ملة الإسلام

السورة 58 · 22 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة المجادلة باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة المجادلة (1,142 قارئاً)
مدنيةسورة المجادلة٢٢ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

قَدۡ سَمِعَ ٱللَّهُ قَوۡلَ ٱلَّتِي تُجَٰدِلُكَ فِي زَوۡجِهَا وَتَشۡتَكِيٓ إِلَى ٱللَّهِ وَٱللَّهُ يَسۡمَعُ تَحَاوُرَكُمَآۚ إِنَّ ٱللَّهَ سَمِيعُۢ بَصِيرٌ ١Zvirokwazvo, Allah vanzwa mashoko ake (Khaulah bint Tha’labah) uyo ari kuita gakava newe (Muhammad (SAW)) maererano nemurume wake (Aus Ibn As-Swaamit), uye achinyunyuta kuna Allah. Uye Allah vanonzwa kupikisana kwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoona zvose ٱلَّذِينَ يُظَٰهِرُونَ مِنكُم مِّن نِّسَآئِهِم مَّا هُنَّ أُمَّهَٰتِهِمۡۖ إِنۡ أُمَّهَٰتُهُمۡ إِلَّا ٱلَّٰٓـِٔي وَلَدۡنَهُمۡۚ وَإِنَّهُمۡ لَيَقُولُونَ مُنكَرًا مِّنَ ٱلۡقَوۡلِ وَزُورًاۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَعَفُوٌّ غَفُورٌ ٢Avo mukati menyu vanozvirambidza vakadzi vavo kuburikidza neDhihaar (Kuti kwavari: “Wakafanana naamai vangu”), havangaiti vana mai vavo. Hapana vanokwanisa kuita vana mai vavo kunze kweavo vakavabereka. Uye zvirokwazvo vanotaura mashoko akaipa nemanyepo. Uye zvirokwazvo Allah vanokanganwira, uye vanoregerera وَٱلَّذِينَ يُظَٰهِرُونَ مِن نِّسَآئِهِمۡ ثُمَّ يَعُودُونَ لِمَا قَالُواْ فَتَحۡرِيرُ رَقَبَةٍ مِّن قَبۡلِ أَن يَتَمَآسَّاۚ ذَٰلِكُمۡ تُوعَظُونَ بِهِۦۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٌ ٣Uye avo vanozvirambidza vakadzi vavo neDhihaar uye voda kuzvisunungura kubva kune zvavakataura vanofanirwa (panyaya yakadaro) kusunungura muranda vasati vabatana (kusangana pabonde). Ndiyo rairo kwamuri (kuti musave munozviita zwe). Uye Allah vanoziva zvamunoita zvose فَمَن لَّمۡ يَجِدۡ فَصِيَامُ شَهۡرَيۡنِ مُتَتَابِعَيۡنِ مِن قَبۡلِ أَن يَتَمَآسَّاۖ فَمَن لَّمۡ يَسۡتَطِعۡ فَإِطۡعَامُ سِتِّينَ مِسۡكِينًاۚ ذَٰلِكَ لِتُؤۡمِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦۚ وَتِلۡكَ حُدُودُ ٱللَّهِۗ وَلِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٤Asi uyo asingakwanisi kuwana (Mari yekusunungura muranda) anofanirwa kutsanya mwedzi miviri yakatevedzana vasati vasangana (pabonde). Asi kana asingakwanisi (kutsanya), anofanirwa kupa chikafu kuvanhu makumi matanhatu vanotambura. Ndiko kuti muve nekutenda kwakakwana kuna Allah nemutumwa wavo. Uye iyi ndiyo mirairo yakatarwa naAllah. Uye vasingatendi, vachawana mutongo unorwadza إِنَّ ٱلَّذِينَ يُحَآدُّونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ كُبِتُواْ كَمَا كُبِتَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ وَقَدۡ أَنزَلۡنَآ ءَايَٰتِۭ بَيِّنَٰتٍۚ وَلِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابٌ مُّهِينٌ ٥Zvirokwazvo avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachanyadziswa, sokunyadziswa kwakaitwa avo mushure mavo. Uye takatumira zviratidzo zviri pachena. Uye vasingatendi vachawana mutongo unonyadzisa يَوۡمَ يَبۡعَثُهُمُ ٱللَّهُ جَمِيعًا فَيُنَبِّئُهُم بِمَا عَمِلُوٓاْۚ أَحۡصَىٰهُ ٱللَّهُ وَنَسُوهُۚ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ شَهِيدٌ ٦Pazuva iro Allah vachavamutsa vese pamwechete nekuvaudza zvavakaita. Allah vakazvichengeta apo ivo vakazvikanganwa. Uye Allah mupupuri pamusoro pezvinhu zvose أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ مَا يَكُونُ مِن نَّجۡوَىٰ ثَلَٰثَةٍ إِلَّا هُوَ رَابِعُهُمۡ وَلَا خَمۡسَةٍ إِلَّا هُوَ سَادِسُهُمۡ وَلَآ أَدۡنَىٰ مِن ذَٰلِكَ وَلَآ أَكۡثَرَ إِلَّا هُوَ مَعَهُمۡ أَيۡنَ مَا كَانُواْۖ ثُمَّ يُنَبِّئُهُم بِمَا عَمِلُواْ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ إِنَّ ٱللَّهَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٌ ٧Hauna kuona here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga nepanyika? Hapana zvinotaurwa muchivande nevatatu asi kuti ivo (Allah) ndevechina (neruzivo rwavo asi ivo vari pamusoro pematenga), kana kuti vashanu asi kuti ivo (Allah) ndevechitanhatu (neruzivo rwavo), kana kuti vashoma pane izvozvo