ملة الإسلام

السورة 23 · 118 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة المؤمنون باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة المؤمنون (1,265 قارئاً)
مكيةسورة المؤمنون١١٨ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

قَدۡ أَفۡلَحَ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١Zvirokwazvo vatendi ndivo vakabudirira ٱلَّذِينَ هُمۡ فِي صَلَاتِهِمۡ خَٰشِعُونَ ٢Avo vanoita minamato yavo yose vachitya uye kuzvipira وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَنِ ٱللَّغۡوِ مُعۡرِضُونَ ٣Uye avo vanofuratira manyepo (nehutsvina neizvo zvose zvakarambidzwa naAllah) وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِلزَّكَوٰةِ فَٰعِلُونَ ٤Uye avo vanopa Zakaah (zvipo kune vanhu vanotambura) وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِفُرُوجِهِمۡ حَٰفِظُونَ ٥Uye avo vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva mune chehupombwe) إِلَّا عَلَىٰٓ أَزۡوَٰجِهِمۡ أَوۡ مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ فَإِنَّهُمۡ غَيۡرُ مَلُومِينَ ٦Kunze kune vakadzi vavo kana varanda kadzi avo vavanochengeta vari mumaoko avo, nokudaro vari kure nekushoropodzwa فَمَنِ ٱبۡتَغَىٰ وَرَآءَ ذَٰلِكَ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡعَادُونَ ٧Asi uyo anoda zvakadarika izvi, nokudaro avo vatadzi chose (vanopfurikidza mirairo) وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِأَمَٰنَٰتِهِمۡ وَعَهۡدِهِمۡ رَٰعُونَ ٨Uye avo vanochengetedza zvivimbiso zvavo (zvese zvakakomekedzwa naAllah) uyezve nezvibvumirano zvavo وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَلَىٰ صَلَوَٰتِهِمۡ يُحَافِظُونَ ٩Uye avo vanochengetedza minamato yavo mishanu (5) nenguva dzakatarwa أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡوَٰرِثُونَ ١٠Avo ndivo vagari venhaka yemangwana ٱلَّذِينَ يَرِثُونَ ٱلۡفِرۡدَوۡسَ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ ١١Vachava vanogara nhaka yeParadhiso (Firdaus). Umo vachagara zvachose وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن سُلَٰلَةٍ مِّن طِينٍ ١٢Uye zvirokwazvo takave tinosika munhu (Adam) kubva muvhu remutapo (mvura nevhu) ثُمَّ جَعَلۡنَٰهُ نُطۡفَةً فِي قَرَارٍ مَّكِينٍ ١٣Pedzezvo takave tinomuita kuti (vana vaAdam) ave Nutfah (musanganiswa wemvura dzechirume nedzechikadzi uye tikave tinougadzika) panzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu yemukadzi) ثُمَّ خَلَقۡنَا ٱلنُّطۡفَةَ عَلَقَةً فَخَلَقۡنَا ٱلۡعَلَقَةَ مُضۡغَةً فَخَلَقۡنَا ٱلۡمُضۡغَةَ عِظَٰمًا فَكَسَوۡنَا ٱلۡعِظَٰمَ لَحۡمًا ثُمَّ أَنشَأۡنَٰهُ خَلۡقًا ءَاخَرَۚ فَتَبَارَكَ ٱللَّهُ أَحۡسَنُ ٱلۡخَٰلِقِينَ ١٤Pedzezvo takave tinoita Nutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai) kuti ive godo reropa, tikave tinoita godo reropa kuti rive chidimbu chenyama, tikave tinogadzira mapfupa kubva muchidimbu chenyama, tikave tinoshongedza mapfupa nenyama, uye tikave tinochiunza sechimwe chisikwa. Naizvozvo makomborero nde aAllah musiki akanaka ثُمَّ إِنَّكُم بَعۡدَ ذَٰلِكَ لَمَيِّتُونَ ١٥Uye mushure maizvozvo, zvirokwazvo, muchave munofa ثُمَّ إِنَّكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ تُبۡعَثُونَ ١٦Uye zvirokwazvo, pazuva reQiyaamah (Kumutswa) muchave munomutswa وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا فَوۡقَكُمۡ سَبۡعَ طَرَآئِقَ وَمَا كُنَّا عَنِ ٱلۡخَلۡقِ غَٰفِلِينَ ١٧Uye