Millat al-Islam

Chapter 51 · 60 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Adh-Dhariyat in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Adh-Dhariyat (1246 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلذَّٰرِيَٰتِ ذَرۡوًا ١(Ndinopika) nemhepo inopfumbura huruva فَٱلۡحَٰمِلَٰتِ وِقۡرًا ٢Uye (nemakore) anotakura mvura inorema فَٱلۡجَٰرِيَٰتِ يُسۡرًا ٣Uye neizvo zvinofamba pamusoro pemvura (ngarava) zviri nyore uye zvakadzikama فَٱلۡمُقَسِّمَٰتِ أَمۡرًا ٤Uye neizvo (ngirozi) zvinopa (chikafu, mvura, nemamwe makomborero) nokuda kwaAllah إِنَّمَا تُوعَدُونَ لَصَادِقٌ ٥Zvirokwazvo, izvo zvamunovimbiswa (kumutswa kubva kuvafi) ichokwadi وَإِنَّ ٱلدِّينَ لَوَٰقِعٌ ٦Uye zvirokwazvo kupa mubairo kuchaiitika وَٱلسَّمَآءِ ذَاتِ ٱلۡحُبُكِ ٧Ndinopika nedenga iro rakazara nenzira إِنَّكُمۡ لَفِي قَوۡلٍ مُّخۡتَلِفٍ ٨Zvirokwazvo, mune maonero akasiyana (maererano naMuhammad (SAW) neQur’aan يُؤۡفَكُ عَنۡهُ مَنۡ أُفِكَ ٩Akapfuratira kubva kwariri (Qur’aan) ndeuyo anopfuratidzwa (neurongwa waAllah) قُتِلَ ٱلۡخَرَّٰصُونَ ١٠Kushorwa ngakuve kune vanonyepa ٱلَّذِينَ هُمۡ فِي غَمۡرَةٍ سَاهُونَ ١١Avo vasina hanya nezvezuva rokutongwa يَسۡـَٔلُونَ أَيَّانَ يَوۡمُ ٱلدِّينِ ١٢Vanobvunza: “Zuva rekutongwa ririko rinhi?” يَوۡمَ هُمۡ عَلَى ٱلنَّارِ يُفۡتَنُونَ ١٣(Richava) zuva ravacharangwa nemoto ذُوقُواْ فِتۡنَتَكُمۡ هَٰذَا ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تَسۡتَعۡجِلُونَ ١٤“Ravirai murango wenyu (kutswa nemoto)! Izvi ndizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitwa!” إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ١٥Zvirokwazvo, vanotya (Allah) vachange vari mumapindu uye nezvitubu (muParadhiso) ءَاخِذِينَ مَآ ءَاتَىٰهُمۡ رَبُّهُمۡۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَبۡلَ ذَٰلِكَ مُحۡسِنِينَ ١٦Vachinakirwa nezvinhu zvavanenge vapiwa naTenzi vavo. Zvirokwazvo, vakanga vari vaiti vemabasa akanaka mushure كَانُواْ قَلِيلًا مِّنَ ٱلَّيۡلِ مَا يَهۡجَعُونَ ١٧Vairara nguva shoma usiku (vachinamata) وَبِٱلۡأَسۡحَارِ هُمۡ يَسۡتَغۡفِرُونَ ١٨Uye vaikumbira ruregerero mangwanani kusati kwachena وَفِيٓ أَمۡوَٰلِهِمۡ حَقٌّ لِّلسَّآئِلِ وَٱلۡمَحۡرُومِ ١٩Uye paupfumi hwavo pakanga paine kodzero dzeavo vanokumbira neavo vanotambura asi vasingakumbiri وَفِي ٱلۡأَرۡضِ ءَايَٰتٌ لِّلۡمُوقِنِينَ ٢٠Uye panyika kune zviratidzo kune avo vanotenda uye vari pachokwadi وَفِيٓ أَنفُسِكُمۡۚ أَفَلَا تُبۡصِرُونَ ٢١Uye mukati menyu. Hamuoni here وَفِي ٱلسَّمَآءِ رِزۡقُكُمۡ وَمَا تُوعَدُونَ ٢٢Uye kumatenga ndiko kune raramo yenyu, uye izvo zvamakavimbiswa فَوَرَبِّ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ إِنَّهُۥ لَحَقٌّ مِّثۡلَ مَآ أَنَّكُمۡ تَنطِقُونَ ٢٣Naizvozvo ndinopika naTenzi vematenga nenyika, zvirokwazvo ichokwadi (zvamakavimbiswa) sokunge huchokwadi wekuti munotaura هَلۡ أَتَىٰكَ حَدِيثُ ضَيۡفِ إِبۡرَٰهِيمَ ٱلۡمُكۡرَمِينَ ٢٤Ko haina here kusvika kwamuri nyaya yevaenzi vaAbrahamu vanoremekedzeka (Gabriel nedzimwe ngirozi mbiri) إِذۡ دَخَلُواْ عَلَيۡهِ فَقَالُواْ سَلَٰمًاۖ قَالَ سَلَٰمٌ قَوۡمٌ مُّنكَرُونَ ٢٥Apo vakapinda kwaari vakati: “Rugare!” Iye akati: “Rugare!” Akati: “Muri vanhu vandisingazivi.” فَرَاغَ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِۦ فَجَآءَ بِعِجۡلٍ سَمِينٍ ٢٦Naizvozvo akaenda kumhuri yake, uye ndokubva auya nekamhuru kakakangiwa (hupfumi waAbrahamu wakawanda wange uri wemombe) فَقَرَّبَهُۥٓ إِلَيۡهِمۡ قَالَ أَلَا تَأۡكُلُونَ ٢٧Akabva akaisa pamberi pavo (achiti): “Hamungadyi here?” فَأَوۡجَسَ مِنۡهُمۡ خِيفَةًۖ قَالُواْ لَا تَخَفۡۖ وَبَشَّرُوهُ بِغُلَٰمٍ عَلِيمٍ ٢٨Naizvozvo akataridza kuvatya (apo pavasina kudya). Vakati: “Usatya.” Ndokubva vamupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo (rweIslaam) فَأَقۡبَلَتِ ٱمۡرَأَتُهُۥ فِي صَرَّةٍ فَصَكَّتۡ وَجۡهَهَا وَقَالَتۡ عَجُوزٌ عَقِيمٌ ٢٩Zvino mukadzi wake akauya padyo neizwi riri pamusoro, akazvirova kumeso kwake ndokubva ati: “Mukadzi mukuru asingabereki!” قَالُواْ كَذَٰلِكِ قَالَ رَبُّكِۖ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡحَكِيمُ ٱلۡعَلِيمُ ٣٠Ivo ndokuti: “Ndizvo zvataurwa naTenzi vako. Zvirokwazvo, vane hungwaru hwese, vanoziva zvese.”

