ملة الإسلام

السورة 36 · 83 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة يس باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة يس (1,367 قارئاً)
مكيةسورة يس٨٣ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

يسٓ ١Yaa – Seen. (Aya mavara mamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah) وَٱلۡقُرۡءَانِ ٱلۡحَكِيمِ ٢Ndinopika neQur’aan rizere nehuchenjeri (Mitemo nehumboo) إِنَّكَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٣Chokwadi, iwe (Muhammad (SAW)) uri mumwe wevatumwa عَلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٤Munzira yakatwasuka (Islaam) تَنزِيلَ ٱلۡعَزِيزِ ٱلرَّحِيمِ ٥(Iyi ibvundunuro) yakatumirwa pasi naSamasimba, vane nyasha zhinji لِتُنذِرَ قَوۡمًا مَّآ أُنذِرَ ءَابَآؤُهُمۡ فَهُمۡ غَٰفِلُونَ ٦Kuti ukwanise kuyambira vanhu avo madzibaba avo haana kunge akayambirwa, nokudaro havateereri (havana hanya) لَقَدۡ حَقَّ ٱلۡقَوۡلُ عَلَىٰٓ أَكۡثَرِهِمۡ فَهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ ٧Zvirokwazvo, shoko (remutongo) rabuda pachena richipokana nevazhinji vavo, saka havasi kuzombotenda إِنَّا جَعَلۡنَا فِيٓ أَعۡنَٰقِهِمۡ أَغۡلَٰلًا فَهِيَ إِلَى ٱلۡأَذۡقَانِ فَهُم مُّقۡمَحُونَ ٨Zvirokwazvo, tavatakudza changadzo muhuro dzavo kusvikira muzvirebvu, muzvirokwazvo kuitira kuti misoro yavo irambe yakasimudzwa mudenga وَجَعَلۡنَا مِنۢ بَيۡنِ أَيۡدِيهِمۡ سَدًّا وَمِنۡ خَلۡفِهِمۡ سَدًّا فَأَغۡشَيۡنَٰهُمۡ فَهُمۡ لَا يُبۡصِرُونَ ٩Uye takave tinoisa muganhu mumashure mavo uye takaisa muganhu pakati pavo, uye takavaputira kuitira kuti vasaone وَسَوَآءٌ عَلَيۡهِمۡ ءَأَنذَرۡتَهُمۡ أَمۡ لَمۡ تُنذِرۡهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ ١٠Zvakangofanana kwavari, kuti unovayambira kana kusayambira, havambotendi إِنَّمَا تُنذِرُ مَنِ ٱتَّبَعَ ٱلذِّكۡرَ وَخَشِيَ ٱلرَّحۡمَٰنَ بِٱلۡغَيۡبِۖ فَبَشِّرۡهُ بِمَغۡفِرَةٍ وَأَجۡرٍ كَرِيمٍ ١١Unokwanisa kungoyambira uyo anotevedzera yambiro (Qur’aan), uye achitya vane nyasha zhinji (Allah) vasingaoneki. Ipa uyo nhaurwa tsvene dzerugerero uye mubairo wakanaka (Paradhiso) إِنَّا نَحۡنُ نُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَنَكۡتُبُ مَا قَدَّمُواْ وَءَاثَٰرَهُمۡۚ وَكُلَّ شَيۡءٍ أَحۡصَيۡنَٰهُ فِيٓ إِمَامٍ مُّبِينٍ ١٢Zvirokwazvo, tinopa hupenyu kune vakafa, uye tinonyora izvo zvavanotumira kumberi (kwavo), uye nemastsimba avo, uye zvinhu zvose takazvinyora zviri mumanhamba mubhuku riri pachena وَٱضۡرِبۡ لَهُم مَّثَلًا أَصۡحَٰبَ ٱلۡقَرۡيَةِ إِذۡ جَآءَهَا ٱلۡمُرۡسَلُونَ ١٣Vataurire maererano nemuenzaniso wenyaya yevagari vedhorobha (Antioch (Antakiya)), apo pakauya vatumwa kwavari إِذۡ أَرۡسَلۡنَآ إِلَيۡهِمُ ٱثۡنَيۡنِ فَكَذَّبُوهُمَا فَعَزَّزۡنَا بِثَالِثٍ فَقَالُوٓاْ إِنَّآ إِلَيۡكُم مُّرۡسَلُونَ ١٤Patakavatumira vatumwa vaviri, vakavaramba. Saka takavasimbisa newechitatu, uye vakati: “Chokwadi, tave tinotumwa kwamuri sevatumwa.” قَالُواْ مَآ أَنتُمۡ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُنَا وَمَآ أَنزَلَ ٱلرَّحۡمَٰنُ مِن شَيۡءٍ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا تَكۡذِبُونَ ١٥Ivo (vanhu vedhorobha) vakati: “Muri vanhu sesu, uye vane nyasha zhinji (Allah) hapana chavadzikisa. Muri kutaura manyepo.” قَالُواْ رَبُّنَا يَعۡلَمُ إِنَّآ إِلَيۡكُمۡ لَمُرۡسَلُونَ ١٦Vatumwa vakati: “Tenzi vedu vanoziva kuti tave tinotumwa sevatumwa kwamuri.” وَمَا عَلَيۡنَآ إِلَّا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ ١٧“Uye basa redu ndere kungosvitsa shoko zviri pachena.” قَالُوٓاْ إِنَّا تَطَيَّرۡنَا بِكُمۡۖ لَئِن لَّمۡ تَنتَهُواْ لَنَرۡجُمَنَّكُمۡ وَلَيَمَسَّنَّكُم مِّنَّا عَذَابٌ أَلِيمٌ ١٨Ivo (vanhu) vakati: “Isu tiri kuona chiitiko chakaipa (munyama) kubva kwamuri. Mukasasiya, tinoku temai-temai nematombo zvechokwadi, uye marwadzo akaomarara anokuwanai kubva kwatiri.” قَالُواْ طَٰٓئِرُكُم مَّعَكُمۡ أَئِن ذُكِّرۡتُمۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٌ مُّسۡرِفُونَ ١٩(Ivo vatumwa) vakati: “(Munyama) Zviitiko zvenyu zvakaipa zvinemi! (Munochishevedza kuti “chiitiko chakaipa (munyama)”) nekuti murikueuchidzwa? Asi muri vanhu vanotyora mirairo yaAllah (muchiita mhando dzose dzezvitadzo zvikuru uye nekusateerera Allah).” وَجَآءَ مِنۡ أَقۡصَا ٱلۡمَدِينَةِ رَجُلٌ يَسۡعَىٰ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱتَّبِعُواْ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٢٠Uye pakauya murume achimhanya kubva kunzvimbo yaiva kure yedhorobha akati: “Imi vanhu vangu! Teererai vatumwa.” ٱتَّبِعُواْ مَن لَّا يَسۡـَٔلُكُمۡ أَجۡرًا وَهُم مُّهۡتَدُونَ ٢١“Tevedzerai avo vasingambo kubvunzai maererano nemubhadharo wavo, uye vakatungamirirwa (munzira yakatwasuka).” وَمَالِيَ لَآ أَعۡبُدُ ٱلَّذِي فَطَرَنِي وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٢٢“Uye ndingazotadza sei kunamata avo vakandisika uye kwavari muchava munodzoserwa?” ءَأَتَّخِذُ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةً إِن يُرِدۡنِ ٱلرَّحۡمَٰنُ بِضُرٍّ لَّا تُغۡنِ عَنِّي شَفَٰعَتُهُمۡ شَيۡـًٔا وَلَا يُنقِذُونِ ٢٣“Ndingatora here zvinamatwa kunze kwavo? Kana vane nyasha zhinji (Allah) vakandishuvira chakaipa, kumiririra kwazvo (zvinamatwa kunze kwaAllah) hakukwanisi kundibatsira, uye hazvikwanisi kundinunura?” إِنِّيٓ إِذًا لَّفِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٢٤“Zvirokwazvo, ndinenge ndiri mukurasika kuri pachena.” إِنِّيٓ ءَامَنتُ بِرَبِّكُمۡ فَٱسۡمَعُونِ ٢٥“Zvirokwazvo, ndave ndinotenda muna Tenzi venyu, naizvozvo nditeererei!” قِيلَ ٱدۡخُلِ ٱلۡجَنَّةَۖ قَالَ يَٰلَيۡتَ قَوۡمِي يَعۡلَمُونَ ٢٦Zvakanzi (kwaari apo paakauraiwa nevasingatendi): “Pinda Paradhiso.” Akati: “Ndinoshuvira kuti dai vanhu vangu vaziva.” بِمَا غَفَرَ لِي رَبِّي وَجَعَلَنِي مِنَ ٱلۡمُكۡرَمِينَ ٢٧“Kuti Tenzi vangu (Allah) vandiregerera, uye vakandiita umwe wevakaremekedzwa!”