zvirokwazvo, takave tinosika pamusoro penyu matenga manomwe (rimwe pamusoro perimwe), uyezve hatimborivari zvisikwa zvedu وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءَۢ بِقَدَرٍ فَأَسۡكَنَّٰهُ فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَإِنَّا عَلَىٰ ذَهَابِۭ بِهِۦ لَقَٰدِرُونَ ١٨Uye tinodzikisa mvura kubva kudenga nesimba (redu), toiita kuti ive nenzvimbo yekugara pano pasi, uye zvirokwazvo, tine simba rekuitora (mvura) فَأَنشَأۡنَا لَكُم بِهِۦ جَنَّٰتٍ مِّن نَّخِيلٍ وَأَعۡنَٰبٍ لَّكُمۡ فِيهَا فَوَٰكِهُ كَثِيرَةٌ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ ١٩Uye tinokukudzirai nayo mapindu emadheti nemagirepu, muine michero mizhinji yenyu, iyo yamunodya وَشَجَرَةً تَخۡرُجُ مِن طُورِ سَيۡنَآءَ تَنۢبُتُ بِٱلدُّهۡنِ وَصِبۡغٍ لِّلۡأٓكِلِينَ ٢٠Uye muti (weOrivhi) unomera mugomo reSinai, unoburitsa mafuta, uye muriwo kune avo vanodya وَإِنَّ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَنۡعَٰمِ لَعِبۡرَةًۖ نُّسۡقِيكُم مِّمَّا فِي بُطُونِهَا وَلَكُمۡ فِيهَا مَنَٰفِعُ كَثِيرَةٌ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ ٢١Uye zvirokwazvo kubva mumhuka (mombe) mune chidzidzo kwamuri. Tinokupai kuti munwe izvo zviri mumatumbu adzo (mukaka). Uye madziri mune zvizhinji zvinokubatsirai, uye kubva kwadziri munodya وَعَلَيۡهَا وَعَلَى ٱلۡفُلۡكِ تُحۡمَلُونَ ٢٢Uye pamusoro padzo (mhuka) uye ngarava munova munotakurwa (munzendo dzamunofamba) وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحًا إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ فَقَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ ٢٣Uye zvirokwazvo takave tinotuma Nowa kuvanhu vake, akave anotaura kuti: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna vamwe mwari kusara kwavo. Saka hamuve munovatya here?” فَقَالَ ٱلۡمَلَؤُاْ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ مَا هَٰذَآ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُكُمۡ يُرِيدُ أَن يَتَفَضَّلَ عَلَيۡكُمۡ وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَأَنزَلَ مَلَٰٓئِكَةً مَّا سَمِعۡنَا بِهَٰذَا فِيٓ ءَابَآئِنَا ٱلۡأَوَّلِينَ ٢٤Asi madzimambo asingatendi pakati pevanhu vake vakataura kuti: “Uyu murume (munhu) akafananawo nemi, uye ari kuda kuva pamusoro penyu. Uye dai Allah vaida (kutumira mutumwa), zvirokwazvo vaitumira ngirozi. Hatisati tambonzwa zvakadai kubva kumadzibaba edu (madzitateguru edu).” إِنۡ هُوَ إِلَّا رَجُلُۢ بِهِۦ جِنَّةٌ فَتَرَبَّصُواْ بِهِۦ حَتَّىٰ حِينٍ ٢٥“Uyu murume ari kupenga, saka chimbomirai maererano nezvake kwekanguva kadiki.” قَالَ رَبِّ ٱنصُرۡنِي بِمَا كَذَّبُونِ ٢٦Nowa akati: “Tenzi vangu! Ivai munonditsigira nekuti vave vanondiramba.” فَأَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡهِ أَنِ ٱصۡنَعِ ٱلۡفُلۡكَ بِأَعۡيُنِنَا وَوَحۡيِنَا فَإِذَا جَآءَ أَمۡرُنَا وَفَارَ ٱلتَّنُّورُ فَٱسۡلُكۡ فِيهَا مِن كُلٍّ زَوۡجَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِ وَأَهۡلَكَ إِلَّا مَن سَبَقَ عَلَيۡهِ ٱلۡقَوۡلُ مِنۡهُمۡۖ وَلَا تُخَٰطِبۡنِي فِي ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ إِنَّهُم مُّغۡرَقُونَ ٢٧Saka takave tinotaura (tinotumira) kwaari (kuti): “Vaka ngarava uri pasi pemeso edu uye nemashoko edu. Uye kana mutsigo wedu wauya, uye mvura yatanga kubuda kubva muchitofu, isa mungarava kubva kuchisikwa chimwe nechimwe zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye