ملة الإسلام

السورة 12 · 111 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة يوسف باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة يوسف (1,458 قارئاً)
مكيةسورة يوسف١١١ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

الٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ ١Alif – Laam – Raa. (Mashoko aya ndiwo mamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Idzi indima dzeGwaro riri pachena (rinoburitsa pachena zvinobvumidzwa nezvinorambidzwa, mitemo, nhungamiri uye makomborero) إِنَّآ أَنزَلۡنَٰهُ قُرۡءَٰنًا عَرَبِيًّا لَّعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ ٢Zvirokwazvo, takaburutsa iri Qur’aan muchirudzi chechiArabhu kuti muve munorinzwisisa نَحۡنُ نَقُصُّ عَلَيۡكَ أَحۡسَنَ ٱلۡقَصَصِ بِمَآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ وَإِن كُنتَ مِن قَبۡلِهِۦ لَمِنَ ٱلۡغَٰفِلِينَ ٣Tinokutsanangurira iwe (Muhammad (SAW)) nhaurwa dzakanaka kuburikidza muzvizvarurwa zvedu kwauri muQur’aan iri. Uye mushure meizvi (kwekuuya Qur’aan kwauri) waive umwe weavo vasina chavanoziva إِذۡ قَالَ يُوسُفُ لِأَبِيهِ يَٰٓأَبَتِ إِنِّي رَأَيۡتُ أَحَدَ عَشَرَ كَوۡكَبًا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ رَأَيۡتُهُمۡ لِي سَٰجِدِينَ ٤(Rangarira) Josefa paakati kuna baba vake: “Imi baba vangu! Zvirokwazvo, ndaona (muhope dzangu) nyeredzi gumi neimwe uye zuva uye mwedzi, ndazviona zvichindipfugamira.” قَالَ يَٰبُنَيَّ لَا تَقۡصُصۡ رُءۡيَاكَ عَلَىٰٓ إِخۡوَتِكَ فَيَكِيدُواْ لَكَ كَيۡدًاۖ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ لِلۡإِنسَٰنِ عَدُوٌّ مُّبِينٌ ٥Ivo (baba) vakati: “Iwe mwana wangu! Usava unoudza zvawaona madzikoma ako, pamwe vangakurongera zvakaipa. Zvirokwazvo, Satani kuvanhu muvengi ari pachena!” وَكَذَٰلِكَ يَجۡتَبِيكَ رَبُّكَ وَيُعَلِّمُكَ مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِ وَيُتِمُّ نِعۡمَتَهُۥ عَلَيۡكَ وَعَلَىٰٓ ءَالِ يَعۡقُوبَ كَمَآ أَتَمَّهَا عَلَىٰٓ أَبَوَيۡكَ مِن قَبۡلُ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَۚ إِنَّ رَبَّكَ عَلِيمٌ حَكِيمٌ ٦“Saizvozvo Tenzi vako vachakusarudza uye vokudzidzisa tsanangudzo dzehope (nezvimwe zvinhu), uye vozadzisa makomborero kwauri uye kuvana vaJakobho, sekunatsurudza kwavakaita kumadzibaba ako, Abrahamu, naIsaka kare! Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muzivi wezvose, vane uchenjeri hwese.” ۞ لَّقَدۡ كَانَ فِي يُوسُفَ وَإِخۡوَتِهِۦٓ ءَايَٰتٌ لِّلسَّآئِلِينَ ٧Zvirokwazvo, muna Josefa nemadzikoma ake makange mune zviratidzo kune avo vanobvunza إِذۡ قَالُواْ لَيُوسُفُ وَأَخُوهُ أَحَبُّ إِلَىٰٓ أَبِينَا مِنَّا وَنَحۡنُ عُصۡبَةٌ إِنَّ أَبَانَا لَفِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٨Pavakati: “Zvechokwadi, Josefa nemukoma wake (Benjamini) vanofarirwa nababa vedu kupfuura isu, asi isu tiri chikwata chakasimba. Zvirokwazvo, baba vedu vakarasika (vari kutadza) zviri pachena.” ٱقۡتُلُواْ يُوسُفَ أَوِ ٱطۡرَحُوهُ أَرۡضًا يَخۡلُ لَكُمۡ وَجۡهُ أَبِيكُمۡ وَتَكُونُواْ مِنۢ بَعۡدِهِۦ قَوۡمًا صَٰلِحِينَ ٩“Urayai Josefa kana kuti murasirei kuimwe nzvimbo (iri kure), kuitira kuti makomborero ababa venyu apihwe imi moga, uye mushure mezvo muchava vanhu vakanaka (nekuva nepfungwa dzekukumbira ruregerero musati matadza).” قَالَ قَآئِلٌ مِّنۡهُمۡ لَا تَقۡتُلُواْ يُوسُفَ وَأَلۡقُوهُ فِي غَيَٰبَتِ ٱلۡجُبِّ يَلۡتَقِطۡهُ بَعۡضُ ٱلسَّيَّارَةِ إِن كُنتُمۡ فَٰعِلِينَ ١٠Umwe pakati pavo akati: “Musauraya Josefa, asi mukandei pasi pasi petsime, achazonhongwa nevapfuuri venzira.” قَالُواْ يَٰٓأَبَانَا مَا لَكَ لَا تَأۡمَ۬نَّا عَلَىٰ يُوسُفَ وَإِنَّا لَهُۥ لَنَٰصِحُونَ ١١Ivo vakati: “Imi baba vedu! Nemhaka yei musingativimbe naJosefa kunyangwe zvirokwazvo isu tiri kwaari vashuviri vezvakanaka?” أَرۡسِلۡهُ مَعَنَا غَدًا يَرۡتَعۡ وَيَلۡعَبۡ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ ١٢“Mutumirei nesu mangwana kuti ave anofara nekutamba, uye zvirokwazvo, tichamuchengetedza.” قَالَ إِنِّي لَيَحۡزُنُنِيٓ أَن تَذۡهَبُواْ بِهِۦ وَأَخَافُ أَن يَأۡكُلَهُ ٱلذِّئۡبُ وَأَنتُمۡ عَنۡهُ غَٰفِلُونَ ١٣Iye (Jakobho) akati: “Zvirokwazvo, kuenda kwenyu naye kunondishaisa mufaro, uye ndinotya kuti anodyiwa nemhumhi imi makarivara nezvake.” قَالُواْ لَئِنۡ أَكَلَهُ ٱلذِّئۡبُ وَنَحۡنُ عُصۡبَةٌ إِنَّآ إِذًا لَّخَٰسِرُونَ ١٤Vakati: “Zvirokwazvo, kana mhumhi ikamudya, isu tiri chikwata chakasimba (chekumuchengetedza), nokudaro zvirokwazvo, tiri avo vakarasikirwa.” فَلَمَّا ذَهَبُواْ بِهِۦ وَأَجۡمَعُوٓاْ أَن يَجۡعَلُوهُ فِي غَيَٰبَتِ ٱلۡجُبِّۚ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡهِ لَتُنَبِّئَنَّهُم بِأَمۡرِهِمۡ هَٰذَا وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ١٥Nokudaro pavakaenda naye, uye vose vakawirirana kumukandira pazasi petsime (vakadaro), uye takava tinomuzarurira (Josefa) kuti: “Zvirokwazvo, uchava (rimwe zuva) unovaudza hurongwa hwavo uhu ivo vasingazivi.” وَجَآءُوٓ أَبَاهُمۡ عِشَآءً يَبۡكُونَ ١٦Uye vakauya kuna baba vavo manheru vachichema قَالُواْ يَٰٓأَبَانَآ إِنَّا ذَهَبۡنَا نَسۡتَبِقُ وَتَرَكۡنَا يُوسُفَ عِندَ مَتَٰعِنَا فَأَكَلَهُ ٱلذِّئۡبُۖ وَمَآ أَنتَ بِمُؤۡمِنٍ لَّنَا وَلَوۡ كُنَّا صَٰدِقِينَ ١٧Vakati: “Imi baba vedu! Tanga tichimhanya tichikwikwidzana, uye tikasiya Josefa nezvinhu zvedu, uye mhumhi ikamudya; asi hamufi makatitenda kunyange tikataura chokwadi.” وَجَآءُو عَلَىٰ قَمِيصِهِۦ بِدَمٍ كَذِبٍۚ قَالَ بَلۡ سَوَّلَتۡ لَكُمۡ أَنفُسُكُمۡ أَمۡرًاۖ فَصَبۡرٌ جَمِيلٌۖ وَٱللَّهُ ٱلۡمُسۡتَعَانُ عَلَىٰ مَا تَصِفُونَ ١٨Uye vakauya nehembe yake ine ropa renhema. Iye akati: “Asi nyaya iyi maironga pachenyu. Nokudaro kutsungirira kwakandinakira. Uye Allah voga ndivo vanokumbirwa rubatsiro pamusoro pezvamatsanangudza.” وَجَآءَتۡ سَيَّارَةٌ فَأَرۡسَلُواْ وَارِدَهُمۡ فَأَدۡلَىٰ دَلۡوَهُۥۖ قَالَ يَٰبُشۡرَىٰ هَٰذَا غُلَٰمٌۚ وَأَسَرُّوهُ بِضَٰعَةًۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِمَا يَعۡمَلُونَ ١٩Uye pakauya vapfuuri venzira (vafambi), uye vakatuma mucheri wemvura wavo, uye akadzikisa mugomo wake (mutsime). Akati: “Mashoko akanaka! Pano pane mukomana.” Nokudaro vakamuviga sechitengeswa (muranda). Uye Allah ndivo vaiziva zvose zvavaiita وَشَرَوۡهُ بِثَمَنِۭ بَخۡسٍ دَرَٰهِمَ مَعۡدُودَةٍ وَكَانُواْ فِيهِ مِنَ ٱلزَّٰهِدِينَ ٢٠Uye vakamutengesa nemutengo wakadzikira hwemadhirihamu (masirivha) mashoma shoma. Uye vakange vari avo vaimuona sechinhu chisina basa وَقَالَ ٱلَّذِي ٱشۡتَرَىٰهُ مِن مِّصۡرَ لِٱمۡرَأَتِهِۦٓ أَكۡرِمِي مَثۡوَىٰهُ عَسَىٰٓ أَن يَنفَعَنَآ أَوۡ نَتَّخِذَهُۥ وَلَدًاۚ وَكَذَٰلِكَ مَكَّنَّا لِيُوسُفَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلِنُعَلِّمَهُۥ مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِۚ وَٱللَّهُ غَالِبٌ عَلَىٰٓ أَمۡرِهِۦ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٢١Uye iye (murume) akamutenga kuEgypt akati kumukadzi wake: “Ita kuti agare zvakanaka, dzimwe nguva angatibatsira kana kuti tichamutora semwana.” Uye ndiwo magadziro atakaita Josefa munzvimbo kuti tive tinomudzidzisa zvirevo zvezviitiko. Uye Allah vane masimba ose pahurongwa hwavo, asi vanhu vazhinji havazivi وَلَمَّا بَلَغَ أَشُدَّهُۥٓ ءَاتَيۡنَٰهُ حُكۡمًا وَعِلۡمًاۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٢٢Uye (Josefa) paakasvika pahurume hwake, takamupa huchenjeri neruzivo (huporofita), uye aya ndiwo mapiro mubairo atinoita vanoita mabasa akanaka وَرَٰوَدَتۡهُ ٱلَّتِي هُوَ فِي بَيۡتِهَا عَن نَّفۡسِهِۦ وَغَلَّقَتِ ٱلۡأَبۡوَٰبَ وَقَالَتۡ هَيۡتَ لَكَۚ قَالَ مَعَاذَ ٱللَّهِۖ إِنَّهُۥ رَبِّيٓ أَحۡسَنَ مَثۡوَايَۖ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلظَّٰلِمُونَ ٢٣Uye iye (mukadzi), mumba make maakange ari (Josefa), akada kuita zvakaipa naye, uye akavhara misuwo uye akati: “Huya pano, iwe.” Iye akati: “Ndinokumbira rudziviriro kubva kuna Allah! Zvirokwazvo, iye (murume wako) ndimambo vangu! Vakaita kuti kugara kwangu kuve kwakanaka! (Nokudaro handimbofi ndakamurasisa). Zvirokwazvo, vaiti vezvakaipa havafi vakabudirira.” وَلَقَدۡ هَمَّتۡ بِهِۦۖ وَهَمَّ بِهَا لَوۡلَآ أَن رَّءَا بُرۡهَٰنَ رَبِّهِۦۚ كَذَٰلِكَ لِنَصۡرِفَ عَنۡهُ ٱلسُّوٓءَ وَٱلۡفَحۡشَآءَۚ إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُخۡلَصِينَ ٢٤Uye zvirokwazvo (mukadzi) akange ave anomuda, uye (Josefa) akange ave kuda kurerekera kumadirwo ake, dai asina kuona humboo hwaTenzi vake. Sokudaro zvakaitika, kuti tive tinomubvisa kubva mune zvakaipa uye choupombwe. Zvirokwazvo, akange ari mumwe wevaranda vedu vatakasarudza وَٱسۡتَبَقَا ٱلۡبَابَ وَقَدَّتۡ قَمِيصَهُۥ مِن دُبُرٍ وَأَلۡفَيَا سَيِّدَهَا لَدَا ٱلۡبَابِۚ قَالَتۡ مَا جَزَآءُ مَنۡ أَرَادَ بِأَهۡلِكَ سُوٓءًا إِلَّآ أَن يُسۡجَنَ أَوۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٢٥Uye vakamhanyidzana kumusuwo, uye (mukadzi) akamubvarurira hembe yake (Josefa) kumashure. Vose vakava vanoona mambo vake (murume wake) pamusuwo. (Mukadzi) akati: “Ndeupiko mugove (murango) kune uyo anga achida kuita zvakaipa kumukadzi wako, kusara kwekuti ave anopinda mujere kana murango unorwadza?” قَالَ هِيَ رَٰوَدَتۡنِي عَن نَّفۡسِيۚ وَشَهِدَ شَاهِدٌ مِّنۡ أَهۡلِهَآ إِن كَانَ قَمِيصُهُۥ قُدَّ مِن قُبُلٍ فَصَدَقَتۡ وَهُوَ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ ٢٦Iye (Josefa) akati: “Ndiye anga achida kundinyengedza;” uye chapupu chemumba make chakava chinopupura (chichiti): “Kana hembe yake yakabvaruka mberi nyaya yake (mukadzi) ndeye chokwadi, uye uyu munyepi (Josefa)!” وَإِن كَانَ قَمِيصُهُۥ قُدَّ مِن دُبُرٍ فَكَذَبَتۡ وَهُوَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٢٧“Asi kana kuri kuti hembe yake yakabvaruka kumashure, nokudaro ari kunyepa (mukadzi), uye iye (Josefa) ari kutaura chokwadi!” فَلَمَّا رَءَا قَمِيصَهُۥ قُدَّ مِن دُبُرٍ قَالَ إِنَّهُۥ مِن كَيۡدِكُنَّۖ إِنَّ كَيۡدَكُنَّ عَظِيمٌ ٢٨Saka paakaona (murume wake) hembe yake (Josefa) yakabvaruka kumashure akabva ati: “Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu imi vakadzi! Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu hwakakuru!” يُوسُفُ أَعۡرِضۡ عَنۡ هَٰذَاۚ وَٱسۡتَغۡفِرِي لِذَنۢبِكِۖ إِنَّكِ كُنتِ مِنَ ٱلۡخَاطِـِٔينَ ٢٩“Iwe Josefa! Furatira izvi! (Iwe mukadzi!) Kumbira ruregerero kuchitadzo chako. Zvirokwazvo, wanga uri umwe wevatadzi.” ۞ وَقَالَ نِسۡوَةٌ فِي ٱلۡمَدِينَةِ ٱمۡرَأَتُ ٱلۡعَزِيزِ تُرَٰوِدُ فَتَىٰهَا عَن نَّفۡسِهِۦۖ قَدۡ شَغَفَهَا حُبًّاۖ إِنَّا لَنَرَىٰهَا فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٣٠Uye vakadzi vemuguta vakati: “Mukadzi waAziz ari kuda kunyengedza kamukomana kake kechidiki (muranda wake). Zvirokwazvo, anomuda zvakanyanya. Zvirokwazvo, tinomuona akarasika zviri pachena.” فَلَمَّا سَمِعَتۡ بِمَكۡرِهِنَّ أَرۡسَلَتۡ إِلَيۡهِنَّ وَأَعۡتَدَتۡ لَهُنَّ مُتَّكَـًٔا وَءَاتَتۡ كُلَّ وَٰحِدَةٍ مِّنۡهُنَّ سِكِّينًا وَقَالَتِ ٱخۡرُجۡ عَلَيۡهِنَّۖ فَلَمَّا رَأَيۡنَهُۥٓ أَكۡبَرۡنَهُۥ وَقَطَّعۡنَ أَيۡدِيَهُنَّ وَقُلۡنَ حَٰشَ لِلَّهِ مَا هَٰذَا بَشَرًا إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا مَلَكٌ كَرِيمٌ ٣١Nokudaro paakanzwa chipomherwa chavo, akavakoka kumabiko akavagadzirira kudya kwavo, uye akapa mumwe nemumwe pakati pavo banga (kuti ave anocheka chokudya), uye akati (kuna Josefa): “Buda pachena pamberi pavo.” Pavakamuona, vakashamisika naye (nerunako rwake), uye (mukushamisika kwavo) vakazvicheka maoko avo. Vakati: “Hunyanzvi hwaAllah here uhu! Haasi munhu uyu! Asi ingirozi inoremekedzwa!” قَالَتۡ فَذَٰلِكُنَّ ٱلَّذِي لُمۡتُنَّنِي فِيهِۖ وَلَقَدۡ رَٰوَدتُّهُۥ عَن نَّفۡسِهِۦ فَٱسۡتَعۡصَمَۖ وَلَئِن لَّمۡ يَفۡعَلۡ مَآ ءَامُرُهُۥ لَيُسۡجَنَنَّ وَلَيَكُونًا مِّنَ ٱلصَّٰغِرِينَ ٣٢Iye (mukadzi waAziz) akati: “Uyu ndiye (mukomana) wamandipomera naye, uye zvirokwazvo, ndaida kumunyengedza, asi akaramba. Uye akaramba iyezvino kuteerera murairo wangu, zvirokwazvo achapinda mujere, uye zvirokwazvo achava umwe wevakadzikisirwa.” قَالَ رَبِّ ٱلسِّجۡنُ أَحَبُّ إِلَيَّ مِمَّا يَدۡعُونَنِيٓ إِلَيۡهِۖ وَإِلَّا تَصۡرِفۡ عَنِّي كَيۡدَهُنَّ أَصۡبُ إِلَيۡهِنَّ وَأَكُن مِّنَ ٱلۡجَٰهِلِينَ ٣٣Iye (Josefa) akati: “Tenzi vangu! Jere rakandinakira kudarika izvo zvavari kundidaidzira kwazviri. Uye kana mukasandidzivirira kubva muhurongwa hwavo, ndichava ndinorerekera kwavari, uye ndova uyo weavo vasina ruzivo (vatadzi).” فَٱسۡتَجَابَ لَهُۥ رَبُّهُۥ فَصَرَفَ عَنۡهُ كَيۡدَهُنَّۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٣٤Naizvozvo Tenzi vake vakapindura chikumbiro chake, vakamunzvengesa kubva muhurongwa hwavo. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvese ثُمَّ بَدَا لَهُم مِّنۢ بَعۡدِ مَا رَأَوُاْ ٱلۡأٓيَٰتِ لَيَسۡجُنُنَّهُۥ حَتَّىٰ حِينٍ ٣٥Nokudaro vakaona mushure mekunge vaona humboo (wekushaya kwake mhosva), kuti zvirokwazvo vamuise mujere kwekanguva وَدَخَلَ مَعَهُ ٱلسِّجۡنَ فَتَيَانِۖ قَالَ أَحَدُهُمَآ إِنِّيٓ أَرَىٰنِيٓ أَعۡصِرُ خَمۡرًاۖ وَقَالَ ٱلۡأٓخَرُ إِنِّيٓ أَرَىٰنِيٓ أَحۡمِلُ فَوۡقَ رَأۡسِي خُبۡزًا تَأۡكُلُ ٱلطَّيۡرُ مِنۡهُۖ نَبِّئۡنَا بِتَأۡوِيلِهِۦٓۖ إِنَّا نَرَىٰكَ مِنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٣٦Uye akapinda mujere nevarume vechidiki vaviri. Mumwechete wavo akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndichisvina waini.” Uye umwe akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndakasenga chingwa nemusoro, asi shiri dzanga dzichidya kubva kwachiri.” (Vakati): “Tiudzewo zvinoreva izvi. Zvirokwazvo, tinopfunga kuti uri umwe wevanoita zvakanaka.” قَالَ لَا يَأۡتِيكُمَا طَعَامٌ تُرۡزَقَانِهِۦٓ إِلَّا نَبَّأۡتُكُمَا بِتَأۡوِيلِهِۦ قَبۡلَ أَن يَأۡتِيَكُمَاۚ ذَٰلِكُمَا مِمَّا عَلَّمَنِي رَبِّيٓۚ إِنِّي تَرَكۡتُ مِلَّةَ قَوۡمٍ لَّا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ كَٰفِرُونَ ٣٧Iye (Josefa) akati: “Hakuna chokudya chichauya kwamuri muchipihwa sekudya kwenyu, asi ndichakuudzai zvadzinoreva (hope) chisati chauya (chokudya). Izvi ndizvo Tenzi vangu zvavandidzidzisa. Zvirokwazvo, ndakasiya chitendero chevanhu vasingatendi muna Allah uye havatendi muhupenyu hwamangwana (vanhu vekuKenani vaive kuEgypt avo vainamata zuva nevamwe vanamwari venhema).” وَٱتَّبَعۡتُ مِلَّةَ ءَابَآءِيٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَۚ مَا كَانَ لَنَآ أَن نُّشۡرِكَ بِٱللَّهِ مِن شَيۡءٍۚ ذَٰلِكَ مِن فَضۡلِ ٱللَّهِ عَلَيۡنَا وَعَلَى ٱلنَّاسِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَشۡكُرُونَ ٣٨“Uye ndikatevera chitendero chemadzibaba angu, Abrahamu, Isaka, naJakobho, uye hatifi takasanganisa zvimwe zvinhu naAllah. Izvi zvinobva kunyasha dzaAllah kwatiri uye kuvanhu vose, asi vanhu vazhinji havatendi (havatendi muna Allah kana kuvanamata).” يَٰصَٰحِبَيِ ٱلسِّجۡنِ ءَأَرۡبَابٌ مُّتَفَرِّقُونَ خَيۡرٌ أَمِ ٱللَّهُ ٱلۡوَٰحِدُ ٱلۡقَهَّارُ ٣٩“Imi shamwari mbiri dzemujere! Vanamwari vakawanda vari nani here kupfuura Allah, vamwechete, vasingakundiki?” مَا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِهِۦٓ إِلَّآ أَسۡمَآءً سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍۚ إِنِ ٱلۡحُكۡمُ إِلَّا لِلَّهِ أَمَرَ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّآ إِيَّاهُۚ ذَٰلِكَ ٱلدِّينُ ٱلۡقَيِّمُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٤٠“Zvamunonamata zvisiri ivo (Allah) anongova mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo pamusoro pazvo Allah havana kudzikisa murairo (masimba). Kuraira hakuzi komumwe kunze kwaAllah. Vakakomekedza kuti musava munonamata zvimwe zvinhu kunze kwavo (voga). Ichi ndicho chitendero chakatwasuka (chechokwadi), asi vanhu vazhinji havazivi.” يَٰصَٰحِبَيِ ٱلسِّجۡنِ أَمَّآ أَحَدُكُمَا فَيَسۡقِي رَبَّهُۥ خَمۡرًاۖ وَأَمَّا ٱلۡأٓخَرُ فَيُصۡلَبُ فَتَأۡكُلُ ٱلطَّيۡرُ مِن رَّأۡسِهِۦۚ قُضِيَ ٱلۡأَمۡرُ ٱلَّذِي فِيهِ تَسۡتَفۡتِيَانِ ٤١“Imi shamwari mbiri dzemujere! Umwe pakati penyu achadirira waini mambo vake kuti vamwe; asi umwe acharoverwa (pamuchinjikwa) uye shiri dzichadya kubva mumusoro make. Uhu ndiwo hurongwa hwatongwa maererano nezvamanga muchibvunza.” وَقَالَ لِلَّذِي ظَنَّ أَنَّهُۥ نَاجٍ مِّنۡهُمَا ٱذۡكُرۡنِي عِندَ رَبِّكَ فَأَنسَىٰهُ ٱلشَّيۡطَٰنُ ذِكۡرَ رَبِّهِۦ فَلَبِثَ فِي ٱلسِّجۡنِ بِضۡعَ سِنِينَ ٤٢Uye akati kune uyo waaiziva kuti aizonunurwa pakati pavo: “Undirangarirewo pamberi pamambo vako (kuti ndive ndinobuda mujere).” Asi Satani akaita kuti ave anokanganwa kumurangarira pamberi pamambo vake. Nokudaro (Josefa) akagara mujere kwemakore (mamwe) mashoma وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ إِنِّيٓ أَرَىٰ سَبۡعَ بَقَرَٰتٍ سِمَانٍ يَأۡكُلُهُنَّ سَبۡعٌ عِجَافٌ وَسَبۡعَ سُنۢبُلَٰتٍ خُضۡرٍ وَأُخَرَ يَابِسَٰتٍۖ يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَأُ أَفۡتُونِي فِي رُءۡيَٰيَ إِن كُنتُمۡ لِلرُّءۡيَا تَعۡبُرُونَ ٤٣Uye mambo (wekuEgypt) vakati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) mombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye nemiguri minomwe yechibage inyoro uye neimwe minomwe yakaoma. Imi vanoremekedzwa! Nditsanangurireiwo hope dzangu, kana muchikwanisa kutsanangura hope.” قَالُوٓاْ أَضۡغَٰثُ أَحۡلَٰمٍۖ وَمَا نَحۡنُ بِتَأۡوِيلِ ٱلۡأَحۡلَٰمِ بِعَٰلِمِينَ ٤٤Ivo vakati: “Hope dzenhema dzakasanganiswa, uye hatina hunyanzvi wekutsanangura hope.” وَقَالَ ٱلَّذِي نَجَا مِنۡهُمَا وَٱدَّكَرَ بَعۡدَ أُمَّةٍ أَنَا۠ أُنَبِّئُكُم بِتَأۡوِيلِهِۦ فَأَرۡسِلُونِ ٤٥Nokudaro murume weavo vaiva vabudiswa (kubva mujere pavaviri vaya) akarangarira mushure menguva refu uye akati: “Ndichakuudzai zvadzinoreva, nokudaro nditumei (kuna Josefa).” يُوسُفُ أَيُّهَا ٱلصِّدِّيقُ أَفۡتِنَا فِي سَبۡعِ بَقَرَٰتٍ سِمَانٍ يَأۡكُلُهُنَّ سَبۡعٌ عِجَافٌ وَسَبۡعِ سُنۢبُلَٰتٍ خُضۡرٍ وَأُخَرَ يَابِسَٰتٍ لَّعَلِّيٓ أَرۡجِعُ إِلَى ٱلنَّاسِ لَعَلَّهُمۡ يَعۡلَمُونَ ٤٦(Uye akati): “Iwe Josefa, murume wechokwadi! Titsanangurirewo (hope) dzemombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye miguri minomwe inyoro yechibage neimwe minomwe yakaoma, kuti ndive ndinodzokera kuvanhu, uye kuti vave vanoziva.” قَالَ تَزۡرَعُونَ سَبۡعَ سِنِينَ دَأَبًا فَمَا حَصَدتُّمۡ فَذَرُوهُ فِي سُنۢبُلِهِۦٓ إِلَّا قَلِيلًا مِّمَّا تَأۡكُلُونَ ٤٧(Josefa) akati: “Kwemakore manomwe akatevedzana muchakohwa senguva dzose, uye goho iroro risiyei mumashizha aro (risina kufururwa), kunze kwezvishoma zvazvo zvamuchadya.” ثُمَّ يَأۡتِي مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ سَبۡعٌ شِدَادٌ يَأۡكُلۡنَ مَا قَدَّمۡتُمۡ لَهُنَّ إِلَّا قَلِيلًا مِّمَّا تُحۡصِنُونَ ٤٨“Mushure mazvo kuchauya makore manomwe akaoma, ayo achadya zvamakaachengetedzera, kunze kwezvishoma zvamakachengetedza.” ثُمَّ يَأۡتِي مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ عَامٌ فِيهِ يُغَاثُ ٱلنَّاسُ وَفِيهِ يَعۡصِرُونَ ٤٩“Uye mushure mezvo kuchauya gore mariri vanhu vachawana mvura yakawanda, uye mariri vachasvina (doro nemafuta).” وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ ٱئۡتُونِي بِهِۦۖ فَلَمَّا جَآءَهُ ٱلرَّسُولُ قَالَ ٱرۡجِعۡ إِلَىٰ رَبِّكَ فَسۡـَٔلۡهُ مَا بَالُ ٱلنِّسۡوَةِ ٱلَّٰتِي قَطَّعۡنَ أَيۡدِيَهُنَّۚ إِنَّ رَبِّي بِكَيۡدِهِنَّ عَلِيمٌ ٥٠Uye mambo akati: “Muunzei kwandiri!” Asi paakauya mutumwa kwaari, (Josefa) akati: “Dzokera kuna mambo vako uye unovabvunza kuti: ‘Chii chakaitika kuvakadzi vekuzvicheka maoko avo? Zvirokwazvo, Tenzi vangu (Allah) vanoziva zvikuru hurongwa wavo (vakadzi ivavo).’” قَالَ مَا خَطۡبُكُنَّ إِذۡ رَٰوَدتُّنَّ يُوسُفَ عَن نَّفۡسِهِۦۚ قُلۡنَ حَٰشَ لِلَّهِ مَا عَلِمۡنَا عَلَيۡهِ مِن سُوٓءٍۚ قَالَتِ ٱمۡرَأَتُ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡـَٰٔنَ حَصۡحَصَ ٱلۡحَقُّ أَنَا۠ رَٰوَدتُّهُۥ عَن نَّفۡسِهِۦ وَإِنَّهُۥ لَمِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٥١(Mambo) vakati (kuvakadzi): “Nyaya yenyu yanga iri yei pamaida kunyengedza Josefa?” Vakadzi vakati: “Allah ngavatidzivirire! Hatina chakaipa chatinoziva pamusoro pake!” Mukadzi waAziz akati: “Iyezvino chokwadi chabuda pachena; ndini ndaida kumunyengedza, uye zvirokwazvo ari pachokwadi.” ذَٰلِكَ لِيَعۡلَمَ أَنِّي لَمۡ أَخُنۡهُ بِٱلۡغَيۡبِ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي كَيۡدَ ٱلۡخَآئِنِينَ ٥٢(Josefa akati: “Ndakumbira ongorora iyi) Kuti (Aziz) ave anoziva kuti zvirokwazvo ini ndaisamunyengedza asipo. Uye zvirokwazvo, Allah havatungamiriri hurongwa hwevanyengedzi.”

الجزء الثالث عشر

۞ وَمَآ أُبَرِّئُ نَفۡسِيٓۚ إِنَّ ٱلنَّفۡسَ لَأَمَّارَةُۢ بِٱلسُّوٓءِ إِلَّا مَا رَحِمَ رَبِّيٓۚ إِنَّ رَبِّي غَفُورٌ رَّحِيمٌ ٥٣“Uye handisi kuzvisunungura pachangu (kubva kumhosva). Zvirokwazvo, moyo (munhu) unorerekera kuzvitadzo, kunze kwekuti Tenzi vangu vadzikisa tsitsi dzavo (kune wavanoda). Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo vane ruregerero rwose, vane nyasha zhinji.” وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ ٱئۡتُونِي بِهِۦٓ أَسۡتَخۡلِصۡهُ لِنَفۡسِيۖ فَلَمَّا كَلَّمَهُۥ قَالَ إِنَّكَ ٱلۡيَوۡمَ لَدَيۡنَا مَكِينٌ أَمِينٌ ٥٤Uye mambo vakati: “Muunzei kwandiri kuti ndimuite hwepedyo neni.” Nokudaro pavakataura naye, vakati: “Zvirokwazvo, zuva ranhasi uri nesu pachinzvimbo chepamusoro uye tinovimba (newe) zvikuru.” قَالَ ٱجۡعَلۡنِي عَلَىٰ خَزَآئِنِ ٱلۡأَرۡضِۖ إِنِّي حَفِيظٌ عَلِيمٌ ٥٥Josefa akati: “Ndiisei panochengeterwa zviwanikwa zvenyika, zvirokwazvo, ndichazvichengetedza neruzivo rwepamusoro (segurukota rezvemari reku Egypt).” وَكَذَٰلِكَ مَكَّنَّا لِيُوسُفَ فِي ٱلۡأَرۡضِ يَتَبَوَّأُ مِنۡهَا حَيۡثُ يَشَآءُۚ نُصِيبُ بِرَحۡمَتِنَا مَن نَّشَآءُۖ وَلَا نُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٥٦Aya ndiwo mapiro atakaita Josefa hukuru (chinzvimbo) munyika, kutora chinzvimbo mairi, paanoda kana kwaanoda. Tinodzikisa nyasha dzedu kune watinoda, uye tinoita kuti mubairo wevakanaka usarasike وَلَأَجۡرُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٌ لِّلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَكَانُواْ يَتَّقُونَ ٥٧Uye zvirokwazvo, mubairo hweupenyu hunotevera huri nani kune avo vanotenda uye vachitya Allah (vosiya zvese zvakaipa uye voiita zvese zvakanaka) وَجَآءَ إِخۡوَةُ يُوسُفَ فَدَخَلُواْ عَلَيۡهِ فَعَرَفَهُمۡ وَهُمۡ لَهُۥ مُنكِرُونَ ٥٨Uye madzikoma aJosefa akauya uye vakapinda maakanga ari, uye akavaziva, asi ivo havana kumuziva وَلَمَّا جَهَّزَهُم بِجَهَازِهِمۡ قَالَ ٱئۡتُونِي بِأَخٍ لَّكُم مِّنۡ أَبِيكُمۡۚ أَلَا تَرَوۡنَ أَنِّيٓ أُوفِي ٱلۡكَيۡلَ وَأَنَا۠ خَيۡرُ ٱلۡمُنزِلِينَ ٥٩Uye paakavagadzirira chikafu chavo (chavaida), iye akati: “Ndiunzirei mukoma wenyu kubva kuna baba venyu (Benjamini). Hamuzvioni here kuti ini ndinopa mupimo wakakwana, uye ndiri nyanzvi pakubata zvakanaka vaenzi?” فَإِن لَّمۡ تَأۡتُونِي بِهِۦ فَلَا كَيۡلَ لَكُمۡ عِندِي وَلَا تَقۡرَبُونِ ٦٠“Asi kana mukasamuunza, pachange pasina chipimo chenyu kubva kwandiri, uye musauya padyo neni.” قَالُواْ سَنُرَٰوِدُ عَنۡهُ أَبَاهُ وَإِنَّا لَفَٰعِلُونَ ٦١Vakati: “Tichaedza kukumbira mvumo kuna baba vake, uye zvirokwazvo tichazviita.” وَقَالَ لِفِتۡيَٰنِهِ ٱجۡعَلُواْ بِضَٰعَتَهُمۡ فِي رِحَالِهِمۡ لَعَلَّهُمۡ يَعۡرِفُونَهَآ إِذَا ٱنقَلَبُوٓاْ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمۡ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ ٦٢Uye (Josefa) akaudza varanda vake kuti vaise mari yavo (yavanga vashandisa kutenga nayo) mumasaga avo, kuti vagozviziva kana vadzokera kuvanhu vavo, zvimwe vangadzoka zvakare فَلَمَّا رَجَعُوٓاْ إِلَىٰٓ أَبِيهِمۡ قَالُواْ يَٰٓأَبَانَا مُنِعَ مِنَّا ٱلۡكَيۡلُ فَأَرۡسِلۡ مَعَنَآ أَخَانَا نَكۡتَلۡ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ ٦٣Pavakadzokera kuna baba vavo, vakati: “Imi baba vedu! Hakuna chipimo chechokudya chatichakwanisa kuwana (kunze kokuti tikaenda naBenjamini). Nokudaro titumirei pamwechete nemukoma wedu, uye tichawana chipimo chedu uye tichamuchengetedza.” قَالَ هَلۡ ءَامَنُكُمۡ عَلَيۡهِ إِلَّا كَمَآ أَمِنتُكُمۡ عَلَىٰٓ أَخِيهِ مِن قَبۡلُ فَٱللَّهُ خَيۡرٌ حَٰفِظًاۖ وَهُوَ أَرۡحَمُ ٱلرَّٰحِمِينَ ٦٤Iye (Jakobho) akati: “Ndingakuvimbai here naye (Benjamini) sekukuvimbai kwandakaita nemukoma wake (Josefa) nguva yapfuura? Asi Allah ndivo muchengetedzi mukuru, uye vane tsitsi dzose kune avo vanoratidza tsitsi.” وَلَمَّا فَتَحُواْ مَتَٰعَهُمۡ وَجَدُواْ بِضَٰعَتَهُمۡ رُدَّتۡ إِلَيۡهِمۡۖ قَالُواْ يَٰٓأَبَانَا مَا نَبۡغِيۖ هَٰذِهِۦ بِضَٰعَتُنَا رُدَّتۡ إِلَيۡنَاۖ وَنَمِيرُ أَهۡلَنَا وَنَحۡفَظُ أَخَانَا وَنَزۡدَادُ كَيۡلَ بَعِيرٍۖ ذَٰلِكَ كَيۡلٌ يَسِيرٌ ٦٥Uye pavakavhura masaga avo, vakawana mari yavo yadzoserwa kwavari. Vakati: “Imi baba vedu! Chii chatinoda? Iyi imari yedu yadzoswa kwatiri, nokudaro tichawana (zvakawanda) zvokudya zvemhuri yedu, uye tichachengetedza mukoma wedu uye kuwedzera chipimo chokutakurwa nengamera imwechete. Huwandu uhu hauna kuoma (kuna mambo kuti atipe).” قَالَ لَنۡ أُرۡسِلَهُۥ مَعَكُمۡ حَتَّىٰ تُؤۡتُونِ مَوۡثِقًا مِّنَ ٱللَّهِ لَتَأۡتُنَّنِي بِهِۦٓ إِلَّآ أَن يُحَاطَ بِكُمۡۖ فَلَمَّآ ءَاتَوۡهُ مَوۡثِقَهُمۡ قَالَ ٱللَّهُ عَلَىٰ مَا نَقُولُ وَكِيلٌ ٦٦(Jakobho) akati: “Handimbomutumire pamwechete nemi kusvika mapika zvakasimba pamberi pangu nezita raAllah, kuti muri kudzoka naye kwandiri kunze kwekuti maunganirwa (nevavengi).” Uye pavakapika zvakasimba, iye (Jakobho) akati: “Allah ndivo mufakazi wezvatataura.” وَقَالَ يَٰبَنِيَّ لَا تَدۡخُلُواْ مِنۢ بَابٍ وَٰحِدٍ وَٱدۡخُلُواْ مِنۡ أَبۡوَٰبٍ مُّتَفَرِّقَةٍۖ وَمَآ أُغۡنِي عَنكُم مِّنَ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍۖ إِنِ ٱلۡحُكۡمُ إِلَّا لِلَّهِۖ عَلَيۡهِ تَوَكَّلۡتُۖ وَعَلَيۡهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُتَوَكِّلُونَ ٦٧Uye akati: “Imi vana vangu! Musava munopinda nemusuwo mumwechete, asi mopinda nemisuwo yakasiyana, uye handikwanisi