ملة الإسلام

السورة 30 · 60 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الروم باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الروم (1,248 قارئاً)
مكيةسورة الروم٦٠ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

الٓمٓ ١Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah, uye hapana kana ani anoziva zvaanoreva kusara kwavo) غُلِبَتِ ٱلرُّومُ ٢MaRoma akurirwa فِيٓ أَدۡنَى ٱلۡأَرۡضِ وَهُم مِّنۢ بَعۡدِ غَلَبِهِمۡ سَيَغۡلِبُونَ ٣Munzvimbo yepadyo (Syria, Iraq, Jordan, nePalestine), uye mushure mekukurirwa vachazokunda فِي بِضۡعِ سِنِينَۗ لِلَّهِ ٱلۡأَمۡرُ مِن قَبۡلُ وَمِنۢ بَعۡدُۚ وَيَوۡمَئِذٍ يَفۡرَحُ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ٤Mumakore matatu kusvika mapfumbamwe. Urongwa hwezvichazoitika nezvakaitika hunongove chete naAllah. Uye pazuva iroro vatendi (maMuslim) vachafara (nekukunda kwemaRoma achikunda Persia) بِنَصۡرِ ٱللَّهِۚ يَنصُرُ مَن يَشَآءُۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ٥Kuburikidza nerubatsiro rwaAllah. Vanobatsira uyo wavanoda, uye ndivo samasimba, vane ngoni zhinji وَعۡدَ ٱللَّهِۖ لَا يُخۡلِفُ ٱللَّهُ وَعۡدَهُۥ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٦Ivimbiso yaAllah (kuti vachaita maRoma akunde), uye Allah havatadze kubudirira pavimbiso yavo, asi vanhu vazhinji havazvizive يَعۡلَمُونَ ظَٰهِرًا مِّنَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَهُمۡ عَنِ ٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ غَٰفِلُونَ ٧Vanongoziva chete zviri pachena zveupenyu hwepasi rino (kutsvaga raramo, kurima, kukohwa, nezvimwe zvakadaro). Uye zveupenyu hwemangwana vakatorivara أَوَلَمۡ يَتَفَكَّرُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۗ مَّا خَلَقَ ٱللَّهُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَأَجَلٍ مُّسَمًّىۗ وَإِنَّ كَثِيرًا مِّنَ ٱلنَّاسِ بِلِقَآيِٕ رَبِّهِمۡ لَكَٰفِرُونَ ٨Vanombofungawo maererano ivo pachavo (nezvekusikwa kwavo here pasina kana chii zvacho, nekuti Allah vachazovamutsa)? Allah havana kusika matenga nenyika uye zviri mazviri kusara nechokwadi uye kwenguva yakatarwa. Asi zvirokwazvo vanhu vazhinji vanoramba kuti vachave vanosangana naTenzi vavo أَوَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ كَانُوٓاْ أَشَدَّ مِنۡهُمۡ قُوَّةً وَأَثَارُواْ ٱلۡأَرۡضَ وَعَمَرُوهَآ أَكۡثَرَ مِمَّا عَمَرُوهَا وَجَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِۖ فَمَا كَانَ ٱللَّهُ لِيَظۡلِمَهُمۡ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ٩Havambofamba here munyika vachionawo mhedzisiro yeavo vaivepo mumashure mavo? Vakange vaine masimba mazhinji kuvadarika ivo, uye vairima panyika, uye vakaigara vakawandisa zvokutopfuura izvo zvavari (ava vasingatendi). Uye kwavari kwakauya vatumwa vavo nehumboo hutsvene. Zvirokwazvo, Allah havana kuvadzvanyirira, asi ivo ndivo vega vaizvidzvanyirira ثُمَّ كَانَ عَٰقِبَةَ ٱلَّذِينَ أَسَٰٓـُٔواْ ٱلسُّوٓأَىٰٓ أَن كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَكَانُواْ بِهَا يَسۡتَهۡزِءُونَ ١٠Huipi hwaive