الجزء الثالث والعشرون

۞ وَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَىٰ قَوۡمِهِۦ مِنۢ بَعۡدِهِۦ مِن جُندٍ مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَمَا كُنَّا مُنزِلِينَ ٢٨Uye hatina kuva tinotumira kuvanhu vake mushure make mauto kubva kudenga, uye pange pasina chikonzero chekuti titumire إِن كَانَتۡ إِلَّا صَيۡحَةً وَٰحِدَةً فَإِذَا هُمۡ خَٰمِدُونَ ٢٩Kwakangova kudaidzira (Swaihah) kumwechete uye vakabva vanyaradzwa (vafa) يَٰحَسۡرَةً عَلَى ٱلۡعِبَادِۚ مَا يَأۡتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٣٠Matambudziko kuvanhu (varanda vaAllah)! Hakuna kuva kunouya mutumwa kwavari kusara kwekuti vaimutuka (vaimutsvinyira) أَلَمۡ يَرَوۡاْ كَمۡ أَهۡلَكۡنَا قَبۡلَهُم مِّنَ ٱلۡقُرُونِ أَنَّهُمۡ إِلَيۡهِمۡ لَا يَرۡجِعُونَ ٣١Havaoni here kuti madzinza mangani atakaparadza mushure mavo? Zvirokwazvo, havazombofa vakadzokera kwavari وَإِن كُلٌّ لَّمَّا جَمِيعٌ لَّدَيۡنَا مُحۡضَرُونَ ٣٢Uye zvirokwazvo, vose umwe neumwe wavo achava anounzwa kwatiri وَءَايَةٌ لَّهُمُ ٱلۡأَرۡضُ ٱلۡمَيۡتَةُ أَحۡيَيۡنَٰهَا وَأَخۡرَجۡنَا مِنۡهَا حَبًّا فَمِنۡهُ يَأۡكُلُونَ ٣٣Uye chiratidzo kwavari, inyika inenge isina upenyu. Tinoipa upenyu, uye tinoburitsa kubva mairi zvirimwa (mbesa), kuti vave vanodya kubva madziri وَجَعَلۡنَا فِيهَا جَنَّٰتٍ مِّن نَّخِيلٍ وَأَعۡنَٰبٍ وَفَجَّرۡنَا فِيهَا مِنَ ٱلۡعُيُونِ ٣٤Uye tinogadzira mairi (nyika) mapindu emadheti nemagirepi, uye tinokonzera kuti zvitubu zvemvura zvive zvinobuda mairi (nyika) لِيَأۡكُلُواْ مِن ثَمَرِهِۦ وَمَا عَمِلَتۡهُ أَيۡدِيهِمۡۚ أَفَلَا يَشۡكُرُونَ ٣٥Kuti vave vanodya kubva kumichero yawo, uye maoko avo haasi anozvigadzira. Saka sei vasingapi kutenda سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡأَزۡوَٰجَ كُلَّهَا مِمَّا تُنۢبِتُ ٱلۡأَرۡضُ وَمِنۡ أَنفُسِهِمۡ وَمِمَّا لَا يَعۡلَمُونَ ٣٦Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakasika zvinhu (zvisikwa) zvose muuviri kubva kune izvo zvinoburitswa nepasi, uye kubva kwavari (vanhu, varume nevakadzi), uye kubva kune izvo zvavasingazivi وَءَايَةٌ لَّهُمُ ٱلَّيۡلُ نَسۡلَخُ مِنۡهُ ٱلنَّهَارَ فَإِذَا هُم مُّظۡلِمُونَ ٣٧Uye chiratidzo kwavari ndecheusiku. Tinobvisa kubva mahuri (husiku) masikati, uye ngwarirai, vanenge vave murima وَٱلشَّمۡسُ تَجۡرِي لِمُسۡتَقَرٍّ لَّهَاۚ ذَٰلِكَ تَقۡدِيرُ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡعَلِيمِ ٣٨Uye zuva rinofamba nemunzira yaro kwenguva yarakatarirwa. Uku ndiko kuronga kwaSamasimba, vane ruzivo