ملة الإسلام

السورة 28 · 88 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة القصص باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة القصص (1,208 قارئاً)
مكيةسورة القصص٨٨ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

طسٓمٓ ١Twaa – Seen – Meem. (Aya ndemamwe emavara ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana umwe anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ ٢Idzi ndidzo ndima dzemuGwaro rakajeka (rinojekesa chokwadi kubva kumanyepo) نَتۡلُواْ عَلَيۡكَ مِن نَّبَإِ مُوسَىٰ وَفِرۡعَوۡنَ بِٱلۡحَقِّ لِقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٣Tinokuverengera dzimwe dzenhaurwa dzaMusa naFarawo muchokwadi, kune vanhu vanotenda (muQur’aan iri uye nemuhumwechete hwaAllah) إِنَّ فِرۡعَوۡنَ عَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَجَعَلَ أَهۡلَهَا شِيَعًا يَسۡتَضۡعِفُ طَآئِفَةً مِّنۡهُمۡ يُذَبِّحُ أَبۡنَآءَهُمۡ وَيَسۡتَحۡيِۦ نِسَآءَهُمۡۚ إِنَّهُۥ كَانَ مِنَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ٤Zvirokwazvo, Farawo akazvitutumadza munyika uye akaita vanhu vemo zvikwata, achidzvinyirira rimwe bato (vana vaIzirairi) pakati pavo, achiuraya vanakomana vavo, uye achisiya vakadzi vavo vararame. Zvirokwazvo, aive umwe wevatadzi vakuru وَنُرِيدُ أَن نَّمُنَّ عَلَى ٱلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَنَجۡعَلَهُمۡ أَئِمَّةً وَنَجۡعَلَهُمُ ٱلۡوَٰرِثِينَ ٥Uye takada kuvapa makomborero avo vaidzvinyirirwa munyika, uye kuti tivaite vatongi uye vagari venhaka وَنُمَكِّنَ لَهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَنُرِيَ فِرۡعَوۡنَ وَهَٰمَٰنَ وَجُنُودَهُمَا مِنۡهُم مَّا كَانُواْ يَحۡذَرُونَ ٦Uye kuvagadza munyika, uye kuratidza Farawo naHaamaan nemauto avo kubva kwavari izvo zvavaitya وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰٓ أُمِّ مُوسَىٰٓ أَنۡ أَرۡضِعِيهِۖ فَإِذَا خِفۡتِ عَلَيۡهِ فَأَلۡقِيهِ فِي ٱلۡيَمِّ وَلَا تَخَافِي وَلَا تَحۡزَنِيٓۖ إِنَّا رَآدُّوهُ إِلَيۡكِ وَجَاعِلُوهُ مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٧Takave tinoudza amai vaMusa tichiti: “Muyamwisei (Musa), asi kana muchimutyira, saka mukandei murwizi uye musatya, kana kusuruvara. Zvirokwazvo, tichamuunza zvakare kwamuri, uye tichamuita mumwe wevatumwa (vedu).” فَٱلۡتَقَطَهُۥٓ ءَالُ فِرۡعَوۡنَ لِيَكُونَ لَهُمۡ عَدُوًّا وَحَزَنًاۗ إِنَّ فِرۡعَوۡنَ وَهَٰمَٰنَ وَجُنُودَهُمَا كَانُواْ خَٰطِـِٔينَ ٨Naizvozvo vanhu vemhuri yaFarawo vakamunhonga, kuti azove kwavari muvengi uye honzeri yekusuruvara. Zvirokwazvo, Farawo, Haamaan uye nemauto avo vaive vatadzi وَقَالَتِ ٱمۡرَأَتُ فِرۡعَوۡنَ قُرَّتُ عَيۡنٍ لِّي وَلَكَۖ لَا تَقۡتُلُوهُ عَسَىٰٓ أَن يَنفَعَنَآ أَوۡ نَتَّخِذَهُۥ وَلَدًا وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ٩Uye mukadzi waFarawo akati: “Nyaradzo yemeso angu newe. Musamuuraya, dzimwe dzenguva achave anove chibatsiro kwatiri, kana kumuita mwanakomana wedu.” Asi havana kufunga (magumo azvo) وَأَصۡبَحَ فُؤَادُ أُمِّ مُوسَىٰ فَٰرِغًاۖ إِن كَادَتۡ لَتُبۡدِي بِهِۦ لَوۡلَآ أَن رَّبَطۡنَا عَلَىٰ قَلۡبِهَا لِتَكُونَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٠Uye moyo wamai vaMusa wakave nekusurukirwa. Vaiva pedyo nekuburitsa nyaya (yokuti ndimwana wavo), dai tisina kusimbisa moyo wavo (nekutenda), kuti vave vanoramba vari vevamwe vanotenda وَقَالَتۡ لِأُخۡتِهِۦ قُصِّيهِۖ فَبَصُرَتۡ بِهِۦ عَن جُنُبٍ وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ١١Uye vakati kuhanzvadzi yake (yaMusa): “Mutevere!” Saka akamutarisa kunzvimbo iri kure muchihwande, asi ivo vasingambofungire ۞ وَحَرَّمۡنَا عَلَيۡهِ ٱلۡمَرَاضِعَ مِن قَبۡلُ فَقَالَتۡ هَلۡ أَدُلُّكُمۡ عَلَىٰٓ أَهۡلِ بَيۡتٍ يَكۡفُلُونَهُۥ لَكُمۡ وَهُمۡ لَهُۥ نَٰصِحُونَ ١٢Uye taive tatorambidza (vamwe) vakadzi vanoyamwisa kwaari, (kusvikira apo yakauya (hanzvadzi yake) ikati: “Ndingakuratidzei kuimba iyo achachengeterwa imi, uye kumutarisa munzira yakanaka?” فَرَدَدۡنَٰهُ إِلَىٰٓ أُمِّهِۦ كَيۡ تَقَرَّ عَيۡنُهَا وَلَا تَحۡزَنَ وَلِتَعۡلَمَ أَنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقٌّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ١٣Saka takamudzorera kuna amai vake, kuti maziso avo ave nerugare (nemufaro), uye kuti