بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
الٓمٓ ١Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zvemuQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡحَيُّ ٱلۡقَيُّومُ ٢Allah! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwavo), vanorarama nekusingaperi, muchengetedzi wezvese نَزَّلَ عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ مُصَدِّقًا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِ وَأَنزَلَ ٱلتَّوۡرَىٰةَ وَٱلۡإِنجِيلَ ٣Ndivo (Allah) vakadzikisa Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muchokwadi, richitsigira izvo zvakange zviripo mushure maro. Uye vakatumira Torah neInjeel (Vhangeri) مِن قَبۡلُ هُدًى لِّلنَّاسِ وَأَنزَلَ ٱلۡفُرۡقَانَۗ إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ لَهُمۡ عَذَابٌ شَدِيدٌۗ وَٱللَّهُ عَزِيزٌ ذُو ٱنتِقَامٍ ٤Kare, kare, segwara rekutevedzera kuvanhu. Uye vadzikisa Al-Furqaan (Qur’aan senzira yekupatsanura zvakanaka nezvakaipa). Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah, vachange vane marwadzo akaoma; uye Allah vane simba, vanopa mutongo (vanotsiva) إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَخۡفَىٰ عَلَيۡهِ شَيۡءٌ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِي ٱلسَّمَآءِ ٥Zvirokwazvo, hapana chakavandika kubva kuna Allah, pasi nekudenga هُوَ ٱلَّذِي يُصَوِّرُكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡحَامِ كَيۡفَ يَشَآءُۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٦Ndivo vanokuumbai muzvibereko sekuda kwavo. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa kunze kwavo (Allah)), samasimba, vane huchenjeri hwese هُوَ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ مِنۡهُ ءَايَٰتٌ مُّحۡكَمَٰتٌ هُنَّ أُمُّ ٱلۡكِتَٰبِ وَأُخَرُ مُتَشَٰبِهَٰتٌۖ فَأَمَّا ٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِمۡ زَيۡغٌ فَيَتَّبِعُونَ مَا تَشَٰبَهَ مِنۡهُ ٱبۡتِغَآءَ ٱلۡفِتۡنَةِ وَٱبۡتِغَآءَ تَأۡوِيلِهِۦۖ وَمَا يَعۡلَمُ تَأۡوِيلَهُۥٓ إِلَّا ٱللَّهُۗ وَٱلرَّٰسِخُونَ فِي ٱلۡعِلۡمِ يَقُولُونَ ءَامَنَّا بِهِۦ كُلٌّ مِّنۡ عِندِ رَبِّنَاۗ وَمَا يَذَّكَّرُ إِلَّآ أُوْلُواْ ٱلۡأَلۡبَٰبِ ٧Ndivo vatumira Gwaro kwauri (Muhammad (SAW)). Mariri mune ndima dziri pachena, ndidzo midzi dzeGwaro (Ndima dzemitemo), uye nedzimwe dzisina kutsanangurwa (dzisiri pachena). Asi avo vane kurasika mumoyo yavo vanotevera idzo ndima dzisiri pachena mariri, vachitsvaga Fitnah (Miedzo), uye vachitsvaga zvadzinoreva zvakavanzika, asi hapana anoziva zvakavanzika zvadzinoreva kunze kwaAllah. Uye avo vakapihwa ruzivo rwakadzama, vanoti: “Tinotenda madziri (dziri pachena nedzakavanzika), dzese dzinobva kuna Tenzi vedu.” Uye hapana vanotambira mashoko eyambiro kunze kweavo vanonzwisisa رَبَّنَا لَا تُزِغۡ قُلُوبَنَا بَعۡدَ إِذۡ هَدَيۡتَنَا وَهَبۡ لَنَا مِن لَّدُنكَ رَحۡمَةًۚ إِنَّكَ أَنتَ ٱلۡوَهَّابُ ٨(Vanoti): “Tenzi vedu! Musaite moyo yedu itsauke (kubva pachokwadi) mushure mekunge matitungamirira, uye mova munotipawo tsitsi kubva kwamuri. Zvirokwazvo, ndimi munopa zvikuru.” رَبَّنَآ إِنَّكَ جَامِعُ ٱلنَّاسِ لِيَوۡمٍ لَّا رَيۡبَ فِيهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُخۡلِفُ ٱلۡمِيعَادَ ٩“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, ndimi muchaunganidza vanhu pamwechete pazuva iro risina rupokano mariri. Zvirokwazvo, Allah havaputsi chirangano.” إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَن تُغۡنِيَ عَنۡهُمۡ أَمۡوَٰلُهُمۡ وَلَآ أَوۡلَٰدُهُم مِّنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمۡ وَقُودُ ٱلنَّارِ ١٠Zvirokwazvo, avo vasingatendi, hupfumi hwavo nevana vavo hazvimbofi zvakavabetsera chinhu pamberi paAllah; uye ava ndivo vachave bvavi remoto (huni dzekuGehena) كَدَأۡبِ ءَالِ فِرۡعَوۡنَ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا فَأَخَذَهُمُ ٱللَّهُ بِذُنُوبِهِمۡۗ وَٱللَّهُ شَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ ١١Sehunhu hwevanhu vaFarawo neavo vanga vari mumashure mavo, vakaramba ndima dzedu. Saka Allah vakave vanovaparadza nokuda kwezvitadzo zvavo. Uye Allah vanoranga zvakaomarara قُل لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ سَتُغۡلَبُونَ وَتُحۡشَرُونَ إِلَىٰ جَهَنَّمَۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمِهَادُ ١٢Iti (Muhammad (SAW)) kune avo vasingatendi: “Muchava munokurirwa, uye mounganidzwa kuGehena, uye ndiyo nzvimbo yakaipa kugara.” قَدۡ كَانَ لَكُمۡ ءَايَةٌ فِي فِئَتَيۡنِ ٱلۡتَقَتَاۖ فِئَةٌ تُقَٰتِلُ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ وَأُخۡرَىٰ كَافِرَةٌ يَرَوۡنَهُم مِّثۡلَيۡهِمۡ رَأۡيَ ٱلۡعَيۡنِۚ وَٱللَّهُ يُؤَيِّدُ بِنَصۡرِهِۦ مَن يَشَآءُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَعِبۡرَةً لِّأُوْلِي ٱلۡأَبۡصَٰرِ ١٣Zvirokwazvo, pakanga pane chiratidzo kwamuri (maJudha) kune mauto maviri akasangana (hondo yeBadr). Rimwe rairwa munzira yaAllah, asi rimwe raive risingatendi. Vachivaona (vatendi avo vasingatendi) nemaziso avo vakaenzana navo zvakapetwa kaviri (asi avo vasingatendi vange vakapetwa katatu). Uye Allah vanotsigira nekukunda uyo wavada. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo kune vanonzwisisa زُيِّنَ لِلنَّاسِ حُبُّ ٱلشَّهَوَٰتِ مِنَ ٱلنِّسَآءِ وَٱلۡبَنِينَ وَٱلۡقَنَٰطِيرِ ٱلۡمُقَنطَرَةِ مِنَ ٱلذَّهَبِ وَٱلۡفِضَّةِ وَٱلۡخَيۡلِ ٱلۡمُسَوَّمَةِ وَٱلۡأَنۡعَٰمِ وَٱلۡحَرۡثِۗ ذَٰلِكَ مَتَٰعُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ وَٱللَّهُ عِندَهُۥ حُسۡنُ ٱلۡمَـَٔابِ ١٤Kuda zvido zvemoyo kwakashongedzerwa vanhu, kuda vakadzi, vana, goridhe zhinji uye sirivha, mabhiza akanaka anemuchiso, nezvipfuyo uye neminda yakarimwa mune zvakanaka. Aya ndiwo mafaro ehupenyu hwepasi rino; asi Allah kwavari kune kudzokera kwakanaka (Paradhiso ine nzizi dzinoerera) ۞ قُلۡ أَؤُنَبِّئُكُم بِخَيۡرٍ مِّن ذَٰلِكُمۡۖ لِلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ عِندَ رَبِّهِمۡ جَنَّٰتٌ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَا وَأَزۡوَٰجٌ مُّطَهَّرَةٌ وَرِضۡوَٰنٌ مِّنَ ٱللَّهِۗ وَٱللَّهُ بَصِيرُۢ بِٱلۡعِبَادِ ١٥Iti: “Ndokuudzai here zvinhu zvakanaka zvinodarika izvi? Kune Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka) kune Minda (Paradhiso) kuna Tenzi vavo, pasi payo pane nzizi dzichierera. Vachave vanogaramo zvachose uye Az-waajun mutahharatun (varume kana vakadzi vakachenurwa). Uye nemufaro kubva kuna Allah. Uye Allah vanoona varanda (vavo).” ٱلَّذِينَ يَقُولُونَ رَبَّنَآ إِنَّنَآ ءَامَنَّا فَٱغۡفِرۡ لَنَا ذُنُوبَنَا وَقِنَا عَذَابَ ٱلنَّارِ ١٦Avo vanoti: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, tava tinotenda, saka tiregerereiwo zvitadzo zvedu uye tidzivirireiwo kubva kumarwadzo ekumoto.” ٱلصَّٰبِرِينَ وَٱلصَّٰدِقِينَ وَٱلۡقَٰنِتِينَ وَٱلۡمُنفِقِينَ وَٱلۡمُسۡتَغۡفِرِينَ بِٱلۡأَسۡحَارِ ١٧(Ndeavo) avo vanotsungirira, avo vari pachokwadi, uye vanotevedzera nemoyo wese mukunamata Allah. Avo vanopa (Zakaat (Zvipo) munzira yaAllah) uye vanokumbira ruregerero rwaAllah munguva dzekupedzisira dzeusiku شَهِدَ ٱللَّهُ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَأُوْلُواْ ٱلۡعِلۡمِ قَآئِمَۢا بِٱلۡقِسۡطِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ١٨Allah vanopa huchapupu kuti Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), uye nengirozi, uye neavo vane ruzivo (vanopawo huchapupu). Vanochengetedza zvisikwa zvavo mune zvakanaka. Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo), samasimba, muchenjeri mukuru إِنَّ ٱلدِّينَ عِندَ ٱللَّهِ ٱلۡإِسۡلَٰمُۗ وَمَا ٱخۡتَلَفَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَهُمُ ٱلۡعِلۡمُ بَغۡيَۢا بَيۡنَهُمۡۗ وَمَن يَكۡفُرۡ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ فَإِنَّ ٱللَّهَ سَرِيعُ ٱلۡحِسَابِ ١٩Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah iIslaam. Uye avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) havana kupokana kunze kwegodo pachavo, mushure mekunge ruzivo rwauya kwavari. Uye wese asingatendi muzviratidzo zvaAllah, zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mukutonga فَإِنۡ حَآجُّوكَ فَقُلۡ أَسۡلَمۡتُ وَجۡهِيَ لِلَّهِ وَمَنِ ٱتَّبَعَنِۗ وَقُل لِّلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡأُمِّيِّـۧنَ ءَأَسۡلَمۡتُمۡۚ فَإِنۡ أَسۡلَمُواْ فَقَدِ ٱهۡتَدَواْۖ وَّإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّمَا عَلَيۡكَ ٱلۡبَلَٰغُۗ وَٱللَّهُ بَصِيرُۢ بِٱلۡعِبَادِ ٢٠Asi vakapokana newe (Muhammad (SAW)) iti: “Ndave ndinozvipira pachezvangu kunaAllah (muIslaam), uye neuyo anonditevera.” Uye iti kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), uye kune avo vasingazivi (vasingagoni kuverenga nekunyora, maArabhu): “Munozvipira here pachenyu (kuna Allah muIslaam)?” Kana vakazvipira, zvirokwazvo varimugwara rakanaka; asi kana vakafuratira, zvirokwazvo, basa rako kupa shoko chete; uye Allah vanoona varanda (vavo) إِنَّ ٱلَّذِينَ يَكۡفُرُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَيَقۡتُلُونَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ بِغَيۡرِ حَقٍّ وَيَقۡتُلُونَ ٱلَّذِينَ يَأۡمُرُونَ بِٱلۡقِسۡطِ مِنَ ٱلنَّاسِ فَبَشِّرۡهُم بِعَذَابٍ أَلِيمٍ ٢١Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya vatumwa pasina kodzero, uye vachiuraya avo vanhu vanokuridzira zvakanaka (ruenzaniso), saka vazivise kuti vachawana mutongo unorwadza zvikuru أُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ حَبِطَتۡ أَعۡمَٰلُهُمۡ فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِ وَمَا لَهُم مِّن نَّٰصِرِينَ ٢٢Ndeavo mabasa avo achashaya basa pano pasi uye nemuhupenyu unotevera, uye vachange vasina vabetseri أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ أُوتُواْ نَصِيبًا مِّنَ ٱلۡكِتَٰبِ يُدۡعَوۡنَ إِلَىٰ كِتَٰبِ ٱللَّهِ لِيَحۡكُمَ بَيۡنَهُمۡ ثُمَّ يَتَوَلَّىٰ فَرِيقٌ مِّنۡهُمۡ وَهُم مُّعۡرِضُونَ ٢٣Hauna kuona here avo vakapihwa chidimbu cheGwaro? Varikukokwa kuGwaro raAllah kuti rigadzirise kupokana kwavo, uye chimwe chikwata chavo chinofuratira, vasingaratidzi hanya ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ قَالُواْ لَن تَمَسَّنَا ٱلنَّارُ إِلَّآ أَيَّامًا مَّعۡدُودَٰتٍۖ وَغَرَّهُمۡ فِي دِينِهِم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٢٤Izvi nokuda kwekuti vanoti: “Moto hautibati asi kwemazuva anoverengeka.” Uye zvavaivamba vachiwedzera muchitendero chavo zvakavanyengedza فَكَيۡفَ إِذَا جَمَعۡنَٰهُمۡ لِيَوۡمٍ لَّا رَيۡبَ فِيهِ وَوُفِّيَتۡ كُلُّ نَفۡسٍ مَّا كَسَبَتۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ٢٥Zvichava sei apo patichavaunganidza pamwechete pazuva iro risina kupokana mariri (Zuva rekutongwa). Uye munhu wega wega achave anopihwa mubairo wakazara mune zvaakaita? Uye havambodzvanyirirwi قُلِ ٱللَّهُمَّ مَٰلِكَ ٱلۡمُلۡكِ تُؤۡتِي ٱلۡمُلۡكَ مَن تَشَآءُ وَتَنزِعُ ٱلۡمُلۡكَ مِمَّن تَشَآءُ وَتُعِزُّ مَن تَشَآءُ وَتُذِلُّ مَن تَشَآءُۖ بِيَدِكَ ٱلۡخَيۡرُۖ إِنَّكَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٢٦Iti (Muhammad (S.A.W)): “Imi Allah! Muridzi wehumambo, munopa humambo kune uyo wamada, uye munotorera humambo kubva kune uyo wamada, uye munosimudzira uyo wamunoda, uye munodzikisira uyo wamunoda. Muruoko rwenyu mune zvakanaka. Zvirokwazvo, munokwanisa kuita zvose.” تُولِجُ ٱلَّيۡلَ فِي ٱلنَّهَارِ وَتُولِجُ ٱلنَّهَارَ فِي ٱلَّيۡلِۖ وَتُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَتُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّۖ وَتَرۡزُقُ مَن تَشَآءُ بِغَيۡرِ حِسَابٍ ٢٧“Munoita kuti husiku hupinde mumasikati, uye munoita kuti masikati apinde muhusiku (kuwedzera kana kushomeka kwenguva yeusiku nemasikati munguva yechando neyekupisa), uye munoburitsa vapenyu kubva kune vakafa, uye munoburitsa vakafa kubva kune vapenyu. Uye munopa hupfumi neraramo kune wamunoda zvisina magumo (zvisingaverengeki).” لَّا يَتَّخِذِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ٱلۡكَٰفِرِينَ أَوۡلِيَآءَ مِن دُونِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَۖ وَمَن يَفۡعَلۡ ذَٰلِكَ فَلَيۡسَ مِنَ ٱللَّهِ فِي شَيۡءٍ إِلَّآ أَن تَتَّقُواْ مِنۡهُمۡ تُقَىٰةًۗ وَيُحَذِّرُكُمُ ٱللَّهُ نَفۡسَهُۥۗ وَإِلَى ٱللَّهِ ٱلۡمَصِيرُ ٢٨Vanotenda ngavasatora vasingatendi sevabatsiri kusara kweavo vanotenda, uye anenge aita izvozvo haabatsirwi naAllah nenzira ipi zvayo, kunze muchitya kukuvadzwa navo. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo), uye kuna Allah tichadzokera قُلۡ إِن تُخۡفُواْ مَا فِي صُدُورِكُمۡ أَوۡ تُبۡدُوهُ يَعۡلَمۡهُ ٱللَّهُۗ وَيَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۗ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٢٩Iti (Muhammad SAW)): “Kunyangwe mukavanza izvo zviri mumoyo menyu kana kuzviburitsa, Allah vanozviziva, uye vanoziva izvo zviri mumatenga uye nezviri pasi. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese.” يَوۡمَ تَجِدُ كُلُّ نَفۡسٍ مَّا عَمِلَتۡ مِنۡ خَيۡرٍ مُّحۡضَرًا وَمَا عَمِلَتۡ مِن سُوٓءٍ تَوَدُّ لَوۡ أَنَّ بَيۡنَهَا وَبَيۡنَهُۥٓ أَمَدَۢا بَعِيدًاۗ وَيُحَذِّرُكُمُ ٱللَّهُ نَفۡسَهُۥۗ وَٱللَّهُ رَءُوفُۢ بِٱلۡعِبَادِ ٣٠Pazuva iro munhu wese achawana zvese zvakanaka zvaakaita zviripo neizvo zvakaipa zvaakaita, achave nechishuwo chekuti dai paine chinhambwe chirefu pakati pake nemabasa ake akaipa. Uye Allah vanokuyambirai pachavo (mutongo wavo) uye Allah vazere netsitsi kuvaranda (vavo) قُلۡ إِن كُنتُمۡ تُحِبُّونَ ٱللَّهَ فَٱتَّبِعُونِي يُحۡبِبۡكُمُ ٱللَّهُ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡۚ وَٱللَّهُ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ٣١Iti (Muhammad (SAW)) kuvanhu: “Kana muchinyatsodisisa Allah nditeverei, Allah vachakudai pamwe nekukuregererai zvitadzo zvenyu. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.” قُلۡ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَٱلرَّسُولَۖ فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يُحِبُّ ٱلۡكَٰفِرِينَ ٣٢Iti (Muhammad (SAW)): “Teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)).” Asi kana vakafuratira, zvirokwazvo Allah havadi avo vasingatendi ۞ إِنَّ ٱللَّهَ ٱصۡطَفَىٰٓ ءَادَمَ وَنُوحًا وَءَالَ إِبۡرَٰهِيمَ وَءَالَ عِمۡرَٰنَ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ ٣٣Zvirokwazvo, Allah vakasarudza Adam, Nowa, mhuri yaAbrahamu, uye nemhuri yaImraan pamusoro pezvisikwa zvese (vanhu nemaJinn venguva dzavo) ذُرِّيَّةَۢ بَعۡضُهَا مِنۢ بَعۡضٍۗ وَٱللَّهُ سَمِيعٌ عَلِيمٌ ٣٤Vana, vamwe vavo kubva kune vamwe, uye Allah vanonzwa zvakanyanya, vanoziva zvikuru إِذۡ قَالَتِ ٱمۡرَأَتُ عِمۡرَٰنَ رَبِّ إِنِّي نَذَرۡتُ لَكَ مَا فِي بَطۡنِي مُحَرَّرًا فَتَقَبَّلۡ مِنِّيٓۖ إِنَّكَ أَنتَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٣٥(Rangarirai) apo mukadzi waImraan akati: “Tenzi vangu! Ndave ndinotora mhiko kwamuri pane (mwana) ari muchibereko changu kuti ndinomupira kubasa renyu, saka ivai munotambira izvi kubva kwandiri. Zvirokwazvo, munonzwa zvakanyanya, munoziva zvikuru.” فَلَمَّا وَضَعَتۡهَا قَالَتۡ رَبِّ إِنِّي وَضَعۡتُهَآ أُنثَىٰ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا وَضَعَتۡ وَلَيۡسَ ٱلذَّكَرُ كَٱلۡأُنثَىٰۖ وَإِنِّي سَمَّيۡتُهَا مَرۡيَمَ وَإِنِّيٓ أُعِيذُهَا بِكَ وَذُرِّيَّتَهَا مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ ٱلرَّجِيمِ ٣٦Paakabereka mwanasikana wake (Mariya) akati: “Tenzi vangu! Ndabereka mwanasikana,” uye Allah vaiziva zvikuru mwana waakanga abereka, “Uye murume haana kufanana nemukadzi, uye zvirokwazvo ndamutumidza zita rekuti Maryam (Mariya), uye zvirokwazvo, ndinotsvaga ruponeso mamuri (Allah) kwaari uye nevana vake kubva kuna Shaitwaan (Satani), akarambwa (akarengerwa).” فَتَقَبَّلَهَا رَبُّهَا بِقَبُولٍ حَسَنٍ وَأَنۢبَتَهَا نَبَاتًا حَسَنًا وَكَفَّلَهَا زَكَرِيَّاۖ كُلَّمَا دَخَلَ عَلَيۡهَا زَكَرِيَّا ٱلۡمِحۡرَابَ وَجَدَ عِندَهَا رِزۡقًاۖ قَالَ يَٰمَرۡيَمُ أَنَّىٰ لَكِ هَٰذَاۖ قَالَتۡ هُوَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِۖ إِنَّ ٱللَّهَ يَرۡزُقُ مَن يَشَآءُ بِغَيۡرِ حِسَابٍ ٣٧Saka Tenzi vake vakamutambira mune zvakanaka. Vakamukudza mune zvakanaka uye Zakariya (Zakero) ndiye aimuchengeta. Pose paaipinda Zakariya kwaari Al-Mihraab (mukamuri yake) aimuwana aine chikafu. Akati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvabva kupi zvinhu izvi?” Akati: “Izvi zvabva kuna Allah.” Zvirokwazvo, Allah vanopa Rizq (Chikafu) kune uyo wavada, zvisina muero هُنَالِكَ دَعَا زَكَرِيَّا رَبَّهُۥۖ قَالَ رَبِّ هَبۡ لِي مِن لَّدُنكَ ذُرِّيَّةً طَيِّبَةًۖ إِنَّكَ سَمِيعُ ٱلدُّعَآءِ ٣٨Panguva iyoyo Zakariya akadaidza Tenzi vake, achiti: “Tenzi vangu! Ndipeiwo kubva kwamuri mwana akanaka. Zvirokwazvo, munonzwa zvikuru minamato (maDua).” فَنَادَتۡهُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَهُوَ قَآئِمٌ يُصَلِّي فِي ٱلۡمِحۡرَابِ أَنَّ ٱللَّهَ يُبَشِّرُكَ بِيَحۡيَىٰ مُصَدِّقَۢا بِكَلِمَةٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَسَيِّدًا وَحَصُورًا وَنَبِيًّا مِّنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٣٩Nekudaro ngirozi dzakamudaidza apo akanga akamira pamunamato ari mukamuri yekunamatira, (dzichiti): “Allah vanokupa mashoko akanaka aYahya (Johwani – uchava nemwana Johwani), achange achitenda mushoko kubva kuna Allah (rekusikwa kwaJesu neshoko raAllah kuti: “Ivapo!” Uye obva avapo), anoremekedzwa, ari kure kubva kune bonde nevakadzi, uye muporofita kubva kune vanoita mabasa akanaka.” قَالَ رَبِّ أَنَّىٰ يَكُونُ لِي غُلَٰمٌ وَقَدۡ بَلَغَنِيَ ٱلۡكِبَرُ وَٱمۡرَأَتِي عَاقِرٌۖ قَالَ كَذَٰلِكَ ٱللَّهُ يَفۡعَلُ مَا يَشَآءُ ٤٠Akati: “Tenzi vangu! Ndinove ndinowana sei mwanakomana ini ndachembera kudai, uye mukadzi wangu aringomwa?” (Allah) Vakati: “Naizvozvo nekudaro Allah vanoita zvavanoda.” قَالَ رَبِّ ٱجۡعَل لِّيٓ ءَايَةًۖ قَالَ ءَايَتُكَ أَلَّا تُكَلِّمَ ٱلنَّاسَ ثَلَٰثَةَ أَيَّامٍ إِلَّا رَمۡزًاۗ وَٱذۡكُر رَّبَّكَ كَثِيرًا وَسَبِّحۡ بِٱلۡعَشِيِّ وَٱلۡإِبۡكَٰرِ ٤١Akati: “Tenzi vangu! Ndipei chiratidzo.” (Allah) vakati: “Chiratidzo chako ndechokuti uchava unorega kutaura nevanhu kwemazuva matatu kunze nezviratidzo (kuchonya nekuninira). Uye rangarira Tenzi vako zvakanyanya, uye murumbidze munguva dzemasikati nemangwanani.” وَإِذۡ قَالَتِ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ يَٰمَرۡيَمُ إِنَّ ٱللَّهَ ٱصۡطَفَىٰكِ وَطَهَّرَكِ وَٱصۡطَفَىٰكِ عَلَىٰ نِسَآءِ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٤٢Uye rangarirai apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza vakakuchenura, uye vakakusarudza pamusoro pemadzimai ose epanyika (panguva yake).” يَٰمَرۡيَمُ ٱقۡنُتِي لِرَبِّكِ وَٱسۡجُدِي وَٱرۡكَعِي مَعَ ٱلرَّٰكِعِينَ ٤٣“Iwe Maryam (Mariya)! Iva unozvipira kuna Tenzi vako nekuteerera (Allah, nekuvanamata vari voga) uye ova unoisa chiso chako pasi, uye ova unopfugama pamwe neavo vanopfugama.” ذَٰلِكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلۡغَيۡبِ نُوحِيهِ إِلَيۡكَۚ وَمَا كُنتَ لَدَيۡهِمۡ إِذۡ يُلۡقُونَ أَقۡلَٰمَهُمۡ أَيُّهُمۡ يَكۡفُلُ مَرۡيَمَ وَمَا كُنتَ لَدَيۡهِمۡ إِذۡ يَخۡتَصِمُونَ ٤٤Ichi ndicho chidimbu chenhau kubva mune izvo zvisingaoneki chatiri kudzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)). Uye wanga usiri pamwechete navo, apo pavaikanda zvinyoreswa zvavo kuti ndeupi pakati pavo achachengeta Maryam (Mariya), uye waisava navo pavaipokana إِذۡ قَالَتِ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ يَٰمَرۡيَمُ إِنَّ ٱللَّهَ يُبَشِّرُكِ بِكَلِمَةٍ مِّنۡهُ ٱسۡمُهُ ٱلۡمَسِيحُ عِيسَى ٱبۡنُ مَرۡيَمَ وَجِيهًا فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِ وَمِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ ٤٥(Rangarirai) apo ngirozi dzakati: “Iwe Maryam (Mariya)! Zvirokwazvo, Allah vari kukupa mashoko akanaka eshoko kubva kwavari, zita rake anenge achinzi Mesiya Isa (Jesu), mwanakomana waMariya, acharemekedzwa pasi rose uye nekudenga, uye achange ari umwe weavo vari pedyo naAllah.” وَيُكَلِّمُ ٱلنَّاسَ فِي ٱلۡمَهۡدِ وَكَهۡلًا وَمِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٤٦“Achataura kuvanhu ari kacheche uye akura, uye achange ari umwe weavo vanoita mabasa akanaka.” قَالَتۡ رَبِّ أَنَّىٰ يَكُونُ لِي وَلَدٌ وَلَمۡ يَمۡسَسۡنِي بَشَرٌۖ قَالَ كَذَٰلِكِ ٱللَّهُ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُۚ إِذَا قَضَىٰٓ أَمۡرًا فَإِنَّمَا يَقُولُ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ ٤٧Akati: “Tenzi vangu! Ndingave sei nemwanakomana pasina murume akandibata?” Akati: “Naizvozvo Allah vanosika zvavanoda. Kana vachida kuita chinhu, zvirokwazvo vanoti kwachiri: “Ivapo!” uye chinobva chavapo وَيُعَلِّمُهُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡحِكۡمَةَ وَٱلتَّوۡرَىٰةَ وَٱلۡإِنجِيلَ ٤٨Uye ivo (Allah) vachamudzidzisa Gwaro nehungwaru, uye neTorah uye neInjeel (Vhangeri) وَرَسُولًا إِلَىٰ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ أَنِّي قَدۡ جِئۡتُكُم بِـَٔايَةٍ مِّن رَّبِّكُمۡ أَنِّيٓ أَخۡلُقُ لَكُم مِّنَ ٱلطِّينِ كَهَيۡـَٔةِ ٱلطَّيۡرِ فَأَنفُخُ فِيهِ فَيَكُونُ طَيۡرَۢا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۖ وَأُبۡرِئُ ٱلۡأَكۡمَهَ وَٱلۡأَبۡرَصَ وَأُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ بِإِذۡنِ ٱللَّهِۖ وَأُنَبِّئُكُم بِمَا تَأۡكُلُونَ وَمَا تَدَّخِرُونَ فِي بُيُوتِكُمۡۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لَّكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ ٤٩Uye vachamuita kuti ave mutumwa kuvana vaIzirairi (achiti): “Zvirokwazvo, ndakuvigirai chiratidzo kubva kuna Tenzi venyu, zvekuti ndinokuumbirai kubva kuvhu, chiumbwa chinenge shiri, uye ndochifemera machiri, chinobva chaita shiri nekuda kwaAllah; uye ndinoporesa uyo akaberekwa ari bofu uye neuyo ane maperembudzi, uye ndinomutsa vakafa nesimba raAllah. Uye ndinokuudzai izvo zvamunodya pamwe neizvo zvamunochengeta mudzimba dzenyu. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kwamuri, kana muri vatendi وَمُصَدِّقًا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيَّ مِنَ ٱلتَّوۡرَىٰةِ وَلِأُحِلَّ لَكُم بَعۡضَ ٱلَّذِي حُرِّمَ عَلَيۡكُمۡۚ وَجِئۡتُكُم بِـَٔايَةٍ مِّن رَّبِّكُمۡ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ٥٠Uye ndauya kuzotsigira izvo zvakanga zviripo ndisati ndavapo kubva muTorah, uye kuzokubvumidzai zvimwe zvezvinhu zvakanga zvakarambidzwa kwamuri, uye ndauya kwamuri nehumboo kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo, ityai Allah mova munonditeerera إِنَّ ٱللَّهَ رَبِّي وَرَبُّكُمۡ فَٱعۡبُدُوهُۚ هَٰذَا صِرَٰطٌ مُّسۡتَقِيمٌ ٥١Zvirokwazvo! Allah ndiTenzi vangu uye Tenzi venyu, naizvozvo vanamatei (Allah vari voga). Iyi ndiyo nzira yakatwasuka.” ۞ فَلَمَّآ أَحَسَّ عِيسَىٰ مِنۡهُمُ ٱلۡكُفۡرَ قَالَ مَنۡ أَنصَارِيٓ إِلَى ٱللَّهِۖ قَالَ ٱلۡحَوَارِيُّونَ نَحۡنُ أَنصَارُ ٱللَّهِ ءَامَنَّا بِٱللَّهِ وَٱشۡهَدۡ بِأَنَّا مُسۡلِمُونَ ٥٢Apo Isa (Jesu) paakazoona kusatenda kwavo akati: “Ndivanani vachava vabatsiri vangu munzira yaAllah?” Vadzidzi vakati: “Tiri vabatsiri vaAllah, tinotenda muna Allah, uye tinopupura kuti zvirokwazvo tiri vatendi (maMuslim).” رَبَّنَآ ءَامَنَّا بِمَآ أَنزَلۡتَ وَٱتَّبَعۡنَا ٱلرَّسُولَ فَٱكۡتُبۡنَا مَعَ ٱلشَّٰهِدِينَ ٥٣“Tenzi vedu! Tinotenda pane izvo zvamatumira pasi, uye tinotevedzera mutumwa (Jesu), saka tinyorei pasi pakati pevapupuri.” وَمَكَرُواْ وَمَكَرَ ٱللَّهُۖ وَٱللَّهُ خَيۡرُ ٱلۡمَٰكِرِينَ ٥٤Uye vakaronga (vasingatendi kuti vauraye Jesu), uye Allah vakarongawo. Asi Allah ndivo murongi anogonesesa pakati pevarongi vese إِذۡ قَالَ ٱللَّهُ يَٰعِيسَىٰٓ إِنِّي مُتَوَفِّيكَ وَرَافِعُكَ إِلَيَّ وَمُطَهِّرُكَ مِنَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَجَاعِلُ ٱلَّذِينَ ٱتَّبَعُوكَ فَوۡقَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِۖ ثُمَّ إِلَيَّ مَرۡجِعُكُمۡ فَأَحۡكُمُ بَيۡنَكُمۡ فِيمَا كُنتُمۡ فِيهِ تَخۡتَلِفُونَ ٥٥(Rangarirai) apo Allah vakati: “Iwe Isa (Jesu)! Zvirokwazvo, ndichaita kuti urare uye ndova ndokutakura wouya kwandiri, uye ndova ndinokuchenura kubva kune avo vasingatendi (manyepo avo ekuti Jesu ndimwanakomana waAllah), uye ndichaita kuti avo vanokutevera (vanotenda muhumwechete hwaAllah) vave pamusoro peavo vasingatendi kusvika zuva rekumutswa. Uye muchava munodzoka kwandiri uye ndichatonga pakati penyu pane izvo maipokana.” فَأَمَّا ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فَأُعَذِّبُهُمۡ عَذَابًا شَدِيدًا فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِ وَمَا لَهُم مِّن نَّٰصِرِينَ ٥٦“Kune avo vasingatendi, ndichavarwadzisa nemarwadzo akanyanya pano pasi uye nekudenga, uye vachashaya vabatsiri.” وَأَمَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ فَيُوَفِّيهِمۡ أُجُورَهُمۡۗ وَٱللَّهُ لَا يُحِبُّ ٱلظَّٰلِمِينَ ٥٧Uye kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka, (Allah) vachavapa muripo wavo zvizere. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa ذَٰلِكَ نَتۡلُوهُ عَلَيۡكَ مِنَ ٱلۡأٓيَٰتِ وَٱلذِّكۡرِ ٱلۡحَكِيمِ ٥٨Izvi ndizvo zvatiri kuverenga kwauri (Muhammad (SAW)) kubva muzviratidzo uye neyeuchidzo ine hungwaru (Qur’aan) إِنَّ مَثَلَ عِيسَىٰ عِندَ ٱللَّهِ كَمَثَلِ ءَادَمَۖ خَلَقَهُۥ مِن تُرَابٍ ثُمَّ قَالَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ ٥٩Zvirokwazvo, mufananidzo waIsa (Jesu) kuna Allah wakafanana nemufananidzo waAdam. Vakamusika kubva kuvhu (Adam) vakati kwaari: “Ivapo!” uye akabva avapo ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكَ فَلَا تَكُن مِّنَ ٱلۡمُمۡتَرِينَ ٦٠Ichi ndicho chokwadi kubva kuna Tenzi vako, nokudaro usava pakati peavo vanopokana nacho فَمَنۡ حَآجَّكَ فِيهِ مِنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَكَ مِنَ ٱلۡعِلۡمِ فَقُلۡ تَعَالَوۡاْ نَدۡعُ أَبۡنَآءَنَا وَأَبۡنَآءَكُمۡ وَنِسَآءَنَا وَنِسَآءَكُمۡ وَأَنفُسَنَا وَأَنفُسَكُمۡ ثُمَّ نَبۡتَهِلۡ فَنَجۡعَل لَّعۡنَتَ ٱللَّهِ عَلَى ٱلۡكَٰذِبِينَ ٦١Avo vanopokana newe maererano naye (Jesu) mushure mekunge ruzivo rwauya kwauri (kuti Jesu muranda waAllah), vaudze kuti: “Ngatidanei vanakomana vedu nevanakomana venyu, madzimai edu nemadzimai enyu, isusu nemi, tonamata uye tokumbira kuti kurengera kwaAllah kuve kune avo vanonyepa.” إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡقَصَصُ ٱلۡحَقُّۚ وَمَا مِنۡ إِلَٰهٍ إِلَّا ٱللَّهُۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٦٢Zvirokwazvo, iyi inyaya yechokwadi (yaJesu), uye Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah). Uye zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane hungwaru hwakanyanya فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِٱلۡمُفۡسِدِينَ ٦٣Uye kana vakafuratira (uye voramba zviratidzo izvi zvechokwadi), zvirokwazvo, Allah vane ruzivo maererano neAl-Mufsidoon (avo vanoita mabasa asina kururama) قُلۡ يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ تَعَالَوۡاْ إِلَىٰ كَلِمَةٍ سَوَآءِۭ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمۡ أَلَّا نَعۡبُدَ إِلَّا ٱللَّهَ وَلَا نُشۡرِكَ بِهِۦ شَيۡـًٔا وَلَا يَتَّخِذَ بَعۡضُنَا بَعۡضًا أَرۡبَابًا مِّن دُونِ ٱللَّهِۚ فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقُولُواْ ٱشۡهَدُواْ بِأَنَّا مُسۡلِمُونَ ٦٤Iti (Muhammad (SAW)): “Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Huyai kushoko rine ruenzaniso pakati pedu nemi, kuti tisave tinonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah (vamwe chete), uye hatifaniri kuvasanganisa (Allah) nezvimwe zvinhu (pakunamata), uye pakati pedu hapana achatora vamwe vanhu saanamwari kunze kwaAllah.” Kana vakafuratira, vaudzei kuti: “Ivai zvapupu kuti zvirokwazvo tiri maMuslim (vanhu vakazvipira kuna Tenzi vavo).” يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ لِمَ تُحَآجُّونَ فِيٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَمَآ أُنزِلَتِ ٱلتَّوۡرَىٰةُ وَٱلۡإِنجِيلُ إِلَّا مِنۢ بَعۡدِهِۦٓۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ٦٥Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchipokana maererano naAbrahamu, nokuti Torah neVhangeri (Injeel) hazvina kudzikiswa asi mushure make? Hamufungi here هَٰٓأَنتُمۡ هَٰٓؤُلَآءِ حَٰجَجۡتُمۡ فِيمَا لَكُم بِهِۦ عِلۡمٌ فَلِمَ تُحَآجُّونَ فِيمَا لَيۡسَ لَكُم بِهِۦ عِلۡمٌۚ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ وَأَنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ ٦٦Ndimi mange muchipokana maererano neizvo zvamune ruzivo nazvo. Ko sei iyezvino muchipokana neizvo zvamusina ruzivo nazvo? Uye Allah ndivo vanoziva, uye imi hamuzivi مَا كَانَ إِبۡرَٰهِيمُ يَهُودِيًّا وَلَا نَصۡرَانِيًّا وَلَٰكِن كَانَ حَنِيفًا مُّسۡلِمًا وَمَا كَانَ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ٦٧Abrahamu (Ibrahim) akanga asiri muJudha kana muKristu, asi akanga ari muMuslim wechokwadi (aitenda muhumwechete hwaAllah), uye akanga asiri umwe weal-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nezvimwe zvinhu) إِنَّ أَوۡلَى ٱلنَّاسِ بِإِبۡرَٰهِيمَ لَلَّذِينَ ٱتَّبَعُوهُ وَهَٰذَا ٱلنَّبِيُّ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْۗ وَٱللَّهُ وَلِيُّ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٦٨Zvirokwazvo, vanekodzero pakati pevanhu kuna Abrahamu ndeavo vakamutevera uye pamwe nemuporofita uyu (Muhammad (SAW)) neavo vanotenda (maMuslim). Uye Allah ndivo muchengeti wevatendi وَدَّت طَّآئِفَةٌ مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ لَوۡ يُضِلُّونَكُمۡ وَمَا يُضِلُّونَ إِلَّآ أَنفُسَهُمۡ وَمَا يَشۡعُرُونَ ٦٩Boka kubva kune vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vane chishuwo kuti dai vakutsaudzai. Asi havafi vakatsaudza ani zvake kunze kwekuzvitsaudza pachavo, asi havazvizivi يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ لِمَ تَكۡفُرُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَأَنتُمۡ تَشۡهَدُونَ ٧٠“Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei musingatendi muzviratidzo zvaAllah (pamusoro paMuhammad (SAW) zviri muTorah neVhangeri), asi muchipa uchapupu kuti (maGwaro) nde echokwadi?” يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ لِمَ تَلۡبِسُونَ ٱلۡحَقَّ بِٱلۡبَٰطِلِ وَتَكۡتُمُونَ ٱلۡحَقَّ وَأَنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ٧١“Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchisanganisa chokwadi nemanyepo uye muchiviga chokwadi muchiziva?” وَقَالَت طَّآئِفَةٌ مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ ءَامِنُواْ بِٱلَّذِيٓ أُنزِلَ عَلَى ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَجۡهَ ٱلنَّهَارِ وَٱكۡفُرُوٓاْ ءَاخِرَهُۥ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٧٢Uye rimwe boka revanhu vakapihwa Gwaro rinoti: “Tendai mune izvo zvakadzikiswa kuvatendi (maMuslim) mangwanani uye moramba kupera kwezuva kuti vafuratire.” وَلَا تُؤۡمِنُوٓاْ إِلَّا لِمَن تَبِعَ دِينَكُمۡ قُلۡ إِنَّ ٱلۡهُدَىٰ هُدَى ٱللَّهِ أَن يُؤۡتَىٰٓ أَحَدٌ مِّثۡلَ مَآ أُوتِيتُمۡ أَوۡ يُحَآجُّوكُمۡ عِندَ رَبِّكُمۡۗ قُلۡ إِنَّ ٱلۡفَضۡلَ بِيَدِ ٱللَّهِ يُؤۡتِيهِ مَن يَشَآءُۗ وَٱللَّهُ وَٰسِعٌ عَلِيمٌ ٧٣“Uye musava munotenda upi zvake kusara kweuyo anotevera chitendero chenyu.” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, gwara rechokwadi igwara raAllah” uye musava munotenda kuti wese anogona kuwana zvakafanana nezvamakawana, pamwewo vangapokane nemi pamberi paTenzi venyu. Iti (Muhammad (SAW)): “Makomborero ese ari mumaoko aAllah, vanopa kune wavanoda. Uye Allah vanogutsa (vakazvikwanira) zvisikwa zvavo, vanoziva zvakanyanya.” يَخۡتَصُّ بِرَحۡمَتِهِۦ مَن يَشَآءُۗ وَٱللَّهُ ذُو ٱلۡفَضۡلِ ٱلۡعَظِيمِ ٧٤Vanosarudza kupa tsitsi dzavo (Islaam neQur’aan nehuporofita) uyo wavanoda, uye Allah ndivo muridzi wemakomborero akawanda ۞ وَمِنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ مَنۡ إِن تَأۡمَنۡهُ بِقِنطَارٍ يُؤَدِّهِۦٓ إِلَيۡكَ وَمِنۡهُم مَّنۡ إِن تَأۡمَنۡهُ بِدِينَارٍ لَّا يُؤَدِّهِۦٓ إِلَيۡكَ إِلَّا مَا دُمۡتَ عَلَيۡهِ قَآئِمًاۗ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ قَالُواْ لَيۡسَ عَلَيۡنَا فِي ٱلۡأُمِّيِّـۧنَ سَبِيلٌ وَيَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ ٧٥Pakati pevanhu veGwaro (maJudha nemaKristu) pane uyo, ukamuchengetesa Qintaar (hupfumi hwakawandisa), anohudzosera kwauri; uye pakati pavo pane uyo, ukamuchengetesa Diinaar (Ndarama 4.25g) haaidzoseri kwauri kunze kwekuti wamira-mira uchisheedzera, nekuti vanoti: “Hapana chakaipa patiri nekutora midziyo yevasina ruzivo (maArabhu).” Asi vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva بَلَىٰۚ مَنۡ أَوۡفَىٰ بِعَهۡدِهِۦ وَٱتَّقَىٰ فَإِنَّ ٱللَّهَ يُحِبُّ ٱلۡمُتَّقِينَ ٧٦Chokwadi, wese anozadzikisa chibvumirano chake uye anotya Allah zvakanyanya, zvirokwazvo, Allah vanoda Al-Muttaqoon (vanoita mabasa akanaka, vatsvene) إِنَّ ٱلَّذِينَ يَشۡتَرُونَ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ وَأَيۡمَٰنِهِمۡ ثَمَنًا قَلِيلًا أُوْلَٰٓئِكَ لَا خَلَٰقَ لَهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ وَلَا يُكَلِّمُهُمُ ٱللَّهُ وَلَا يَنظُرُ إِلَيۡهِمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَلَا يُزَكِّيهِمۡ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٧٧Zvirokwazvo, avo vanotenga nechitsidzo chaAllah nemhiko dzavo hupfumi hushoma, vachave vanoshaiwa chidimbu (chikamu chakanaka) mune ramangwana (Paradhiso). Allah