nemhuri yako, kusara kweavo kubva kwavari vakave vanotarwa kuti vachave vanoparadzwa. Uye usave unotaura neni maererano neavo vakave vanotadza. Zvirokwazvo, vari kuva vanonyudzwa.” فَإِذَا ٱسۡتَوَيۡتَ أَنتَ وَمَن مَّعَكَ عَلَى ٱلۡفُلۡكِ فَقُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي نَجَّىٰنَا مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٢٨“Uye kana mapinda mungarava, iwe neavo vanewe, taura kuti: ‘Rumbidzo ngaive kuna Allah, avo vatidzivirira kubva kune vanhu vanotadza.’” وَقُل رَّبِّ أَنزِلۡنِي مُنزَلًا مُّبَارَكًا وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡمُنزِلِينَ ٢٩“Uye taura kuti: ‘Tenzi vangu! Itai kuti tive tinomira panzvimbo yakakomborerwa, uye ndimi munokwanisa kutiburutsa zvakanaka.’” إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ وَإِن كُنَّا لَمُبۡتَلِينَ ٣٠Zvirokwazvo, mazviri (zvatakaita vanhu vaNowa) mune zviratidzo, uye zvirokwazvo, tinogara tichiedza varanda vedu ثُمَّ أَنشَأۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِمۡ قَرۡنًا ءَاخَرِينَ ٣١Uye takave tinosika vamwe vanhu mushure mavo فَأَرۡسَلۡنَا فِيهِمۡ رَسُولًا مِّنۡهُمۡ أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ ٣٢Uye takatuma mutumwa kubva kwavari achitaura kuti: “Namatai Allah! Hamuna umwe mwari kusara kwavo. Saka hamuvi munotya here (kuti vachakurangai kana mukanamata zvimwe zvinhu)?” وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِهِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِلِقَآءِ ٱلۡأٓخِرَةِ وَأَتۡرَفۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا مَا هَٰذَآ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُكُمۡ يَأۡكُلُ مِمَّا تَأۡكُلُونَ مِنۡهُ وَيَشۡرَبُ مِمَّا تَشۡرَبُونَ ٣٣Uye avo vakakwirira (vapfumi, vatongi) pakati pevanhu vake avo vasina kutenda, uye vakaramba kuti kuchasanganwa mushure mekufa, uye takavapa kugarika kwehupenyu hwepasi, vakataura kuti: “Uyu haasi (chimwe chinhu) asi kuti murume akafananawo nemi. Anodya izvo zvamunodyawo, uye anonwa izvo zvamunonwa.” وَلَئِنۡ أَطَعۡتُم بَشَرًا مِّثۡلَكُمۡ إِنَّكُمۡ إِذًا لَّخَٰسِرُونَ ٣٤“Uye kana mukateerera munhu (murume) akaitawo semi, zvirokwazvo, muchava munorasikirwa.” أَيَعِدُكُمۡ أَنَّكُمۡ إِذَا مِتُّمۡ وَكُنتُمۡ تُرَابًا وَعِظَٰمًا أَنَّكُم مُّخۡرَجُونَ ٣٥“Anokuvimbisai here kuti kana mafa mova munoita ivhu nemapfupa, kuti muchave munomutswa (zvakare)?” ۞ هَيۡهَاتَ هَيۡهَاتَ لِمَا تُوعَدُونَ ٣٦“Zviri kure, zviri kure, izvo zvamunovimbiswa!” إِنۡ هِيَ إِلَّا حَيَاتُنَا ٱلدُّنۡيَا نَمُوتُ وَنَحۡيَا وَمَا نَحۡنُ بِمَبۡعُوثِينَ ٣٧“Hapana chiripo kusara kwehupenyu hwedu hwepasi rino, tichafa uye tinorarama! Asi hative tinomutswa zvakare (mushure mekufa)!” إِنۡ هُوَ إِلَّا رَجُلٌ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا وَمَا نَحۡنُ لَهُۥ بِمُؤۡمِنِينَ ٣٨“Haasi umwe munhu asi kuti murume aronga manyepo pamusoro paAllah, uye hatimbofi takatenda maari.” قَالَ رَبِّ ٱنصُرۡنِي بِمَا كَذَّبُونِ ٣٩Akataura kuti: “Tenzi vangu! Nditsigirei nokuti vave vanondiramba.” قَالَ عَمَّا قَلِيلٍ لَّيُصۡبِحُنَّ نَٰدِمِينَ ٤٠(Allah) vakataura kuti: “Munguva shoma, zvirokwazvo vachave vanodemba.” فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ بِٱلۡحَقِّ فَجَعَلۡنَٰهُمۡ غُثَآءًۚ فَبُعۡدًا لِّلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٤١Nokudaro