rwose وَٱلۡقَمَرَ قَدَّرۡنَٰهُ مَنَازِلَ حَتَّىٰ عَادَ كَٱلۡعُرۡجُونِ ٱلۡقَدِيمِ ٣٩Uye mwedzi takava tinoutarira nzira yawo (yekufamba nayo) kusvikira wadzoka kwatiri sedzinde rekare remaDheti rakaminama, rakaoma لَا ٱلشَّمۡسُ يَنۢبَغِي لَهَآ أَن تُدۡرِكَ ٱلۡقَمَرَ وَلَا ٱلَّيۡلُ سَابِقُ ٱلنَّهَارِۚ وَكُلٌّ فِي فَلَكٍ يَسۡبَحُونَ ٤٠Hazvikwanisike kuti zuva ridarikire mwedzi kana kuti usiku udarikire masikati. Zvose zvinofamba mudenga zvichitenderera وَءَايَةٌ لَّهُمۡ أَنَّا حَمَلۡنَا ذُرِّيَّتَهُمۡ فِي ٱلۡفُلۡكِ ٱلۡمَشۡحُونِ ٤١Uye chiratidzo kwavari ndechekuti takatakura zvizvarwa zvavo mungarava yakatakura (yaNowa) وَخَلَقۡنَا لَهُم مِّن مِّثۡلِهِۦ مَا يَرۡكَبُونَ ٤٢Uye takava tinovasikira zvakafanana nayo (ngarava) izvo zvavanotasva وَإِن نَّشَأۡ نُغۡرِقۡهُمۡ فَلَا صَرِيخَ لَهُمۡ وَلَا هُمۡ يُنقَذُونَ ٤٣Uye kana tichida, tichavanyudza uye pachange pasina anodeedzera (kana mununuri achanzwa kuchema kwavo), uye havazombonunurwi إِلَّا رَحۡمَةً مِّنَّا وَمَتَٰعًا إِلَىٰ حِينٍ ٤٤Kusara kwekuti dziri tsitsi kubva kwatiri, uye semafaro kwekanguva وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱتَّقُواْ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيكُمۡ وَمَا خَلۡفَكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ ٤٥Uye zvikanzi kwavari: “Ityai izvo zviri pamberi penyu (marwadzo epanyika), uye neizvo zviri pamberi penyu zvamusingaoni (marwadzo emuhupenyu hunotevera), kuti muve munogashira tsitsi (kana mukatambira Islaam).” وَمَا تَأۡتِيهِم مِّنۡ ءَايَةٍ مِّنۡ ءَايَٰتِ رَبِّهِمۡ إِلَّا كَانُواْ عَنۡهَا مُعۡرِضِينَ ٤٦Uye hakuna chiratidzo kubva muzviratidzo zvaTenzi vavo chakauya kwavari kusara kwekuti vakachifuratira وَإِذَا قِيلَ لَهُمۡ أَنفِقُواْ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُ قَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَنُطۡعِمُ مَن لَّوۡ يَشَآءُ ٱللَّهُ أَطۡعَمَهُۥٓ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٤٧Uye pazvinonzi kwavari: “Ipai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah,” avo vasingatendi vanoti kune avo vanotenda: “Tingape kudya avo, dai Allah vaida, ivo (Allah pachezvavo) vaivapa chikafu? Zvirokwazvo, makarasika zviri pachena.” وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٤٨Uye vanoti: “Chitsidzo ichi (zuva rekutongwa) chichazadzikiswa rinhi kana muri muchokwadi?” مَا يَنظُرُونَ إِلَّا صَيۡحَةً وَٰحِدَةً تَأۡخُذُهُمۡ وَهُمۡ يَخِصِّمُونَ ٤٩Havana kumirira kusara kweSwaihah (kudeedzera) kumwe