kukudzivirirai kuna Allah nechimwe chinhu. Zvirokwazvo, mutongo tinousiira kuna Allah. Kwavari ndinovimba, uye regai vose vanovimba vavimbe navo.” وَلَمَّا دَخَلُواْ مِنۡ حَيۡثُ أَمَرَهُمۡ أَبُوهُم مَّا كَانَ يُغۡنِي عَنۡهُم مِّنَ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍ إِلَّا حَاجَةً فِي نَفۡسِ يَعۡقُوبَ قَضَىٰهَاۚ وَإِنَّهُۥ لَذُو عِلۡمٍ لِّمَا عَلَّمۡنَٰهُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٦٨Uye pavakapinda sekurairwa kwavakange vaitwa nababa vavo, hazvina kuvavharidzira chimwe chinhu kuna Allah, asi chaive chido chemukati-kati chemumoyo waJakobho chaakabuditsa. Uye zvirokwazvo, akanga ane ruzivo nokuti takamudzidzisa, asi vanhu vakawanda havazive وَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَىٰ يُوسُفَ ءَاوَىٰٓ إِلَيۡهِ أَخَاهُۖ قَالَ إِنِّيٓ أَنَا۠ أَخُوكَ فَلَا تَبۡتَئِسۡ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٦٩Uye pavakapinda maiva naJosefa, akatora mukoma wake (Benjamini) uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri mukoma wako, saka usashushikane nezvavaigaro ita.” فَلَمَّا جَهَّزَهُم بِجَهَازِهِمۡ جَعَلَ ٱلسِّقَايَةَ فِي رَحۡلِ أَخِيهِ ثُمَّ أَذَّنَ مُؤَذِّنٌ أَيَّتُهَا ٱلۡعِيرُ إِنَّكُمۡ لَسَٰرِقُونَ ٧٠Nokudaro paakavapa chikafu chavo, akaisa ndiro (yerudzi rwendarama) musaga remukoma wake (Benjamini). Nokudaro musheedzi akasheedza: “Imi muri mungoro! Zvirokwazvo, muri mbavha!” قَالُواْ وَأَقۡبَلُواْ عَلَيۡهِم مَّاذَا تَفۡقِدُونَ ٧١Vakacheukira kwavari, vakati: “Ndechipiko chamashaya?” قَالُواْ نَفۡقِدُ صُوَاعَ ٱلۡمَلِكِ وَلِمَن جَآءَ بِهِۦ حِمۡلُ بَعِيرٍ وَأَنَا۠ بِهِۦ زَعِيمٌ ٧٢Ivo vakati: “Tashaya ndiro (yerudzi rwendarama) yamambo, uye kune uyo anoiwana (kune mubairo) wechikafu chinotakurwa nengamera; uye ndichachengetedza vimbiso iyi.” قَالُواْ تَٱللَّهِ لَقَدۡ عَلِمۡتُم مَّا جِئۡنَا لِنُفۡسِدَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا كُنَّا سَٰرِقِينَ ٧٣Ivo vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, munoziva kuti hatina kuuya kuzokonzera musikanzwa munzvimbo, uye hatizi mbavha!” قَالُواْ فَمَا جَزَٰٓؤُهُۥٓ إِن كُنتُمۡ كَٰذِبِينَ ٧٤Ivo (vakomana vaJosefa) vakati: “Saka mubairo wake (uyo anowanika nendiro) uchange wakaita sei, kana muri vanyepi?” قَالُواْ جَزَٰٓؤُهُۥ مَن وُجِدَ فِي رَحۡلِهِۦ فَهُوَ جَزَٰٓؤُهُۥۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلظَّٰلِمِينَ ٧٥Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Murango wake ndeuyu, uyo musaga rake muchawanika (ndiro), anofanira kusarira mutongo (wake). Ndiwo marangiro atinoita vaiti vezvakaipa!” فَبَدَأَ بِأَوۡعِيَتِهِمۡ قَبۡلَ وِعَآءِ أَخِيهِ ثُمَّ ٱسۡتَخۡرَجَهَا مِن وِعَآءِ أَخِيهِۚ كَذَٰلِكَ كِدۡنَا لِيُوسُفَۖ مَا كَانَ لِيَأۡخُذَ أَخَاهُ فِي دِينِ ٱلۡمَلِكِ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُۚ نَرۡفَعُ دَرَجَٰتٍ مَّن نَّشَآءُۗ وَفَوۡقَ كُلِّ ذِي عِلۡمٍ عَلِيمٌ ٧٦Nokudaro (Josefa) akatanga (kutsvaga) mumasaga avo asati musaga remukoma wake. Nokudaro akaibuditsa musaga remukoma wake. Aya ndiwo marongero atakaitira Josefa. Akanga asingakwanisi kutora mukoma wake nemutemo wamambo (semuranda) kunze kwekuti Allah vazvida. Tinokwidziridza zvinhanho watinoda, asi pamusoro pevose vane ruzivo pane muzivi wezvose (Allah) ۞ قَالُوٓاْ إِن يَسۡرِقۡ فَقَدۡ سَرَقَ أَخٌ لَّهُۥ مِن قَبۡلُۚ فَأَسَرَّهَا يُوسُفُ فِي نَفۡسِهِۦ وَلَمۡ يُبۡدِهَا لَهُمۡۚ قَالَ أَنتُمۡ شَرٌّ مَّكَانًاۖ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا تَصِفُونَ ٧٧Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Kana aba, zvirokwazvo mukoma wake (Josefa) akamboba kare.” Asi Josefa akazviviga maari, uye haana kuzvibuditsa kwavari. Akati: “(Maari) Muri panhaurwa yakaipa, uye Allah ndivo muzivi wezvose zvamatsanangura!” قَالُواْ يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡعَزِيزُ إِنَّ لَهُۥٓ أَبًا شَيۡخًا كَبِيرًا فَخُذۡ أَحَدَنَا مَكَانَهُۥٓۖ إِنَّا نَرَىٰكَ مِنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٧٨Vakati: “Imi Aziz (mutongi wenzvimbo)! Zvirokwazvo, ana baba vachembera, nokudaro torai mumwe wedu pachinzvimbo chake. Zvirokwazvo, tinofunga kuti muri umwe wevaiti vezvakanaka.” قَالَ مَعَاذَ ٱللَّهِ أَن نَّأۡخُذَ إِلَّا مَن وَجَدۡنَا مَتَٰعَنَا عِندَهُۥٓ إِنَّآ إِذًا لَّظَٰلِمُونَ ٧٩Iye (Josefa) akati: “Allah ngavarambidze kuti tive tinotora umwe, asi kutora watawana nechinhu chedu. Zvirokwazvo (kana tikadaro), tingave vaiti vezvakaipa.” فَلَمَّا ٱسۡتَيۡـَٔسُواْ مِنۡهُ خَلَصُواْ نَجِيًّاۖ قَالَ كَبِيرُهُمۡ أَلَمۡ تَعۡلَمُوٓاْ أَنَّ أَبَاكُمۡ قَدۡ أَخَذَ عَلَيۡكُم مَّوۡثِقًا مِّنَ ٱللَّهِ وَمِن قَبۡلُ مَا فَرَّطتُمۡ فِي يُوسُفَۖ فَلَنۡ أَبۡرَحَ ٱلۡأَرۡضَ حَتَّىٰ يَأۡذَنَ لِيٓ أَبِيٓ أَوۡ يَحۡكُمَ ٱللَّهُ لِيۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلۡحَٰكِمِينَ ٨٠Nokudaro, pavakarambirwa naye (Josefa), vakasangana pachihwande. Mukoma wavo mukuru akati: “Hamuzivi here kuti baba venyu vakatora kupika kwenyu nemuzita raAllah, uye mushure makatadza mubasa renyu naJosefa? Nokudaro handisikubuda munyika ino kusvika baba vangu vanditendera, kana kuti Allah vatonga panyaya yangu (nekuregedza Benjamini), uye ndivo mutongi wakanaka.” ٱرۡجِعُوٓاْ إِلَىٰٓ أَبِيكُمۡ فَقُولُواْ يَٰٓأَبَانَآ إِنَّ ٱبۡنَكَ سَرَقَ وَمَا شَهِدۡنَآ إِلَّا بِمَا عَلِمۡنَا وَمَا كُنَّا لِلۡغَيۡبِ حَٰفِظِينَ ٨١“Dzokerai kuna baba venyu uye moti: ‘Imi baba vedu! Zvirokwazvo, mwana wenyu (Benjamini) akaba, uye tinopa huchapupu chete maererano nezvatinoziva, uye hatina kukwanisa kuona zvakavanzika!’ وَسۡـَٔلِ ٱلۡقَرۡيَةَ ٱلَّتِي كُنَّا فِيهَا وَٱلۡعِيرَ ٱلَّتِيٓ أَقۡبَلۡنَا فِيهَاۖ وَإِنَّا لَصَٰدِقُونَ ٨٢‘Uye bvunzai (vanhu) veguta ratanga tiri, uye ngoro yatadzoka nayo, uye zvirokwazvo tiri kutaura chokwadi.’” قَالَ بَلۡ سَوَّلَتۡ لَكُمۡ أَنفُسُكُمۡ أَمۡرًاۖ فَصَبۡرٌ جَمِيلٌۖ عَسَى ٱللَّهُ أَن يَأۡتِيَنِي بِهِمۡ جَمِيعًاۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡحَكِيمُ ٨٣Iye (Jakobho) akati: “Asi hunhu hwenyu hwakupinzai mune zvimwe. Nokudaro moyo murefu ndowakanaka. Pamwe Allah vachavadzosa (vose) kwandiri. Zvirokwazvo, ivo ndivo voga muzivi wezvose, vane huchenjeri hwese.” وَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَٰٓأَسَفَىٰ عَلَىٰ يُوسُفَ وَٱبۡيَضَّتۡ عَيۡنَاهُ مِنَ ٱلۡحُزۡنِ فَهُوَ كَظِيمٌ ٨٤Akatendeuka kubva kwavari uye akati: “Aah, marwadzo angu aJosefa!” Uye akarasikirwa nekuona nokuda kwekushushikana kwaakange achikudzora قَالُواْ تَٱللَّهِ تَفۡتَؤُاْ تَذۡكُرُ يُوسُفَ حَتَّىٰ تَكُونَ حَرَضًا أَوۡ تَكُونَ مِنَ ٱلۡهَٰلِكِينَ ٨٥Vakati: “Tinopika naAllah! Hamufi makaguma kufunga Josefa kusvika musisina simba nekuchembera, kana kuti mave umwe wevafi.” قَالَ إِنَّمَآ أَشۡكُواْ بَثِّي وَحُزۡنِيٓ إِلَى ٱللَّهِ وَأَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٨٦Iye akati: “Ndinogunun’una marwadzo nekushushikana kwangu kuna Allah, uye ndinoziva kubva kuna Allah zvamusingazivi.” يَٰبَنِيَّ ٱذۡهَبُواْ فَتَحَسَّسُواْ مِن يُوسُفَ وَأَخِيهِ وَلَا تَاْيۡـَٔسُواْ مِن رَّوۡحِ ٱللَّهِۖ إِنَّهُۥ لَا يَاْيۡـَٔسُ مِن رَّوۡحِ ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡكَٰفِرُونَ ٨٧“Imi vana vangu! Endai munotsvaga nezvaJosefa namukoma wake, uye musafe marasa tariro dzetsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo, hakuna anorasa tariro dzetsitsi dzaAllah, kunze kwevanhu vasingatendi.” فَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَيۡهِ قَالُواْ يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡعَزِيزُ مَسَّنَا وَأَهۡلَنَا ٱلضُّرُّ وَجِئۡنَا بِبِضَٰعَةٍ مُّزۡجَىٰةٍ فَأَوۡفِ لَنَا ٱلۡكَيۡلَ وَتَصَدَّقۡ عَلَيۡنَآۖ إِنَّ ٱللَّهَ يَجۡزِي ٱلۡمُتَصَدِّقِينَ ٨٨Nokudaro pavakapinda maiva naJosefa vakati: “Imi mutongi wenyika! Nguva yakaoma yatisvikira uye mhuri yedu, uye taunza mubhadharo wenhando, nokudaro tipei chipimo chakazara uye ivai mupi kwatiri. Zvirokwazvo, Allah vanopa mubairo vapi vezvipo.” قَالَ هَلۡ عَلِمۡتُم مَّا فَعَلۡتُم بِيُوسُفَ وَأَخِيهِ إِذۡ أَنتُمۡ جَٰهِلُونَ ٨٩Iye akati: “Munoziva here zvamakaita naJosefa nemukoma wake pamakange musingazivi?” قَالُوٓاْ أَءِنَّكَ لَأَنتَ يُوسُفُۖ قَالَ أَنَا۠ يُوسُفُ وَهَٰذَآ أَخِيۖ قَدۡ مَنَّ ٱللَّهُ عَلَيۡنَآۖ إِنَّهُۥ مَن يَتَّقِ وَيَصۡبِرۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٩٠Ivo vakati: “Zvirokwazvo, ndiwe here Josefa?” Iye akati: “Ndini Josefa, uye uyu mukoma wangu (Benjamini). Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi nesu. Zvirokwazvo, uyo anotya Allah uye aine moyo murefu, nokudaro, zvirokwazvo Allah havaiti mugove wevaiti vezvakanaka kuti urasike.” قَالُواْ تَٱللَّهِ لَقَدۡ ءَاثَرَكَ ٱللَّهُ عَلَيۡنَا وَإِن كُنَّا لَخَٰطِـِٔينَ ٩١Vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza iwe kwatiri, uye zvirokwazvo taive tiri vatadzi.” قَالَ لَا تَثۡرِيبَ عَلَيۡكُمُ ٱلۡيَوۡمَۖ يَغۡفِرُ ٱللَّهُ لَكُمۡۖ وَهُوَ أَرۡحَمُ ٱلرَّٰحِمِينَ ٩٢Iye (Josefa) akati: “Hakuna raidzo kwamuri zuva ranhasi; Allah ngavakuregererei, uye ndivo (Allah) vane tsitsi dzose pakati peavo vanoratidza tsitsi!” ٱذۡهَبُواْ بِقَمِيصِي هَٰذَا فَأَلۡقُوهُ عَلَىٰ وَجۡهِ أَبِي يَأۡتِ بَصِيرًا وَأۡتُونِي بِأَهۡلِكُمۡ أَجۡمَعِينَ ٩٣“Endai nehembe yangu iyi, uye moikanda pamberi pechiso chababa vangu, vachatanga kuona, uye ndiunzirei mhuri yenyu yose.” وَلَمَّا فَصَلَتِ ٱلۡعِيرُ قَالَ أَبُوهُمۡ إِنِّي لَأَجِدُ رِيحَ يُوسُفَۖ لَوۡلَآ أَن تُفَنِّدُونِ ٩٤Uye pakasvika ngoro, baba vavo vakati: “Ndirikunzwa zvirokwazvo munhuwi waJosefa, ndokunge musingafunge kuti ndachembera.” قَالُواْ تَٱللَّهِ إِنَّكَ لَفِي ضَلَٰلِكَ ٱلۡقَدِيمِ ٩٥Vakati: “Topika naAllah! Zvirokwazvo, muri mukurasika kwenyu kwekare.” فَلَمَّآ أَن جَآءَ ٱلۡبَشِيرُ أَلۡقَىٰهُ عَلَىٰ وَجۡهِهِۦ فَٱرۡتَدَّ بَصِيرًاۖ قَالَ أَلَمۡ أَقُل لَّكُمۡ إِنِّيٓ أَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٩٦Nokudaro, apo pakauya musengi wemashoko akanaka, akaikanda pamberi pechiso chavo, uye vakatanga kuona zvakanaka. Iye (Jakobho) akati: “Handina here kuti kwamuri ndinoziva kubva kuna Allah izvo zvamusingazivi.” قَالُواْ يَٰٓأَبَانَا ٱسۡتَغۡفِرۡ لَنَا ذُنُوبَنَآ إِنَّا كُنَّا خَٰطِـِٔينَ ٩٧Vakati: “Imi baba vedu! Tikumbirireiwo ruregerero (kuna Allah) pazvitadzo zvedu. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.” قَالَ سَوۡفَ أَسۡتَغۡفِرُ لَكُمۡ رَبِّيٓۖ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ ٩٨Iye akati: “Ndichakukumbirirai ruregerero kuna Tenzi vangu, zvirokwazvo, ivo chete ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya.” فَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَىٰ يُوسُفَ ءَاوَىٰٓ إِلَيۡهِ أَبَوَيۡهِ وَقَالَ ٱدۡخُلُواْ مِصۡرَ إِن شَآءَ ٱللَّهُ ءَامِنِينَ ٩٩Nokudaro pavakapinda kwaiva naJosefa, akatora vabereki vake akati: “Pindai Egypt, kana Allah vachida, nechengetedzo.” وَرَفَعَ أَبَوَيۡهِ عَلَى ٱلۡعَرۡشِ وَخَرُّواْ لَهُۥ سُجَّدًاۖ وَقَالَ يَٰٓأَبَتِ هَٰذَا تَأۡوِيلُ رُءۡيَٰيَ مِن قَبۡلُ قَدۡ جَعَلَهَا رَبِّي حَقًّاۖ وَقَدۡ أَحۡسَنَ بِيٓ إِذۡ أَخۡرَجَنِي مِنَ ٱلسِّجۡنِ وَجَآءَ بِكُم مِّنَ ٱلۡبَدۡوِ مِنۢ بَعۡدِ أَن نَّزَغَ ٱلشَّيۡطَٰنُ بَيۡنِي وَبَيۡنَ إِخۡوَتِيٓۚ إِنَّ رَبِّي لَطِيفٌ لِّمَا يَشَآءُۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡحَكِيمُ ١٠٠Uye akasimudzira vabereki vake pachigaro chehutongi uye vakava vanomupfugamira. Iye akati: “Imi baba vangu! Iyi ndiyo tsanangudzo yehope dzangu dzekare! Tenzi vangu vadziita dzechokwadi! Uye vanga vakandinakira apo pavakandibuditsa mujere, uye vakakuunzai (imi mose) kubva muhupenyu hwekumusha, mushure mekunge Satani akanda ruvengo pakati pangu nemadzikoma angu. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vane tsitsi kuna ani-nani wavanoda. Zvirokwazvo, ivo ndivo chete muzivi wezvose, vane njere dzose.” ۞ رَبِّ قَدۡ ءَاتَيۡتَنِي مِنَ ٱلۡمُلۡكِ وَعَلَّمۡتَنِي مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِۚ فَاطِرَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ أَنتَ وَلِيِّۦ فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِۖ تَوَفَّنِي مُسۡلِمًا وَأَلۡحِقۡنِي بِٱلصَّٰلِحِينَ ١٠١“Tenzi vangu! Zvirokwazvo, makandipa masimba ehutongi, uye kundidzidzisa zvimwe kubva kukududzira hope. Musiki wedenga nenyika! Muri muchengeti wangu pano pasi nehupenyu hwamangwana. Itai kuti ndife ndiri muMuslim (uyo anozvipira kutevedzera mirairo yenyu), uye ndibatanidzei nevatsvene.” ذَٰلِكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلۡغَيۡبِ نُوحِيهِ إِلَيۡكَۖ وَمَا كُنتَ لَدَيۡهِمۡ إِذۡ أَجۡمَعُوٓاْ أَمۡرَهُمۡ وَهُمۡ يَمۡكُرُونَ ١٠٢Idzi ndidzo nhaurwa dzakavanzika dzatinokuzarurira iwe (Muhammad (SAW)). Wakanga usinavo pavakaronga hurongwa hwavo pamwechete, uye pavakanga vachironga وَمَآ أَكۡثَرُ ٱلنَّاسِ وَلَوۡ حَرَصۡتَ بِمُؤۡمِنِينَ ١٠٣Uye vanhu vazhinji havasi kuzotenda kunyange uchizvishuvira zvakanyanya وَمَا تَسۡـَٔلُهُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا ذِكۡرٌ لِّلۡعَٰلَمِينَ ١٠٤Uye hapana mubairo wauri kuvabvunza (Muhammad (SAW)) avo vari kuramba huporofita hwako) kubva pariri (Qur’aan), asi ringori yeuchidzo neyambiro kuvanhu vose وَكَأَيِّن مِّنۡ ءَايَةٍ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ يَمُرُّونَ عَلَيۡهَا وَهُمۡ عَنۡهَا مُعۡرِضُونَ ١٠٥Uye zvingani kubva muzviratidzo zvedenga nenyika zvavanopfuura nazvo, asi vachizvifuratira وَمَا يُؤۡمِنُ أَكۡثَرُهُم بِٱللَّهِ إِلَّا وَهُم مُّشۡرِكُونَ ١٠٦Uye vazhinji vavo havatendi muna Allah kunze kwekuti vachivasanganisa (Allah) (nezvimwe zvivanamwari) أَفَأَمِنُوٓاْ أَن تَأۡتِيَهُمۡ غَٰشِيَةٌ مِّنۡ عَذَابِ ٱللَّهِ أَوۡ تَأۡتِيَهُمُ ٱلسَّاعَةُ بَغۡتَةً وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ١٠٧Vanonzwa here vane chengetedzo kubva mukuputirwa nemarwadzo aAllah, kana kuti kuuya kwavari kwenguva yekupedzisira vakarivara, ivo vasingazivi قُلۡ هَٰذِهِۦ سَبِيلِيٓ أَدۡعُوٓاْ إِلَى ٱللَّهِۚ عَلَىٰ بَصِيرَةٍ أَنَا۠ وَمَنِ ٱتَّبَعَنِيۖ وَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ وَمَآ أَنَا۠ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ١٠٨Iti (Muhammad (SAW)): “Iyi ndiyo nzira yangu, ndinodana kuna Allah zvine ruzivo, ini naani- nani vanonditevera. Uye rumbidzo ngadzive kuna Allah, uye handisi umwe weavo vanosanganisa (Allah nezvimwe zvinhu mukunamata) وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ إِلَّا رِجَالًا نُّوحِيٓ إِلَيۡهِم مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡقُرَىٰٓۗ أَفَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۗ وَلَدَارُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٌ لِّلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ١٠٩Uye hatina kutuma mumashure mako (sevatumwa) kunze kwevarume vataivazarurira (vataipa mashoko) kubva muvanhu vemudunhu. Havasati vambofamba here munyika uye vakaona kuti ndeapi akava magumo evaiva mumashure mavo? Uye zvirokwazvo, imba yehupenyu hwamangwana yakanakira avo vanotya Allah (voita mabasa akanaka uye vosiya akaipa). Ko hamunawo njere here حَتَّىٰٓ إِذَا ٱسۡتَيۡـَٔسَ ٱلرُّسُلُ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُمۡ قَدۡ كُذِبُواْ جَآءَهُمۡ نَصۡرُنَا فَنُجِّيَ مَن نَّشَآءُۖ وَلَا يُرَدُّ بَأۡسُنَا عَنِ ٱلۡقَوۡمِ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ١١٠(Vakaregererwa) Kusvika apo vatumwa vakarasa tarisiro uye vakafunga kuti vakange varambwa (nevanhu vavo), nokudaro rubatsiro rwedu rwakauya kwavari, uye vakanunurwa avo vataida. Uye marwadzo edu haafi akadzivirirwa kubva kuvanhu vasingatendi (vanotadza) لَقَدۡ كَانَ فِي قَصَصِهِمۡ عِبۡرَةٌ لِّأُوْلِي ٱلۡأَلۡبَٰبِۗ مَا كَانَ حَدِيثًا يُفۡتَرَىٰ وَلَٰكِن تَصۡدِيقَ ٱلَّذِي بَيۡنَ يَدَيۡهِ وَتَفۡصِيلَ كُلِّ شَيۡءٍ وَهُدًى وَرَحۡمَةً لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ١١١Zvirokwazvo munyaya dzavo, mune chidzidzo kuvanhu vanonzwisisa. Iri (Qur’aan) harisi mashoko akakanganiswa, asi chisimbiso cheizvo zvakauya mushure maro (Torah, Vhangeri nemamwe mabhuku), uye tsanangudzo yakazara yezvinhu zvose, uye gwara, uye tsitsi kuvanhu vanotenda

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.