havazombotauri navo kana kuvatarisa pazuva rekumutswa, kana kuvachenura, uye vachave vanowana mutongo unorwadza zvikuru وَإِنَّ مِنۡهُمۡ لَفَرِيقًا يَلۡوُۥنَ أَلۡسِنَتَهُم بِٱلۡكِتَٰبِ لِتَحۡسَبُوهُ مِنَ ٱلۡكِتَٰبِ وَمَا هُوَ مِنَ ٱلۡكِتَٰبِ وَيَقُولُونَ هُوَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِ وَمَا هُوَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِۖ وَيَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ ٧٨Uye zvirokwazvo, pakati pavo pane boka rinotsaudzira Gwaro nerurimi rwavo (pavanoverenga), kuti muve munofunga kuti ndezve muGwaro, asi zvisiri zvemuGwaro, uye vanoti: “Izvi ndezvaAllah,” asi zvisiri zvaAllah; uye vanotaura manyepo pamusoro paAllah vachiziva مَا كَانَ لِبَشَرٍ أَن يُؤۡتِيَهُ ٱللَّهُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡحُكۡمَ وَٱلنُّبُوَّةَ ثُمَّ يَقُولَ لِلنَّاسِ كُونُواْ عِبَادًا لِّي مِن دُونِ ٱللَّهِ وَلَٰكِن كُونُواْ رَبَّٰنِيِّـۧنَ بِمَا كُنتُمۡ تُعَلِّمُونَ ٱلۡكِتَٰبَ وَبِمَا كُنتُمۡ تَدۡرُسُونَ ٧٩Hazvigoni kuti munhu Allah vanomupa Gwaro, mitemo uye huporofita mushure mezvo oti kuvanhu: “Ivai vanamati vangu kunze kwaAllah.” Asi (anoti): “Ivai Rabbaaniyyoon (vanhu vakadzidza vanoita zvavanoziva uye nekuzviparidza) nekuti muri kudzidzisa Gwaro, uye muri kuriverenga.” وَلَا يَأۡمُرَكُمۡ أَن تَتَّخِذُواْ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ أَرۡبَابًاۚ أَيَأۡمُرُكُم بِٱلۡكُفۡرِ بَعۡدَ إِذۡ أَنتُم مُّسۡلِمُونَ ٨٠Uye haakwanisi kukukomekedzai kutora ngirozi nemaporofita sevanatenzi. Anokukomekedzai here kusatenda mushure mekunge mazvipira kuna Allah (semaMuslim) وَإِذۡ أَخَذَ ٱللَّهُ مِيثَٰقَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ لَمَآ ءَاتَيۡتُكُم مِّن كِتَٰبٍ وَحِكۡمَةٍ ثُمَّ جَآءَكُمۡ رَسُولٌ مُّصَدِّقٌ لِّمَا مَعَكُمۡ لَتُؤۡمِنُنَّ بِهِۦ وَلَتَنصُرُنَّهُۥۚ قَالَ ءَأَقۡرَرۡتُمۡ وَأَخَذۡتُمۡ عَلَىٰ ذَٰلِكُمۡ إِصۡرِيۖ قَالُوٓاْ أَقۡرَرۡنَاۚ قَالَ فَٱشۡهَدُواْ وَأَنَا۠ مَعَكُم مِّنَ ٱلشَّٰهِدِينَ ٨١Uye (rangarirai) apo Allah pavakatora chibvumirano nemaporofita (vachiti): “Kana ndakupai Gwaro nehungwaru (mitemo), uye mumashure mezvo mutumwa (Muhammad (SAW)) ouya kwamuri achipupura izvo zvamunazvo, naizvozvo munofanirwa kutenda kwaari pamwe nekumubatsira.” Allah vakati: “Munobvuma here uye munotora chibvumirano changu pamusoro pazvo here?” Vakati (maporofita): “Tinobvumirana nazvo.” Akati (Allah): “Naizvozvo ipai uchapupu, uye ini ndinemi pakati pezvapupu.” فَمَن تَوَلَّىٰ بَعۡدَ ذَٰلِكَ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ ٨٢Naizvozvo uyo munhu achafuratira mushure meizvi, ndivo vapanduki (avo vanotyora mitemo yaAllah) أَفَغَيۡرَ دِينِ ٱللَّهِ يَبۡغُونَ وَلَهُۥٓ أَسۡلَمَ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ طَوۡعًا وَكَرۡهًا وَإِلَيۡهِ يُرۡجَعُونَ ٨٣Vanotsvaga chimwe chitendero chisiri chaAllah, asi zvisikiwa zvese zviri pasi nekudenga zvinozvininipisa kwavari (Allah), zvichida kunyangwe zvisingadi. Uye kwavari (Allah) vese vachadzorerwa قُلۡ ءَامَنَّا بِٱللَّهِ وَمَآ أُنزِلَ عَلَيۡنَا وَمَآ أُنزِلَ عَلَىٰٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡمَٰعِيلَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَ وَٱلۡأَسۡبَاطِ وَمَآ أُوتِيَ مُوسَىٰ وَعِيسَىٰ وَٱلنَّبِيُّونَ مِن رَّبِّهِمۡ لَا نُفَرِّقُ بَيۡنَ أَحَدٍ مِّنۡهُمۡ وَنَحۡنُ لَهُۥ مُسۡلِمُونَ ٨٤Iti (Muhammad (SAW)): “Tinotenda muna Allah neizvo zvakadzikiswa kwatiri (Qur’aan), uye neizvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, Ishumaeri, Isaka, Jakobho pamwe nemaAl-Asbaat (vana vevana vaJakobho gumi nevaviri), neizvo zvakapihwa Musa, uye naIsa (Jesu) pamwe nemaporofita ese kubva kuna Tenzi vavo. Hatipatsanuri pakati pavo (maporofita), uye kwavari (Allah) takazvipira (semaMuslim).” وَمَن يَبۡتَغِ غَيۡرَ ٱلۡإِسۡلَٰمِ دِينًا فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡهُ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٨٥Uye uyo munhu achava anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslaam, hachifi chakatambirwa kubva kwaari, uye muhupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa كَيۡفَ يَهۡدِي ٱللَّهُ قَوۡمًا كَفَرُواْ بَعۡدَ إِيمَٰنِهِمۡ وَشَهِدُوٓاْ أَنَّ ٱلرَّسُولَ حَقٌّ وَجَآءَهُمُ ٱلۡبَيِّنَٰتُۚ وَٱللَّهُ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ ٨٦Allah vangatungamirire sei vanhu vakarega kutenda mushure mekunge vaimbotenda, uye mushure mekunge vapa huchapupu kuti mutumwa Muhammad (SAW) ndewechokwadi, uye zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari? Uye Allah havatungamiri avo vanoita mabasa akaipa أُوْلَٰٓئِكَ جَزَآؤُهُمۡ أَنَّ عَلَيۡهِمۡ لَعۡنَةَ ٱللَّهِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ وَٱلنَّاسِ أَجۡمَعِينَ ٨٧Ndeavo mubairo wavo uchange uri kurengera kwaAllah, nengirozi, uye pamwe nevanhu vese خَٰلِدِينَ فِيهَا لَا يُخَفَّفُ عَنۡهُمُ ٱلۡعَذَابُ وَلَا هُمۡ يُنظَرُونَ ٨٨Vachava vanogara ikoko (kuGehena). Marwadzo avo haafi akadzikiswa kana kunonotswa إِلَّا ٱلَّذِينَ تَابُواْ مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ وَأَصۡلَحُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ٨٩Kunze kweavo vanokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, Allah vazere neruregerero, vane tsitsi zhinji إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بَعۡدَ إِيمَٰنِهِمۡ ثُمَّ ٱزۡدَادُواْ كُفۡرًا لَّن تُقۡبَلَ تَوۡبَتُهُمۡ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلضَّآلُّونَ ٩٠Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda mushure mekunge vambotenda uye vakaenderera mberi nekusatenda kwavo (muQur’aan naMuporofita Muhammad (SAW)), (kukumbira) ruregerero kwavo hakuzombotambirwi (nekuti kukumbira kwavo kunenge kusingabvi mumoyo). Uye ndivo avo vakarasika إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَمَاتُواْ وَهُمۡ كُفَّارٌ فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡ أَحَدِهِم مِّلۡءُ ٱلۡأَرۡضِ ذَهَبًا وَلَوِ ٱفۡتَدَىٰ بِهِۦٓۗ أُوْلَٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ وَمَا لَهُم مِّن نَّٰصِرِينَ ٩١Zvirokwazvo, avo vakarega kutenda uye vakafa vasingatendi, nyika yakazara negoridhe haizombotambirwi kubva kuna ani nani pakati pavo kunyangwe vaipa senzira yekuzvinunura nayo. Avo vachawana chirango chinorwadza zvikuru uye vachange vasina vabatsiri لَن تَنَالُواْ ٱلۡبِرَّ حَتَّىٰ تُنفِقُواْ مِمَّا تُحِبُّونَۚ وَمَا تُنفِقُواْ مِن شَيۡءٍ فَإِنَّ ٱللَّهَ بِهِۦ عَلِيمٌ ٩٢Hamufi mawana hutsvene kusvikira mapa (munzira yaAllah) izvo zvamunodisisa, uye chinhu chese chamunopa, zvirokwazvo Allah vanochiziva
۞ كُلُّ ٱلطَّعَامِ كَانَ حِلًّا لِّبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ إِلَّا مَا حَرَّمَ إِسۡرَٰٓءِيلُ عَلَىٰ نَفۡسِهِۦ مِن قَبۡلِ أَن تُنَزَّلَ ٱلتَّوۡرَىٰةُۚ قُلۡ فَأۡتُواْ بِٱلتَّوۡرَىٰةِ فَٱتۡلُوهَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٩٣Chikafu chese chakanga chiri Halaal (chinobvumirwa) kuvana vaIzirairi, kunze kweizvo zvinhu Izirairi akazviita Haraam (akazvirambidza) kwaari pachake Torah risati radzikiswa. Iti (Muhammad (SAW)): “Huyai neTorah uye moriverenga kana muri pachokwadi.” فَمَنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلظَّٰلِمُونَ ٩٤Mushure maizvozvo, ani nani zvake achapomera manyepo kuna Allah, avo ndivo vanoita mabasa akaipa قُلۡ صَدَقَ ٱللَّهُۗ فَٱتَّبِعُواْ مِلَّةَ إِبۡرَٰهِيمَ حَنِيفًاۖ وَمَا كَانَ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ٩٥Iti (Muhammad (SAW)): “Allah vakataura chokwadi; teverai chitendero chaAbrahamu Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peAl-Mushrikoon (avo vanonamata Allah nevamwe vanamwari).” إِنَّ أَوَّلَ بَيۡتٍ وُضِعَ لِلنَّاسِ لَلَّذِي بِبَكَّةَ مُبَارَكًا وَهُدًى لِّلۡعَٰلَمِينَ ٩٦Zvirokwazvo, imba yokutanga (yekunamatira) yakapihwa vanhu zvirokwazvo ndeiyo iri kuBakkah (Makkah), izere nemakomborero, uye negwara kuvanhu vese pamwe nemaJinn فِيهِ ءَايَٰتُۢ بَيِّنَٰتٌ مَّقَامُ إِبۡرَٰهِيمَۖ وَمَن دَخَلَهُۥ كَانَ ءَامِنًاۗ وَلِلَّهِ عَلَى ٱلنَّاسِ حِجُّ ٱلۡبَيۡتِ مَنِ ٱسۡتَطَاعَ إِلَيۡهِ سَبِيلًاۚ وَمَن كَفَرَ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَنِيٌّ عَنِ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٩٧Mairi mune zviratidzo zviri pachena, nzvimbo yaAbrahamu; uye ani nani zvake achapinda mairi, anenge akachengetedzwa. Uye Hajj (kushanya) kuimba yaAllah (Ka’bah) ibasa vanhu ravanofanirwa kuitira Allah, kune ani nani anokwanisa kuenda kwairi (ane mari inomukwanira kuenda ikoko nekusiya mhuri igere zvakanaka); uye ani nani zvake acharamba kutenda (muHajj anenge aramba Allah), zvirokwazvo Allah havadi rubatsiro kubva kuzvisikwa zvavo (vanhu, maJinn nezvimwe zvese) قُلۡ يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ لِمَ تَكۡفُرُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَٱللَّهُ شَهِيدٌ عَلَىٰ مَا تَعۡمَلُونَ ٩٨Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchiramba zviratidzo zvaAllah, asi Allah vachiona zese zvamunoita?” قُلۡ يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ لِمَ تَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ مَنۡ ءَامَنَ تَبۡغُونَهَا عِوَجًا وَأَنتُمۡ شُهَدَآءُۗ وَمَا ٱللَّهُ بِغَٰفِلٍ عَمَّا تَعۡمَلُونَ ٩٩Iti: “Imi vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Sei muchidzivirira uyo anotenda kubva munzira yaAllah, muchida kuti ive yakatsveyama, asi muri vapupuri (kuti Islaam chitendero chaAllah uye Muhammad (SAW) mutumwa wavo)? Uye Allah vanoziva zvamunoita.” يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِن تُطِيعُواْ فَرِيقًا مِّنَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ يَرُدُّوكُم بَعۡدَ إِيمَٰنِكُمۡ كَٰفِرِينَ ١٠٠Imi vanotenda! Kana mukateerera boka reavo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu), vanokudzoserai mukusatenda mushure mekutenda kwenyu وَكَيۡفَ تَكۡفُرُونَ وَأَنتُمۡ تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ ءَايَٰتُ ٱللَّهِ وَفِيكُمۡ رَسُولُهُۥۗ وَمَن يَعۡتَصِم بِٱللَّهِ فَقَدۡ هُدِيَ إِلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ١٠١Uye munotadza kutenda sei, asi ndima dzaAllah muchidziverengerwa, uye pakati penyu pane mutumwa wavo (Muhammad (SAW))? Uye wese anobatisisa kuna Allah, zvirokwazvo akatungamirirwa mugwara rakatwasuka يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱتَّقُواْ ٱللَّهَ حَقَّ تُقَاتِهِۦ وَلَا تَمُوتُنَّ إِلَّا وَأَنتُم مُّسۡلِمُونَ ١٠٢Imi vanotenda! Ityai Allah (nekuita zvese zvavakakomekedza uye kusiya zvese zvavakarambidza) kutyiwa kwavanofanirwa kuitwa. Uye zvirokwazvo musafe kusara kwekuti muri maMuslim (vatendi vanozvipira kunaAllah) وَٱعۡتَصِمُواْ بِحَبۡلِ ٱللَّهِ جَمِيعًا وَلَا تَفَرَّقُواْۚ وَٱذۡكُرُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡ إِذۡ كُنتُمۡ أَعۡدَآءً فَأَلَّفَ بَيۡنَ قُلُوبِكُمۡ فَأَصۡبَحۡتُم بِنِعۡمَتِهِۦٓ إِخۡوَٰنًا وَكُنتُمۡ عَلَىٰ شَفَا حُفۡرَةٍ مِّنَ ٱلنَّارِ فَأَنقَذَكُم مِّنۡهَاۗ كَذَٰلِكَ يُبَيِّنُ ٱللَّهُ لَكُمۡ ءَايَٰتِهِۦ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ ١٠٣Uye batisisai mese pamwechete, patambo yaAllah (Qur’aan), uye musava munoparadzana pakati penyu, uye rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo pamakange makavengana asi vakakubatanidzai (Allah) moyo yenyu pamwechete, mukava madzikoma nemakomborero avo (muchitendero); uye maive pamusuwo pegomba remoto, vakave vanokununurai kubva kwauri. Ndiwo maratidziro anoita Allah zviratidzo zvavo kwamuri, kuti mungave mugwara وَلۡتَكُن مِّنكُمۡ أُمَّةٌ يَدۡعُونَ إِلَى ٱلۡخَيۡرِ وَيَأۡمُرُونَ بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَيَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلۡمُنكَرِۚ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ١٠٤Uye pakati penyu panofanirwa kuva neboka revanhu rinosheedzera kune zvese zvakanaka, uye rinokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye richirambidza Al-Munkar (zvakaipa). Uye avo ndivo vakabudirira وَلَا تَكُونُواْ كَٱلَّذِينَ تَفَرَّقُواْ وَٱخۡتَلَفُواْ مِنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَهُمُ ٱلۡبَيِّنَٰتُۚ وَأُوْلَٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٌ ١٠٥Uye musave seavo vakapatsanurana uye vakapikisana pakati pavo mushure mekunge zviratidzo zviri pachena zvauya kwavari. Uye avo vachawana chirango chikuru يَوۡمَ تَبۡيَضُّ وُجُوهٌ وَتَسۡوَدُّ وُجُوهٌۚ فَأَمَّا ٱلَّذِينَ ٱسۡوَدَّتۡ وُجُوهُهُمۡ أَكَفَرۡتُم بَعۡدَ إِيمَٰنِكُمۡ فَذُوقُواْ ٱلۡعَذَابَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡفُرُونَ ١٠٦Zuva iro (zuva rekumutswa) zvimwe zviso zvichange zvakachena uye zvimwe zviso zvichange zviri zvitema; kune avo zviso zvavo zvichange zviri zvitema (vachabvunzwa): “Makaramba kutenda mushure mekutenda kwenyu here? Saka ravirai mutongo (muGehena) pane zvamairamba kutenda.” وَأَمَّا ٱلَّذِينَ ٱبۡيَضَّتۡ وُجُوهُهُمۡ فَفِي رَحۡمَةِ ٱللَّهِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ١٠٧Uye kune avo zviso zvavo zvichange zvakachena, vachange vari mutsitsi dzaAllah (kuParadhiso), umo vachagara nekusingaperi تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱللَّهِ نَتۡلُوهَا عَلَيۡكَ بِٱلۡحَقِّۗ وَمَا ٱللَّهُ يُرِيدُ ظُلۡمًا لِّلۡعَٰلَمِينَ ١٠٨Izvi ndizvo ndima dzaAllah dzatinokuverengera (Muhammad (SAW)) muchokwadi, uye Allah havadi kudzvanyirira zvisikwa zvavo وَلِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ وَإِلَى ٱللَّهِ تُرۡجَعُ ٱلۡأُمُورُ ١٠٩Allah ndivo muridzi wezvisikwa zvose zviri kumatenga nezviri pasi. Uye nyaya dzese dzinodzokera kuna Allah (kuti vatonge) كُنتُمۡ خَيۡرَ أُمَّةٍ أُخۡرِجَتۡ لِلنَّاسِ تَأۡمُرُونَ بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَتَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلۡمُنكَرِ وَتُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِۗ وَلَوۡ ءَامَنَ أَهۡلُ ٱلۡكِتَٰبِ لَكَانَ خَيۡرًا لَّهُمۚ مِّنۡهُمُ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ وَأَكۡثَرُهُمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ ١١٠Ndimi (maMuslim) boka revanhu rakanaka rakapuhwa vanhu, munokomekedza kuita mabasa akanaka uye nekurambidza kuita mabasa akaipa, uye munotenda muna Allah. Uye dai vanhu vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) vakatenda, zvirokwazvo zvingadai zvakavanakira; pakati pavo pane vamwe vanotenda, asi vazhinji vavo vanoita mabasa akaipa لَن يَضُرُّوكُمۡ إِلَّآ أَذًىۖ وَإِن يُقَٰتِلُوكُمۡ يُوَلُّوكُمُ ٱلۡأَدۡبَارَ ثُمَّ لَا يُنصَرُونَ ١١١Havafi vakakukuvadzai, kunze kwekukusvotai; uye kana vakarwa nemi vanokuratidzai misana yavo (vachitiza), uye havafi vakabatsirwa ضُرِبَتۡ عَلَيۡهِمُ ٱلذِّلَّةُ أَيۡنَ مَا ثُقِفُوٓاْ إِلَّا بِحَبۡلٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَحَبۡلٍ مِّنَ ٱلنَّاسِ وَبَآءُو بِغَضَبٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَضُرِبَتۡ عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَسۡكَنَةُۚ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ كَانُواْ يَكۡفُرُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَيَقۡتُلُونَ ٱلۡأَنۢبِيَآءَ بِغَيۡرِ حَقٍّۚ ذَٰلِكَ بِمَا عَصَواْ وَّكَانُواْ يَعۡتَدُونَ ١١٢Kudzikisirwa kwakaiswa mavari pese pavanenge vari, kunze kwekuti vane chibvumirano (chechengetedzo) kubva kuna Allah, uye kubva kuvanhu; uye vave vanozvikwezvera pachavo kutsamwa kwaAllah, uye hurombo unoiswa mavari. Izvi nekuti vaisatenda muzviratidzo zvaAllah uye vachiuraya maporofita vasina kodzero. Izvi nekuda kwekuti vaisateerera (Allah) uye vaipfurikidza mwero ۞ لَيۡسُواْ سَوَآءًۗ مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ أُمَّةٌ قَآئِمَةٌ يَتۡلُونَ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ ءَانَآءَ ٱلَّيۡلِ وَهُمۡ يَسۡجُدُونَ ١١٣Havana kufanana vese; pakati peavo vakapihwa Gwaro pane boka riri pachokwadi, vanoverenga ndima dzaAllah munguva dzeusiku, vachiisa zviso zvavo pasi (Sujood) vachinamata يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ وَيَأۡمُرُونَ بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَيَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلۡمُنكَرِ وَيُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ مِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ١١٤Vanotenda muna Allah uye nezuva rekupedzisira, vanokurudzira Al-Ma’roof (zvakanaka) uye vachirambidza Al-Munkar (zvakaipa); uye vanomhanyidzana mukuita mabasa akanaka; uye ava ndivo vamwe veavo vanoita mabasa akanaka وَمَا يَفۡعَلُواْ مِنۡ خَيۡرٍ فَلَن يُكۡفَرُوهُۗ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِٱلۡمُتَّقِينَ ١١٥Uye zvakanaka zvese zvavanoita, hapana chicharambwa kubva kwavari, uye Allah vanoziva zvakanyanya avo vanoita mabasa akanaka (vatsvene) إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَن تُغۡنِيَ عَنۡهُمۡ أَمۡوَٰلُهُمۡ وَلَآ أَوۡلَٰدُهُم مِّنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ١١٦Chokwadi, avo vanoramba kutenda, hupfumi hwavo kana vana vavo hazvimbovabetseri chinhu kubva kuna Allah. Ava ndivo vagari vekumoto, umo vachave vanogara nekusingaperi مَثَلُ مَا يُنفِقُونَ فِي هَٰذِهِ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا كَمَثَلِ رِيحٍ فِيهَا صِرٌّ أَصَابَتۡ حَرۡثَ قَوۡمٍ ظَلَمُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ فَأَهۡلَكَتۡهُۚ وَمَا ظَلَمَهُمُ ٱللَّهُ وَلَٰكِنۡ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ١١٧Muenzaniso weizvo zvavanoshandisa muhupenyu hwepano pasi wakafanana nemuenzaniso wemhepo ine chando, inopinda muzvirimwa zvevanhu vanozvitadzira pachavo uye yozviparadza. Uye Allah havana kuvatadzira, asi vakazvitadzira pachavo يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَتَّخِذُواْ بِطَانَةً مِّن دُونِكُمۡ لَا يَأۡلُونَكُمۡ خَبَالًا وَدُّواْ مَا عَنِتُّمۡ قَدۡ بَدَتِ ٱلۡبَغۡضَآءُ مِنۡ أَفۡوَٰهِهِمۡ وَمَا تُخۡفِي صُدُورُهُمۡ أَكۡبَرُۚ قَدۡ بَيَّنَّا لَكُمُ ٱلۡأٓيَٰتِۖ إِن كُنتُمۡ تَعۡقِلُونَ ١١٨Imi vanotenda! Musava munotora Bitaanah (vabatsiri, madzisahwira) avo vari kunze kwechitendero chenyu (vanonamata zvidhori, maJudha, maKristu, uye vanyengedzi) sezvo vasingazoneti kuita zvavanokwanisa kuti vakuvhiringidzei. Vane chishuwo chekukukuvadzai zvakanyanya. Ruvengo (rwavo) rwakatobuda kare kubva pamiromo yavo, asi zvavakaviga muhana dzavo zvihombe zvikuru. Zvirokwazvo, tave tinotsanangura kwamuri zviratidzo kana muchinzwisisa هَٰٓأَنتُمۡ أُوْلَآءِ تُحِبُّونَهُمۡ وَلَا يُحِبُّونَكُمۡ وَتُؤۡمِنُونَ بِٱلۡكِتَٰبِ كُلِّهِۦ وَإِذَا لَقُوكُمۡ قَالُوٓاْ ءَامَنَّا وَإِذَا خَلَوۡاْ عَضُّواْ عَلَيۡكُمُ ٱلۡأَنَامِلَ مِنَ ٱلۡغَيۡظِۚ قُلۡ مُوتُواْ بِغَيۡظِكُمۡۗ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ ١١٩Tarisai! Imi ndimi munovada, asi ivo havakudei, uye munotenda mumaGwaro ese (Torah, uye Injeel (Vhangeri), asi ivo vanoramba Gwaro renyu). Uye kana vakasangana nemi vanoti: “Tinotenda.” Asi kana vari vega, vanoruma kumucheto kweminwe yavo nekutsamwa. Iti: “Ifai nekutsamwa neruvengo rwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zviri muhana.” إِن تَمۡسَسۡكُمۡ حَسَنَةٌ تَسُؤۡهُمۡ وَإِن تُصِبۡكُمۡ سَيِّئَةٌ يَفۡرَحُواْ بِهَاۖ وَإِن تَصۡبِرُواْ وَتَتَّقُواْ لَا يَضُرُّكُمۡ كَيۡدُهُمۡ شَيۡـًٔاۗ إِنَّ ٱللَّهَ بِمَا يَعۡمَلُونَ مُحِيطٌ ١٢٠Kana zvakanaka zvikakuwanai, zvinovarwadza; asi kana zvakaipa zvikakuwirai, vanofara nazvo. Asi mukaramba makatsungirira uye muchitya Allah, zvavanoronga hazvifi zvakakukanganisai chinhu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvese zvavanoita وَإِذۡ غَدَوۡتَ مِنۡ أَهۡلِكَ تُبَوِّئُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ مَقَٰعِدَ لِلۡقِتَالِۗ وَٱللَّهُ سَمِيعٌ عَلِيمٌ ١٢١Uye rangarira (Muhammad (SAW)) pawakasiya mhuri yako mangwanani uchinoronga vatendi panzvimbo dzavo kugadzirira hondo (yeUhud). Uye Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvikuru إِذۡ هَمَّت طَّآئِفَتَانِ مِنكُمۡ أَن تَفۡشَلَا وَٱللَّهُ وَلِيُّهُمَاۗ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١٢٢Apo mapoka maviri kubva pakati penyu vakanga vava pedyo nekurasa moyo, asi Allah vakanga varipo semubatsiri wavo. Uye vatendi vanofanirwa kupa chivimbo chavo kuna Allah وَلَقَدۡ نَصَرَكُمُ ٱللَّهُ بِبَدۡرٍ وَأَنتُمۡ أَذِلَّةٌۖ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ لَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ١٢٣Uye zvirokwazvo Allah vakakuitai kuti muve vakundi kuBadr, pamakanga muri vashoma musina simba. Naizvozvo ityai Allah zvakanyanya zvimwe mungava munotenda إِذۡ تَقُولُ لِلۡمُؤۡمِنِينَ أَلَن يَكۡفِيَكُمۡ أَن يُمِدَّكُمۡ رَبُّكُم بِثَلَٰثَةِ ءَالَٰفٍ مِّنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ مُنزَلِينَ ١٢٤Rangarira (Muhammad (SAW)) apo pawakati kuvatendi: “Hazvikukwanirei here kuti Tenzi venyu vakubatsirei nezviuru zvitatu zvengirozi dzatumwa kubva kudenga?” بَلَىٰٓۚ إِن تَصۡبِرُواْ وَتَتَّقُواْ وَيَأۡتُوكُم مِّن فَوۡرِهِمۡ هَٰذَا يُمۡدِدۡكُمۡ رَبُّكُم بِخَمۡسَةِ ءَالَٰفٍ مِّنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ مُسَوِّمِينَ ١٢٥“Hongu, kana mukatsungirira pamwe nekutya Allah, uye muvengi akauya kwamuri achimhanya, Tenzi venyu vachakubatsirai nezviuru zvishanu zvengirozi dzine rupau.” وَمَا جَعَلَهُ ٱللَّهُ إِلَّا بُشۡرَىٰ لَكُمۡ وَلِتَطۡمَئِنَّ قُلُوبُكُم بِهِۦۗ وَمَا ٱلنَّصۡرُ إِلَّا مِنۡ عِندِ ٱللَّهِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ ١٢٦Uye Allah havana kunge vazviita asi seshoko rakanaka kwamuri uye senzira yekudzikamisa hana dzenyu nayo. Uye hakuna kukunda asi kubva kuna Allah, samasimba, vazere nehungwaru لِيَقۡطَعَ طَرَفًا مِّنَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَوۡ يَكۡبِتَهُمۡ فَيَنقَلِبُواْ خَآئِبِينَ ١٢٧Kuti vabvise boka reavo vasina kutenda, kana kuvabuditsa pachena nekuvadzikisira, nekudaro vova vakundikani لَيۡسَ لَكَ مِنَ ٱلۡأَمۡرِ شَيۡءٌ أَوۡ يَتُوبَ عَلَيۡهِمۡ أَوۡ يُعَذِّبَهُمۡ فَإِنَّهُمۡ ظَٰلِمُونَ ١٢٨Kwauri (Muhammad (SAW)) hakuna mhereredzo; kana kuti Allah vakada vachavaregerera kana kuvaranga. Zvirokwazvo, ndivo vatadzi وَلِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ يَغۡفِرُ لِمَن يَشَآءُ وَيُعَذِّبُ مَن يَشَآءُۚ وَٱللَّهُ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٢٩Uye Allah ndivo muridzi wezvese zviri kumatenga uye zvese zviri pasi. Vanoregerera uyo wavada, uye vanoranga uyo wavada. Uye Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَأۡكُلُواْ ٱلرِّبَوٰٓاْ أَضۡعَٰفًا مُّضَٰعَفَةًۖ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ ١٣٠Imi vanotenda! Musava munodya chimbadzo chakapetwa kaviri kana kakawanda, asi ityai Allah kuti muve munobudirira وَٱتَّقُواْ ٱلنَّارَ ٱلَّتِيٓ أُعِدَّتۡ لِلۡكَٰفِرِينَ ١٣١Uye ityai moto, wakagadzirirwa avo vasingatendi وَأَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَٱلرَّسُولَ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ ١٣٢Uye teererai Allah nemutumwa (Muhammad (SAW)) kuti muve munowana tsitsi ۞ وَسَارِعُوٓاْ إِلَىٰ مَغۡفِرَةٍ مِّن رَّبِّكُمۡ وَجَنَّةٍ عَرۡضُهَا ٱلسَّمَٰوَٰتُ وَٱلۡأَرۡضُ أُعِدَّتۡ لِلۡمُتَّقِينَ ١٣٣Uye mhanyirai munzira yeruregerero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuParadhiso iro rakakura sematenga nepasi, rakagadzirirwa Al-Muttaqoon (vanotya Allah) ٱلَّذِينَ يُنفِقُونَ فِي ٱلسَّرَّآءِ وَٱلضَّرَّآءِ وَٱلۡكَٰظِمِينَ ٱلۡغَيۡظَ وَٱلۡعَافِينَ عَنِ ٱلنَّاسِۗ وَٱللَّهُ يُحِبُّ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٣٤Avo vanopa hupfumi hwavo (munzira yaAllah) mukufara nemumatambudziko, avo vanodzora hasha, uye vanoregerera vanhu; uye Allah vanoda Al-Muhsinoon (vanoita mabasa akanaka) وَٱلَّذِينَ إِذَا فَعَلُواْ فَٰحِشَةً أَوۡ ظَلَمُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ ذَكَرُواْ ٱللَّهَ فَٱسۡتَغۡفَرُواْ لِذُنُوبِهِمۡ وَمَن يَغۡفِرُ ٱلذُّنُوبَ إِلَّا ٱللَّهُ وَلَمۡ يُصِرُّواْ عَلَىٰ مَا فَعَلُواْ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ ١٣٥Uye avo, kana vaita zvitadzo (hupombwe) kana kuzvitadzira pachavo nezvakaipa, vanorangarira Allah uye vokumbira ruregerero pane zvitadzo zvavo; uye hapana anoregerera zvitadzo kunze kwaAllah, uye havaendereri mberi vachiita zvitadzo zvavakaiita, asi vachizviziva أُوْلَٰٓئِكَ جَزَآؤُهُم مَّغۡفِرَةٌ مِّن رَّبِّهِمۡ وَجَنَّٰتٌ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ وَنِعۡمَ أَجۡرُ ٱلۡعَٰمِلِينَ ١٣٦Uye avo, mubairo wavo ruregerero kubva kuna Tenzi vavo, uye mapindu ane nzizi dzinoyerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachave vanogara zvachose. Uye mubairo wevanoita zvakanaka wakanaka zvikuru قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِكُمۡ سُنَنٌ فَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ١٣٧Nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzakaonekwa nemapoka evanhu (vanotenda nevasingatendi) dzakadarika mushure menyu, saka fambai nenyika uye moona magumo eavo vakaramba kutenda (muhumwechete hwaAllah) هَٰذَا بَيَانٌ لِّلنَّاسِ وَهُدًى وَمَوۡعِظَةٌ لِّلۡمُتَّقِينَ ١٣٨Iri (Qur’aan) itsanangudzo kuvanhu, uye inhungamiri nerairo kune Al-Muttaqoon (vanotya Allah) وَلَا تَهِنُواْ وَلَا تَحۡزَنُواْ وَأَنتُمُ ٱلۡأَعۡلَوۡنَ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ ١٣٩Saka musava munoneta (kubva kune muvengi wenyu) kana kutsamwa (kusuruvara), uye muchabudirira (muhondo) kana muri vatendi (vechokwadi) إِن يَمۡسَسۡكُمۡ قَرۡحٌ فَقَدۡ مَسَّ ٱلۡقَوۡمَ قَرۡحٌ مِّثۡلُهُۥۚ وَتِلۡكَ ٱلۡأَيَّامُ نُدَاوِلُهَا بَيۡنَ ٱلنَّاسِ وَلِيَعۡلَمَ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَيَتَّخِذَ مِنكُمۡ شُهَدَآءَۗ وَٱللَّهُ لَا يُحِبُّ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٤٠Kana mukakuvadzwa (kana kuuraiwa), ivai nechokwadi kuti kukuvara kwakaenzana kwavabatawo vamwe (vavengi venyu). Uye mazuva (akanaka ne asina kunaka), tinowapa kuvanhu nemajana, kuti Allah vave vanoedza avo vanotenda, uye kuti vave vanotora maShuhadaa (varwi vanofa vachisimudzira shoko raAllah) kubva pakati penyu. Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa وَلِيُمَحِّصَ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَيَمۡحَقَ ٱلۡكَٰفِرِينَ ١٤١Uye kuti Allah vave vanoedza (kana kuchenura) vanotenda uye kuparadza vasingatendi أَمۡ حَسِبۡتُمۡ أَن تَدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ وَلَمَّا يَعۡلَمِ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ جَٰهَدُواْ مِنكُمۡ وَيَعۡلَمَ ٱلصَّٰبِرِينَ ١٤٢Kana munofunga here kuti muchapinda Paradhiso, Allah vasati vaziva vamwe venyu vanorwa (munzira yavo) uye vaziva avo vanotsungirira وَلَقَدۡ كُنتُمۡ تَمَنَّوۡنَ ٱلۡمَوۡتَ مِن قَبۡلِ أَن تَلۡقَوۡهُ فَقَدۡ رَأَيۡتُمُوهُ وَأَنتُمۡ تَنظُرُونَ ١٤٣Uye zvirokwazvo maishuvira rufu musati masangana narwo. Zvirokwazvo, zvino makaruona makatarisa nemaziso enyu وَمَا مُحَمَّدٌ إِلَّا رَسُولٌ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهِ ٱلرُّسُلُۚ أَفَإِيْن مَّاتَ أَوۡ قُتِلَ ٱنقَلَبۡتُمۡ عَلَىٰٓ أَعۡقَٰبِكُمۡۚ وَمَن يَنقَلِبۡ عَلَىٰ عَقِبَيۡهِ فَلَن يَضُرَّ ٱللَّهَ شَيۡـًٔاۚ وَسَيَجۡزِي ٱللَّهُ ٱلشَّٰكِرِينَ ١٤٤Uye Muhammad (SAW) haasi asi mutumwa, uye zvirokwazvo vatumwa (vakawanda) vakapfuura mushure make. Kana akafa kana kuuraiwa, muchafuratira here nezvitsitsinho zvenyu (muchiramba kutenda)? Uye uyo anofuratira nezvitsitsinho zvake, hapana kana chinokuvadza chaangaite kuna Allah; uye Allah vachapa mubairo kuAsh-Shaakiroon (avo vanotenda) وَمَا كَانَ لِنَفۡسٍ أَن تَمُوتَ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِ كِتَٰبًا مُّؤَجَّلًاۗ وَمَن يُرِدۡ ثَوَابَ ٱلدُّنۡيَا نُؤۡتِهِۦ مِنۡهَا وَمَن يُرِدۡ ثَوَابَ ٱلۡأٓخِرَةِ نُؤۡتِهِۦ مِنۡهَاۚ وَسَنَجۡزِي ٱلشَّٰكِرِينَ ١٤٥Uye hakuna munhu anofa kunze nemvumo yaAllah uye panguva yakatarwa. Uye wese anoshuvira mubairo pano panyika, tichava tinomupa zvimwe zveizvo zvaanoshuvira kubva kwairi; uye wese anoshuvira mubairo mune ramangwana, tichava tinomupa zvaanoshuvira kubva kwariri. Uye tichava tinopa mubairo vatendi Ash-Shaakiroon (avo vanotenda) وَكَأَيِّن مِّن نَّبِيٍّ قَٰتَلَ مَعَهُۥ رِبِّيُّونَ كَثِيرٌ فَمَا وَهَنُواْ لِمَآ أَصَابَهُمۡ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ وَمَا ضَعُفُواْ وَمَا ٱسۡتَكَانُواْۗ وَٱللَّهُ يُحِبُّ ٱلصَّٰبِرِينَ ١٤٦Uye maporofita vakawanda vakarwa (munzira yaAllah) uye pamwechete nevarume vazhinji vakadzidza. Asi havana kurasa moyo nekuda kweizvo zvakavawira vari munzira yaAllah, kana kuneta uye kana kuzvidzikisira. Uye Allah vanoda As-Swaabiroon (vanotsungirira) وَمَا كَانَ قَوۡلَهُمۡ إِلَّآ أَن قَالُواْ رَبَّنَا ٱغۡفِرۡ لَنَا ذُنُوبَنَا وَإِسۡرَافَنَا فِيٓ أَمۡرِنَا وَثَبِّتۡ أَقۡدَامَنَا وَٱنصُرۡنَا عَلَى ٱلۡقَوۡمِ ٱلۡكَٰفِرِينَ ١٤٧Uye mashoko avo avaitaura ndeekuti: “Tenzi wedu! Tiregererei zvitadzo zvedu nekupfurikidza kwedu mwero mumabasa edu, ivai munosimbisa tsoka dzedu, uye ivai munoita kuti tikunde vanhu vasingatendi.” فَـَٔاتَىٰهُمُ ٱللَّهُ ثَوَابَ ٱلدُّنۡيَا وَحُسۡنَ ثَوَابِ ٱلۡأٓخِرَةِۗ وَٱللَّهُ يُحِبُّ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٤٨Nekudaro Allah vakavapa mubairo wepano pasi, uye nemubairo wakanakisisa wehupenyu hunotevera. Uye Allah vanoda avo vanoita mabasa akanaka يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِن تُطِيعُواْ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ يَرُدُّوكُمۡ عَلَىٰٓ أَعۡقَٰبِكُمۡ فَتَنقَلِبُواْ خَٰسِرِينَ ١٤٩Imi vanotenda! Kana mukateerera avo vasingatendi, vachaita kuti mufuratire nezvitsitsinho zvenyu, uye mopedzisira mave vakarasikirwa بَلِ ٱللَّهُ مَوۡلَىٰكُمۡۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلنَّٰصِرِينَ ١٥٠Asi Allah ndivo mubatsiri wenyu, uye ndivo mubatsiri akanaka pavabatsiri vose سَنُلۡقِي فِي قُلُوبِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ ٱلرُّعۡبَ بِمَآ أَشۡرَكُواْ بِٱللَّهِ مَا لَمۡ يُنَزِّلۡ بِهِۦ سُلۡطَٰنًاۖ وَمَأۡوَىٰهُمُ ٱلنَّارُۖ وَبِئۡسَ مَثۡوَى ٱلظَّٰلِمِينَ ١٥١Tichava tinoisa kutya muhana dzeavo vasingatendi, nekuda kwekuti vakasanganisa Allah nevamwe vanamwari pakuvanamata, izvo zvavasina kutumira mvumo yacho; uye nzvimbo yavo yokugara ichave kumoto; uye inzvimbo yakashata sei iyo ichange ichigara avo vanoita mabasa akaipa وَلَقَدۡ صَدَقَكُمُ ٱللَّهُ وَعۡدَهُۥٓ إِذۡ تَحُسُّونَهُم بِإِذۡنِهِۦۖ حَتَّىٰٓ إِذَا فَشِلۡتُمۡ وَتَنَٰزَعۡتُمۡ فِي ٱلۡأَمۡرِ وَعَصَيۡتُم مِّنۢ بَعۡدِ مَآ أَرَىٰكُم مَّا تُحِبُّونَۚ مِنكُم مَّن يُرِيدُ ٱلدُّنۡيَا وَمِنكُم مَّن يُرِيدُ ٱلۡأٓخِرَةَۚ ثُمَّ صَرَفَكُمۡ عَنۡهُمۡ لِيَبۡتَلِيَكُمۡۖ وَلَقَدۡ عَفَا عَنكُمۡۗ وَٱللَّهُ ذُو فَضۡلٍ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٥٢Uye zvirokwazvo Allah vakazadzisa chitsidzo chavo kwamuri pamaivauraya (vavengi venyu) nekuda kwavo (Allah); kusvikira pamakarasa moyo mukasvika pakupokana nekuda kwezvanga zvarongwa, uye mukaramba kuteerera mushure mekunge maratidzwa zvamaida (mhimbiri, hupfumi hwamunotora mushure mekunge mapedza kurwa hondo pamwe nekukurira vavengi). Pakati penyu pane avo vanodisisa nyika uye nevamwe vanodisisa hupenyu hwemangwana. Nekudaro (Allah) vakaita kuti muvatize (vavengi venyu), kuti vave vanokuedzai. Asi chokwadi, vakave vanokuregererai, uye Allah vazere nemakomborero kuvatendi ۞ إِذۡ تُصۡعِدُونَ وَلَا تَلۡوُۥنَ عَلَىٰٓ أَحَدٍ وَٱلرَّسُولُ يَدۡعُوكُمۡ فِيٓ أُخۡرَىٰكُمۡ فَأَثَٰبَكُمۡ غَمَّۢا بِغَمٍّ لِّكَيۡلَا تَحۡزَنُواْ عَلَىٰ مَا فَاتَكُمۡ وَلَا مَآ أَصَٰبَكُمۡۗ وَٱللَّهُ خَبِيرُۢ بِمَا تَعۡمَلُونَ ١٥٣(Uye rangarirai) apo pamakatiza musina kucheuka kumashure kuna ani nani zvake, uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achikusheedzai mumashure menyu. Ipapo Allah vakakupai chitambudzo chimwe chete mushure mechimwe senzira yekukudzidzisai kuti musava munosuruwara pane izvo zvakakunzvengai, kana pane izvo zvakakuwanai. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita ثُمَّ أَنزَلَ عَلَيۡكُم مِّنۢ بَعۡدِ ٱلۡغَمِّ أَمَنَةً نُّعَاسًا يَغۡشَىٰ طَآئِفَةً مِّنكُمۡۖ وَطَآئِفَةٌ قَدۡ أَهَمَّتۡهُمۡ أَنفُسُهُمۡ يَظُنُّونَ بِٱللَّهِ غَيۡرَ ٱلۡحَقِّ ظَنَّ ٱلۡجَٰهِلِيَّةِۖ يَقُولُونَ هَل لَّنَا مِنَ ٱلۡأَمۡرِ مِن شَيۡءٍۗ قُلۡ إِنَّ ٱلۡأَمۡرَ كُلَّهُۥ لِلَّهِۗ يُخۡفُونَ فِيٓ أَنفُسِهِم مَّا لَا يُبۡدُونَ لَكَۖ يَقُولُونَ لَوۡ كَانَ لَنَا مِنَ ٱلۡأَمۡرِ شَيۡءٌ مَّا قُتِلۡنَا هَٰهُنَاۗ قُل لَّوۡ كُنتُمۡ فِي بُيُوتِكُمۡ لَبَرَزَ ٱلَّذِينَ كُتِبَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقَتۡلُ إِلَىٰ مَضَاجِعِهِمۡۖ وَلِيَبۡتَلِيَ ٱللَّهُ مَا فِي صُدُورِكُمۡ وَلِيُمَحِّصَ مَا فِي قُلُوبِكُمۡۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ ١٥٤Mushure mekutambudzika, (Allah) vakadzikisa chipiko kwamuri. Kutsumwaira kwakava kunotora boka renyu, rimwe boka richifunga nezvavo (kuti vangazvinunure sei) uye vachifunga zvisiri chokwadi pamusoro paAllah, kufunga kwekushaya ruzivo (sekwenguva yeJaahiliyyah). Vakati: “Pane here chedu pamhaka iyi?” Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, mhaka yese ndeyaAllah.” Vanovanza mumoyo yavo izvo zvavasingabuditsi kwauri, vachiti: “Dai tanga tine chipi zvacho chekuita nemhaka, dai tisina kuuraiwa pano.” Iti: “Kunyangwe dai makasara mudzimba dzenyu, zvirokwazvo, avo vakanyorerwa rufu rwaivasvikira panzvimbo dzavo dzerufu,” asi kuti Allah vave vanoedza izvo zviri mumoyo yenyu; uye kuchenura izvo zviri muhana dzenyu (zvivi), uye Allah vanoziva zvikuru izvo zviri muhana (dzenyu) إِنَّ ٱلَّذِينَ تَوَلَّوۡاْ مِنكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡتَقَى ٱلۡجَمۡعَانِ إِنَّمَا ٱسۡتَزَلَّهُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ بِبَعۡضِ مَا كَسَبُواْۖ وَلَقَدۡ عَفَا ٱللَّهُ عَنۡهُمۡۗ إِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ حَلِيمٌ ١٥٥Zvirokwazvo, avo vakafuratira pakati penyu pazuva iro mapoka maviri akasangana (pahondo yeUhud), zvirokwazvo Satani akaita kuti vatize nekuda kwezvimwe (zvitadzo) zvavakange vaita. Asi Allah, zvirokwazvo, vakavaregerera. Chokwadi, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zvakanyanya يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَكُونُواْ كَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَقَالُواْ لِإِخۡوَٰنِهِمۡ إِذَا ضَرَبُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ أَوۡ كَانُواْ غُزًّى لَّوۡ كَانُواْ عِندَنَا مَا مَاتُواْ وَمَا قُتِلُواْ لِيَجۡعَلَ ٱللَّهُ ذَٰلِكَ حَسۡرَةً فِي قُلُوبِهِمۡۗ وَٱللَّهُ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۗ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٌ ١٥٦Imi vanotenda! Musaite seavo vasingatendi (vanyengedzi) uye vanoti kune madzikoma avo kana vafamba nenyika kana kuti vaenda kunorwa: “Dai vakagara nesu, vangadai vasina kufa kana kuuraiwa,” kuti Allah vave vanoita izvozvo senzira yekudemba muhana dzavo. Uye ndiAllah vanopa upenyu uye vanokonzera rufu. Uye Allah vanoona izvo zvamunoita وَلَئِن قُتِلۡتُمۡ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ أَوۡ مُتُّمۡ لَمَغۡفِرَةٌ مِّنَ ٱللَّهِ وَرَحۡمَةٌ خَيۡرٌ مِّمَّا يَجۡمَعُونَ ١٥٧Uye zvirokwazvo mukauraiwa kana kufa munzira yaAllah, ruregerero netsitsi kubva kuna Allah zviri nani kupfuura izvo zvavanounganidza وَلَئِن مُّتُّمۡ أَوۡ قُتِلۡتُمۡ لَإِلَى ٱللَّهِ تُحۡشَرُونَ ١٥٨Uye zvirokwazvo kunyangwe mukafa kana kuuraiwa, zvirokwazvo, kuna Allah muchava munounganidzwa فَبِمَا رَحۡمَةٍ مِّنَ ٱللَّهِ لِنتَ لَهُمۡۖ وَلَوۡ كُنتَ فَظًّا غَلِيظَ ٱلۡقَلۡبِ لَٱنفَضُّواْ مِنۡ حَوۡلِكَۖ فَٱعۡفُ عَنۡهُمۡ وَٱسۡتَغۡفِرۡ لَهُمۡ وَشَاوِرۡهُمۡ فِي ٱلۡأَمۡرِۖ فَإِذَا عَزَمۡتَ فَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ يُحِبُّ ٱلۡمُتَوَكِّلِينَ ١٥٩Uye nekuda kwetsitsi dzaAllah, wakashanda navo mune zvakanaka. Uye dai (Muhammad (SAW)) wakakasharara nekuoma moyo, vangadai vakasiyana newe; saka varegerere, uye vakumbirire ruregerero (kuna Allah); uye pangana navo pamhaka dzese. Uye kana uchinge watora mhereredzo, isa ruvimbo rwako muna Allah, zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoisa ruvimbo rwavo (mavari) إِن يَنصُرۡكُمُ ٱللَّهُ فَلَا غَالِبَ لَكُمۡۖ وَإِن يَخۡذُلۡكُمۡ فَمَن ذَا ٱلَّذِي يَنصُرُكُم مِّنۢ بَعۡدِهِۦۗ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١٦٠Kana Allah vakakubetserai, hapana angakukurirai; uye kana vakakusiyai, ndiani aripo mushure mavo angakubetserai? Uye muna Allah regai vatendi vaise ruvimbo rwavo وَمَا كَانَ لِنَبِيٍّ أَن يَغُلَّۚ وَمَن يَغۡلُلۡ يَأۡتِ بِمَا غَلَّ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ ثُمَّ تُوَفَّىٰ كُلُّ نَفۡسٍ مَّا كَسَبَتۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ١٦١Uye hazviiti kuti muporofita atore mhimbiri zvisiri pamutemo. Uye uyo anotora zvisiri pamutemo kune vamwe vake kubva mumhimbiri, achauya neizvo zvaakatora zvisiri pamutemo pazuva rekumutswa. Uye munhu wese achava anopihwa muripo wake zvizere kuburikidza nezvaakaita, uye havafi vakadzvanyirirwa أَفَمَنِ ٱتَّبَعَ رِضۡوَٰنَ ٱللَّهِ كَمَنۢ بَآءَ بِسَخَطٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَمَأۡوَىٰهُ جَهَنَّمُۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ ١٦٢Vakafanana here uyo munhu anotevera zvido zvakanaka zvaAllah (nokusaba mhimbiri) neuyo anozvidhonzera kutsamwa kwaAllah (nekuba mhimbiri)? Uye nzvimbo yake yokugara iGehena, uye zvirokwazvo inzvimbo yakaipisisa هُمۡ دَرَجَٰتٌ عِندَ ٱللَّهِۗ وَٱللَّهُ بَصِيرُۢ بِمَا يَعۡمَلُونَ ١٦٣Vane zvinzvimbo zvakasiyana-siyana pamberi paAllah, uye Allah vanoona zvese zvavanoita لَقَدۡ مَنَّ ٱللَّهُ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ إِذۡ بَعَثَ فِيهِمۡ رَسُولًا مِّنۡ أَنفُسِهِمۡ يَتۡلُواْ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتِهِۦ وَيُزَكِّيهِمۡ وَيُعَلِّمُهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡحِكۡمَةَ وَإِن كَانُواْ مِن قَبۡلُ لَفِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ١٦٤Zvirokwazvo, Allah vakapa makomborero mazhinji kune avo vanotenda apo vakatumira mutumwa (Muhammad (SAW)) kubva pakati pavo, achivaverengera ndima dzavo (Allah), pamwe nekuvachenura (kubva muzvitadzo zvavo), uye nekuvadzidzisa Gwaro (Qur’aan) nehungwaru (Sunnah), kunyangwe kumashure vakanga vakarasika zviri pachena أَوَلَمَّآ أَصَٰبَتۡكُم مُّصِيبَةٌ قَدۡ أَصَبۡتُم مِّثۡلَيۡهَا قُلۡتُمۡ أَنَّىٰ هَٰذَاۖ قُلۡ هُوَ مِنۡ عِندِ أَنفُسِكُمۡۗ إِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ١٦٥(Chiiko chinokunetsai?) Kana dambudziko rimwechete rakuwanai, asi imi munovapa matambudziko maviri (vavengi venyu), munoti: “Ko izvi zvatiwira zvabva kupi?” Iti (kwavari): “Zvinobva kwamuri (nekuda kwemabasa enyu akaipa).” Zvirokwazvo, Allah vane simba pane zvinhu zvese وَمَآ أَصَٰبَكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡتَقَى ٱلۡجَمۡعَانِ فَبِإِذۡنِ ٱللَّهِ وَلِيَعۡلَمَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٦٦Uye zvakakutambudzai pazuva rakasangana mapoka maviri (hondo yeUhud), zvakaitika nekuda kwaAllah, senzira yekuziva nayo vatendi وَلِيَعۡلَمَ ٱلَّذِينَ نَافَقُواْۚ وَقِيلَ لَهُمۡ تَعَالَوۡاْ قَٰتِلُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ أَوِ ٱدۡفَعُواْۖ قَالُواْ لَوۡ نَعۡلَمُ قِتَالًا لَّٱتَّبَعۡنَٰكُمۡۗ هُمۡ لِلۡكُفۡرِ يَوۡمَئِذٍ أَقۡرَبُ مِنۡهُمۡ لِلۡإِيمَٰنِۚ يَقُولُونَ بِأَفۡوَٰهِهِم مَّا لَيۡسَ فِي قُلُوبِهِمۡۚ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا يَكۡتُمُونَ ١٦٧Uye kuti vazive avo vanonyengedza, uye zvakanzi kwavari: “Huyai, murwe munzira yaAllah kana kuzvidzivirira pachenyu.” Vakati: “Dai taiziva kurwa, zvirokwazvo dai takuteverai.” Zuva iroro vakanga vari pedyo nekusatenda vari kure nekutenda, vachiti nemiromo yavo izvo zvakanga zvisiri muhana dzavo. Uye Allah vane ruzivo rwakanyanya pane zvavanoviga ٱلَّذِينَ قَالُواْ لِإِخۡوَٰنِهِمۡ وَقَعَدُواْ لَوۡ أَطَاعُونَا مَا قُتِلُواْۗ قُلۡ فَٱدۡرَءُواْ عَنۡ أَنفُسِكُمُ ٱلۡمَوۡتَ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ١٦٨(Ndivo) Avo vakataura pamusoro pemadzikoma avo vakauraiwa ivo vagere kumba: “Dai vakatiteerera, vangadai vasina kuuraiwa.” Iti: “Zvidzivirirei pachezvenyu kubva kurufu, kana muchitaura chokwadi.” وَلَا تَحۡسَبَنَّ ٱلَّذِينَ قُتِلُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ أَمۡوَٰتَۢاۚ بَلۡ أَحۡيَآءٌ عِندَ رَبِّهِمۡ يُرۡزَقُونَ ١٦٩Uye zvirokwazvo musafunge kuti avo vanouraiwa munzira yaAllah sevakafa. Kwete! Asi vapenyu, vana Tenzi vavo, vachiwana raramo فَرِحِينَ بِمَآ ءَاتَىٰهُمُ ٱللَّهُ مِن فَضۡلِهِۦ وَيَسۡتَبۡشِرُونَ بِٱلَّذِينَ لَمۡ يَلۡحَقُواْ بِهِم مِّنۡ خَلۡفِهِمۡ أَلَّا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ ١٧٠Vanofara neizvo zvavakapihwa naAllah kubva mumakomborero avo, uye vanofarira vamwe vavo avo vasati vabatana navo, asi vakasara kumashure (vasati vauraiwa munzira yaAllah), kwavari kuchange kusina kutya kana kubatikana ۞ يَسۡتَبۡشِرُونَ بِنِعۡمَةٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَفَضۡلٍ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَا يُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٧١Vanofarira tsitsi nemakomborero kubva kuna Allah, uye zvirokwazvo kuti Allah havaiti kuti mubairo wevatendi ushaye basa ٱلَّذِينَ ٱسۡتَجَابُواْ لِلَّهِ وَٱلرَّسُولِ مِنۢ بَعۡدِ مَآ أَصَابَهُمُ ٱلۡقَرۡحُۚ لِلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ مِنۡهُمۡ وَٱتَّقَوۡاْ أَجۡرٌ عَظِيمٌ ١٧٢Kune avo vakatambira shoko raAllah neramutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mekunge vawirwa nematambudziko; kune avo vakaita mabasa akanaka pakati pavo uye vaitya Allah, vachawana mubairo mukuru ٱلَّذِينَ قَالَ لَهُمُ ٱلنَّاسُ إِنَّ ٱلنَّاسَ قَدۡ جَمَعُواْ لَكُمۡ فَٱخۡشَوۡهُمۡ فَزَادَهُمۡ إِيمَٰنًا وَقَالُواْ حَسۡبُنَا ٱللَّهُ وَنِعۡمَ ٱلۡوَكِيلُ ١٧٣Avo (vanotenda) vakataurirwa nevanhu (hwenyakwese) kuti: “Zvirokwazvo, avo (vasingatendi) vave vanokuunganirai kuti vakurwisei, saka ivai munovatya.” Asi zvakavawedzera mukutenda, vakave vanotaura kuti: “Allah vakatikwanira, uye Allah vega ndivo mufambisi wezvinhu zvose.” فَٱنقَلَبُواْ بِنِعۡمَةٍ مِّنَ ٱللَّهِ وَفَضۡلٍ لَّمۡ يَمۡسَسۡهُمۡ سُوٓءٌ وَٱتَّبَعُواْ رِضۡوَٰنَ ٱللَّهِۗ وَٱللَّهُ ذُو فَضۡلٍ عَظِيمٍ ١٧٤Saka vakadzokera nenyasha uye makomborero aAllah. Hapana chakaipa (chinokuvadza) chakave chinovawana, uye vakave vanotevedzera zvakanaka zvinofadza Allah. Allah ndivo vane makomborero makuru إِنَّمَا ذَٰلِكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ يُخَوِّفُ أَوۡلِيَآءَهُۥ فَلَا تَخَافُوهُمۡ وَخَافُونِ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ ١٧٥Zvirokwazvo, ndiSatani anenge achityidzira vabatsiri vake (vatsigiri vake); saka musave munovatya, asi ivai munotya ini (Allah), kana muri vatendi (vechokwadi) وَلَا يَحۡزُنكَ ٱلَّذِينَ يُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡكُفۡرِۚ إِنَّهُمۡ لَن يَضُرُّواْ ٱللَّهَ شَيۡـًٔاۚ يُرِيدُ ٱللَّهُ أَلَّا يَجۡعَلَ لَهُمۡ حَظًّا فِي ٱلۡأٓخِرَةِۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٌ ١٧٦Uye usave unoshungurudzika (Muhammad (SAW)) neavo vanomhanyira kusatenda; zvirokwazvo, havambofi vakakuvadza Allah nepadiki pose. Allah havamboshuviri kuvapa chidimbu chehupenyu (hwakanaka) hwamangwana. Asi vachawana marwadzo makuru إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱشۡتَرَوُاْ ٱلۡكُفۡرَ بِٱلۡإِيمَٰنِ لَن يَضُرُّواْ ٱللَّهَ شَيۡـًٔاۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ١٧٧Zvirokwazvo, vanopindura kutenda vachitora kusatenda, hapana chidiki chakaipa (chinorwadza) chavangaite kuna Allah. Asi vachawana chirango chikuru وَلَا يَحۡسَبَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَنَّمَا نُمۡلِي لَهُمۡ خَيۡرٌ لِّأَنفُسِهِمۡۚ إِنَّمَا نُمۡلِي لَهُمۡ لِيَزۡدَادُوٓاْ إِثۡمًاۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ مُّهِينٌ ١٧٨Uye zvirokwazvo vasingatendi vasafunge kuti kunonotsa kwatinoita marwadzo kwavari zvakavanakira. Zvirokwazvo, tinonotsa marwadzo kwavari kuti vave vanowedzera kutadza kwavo. Uye vachawana chirango chinonyadzisa مَّا كَانَ ٱللَّهُ لِيَذَرَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ عَلَىٰ مَآ أَنتُمۡ عَلَيۡهِ حَتَّىٰ يَمِيزَ ٱلۡخَبِيثَ مِنَ ٱلطَّيِّبِۗ وَمَا كَانَ ٱللَّهُ لِيُطۡلِعَكُمۡ عَلَى