بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
حمٓ ١Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zvri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ ٢Ndinopika neGwaro riri pachena (Qur’aan rinoburitsa zvinhu pachena) إِنَّآ أَنزَلۡنَٰهُ فِي لَيۡلَةٍ مُّبَٰرَكَةٍۚ إِنَّا كُنَّا مُنذِرِينَ ٣Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’aan) pausiku hwakakomborerwa (usiku hwe Al-Qadr mumwedzi weRamadhaan). Zvirokwazvo, tiri kuyambira (kuti ticharanga avo vasingatendi) فِيهَا يُفۡرَقُ كُلُّ أَمۡرٍ حَكِيمٍ ٤Mauri (usiku uhwu) munotarwa nyaya dzose dzakarongwa (ndufu, keberekwa kwemhuka, nezviitiko zvese zvichaitika gore rinotevera) أَمۡرًا مِّنۡ عِندِنَآۚ إِنَّا كُنَّا مُرۡسِلِينَ ٥Sechikomekedzo (Qur’aan iri kana kutarwa kwezviitiko) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, tinotumira (vatumwa) رَحۡمَةً مِّن رَّبِّكَۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٦Setsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa, muzivi wezvose رَبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَآۖ إِن كُنتُم مُّوقِنِينَ ٧Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pawo, kana muine kutenda kwechokwadi (nekusangana naTenzi venyu) لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ رَبُّكُمۡ وَرَبُّ ءَابَآئِكُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٨Laa ilaaha illaa huwa (Hakuna mumwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa upenyu uye vanokonzera rufu – Tenzi venyu uye Tenzi vemadzibaba enyu بَلۡ هُمۡ فِي شَكٍّ يَلۡعَبُونَ ٩Asi vanotamba vari mukugunun’una فَٱرۡتَقِبۡ يَوۡمَ تَأۡتِي ٱلسَّمَآءُ بِدُخَانٍ مُّبِينٍ ١٠Naizvozvo mirira zuva iro denga parichaunza chiutsi chiri pachena (chinooneka) يَغۡشَى ٱلنَّاسَۖ هَٰذَا عَذَابٌ أَلِيمٌ ١١Chichafukidza vanhu. Ichi chirango chinorwadza رَّبَّنَا ٱكۡشِفۡ عَنَّا ٱلۡعَذَابَ إِنَّا مُؤۡمِنُونَ ١٢(Vachati): “Tenzi vedu! Bvisai mutongo kwatiri, muzvokwadi tichava vatendi!” أَنَّىٰ لَهُمُ ٱلذِّكۡرَىٰ وَقَدۡ جَآءَهُمۡ رَسُولٌ مُّبِينٌ ١٣Vangave sei nendangariro (murango wauya kwavari), apo mutumwa ari pachena akauya kwavari (achivajekesera) ثُمَّ تَوَلَّوۡاْ عَنۡهُ وَقَالُواْ مُعَلَّمٌ مَّجۡنُونٌ ١٤Naizvozvo vakamufuratira (Muhammad (SAW)) vakati: “Munhu akadzidziswa (nemumwe munhu), uye anopenga!” إِنَّا كَاشِفُواْ ٱلۡعَذَابِ قَلِيلًاۚ إِنَّكُمۡ عَآئِدُونَ ١٥Zvirokwavo, tichabvisa mutongo kwekanguva. Zvirokwazvo, muchadzokera (mukusatenda) يَوۡمَ نَبۡطِشُ ٱلۡبَطۡشَةَ ٱلۡكُبۡرَىٰٓ إِنَّا مُنتَقِمُونَ ١٦Pazuva iro ratichakutorai nenzira hombe inorwadza. Zvirokwazvo tichadzorera nekupa chirango ۞ وَلَقَدۡ فَتَنَّا قَبۡلَهُمۡ قَوۡمَ فِرۡعَوۡنَ وَجَآءَهُمۡ رَسُولٌ كَرِيمٌ ١٧Uye zvirokwazvo takaedza mushure mavo vanhu vaFarawo, apo mutumwa anoremekedzwa akauya kwavari (Musa (AS) أَنۡ أَدُّوٓاْ إِلَيَّ عِبَادَ ٱللَّهِۖ إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٨Achiti: “Ndipei varanda vaAllah (vana vaIzirairi). Zvirokwazvo, ndiri mutumwa anovimbika kwamuri.” وَأَن لَّا تَعۡلُواْ عَلَى ٱللَّهِۖ إِنِّيٓ ءَاتِيكُم بِسُلۡطَٰنٍ مُّبِينٍ ١٩“Uye musava munozvikudza pamusoro paAllah. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri nenzira iri pachena (murairo uri pachena).” وَإِنِّي عُذۡتُ بِرَبِّي وَرَبِّكُمۡ أَن تَرۡجُمُونِ ٢٠“Uye zvirokwazvo ndinokumbira chengetedzo kubva kuna (Allah) Tenzi vangu naTenzi venyu, nekuti munganditeme (kana kunditi ndiri ngan’a kana kundiuraya).” وَإِن لَّمۡ تُؤۡمِنُواْ لِي فَٱعۡتَزِلُونِ ٢١“Asi kana musingatendi mandiri, naizvozvo swederai kure neni mondisiya ndega ndakadaro.” فَدَعَا رَبَّهُۥٓ أَنَّ هَٰٓؤُلَآءِ قَوۡمٌ مُّجۡرِمُونَ ٢٢Asi (Musa (AS)) akadana Tenzi vake achiti: “Zvirokwazvo, ava vanhu vanotadza (vatadzi).” فَأَسۡرِ بِعِبَادِي لَيۡلًا إِنَّكُم مُّتَّبَعُونَ ٢٣(Allah vakati): “Buda pamwechete nevaranda vangu neusiku. Zvirokwazvo muchateverwa.” وَٱتۡرُكِ ٱلۡبَحۡرَ رَهۡوًاۖ إِنَّهُمۡ جُندٌ مُّغۡرَقُونَ ٢٤“Uye siya gungwa riri zvariri (rakapatsanuka). Zvirokwazvo vari mauto achanyudzwa.” كَمۡ تَرَكُواْ مِن جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ٢٥Mapindu mangani nezvitubu zvavakasiya (vanhu vaFarawo) kumashure وَزُرُوعٍ وَمَقَامٍ كَرِيمٍ ٢٦Nezvirimwa (minda inoyevedza) nenzvimbo dzakanaka وَنَعۡمَةٍ كَانُواْ فِيهَا فَٰكِهِينَ ٢٧Uye mutefetefe weupenyu umo mavaiwana mufaro كَذَٰلِكَۖ وَأَوۡرَثۡنَٰهَا قَوۡمًا ءَاخَرِينَ ٢٨Zvakaitika kudaro! Naizvozvo, takaita kuti vamwe vanhu vavagare nhaka (Vana vaIzirairi vagare nhaka humambo weku Egypt) فَمَا بَكَتۡ عَلَيۡهِمُ ٱلسَّمَآءُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَا كَانُواْ مُنظَرِينَ ٢٩Uye matenga nenyika hazvina kuvachemera, zvakare havana kupihwa nguva (havana kunonotswa) وَلَقَدۡ نَجَّيۡنَا بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ مِنَ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡمُهِينِ ٣٠Uye zvirokwazvo takanunura vana vaIzirairi kubva kumutongo unonyadzisa wakaomarara مِن فِرۡعَوۡنَۚ إِنَّهُۥ كَانَ عَالِيًا مِّنَ ٱلۡمُسۡرِفِينَ ٣١Kubva kunaFarawo. Zvirokwazvo, aizvitutumadza uye aive mumwe wemaMusrifoon (avo vanhu vanopfurikidza mitemo yaAllah) وَلَقَدِ ٱخۡتَرۡنَٰهُمۡ عَلَىٰ عِلۡمٍ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ ٣٢Uye takavasarudza (vana vaIzirairi) pamusoro pevose (vanhu nemaJinn panguva yaMusa (AS)) neruzivo وَءَاتَيۡنَٰهُم مِّنَ ٱلۡأٓيَٰتِ مَا فِيهِ بَلَٰٓؤٌاْ مُّبِينٌ ٣٣Uye tikavapa zviratidzo zvaive nemuyedzo uri pachena إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ لَيَقُولُونَ ٣٤Zvirokwazvo, ava (maQuraish) vari kuti إِنۡ هِيَ إِلَّا مَوۡتَتُنَا ٱلۡأُولَىٰ وَمَا نَحۡنُ بِمُنشَرِينَ ٣٥“Hapana chimwe chinhu kunze kwerufu rwedu rwekutanga, uye hatisi kuzomutswa (zvakare)!” فَأۡتُواْ بِـَٔابَآئِنَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٣٦“Tiunzire madzibaba edu kana uri pachokwadi!” أَهُمۡ خَيۡرٌ أَمۡ قَوۡمُ تُبَّعٍ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ أَهۡلَكۡنَٰهُمۡۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ مُجۡرِمِينَ ٣٧Vari nani here kana kuti vanhu vekuTubba neavo (vaivepo) mushure