vasatsutsumwe, uye kuti vazive (amai vake) kuti vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Asi vakawanda vavo havazive وَلَمَّا بَلَغَ أَشُدَّهُۥ وَٱسۡتَوَىٰٓ ءَاتَيۡنَٰهُ حُكۡمًا وَعِلۡمًاۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ١٤Uye apo aiva agwinya, uye abve zera (ava murume akakwana), takave tinomupa Hukm (huporofita, uye nekutonga kuzere) uye ruzivo rwechitendero (Islaam). Uye saizvozvo tinova tinopa mubairo kune vaiti vezvakanaka وَدَخَلَ ٱلۡمَدِينَةَ عَلَىٰ حِينِ غَفۡلَةٍ مِّنۡ أَهۡلِهَا فَوَجَدَ فِيهَا رَجُلَيۡنِ يَقۡتَتِلَانِ هَٰذَا مِن شِيعَتِهِۦ وَهَٰذَا مِنۡ عَدُوِّهِۦۖ فَٱسۡتَغَٰثَهُ ٱلَّذِي مِن شِيعَتِهِۦ عَلَى ٱلَّذِي مِنۡ عَدُوِّهِۦ فَوَكَزَهُۥ مُوسَىٰ فَقَضَىٰ عَلَيۡهِۖ قَالَ هَٰذَا مِنۡ عَمَلِ ٱلشَّيۡطَٰنِۖ إِنَّهُۥ عَدُوٌّ مُّضِلٌّ مُّبِينٌ ١٥Uye akapinda muguta munguva iyo vanhu vemo vaisambozvifungira (vakarivara), akawana imomo varume vaviri vachirwa – umwe wedivi rake (wechitendero chake – kubva kuvana veIzrairi) uye umwe wevavengi vake. Murume wedivi rake akamukumbira rubatsiro kubva kune muvengi, saka Musa akamurova chibhakera ndokumuuraya. Akati: “Izvi kuiita kwaSatani, zvirokwazvo, muvengi ari murasi ari pachena.” قَالَ رَبِّ إِنِّي ظَلَمۡتُ نَفۡسِي فَٱغۡفِرۡ لِي فَغَفَرَ لَهُۥٓۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ ١٦Akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndazvitadzira, saka ndiregererei.” Naizvozvo vakamuregerera. Zvirokwazvo, ndivo muregereri mukuru, ane nyasha zhinji قَالَ رَبِّ بِمَآ أَنۡعَمۡتَ عَلَيَّ فَلَنۡ أَكُونَ ظَهِيرًا لِّلۡمُجۡرِمِينَ ١٧Akati: “Tenzi vangu! Neizvo makandikomborera nazvo, handife ndakave mubatsiri wehoromori!” فَأَصۡبَحَ فِي ٱلۡمَدِينَةِ خَآئِفًا يَتَرَقَّبُ فَإِذَا ٱلَّذِي ٱسۡتَنصَرَهُۥ بِٱلۡأَمۡسِ يَسۡتَصۡرِخُهُۥۚ قَالَ لَهُۥ مُوسَىٰٓ إِنَّكَ لَغَوِيٌّ مُّبِينٌ ١٨Saka akabva atanga kutya, achitarisa tarisa muguta (achimirira magumo emhosva yake), saka murume aive amukumbira rubetsero zuro, akamushevedza achikumbira rubatsiro (zvakare). Musa akati kwaari: “Zvirokwazvo, uri nhungamiri inorasa iri pachena!” فَلَمَّآ أَنۡ أَرَادَ أَن يَبۡطِشَ بِٱلَّذِي هُوَ عَدُوٌّ لَّهُمَا قَالَ يَٰمُوسَىٰٓ أَتُرِيدُ أَن تَقۡتُلَنِي كَمَا قَتَلۡتَ نَفۡسَۢا بِٱلۡأَمۡسِۖ إِن تُرِيدُ إِلَّآ أَن تَكُونَ جَبَّارًا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا تُرِيدُ أَن تَكُونَ مِنَ ٱلۡمُصۡلِحِينَ ١٩Apo akafunga kuti abate murume aive muvengi wavo vose, murume akati: “Iwe Musa! Une chivimbo chokuda kundiuraya semaurairo awakaita murume nezuro? Chinangwa chako hapana kunze kwekuita muipi panyika, kwete kuve mumwe weavo vanoita zvakanaka.” وَجَآءَ رَجُلٌ مِّنۡ أَقۡصَا ٱلۡمَدِينَةِ يَسۡعَىٰ قَالَ يَٰمُوسَىٰٓ إِنَّ ٱلۡمَلَأَ يَأۡتَمِرُونَ بِكَ لِيَقۡتُلُوكَ فَٱخۡرُجۡ إِنِّي لَكَ مِنَ ٱلنَّٰصِحِينَ ٢٠Uye pakauya murume achimhanya, kubva kumapeto eguta. Akati: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, madzimambo vagara dare vose maererano newe kuti vakuuraye, saka tiza. Zvirokwazvo, ndiri wevamwe vakanaka vanokuyambira.” فَخَرَجَ مِنۡهَا خَآئِفًا يَتَرَقَّبُۖ قَالَ رَبِّ نَجِّنِي مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٢١Saka akatiza ikoko, achicheuka-cheuka nekutya. Akati: “Tenzi vangu! Ndinunurei kubva kune vanhu vakaipa!” وَلَمَّا تَوَجَّهَ تِلۡقَآءَ مَدۡيَنَ قَالَ عَسَىٰ رَبِّيٓ أَن يَهۡدِيَنِي سَوَآءَ ٱلسَّبِيلِ ٢٢Uye paainge achienda kudivi reMadyan (Midian), akati: “Dzimwe nguva Tenzi vangu vanove vanonditungamira kugwara rakanaka.” وَلَمَّا وَرَدَ مَآءَ مَدۡيَنَ وَجَدَ عَلَيۡهِ أُمَّةً مِّنَ ٱلنَّاسِ يَسۡقُونَ وَوَجَدَ مِن دُونِهِمُ ٱمۡرَأَتَيۡنِ تَذُودَانِۖ قَالَ مَا خَطۡبُكُمَاۖ قَالَتَا لَا نَسۡقِي حَتَّىٰ يُصۡدِرَ ٱلرِّعَآءُۖ وَأَبُونَا شَيۡخٌ كَبِيرٌ ٢٣Uye paakasvika pabvuva (tsime) reMadyan (Midian), akawana varume vaicherera zvipfuwo zvavo mvura, uye padivi pavo akaona vakadzi vaviri vakarindira zvipfuwo zvavo. Akati: “Chii chiri kukunetsai?” Vakati: “Hatisi kukwanisa kupa mvura zvipfuwo zvedu kusvikira vafudzi vabvisa zvavo. Uye baba vedu vakwegura.” فَسَقَىٰ لَهُمَا ثُمَّ تَوَلَّىٰٓ إِلَى ٱلظِّلِّ فَقَالَ رَبِّ إِنِّي لِمَآ أَنزَلۡتَ إِلَيَّ مِنۡ خَيۡرٍ فَقِيرٌ ٢٤Saka akapa zvipfuwo zvavo mvura, ndokubva adzokera pamumvuri, uye akati: “Tenzi vangu! Chokwadi! Ini ndinoda chero zvacho chakanaka chamunondipa!” فَجَآءَتۡهُ إِحۡدَىٰهُمَا تَمۡشِي عَلَى ٱسۡتِحۡيَآءٍ قَالَتۡ إِنَّ أَبِي يَدۡعُوكَ لِيَجۡزِيَكَ أَجۡرَ مَا سَقَيۡتَ لَنَاۚ فَلَمَّا جَآءَهُۥ وَقَصَّ عَلَيۡهِ ٱلۡقَصَصَ قَالَ لَا تَخَفۡۖ نَجَوۡتَ مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّٰلِمِينَ ٢٥Saka kwakauya kwaari mumwe wevakadzi achifamba achinyara akati: “Zvirokwazvo, baba vangu vari kukushevedza kuti vagokupa mubairo wako nokutipa kwawaita mvura (zvipfuwo zvedu). Saka paakaenda kwavari uye atsanangudza rungano, vakati: “Usatya. Wapunyuka kubva kuvanhu vakaipa.” قَالَتۡ إِحۡدَىٰهُمَا يَٰٓأَبَتِ ٱسۡتَـٔۡجِرۡهُۖ إِنَّ خَيۡرَ مَنِ ٱسۡتَـٔۡجَرۡتَ ٱلۡقَوِيُّ ٱلۡأَمِينُ ٢٦Mumwe wavo (wevakadzi vaviri) akati: “Imi baba! Munyorei basa! Zvirokwazvo, munhu wechirume akanaka kwamuri wekunyora basa ndeuyo akasimba anovimbika.” قَالَ إِنِّيٓ أُرِيدُ أَنۡ أُنكِحَكَ إِحۡدَى ٱبۡنَتَيَّ هَٰتَيۡنِ عَلَىٰٓ أَن تَأۡجُرَنِي ثَمَٰنِيَ حِجَجٍۖ فَإِنۡ أَتۡمَمۡتَ عَشۡرًا فَمِنۡ عِندِكَۖ وَمَآ أُرِيدُ أَنۡ أَشُقَّ عَلَيۡكَۚ سَتَجِدُنِيٓ إِن شَآءَ ٱللَّهُ مِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٢٧Vakati: “Ndinoda kukuroodza mumwe wevanasikana vangu ava, mushure mekunge wandishandira kwemakore masere, asi ukazadzisa makore gumi, zvinenge zviri kwauri. Asi handidi kukuisa panguva yakaoma. Kana Allah vachida, uchandiwana ndiri mumwe weavo vakanaka.” قَالَ ذَٰلِكَ بَيۡنِي وَبَيۡنَكَۖ أَيَّمَا ٱلۡأَجَلَيۡنِ قَضَيۡتُ فَلَا عُدۡوَٰنَ عَلَيَّۖ وَٱللَّهُ عَلَىٰ مَا نَقُولُ وَكِيلٌ ٢٨Iye (Musa) akati: “Ichi (chiwirirano) chiri pakati pangu nemi, nguva yandichapedza pakati pedziviri pasave nekundidzvinyirira. Uye Allah ndivo mumiriri pamusoro pezvatinotaura.” ۞ فَلَمَّا قَضَىٰ مُوسَى ٱلۡأَجَلَ وَسَارَ بِأَهۡلِهِۦٓ ءَانَسَ مِن جَانِبِ ٱلطُّورِ نَارًاۖ قَالَ لِأَهۡلِهِ ٱمۡكُثُوٓاْ إِنِّيٓ ءَانَسۡتُ نَارًا لَّعَلِّيٓ ءَاتِيكُم مِّنۡهَا بِخَبَرٍ أَوۡ جَذۡوَةٍ مِّنَ ٱلنَّارِ لَعَلَّكُمۡ تَصۡطَلُونَ ٢٩Apo Musa paakazadzikisa nguva yacho, uye achifamba nemhuri yake, akaona moto kudivi reToor (Gomo). Akati kumhuri yake: “Mirai! Ndaona moto; zvingadaro kuti ndingakuvigirai nhau kubva ikoko, kana chitsiga chemoto kuti mugozvidziisa.” فَلَمَّآ أَتَىٰهَا نُودِيَ مِن شَٰطِيِٕ ٱلۡوَادِ ٱلۡأَيۡمَنِ فِي ٱلۡبُقۡعَةِ ٱلۡمُبَٰرَكَةِ مِنَ ٱلشَّجَرَةِ أَن يَٰمُوسَىٰٓ إِنِّيٓ أَنَا ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٣٠Saka paakasvika pauri (moto) akashevedzwa kubva kurutivi rwerudyi rwemupata, munzvimbo yakaropafadzwa, kubva mumuti: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndini Allah, Tenzi vezvinhu zvose (vanhu, maJinn nezvose zviripo)!” وَأَنۡ أَلۡقِ عَصَاكَۚ فَلَمَّا رَءَاهَا تَهۡتَزُّ كَأَنَّهَا جَآنٌّ وَلَّىٰ مُدۡبِرًا وَلَمۡ يُعَقِّبۡۚ يَٰمُوسَىٰٓ أَقۡبِلۡ وَلَا تَخَفۡۖ إِنَّكَ مِنَ ٱلۡأٓمِنِينَ ٣١“Uye kanda tsvimbo yako!” Apo akaiona ichifamba senyoka, akatendeuka achitiza nekutya, uye haana kutarisa mushure zvekare. (Zvikanzi): “Iwe Musa! Swedera pedyo, usatye. Zvirokwazvo, uri pane avo vakachengetedzwa.” ٱسۡلُكۡ يَدَكَ فِي جَيۡبِكَ تَخۡرُجۡ بَيۡضَآءَ مِنۡ غَيۡرِ سُوٓءٍ وَٱضۡمُمۡ إِلَيۡكَ جَنَاحَكَ مِنَ ٱلرَّهۡبِۖ فَذَٰنِكَ بُرۡهَٰنَانِ مِن رَّبِّكَ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦٓۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمًا فَٰسِقِينَ ٣٢“Isa ruoko rwako muhapwa mako, richabuda kubvamo riri chena risina chirwere, uye endesa ruoko rwako kune rimwe divi kuti uve unosununguka kubva mukutya. Iyi ndiyo micherechedzo miviri kubva kuna Tenzi vako kuna Farawo uye nemadzimambo ake. Zvirokwazvo, ndivo vanhu vasingateereri.” قَالَ رَبِّ إِنِّي قَتَلۡتُ مِنۡهُمۡ نَفۡسًا فَأَخَافُ أَن يَقۡتُلُونِ ٣٣Akati: “Tenzi vangu! Ndakauraya mumwe wevarume vavo, ndinotya kuti vangandiuraye.” وَأَخِي هَٰرُونُ هُوَ أَفۡصَحُ مِنِّي لِسَانًا فَأَرۡسِلۡهُ مَعِيَ رِدۡءًا يُصَدِّقُنِيٓۖ إِنِّيٓ أَخَافُ أَن يُكَذِّبُونِ ٣٤“Uye mukoma wangu Haaroon (Aroni) ndiye anonyatsogona kutaura kudarika ini. Saka nditumeyi naiye kuti ave mubatsiri achinditsigira. Zvirokwazvo, ndinotya