بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡمُزَّمِّلُ ١Iwe wakaputirwa mumachira (Mutumwa Muhammad (SAW) قُمِ ٱلَّيۡلَ إِلَّا قَلِيلًا ٢Muka (mira) unamate usiku hwose kusiya kwekachidimbu (kehusiku) Tahajjud نِّصۡفَهُۥٓ أَوِ ٱنقُصۡ مِنۡهُ قَلِيلًا ٣Chidimbu chepakati nepakati kana chishoma pane izvozvo أَوۡ زِدۡ عَلَيۡهِ وَرَتِّلِ ٱلۡقُرۡءَانَ تَرۡتِيلًا ٤Kana kuti owedzera zvishoma (kubva pakati nepakati). Uyezve verenga Qur’aan (uchisheedzesa) zvinyoro-nyoro, (nezwi rinoyevedza) uchinyatsokukwenenzvera إِنَّا سَنُلۡقِي عَلَيۡكَ قَوۡلًا ثَقِيلًا ٥Muzvirokwazvo, tichaburutsa kwauri mashoko ane hudzamu (huremu) (mitemo, zvinhu zvakakomekedzwa) إِنَّ نَاشِئَةَ ٱلَّيۡلِ هِيَ أَشَدُّ وَطۡـًٔا وَأَقۡوَمُ قِيلًا ٦Zvirokwazvo, kumuka pakati pehusiku (uchinamata/uchimukira munamato weTahajjud) chinhu chakaoma chinonetsa, uye chinobatsira zvikuru (chiguro), uye chakanaka pakuzvichengetedza, uye ndicho chinonyatsoita kuti munhu anyatsonzwisisa shoko (raAllah) إِنَّ لَكَ فِي ٱلنَّهَارِ سَبۡحًا طَوِيلًا ٧Zvirokwazvo, muswero wezuva unenge uine mabasa (akasiyana siyana akawanda) emazuva ose وَٱذۡكُرِ ٱسۡمَ رَبِّكَ وَتَبَتَّلۡ إِلَيۡهِ تَبۡتِيلًا ٨Uyezve rangarira zita raTenzi vako (Allah) wova unozvipira kwavari nemoyo wese (wakaperera) رَّبُّ ٱلۡمَشۡرِقِ وَٱلۡمَغۡرِبِ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ فَٱتَّخِذۡهُ وَكِيلًا ٩(Ndivo woga) Tenzi vemabvazuva nemadokero (nemavirira); Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwavo – Allah). Naizvozvo, tora ivo voga semuriritiri (vanokwanisa kumiririra mumabasa ako Muhammad (SAW) وَٱصۡبِرۡ عَلَىٰ مَا يَقُولُونَ وَٱهۡجُرۡهُمۡ هَجۡرًا جَمِيلًا ١٠Uye, iwe chitsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura (maKuffaar), uye wogara kure navo mune zvakanaka (usinganetsane navo) وَذَرۡنِي وَٱلۡمُكَذِّبِينَ أُوْلِي ٱلنَّعۡمَةِ وَمَهِّلۡهُمۡ قَلِيلًا ١١Uyezve chindisiya (ini Allah) ndega ndipedzerane neavo maKuffaar (avo vanoramba zviratidzo zvangu), avo vane zvakanyatsonaka zveupenyu (hupfumi). Zvekare (iwe Muhammad (SAW)) chimbovasiya kwechinguvana إِنَّ لَدَيۡنَآ أَنكَالًا وَجَحِيمًا ١٢Muzvirokwazvo, tine ngetani (dzekuvasungisa), uyezve nemoto (unopisa samare) وَطَعَامًا ذَا غُصَّةٍ وَعَذَابًا أَلِيمًا ١٣Uyezve (tine) chikafu chinokachidza, zvekare nemutongo unorwadza يَوۡمَ تَرۡجُفُ ٱلۡأَرۡضُ وَٱلۡجِبَالُ وَكَانَتِ ٱلۡجِبَالُ كَثِيبًا مَّهِيلًا ١٤Pazuva iro pachandengendeka nyika nemakomo (zvine ukasha mukati), zvekare makomo achave dutu rejecha rakamwararidzwa إِنَّآ أَرۡسَلۡنَآ إِلَيۡكُمۡ رَسُولًا شَٰهِدًا عَلَيۡكُمۡ كَمَآ أَرۡسَلۡنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ رَسُولًا ١٥Zvirokwazvo, tave tinokutumirai Mutumwa (Muhammad (SAW)) semupupuri kwamuri, sekutumira mutumwa (Musa kwatakaita) kuna Farawo فَعَصَىٰ فِرۡعَوۡنُ ٱلرَّسُولَ فَأَخَذۡنَٰهُ أَخۡذًا وَبِيلًا ١٦Naizvozvo Farawo haana kuteerera Mutumwa (Musa (AS)); naizvozvo takamuranga (takamutora) nemurango (mukuru) wakaoma فَكَيۡفَ تَتَّقُونَ إِن كَفَرۡتُمۡ يَوۡمًا يَجۡعَلُ ٱلۡوِلۡدَٰنَ شِيبًا ١٧Ko mungadzivirira sei murango kana imi musingatende, pazuva iro (zuva rokutongwa) richaita kuti vana vadiki vamere imvi (kuva nebvudzi rebvumu) ٱلسَّمَآءُ مُنفَطِرُۢ بِهِۦۚ كَانَ وَعۡدُهُۥ مَفۡعُولًا ١٨(Zuva iro) denga parichatsemuka. Muzvokwadi chivimbiso chavo (Allah) chichazadzikiswa إِنَّ هَٰذِهِۦ تَذۡكِرَةٌۖ فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ سَبِيلًا ١٩Muzvirokwazvo, iyi iyeuchidzo; naizvozvo uyo anenge ada musiyei atore nzira yekuna Tenzi vake ۞ إِنَّ رَبَّكَ يَعۡلَمُ أَنَّكَ تَقُومُ أَدۡنَىٰ مِن ثُلُثَيِ ٱلَّيۡلِ وَنِصۡفَهُۥ وَثُلُثَهُۥ وَطَآئِفَةٌ مِّنَ ٱلَّذِينَ مَعَكَۚ وَٱللَّهُ يُقَدِّرُ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَۚ عَلِمَ أَن لَّن تُحۡصُوهُ فَتَابَ عَلَيۡكُمۡۖ فَٱقۡرَءُواْ مَا تَيَسَّرَ مِنَ ٱلۡقُرۡءَانِۚ عَلِمَ أَن سَيَكُونُ مِنكُم مَّرۡضَىٰ وَءَاخَرُونَ يَضۡرِبُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ يَبۡتَغُونَ مِن فَضۡلِ ٱللَّهِ وَءَاخَرُونَ يُقَٰتِلُونَ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِۖ فَٱقۡرَءُواْ مَا تَيَسَّرَ مِنۡهُۚ وَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتُواْ ٱلزَّكَوٰةَ وَأَقۡرِضُواْ ٱللَّهَ قَرۡضًا حَسَنًاۚ وَمَا تُقَدِّمُواْ لِأَنفُسِكُم مِّنۡ خَيۡرٍ تَجِدُوهُ عِندَ ٱللَّهِ هُوَ خَيۡرًا وَأَعۡظَمَ أَجۡرًاۚ وَٱسۡتَغۡفِرُواْ ٱللَّهَۖ إِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمُۢ ٢٠Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vanozviziva kuti unomira (uchinamata usiku) neboka revatevedzeri vako zvishomanana pane zvidimbu zviviri kubva muzvitatu (2/3) dzeusiku, kana kuti chidimbu kubva muzviviri (1/2) dzeusiku, kana kuti chidimbu chimwe kubva muzvitatu (1/3) dzeusiku. Uyezve Allah vanoyera (vanopima) husiku nemasikati. (Allah) vanozviziva kuti haukwanise kunamata husiku hwose, naizvozvo vave vanokuregerera (netsitsi). Naizvozvo chiverenga Qur’aan (zvaunoona) zviri nyore kwauri. (Allah) vanozviziva kuti pakati penyu pane varwere, uyezve vamwe ndivo vanofamba munyika vachitsvaga (makomborero) aAllah, vamwewo ndivo vanorwa munzira yaAllah. Saka naizvozvo verengai kubva mariri (Qur’aan) zvamunokwanisa, zvekare ivai munoita Swalaah (Munamato), mopa Zakaah (Zvipo), mokweretesa Allah kwereteso yakanaka (Moita mabasa akanaka vachakupai mibairo). Uyezve, chingave chii zvacho chamunoita chanaka (Nawaafil Swalaah, Saum, Zakaat, Hajj, Umrah nezvakadarowo), muzvirokwazvo muchazviwana zvina Allah zvitori nani kana kutodarika ipapo pamubairo. Zvekare ivai munokumbira ruregerero kubva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, vane ngoni zhinji