mhedzisiro yeavo vaiita mabasa akashata, nekuda kwekuti vakaramba ndima dzaAllah (humboo, zviratidzo nevatumwa) uye vaidzitsvinyira nekudzishora ٱللَّهُ يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ ثُمَّ إِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ١١Allah (voga) ndivo vakatanga kusika zvisikwa, uye vachazvidzokorora, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يُبۡلِسُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ ١٢Uye pazuva iro nguva ichasvika, avo vanoita mabasa akashata (vasingatendi nevatadzi) vachaparadzwa nekusurukirwa وَلَمۡ يَكُن لَّهُم مِّن شُرَكَآئِهِمۡ شُفَعَٰٓؤُاْ وَكَانُواْ بِشُرَكَآئِهِمۡ كَٰفِرِينَ ١٣Panenge pasina kana mumiririri kubva pane avo vavaisanganisa naAllah pakunamata. Uye vavaisanganisa naAllah vacharamba shamwari dzavo (kutenda kwavo mavari) وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يَوۡمَئِذٍ يَتَفَرَّقُونَ ١٤Pazuva iro nguva ichasvika (yekutongwa), pazuva iroro vanhu vachasiyana pamwe nekupatsanurana (Vatendi kwavo uye vasingatendi kwavo) فَأَمَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ فَهُمۡ فِي رَوۡضَةٍ يُحۡبَرُونَ ١٥Avo vakatenda (muhumwe hwaAllah) zvekare vakaita mabasa akanaka, vachava muhupenyu hwakanaka zvachose uye vari mubindu remufaro (Paradhiso) وَأَمَّا ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَلِقَآيِٕ ٱلۡأٓخِرَةِ فَأُوْلَٰٓئِكَ فِي ٱلۡعَذَابِ مُحۡضَرُونَ ١٦Uye avo vaisatenda, uye vakaramba zviratidzo zvedu, uye kusangana kwehupenyu hwemangana, vachakandwa mumarwadzo emumoto (wemuGehena) فَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ حِينَ تُمۡسُونَ وَحِينَ تُصۡبِحُونَ ١٧Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kuna Allah, apo pamunopinda panguva dzemanheru (nekuita minamato yeMaghrib neIsha), nepanguva dzemangwanani (nekuita munamato weFajr) وَلَهُ ٱلۡحَمۡدُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَعَشِيًّا وَحِينَ تُظۡهِرُونَ ١٨Uye ndivo vane rumbidzo mumatenga nepanyika; uye panguva dzemasikati (nekuita munamato weAsr) nepanguva apo pamunopinda masikati (nekuita munamato weDhuhr). (Ibn Abbaas vakati: “Iyi ndiyo minamato mishanu inokomekedzwa pazuva vanhu vakaungana irikutaurwa muQur’aan).” يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَيُحۡيِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَاۚ وَكَذَٰلِكَ تُخۡرَجُونَ ١٩Vanoburitsa upenyu kubva kune chakafa, uye voburitsa chakafa kubva kune chipenyu. Uye vanomutsa nyika mushure mekufa kwayo. Uye ndiko kabuditsirwo (kamutsirwo) kamuchazoitwa وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنۡ خَلَقَكُم مِّن تُرَابٍ ثُمَّ إِذَآ أَنتُم بَشَرٌ تَنتَشِرُونَ ٢٠Uye kubva muzviratidzo zvavo ndezvekuti vakakusikai imi (Adam) kubva muvhu, (uye Hawwa (Evha) kubva mumbabvu yaAdam, uye vana vake kubva mumvura), uye, tarisai, muri vanhu varifararira وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنۡ خَلَقَ لَكُم مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ أَزۡوَٰجًا لِّتَسۡكُنُوٓاْ إِلَيۡهَا وَجَعَلَ بَيۡنَكُم مَّوَدَّةً وَرَحۡمَةًۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَتَفَكَّرُونَ ٢١Uye kubva pazviratidzo zvavo vakave vanokusikirai madzimai kubva mamuri, kuti muwane kugutsikana mavari, uye vakaisa pakati penyu rudo uye tsitsi. Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune avo vanhu vanofunga وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ خَلۡقُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَٱخۡتِلَٰفُ أَلۡسِنَتِكُمۡ وَأَلۡوَٰنِكُمۡۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّلۡعَٰلِمِينَ ٢٢Uye kubva pazviratidzo zvavo pane kusikwa kwematenga nenyika, uye musiyano wemitauro yenyu neruvara rwemitumbi yenyu. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kuvanhu vane ruzivo rwakakwana وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ مَنَامُكُم بِٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ وَٱبۡتِغَآؤُكُم مِّن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَسۡمَعُونَ ٢٣Uye kubva pazviratidzo zvavo pane kurara kwamunoita usiku uye panguva dzemasikati, uye nekutsvaga kwenyu zvimwe zvezvipo zvavo. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune avo vanhu vanoteerera وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ يُرِيكُمُ ٱلۡبَرۡقَ خَوۡفًا وَطَمَعًا وَيُنَزِّلُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَيُحۡيِۦ بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَعۡقِلُونَ ٢٤Uye kubva pazviratidzo zvavo vanokuratidzai mheni kuti mutye uye nekuvimba, uye vanonaisa mvura kubva kumatenga, uye vopeputsa nayo pasirino mushure mekufa kwaro. Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kuvanhu vanonzwisisa وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَن تَقُومَ ٱلسَّمَآءُ وَٱلۡأَرۡضُ بِأَمۡرِهِۦۚ ثُمَّ إِذَا دَعَاكُمۡ دَعۡوَةً مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ إِذَآ أَنتُمۡ تَخۡرُجُونَ ٢٥Uye kubva pamicherechedzo yavo matenga nenyika zvinotevedzera mirairo yavo. Uye mushure mezvo vachakudanai kamwe, naizvozvo muchabuda kubva pasi (kubva mumakuva kuzotongwa) وَلَهُۥ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ كُلٌّ لَّهُۥ قَٰنِتُونَ ٢٦Ndivo muridzi hwechose chiri mumatenga nepanyika. Uye zvese zvinovateerera وَهُوَ ٱلَّذِي يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ وَهُوَ أَهۡوَنُ عَلَيۡهِۚ وَلَهُ ٱلۡمَثَلُ ٱلۡأَعۡلَىٰ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٢٧Uye ndivo vakasika zvisikwa kwekutanga, uye vachazvisika zvekare (mushure mekuparadzwa kwazvo), uye izvi zviri nyore kwavari. Ndivo vane mucherechedzo hwepamusoro mumatenga nenyika (hapana chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kusara kwavo, uye hapana chakafanana navo). Uye ndivo samasimba, vane ungwaru hwese ضَرَبَ لَكُم مَّثَلًا مِّنۡ أَنفُسِكُمۡۖ هَل لَّكُم مِّن مَّا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُكُم مِّن شُرَكَآءَ فِي مَا رَزَقۡنَٰكُمۡ فَأَنتُمۡ فِيهِ سَوَآءٌ تَخَافُونَهُمۡ كَخِيفَتِكُمۡ أَنفُسَكُمۡۚ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٍ يَعۡقِلُونَ ٢٨Uye vanokupai muenzaniso kubva kwamuri. Mune here vabatsiri kubva pavaranda venyu vekudyidzana navo zvakafanira paupfumi uyo watakakupai, uye vamunotya sokutya kwamunoita vamwe? Kudaro tinotsanangurira zviratidzo zvizere avo vanhu vanonzwisisa بَلِ ٱتَّبَعَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ أَهۡوَآءَهُم بِغَيۡرِ عِلۡمٍۖ فَمَن يَهۡدِي مَنۡ أَضَلَّ ٱللَّهُۖ وَمَا لَهُم مِّن نَّٰصِرِينَ ٢٩Asi avo vanoita mabasa akaipa vanotevedzera zvido zvavo vasina ruzivo. Ko! Pane here anozokwanisa kutungamirira uyo Allah vanenge vaburitsa mugwara rakanaka? Uye vachange vasina kana vabatsiri فَأَقِمۡ وَجۡهَكَ لِلدِّينِ حَنِيفًاۚ فِطۡرَتَ ٱللَّهِ ٱلَّتِي فَطَرَ ٱلنَّاسَ عَلَيۡهَاۚ لَا تَبۡدِيلَ لِخَلۡقِ ٱللَّهِۚ ذَٰلِكَ ٱلدِّينُ ٱلۡقَيِّمُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٣٠Naizvozvo, taridza (Muhammad (SAW)) chiso chako kuchitendero (cheIslaam) wova Haneef (uyo asinganamati chimwe chinhu kusara kwaAllah). Chitendero chaAllah, icho vakasikira vanhu. Pasave neshanduko pachitendero chaAllah. Ichi ndicho chitendero chakatwasuka, asi vanhu vazhinji havazvizivi ۞ مُنِيبِينَ إِلَيۡهِ وَٱتَّقُوهُ وَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَلَا تَكُونُواْ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ٣١Uye (rambai) muchikumbira ruregerero kwavari chete, uye vatyei muchitevedzera zvekare mirairo yavo, uye itai Swalaah (Namatai), uye musava pakati peavo vanonamata zvidhori مِنَ ٱلَّذِينَ فَرَّقُواْ دِينَهُمۡ وَكَانُواْ شِيَعًاۖ كُلُّ حِزۡبِۭ بِمَا لَدَيۡهِمۡ فَرِحُونَ ٣٢Kune avo vanosiya chitendero chavo cheIslaam vovamumapoka (vachiunza zvinhu zvitsva (Bid’ah) uye vachitevedzera zvido zvavo), rimwe nerimwe boka richifara nezvarinazvo وَإِذَا مَسَّ ٱلنَّاسَ ضُرٌّ دَعَوۡاْ رَبَّهُم مُّنِيبِينَ إِلَيۡهِ ثُمَّ إِذَآ أَذَاقَهُم مِّنۡهُ رَحۡمَةً إِذَا فَرِيقٌ مِّنۡهُم بِرَبِّهِمۡ يُشۡرِكُونَ ٣٣Uye kana vanhu vakawirwa nedambudziko, zvirokwazvo vanochemera kuna Tenzi vavo (Allah) vachikumbira ruregerero kubva kwavari. Asi kana Allah vakavaratidza nekuvaravidzisa nyasha dzavo, aiwa, chimwe chikwata chavo chinotobva chasanganisa Tenzi vavo nezvimwe zvinamatwa لِيَكۡفُرُواْ بِمَآ ءَاتَيۡنَٰهُمۡۚ فَتَمَتَّعُواْ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ ٣٤Kuti vasakwanise kutenda zvipo zvatakavapa. Uye chimbofarai (kwekanguva kadiki), asi nenguva isipi muchazviziva أَمۡ أَنزَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ سُلۡطَٰنًا فَهُوَ يَتَكَلَّمُ بِمَا كَانُواْ بِهِۦ يُشۡرِكُونَ ٣٥Kana kuti takavadzikisira mutemo (Gwaro), uyo unotaura maererano neizvo vaivasanganisa nazvo (Allah) وَإِذَآ أَذَقۡنَا ٱلنَّاسَ رَحۡمَةً فَرِحُواْ بِهَاۖ وَإِن تُصِبۡهُمۡ سَيِّئَةُۢ بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيهِمۡ إِذَا هُمۡ يَقۡنَطُونَ ٣٦Uye tikaita kuti vanhu vave vanoravira tsitsi vanobva vafara nadzo; asi matambudziko akaipa akavawira nekuda kwezvakavaita nemaoko avo, aiwa, vanobva vashaya tarisiro أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٣٧Asi havaoni here kuti Allah vanopamhidzira raramo zhinji kune uyo wavanoda uye kuderedza? Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune avo vanhu vanotenda فَـَٔاتِ ذَا ٱلۡقُرۡبَىٰ حَقَّهُۥ وَٱلۡمِسۡكِينَ وَٱبۡنَ ٱلسَّبِيلِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٌ لِّلَّذِينَ يُرِيدُونَ وَجۡهَ ٱللَّهِۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ٣٨Saka ipa hama kodzero dzake, anoshaya uye munhu ariparwendo. Izvi ndozvinhu zvitsvene kune avo vanotsvaga nyasha dzaAllah; uye ndivo vachange vakabudirira وَمَآ ءَاتَيۡتُم مِّن رِّبًا لِّيَرۡبُوَاْ فِيٓ أَمۡوَٰلِ ٱلنَّاسِ فَلَا يَرۡبُواْ عِندَ ٱللَّهِۖ وَمَآ ءَاتَيۡتُم مِّن زَكَوٰةٍ تُرِيدُونَ وَجۡهَ ٱللَّهِ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُضۡعِفُونَ ٣٩Uye kune izvo zvamunopa sezvipo kune vamwe nechinangwa chekuti zviwedzerwe kubva pazvinhu zvevamwe vanhu, chokwadi kuna Allah hazviwedzerwi huwandu. Asi kune izvo zvamunopa seZakaah (zvipo kuvarombo) muchitsvaga nyasha dzaAllah, aiwa, vanodaro vachawana kupamhidzirwa kwakakura ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ ثُمَّ رَزَقَكُمۡ ثُمَّ يُمِيتُكُمۡ ثُمَّ يُحۡيِيكُمۡۖ هَلۡ مِن شُرَكَآئِكُم مَّن يَفۡعَلُ مِن ذَٰلِكُم مِّن شَيۡءٍۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ٤٠Allah ndivo vakakusikai, vakakupai kudya, uye vachakuitai kuti mufe, zvekare vokupai hupenyu (Pazuva rekutongwa). Kune here vamunoti vabatsiri venyu kuna Allah vangakwanise kuita zvakadaro? Kukudzwa kwese ndekwavo! Uye kurumbidzwa kwose ndekwavo pamusoro pezvose zvavanovasanganisa (navo) ظَهَرَ ٱلۡفَسَادُ فِي ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِ بِمَا كَسَبَتۡ أَيۡدِي ٱلنَّاسِ لِيُذِيقَهُم بَعۡضَ ٱلَّذِي عَمِلُواْ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٤١Zvivi zvakauya pano pasi uye nemumakungwa nekuda kwezvinoitwa nevanhu, kuti ivo (Allah) vavaravidzise chidimbu chezvavaiita, kuti vave vanodzokera (kururegerero netsitsi dzaAllah) قُلۡ سِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلُۚ كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّشۡرِكِينَ ٤٢Taura (iwe Muhammad (SAW)) kuti: “Fambai munyika uye moona magumo eavo vaive mumashure menyu! Vazhinji vavo vaiva maMushrikoon (Avo vanonamata zvimwe zvinhu vachizvisanganisa naAllah).” فَأَقِمۡ وَجۡهَكَ لِلدِّينِ ٱلۡقَيِّمِ مِن قَبۡلِ أَن يَأۡتِيَ يَوۡمٌ لَّا مَرَدَّ لَهُۥ مِنَ ٱللَّهِۖ يَوۡمَئِذٍ يَصَّدَّعُونَ ٤٣Saka taridza (iwe Muhammad (SAW)) chiso chako kunzira yakatwasuka uye nechitendero chechokwadi (Islaam), kusati kwauya zuva iro risina kana angarimisa kubva kuna Allah. Zuva racho vanhu vachapatsanurwa (mapoka maviri, rimwe boka kuParadhiso uye rimwe kuGehena) مَن كَفَرَ فَعَلَيۡهِ كُفۡرُهُۥۖ وَمَنۡ عَمِلَ صَٰلِحًا فَلِأَنفُسِهِمۡ يَمۡهَدُونَ ٤٤Uyo asingatendi acharwadzisirwa kusatenda kwake. Asi uyo anoita mabasa akanaka, vakadaro vanenge vachizvigadzirira nzvimbo yavo