murango wakavaparadza muchokwadi, uye takaita kuti vave marara sezvidyarwa zvakafa. Nokudaro ngavave kure avo vanhu vanotadza ثُمَّ أَنشَأۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِمۡ قُرُونًا ءَاخَرِينَ ٤٢Uye takasika mamwe marudzi mushure mavo مَا تَسۡبِقُ مِنۡ أُمَّةٍ أَجَلَهَا وَمَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ ٤٣Hakuna rudzi (vanhu) rungaita kuti nguva yavo ikasire, kana kuve inonoka ثُمَّ أَرۡسَلۡنَا رُسُلَنَا تَتۡرَاۖ كُلَّ مَا جَآءَ أُمَّةً رَّسُولُهَا كَذَّبُوهُۖ فَأَتۡبَعۡنَا بَعۡضَهُم بَعۡضًا وَجَعَلۡنَٰهُمۡ أَحَادِيثَۚ فَبُعۡدًا لِّقَوۡمٍ لَّا يُؤۡمِنُونَ ٤٤Uye takave tinotumira vatumwa vedu vachiteverana (umwe mushure memumwe). Nguva dzose paiuya mutumwa wavo kune boka revanhu, vaimuramba; nokudaro takave tinoita kuti vave vanoteverana mukuparadzwa, uye takave tinoita kuti vave nyaya (pakati pevanhu sechidzidzo). Saka ngavave kure avo vanhu vsingatendi ثُمَّ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ وَأَخَاهُ هَٰرُونَ بِـَٔايَٰتِنَا وَسُلۡطَٰنٍ مُّبِينٍ ٤٥Uye takave tinotuma Musa nemukoma wake Haaroon (Aroni) nezviratidzo zvedu uye nemasimba ari pachena إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَٱسۡتَكۡبَرُواْ وَكَانُواْ قَوۡمًا عَالِينَ ٤٦Kuna Farawo nemakurukota ake, asi vakave vanozvitutumadza, uye vakave vanhu vanozvikudza فَقَالُوٓاْ أَنُؤۡمِنُ لِبَشَرَيۡنِ مِثۡلِنَا وَقَوۡمُهُمَا لَنَا عَٰبِدُونَ ٤٧Uye vakataura kuti (Farawo nemakurukota ake): “Tingatenda here mune varume vaviri vakaita sesu, avo vekuti rudzi rwavo varanda vedu?” فَكَذَّبُوهُمَا فَكَانُواْ مِنَ ٱلۡمُهۡلَكِينَ ٤٨Vakave vanovaramba vose (vari vaviri), uye vakave veavo vakaparadzwa وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ لَعَلَّهُمۡ يَهۡتَدُونَ ٤٩Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro, kuti zvimwe vangave vanotungamirwa وَجَعَلۡنَا ٱبۡنَ مَرۡيَمَ وَأُمَّهُۥٓ ءَايَةً وَءَاوَيۡنَٰهُمَآ إِلَىٰ رَبۡوَةٍ ذَاتِ قَرَارٍ وَمَعِينٍ ٥٠Uye takave tinoita mwanakomana waMariya uye naamai vake chiratidzo, uye takavachengetedza panzvimbo yakakwirira, nzvimbo yekuzorora, ine chengetedzo uye mvura inoerera يَٰٓأَيُّهَا ٱلرُّسُلُ كُلُواْ مِنَ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَٱعۡمَلُواْ صَٰلِحًاۖ إِنِّي بِمَا تَعۡمَلُونَ عَلِيمٌ ٥١(Allah vakataura kuti): “Imi vatumwa! Idyai zvakachena, mova munoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, ndinoziva zvikuru zvose zvamunoita.” وَإِنَّ هَٰذِهِۦٓ أُمَّتُكُمۡ أُمَّةً وَٰحِدَةً وَأَنَا۠ رَبُّكُمۡ فَٱتَّقُونِ ٥٢“Uye zvirokwazvo, ichi chitendero chenyu (Islaam) chimwe chete, uye ndini Tenzi venyu. Nokudaro, ivai munonditya.” فَتَقَطَّعُوٓاْ أَمۡرَهُم بَيۡنَهُمۡ زُبُرًاۖ كُلُّ حِزۡبِۭ بِمَا لَدَيۡهِمۡ فَرِحُونَ ٥٣Asi (vanhu) vakave vanopatsanura chitendero chavo pakati pavo mumapoka-poka, boka rimwe nerimwe (boka rose) richifara nezvarinazvo فَذَرۡهُمۡ فِي غَمۡرَتِهِمۡ حَتَّىٰ حِينٍ ٥٤Saka vasiyei mukurasika kwavo kwekanguva أَيَحۡسَبُونَ أَنَّمَا نُمِدُّهُم بِهِۦ مِن مَّالٍ وَبَنِينَ ٥٥Vanofunga here kuti kuvawedzera muhupfumi nevana نُسَارِعُ لَهُمۡ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِۚ بَل لَّا يَشۡعُرُونَ ٥٦Kuti tirikuvapa zvakanaka nekukurumidza? Kwete! (Asi muedzo pasi pano kuti vasave nemugove muhupenyu hwemangwana) asi havazvifungi إِنَّ ٱلَّذِينَ هُم مِّنۡ خَشۡيَةِ رَبِّهِم مُّشۡفِقُونَ ٥٧Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakangwarira وَٱلَّذِينَ هُم بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ يُؤۡمِنُونَ ٥٨Uye avo vanotenda muzviratidzo zvaTenzi vavo وَٱلَّذِينَ هُم بِرَبِّهِمۡ لَا يُشۡرِكُونَ ٥٩Uye avo vasingasanganisi Tenzi vavo nechimwe chinhu (mukunamata) وَٱلَّذِينَ يُؤۡتُونَ مَآ ءَاتَواْ وَّقُلُوبُهُمۡ وَجِلَةٌ أَنَّهُمۡ إِلَىٰ رَبِّهِمۡ رَٰجِعُونَ ٦٠Uye avo vanopa (Swadaqah) zvavanopa moyo yavo izere nokutya (kuti zvatambirwa here kana kuti kwete), nokuti vachave zvirokwazvo vanodzokera kuna Tenzi vavo أُوْلَٰٓئِكَ يُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِ وَهُمۡ لَهَا سَٰبِقُونَ ٦١Ndeavo vanomhanyira kumabasa akanaka, uye ndivo vekutanga maari وَلَا نُكَلِّفُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَاۚ وَلَدَيۡنَا كِتَٰبٌ يَنطِقُ بِٱلۡحَقِّ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ٦٢Uye hatikomekedzi munhu kusara kweizvo zvaanogona, uye tine gwaro rinotaura chokwadi, uye havave vachatadzirwa بَلۡ قُلُوبُهُمۡ فِي غَمۡرَةٍ مِّنۡ هَٰذَا وَلَهُمۡ أَعۡمَٰلٌ مِّن دُونِ ذَٰلِكَ هُمۡ لَهَا عَٰمِلُونَ ٦٣Asi moyo yavo yakaputirwa kubva kwariri (Qur’aan, kurinzwisisa), uye vane mabasa mamwe (akaipa) kusara kweayo avari kuita حَتَّىٰٓ إِذَآ أَخَذۡنَا مُتۡرَفِيهِم بِٱلۡعَذَابِ إِذَا هُمۡ يَجۡـَٔرُونَ ٦٤Kusvika taparadza vapfumi pakati pavo nemurango (vasingatarisiri); tarisai, vanova vanochema neizwi riripamusoro (kuna Allah) vachida rubatsiro لَا تَجۡـَٔرُواْ ٱلۡيَوۡمَۖ إِنَّكُم مِّنَّا لَا تُنصَرُونَ ٦٥Musacheme neizwi riripamusoro nhasi! Zvirokwazvo, hamuve munobatsirwa nesu قَدۡ كَانَتۡ ءَايَٰتِي تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ فَكُنتُمۡ عَلَىٰٓ أَعۡقَٰبِكُمۡ تَنكِصُونَ ٦٦Zvirokwazvo, ndima dzangu dzakave dzinoverengwa kwamuri, asi imi maifuratira nezvitsitsinho zvenyu (muchidziramba) مُسۡتَكۡبِرِينَ بِهِۦ سَٰمِرًا تَهۡجُرُونَ ٦٧Muchizvitutumadza, muchitaura usiku zvakashata pamusoro paro (Qur’aan) أَفَلَمۡ يَدَّبَّرُواْ ٱلۡقَوۡلَ أَمۡ جَآءَهُم مَّا لَمۡ يَأۡتِ ءَابَآءَهُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٦٨Uye havave here vanodzamisa pfungwa dzavo pamusoro peshoko (raAllah, Qur’aan), kana kuti kwakauya kwavari izvo zvisina kuuya kune madzitateguru avo أَمۡ لَمۡ يَعۡرِفُواْ رَسُولَهُمۡ فَهُمۡ لَهُۥ مُنكِرُونَ ٦٩Kana kuti havazivi mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), saka vachimuramba أَمۡ يَقُولُونَ بِهِۦ جِنَّةُۢۚ بَلۡ جَآءَهُم بِٱلۡحَقِّ وَأَكۡثَرُهُمۡ لِلۡحَقِّ كَٰرِهُونَ ٧٠Kana kuti vanotaura (kuti): “Ane kupenga maari?” Asi akavawunzira chokwadi (Islaam), asi vazhinji vavo (vasingatendi) vanoramba chokwadi وَلَوِ ٱتَّبَعَ ٱلۡحَقُّ أَهۡوَآءَهُمۡ لَفَسَدَتِ ٱلسَّمَٰوَٰتُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهِنَّۚ بَلۡ أَتَيۡنَٰهُم بِذِكۡرِهِمۡ فَهُمۡ عَن ذِكۡرِهِم مُّعۡرِضُونَ ٧١Asi dai chokwadi chakatevera izvo zvavanoshuvira, zvirokwazvo, matenga uye nepasi uye avo vari mazviri zvaidai zvisina kumira zvakanaka (zvaishata)! Asi tavaunzira yeuchidzo yavo, asi ivo vanofuratira yeuchidzo yavo أَمۡ تَسۡـَٔلُهُمۡ خَرۡجًا فَخَرَاجُ رَبِّكَ خَيۡرٌۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلرَّٰزِقِينَ ٧٢Kana kuti iwe (Muhammad (SAW)) unovabvunza mubairo? Asi mubairo waTenzi vako ndiwo wakanaka, uye ndivo (Tenzi