ملة الإسلام

السورة 56 · 96 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الواقعة باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الواقعة (1,362 قارئاً)
مكيةسورة الواقعة٩٦ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

إِذَا وَقَعَتِ ٱلۡوَاقِعَةُ ١Kana chiitiko chazoitika (zuva rekutongwa) لَيۡسَ لِوَقۡعَتِهَا كَاذِبَةٌ ٢Hapana marambiro nezvekuitika kwacho خَافِضَةٌ رَّافِعَةٌ ٣Chichadzikisira (vamwe vachienda kuGehena), uye chichakwiridzira (vamwe vachienda kuParadhiso) إِذَا رُجَّتِ ٱلۡأَرۡضُ رَجًّا ٤Apo nyika ichadengenyeka kudengenyeka kunotyisa وَبُسَّتِ ٱلۡجِبَالُ بَسًّا ٥Uye makomo achaparadzwa kuita huruva فَكَانَتۡ هَبَآءً مُّنۢبَثًّا ٦Kuti agove huruva inopepereka وَكُنتُمۡ أَزۡوَٰجًا ثَلَٰثَةً ٧Uye mose muchange muri mapoka matatu فَأَصۡحَٰبُ ٱلۡمَيۡمَنَةِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَيۡمَنَةِ ٨Naizvozvo avo vachange vari kuruoko rwerudyi (avo vachapiwa mabhuku ezviito zvavo mumaoko avo erudyi), zvichava zvakanaka sei kune avo vari kuruoko rwerudyi! (Seruremekedzo, nekuti vachapinda Paradhiso) وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡمَشۡـَٔمَةِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَشۡـَٔمَةِ ٩Uye avo vachange vari kuruoko rweruboshwe (avo vachapiwa mabhuku ezviito zvavo mumaoko avo eruboshwe), vachange vakadii avo vari kuruoko rweruboshwe! (Sekunyadziswa, nekuti vachapinda kumoto) وَٱلسَّٰبِقُونَ ٱلسَّٰبِقُونَ ١٠Uye vekutanga (muIslaam nekuita mabasa akanaka pasi rino) vachange vari vekutanga (kuParadhiso) أُوْلَٰٓئِكَ ٱلۡمُقَرَّبُونَ ١١Vanhu vakadaro vachange vari padyo (naAllah) فِي جَنَّٰتِ ٱلنَّعِيمِ ١٢Mumapindu emufaro (Paradhiso) ثُلَّةٌ مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٣Huwandu hwavo (vekutanga) huchange huchibva kune vanhu vekutanga (kupinda muIslaam) وَقَلِيلٌ مِّنَ ٱلۡأٓخِرِينَ ١٤Uye vashoma veavo (vekutanga) vachange vari kune vanhu vekupedzisira عَلَىٰ سُرُرٍ مَّوۡضُونَةٍ ١٥(Vachange vari) pazvigaro zvakashongedzwa nendarama nematombo akakosha مُّتَّكِـِٔينَ عَلَيۡهَا مُتَقَٰبِلِينَ ١٦Vakagara ipapo, vakatarisana يَطُوفُ عَلَيۡهِمۡ وِلۡدَٰنٌ مُّخَلَّدُونَ ١٧Vakomana vasingafi vanovabatsira nekuvashandira vachange vachitenderera pavari بِأَكۡوَابٍ وَأَبَارِيقَ وَكَأۡسٍ مِّن مَّعِينٍ ١٨Nemakomichi, nemajagi, uye negirazi rewaini inoerera لَّا يُصَدَّعُونَ عَنۡهَا وَلَا يُنزِفُونَ ١٩Kubva kwairi havazombowani kurwadziwa nemusoro kana kudhakiwa وَفَٰكِهَةٍ مِّمَّا يَتَخَيَّرُونَ ٢٠Uye nemuchero wavanosarudza وَلَحۡمِ طَيۡرٍ مِّمَّا يَشۡتَهُونَ ٢١Nenyama yeshiri iyo yavanenge vachida وَحُورٌ عِينٌ ٢٢Uye (kuchange kune) maHoor (vakadzi kwavo) vane maziso makuru