ملة الإسلام

السورة 48 · 29 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الفتح باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الفتح (1,190 قارئاً)
مدنيةسورة الفتح٢٩ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

إِنَّا فَتَحۡنَا لَكَ فَتۡحًا مُّبِينًا ١Zvirokwazvo, takakuita (Muhammad (SAW)) kuti ukunde zviri pachena لِّيَغۡفِرَ لَكَ ٱللَّهُ مَا تَقَدَّمَ مِن ذَنۢبِكَ وَمَا تَأَخَّرَ وَيُتِمَّ نِعۡمَتَهُۥ عَلَيۡكَ وَيَهۡدِيَكَ صِرَٰطًا مُّسۡتَقِيمًا ٢Kuitira kuti Allah vagokuregerera zvitadzo zvako zvekare uye zvemberi, uye kuti vagozadzisa makomborero avo kwauri, uye kukutungamirira kunzira yakatwasuka وَيَنصُرَكَ ٱللَّهُ نَصۡرًا عَزِيزًا ٣Uyezve kuti Allah vagokubetsera nerubetsero rwakasimba هُوَ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ ٱلسَّكِينَةَ فِي قُلُوبِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ لِيَزۡدَادُوٓاْ إِيمَٰنًا مَّعَ إِيمَٰنِهِمۡۗ وَلِلَّهِ جُنُودُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلِيمًا حَكِيمًا ٤Ndivo vakatumidzira runyararo mumoyo yevatendi kuti vagowedzera kutenda pamwe nokutenda kwavainako. Uye Allah ndivo vane hukuru hwekudenga nepasi, uye Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwese لِّيُدۡخِلَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَا وَيُكَفِّرَ عَنۡهُمۡ سَيِّـَٔاتِهِمۡۚ وَكَانَ ذَٰلِكَ عِندَ ٱللَّهِ فَوۡزًا عَظِيمًا ٥Kuitira kuti vazopinza vatendi vechirume nevatendi vechikadzi kuParadhiso iro rinoerera nzizi pasi paro kuti vagare imomo zvachose, uye vagovaregerera zvitadzo zvavo; uye ikoko ndiko kubudirira kuhombe pamberi paAllah وَيُعَذِّبَ ٱلۡمُنَٰفِقِينَ وَٱلۡمُنَٰفِقَٰتِ وَٱلۡمُشۡرِكِينَ وَٱلۡمُشۡرِكَٰتِ ٱلظَّآنِّينَ بِٱللَّهِ ظَنَّ ٱلسَّوۡءِۚ عَلَيۡهِمۡ دَآئِرَةُ ٱلسَّوۡءِۖ وَغَضِبَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِمۡ وَلَعَنَهُمۡ وَأَعَدَّ لَهُمۡ جَهَنَّمَۖ وَسَآءَتۡ مَصِيرًا ٦Uye kuti vagoranga vanyengedzi vechirume nevanyengedzi vechikadzi, uye maMushrikoon (vanonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah kana kuti vachimusanganisa nezvimwe zvinhu) varume nevakadzi; avo vanofunga zvakaipa pamusoro paAllah. Kwavari kuchave nekurangwa kunonyadzisa. Uye Allah vakavatsamwira, uye kuvarengera, uye kuvagadzirira Gehena. Ndiyo mhedzisiro yakashata وَلِلَّهِ جُنُودُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَزِيزًا حَكِيمًا ٧Uye Allah ndivo muridzi hwemawuto ekumatenga nepanyika. Uye Allah ndivo mukuru, vane hungwaru hwese إِنَّآ أَرۡسَلۡنَٰكَ شَٰهِدًا وَمُبَشِّرًا وَنَذِيرًا ٨Zvirokwazvo, takakutumirai (Muhammad (SAW)) semupupuri, uye mupi wemashoko akanaka, uye semuyambiri لِّتُؤۡمِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَتُعَزِّرُوهُ وَتُوَقِّرُوهُۚ وَتُسَبِّحُوهُ بُكۡرَةً وَأَصِيلًا ٩Kuitira imi (vanhu) mugotenda kuna Allah nemutumwa wavo (SAW), uye kuti mumubetsere nekumuremekedza (SAW), uye kuti imi mugorumbidza (Allah) mangwanani nemasikati إِنَّ ٱلَّذِينَ يُبَايِعُونَكَ إِنَّمَا يُبَايِعُونَ ٱللَّهَ يَدُ ٱللَّهِ فَوۡقَ أَيۡدِيهِمۡۚ فَمَن نَّكَثَ فَإِنَّمَا يَنكُثُ عَلَىٰ نَفۡسِهِۦۖ وَمَنۡ أَوۡفَىٰ بِمَا عَٰهَدَ عَلَيۡهُ ٱللَّهَ فَسَيُؤۡتِيهِ أَجۡرًا عَظِيمًا ١٠Zvirokwazvo, avo vanopa Bay’ah (Chitsidzo) kwauri (Muhammad (SAW)), chokwadi, vari kupa Bay’ah kuna Allah. Ruoko rwaAllah rwuri pamusoro pemaoko avo. Zvino uyo anoputsa chitsidzo chake anenge azviputsira iye pachake, uye uyo anozadzisa chitsidzo chaakatsidzira kuna Allah, ivo vachamupa mubairo mukuru سَيَقُولُ لَكَ ٱلۡمُخَلَّفُونَ مِنَ ٱلۡأَعۡرَابِ شَغَلَتۡنَآ أَمۡوَٰلُنَا وَأَهۡلُونَا فَٱسۡتَغۡفِرۡ لَنَاۚ يَقُولُونَ بِأَلۡسِنَتِهِم مَّا لَيۡسَ فِي قُلُوبِهِمۡۚ قُلۡ فَمَن يَمۡلِكُ لَكُم مِّنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔا إِنۡ أَرَادَ بِكُمۡ ضَرًّا أَوۡ أَرَادَ بِكُمۡ نَفۡعَۢاۚ بَلۡ كَانَ ٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرَۢا ١١Vamwe vevagari vemugwenga avo vakasara vachati kwauri: “Midziyo yedu nemhuri dzedu ndizvo zvakaita kuti tive mubishi, nokudaro tikumbirire ruregerero.” Vanotaura nerurimi rwavo izvo zvisiri mumoyo yavo. Iti: “Ndiani achakwanisa kukumirirai pachinhu chipi zvacho pamberi paAllah, kana vachida kukurwadzisai kana kuti vachida kukuitirai zvakanaka? Asi Allah vanoziva chaizvo zvamunoita.” بَلۡ ظَنَنتُمۡ أَن لَّن يَنقَلِبَ ٱلرَّسُولُ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَ إِلَىٰٓ أَهۡلِيهِمۡ أَبَدًا وَزُيِّنَ ذَٰلِكَ فِي قُلُوبِكُمۡ وَظَنَنتُمۡ ظَنَّ ٱلسَّوۡءِ وَكُنتُمۡ قَوۡمَۢا بُورًا ١٢“Asi maifunga kuti mutumwa (Muhammad (SAW)) nevatendi havaizodzokera kumhuri dzavo zvachose, uye izvi ndizvo zvakashongedzwa mumoyo yenyu, uye maifunga zvakaipa, uye muchave vanhu vachaparara.” وَمَن لَّمۡ يُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ فَإِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلۡكَٰفِرِينَ سَعِيرًا ١٣Uye uyo asingatendi kuna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, takavagadzirira moto unopisa avo vasingatendi وَلِلَّهِ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ يَغۡفِرُ لِمَن يَشَآءُ وَيُعَذِّبُ مَن يَشَآءُۚ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورًا رَّحِيمًا ١٤Uye Allah ndivo vane humambo hwekudenga nepanyika. Vanoregerera wavanoda, uye vanotonga wavanoda. Uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji سَيَقُولُ ٱلۡمُخَلَّفُونَ إِذَا ٱنطَلَقۡتُمۡ إِلَىٰ مَغَانِمَ لِتَأۡخُذُوهَا ذَرُونَا نَتَّبِعۡكُمۡۖ يُرِيدُونَ أَن يُبَدِّلُواْ كَلَٰمَ ٱللَّهِۚ قُل لَّن تَتَّبِعُونَا كَذَٰلِكُمۡ قَالَ ٱللَّهُ مِن قَبۡلُۖ فَسَيَقُولُونَ بَلۡ تَحۡسُدُونَنَاۚ بَلۡ كَانُواْ لَا يَفۡقَهُونَ إِلَّا قَلِيلًا ١٥Avo vakasara shure vachati, apo pamuchati mubude kunotora mhimbiri: “Tibvumirei kuti tikuteverei.” Vane chido chokusandura mashoko aAllah. Iti: “Kunyangwe zvikaita sei hamufi matitevera; ndizvo zvakataurwa naAllah kare.” Asi vachati: “Asi mune godo nesu imi.” Asi zvishoma ndizvo zvavanonzwisisa قُل لِّلۡمُخَلَّفِينَ مِنَ ٱلۡأَعۡرَابِ سَتُدۡعَوۡنَ إِلَىٰ قَوۡمٍ أُوْلِي بَأۡسٍ شَدِيدٍ تُقَٰتِلُونَهُمۡ أَوۡ يُسۡلِمُونَۖ فَإِن تُطِيعُواْ يُؤۡتِكُمُ ٱللَّهُ أَجۡرًا حَسَنًاۖ وَإِن تَتَوَلَّوۡاْ كَمَا تَوَلَّيۡتُم مِّن قَبۡلُ يُعَذِّبۡكُمۡ عَذَابًا أَلِيمًا ١٦Iti (Muhammad (SAW)) kuvagari vemugwenga avo vakasara: “Muchava munokokwa kuti murwe nevanhu vane simba rakawanda, mucharwa navo kana kuti vachizvipira (kana zvadaro movatorera). Kana mukateerera, Allah vachakupai mubairo wakanaka. Asi kana mukafuratira sekufuratira kwamakamboita mushure, vachakutongai nemutongo wakaomarara.” لَّيۡسَ عَلَى ٱلۡأَعۡمَىٰ حَرَجٌ وَلَا عَلَى ٱلۡأَعۡرَجِ حَرَجٌ وَلَا عَلَى ٱلۡمَرِيضِ حَرَجٌۗ وَمَن يُطِعِ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ يُدۡخِلۡهُ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ وَمَن يَتَوَلَّ يُعَذِّبۡهُ عَذَابًا أَلِيمًا ١٧Hazvina mhaka kune uyo asingaoni, kana mhaka kune akaremara, kana mhaka kune uyo anorwara (kana vasina kuenda kunorwa). Uye achateerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachamupinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro. Asi uyo achafuratira vachamutonga nemutongo unorwadza ۞ لَّقَدۡ رَضِيَ ٱللَّهُ عَنِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ إِذۡ يُبَايِعُونَكَ تَحۡتَ ٱلشَّجَرَةِ فَعَلِمَ مَا فِي قُلُوبِهِمۡ فَأَنزَلَ ٱلسَّكِينَةَ عَلَيۡهِمۡ وَأَثَٰبَهُمۡ فَتۡحًا قَرِيبًا ١٨Zvirokwazvo, Allah vakafadzwa nevatendi apo ivo vakapika kwauri (Muhammad (SAW) kuti vacharwa) pavakanga vari pasi pemuti. Uye vaiziva zvaive mumoyo yavo, naizvozvo vakadzikisa runyararo nemufaro kwavari, uye vakavaripa nekukunda kwaiva padyo وَمَغَانِمَ كَثِيرَةً يَأۡخُذُونَهَاۗ وَكَانَ ٱللَّهُ عَزِيزًا حَكِيمًا ١٩Uye nemhimbiri yakawanda yavachatora. Uye Allah ndivo mukuru, vane hungwaru hwese وَعَدَكُمُ ٱللَّهُ مَغَانِمَ كَثِيرَةً تَأۡخُذُونَهَا فَعَجَّلَ لَكُمۡ هَٰذِهِۦ وَكَفَّ أَيۡدِيَ ٱلنَّاسِ عَنكُمۡ وَلِتَكُونَ ءَايَةً لِّلۡمُؤۡمِنِينَ وَيَهۡدِيَكُمۡ صِرَٰطًا مُّسۡتَقِيمًا ٢٠Allah vakakuvimbisai mhimbiri zhinji iyo yamuchatora, uye