kuti vangandirambe.” قَالَ سَنَشُدُّ عَضُدَكَ بِأَخِيكَ وَنَجۡعَلُ لَكُمَا سُلۡطَٰنًا فَلَا يَصِلُونَ إِلَيۡكُمَا بِـَٔايَٰتِنَآۚ أَنتُمَا وَمَنِ ٱتَّبَعَكُمَا ٱلۡغَٰلِبُونَ ٣٥Allah vakati: “Tichave tinokusimbisa kuburikidza nemukoma wako, uye tichakupai simba mose, kuti vasave vanokukuvadzai; nemicherechedzo yedu, mose muri maviri neavo vachakuteverai muchave vakundi.” فَلَمَّا جَآءَهُم مُّوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَا بَيِّنَٰتٍ قَالُواْ مَا هَٰذَآ إِلَّا سِحۡرٌ مُّفۡتَرًى وَمَا سَمِعۡنَا بِهَٰذَا فِيٓ ءَابَآئِنَا ٱلۡأَوَّلِينَ ٣٦Saka apo Musa akauya kwavari nemicherechedzo yedu iri pachena, vakati: “Hapana nezviripo kunze kwekuti masaramusi. Hatina kubvira tanzwa nezvazvo kubva kumadzitateguru edu.” وَقَالَ مُوسَىٰ رَبِّيٓ أَعۡلَمُ بِمَن جَآءَ بِٱلۡهُدَىٰ مِنۡ عِندِهِۦ وَمَن تَكُونُ لَهُۥ عَٰقِبَةُ ٱلدَّارِۚ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلظَّٰلِمُونَ ٣٧Musa akati: “Tenzi vangu vanoziva uyo anouya negwara kubva kwavari, uye neuyo achave nekufara munguva yekupedzisira muhupenyu hwemangwana. Zvirokwazvo, vasingatendi (muIslaam) havabudirire.” وَقَالَ فِرۡعَوۡنُ يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَأُ مَا عَلِمۡتُ لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرِي فَأَوۡقِدۡ لِي يَٰهَٰمَٰنُ عَلَى ٱلطِّينِ فَٱجۡعَل لِّي صَرۡحًا لَّعَلِّيٓ أَطَّلِعُ إِلَىٰٓ إِلَٰهِ مُوسَىٰ وَإِنِّي لَأَظُنُّهُۥ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ ٣٨Uye Farawo akati: “Imi madzimambo! Handizivi kuti mune mumwe mwari kunze kwangu. Saka ndivesere moto, iwe Haamaan, mokanya zvidhina nekuzvipisa, uye mondivakira manera kuti ndive ndinoona Mwari waMusa; uye zvirokwazvo, ndinofunga kuti Musa ndeuyo wevanyepi.” وَٱسۡتَكۡبَرَ هُوَ وَجُنُودُهُۥ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُمۡ إِلَيۡنَا لَا يُرۡجَعُونَ ٣٩Uye iye nemauto ake vaizvitutumadza munyika zvisina mvumo, uye vaifunga kuti havaizofa vakadzoka kwatiri فَأَخَذۡنَٰهُ وَجُنُودَهُۥ فَنَبَذۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡيَمِّۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلظَّٰلِمِينَ ٤٠Saka takamubata (takamutora) iye nemauto ake, uye tikavakanda mugungwa (uye tikavanyudza). Saka hona magumo (iwe Muhammad (SAW)) evatadzi وَجَعَلۡنَٰهُمۡ أَئِمَّةً يَدۡعُونَ إِلَى ٱلنَّارِۖ وَيَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ لَا يُنصَرُونَ ٤١Uye takavaita vatungamiri vaidaidzira kumoto, uye pazuva rekumutswa havazobatsirwi وَأَتۡبَعۡنَٰهُمۡ فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا لَعۡنَةًۖ وَيَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ هُم مِّنَ ٱلۡمَقۡبُوحِينَ ٤٢Uye takaita kuti kurengerwa (kutukwa) kuve kunovatevera pano pasi, uye nezuva rekumutswa, vachange vari pane avo vanhu vasingagamuchiri tsitsi dzaAllah وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ مِنۢ بَعۡدِ مَآ أَهۡلَكۡنَا ٱلۡقُرُونَ ٱلۡأُولَىٰ بَصَآئِرَ لِلنَّاسِ وَهُدًى وَرَحۡمَةً لَّعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ ٤٣Zvirokwazvo, takapa Musa mushure mokunge taparadza mapoka ekare Gwaro (Torah) sechiedza kuvanhu, uye nenhungamiro uye nyasha, kuti vave vanorangarira وَمَا كُنتَ بِجَانِبِ ٱلۡغَرۡبِيِّ إِذۡ قَضَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَى ٱلۡأَمۡرَ وَمَا كُنتَ مِنَ ٱلشَّٰهِدِينَ ٤٤Uye iwe (Muhammad (SAW)) wainge usiri kudivi remabvazuva, apo takaburitsa pachena kuna Musa mirairo, uye wainge usiri pane vapupuri وَلَٰكِنَّآ أَنشَأۡنَا قُرُونًا فَتَطَاوَلَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡعُمُرُۚ وَمَا كُنتَ ثَاوِيًا فِيٓ أَهۡلِ مَدۡيَنَ تَتۡلُواْ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتِنَا وَلَٰكِنَّا كُنَّا مُرۡسِلِينَ ٤٥Asi takave tinosika mapoka (vanhu vakawanda mushure maMusa(AS)), uye kureba kwenguva kwakavadarika pavari. Uye iwe (Muhammad (SAW)) wakanga usiri mugari pakati pevanhu veMadyan (Midian) uchivaverengera ndima dzedu. Asi ndisu tairamba tichitumira (vatumwa) وَمَا كُنتَ بِجَانِبِ ٱلطُّورِ إِذۡ نَادَيۡنَا وَلَٰكِن رَّحۡمَةً مِّن رَّبِّكَ لِتُنذِرَ قَوۡمًا مَّآ أَتَىٰهُم مِّن نَّذِيرٍ مِّن قَبۡلِكَ لَعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ ٤٦Uye wainge (Muhammad (SAW)) usiri kudivi reToor (Gomo) apo takadaidzira (Zvinonzi Allah vakashevedza vatevedzeri vaMuhammad (SAW) uye vakadavira, kana kuti Allah vakashevedza Musa (AS)). Asi (wakatumwa) senyasha kubva kuna Tenzi vako, kunopa yambiro kune vanhu uko kusina kumbosvika muyambiri mushure mako, kuti vave vanorangarira وَلَوۡلَآ أَن تُصِيبَهُم مُّصِيبَةُۢ بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيهِمۡ فَيَقُولُواْ رَبَّنَا لَوۡلَآ أَرۡسَلۡتَ إِلَيۡنَا رَسُولًا فَنَتَّبِعَ ءَايَٰتِكَ وَنَكُونَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٤٧Uye dai (tainge) tisina (kukutuma kuvanhu vekuMakkah), dai dambudziko rakavawira iro rakatungamidzwa nemaoko avo, vaizova vanoti: “Tenzi vedu! Sei musina kutitumirawo mutumwa? Taizova tinotevera ndima dzenyu uye taizova pakati pevatendi.” فَلَمَّا جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ مِنۡ عِندِنَا قَالُواْ لَوۡلَآ أُوتِيَ مِثۡلَ مَآ أُوتِيَ مُوسَىٰٓۚ أَوَلَمۡ يَكۡفُرُواْ بِمَآ أُوتِيَ مُوسَىٰ مِن قَبۡلُۖ قَالُواْ سِحۡرَانِ تَظَٰهَرَا وَقَالُوٓاْ إِنَّا بِكُلٍّ كَٰفِرُونَ ٤٨Asi apo chokwadi chakauya kubva kwatiri, vakati: “Sei asina kupihwa zvakafanana nezvakapihwa Musa?” Havana kusatenda mune izvo zvakapuhwa Musa zvekare? Uye vanoti: “Mhando mbiri dzemasaramusi (Torah neQur’aan) dzinobatsirana!” Uye vanoti: “Zvirokwazvo, muzvose hatitendi.” قُلۡ فَأۡتُواْ بِكِتَٰبٍ مِّنۡ عِندِ ٱللَّهِ هُوَ أَهۡدَىٰ مِنۡهُمَآ أَتَّبِعۡهُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٤٩Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Hunzai gwaro kubva kuna Allah iro riri nani mugwara kudarika aya maviri (Torah neQur’aan), kuti ndiritevere, kana muri vechokwadi.” فَإِن لَّمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَكَ فَٱعۡلَمۡ أَنَّمَا يَتَّبِعُونَ أَهۡوَآءَهُمۡۚ وَمَنۡ أَضَلُّ مِمَّنِ ٱتَّبَعَ هَوَىٰهُ بِغَيۡرِ هُدًى مِّنَ ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ ٥٠Asi vakasakudavira, ziva kuti vari kutevera zvido zvavo. Uye ndiani akarasika zvakanyanya kudarika uyo anotevera zvido zvake asina gwara kubva kuna Allah? Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vakaipa ۞ وَلَقَدۡ وَصَّلۡنَا لَهُمُ ٱلۡقَوۡلَ لَعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ ٥١Uye muzvirokwazvo takave tinosvitsa shoko (Qur’aan) kwavari, kuti vave vanorangarira ٱلَّذِينَ ءَاتَيۡنَٰهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ مِن قَبۡلِهِۦ هُم بِهِۦ يُؤۡمِنُونَ ٥٢Avo vatakapa gwaro mushure mavo (Torah neVhangeri), vanotenda (vakadzidza pakati pavo) mariri (Qur’aan) وَإِذَا يُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ قَالُوٓاْ ءَامَنَّا بِهِۦٓ إِنَّهُ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّنَآ إِنَّا كُنَّا مِن قَبۡلِهِۦ مُسۡلِمِينَ ٥٣Uye kana rikaverengwa kwavari vanoti: “Tinotenda mariri. Zvirokwazvo, ichokwadi kubva kuna Tenzi vedu. Zvirokwazvo, mushure maro taive maMuslim (vanozvipira kuna Allah saAbdullah Ibn Salaam naSalmaan Al-Faarisi).” أُوْلَٰٓئِكَ يُؤۡتَوۡنَ أَجۡرَهُم مَّرَّتَيۡنِ بِمَا صَبَرُواْ وَيَدۡرَءُونَ بِٱلۡحَسَنَةِ ٱلسَّيِّئَةَ وَمِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ يُنفِقُونَ ٥٤Ava vachave vanopuhwa mubairo wavo kaviri nekuti vaive vanotsungirira, nekupfuudza zvivi nezvakanaka, uye kupa zvipo kubva kune izvo zvatakavapa وَإِذَا سَمِعُواْ ٱللَّغۡوَ أَعۡرَضُواْ عَنۡهُ وَقَالُواْ لَنَآ أَعۡمَٰلُنَا وَلَكُمۡ أَعۡمَٰلُكُمۡ سَلَٰمٌ عَلَيۡكُمۡ لَا نَبۡتَغِي ٱلۡجَٰهِلِينَ ٥٥Uye vakanzwa zvakaipa vanozvisudurudza kubva pazviri uye vanoti: “Kwatiri mabasa edu, uye kwamuri mabasa enyu. Rugare ngaruve kwamuri. Hatidi nzira yevasingazivi.” إِنَّكَ لَا تَهۡدِي مَنۡ أَحۡبَبۡتَ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُهۡتَدِينَ ٥٦Zvirokwazvo, hautungamiri (Muhammad (SAW)) uyo waunoda, asi Allah ndivo vanotungamira uyo wavanoda. Uye vanoziva zvakanaka avo vakatungamirirwa وَقَالُوٓاْ إِن نَّتَّبِعِ ٱلۡهُدَىٰ مَعَكَ نُتَخَطَّفۡ مِنۡ أَرۡضِنَآۚ أَوَلَمۡ نُمَكِّن لَّهُمۡ حَرَمًا ءَامِنًا يُجۡبَىٰٓ إِلَيۡهِ ثَمَرَٰتُ كُلِّ شَيۡءٍ رِّزۡقًا مِّن لَّدُنَّا وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ٥٧Uye vanoti: “Kana tikave tinotevera gwara newe, tichava tinobviswa kubva munyika yedu.” Hatina here kuvadzikunurira (kuvagadzika) nzvimbo inoera (Makkah), umo munounzwa michero yendudzi dzose, sekudya kunobva kwatiri, asi vakawanda vavo havazivi وَكَمۡ أَهۡلَكۡنَا مِن قَرۡيَةِۭ بَطِرَتۡ مَعِيشَتَهَاۖ فَتِلۡكَ مَسَٰكِنُهُمۡ لَمۡ تُسۡكَن مِّنۢ بَعۡدِهِمۡ إِلَّا قَلِيلًاۖ وَكُنَّا نَحۡنُ ٱلۡوَٰرِثِينَ ٥٨Uye maguta mangani atakaparadza, ayo aiva asingatendi raramo yavo (vasingateereri Allah uye vachitadza)! Uye idzo inzvimbo dzavo dzisina kumbogarwa mushure mavo kunze kwenguva shoma. Uye zvirokwazvo, takave vagari venhaka وَمَا كَانَ رَبُّكَ مُهۡلِكَ ٱلۡقُرَىٰ حَتَّىٰ يَبۡعَثَ فِيٓ أُمِّهَا رَسُولًا يَتۡلُواْ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتِنَاۚ وَمَا كُنَّا مُهۡلِكِي ٱلۡقُرَىٰٓ إِلَّا وَأَهۡلُهَا ظَٰلِمُونَ ٥٩Uye Tenzi vako havamboparadzi maguta kusvikira vatumira muguta ravo hombe mutumwa achivaverengera ndima dzedu. Uye hatiparadzi maguta kunze kwekuti vagari vavo vari vatadzi وَمَآ أُوتِيتُم مِّن شَيۡءٍ فَمَتَٰعُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَزِينَتُهَاۚ وَمَا عِندَ ٱللَّهِ خَيۡرٌ وَأَبۡقَىٰٓۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ٦٠Uye chero chii chamakapuhwa rufaro rwehupenyu hwepano pasi uye chishongedzo chawo, uye izvo zvina Allah (hupenyu hwemangwana) zviri nani uye hazviperi. Asi hamufungewo here أَفَمَن وَعَدۡنَٰهُ وَعۡدًا حَسَنًا فَهُوَ لَٰقِيهِ كَمَن مَّتَّعۡنَٰهُ مَتَٰعَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا ثُمَّ هُوَ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ مِنَ ٱلۡمُحۡضَرِينَ ٦١Asi uyu watakavimbisa vimbiso tsvene (Paradhiso), iyo yaachawana iri yechokwadi, akafanana here neuyo watakaita kuti ave anofarira hupenyu hwepano pasi, uye nemusi wekumutswa achava pakati peavo vanounzwa (kunorangwa muGehena) وَيَوۡمَ يُنَادِيهِمۡ فَيَقُولُ أَيۡنَ شُرَكَآءِيَ ٱلَّذِينَ كُنتُمۡ تَزۡعُمُونَ ٦٢Uye (rangarirai) zuva apo vachave (Allah) vanovadaidza vachiti: “Varipi avo (vamaiti) vabetseri vangu vamaitungamidza?” قَالَ ٱلَّذِينَ حَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلُ رَبَّنَا هَٰٓؤُلَآءِ ٱلَّذِينَ أَغۡوَيۡنَآ أَغۡوَيۡنَٰهُمۡ كَمَا غَوَيۡنَاۖ تَبَرَّأۡنَآ إِلَيۡكَۖ مَا كَانُوٓاْ إِيَّانَا يَعۡبُدُونَ ٦٣Kune avo shoko richaita chokwadi kwavari (kuti varangwe) vachati: “Tenzi vedu! Ava ndivo vatakarasisa. Takavarasisa, semarasikiro ataivewo takaita. Tinoramba mhosva (kubva kwavari) pamberi penyu. Handisu vavainamata.” وَقِيلَ ٱدۡعُواْ شُرَكَآءَكُمۡ فَدَعَوۡهُمۡ فَلَمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَهُمۡ وَرَأَوُاْ ٱلۡعَذَابَۚ لَوۡ أَنَّهُمۡ كَانُواْ يَهۡتَدُونَ ٦٤Uye zvichanzi (kwavari): “Daidzai avo vabatsiri venyu”, uye vachavadaidza, asi havavape mhinduro, uye vachaona marwadzo. (Vachave vanoshuvira kuti) dai vaive vakatungamirwa وَيَوۡمَ يُنَادِيهِمۡ فَيَقُولُ مَاذَآ أَجَبۡتُمُ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٦٥Uye (rangarirai) zuva iro (Allah) ravachadaidza vachiti: “Ndeipi mhinduro yamakapa vatumwa?” فَعَمِيَتۡ عَلَيۡهِمُ ٱلۡأَنۢبَآءُ يَوۡمَئِذٍ فَهُمۡ لَا يَتَسَآءَلُونَ ٦٦Saka nhau (dzemhinduro yakanaka) dzichavanzika kwavari pazuva iroro, uye havazokwanisa kubvunzana فَأَمَّا مَن تَابَ وَءَامَنَ وَعَمِلَ صَٰلِحًا فَعَسَىٰٓ أَن يَكُونَ مِنَ ٱلۡمُفۡلِحِينَ ٦٧Asi kune uyo akareurura, akatenda (muIslaam), uye akaita mabasa akanaka, achave pakati pevanhu vakabudirira وَرَبُّكَ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُ وَيَخۡتَارُۗ مَا كَانَ لَهُمُ ٱلۡخِيَرَةُۚ سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ٦٨Uye Tenzi vako vanosika icho chinhu chavanoda nekusarudza, uye (vanhu) havana sarudzo yavanayo (pachinhu chipi zvacho). Allah ndivo muyemurwi, uye ndivo vari pamusoro pane izvo zvavanosanganisa (sevabatsiri vavo) وَرَبُّكَ يَعۡلَمُ مَا تُكِنُّ صُدُورُهُمۡ وَمَا يُعۡلِنُونَ ٦٩Uye Allah vanoziva izvo zvavanoviga mumoyo yavo, uye zvavanoburitsa وَهُوَ ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۖ لَهُ ٱلۡحَمۡدُ فِي ٱلۡأُولَىٰ وَٱلۡأٓخِرَةِۖ وَلَهُ ٱلۡحُكۡمُ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٧٠Uye ndiAllah: Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Kwavari ndiko kune rumbidzo dzese nekutendwa kwose mukutanga (pasi pano) uye mukupedzisira (muhupenyu hwemangwana). Uye ndivo vanotonga, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِن جَعَلَ ٱللَّهُ عَلَيۡكُمُ ٱلَّيۡلَ سَرۡمَدًا إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَنۡ إِلَٰهٌ غَيۡرُ ٱللَّهِ يَأۡتِيكُم بِضِيَآءٍۚ أَفَلَا تَسۡمَعُونَ ٧١Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Dai Allah vakave vanoita kuti kurambe kuri husiku kusvika zuva rekumutswa, ndeupi mwari kusiya kwaAllah angakuunzirai chiedza? Asi hamunzwi here?” قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِن جَعَلَ ٱللَّهُ عَلَيۡكُمُ ٱلنَّهَارَ سَرۡمَدًا إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَنۡ إِلَٰهٌ غَيۡرُ ٱللَّهِ يَأۡتِيكُم بِلَيۡلٍ تَسۡكُنُونَ فِيهِۚ أَفَلَا تُبۡصِرُونَ ٧٢Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Dai Allah vakave vanoita kuti kurambe kune chaedza kusvika zuva rekumutswa, ndeupi mwari kusiya kwaAllah angakuunzirei husiku kuti muve munozorora? Asi hamuoni here?” وَمِن رَّحۡمَتِهِۦ جَعَلَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ لِتَسۡكُنُواْ فِيهِ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ٧٣Kubudirikidza netsitsi dzavo vakave vanokugadzirirai husiku nechaedza kuti muve munozorora mauri (husiku), uye kuti mutsvage makomborero avo (muchaedza), uyezve kuti muve vanhu vanotenda وَيَوۡمَ يُنَادِيهِمۡ فَيَقُولُ أَيۡنَ شُرَكَآءِيَ ٱلَّذِينَ كُنتُمۡ تَزۡعُمُونَ ٧٤Uye zuva iro ravachashevedza (vasingatendi), uye vachati: “Varipi (avo vamaiti) vabatsiri vangu, avo vamaitaura?” وَنَزَعۡنَا مِن كُلِّ أُمَّةٍ شَهِيدًا فَقُلۡنَا هَاتُواْ بُرۡهَٰنَكُمۡ فَعَلِمُوٓاْ أَنَّ ٱلۡحَقَّ لِلَّهِ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٧٥Uye tichave tinotora kubva murwudzi rwega-rwega mupupuri, uye tichati: “Hunzai humboo hwenyu.” Saka vachave vanoziva kuti chokwadi china Allah (voga), uye manyepo avo avaiunza achava anonyangarika kubva kwavari ۞ إِنَّ قَٰرُونَ كَانَ مِن قَوۡمِ مُوسَىٰ فَبَغَىٰ عَلَيۡهِمۡۖ وَءَاتَيۡنَٰهُ مِنَ ٱلۡكُنُوزِ مَآ إِنَّ مَفَاتِحَهُۥ لَتَنُوٓأُ بِٱلۡعُصۡبَةِ أُوْلِي ٱلۡقُوَّةِ إِذۡ قَالَ لَهُۥ قَوۡمُهُۥ لَا تَفۡرَحۡۖ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُحِبُّ ٱلۡفَرِحِينَ ٧٦Zvirokwazvo, Qaaroon (Korah) aiva mumwe wevanhu vaMusa, asi aiva achizvitutumadza kwavari. Uye takamupa hupfumi, svumbunuro dzacho dzaitoremera varume vakagwinya. Rangarira apo vanhu vake vakati kwaari: “Usafare (nehupfumi usingatendi Allah). Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanofara (nehupfumi vasingatendi Allah).” وَٱبۡتَغِ فِيمَآ ءَاتَىٰكَ ٱللَّهُ ٱلدَّارَ ٱلۡأٓخِرَةَۖ وَلَا تَنسَ نَصِيبَكَ مِنَ ٱلدُّنۡيَاۖ وَأَحۡسِن كَمَآ أَحۡسَنَ ٱللَّهُ إِلَيۡكَۖ وَلَا تَبۡغِ ٱلۡفَسَادَ فِي ٱلۡأَرۡضِۖ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُفۡسِدِينَ ٧٧“Asi tsvaga neizvo Allah vakakukomborera nazvo, imba yemangwana, uye usakanganwe chidimbu chako chezvakatenderwa muhufaro hwepano pasi; uye ita zvakanaka sezvakaita Allah kwauri, uye usava unokonzeresa zvakaipa munyika. Zvirokwazvo, Allah havadi honzeri.” قَالَ إِنَّمَآ أُوتِيتُهُۥ عَلَىٰ عِلۡمٍ عِندِيٓۚ أَوَلَمۡ يَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ قَدۡ أَهۡلَكَ مِن قَبۡلِهِۦ مِنَ ٱلۡقُرُونِ مَنۡ هُوَ أَشَدُّ مِنۡهُ قُوَّةً وَأَكۡثَرُ جَمۡعًاۚ وَلَا يُسۡـَٔلُ عَن ذُنُوبِهِمُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٧٨Akataura kuti: “Izvi zvakave zvinopihwa kwandiri nekuda kweruzivo rwandinarwo.” Akanga asingazive here kuti Allah vakaparadza madzinza mushure make, varume vakanga vakasimba kupfuura iye vaine upfumi hwakawanda hwavakaunganidza? Asi vaiti vemabasa akaipa havasi kuzobvunzwa maererano nezviito zvavo (nekuti Allah vanoziva nokudaro vachapihwa marwadzo vasina kana nekumbotongwa) فَخَرَجَ عَلَىٰ قَوۡمِهِۦ فِي زِينَتِهِۦۖ قَالَ ٱلَّذِينَ يُرِيدُونَ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا يَٰلَيۡتَ لَنَا مِثۡلَ مَآ أُوتِيَ قَٰرُونُ إِنَّهُۥ لَذُو حَظٍّ عَظِيمٍ ٧٩Nokudaro akabva aenda kuvanhu