vaviri!” وَقَالَ فِرۡعَوۡنُ ٱئۡتُونِي بِكُلِّ سَٰحِرٍ عَلِيمٍ ٧٩Uye Farawo akati: “Ndiunzirei nyanzvi yese yemapipi.” فَلَمَّا جَآءَ ٱلسَّحَرَةُ قَالَ لَهُم مُّوسَىٰٓ أَلۡقُواْ مَآ أَنتُم مُّلۡقُونَ ٨٠Uye apo pakauya nyanzvi dzemapipi, Musa akati kwavari: “Kandai pasi zvamunoda kukanda!” فَلَمَّآ أَلۡقَوۡاْ قَالَ مُوسَىٰ مَا جِئۡتُم بِهِ ٱلسِّحۡرُۖ إِنَّ ٱللَّهَ سَيُبۡطِلُهُۥٓ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُصۡلِحُ عَمَلَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ٨١Asi apo pavakanda pasi, Musa akati: “Izvi zvamauya nazvo mapipi. Zvirokwazvo, Allah vachaita kuti zvishaye simba. Zvirokwazvo, Allah havanatse mabasa evakaipa.” وَيُحِقُّ ٱللَّهُ ٱلۡحَقَّ بِكَلِمَٰتِهِۦ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٨٢“Uye Allah vachadzika chokwadi nemashoko avo, kunyange zvazvo vasingatendi vachizvivenga.” فَمَآ ءَامَنَ لِمُوسَىٰٓ إِلَّا ذُرِّيَّةٌ مِّن قَوۡمِهِۦ عَلَىٰ خَوۡفٍ مِّن فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِمۡ أَن يَفۡتِنَهُمۡۚ وَإِنَّ فِرۡعَوۡنَ لَعَالٍ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَإِنَّهُۥ لَمِنَ ٱلۡمُسۡرِفِينَ ٨٣Hapana akatenda muna Musa kunze kwevamwe vevana vevanhu vake, nokuda kwekuti vaitya Farawo nemadzimambo ake, pamwe aizovashungurudza; uye zvirokwazvo, Farawo aizvitutumadza panyika, uye zvirokwazvo aive mumwe wevatadzi وَقَالَ مُوسَىٰ يَٰقَوۡمِ إِن كُنتُمۡ ءَامَنتُم بِٱللَّهِ فَعَلَيۡهِ تَوَكَّلُوٓاْ إِن كُنتُم مُّسۡلِمِينَ ٨٤Uye Musa akati: “Imi vanhu vangu! Kana muchitenda muna Allah, nokudaro isai vimbo yenyu mavari kana muri maMuslim (avo vanotambira zvido zvaAllah).” فَقَالُواْ عَلَى ٱللَّهِ تَوَكَّلۡنَا رَبَّنَا لَا تَجۡعَلۡنَا فِتۡنَةً لِّلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٨٥Vakati: “Tinovimba naAllah, Tenzi vedu! Musava munotiisa mumiedzo yeavo vanoita mabasa akaipa (musavaita kuti vave vanotikurira).” وَنَجِّنَا بِرَحۡمَتِكَ مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلۡكَٰفِرِينَ ٨٦“Uye tinunurei netsitsi dzenyu kubva kune vanhu vasingatendi.” وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰ وَأَخِيهِ أَن تَبَوَّءَا لِقَوۡمِكُمَا بِمِصۡرَ بُيُوتًا وَٱجۡعَلُواْ بُيُوتَكُمۡ قِبۡلَةً وَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَۗ وَبَشِّرِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٨٧Uye takava tinoburutsa kuna Musa uye nemukoma wake (tichiti): “Ipai vanhu venyu pokugara muEgypt, uye moita dzimba dzenyu dzokugara senzvimbo dzenyu dzokunamatira, uye itai Swalaah (Munamato), uye mopa mashoko akanaka kuvatendi.” وَقَالَ مُوسَىٰ رَبَّنَآ إِنَّكَ ءَاتَيۡتَ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَأَهُۥ زِينَةً وَأَمۡوَٰلًا فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا رَبَّنَا لِيُضِلُّواْ عَن سَبِيلِكَۖ رَبَّنَا ٱطۡمِسۡ عَلَىٰٓ أَمۡوَٰلِهِمۡ وَٱشۡدُدۡ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ فَلَا يُؤۡمِنُواْ حَتَّىٰ يَرَوُاْ ٱلۡعَذَابَ ٱلۡأَلِيمَ ٨٨Uye Musa akati: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, makapa Farawo nemadzimambo ake zvinoyevedza nehupfumi muhupenyu hwepano pasi, imi Tenzi vedu, kuti vave vanobuditsa vanhu munzira yenyu. Imi Tenzi vedu! Paradzai hupfumi hwavo, nekuomesa moyo yavo, kuti vasave vanotenda kusara kwekuti vaona marwadzo akaomarara.” قَالَ قَدۡ أُجِيبَت دَّعۡوَتُكُمَا فَٱسۡتَقِيمَا وَلَا تَتَّبِعَآنِّ سَبِيلَ ٱلَّذِينَ لَا يَعۡلَمُونَ ٨٩Allah vakati: “Zvirokwazvo, munamato wenyu muri vaviri watambirwa. Nokudaro rambai muri mugwara rakatwasuka, uye musava munotevedzera gwara reavo vasingazivi (chokwadi, Islaam).” ۞ وَجَٰوَزۡنَا بِبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٱلۡبَحۡرَ فَأَتۡبَعَهُمۡ فِرۡعَوۡنُ وَجُنُودُهُۥ بَغۡيًا وَعَدۡوًاۖ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَدۡرَكَهُ ٱلۡغَرَقُ قَالَ ءَامَنتُ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا ٱلَّذِيٓ ءَامَنَتۡ بِهِۦ بَنُوٓاْ إِسۡرَٰٓءِيلَ وَأَنَا۠ مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ ٩٠Uye takava tinoita vana veIzrairi kuti vave vanodarika gungwa, uye Farawo nehondo yake akatevera ane kudzvinyirira neruvengo, kusvika apo paainyudzwa, akati: “Ndinotenda kuti hakuna umwe mwari kunze kweuyo anotendwa nevana veIzrairi, uye ndiri umwe wemaMuslim (avo vanozvipira kuna Allah).” ءَآلۡـَٰٔنَ وَقَدۡ عَصَيۡتَ قَبۡلُ وَكُنتَ مِنَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ٩١Izvozvi (wakutenda) iwe wakaramba kutenda mushure uye wakanga uri umwe wemaMufsidoon (vatadzi) فَٱلۡيَوۡمَ نُنَجِّيكَ بِبَدَنِكَ لِتَكُونَ لِمَنۡ خَلۡفَكَ ءَايَةًۚ وَإِنَّ كَثِيرًا مِّنَ ٱلنَّاسِ عَنۡ ءَايَٰتِنَا لَغَٰفِلُونَ ٩٢Nokudaro zuva ranhasi tichava tinobuditsa mutumbi wako (kubva mugungwa) kuti ugova chiratidzo cheavo (vachauya) mumashure mako! Uye zvirokwazvo, vanhu vazhinji havana hanya nezviratidzo zvedu وَلَقَدۡ بَوَّأۡنَا بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ مُبَوَّأَ صِدۡقٍ وَرَزَقۡنَٰهُم مِّنَ ٱلطَّيِّبَٰتِ فَمَا ٱخۡتَلَفُواْ حَتَّىٰ جَآءَهُمُ ٱلۡعِلۡمُۚ إِنَّ رَبَّكَ يَقۡضِي بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كَانُواْ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ ٩٣Uye zvirokwazvo, takagadza vana vaIzirairi munzvimbo tsvene (Palestine neEgypt), uye tikavapa zvinhu zvakanaka, uye havana kupesana kusvika ruzivo rwauya kwavari. Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vachatonga pakati pavo musi wekumutswa, mune zvavaigara vachipesana فَإِن كُنتَ فِي شَكٍّ مِّمَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ فَسۡـَٔلِ ٱلَّذِينَ يَقۡرَءُونَ ٱلۡكِتَٰبَ مِن قَبۡلِكَۚ لَقَدۡ جَآءَكَ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكَ فَلَا تَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡمُمۡتَرِينَ ٩٤Kana iwe (Muhammad (SAW)) usingagutsikani nezvatakaburutsa kwauri (kuti zita rako rakanyorwa muTorah) ne Injeel (Vhangeri)), nokudaro bvunza avo vairiverenga mushure mako. Zvirokwazvo, chokwadi chauya kwauri kubva kuna Tenzi vako. Nokudaro usava umwe weavo vasingagutsikani وَلَا تَكُونَنَّ مِنَ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ فَتَكُونَ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٩٥Uye usave umwe weavo vanoramba zviratidzo (ndima, humboo) hwaAllah, nokudaro ungazove umwe wevakarasikirwa إِنَّ ٱلَّذِينَ حَقَّتۡ عَلَيۡهِمۡ كَلِمَتُ رَبِّكَ لَا يُؤۡمِنُونَ ٩٦Zvirokwazvo, avo shoko raTenzi wako rakavaenera (rakatarwa pamusoro pavo), havatendi وَلَوۡ جَآءَتۡهُمۡ كُلُّ ءَايَةٍ حَتَّىٰ يَرَوُاْ ٱلۡعَذَابَ ٱلۡأَلِيمَ ٩٧Kunyange zviratidzo zvese zvikauya kwavari, kusvika vaona marwadzo akaomarara فَلَوۡلَا كَانَتۡ قَرۡيَةٌ ءَامَنَتۡ فَنَفَعَهَآ إِيمَٰنُهَآ إِلَّا قَوۡمَ يُونُسَ لَمَّآ ءَامَنُواْ كَشَفۡنَا عَنۡهُمۡ عَذَابَ ٱلۡخِزۡيِ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَمَتَّعۡنَٰهُمۡ إِلَىٰ حِينٍ ٩٨Kune here guta rakatenda (mushure mokuona marwadzo), uye kutenda kwaro (munguva iyoyo) kukaribatsira (kubva mumarwadzo)? (Mhinduro hapana), kunze kwevanhu vaJonah pavakatenda, takavabvisira marwadzo anonyadzisa muhupenyu wepanyika, uye tikavabvumidza kuti vafare kwenguva diki وَلَوۡ شَآءَ رَبُّكَ لَأٓمَنَ مَن فِي ٱلۡأَرۡضِ كُلُّهُمۡ جَمِيعًاۚ أَفَأَنتَ تُكۡرِهُ ٱلنَّاسَ حَتَّىٰ يَكُونُواْ مُؤۡمِنِينَ ٩٩Uye dai Tenzi vako vaida, avo vari munyika dai vakatenda vose pamwechete. Saka (iwe Muhammad (SAW)) uchamanikidza here vanhu, kusvika vave vatendi وَمَا كَانَ لِنَفۡسٍ أَن تُؤۡمِنَ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ وَيَجۡعَلُ ٱلرِّجۡسَ عَلَى ٱلَّذِينَ لَا يَعۡقِلُونَ ١٠٠Hazvisi kumunhu kutenda, kunze nekuda kwaAllah, uye vachaisa hasha dzavo kune avo vasina hanya قُلِ ٱنظُرُواْ مَاذَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَمَا تُغۡنِي ٱلۡأٓيَٰتُ وَٱلنُّذُرُ عَن قَوۡمٍ لَّا يُؤۡمِنُونَ ١٠١Iti: “Tarisai zvese zviri mumatenga nemunyika,” asi hapana zviratidzo kana vayambiri vanobetsera avo vasingatendi.” فَهَلۡ يَنتَظِرُونَ إِلَّا مِثۡلَ أَيَّامِ ٱلَّذِينَ خَلَوۡاْ مِن قَبۡلِهِمۡۚ قُلۡ فَٱنتَظِرُوٓاْ إِنِّي مَعَكُم مِّنَ ٱلۡمُنتَظِرِينَ ١٠٢Nokudaro vakamirira here (chimwe chinhu) kunze (kwekuparadzwa) kwemazuva evarume vakapfuura mushure mavo? Iti: “Nokudaro mirirai, ndiripowo pane avo vakamirira.” ثُمَّ نُنَجِّي رُسُلَنَا وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْۚ كَذَٰلِكَ حَقًّا عَلَيۡنَا نُنجِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٠٣Nokudaro (mushure) takanunura vatumwa vedu neavo vanotenda! Ndozvazviri zvinomanikidzirwa