kuchavaparadza vari pakati pekupikisana فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ تَوۡصِيَةً وَلَآ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمۡ يَرۡجِعُونَ ٥٠Naizvozvo havasi kuzokwanisa kutaura zvido zvavo mushure mavo (vafa), kana kudzokera kumhuri dzavo وَنُفِخَ فِي ٱلصُّورِ فَإِذَا هُم مِّنَ ٱلۡأَجۡدَاثِ إِلَىٰ رَبِّهِمۡ يَنسِلُونَ ٥١Uye hwamanda icharidzwa (kuridzwa kwepiri), uye naizvozvo vachabuda mumarinda avo vakananga kuna Tenzi vavo nokukurumidza قَالُواْ يَٰوَيۡلَنَا مَنۢ بَعَثَنَا مِن مَّرۡقَدِنَاۜۗ هَٰذَا مَا وَعَدَ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَصَدَقَ ٱلۡمُرۡسَلُونَ ٥٢Vachati: “Matambudziko kwatiri! Ndiani atimutsa kubva munzvimbo yedu yekurara?” (Zvichanzi kwavari): “Izvi ndizvo zvakavimbiswa neavo vane tsitsi dzose (Allah), uye vatumwa vakava vanotaura chokwadi!” إِن كَانَتۡ إِلَّا صَيۡحَةً وَٰحِدَةً فَإِذَا هُمۡ جَمِيعٌ لَّدَيۡنَا مُحۡضَرُونَ ٥٣Kuchangove kusheedzera kumwe, naizvozvo vose vachava vanounzwa pamberi pedu فَٱلۡيَوۡمَ لَا تُظۡلَمُ نَفۡسٌ شَيۡـًٔا وَلَا تُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٥٤Zuva iri (rekutongwa) hapana achakanganisirwa pane chimwe chinhu, uye hamusi kuzopihwa chinhu kusara kweizvo zvamaiita إِنَّ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ ٱلۡيَوۡمَ فِي شُغُلٍ فَٰكِهُونَ ٥٥Zvirokwazvo, vagari vemuParadhiso, muzuva iri, vanenge vari mubishi nezvinhu zvinofadza هُمۡ وَأَزۡوَٰجُهُمۡ فِي ظِلَٰلٍ عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ مُتَّكِـُٔونَ ٥٦Ivo nevakadzi vavo vachange vari mumimvuri, vakatsamhira muzvigaro (zveumambo) لَهُمۡ فِيهَا فَٰكِهَةٌ وَلَهُم مَّا يَدَّعُونَ ٥٧Vachave nemichero (yendudzi dzose) imomo uye nezvose zvavanokumbira سَلَٰمٌ قَوۡلًا مِّن رَّبٍّ رَّحِيمٍ ٥٨(Zvichanzi kwavari): “Salaam (rugare ngaruve kwamuri) – shoko kubva kuna Tenzi (Allah), vane tsitsi dzose وَٱمۡتَٰزُواْ ٱلۡيَوۡمَ أَيُّهَا ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٥٩(Zvichanzi): “Uye Imi maMujrimoon (vatadzi)! Patsanukai muzuva ranhasi (kubva kuvatendi).” ۞ أَلَمۡ أَعۡهَدۡ إِلَيۡكُمۡ يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ أَن لَّا تَعۡبُدُواْ ٱلشَّيۡطَٰنَۖ إِنَّهُۥ لَكُمۡ عَدُوٌّ مُّبِينٌ ٦٠“Handina kukuudzai, imi vana vaAdam, kuti musave munonamata Shaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri.” وَأَنِ ٱعۡبُدُونِيۚ هَٰذَا صِرَٰطٌ مُّسۡتَقِيمٌ ٦١“Uye kuti muve munondinamata. Iri ndiro gwara rakatwasuka.” وَلَقَدۡ أَضَلَّ مِنكُمۡ جِبِلًّا كَثِيرًاۖ أَفَلَمۡ تَكُونُواْ تَعۡقِلُونَ ٦٢“Uye zvirokwazvo iye (Satani) akava anorasisa vakawanda venyu. Hamuna kunzwisisa here?” هَٰذِهِۦ جَهَنَّمُ ٱلَّتِي كُنتُمۡ تُوعَدُونَ ٦٣“Iri ndiro Gehena ramakava munovimbiswa!” ٱصۡلَوۡهَا ٱلۡيَوۡمَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡفُرُونَ ٦٤“Itsvai mariri muzuva ranhasi, nokuda kweizvo zvamaisatenda.” ٱلۡيَوۡمَ نَخۡتِمُ عَلَىٰٓ أَفۡوَٰهِهِمۡ وَتُكَلِّمُنَآ أَيۡدِيهِمۡ وَتَشۡهَدُ أَرۡجُلُهُم بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ ٦٥Nhasi, tichavhara miromo yavo, uye maoko avo achataura nesu, uye makumbo avo achapa uchapupu pamusoro peizvo zvavaiwana. (Zvinonzi chidya cheruboshwe ndicho chichatanga kupa uchapupu) وَلَوۡ نَشَآءُ لَطَمَسۡنَا عَلَىٰٓ أَعۡيُنِهِمۡ فَٱسۡتَبَقُواْ ٱلصِّرَٰطَ فَأَنَّىٰ يُبۡصِرُونَ ٦٦Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai zvirokwazvo takadzima maziso avo, kuti vave vanotambudzika panzira. Vaizoona sei وَلَوۡ نَشَآءُ لَمَسَخۡنَٰهُمۡ عَلَىٰ مَكَانَتِهِمۡ فَمَا ٱسۡتَطَٰعُواْ مُضِيًّا وَلَا يَرۡجِعُونَ ٦٧Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai takavashandura (kuti vave mhuka kana zvimwe zvisikwa zvisingafemi) panzvimbo dzavo. Naizvozvo vaisakwanisa kuenda mberi kana kudzokera kumashure وَمَن نُّعَمِّرۡهُ نُنَكِّسۡهُ فِي ٱلۡخَلۡقِۚ أَفَلَا يَعۡقِلُونَ ٦٨Uye uyo watinopa hupenyu hwakareba, tinomudzosera kuhusikwa (kushaya simba mushure mokuva nesimba). Hamunzwisisi here وَمَا عَلَّمۡنَٰهُ ٱلشِّعۡرَ وَمَا يَنۢبَغِي لَهُۥٓۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا ذِكۡرٌ وَقُرۡءَانٌ مُّبِينٌ ٦٩Uye hatina kumudzidzisa (Muhammad (SAW)) nhetembo, uye hadzina kukodzera kwaari. Iyi ingori yeuchidzo neQur’aan riri pachena لِّيُنذِرَ مَن كَانَ حَيًّا وَيَحِقَّ ٱلۡقَوۡلُ عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ ٧٠Kuti rive (Qur’aan) rinochenjedza uyo ari kurarama (mutendi), uye kuti rigova shoko rechokwadi kune avo vasingatendi (vakafa nekusatenda kwavo) أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّا خَلَقۡنَا لَهُم مِّمَّا عَمِلَتۡ أَيۡدِينَآ أَنۡعَٰمًا فَهُمۡ لَهَا مَٰلِكُونَ ٧١Havaoni here kuti takavasikira mombe nemaoko edu kuti vave varidzi vadzo وَذَلَّلۡنَٰهَا لَهُمۡ فَمِنۡهَا رَكُوبُهُمۡ وَمِنۡهَا يَأۡكُلُونَ ٧٢Uye takaita kuti dzive (mombe) pasi pavo, kuti dzimwe dzacho vave vanotatswa uye dzimwe dzacho vadye وَلَهُمۡ فِيهَا مَنَٰفِعُ وَمَشَارِبُۚ أَفَلَا يَشۡكُرُونَ ٧٣Uye vane zvakanaka