vake akazvishongedza, avo vainyanyoda hupenyu hwepasi pano, vakati: “Aaa, tingadai taive neizvo zvakapihwa kuna Qaaroon! Zvirokwazvo, ndiye muridzi weupfumi huzhinji.” وَقَالَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ وَيۡلَكُمۡ ثَوَابُ ٱللَّهِ خَيۡرٌ لِّمَنۡ ءَامَنَ وَعَمِلَ صَٰلِحًاۚ وَلَا يُلَقَّىٰهَآ إِلَّا ٱلصَّٰبِرُونَ ٨٠Asi avo vakapihwa ruzivo (rwechitendero) vakati: “Matambudziko kwamuri! Makomborero aAllah (muupenyu hwemangwana) akanakira vatendi, uye nevanoita mabasa akanaka, uye hapana achakwanisa kuwana izvi kusara kweavo vanotsungirira.” فَخَسَفۡنَا بِهِۦ وَبِدَارِهِ ٱلۡأَرۡضَ فَمَا كَانَ لَهُۥ مِن فِئَةٍ يَنصُرُونَهُۥ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَمَا كَانَ مِنَ ٱلۡمُنتَصِرِينَ ٨١Nekudaro takamuita kuti ave anomedzwa nepasi uye nenzvimbo yake yokugara. Uye ange asina chikwata kana bato rinomubatsira kunze kwaAllah, uye aisave mumwe weavo vaikwanisa kuzvibatsira وَأَصۡبَحَ ٱلَّذِينَ تَمَنَّوۡاْ مَكَانَهُۥ بِٱلۡأَمۡسِ يَقُولُونَ وَيۡكَأَنَّ ٱللَّهَ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦ وَيَقۡدِرُۖ لَوۡلَآ أَن مَّنَّ ٱللَّهُ عَلَيۡنَا لَخَسَفَ بِنَاۖ وَيۡكَأَنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلۡكَٰفِرُونَ ٨٢Uye avo vainyanyoda (chinzvimbo) sechake mumashure vakatanga kuti: “Chizivai kuti Allah vanopa hupfumi huzhinji kana kuderedza kune uyo wavanoda pavaranda vavo. Ingadai dzakanga dzisiri nyasha dzaAllah kwatiri, vangadai vakaita kuti tive tinomedzwa nevhu! Uye avo vasingatendi havasi kuzobudirira.” تِلۡكَ ٱلدَّارُ ٱلۡأٓخِرَةُ نَجۡعَلُهَا لِلَّذِينَ لَا يُرِيدُونَ عُلُوًّا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فَسَادًاۚ وَٱلۡعَٰقِبَةُ لِلۡمُتَّقِينَ ٨٣Uyo musha wamangwana (Paradhiso), tichaugadziriria avo vasingatyore mitemo vachiramba chokwadi nepamusana pekuzvikudza uye udzvanyiriri nekukonzeresa panyika. Uye mhedzisiro tsvene ndeye avo vanoita mabasa akanaka (Tarisai Qur’aan) مَن جَآءَ بِٱلۡحَسَنَةِ فَلَهُۥ خَيۡرٌ مِّنۡهَاۖ وَمَن جَآءَ بِٱلسَّيِّئَةِ فَلَا يُجۡزَى ٱلَّذِينَ عَمِلُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ إِلَّا مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٨٤Uyo anounza zvitsvene, achawanawo zvitsvene; uye uyo anoita zvakashata, ivo vanoita mabasa akashata vachawaniswawo mukoho wezvavaiita إِنَّ ٱلَّذِي فَرَضَ عَلَيۡكَ ٱلۡقُرۡءَانَ لَرَآدُّكَ إِلَىٰ مَعَادٍۚ قُل رَّبِّيٓ أَعۡلَمُ مَن جَآءَ بِٱلۡهُدَىٰ وَمَنۡ هُوَ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٨٥Zvirokwazvo, avo vakakupa (Muhammad (SAW)) Qur’aan, vachakudzosa kuMa’aad (nzvimbo yekudzokera, kuda kuMakkah kana kuParadhiso). Taura (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vanoziva maererano neuyo anounza gwara rakajeka, uye neuyo akarasika zvikurusa.” وَمَا كُنتَ تَرۡجُوٓاْ أَن يُلۡقَىٰٓ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبُ إِلَّا رَحۡمَةً مِّن رَّبِّكَۖ فَلَا تَكُونَنَّ ظَهِيرًا لِّلۡكَٰفِرِينَ ٨٦Uye wakanga usingambotarisira kuti Gwaro iri (Qur’aan) richadzikisirwa kwauri, asi itsitsi kubva kuna Tenzi vako. Naizvozvo usava mubatsiri wevasingatendi وَلَا يَصُدُّنَّكَ عَنۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ بَعۡدَ إِذۡ أُنزِلَتۡ إِلَيۡكَۖ وَٱدۡعُ إِلَىٰ رَبِّكَۖ وَلَا تَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ٨٧Iwe Muhammad (SAW)) usavaite kuti vakusiyise kuparidza ndima dzaAllah Tenzi kuvanhu mushure mekunge dzadzikiswa kwauri; uye shevedzera vanhu kuti vatende muhumwechete hwaTenzi vako. Zvekare usave mumwe wemaMushrikoon (vanosanganisa zvimwe zvinhu naAllah pakunamata) وَلَا تَدۡعُ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَۘ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۚ كُلُّ شَيۡءٍ هَالِكٌ إِلَّا وَجۡهَهُۥۚ لَهُ ٱلۡحُكۡمُ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٨٨Uye usava unodavidza pamwe naAllah zvimwe zvinamatwa. Laa ilaaha illaa Huwa (Hapana kana ane kodzero yokunamatwa kusara kwavo (Allah)). Zvinhu zvose zvichaparara kusara kwechiso chavo. Uye ndivo vane hutongi hwese, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa (mese)

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.