kana vakawanda asi kuti (Allah) vanova pose pavanenge vari. Uyezve (Allah) vachavazivisa zvavaiita pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo Allah ndivo vanoziva zvinhu zvose أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ نُهُواْ عَنِ ٱلنَّجۡوَىٰ ثُمَّ يَعُودُونَ لِمَا نُهُواْ عَنۡهُ وَيَتَنَٰجَوۡنَ بِٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡعُدۡوَٰنِ وَمَعۡصِيَتِ ٱلرَّسُولِۖ وَإِذَا جَآءُوكَ حَيَّوۡكَ بِمَا لَمۡ يُحَيِّكَ بِهِ ٱللَّهُ وَيَقُولُونَ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ لَوۡلَا يُعَذِّبُنَا ٱللَّهُ بِمَا نَقُولُۚ حَسۡبُهُمۡ جَهَنَّمُ يَصۡلَوۡنَهَاۖ فَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ ٨Hauna here kuona avo vakarambidzwa kuita misangano yavo muchivande ndokubva vadzokera kune izvo zvavakarambidzwa. Uye vanotaurirana zvitadzo nemabasa akashata uye nekusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)). Uye kana ivo vakauya kwauri, vanokukwazisa nekwaziso isina kumboitwa naAllah kwauri, uye mumoyo vanoti: “Sei Allah vasingatirangi nokuda kwezvatinotaura?” Gehena richavakwanira, uye vachatsva imomo. Uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا تَنَٰجَيۡتُمۡ فَلَا تَتَنَٰجَوۡاْ بِٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡعُدۡوَٰنِ وَمَعۡصِيَتِ ٱلرَّسُولِ وَتَنَٰجَوۡاْ بِٱلۡبِرِّ وَٱلتَّقۡوَىٰۖ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ ٱلَّذِيٓ إِلَيۡهِ تُحۡشَرُونَ ٩Imi vanotenda! Kana muchiita musangano muchivande, itai kwete nechinangwa chekutadza kana mabasa akaipa uye kusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)), asi taurai zvakanaka uye nekutya Allah; uye ityai Allah avo kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa إِنَّمَا ٱلنَّجۡوَىٰ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ لِيَحۡزُنَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَلَيۡسَ بِضَآرِّهِمۡ شَيۡـًٔا إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١٠Zvirokwazvo, misangano yakavanzwa ndeyaSatani, kuitira kuti agokonzeresa kushushikana kune avo vanotenda. Asi haakwanisi kuvarwadzisa kana nechimwe chinhu asi nekuda kwaAllah. Uye vatendi vanofanirwa kuvimba naAllah يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا قِيلَ لَكُمۡ تَفَسَّحُواْ فِي ٱلۡمَجَٰلِسِ فَٱفۡسَحُواْ يَفۡسَحِ ٱللَّهُ لَكُمۡۖ وَإِذَا قِيلَ ٱنشُزُواْ فَٱنشُزُواْ يَرۡفَعِ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنكُمۡ وَٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ دَرَجَٰتٍۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٌ ١١Imi vanotenda! Kana zvikanzi kwamuri gadzirai nzvimbo pamisangano, gadzirai. Allah vachakugadzirirai nzvimbo (netsitsi dzavo). Uye kana zvikanzi simukai (kunonamata kana kunoita mamwe mabasa akanaka), simukai. Allah vachakwiridzira avo vanotenda pane chimwe chinzvimbo, pamwe neavo vakapiwa ruzivo. Uye Allah vanoziva zvamunoita يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا نَٰجَيۡتُمُ ٱلرَّسُولَ فَقَدِّمُواْ بَيۡنَ يَدَيۡ نَجۡوَىٰكُمۡ صَدَقَةًۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٌ لَّكُمۡ وَأَطۡهَرُۚ فَإِن لَّمۡ تَجِدُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٢Imi vanotenda! Kana muchida kuona mutumwa (Muhammad (SAW)) pachivande, ipai chipo musati masangana naye pachivande. Izvozvo zvakakunakirai uye zvakachena. Asi kana musingakwanisi kuwana (chipo), zvirokwazvo, Allah vanoregerera, vane tsitsi ءَأَشۡفَقۡتُمۡ أَن تُقَدِّمُواْ بَيۡنَ يَدَيۡ نَجۡوَىٰكُمۡ صَدَقَٰتٍۚ فَإِذۡ لَمۡ تَفۡعَلُواْ وَتَابَ ٱللَّهُ عَلَيۡكُمۡ فَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتُواْ ٱلزَّكَوٰةَ وَأَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥۚ وَٱللَّهُ خَبِيرُۢ بِمَا تَعۡمَلُونَ ١٣Mungatya kupa chipo musati masangana naye muchivande? Kana mukasazviita, uye Allah vakakuregererai, nokudaro chiitai Swalaah (Munamato) uye mopa chipo (Zakaah) uye moteera Allah nemutumwa wavo. Uye Allah vane ruzivo rweizvo zvamunoita ۞ أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ تَوَلَّوۡاْ قَوۡمًا غَضِبَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِم مَّا هُم مِّنكُمۡ وَلَا مِنۡهُمۡ وَيَحۡلِفُونَ عَلَى ٱلۡكَذِبِ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ ١٤Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) avo (vanyengedzi) vanotora vanhu vakatsamwirwa naAllah seshamwari (maJudha)? Havasi vamwe venyu kana vamwe vavo (maJudha), uye vanopika nemanyepo apo vachiziva أَعَدَّ ٱللَّهُ لَهُمۡ عَذَابًا شَدِيدًاۖ إِنَّهُمۡ سَآءَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١٥Allah vakavagadzirira mutongo wakaomarara. Zvirokwazvo, izvo zvavaiita zvakaipa ٱتَّخَذُوٓاْ أَيۡمَٰنَهُمۡ جُنَّةً فَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ فَلَهُمۡ عَذَابٌ مُّهِينٌ ١٦Vanoita mhiko dzavo chidzitiro (pamabasa avo akaipa). Nokudaro vanodzivisa (vanhu) munzira yaAllah. Naizvozvo vachawana mutongo unonyadzisa لَّن تُغۡنِيَ عَنۡهُمۡ أَمۡوَٰلُهُمۡ وَلَآ أَوۡلَٰدُهُم مِّنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۚ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ١٧Hupfumi hwavo nevana vavo hazvisi kana kuzovadzivirira kubva kuna Allah kana nechimwechete. Vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, vachagara imomo zvachose يَوۡمَ يَبۡعَثُهُمُ ٱللَّهُ جَمِيعًا فَيَحۡلِفُونَ لَهُۥ كَمَا يَحۡلِفُونَ لَكُمۡ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُمۡ عَلَىٰ شَيۡءٍۚ أَلَآ إِنَّهُمۡ هُمُ ٱلۡكَٰذِبُونَ ١٨Nezuva iro Allah vachavamutsa vose, zvino vachapika kwavari sekupika kwavanoita kwamuri (maMuslim). Uye vanofunga kuti vane zvavainazvo. Zvirokwazvo, ivo vanonyepa ٱسۡتَحۡوَذَ عَلَيۡهِمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ فَأَنسَىٰهُمۡ ذِكۡرَ ٱللَّهِۚ أُوْلَٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱلشَّيۡطَٰنِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱلشَّيۡطَٰنِ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ ١٩Satani akavakurira. Naizvozvo akavaita kuti vakanganwe kurangarira Allah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaSatani. Chokwadi, chikwata chaSatani ndicho chakarasikirwa إِنَّ ٱلَّذِينَ يُحَآدُّونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥٓ أُوْلَٰٓئِكَ فِي ٱلۡأَذَلِّينَ ٢٠Zvirokwazvo, avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachange vari mukati meavo vepasi pasi كَتَبَ ٱللَّهُ لَأَغۡلِبَنَّ أَنَا۠ وَرُسُلِيٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ قَوِيٌّ عَزِيزٌ ٢١Allah vakatonyora: “Zvirokwazvo, ini nevatumwa vangu tisu tichakunda.” Zvirokwazvo, Allah ndivo vane simba rese, ndivo mukuru لَّا تَجِدُ قَوۡمًا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ يُوَآدُّونَ مَنۡ حَآدَّ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَلَوۡ كَانُوٓاْ ءَابَآءَهُمۡ أَوۡ أَبۡنَآءَهُمۡ أَوۡ إِخۡوَٰنَهُمۡ أَوۡ عَشِيرَتَهُمۡۚ أُوْلَٰٓئِكَ كَتَبَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلۡإِيمَٰنَ وَأَيَّدَهُم بِرُوحٍ مِّنۡهُۖ وَيُدۡخِلُهُمۡ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ رَضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُۚ أُوْلَٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱللَّهِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱللَّهِ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ٢٢Iwe (Muhammad (SAW)) haufi wakawana vanhu avo vanotenda kuna Allah uye nezuva rekutongwa (rekupedzisira) vachiita ushamwari neavo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kunyangwe zvazvo vari vanababa vavo kana kuti vana vavo kana madzikoma avo kana hama dzavo dzepedyo. Kune vanhu vakadaro, (Allah) vakavanyorera kutenda mumoyo yavo, uye vakavasimbisa nemweya (uchapupu nechiedza) kubva kwavari. Uye vachavapinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera mavachagara zvachose. Allah vachifara navo uye ivo vachifara naAllah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaAllah. Chokwadi, chikwata chaAllah ndicho chichabudirira

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.