zvavanowana kubva madziri, uye vanowana mukaka kuti vanwe. Sei vasingatendi وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ ءَالِهَةً لَّعَلَّهُمۡ يُنصَرُونَ ٧٤Uye vakatora zvimwe zvisikwa kunze kwaAllah saanamwari vachitarisira kuti vangabatsirwa (nezvinanamwari zvavo) لَا يَسۡتَطِيعُونَ نَصۡرَهُمۡ وَهُمۡ لَهُمۡ جُندٌ مُّحۡضَرُونَ ٧٥Havambokwanisi kuvabatsira, asi vachazounzwa pamberi semauto vachipikisana nevaivanamata (pazuva rekutongwa) فَلَا يَحۡزُنكَ قَوۡلُهُمۡۘ إِنَّا نَعۡلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعۡلِنُونَ ٧٦Naizvozvo mashoko avo ngaasave anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, tinoziva zvavanoviga nezvavanobuditsa pachena أَوَلَمۡ يَرَ ٱلۡإِنسَٰنُ أَنَّا خَلَقۡنَٰهُ مِن نُّطۡفَةٍ فَإِذَا هُوَ خَصِيمٌ مُّبِينٌ ٧٧Munhu haaoni here kuti takamusika kubva muNutfah (Mvura yemurume nemukadzi yakasangana)? Asi zvirokwazvo anomira semupikisi ari pachena وَضَرَبَ لَنَا مَثَلًا وَنَسِيَ خَلۡقَهُۥۖ قَالَ مَن يُحۡيِ ٱلۡعِظَٰمَ وَهِيَ رَمِيمٌ ٧٨Uye anoisa muenzaniso pamusoro pedu, uye wobva akanganwa kusikwa kwake, achibva ati: “Ndiani achapa hupenyu kumapfupa mushure mekunge aora uye aita mavhu?” قُلۡ يُحۡيِيهَا ٱلَّذِيٓ أَنشَأَهَآ أَوَّلَ مَرَّةٍۖ وَهُوَ بِكُلِّ خَلۡقٍ عَلِيمٌ ٧٩Iti (Muhammad (SAW)): “Achapihwa hupenyu (mapfupa) neavo vakaasika pekutanga! Uye vane ruzivo pamusoro pezvisikwa zvose!” ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلشَّجَرِ ٱلۡأَخۡضَرِ نَارًا فَإِذَآ أَنتُم مِّنۡهُ تُوقِدُونَ ٨٠“Avo vanokubuditsirai moto kubva kumuti munyoro, apo pamunenge mave kubatidza kubva kwauri.” أَوَلَيۡسَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِقَٰدِرٍ عَلَىٰٓ أَن يَخۡلُقَ مِثۡلَهُمۚ بَلَىٰ وَهُوَ ٱلۡخَلَّٰقُ ٱلۡعَلِيمُ ٨١Avo vakasika matenga nenyika havana here simba rekusika zvimwe zvakafanana naizvozvo? Hongu, zvirokwazvo ndivo musiki mukuru vane ruzivo إِنَّمَآ أَمۡرُهُۥٓ إِذَآ أَرَادَ شَيۡـًٔا أَن يَقُولَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ ٨٢Zvirokwazvo, mutemo wavo kana vada chinhu vanongoti: “Ivapo!” – chobva chavapo فَسُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي بِيَدِهِۦ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيۡءٍ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ ٨٣Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kwavari, avo muruoko rwavo mune humambo hwezvinhu zvose, uye kwavari muchadzoserwa

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.