yakanaka (kuParadhiso) لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ مِن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡكَٰفِرِينَ ٤٥Kuti vave vanobhadhara avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye nokuita mabasa akanaka kubva mumakomborero avo. Zvirokwazvo, (Allah) havafarire avo vasingatendi وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَن يُرۡسِلَ ٱلرِّيَاحَ مُبَشِّرَٰتٍ وَلِيُذِيقَكُم مِّن رَّحۡمَتِهِۦ وَلِتَجۡرِيَ ٱلۡفُلۡكُ بِأَمۡرِهِۦ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ٤٦Uye kubva muzviratidzo zvavo vanotumira mhepo dzichiunza mufaro, vokuravidzisai tsitsi dzavo (mvura), uye kuti ngarava dzifambe kuburikidza nemurawo wavo, kuti mutsvage makomborero avo, uye kuti muve vanhu vanopa kutenda وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ رُسُلًا إِلَىٰ قَوۡمِهِمۡ فَجَآءُوهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَٱنتَقَمۡنَا مِنَ ٱلَّذِينَ أَجۡرَمُواْۖ وَكَانَ حَقًّا عَلَيۡنَا نَصۡرُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٤٧Uye zvirokwazvo takave tinotumira vatumwa kuvanhu vavo mushure mako (Muhammad (SAW)). Vakaenda kwavari nemicherechedzo iri pachena, uye tikatsiva kune avo vaiita zvakaipa (kusatenda nezvimwe zvitadzo). Uye kuvatendi zvakave zvinokomekedzwa kwatiri kuvabatsira ٱللَّهُ ٱلَّذِي يُرۡسِلُ ٱلرِّيَٰحَ فَتُثِيرُ سَحَابًا فَيَبۡسُطُهُۥ فِي ٱلسَّمَآءِ كَيۡفَ يَشَآءُ وَيَجۡعَلُهُۥ كِسَفًا فَتَرَى ٱلۡوَدۡقَ يَخۡرُجُ مِنۡ خِلَٰلِهِۦۖ فَإِذَآ أَصَابَ بِهِۦ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦٓ إِذَا هُمۡ يَسۡتَبۡشِرُونَ ٤٨Allah ndivo vanotumira mhepo kuti ihwidze makore, uye kumaparadzira muchadenga nekuda kwavo, uye kumapatsanura muzvidimbu kusvikira maona madonhwe emvura kubva pakati pavo! Kana vachinge vaita kuti adonhe kune uyo wavanoda pavaranda vavo nekuda kwavo, vanova vanofara وَإِن كَانُواْ مِن قَبۡلِ أَن يُنَزَّلَ عَلَيۡهِم مِّن قَبۡلِهِۦ لَمُبۡلِسِينَ ٤٩Uye muzvirokwazvo mushure mayo (mvura), mushure isati yatumidzwa kwavari, vaive vasina tarisiro فَٱنظُرۡ إِلَىٰٓ ءَاثَٰرِ رَحۡمَتِ ٱللَّهِ كَيۡفَ يُحۡيِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ ذَٰلِكَ لَمُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٥٠Tarisa uone magumo etsitsi dzaAllah, mumutsiro avanoita ivhu mushure mekufa kwaro. Zvirokwazvo, vachamutsa vafi (pazuva rekumutswa), uye vanokwanisa kuita zvose وَلَئِنۡ أَرۡسَلۡنَا رِيحًا فَرَأَوۡهُ مُصۡفَرًّا لَّظَلُّواْ مِنۢ بَعۡدِهِۦ يَكۡفُرُونَ ٥١Uye zvirokwazvo kana tikatumira mhepo (inoparadza zvirimwa), uye vozviona zvaoma, aiwa, vanova mushure mezvo (mushure mekufara) vasingatendi (Tenzi vavo) فَإِنَّكَ لَا تُسۡمِعُ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَلَا تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ ٱلدُّعَآءَ إِذَا وَلَّوۡاْ مُدۡبِرِينَ ٥٢Saka muzvirokwazvo iwe (Muhammad (SAW)) haungambokwanisa kuti vafi (vasingatendi) namatsi vakwanise kunzwa kushevedzwa apo vanenge vafuratira vachienda وَمَآ أَنتَ بِهَٰدِ ٱلۡعُمۡيِ عَن ضَلَٰلَتِهِمۡۖ إِن تُسۡمِعُ إِلَّا مَن يُؤۡمِنُ بِـَٔايَٰتِنَا فَهُم مُّسۡلِمُونَ ٥٣Uye iwe (Muhammad (SAW)) haungambotungamire mapofu kubva mukurasika kwavo, asi unongokwanisa chete kuita kuti avo vanotenda mumicherechedzo yedu vanzwe, uye vanozvipira kuna Allah muIslaam ۞ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَكُم مِّن ضَعۡفٍ ثُمَّ جَعَلَ مِنۢ بَعۡدِ ضَعۡفٍ قُوَّةً ثُمَّ جَعَلَ مِنۢ بَعۡدِ قُوَّةٍ ضَعۡفًا وَشَيۡبَةًۚ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُۚ وَهُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡقَدِيرُ ٥٤Allah ndivo vakakusikai mune urwere (musina simba), vakakupai simba mushure mekushaiwa simba, uye mushure mesimba vakakupai kushaiwa simba pamwe nevhudzi jena. Vanosika izvo zvavanoda, uye vane ruzivo, nemasimba ezvose وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يُقۡسِمُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ مَا لَبِثُواْ غَيۡرَ سَاعَةٍۚ كَذَٰلِكَ كَانُواْ يُؤۡفَكُونَ ٥٥Pazuva iro nguva ichavepo (Qiyaamah), avo vanoita zvisakarurama vachapika vachiti havana kumbogara (panyika) kusara kwekanguva kadiki. Naizvozvo vakave nekudzimaidzwa (kubva kuchokwadi) وَقَالَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ وَٱلۡإِيمَٰنَ لَقَدۡ لَبِثۡتُمۡ فِي كِتَٰبِ ٱللَّهِ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡبَعۡثِۖ فَهَٰذَا يَوۡمُ ٱلۡبَعۡثِ وَلَٰكِنَّكُمۡ كُنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ ٥٦Uye avo vakapihwa ruzivo pamwe nekutenda vachati: “Zvirokwazvo, makagara sekutara nekunyorerwa kwamainge maitwa naAllah kusvikira pazuva rekumutswa. Saka iri ndiro zuva rekumutswa, asi imi makange musingazvizive.” فَيَوۡمَئِذٍ لَّا يَنفَعُ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ مَعۡذِرَتُهُمۡ وَلَا هُمۡ يُسۡتَعۡتَبُونَ ٥٧Saka zuva iroro kukumbira kwavo hakusi kuzombobatsira avo vaiita mabasa asakarurama, uye havasi kuzombobvumidzwa kudzokera kuti vave vanofadza Allah (nekutenda nekuita mabasa akanaka) وَلَقَدۡ ضَرَبۡنَا لِلنَّاسِ فِي هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ مِن كُلِّ مَثَلٍۚ وَلَئِن جِئۡتَهُم بِـَٔايَةٍ لَّيَقُولَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا مُبۡطِلُونَ ٥٨Uye zvirokwazvo takave tinotsanangura kuvanhu micherechedzo yose mugwaro iri (Qur’aan). Asi iwe (Muhammad (SAW)) kana ukavaunzira micherechedzo iyi kana humboo, muzvirokwazvo avo vasingatendi vachati (kune avo vanotenda): “Hapana chamurikutevedzera kusara kwemanyepo pamwe nemapipi.” كَذَٰلِكَ يَطۡبَعُ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِ ٱلَّذِينَ لَا يَعۡلَمُونَ ٥٩Saizvozvo Allah vanovhara moyo yeavo vasingazive (humboo hwehumwechete hwaAllah) فَٱصۡبِرۡ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقٌّۖ وَلَا يَسۡتَخِفَّنَّكَ ٱلَّذِينَ لَا يُوقِنُونَ ٦٠Saka tsungirira (iwe Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi; uye usave unoshungurudzika (unodzikisirwa) neavo vasingade kutenda

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.