vako) nyanzvi pakupa raramo وَإِنَّكَ لَتَدۡعُوهُمۡ إِلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٧٣Uye zvirokwazvo, unovakoka (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka (Islaam) وَإِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ عَنِ ٱلصِّرَٰطِ لَنَٰكِبُونَ ٧٤Asi zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu huri mushure mekufa, vari zvirokwazvo kubva munzira yakatwasuka (Islaam) ۞ وَلَوۡ رَحِمۡنَٰهُمۡ وَكَشَفۡنَا مَا بِهِم مِّن ضُرٍّ لَّلَجُّواْ فِي طُغۡيَٰنِهِمۡ يَعۡمَهُونَ ٧٥Uye nyangwe tikavapa tsitsi uye tobvisa matambudziko ari pavari, vanoramba vachingoita zvitadzo zvavo, vachidzungaira vasingadi (chokwadi, vachiita nokusaziva) وَلَقَدۡ أَخَذۡنَٰهُم بِٱلۡعَذَابِ فَمَا ٱسۡتَكَانُواْ لِرَبِّهِمۡ وَمَا يَتَضَرَّعُونَ ٧٦Uye takave tinovabata nemarwadzo (tinovatumira seyambiro), asi havana kuva vanozvininipisa kuna Tenzi vavo, uye havana kusheedza (Allah) vachizvipira kwavari حَتَّىٰٓ إِذَا فَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَابًا ذَا عَذَابٍ شَدِيدٍ إِذَا هُمۡ فِيهِ مُبۡلِسُونَ ٧٧Kusvikira tavavhurira gonhi remarwadzo makuru, nenguva diki vachange varimo vachishungurudzika وَهُوَ ٱلَّذِيٓ أَنشَأَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَۚ قَلِيلًا مَّا تَشۡكُرُونَ ٧٨Uye ndivo (Allah) vakakugadzirirai kunzwa (nzeve), nokuona (maziso), uye moyo (kufunga kwakakwana). Asi kashoma pamunopa kutenda وَهُوَ ٱلَّذِي ذَرَأَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَإِلَيۡهِ تُحۡشَرُونَ ٧٩Uye ndivo (Allah) vanokusikai panyika, uye kwavarizve muchaunganidzwa وَهُوَ ٱلَّذِي يُحۡيِۦ وَيُمِيتُ وَلَهُ ٱخۡتِلَٰفُ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ٨٠Uye ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vokonzera kufa, uye kupindana (kupesana) kweusiku nemasikai ndekwavo (Allah). Saka hamunzwisisiwo here بَلۡ قَالُواْ مِثۡلَ مَا قَالَ ٱلۡأَوَّلُونَ ٨١Asi vanotaura sematauriro evanhu vokutanga ivo vasati vavapo قَالُوٓاْ أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابًا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ ٨٢Vakataura kuti: “Kana tafa tova ivhu nemapfupa, tichamutswa here zvechokwadi?” لَقَدۡ وُعِدۡنَا نَحۡنُ وَءَابَآؤُنَا هَٰذَا مِن قَبۡلُ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّآ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٨٣“Zvirokwazvo, takavimbiswa izvi isu nemadzibaba edu kumashure! Izvi hazvisi chimwe chinhu kusara kwengano dzeavo vaivapo kare!” قُل لِّمَنِ ٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهَآ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ٨٤Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Ndiani muridzi wenyika uye wese arimo, kana muchiziva?” سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ ٨٥Vachataura kuti: “NdiAllah!” Taura kuti: “Saka hamurangarire here?” قُلۡ مَن رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ ٱلسَّبۡعِ وَرَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡعَظِيمِ ٨٦Taura kuti: “Ndiani Tenzi vematenga manomwe, uye Tenzi vechigaro chikuru?” سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ ٨٧Vachataura kuti: “Allah.” Taura kuti: “Saka hamuvatyi here?” قُلۡ مَنۢ بِيَدِهِۦ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيۡءٍ وَهُوَ يُجِيرُ وَلَا يُجَارُ عَلَيۡهِ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ٨٨Taura kuti: “Mumaoko ani mune ushe wezvinhu zvose? Uye vanodzivirira asi ivo hapana anovadzivirira kana muchiziva?” سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ فَأَنَّىٰ تُسۡحَرُونَ ٨٩Vachataura kuti: “(Zvese) ndezva Allah.” Taura kuti: “Saka sei muchinyengedzwa muchitendeukira chokwadi?” بَلۡ أَتَيۡنَٰهُم بِٱلۡحَقِّ وَإِنَّهُمۡ لَكَٰذِبُونَ ٩٠Asi tavaunzira chokwadi (Islaam), asi ivo (vasingatendi) zvirokwazvo vanyepi مَا ٱتَّخَذَ ٱللَّهُ مِن وَلَدٍ وَمَا كَانَ مَعَهُۥ مِنۡ إِلَٰهٍۚ إِذًا لَّذَهَبَ كُلُّ إِلَٰهِۭ بِمَا خَلَقَ وَلَعَلَا بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍۚ سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ عَمَّا يَصِفُونَ ٩١Allah havana mwanakomana (kana sikana), kana kuti kune umwe mwari navo. (Dai varipo vanamwari vakawanda), umwe neumwe mwari aizotora izvo zvaakasika, uye vamwe vavo vaizoedza kukunda vamwe. Mukuru ndiAllah vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo عَٰلِمِ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ فَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ٩٢(Ndivo) vanoziva izvo zvisingaoneki uye izvo zvinooneka! Saka mukuru ndivo pamusoro peizvo zvavanomusanganisa nazvo قُل رَّبِّ إِمَّا تُرِيَنِّي مَا يُوعَدُونَ ٩٣Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Dai mandiratidza izvo zvavakavimbiswa (murango).” رَبِّ فَلَا تَجۡعَلۡنِي فِي ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٩٤“Tenzi vangu! Saka (ndinunurei kubva kumurango wenyu), musandiise pakati peavo vanhu vanotadza.” وَإِنَّا عَلَىٰٓ أَن نُّرِيَكَ مَا نَعِدُهُمۡ لَقَٰدِرُونَ ٩٥Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuratidza (Muhammad (SAW)) izvo zvatinovavimbisa ٱدۡفَعۡ بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُ ٱلسَّيِّئَةَۚ نَحۡنُ أَعۡلَمُ بِمَا يَصِفُونَ ٩٦Dzivirira zvivi neicho chiri nani. Isu tisu tinoziva izvo zvavanovasanangudza nazvo وَقُل رَّبِّ أَعُوذُ بِكَ مِنۡ هَمَزَٰتِ ٱلشَّيَٰطِينِ ٩٧Uye taura kuti: “Tenzi vangu! Ndokumbirawo ruponeso kwamuri kubva kune ruzeve-zeve rwemaShayaatween (vanadhiyabhorosi).” وَأَعُوذُ بِكَ رَبِّ أَن يَحۡضُرُونِ ٩٨“Uye ndinokumbira ruponeso maMuri, Tenzi vangu, nyangwe vakavapo pedyo neni.” حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَ أَحَدَهُمُ ٱلۡمَوۡتُ قَالَ رَبِّ ٱرۡجِعُونِ ٩٩Kusvikira rufu rwauya kune umwe wavo (weavo vasingatendi), anotaura kuti: “Tenzi vangu! Ndidzorereizve (panyika).” لَعَلِّيٓ أَعۡمَلُ صَٰلِحًا فِيمَا تَرَكۡتُۚ كـَلَّآۚ إِنَّهَا كَلِمَةٌ هُوَ قَآئِلُهَاۖ وَمِن وَرَآئِهِم بَرۡزَخٌ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ ١٠٠“Kuti ndinoita mabasa akanaka awo andisina kuita kumashure!” Kwete! Mashoko chete aari kutaura; uye kumberi kwavo kune Barzakh (Chidziviso) kusvikira zuva ravachamutswa (kubva kuvafi) فَإِذَا نُفِخَ فِي ٱلصُّورِ فَلَآ أَنسَابَ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَئِذٍ وَلَا يَتَسَآءَلُونَ ١٠١Uye kana hwamanda yaridzwa, hapana hukama uchange huripo pakati pavo pazuva iroro, uye hapana achabvunza umwe pamusoro peumwe فَمَن ثَقُلَتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ١٠٢Uye avo miyero yavo icharema (nezvakanaka), ndivo avo vachabudirira وَمَنۡ خَفَّتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ فِي جَهَنَّمَ خَٰلِدُونَ ١٠٣Asi avo miyero yavo ichareruka, ndivo