ٱلۡغَيۡبِ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يَجۡتَبِي مِن رُّسُلِهِۦ مَن يَشَآءُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرُسُلِهِۦۚ وَإِن تُؤۡمِنُواْ وَتَتَّقُواْ فَلَكُمۡ أَجۡرٌ عَظِيمٌ ١٧٩Allah havave vanosiya vatendi muchidanho chamuri, kusvikira vabvisa (vapatsanura) vanhu vanoita zvinhu zvakaipa kubva muvakanaka. Uye Allah havambo kuratidzai zvakavanzika, asi Allah vanosarudza wavanoda kubva kuvatumwa vavo. Asi ivai munotenda munaAllah nevatumwa vavo. Uye mukava munotenda nekutya Allah, muchawana mubairo mukuru وَلَا يَحۡسَبَنَّ ٱلَّذِينَ يَبۡخَلُونَ بِمَآ ءَاتَىٰهُمُ ٱللَّهُ مِن فَضۡلِهِۦ هُوَ خَيۡرًا لَّهُمۖ بَلۡ هُوَ شَرٌّ لَّهُمۡۖ سَيُطَوَّقُونَ مَا بَخِلُواْ بِهِۦ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ وَلِلَّهِ مِيرَٰثُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۗ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٌ ١٨٠Uye zvirokwazvo avo vanonyima izvo zvavapihwa naAllah, kubva mumakomborero avo (hupfumi), vasafunge kuti zvakanaka kwavari (vonyima kupa Zakaah kuvarombo). Asi zvichava zvakavaomera; izvo zvavanonyima zvichave zvakasungwa sechipika muhuro dzavo pazuva rekumutswa. Uye nhaka yekumatenga nepasi ndeya Allah. Uye Allah vanoziva zvese zvamunoita لَّقَدۡ سَمِعَ ٱللَّهُ قَوۡلَ ٱلَّذِينَ قَالُوٓاْ إِنَّ ٱللَّهَ فَقِيرٌ وَنَحۡنُ أَغۡنِيَآءُۘ سَنَكۡتُبُ مَا قَالُواْ وَقَتۡلَهُمُ ٱلۡأَنۢبِيَآءَ بِغَيۡرِ حَقٍّ وَنَقُولُ ذُوقُواْ عَذَابَ ٱلۡحَرِيقِ ١٨١Zvirokwazvo, Allah vakave vanonzwa mashoko eavo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vanotambura (murombo) asi isu tiri vapfumi!” Tichave tinonyora izvo zvavanotaura, uye nekuuraya kwavo vatumwa zvisiri pamutemo, uye tichava tinotaura kwavari (kuti): “Ravirai marwadzo emoto.” ذَٰلِكَ بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيكُمۡ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَيۡسَ بِظَلَّامٍ لِّلۡعَبِيدِ ١٨٢Izvi ndizvo zvave zvinokonzerwa nehuipi wamakatungamidza nemaoko enyu. Uye zvirokwazvo, Allah havadzvanyiriri varanda vavo ٱلَّذِينَ قَالُوٓاْ إِنَّ ٱللَّهَ عَهِدَ إِلَيۡنَآ أَلَّا نُؤۡمِنَ لِرَسُولٍ حَتَّىٰ يَأۡتِيَنَا بِقُرۡبَانٍ تَأۡكُلُهُ ٱلنَّارُۗ قُلۡ قَدۡ جَآءَكُمۡ رُسُلٌ مِّن قَبۡلِي بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَبِٱلَّذِي قُلۡتُمۡ فَلِمَ قَتَلۡتُمُوهُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ١٨٣Avo (maJudha) vanotaura kuti: “Zvirokwazvo, Allah vakatikomekedza kuti tisave tinotenda kuna mutumwa upi zvake kusvikira auya nemupiro uyo uchave unoparadzwa nemoto.” Taura kuti: “Zvirokwazvo, kune vatumwa vakauya kwamuri ini ndisati ndauya nezviratidzo zviri pachena, uye neizvo zvamunotaura, seiko maivauraya kana imi muri pachokwadi?” فَإِن كَذَّبُوكَ فَقَدۡ كُذِّبَ رُسُلٌ مِّن قَبۡلِكَ جَآءُو بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَٱلزُّبُرِ وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُنِيرِ ١٨٤Kana vakakuramba (Muhammad (SAW)), (ziva kuti) vamwe vatumwa vakauya iwe usati wavapo vakarambwawo (semarambiro avari kuita iwewe), vauya nezviratidzo zviri pachena uye neMagwaro uye neBhuku rine chiedza كُلُّ نَفۡسٍ ذَآئِقَةُ ٱلۡمَوۡتِۗ وَإِنَّمَا تُوَفَّوۡنَ أُجُورَكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۖ فَمَن زُحۡزِحَ عَنِ ٱلنَّارِ وَأُدۡخِلَ ٱلۡجَنَّةَ فَقَدۡ فَازَۗ وَمَا ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَآ إِلَّا مَتَٰعُ ٱلۡغُرُورِ ١٨٥Chinhu chose chinofema chicharavira rufu (chichafa). Uye zvirokwazvo muchava munopihwa mibairo yenyu yakazara muzuva rekumutswa. Uye uyo achave anodzivirirwa kubva kumoto, ova anopinzwa kuParadhiso, zvirokwazvo ndiye munhu akabudirira. Uye hupenyu hwepasi rino hauzi chimwe chinhu kunze kwemafaro ehunyengedzi ۞ لَتُبۡلَوُنَّ فِيٓ أَمۡوَٰلِكُمۡ وَأَنفُسِكُمۡ وَلَتَسۡمَعُنَّ مِنَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ مِن قَبۡلِكُمۡ وَمِنَ ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُوٓاْ أَذًى كَثِيرًاۚ وَإِن تَصۡبِرُواْ وَتَتَّقُواْ فَإِنَّ ذَٰلِكَ مِنۡ عَزۡمِ ٱلۡأُمُورِ ١٨٦Zvirokwazvo, muchava munoedzwa muhupfumi hwenyu nehupenyu hwenyu, uye zvirokwazvo muchave munowana (nekunzwa) marwadzo akawanda kubva kune avo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) imi musati mavapo, uye kubva kune avo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari (zviumbwa). Asi mukave munotsungirira nekutya Allah, zvirokwazvo, uku ndiko kuratidza ushingi mumabasa (akanaka) وَإِذۡ أَخَذَ ٱللَّهُ مِيثَٰقَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ لَتُبَيِّنُنَّهُۥ لِلنَّاسِ وَلَا تَكۡتُمُونَهُۥ فَنَبَذُوهُ وَرَآءَ ظُهُورِهِمۡ وَٱشۡتَرَوۡاْ بِهِۦ ثَمَنًا قَلِيلًاۖ فَبِئۡسَ مَا يَشۡتَرُونَ ١٨٧Uye (ivai munorangarira) apo Allah pavakatora chitsidzo kubva kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kuti zvirokwazvo mucharijekesera vanhu, uye hamumbofi mariviga (Gwaro racho), asi vakave vanorifuratira (kukanganwa nezvaro), vakave vanoritengesa nemutengo wakaderera. Uye zvakaipa ndizvo zvavakatengesa nazvo لَا تَحۡسَبَنَّ ٱلَّذِينَ يَفۡرَحُونَ بِمَآ أَتَواْ وَّيُحِبُّونَ أَن يُحۡمَدُواْ بِمَا لَمۡ يَفۡعَلُواْ فَلَا تَحۡسَبَنَّهُم بِمَفَازَةٍ مِّنَ ٱلۡعَذَابِۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ١٨٨Zvirokwazvo, musave munofunga kuti avo vanofara nezvavanoita, uye vanofarira kurumbidzwa neizvo zvavasina kuita, musave munofunga kuti vachazvinunurwa kubva kumarwadzo. Asi vachawana marwadzo makuru وَلِلَّهِ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۗ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ١٨٩Uye Allah ndivo vane humambo wekumatenga nepasi rino. Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose إِنَّ فِي خَلۡقِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَٱخۡتِلَٰفِ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ لَأٓيَٰتٍ لِّأُوْلِي ٱلۡأَلۡبَٰبِ ١٩٠Zvirokwazvo, mukusikwa kwematenga nepasi rino, uye kupesana kweusiku nesikati, mune zviratidzo kune avo vanonzwisisa ٱلَّذِينَ يَذۡكُرُونَ ٱللَّهَ قِيَٰمًا وَقُعُودًا وَعَلَىٰ جُنُوبِهِمۡ وَيَتَفَكَّرُونَ فِي خَلۡقِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ رَبَّنَا مَا خَلَقۡتَ هَٰذَا بَٰطِلًا سُبۡحَٰنَكَ فَقِنَا عَذَابَ ٱلنَّارِ ١٩١Avo vanorangarira Allah (nguva dzose) vakamira, kana vangave vakagara, uye vakarara nemativi avo, uye vachifunga zvakadzamisa nezve masikirwo ematenga nepasi rino (vachitaura kuti): “Tenzi vedu! Hamuna kusika zvinhu izvi (pasi nedenga) pasina chinangwa, asi kurumbidzwa kose ngakuve kwamuri! Uye ivai munotidzivirira kubva kumarwadzo ekumoto.” رَبَّنَآ إِنَّكَ مَن تُدۡخِلِ ٱلنَّارَ فَقَدۡ أَخۡزَيۡتَهُۥۖ وَمَا لِلظَّٰلِمِينَ مِنۡ أَنصَارٍ ١٩٢“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, uyo wamunoendesa kumoto (weGehena), zvirokwazvo, munenge mamudzikisira pamwe nekumurwadzisa. Uye avo vanoita mabasa akaipa havambowani vabatsiri.” رَّبَّنَآ إِنَّنَا سَمِعۡنَا مُنَادِيًا يُنَادِي لِلۡإِيمَٰنِ أَنۡ ءَامِنُواْ بِرَبِّكُمۡ فَـَٔامَنَّاۚ رَبَّنَا فَٱغۡفِرۡ لَنَا ذُنُوبَنَا وَكَفِّرۡ عَنَّا سَيِّـَٔاتِنَا وَتَوَفَّنَا مَعَ ٱلۡأَبۡرَارِ ١٩٣“Tenzi vedu! Zvirokwazvo, takave tinonzwa mushevedzeri (Muhammad (SAW)) achitidanira kuImaan (kutenda) achiti: ‘Tendai muna Tenzi venyu,’ tikava tinotenda. Tenzi vedu! Tiregererei zvitadzo zvedu, uye mova munotibvisira zvakaipa zvedu kubva kwatiri, uye mova munotitora (mova munoita kuti tife) tiri pakati peavo vanhu vanoita mabasa akanaka.” رَبَّنَا وَءَاتِنَا مَا وَعَدتَّنَا عَلَىٰ رُسُلِكَ وَلَا تُخۡزِنَا يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۖ إِنَّكَ لَا تُخۡلِفُ ٱلۡمِيعَادَ ١٩٤“Tenzi wedu! Ivai munotipa izvo zvamakativimbisa kuburikidza nevatumwa venyu, uye musava munotinyadzisa kana kutidzikisira pazuva rekumutswa, zvirokwazvo, hamutyori chivimbiso chenyu.” فَٱسۡتَجَابَ لَهُمۡ رَبُّهُمۡ أَنِّي لَآ أُضِيعُ عَمَلَ عَٰمِلٍ مِّنكُم مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰۖ بَعۡضُكُم مِّنۢ بَعۡضٍۖ فَٱلَّذِينَ هَاجَرُواْ وَأُخۡرِجُواْ مِن دِيَٰرِهِمۡ وَأُوذُواْ فِي سَبِيلِي وَقَٰتَلُواْ وَقُتِلُواْ لَأُكَفِّرَنَّ عَنۡهُمۡ سَيِّـَٔاتِهِمۡ وَلَأُدۡخِلَنَّهُمۡ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ ثَوَابًا مِّنۡ عِندِ ٱللَّهِۚ وَٱللَّهُ عِندَهُۥ حُسۡنُ ٱلثَّوَابِ ١٩٥Saka Tenzi vavo vakava vanotambira zvikumbiro zvavo (vakavapindura vachiti): “Zvirokwazvo, handiiti kuti mabasa aani nani pakati penyu ave anorasika (anotambiswa), angave murume kana mukadzi. Muri vanhu vamwechete, saka avo vakave vanotama uye vakave vanoburitswa mudzimba dzavo, uye vakave vanowana marwadzo munzira yangu, uye vakave vanorwa, uye vakave vanourawa munzira yangu, zvirokwazvo, ndichava ndinobvisa zvitadzo zvavo kubva mavari, uye tichava tinovapinza Paradhiso iro rine nzizi dzinoerera pasi paro; unova mubairo kubva kuna Allah. Uye Allah ndivo vane makomborero akanaka.” لَا يَغُرَّنَّكَ تَقَلُّبُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فِي ٱلۡبِلَٰدِ ١٩٦Zvirokwazvo, usave unoita kuti rusununguko (pazviito) rweavo vasingatendi pano pasi rova runokunyengedza مَتَٰعٌ قَلِيلٌ ثُمَّ مَأۡوَىٰهُمۡ جَهَنَّمُۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمِهَادُ ١٩٧Mafaro enguva diki; uye nzvimbo yavo yekugara ichave Gehena; uye inzvimbo yakaipa kugara لَٰكِنِ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ رَبَّهُمۡ لَهُمۡ جَنَّٰتٌ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَا نُزُلًا مِّنۡ عِندِ ٱللَّهِۗ وَمَا عِندَ ٱللَّهِ خَيۡرٌ لِّلۡأَبۡرَارِ ١٩٨Asi kune avo vanotya Tenzi vavo, vachapinda Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; umo vachagara nekusingaperi, anova mafaro kubva kuna Allah; uye izvo zvina Allah zvanakira zvikuru avo vanoita mabasa akanaka وَإِنَّ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ لَمَن يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَمَآ أُنزِلَ إِلَيۡكُمۡ وَمَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِمۡ خَٰشِعِينَ لِلَّهِ لَا يَشۡتَرُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ ثَمَنًا قَلِيلًاۚ أُوْلَٰٓئِكَ لَهُمۡ أَجۡرُهُمۡ عِندَ رَبِّهِمۡۗ إِنَّ ٱللَّهَ سَرِيعُ ٱلۡحِسَابِ ١٩٩Uye zvirokwazvo, varipo pakati peavo vakapihwa Magwaro (maJudha nemaKristu) vanotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwauri (Qur’aan), uye mune izvo zvakatumirwa kwavari, vachizvininipisa pamberi paAllah. Havatengesi mashoko aAllah kunyangwe nemutengo mudiki, vachawana mubairo kubva kuna Tenzi vavo. Zvirokwazvo, Allah vanopa mutongo nekukurumidza يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱصۡبِرُواْ وَصَابِرُواْ وَرَابِطُواْ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ ٢٠٠Imi vanhu vanotenda! Ivai munotsungirira uye munowedzera kutsungirira (kudarika vavengi venyu), uye mova munochengetedza nzvimbo yenyu nekuisa mauto panzvimbo idzo vavengi venyu vanokwanisa kukusvikirai nadzo, uye mova munotya Allah kuti muve vanhu vakabudirira