kwatiri kununura vatendi قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِن كُنتُمۡ فِي شَكٍّ مِّن دِينِي فَلَآ أَعۡبُدُ ٱلَّذِينَ تَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَلَٰكِنۡ أَعۡبُدُ ٱللَّهَ ٱلَّذِي يَتَوَفَّىٰكُمۡۖ وَأُمِرۡتُ أَنۡ أَكُونَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٠٤Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Kana musingagutsikane nechitendero changu (Islaam), nokudaro (zivai kuti) handifi ndakanamata izvo zvamunonamata kunze kwaAllah. Asi ndinonamata Allah vanoita kuti mufe, uye ndakakomekedzwa kuti ndive umwe wevatendi.” وَأَنۡ أَقِمۡ وَجۡهَكَ لِلدِّينِ حَنِيفًا وَلَا تَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ١٠٥“Uye (zvadzikiswa kwandiri): ‘Tendeudza huso hwako (Muhammad (SAW)) kuchitendero cheHaneef (Islaam, kunamatwa kwaMwari mumwechete), uye zvirokwazvo usava umwe wemaMushrikoon (avo vanosanganisa Mwari nezvimwe zvinhu mukunamata).’ وَلَا تَدۡعُ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَنفَعُكَ وَلَا يَضُرُّكَۖ فَإِن فَعَلۡتَ فَإِنَّكَ إِذًا مِّنَ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٠٦‘Uye usava unodana chimwe chinhu kunze kwaAllah icho chisingakubatsiri kana kukukuvadza, asi kana ukadaro, zvirokwazvo uchava umwe wemaDhaalimoon (vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata uye vatadzi).’” وَإِن يَمۡسَسۡكَ ٱللَّهُ بِضُرٍّ فَلَا كَاشِفَ لَهُۥٓ إِلَّا هُوَۖ وَإِن يُرِدۡكَ بِخَيۡرٍ فَلَا رَآدَّ لِفَضۡلِهِۦۚ يُصِيبُ بِهِۦ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦۚ وَهُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ ١٠٧Uye kana Allah vakakubata nemarwadzo hakuna anokwanisa kuwabvisa kunze kwavo, uye kana vakakushuvira zvakanaka, hakuna anokwanisa kudzivirira chido chavo icho chavanenge vaita kuti chisvike kuna ani nani wevaranda vavo vavanenge vashuvira. Uye ndivo vane ruregerero rwose, nengoni dzose قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ قَدۡ جَآءَكُمُ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكُمۡۖ فَمَنِ ٱهۡتَدَىٰ فَإِنَّمَا يَهۡتَدِي لِنَفۡسِهِۦۖ وَمَن ضَلَّ فَإِنَّمَا يَضِلُّ عَلَيۡهَاۖ وَمَآ أَنَا۠ عَلَيۡكُم بِوَكِيلٍ ١٠٨Iti: “Imi vanhu! Iyezvino chokwadi (Qur’aan namutumwa Muhammad (SAW)) chauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Nokudaro ani nani anogamuchira gwara, anodaro kuzvinatsurudza iye pachake; uye ani nani anorasika, anodaro mukurasikirwa kwake ega; uye handisi kwamuri muchengetedzi (anokumanikidzirai kutevera gwara).” وَٱتَّبِعۡ مَا يُوحَىٰٓ إِلَيۡكَ وَٱصۡبِرۡ حَتَّىٰ يَحۡكُمَ ٱللَّهُۚ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلۡحَٰكِمِينَ ١٠٩Uye (iwe Muhammad (SAW)), tevedza zvaburutswa kwauri, uye iva nemoyo murefu kusvika Allah vapa mutongo. Uye ndivo vanogonesesa pavatongi (mutongi mukuru)