vanhu vakazvirasisa pachavo, uye vachava vagari vemuGehena nekusingaperi تَلۡفَحُ وُجُوهَهُمُ ٱلنَّارُ وَهُمۡ فِيهَا كَٰلِحُونَ ١٠٤Moto uchapisa zviso zvavo, uye varimo vachasara vakanyenama (miromo yavo yatsva) أَلَمۡ تَكُنۡ ءَايَٰتِي تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ فَكُنتُم بِهَا تُكَذِّبُونَ ١٠٥(Kuchataurwa) kuti: “Ndima dzangu hadzina kuverengwa kwamuri here, uye maidziramba?” قَالُواْ رَبَّنَا غَلَبَتۡ عَلَيۡنَا شِقۡوَتُنَا وَكُنَّا قَوۡمًا ضَآلِّينَ ١٠٦Vachataura kuti: “Tenzi vedu! Kushata kwedu kwave kunotikurira, uye taive vanhu vakarasika.” رَبَّنَآ أَخۡرِجۡنَا مِنۡهَا فَإِنۡ عُدۡنَا فَإِنَّا ظَٰلِمُونَ ١٠٧“Tenzi vedu! Tiburitsei mazviri. Uye tikava tinodzekera (kumabasa akaipa), zvirokwazvo, tinenge tiri vanhu vanotadza.” قَالَ ٱخۡسَـُٔواْ فِيهَا وَلَا تُكَلِّمُونِ ١٠٨Vachataura (Allah) kuti: “Rambai murimo makadzikisirwa, uye musave munotaura neni!” إِنَّهُۥ كَانَ فَرِيقٌ مِّنۡ عِبَادِي يَقُولُونَ رَبَّنَآ ءَامَنَّا فَٱغۡفِرۡ لَنَا وَٱرۡحَمۡنَا وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلرَّٰحِمِينَ ١٠٩Zvirokwazvo, paiva neboka revaranda vangu vaitaura kuti: “Tenzi vedu! Tinotenda, saka tiregererei, uye mova munotinzwira tsitsi, uye ndimi nyanzvi kukunda vese pakunzwira tsitsi!” فَٱتَّخَذۡتُمُوهُمۡ سِخۡرِيًّا حَتَّىٰٓ أَنسَوۡكُمۡ ذِكۡرِي وَكُنتُم مِّنۡهُمۡ تَضۡحَكُونَ ١١٠“Asi makavatora sechisekwa, kusvikira vakuitai kuti mukanganwe rangariro yangu muchivaseka!” إِنِّي جَزَيۡتُهُمُ ٱلۡيَوۡمَ بِمَا صَبَرُوٓاْ أَنَّهُمۡ هُمُ ٱلۡفَآئِزُونَ ١١١“Zvirokwazvo, ndavapa makomborero muzuva ranhasi nekuda kwekutsungirira kwavo, kuti zvirokwazvo ndivo vanhu vakabudirira.” قَٰلَ كَمۡ لَبِثۡتُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ عَدَدَ سِنِينَ ١١٢(Allah) vachataura kuti: “Makagara makore mangani panyika?” قَالُواْ لَبِثۡنَا يَوۡمًا أَوۡ بَعۡضَ يَوۡمٍ فَسۡـَٔلِ ٱلۡعَآدِّينَ ١١٣Vachataura kuti: “Takagara zuva rimwe chete kana chidimbu chezuva. Bvunzai avo vanoverenga.” قَٰلَ إِن لَّبِثۡتُمۡ إِلَّا قَلِيلًاۖ لَّوۡ أَنَّكُمۡ كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ١١٤(Allah) vachataura kuti: “Hamuna kugara kusara kwekanguva kadiki kana muchiziva!” أَفَحَسِبۡتُمۡ أَنَّمَا خَلَقۡنَٰكُمۡ عَبَثًا وَأَنَّكُمۡ إِلَيۡنَا لَا تُرۡجَعُونَ ١١٥“Maifunga kuti takakusikai sedambe (pasina chinangwa), uye kuti hamusi kuzodzoswa kwatiri (Allah).” فَتَعَٰلَى ٱللَّهُ ٱلۡمَلِكُ ٱلۡحَقُّۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ رَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡكَرِيمِ ١١٦Saka mukuru ndiAllah, Mambo vechokwadi! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kusara kwavo), Tenzi wechigaro chitsvene وَمَن يَدۡعُ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ لَا بُرۡهَٰنَ لَهُۥ بِهِۦ فَإِنَّمَا حِسَابُهُۥ عِندَ رَبِّهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلۡكَٰفِرُونَ ١١٧Uye uyo anonamata umwe mwari kusara kwaAllah asina humboo (nazvo), zvino zvirokwazvo mutongo wake huna Tenzi vake. Zvirokwazvo, avo vasingatendi havabudiriri وَقُل رَّبِّ ٱغۡفِرۡ وَٱرۡحَمۡ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلرَّٰحِمِينَ ١١٨Uye (iwe Muhammad (SAW)) taura kuti: “Tenzi vangu! Regererai uye ivai netsitsi, uye ndimi nyanzvi inokunda vese pakunzwira tsitsi!”

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.