vatungamidza izvi kwamuri, uye vakabata (vakadzivisa) maoko evamwe vanhu kubva kwamuri, kuti chive chiratidzo kuvatendi, uye kuti vakutungamirirei mugwara rakatwasuka وَأُخۡرَىٰ لَمۡ تَقۡدِرُواْ عَلَيۡهَا قَدۡ أَحَاطَ ٱللَّهُ بِهَاۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرًا ٢١Uye nezvimwe (hondo nemhimbiri vanokuvimbisai) zvamusati makwanisa kuva nazvo; zvirokwazvo Allah vanozviziva. Uye Allah vanokwanisa kuita zvose وَلَوۡ قَٰتَلَكُمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوَلَّوُاْ ٱلۡأَدۡبَٰرَ ثُمَّ لَا يَجِدُونَ وَلِيًّا وَلَا نَصِيرًا ٢٢Uye kana avo vasingatendi vakarwa nemi, ivo zvirokwazvo vachafuratira. Zvadaro vachashaya muchengeti uye mubatsiri سُنَّةَ ٱللَّهِ ٱلَّتِي قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلُۖ وَلَن تَجِدَ لِسُنَّةِ ٱللَّهِ تَبۡدِيلًا ٢٣Uku ndiko kuita kwaAllah kwavakaita avo vakafa kare. Uye hapana shanduko yamungawana mukuita kwaAllah وَهُوَ ٱلَّذِي كَفَّ أَيۡدِيَهُمۡ عَنكُمۡ وَأَيۡدِيَكُمۡ عَنۡهُم بِبَطۡنِ مَكَّةَ مِنۢ بَعۡدِ أَنۡ أَظۡفَرَكُمۡ عَلَيۡهِمۡۚ وَكَانَ ٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرًا ٢٤Uye ndivo vakadzivirira maoko avo kwamuri uye ndokudzivirira maoko enyu kwavari mukati meMakkah mushure mokunge mavakunda. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita هُمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّوكُمۡ عَنِ ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِ وَٱلۡهَدۡيَ مَعۡكُوفًا أَن يَبۡلُغَ مَحِلَّهُۥۚ وَلَوۡلَا رِجَالٌ مُّؤۡمِنُونَ وَنِسَآءٌ مُّؤۡمِنَٰتٌ لَّمۡ تَعۡلَمُوهُمۡ أَن تَطَـُٔوهُمۡ فَتُصِيبَكُم مِّنۡهُم مَّعَرَّةُۢ بِغَيۡرِ عِلۡمٍۖ لِّيُدۡخِلَ ٱللَّهُ فِي رَحۡمَتِهِۦ مَن يَشَآءُۚ لَوۡ تَزَيَّلُواْ لَعَذَّبۡنَا ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِنۡهُمۡ عَذَابًا أَلِيمًا ٢٥Ndivo vasina kutenda (muIslaam) uye vakakudzivirirai kubva ku Al-Masjid Al-Haraam (kuMakkah), apo zvipiro zvakatadziswa kusvika panzvimbo yazvo yekuurairwa. Uye dai pakanga pasina varume nevakadzi vanotenda avo makange musingazivi, maivauraya, nokudaro maiita chitadzo musingazvizivi, kuti Allah vapinze mutsitsi dzavo uyo wavanoda. Dai (vatendi ne vasingatendi) vaiva kure nakure, tingadai takatonga avo vasina kutenda kubva pakati pavo nemutongo unorwadza إِذۡ جَعَلَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلۡحَمِيَّةَ حَمِيَّةَ ٱلۡجَٰهِلِيَّةِ فَأَنزَلَ ٱللَّهُ سَكِينَتَهُۥ عَلَىٰ رَسُولِهِۦ وَعَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَأَلۡزَمَهُمۡ كَلِمَةَ ٱلتَّقۡوَىٰ وَكَانُوٓاْ أَحَقَّ بِهَا وَأَهۡلَهَاۚ وَكَانَ ٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمًا ٢٦Apo vasingatendi vakaisa mumoyo