ane rudo كَأَمۡثَٰلِ ٱللُّؤۡلُوِٕ ٱلۡمَكۡنُونِ ٢٣Sokunge matombo akakosha (mapera) akachengetedzwa جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٢٤Semubairo wezvavaiita لَا يَسۡمَعُونَ فِيهَا لَغۡوًا وَلَا تَأۡثِيمًا ٢٥Havambonzwi mashoko akaipa imomo kana kutaura kwehuipi imomo إِلَّا قِيلًا سَلَٰمًا سَلَٰمًا ٢٦Asi kutaura kuti: Rugare! Rugare! (kwaziso) وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡيَمِينِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡيَمِينِ ٢٧Uye avo vokuruoko rwerudyi, vachange vari sei avo vekuruoko rwerudyi فِي سِدۡرٍ مَّخۡضُودٍ ٢٨Vachange vari pane miti yeLoti isina minzwa وَطَلۡحٍ مَّنضُودٍ ٢٩Uye mukati meTalh (miti yemabanana) ine michero yakaturikidzana imwe pamusoro peimwe وَظِلٍّ مَّمۡدُودٍ ٣٠Uye nemimvuri yakawedzerwa yakareba وَمَآءٍ مَّسۡكُوبٍ ٣١Uye nemvura ichierera وَفَٰكِهَةٍ كَثِيرَةٍ ٣٢Nemichero yakawanda لَّا مَقۡطُوعَةٍ وَلَا مَمۡنُوعَةٍ ٣٣Isingashaiki kana kuita mishoma, kana isingaswikiriki وَفُرُشٍ مَّرۡفُوعَةٍ ٣٤Uye mumibhedha yakasimudzwa mudenga إِنَّآ أَنشَأۡنَٰهُنَّ إِنشَآءً ٣٥Zvirokwazvo, takavasika vakadzi vekuParadhiso vakakosha فَجَعَلۡنَٰهُنَّ أَبۡكَارًا ٣٦Uye tikavaita mhandara عُرُبًا أَتۡرَابًا ٣٧Vanoda (varume vavo chete), (uye) vezera rimwe لِّأَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ ٣٨Veavo vekuruoko rwekurudyi ثُلَّةٌ مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ ٣٩Boka rakawanda (reavo veruoko rwerudyi) richabva kune vanhu vekutanga (vakatambira chitendero cheIslaam) وَثُلَّةٌ مِّنَ ٱلۡأٓخِرِينَ ٤٠Uye boka rakawanda (reavo vekuruoko rwerudyi) richabva muvanhu vekupedzisira وَأَصۡحَٰبُ ٱلشِّمَالِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلشِّمَالِ ٤١Uye avo vekuruoko rweruboshwe, vachange vakarasikirwa sei vekuruoko rweruboshwe فِي سَمُومٍ وَحَمِيمٍ ٤٢Mumhepo inopisa ine simba nemvura inokwata وَظِلٍّ مِّن يَحۡمُومٍ ٤٣Nemumvuri wehutsi hutema لَّا بَارِدٍ وَلَا كَرِيمٍ ٤٤(Mvuri iwowo) hautonhoreri, kana kufadza إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَبۡلَ ذَٰلِكَ مُتۡرَفِينَ ٤٥Zvirokwazvo, mushure mezvo vainakidzwa وَكَانُواْ يُصِرُّونَ عَلَى ٱلۡحِنثِ ٱلۡعَظِيمِ ٤٦Uye vaishingirira kuita zvitadzo zvikuru (Kunamata Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu nekuita mamwe mabasa akaipa) وَكَانُواْ يَقُولُونَ أَئِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابًا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ ٤٧Uye vaiti: “Kana tikafa tikave ivhu nemapfupa, zvirokwazvo tichazomutswa here?” أَوَءَابَآؤُنَا ٱلۡأَوَّلُونَ ٤٨“Uye madzitateguru edu zvakare?” قُلۡ إِنَّ ٱلۡأَوَّلِينَ وَٱلۡأٓخِرِينَ ٤٩Iti (Muhammad (SAW)): “(Hongu!) Zvirokwazvo, avo vekare neavo vazvino.” لَمَجۡمُوعُونَ إِلَىٰ مِيقَٰتِ يَوۡمٍ مَّعۡلُومٍ ٥٠“Vose zvirokwazvo vachaunganidzwa pamwechete pamusangano wezuva rinozivikanwa.” ثُمَّ إِنَّكُمۡ أَيُّهَا ٱلضَّآلُّونَ ٱلۡمُكَذِّبُونَ ٥١“Uye zvakare zvirokwazvo imi vatadzi vanoramba (zuva rekutongwa)!” لَأٓكِلُونَ مِن شَجَرٍ مِّن زَقُّومٍ ٥٢“Zvirokwazvo muchadya kubva pamiti yeZaqqoom (inovava zvikuru).” فَمَالِـُٔونَ مِنۡهَا ٱلۡبُطُونَ ٥٣“Muchazadza matumbu enyu nazvo.” فَشَٰرِبُونَ عَلَيۡهِ مِنَ ٱلۡحَمِيمِ ٥٤“Uye mobva manwa mvura inokwata pamusoro paizvozvo.” فَشَٰرِبُونَ شُرۡبَ ٱلۡهِيمِ ٥٥“Uye muchanwa (izvozvo) sekunge ngamera dzine nyota!” هَٰذَا نُزُلُهُمۡ يَوۡمَ ٱلدِّينِ ٥٦Ndiyo ichava varaidzo yavo pazuva rokutongwa نَحۡنُ خَلَقۡنَٰكُمۡ فَلَوۡلَا تُصَدِّقُونَ ٥٧Isu takakusikai, saka sei musingatendi أَفَرَءَيۡتُم مَّا تُمۡنُونَ ٥٨Hamuoni here mvura yamunoburitsa (hurume) ءَأَنتُمۡ تَخۡلُقُونَهُۥٓ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡخَٰلِقُونَ ٥٩Ndimi here makaisika kana kuti isu tisu takaisika نَحۡنُ قَدَّرۡنَا بَيۡنَكُمُ ٱلۡمَوۡتَ وَمَا نَحۡنُ بِمَسۡبُوقِينَ ٦٠Takatara rufu kwamuri mose, uye hatikurirwi عَلَىٰٓ أَن نُّبَدِّلَ أَمۡثَٰلَكُمۡ وَنُنشِئَكُمۡ فِي مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٦١Kukushandurai uye tokusikai kukuitai izvo zvamusingazivi وَلَقَدۡ عَلِمۡتُمُ ٱلنَّشۡأَةَ ٱلۡأُولَىٰ فَلَوۡلَا تَذَكَّرُونَ ٦٢Uye zvirokwazvo makatoziva kare mhando yechisikwa chokutanga (Adam), saka sei imi musingarangariri (kana kuchenjerera) أَفَرَءَيۡتُم مَّا تَحۡرُثُونَ ٦٣Zvino chindiudzai nezvembeu dzamunodyara pasi ءَأَنتُمۡ تَزۡرَعُونَهُۥٓ أَمۡ نَحۡنُ ٱلزَّٰرِعُونَ ٦٤Ndimi here munoita kuti dzikure, kana kuti tisu tinodzikudza لَوۡ نَشَآءُ لَجَعَلۡنَٰهُ حُطَٰمًا فَظَلۡتُمۡ تَفَكَّهُونَ ٦٥Dai taida, tingadai takadziita marara akaoma, uye maizodemba (kana kusiiwa muchidzungaira) إِنَّا لَمُغۡرَمُونَ ٦٦(Muchiti): “Zvirokwazvo taparadzwa!” بَلۡ نَحۡنُ مَحۡرُومُونَ ٦٧“Asi tanyengedzwa (tanyimwa)!” أَفَرَءَيۡتُمُ ٱلۡمَآءَ ٱلَّذِي تَشۡرَبُونَ ٦٨Munoiona here mvura yamunonwa ءَأَنتُمۡ أَنزَلۡتُمُوهُ مِنَ ٱلۡمُزۡنِ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡمُنزِلُونَ ٦٩Ndimi here munoita kuti inaye panyika kana kuti tisu tinokonzera kuti inaye pasi لَوۡ نَشَآءُ جَعَلۡنَٰهُ أُجَاجًا فَلَوۡلَا تَشۡكُرُونَ ٧٠Dai taida, tingadai takaiita munyu. Naizvozvo nemhaka yei musingatendi (Allah) أَفَرَءَيۡتُمُ ٱلنَّارَ ٱلَّتِي تُورُونَ ٧١Munouona here moto uyo wamunotungidza ءَأَنتُمۡ أَنشَأۡتُمۡ شَجَرَتَهَآ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡمُنشِـُٔونَ ٧٢Ndimi here munoita kuti muti wacho ukure, kana kuti tisu tinoukudza نَحۡنُ جَعَلۡنَٰهَا تَذۡكِرَةً وَمَتَٰعًا لِّلۡمُقۡوِينَ ٧٣Isu takauita yeuchidzo (yeGehena), uye chinhu chekushandisa kune vari parwendo (nevamwe vari munyika) فَسَبِّحۡ بِٱسۡمِ رَبِّكَ ٱلۡعَظِيمِ ٧٤Zvino rumbidza zita raTenzi vako mukuru ۞ فَلَآ أُقۡسِمُ بِمَوَٰقِعِ ٱلنُّجُومِ ٧٥Saka ndinopika nekugara kwenyenyedzi وَإِنَّهُۥ لَقَسَمٌ لَّوۡ تَعۡلَمُونَ عَظِيمٌ ٧٦Uye zvirokwazvo uku ndiko kupika kukuru dai maiziva إِنَّهُۥ لَقُرۡءَانٌ كَرِيمٌ ٧٧Kuti zvirokwazvo (uku) kuverenga kunoremekedzwa (Qur’aan rinoremekedzwa) فِي كِتَٰبٍ مَّكۡنُونٍ ٧٨Kuri Mubhuku rakachengetedzwa (Al-Lauh Al-Mahfoodh) لَّا يَمَسُّهُۥٓ إِلَّا ٱلۡمُطَهَّرُونَ ٧٩Iro (Bhuku rinaAllah) risingabatwi nemumwe munhu kunze kweavo vakachena (ngirozi) تَنزِيلٌ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٨٠Rakadzikiswa (Qur’aan) kubva kuna Tenzi vezvisikwa zvose أَفَبِهَٰذَا ٱلۡحَدِيثِ أَنتُم مُّدۡهِنُونَ ٨١Ndiro here shoko iri (Qur’aan) ramunoramba (imi vasingatendi) وَتَجۡعَلُونَ رِزۡقَكُمۡ أَنَّكُمۡ تُكَذِّبُونَ ٨٢Uye pachinzvimbo (chokutenda Allah) pararamo yavakakupai, munovaramba (nekusatenda) فَلَوۡلَآ إِذَا بَلَغَتِ ٱلۡحُلۡقُومَ ٨٣Naizvozvo sei musingabatsiri kana (mweya weuyo arikufa) wasvika pagurokuro وَأَنتُمۡ حِينَئِذٍ تَنظُرُونَ ٨٤Uye imi ipapo makatarisa وَنَحۡنُ أَقۡرَبُ إِلَيۡهِ مِنكُمۡ وَلَٰكِن لَّا تُبۡصِرُونَ ٨٥Asi isu (ngirozi dzedu dzinotora mweya) tiri padyo naye kupfuura imi, asi hamuzvioni فَلَوۡلَآ إِن كُنتُمۡ غَيۡرَ مَدِينِينَ ٨٦Sei musingati kana chokwadi musingazotongwi تَرۡجِعُونَهَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٨٧Dzosai mweya (pamuviri wacho), kana imi muri pachokwadi فَأَمَّآ إِن كَانَ مِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ ٨٨Zvino kana iye munhu ari kufa ari weavo wepedyo (naAllah) فَرَوۡحٌ وَرَيۡحَانٌ وَجَنَّتُ نَعِيمٍ ٨٩(Kwaari kune) kuzorora neraramo, uye Paradhiso rinonakidza وَأَمَّآ إِن كَانَ مِنۡ أَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ ٩٠Uye kana iye (mufi) ari wekurudyi فَسَلَٰمٌ لَّكَ مِنۡ أَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ ٩١Zvino pane kuchengetedzeka nerunyararo kune avo vekuruoko rwerudyi وَأَمَّآ إِن كَانَ مِنَ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ٱلضَّآلِّينَ ٩٢Asi kana iye (mufi) ari umwe weavo vanoramba, vakarasika فَنُزُلٌ مِّنۡ حَمِيمٍ ٩٣Kwaari kuchave nemafaro emvura inokwata وَتَصۡلِيَةُ جَحِيمٍ ٩٤Uye kutsva mumoto weGehena إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ حَقُّ ٱلۡيَقِينِ ٩٥Zvirokwazvo, ichi ndicho chokwadi chaicho فَسَبِّحۡ بِٱسۡمِ رَبِّكَ ٱلۡعَظِيمِ ٩٦Naizvozvo rumbidza zita raTenzi vako mukuru

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.