mavo? Takavaparadza nekuti zvirokwazvo vaive maMujrimoon (vatadzi) وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا لَٰعِبِينَ ٣٨Uye hatina kuva tinosika matenga nenyika, nezvose zviri pakati pawo sedambe مَا خَلَقۡنَٰهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ٣٩Hatina kuva tinozvisika kusara kwekuti muchokwadi (kuti tione avo vanoteerera neavo vasingateereri), asi vazhinji vavo havazivi إِنَّ يَوۡمَ ٱلۡفَصۡلِ مِيقَٰتُهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٤٠Zvirokwazvo, zuva rekutongwa inguva yavakatarirwa vose يَوۡمَ لَا يُغۡنِي مَوۡلًى عَن مَّوۡلًى شَيۡـًٔا وَلَا هُمۡ يُنصَرُونَ ٤١Zuva rekuti Maula (hama yepedyo) haikwanisi kubatsira Maula (hama yepedyo) nechimwe chinhu, uye zvakare hapana rubatsiro rwavachawana إِلَّا مَن رَّحِمَ ٱللَّهُۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ٤٢Kunze kweuyo Allah wavanoratidza tsitsi. Zvirokwazvo, ndivo samasimba, vazere netsitsi إِنَّ شَجَرَتَ ٱلزَّقُّومِ ٤٣Zvirokwazvo, muti weZaqqoom (unovava zvikuru) طَعَامُ ٱلۡأَثِيمِ ٤٤Uchava chikafu chevatadzi كَٱلۡمُهۡلِ يَغۡلِي فِي ٱلۡبُطُونِ ٤٥Semafuta anofashaira, chichafashaira mumatumbu avo كَغَلۡيِ ٱلۡحَمِيمِ ٤٦Sekufashaira kunoita mvura inopisa خُذُوهُ فَٱعۡتِلُوهُ إِلَىٰ سَوَآءِ ٱلۡجَحِيمِ ٤٧(Zvichanzi): “Mutorei momudhonzera pakati pemarimi emoto!” ثُمَّ صُبُّواْ فَوۡقَ رَأۡسِهِۦ مِنۡ عَذَابِ ٱلۡحَمِيمِ ٤٨“Modira mumusoro make mutongo wemvura inofashaira!” ذُقۡ إِنَّكَ أَنتَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡكَرِيمُ ٤٩“Ravira (izvi)! Zvirokwazvo waiva (unozviita kunge) wepamusoro anoremekedzwa!” إِنَّ هَٰذَا مَا كُنتُم بِهِۦ تَمۡتَرُونَ ٥٠“Zvirokwazvo, izvi ndizvo zvamairamba (zvamaigunun’una)!” إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي مَقَامٍ أَمِينٍ ٥١Zvirokwazvo, avo vanotya Allah vachange vari munzvimbo yerunyararo (yakachengetedzeka) فِي جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ٥٢Mumapindu nezvitubu يَلۡبَسُونَ مِن سُندُسٍ وَإِسۡتَبۡرَقٍ مُّتَقَٰبِلِينَ ٥٣Vakapfeka siriki yakanaka uye siriki yakakora vachitarisana كَذَٰلِكَ وَزَوَّجۡنَٰهُم بِحُورٍ عِينٍ ٥٤Zvichava kudaro! Uye tichavaroodza kumaHouri vane maziso mahombe akanaka (vakadzi vakanaka vekuJannah) يَدۡعُونَ فِيهَا بِكُلِّ فَٰكِهَةٍ ءَامِنِينَ ٥٥Vachadaidzira imomo michero yemhando dzose murunyararo nechengetedzo لَا يَذُوقُونَ فِيهَا ٱلۡمَوۡتَ إِلَّا ٱلۡمَوۡتَةَ ٱلۡأُولَىٰۖ وَوَقَىٰهُمۡ عَذَابَ ٱلۡجَحِيمِ ٥٦Havazomboravira rufu imomo kusara kwerufu rwekutanga (panyika), uye (Allah) vachavanunura kubva kumutongo wekumoto فَضۡلًا مِّن رَّبِّكَۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ ٥٧Semakomborero kubva kuna Tenzi vako! Uku kuchava kubudirira kwepamusoro فَإِنَّمَا يَسَّرۡنَٰهُ بِلِسَانِكَ لَعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ ٥٨Zvirokwazvo, takarirerutsa (Qur’aan iri) parurimi rwako, kuti vave vanorangarira فَٱرۡتَقِبۡ إِنَّهُم مُّرۡتَقِبُونَ ٥٩Naizvozvo mirira (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ivo vakamirira (zvekare)