yavo kuzvitutumadza nekuramba, kuzvitutumadza nekuramba kwemazuva ekusaziva, asi Allah vakadzikisa runyararo kumutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nevatendi avo vakaita kuti vachengetedze izwi reTaqwa (Kuti hapana chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah), uye rakange rakavakodzera uye ndivo varidzi varwo. Uye Allah ndivo vanoziva zvose لَّقَدۡ صَدَقَ ٱللَّهُ رَسُولَهُ ٱلرُّءۡيَا بِٱلۡحَقِّۖ لَتَدۡخُلُنَّ ٱلۡمَسۡجِدَ ٱلۡحَرَامَ إِن شَآءَ ٱللَّهُ ءَامِنِينَ مُحَلِّقِينَ رُءُوسَكُمۡ وَمُقَصِّرِينَ لَا تَخَافُونَۖ فَعَلِمَ مَا لَمۡ تَعۡلَمُواْ فَجَعَلَ مِن دُونِ ذَٰلِكَ فَتۡحًا قَرِيبًا ٢٧Zvirokwazvo, Allah vakaratidza mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) chiroto chechokwadi: Kuti zvirokwazvo muchave munopinda muAl-Masjid Al-Haraam kana Allah vachida, makachengetedzeka, vamwe vaine misoro yakaveurwa vamwe vaine vhudzi rakadimburirwa, uye musingatyi. Allah vaiziva zvakange musingazivi. Nokudaro vakakupai pamberi kukunda kuri padyo هُوَ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ رَسُولَهُۥ بِٱلۡهُدَىٰ وَدِينِ ٱلۡحَقِّ لِيُظۡهِرَهُۥ عَلَى ٱلدِّينِ كُلِّهِۦۚ وَكَفَىٰ بِٱللَّهِ شَهِيدًا ٢٨Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nechengetedzo uye chitendero chechokwadi (Islaam), kuti chogova pamusoro pezvitendero zvose. Uye Allah ndivo chete vakakwana kuva chapupu مُّحَمَّدٌ رَّسُولُ ٱللَّهِۚ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥٓ أَشِدَّآءُ عَلَى ٱلۡكُفَّارِ رُحَمَآءُ بَيۡنَهُمۡۖ تَرَىٰهُمۡ رُكَّعًا سُجَّدًا يَبۡتَغُونَ فَضۡلًا مِّنَ ٱللَّهِ وَرِضۡوَٰنًاۖ سِيمَاهُمۡ فِي وُجُوهِهِم مِّنۡ أَثَرِ ٱلسُّجُودِۚ ذَٰلِكَ مَثَلُهُمۡ فِي ٱلتَّوۡرَىٰةِۚ وَمَثَلُهُمۡ فِي ٱلۡإِنجِيلِ كَزَرۡعٍ أَخۡرَجَ شَطۡـَٔهُۥ فَـَٔازَرَهُۥ فَٱسۡتَغۡلَظَ فَٱسۡتَوَىٰ عَلَىٰ سُوقِهِۦ يُعۡجِبُ ٱلزُّرَّاعَ لِيَغِيظَ بِهِمُ ٱلۡكُفَّارَۗ وَعَدَ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ مِنۡهُم مَّغۡفِرَةً وَأَجۡرًا عَظِيمَۢا ٢٩Muhammad (SAW) mutumwa waAllah. Uye avo vanaye vakasimba moyo vakanangana nevasingatendi, uye ivo vane tsitsi pachavo. Unovaona vachipfugama (vachinamata) vachizvininipisa, vachikumbira nyasha nemufaro waAllah. Zviratidzo zvavo (zvekutenda) zviri pazviso zvavo nokuda kwekupfugama (vachinamata). Ndiyo tsananguro yavo muTorah. Asi tsananguro yavo muInjeel (Vhangeri) iri sekumera kunoita mbesa yobva yareba yobva yatwasuka yakasimba padzinde ichinakidza vadyari, kuti vatyise maKuffaar (vasingatendi) navo. Allah vakavimbisa avo vanotenda mukati mavo uye vachiita mabasa akanaka, ruregerero nemubairo mukuru (Paradhiso)

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.