Juz 27

۞ قَالَ فَمَا خَطۡبُكُمۡ أَيُّهَا ٱلۡمُرۡسَلُونَ ٣١(Abrahamu) akati: “Saka mavingei nhai vatumwa?” قَالُوٓاْ إِنَّآ أُرۡسِلۡنَآ إِلَىٰ قَوۡمٍ مُّجۡرِمِينَ ٣٢Vakati: “Zvirokwazvo, tiri vatumwa kune avo vanhu vanotadza.” لِنُرۡسِلَ عَلَيۡهِمۡ حِجَارَةً مِّن طِينٍ ٣٣“Kuti titumire kwavari matombo evhu rakatsva.” مُّسَوَّمَةً عِندَ رَبِّكَ لِلۡمُسۡرِفِينَ ٣٤“Akatarwa naTenzi vako kune avo vatadzi.” فَأَخۡرَجۡنَا مَن كَانَ فِيهَا مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٣٥Naizvozvo takaburitsa vatendi mairi فَمَا وَجَدۡنَا فِيهَا غَيۡرَ بَيۡتٍ مِّنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ ٣٦Nokudaro hatina kuwana imba yemutendi (Muslim) imomo kunze kweimwechete (Loti nevanasikana vake vaviri) وَتَرَكۡنَا فِيهَآ ءَايَةً لِّلَّذِينَ يَخَافُونَ ٱلۡعَذَابَ ٱلۡأَلِيمَ ٣٧Uye takasiya chiratidzo imomo (Dead Sea ku Palestine) kune avo vanotya murango unorwadza وَفِي مُوسَىٰٓ إِذۡ أَرۡسَلۡنَٰهُ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ بِسُلۡطَٰنٍ مُّبِينٍ ٣٨Uye muna Musa zvakare (mune chiratidzo), apo takamutuma kuna Farawo nehumboo uri pachena فَتَوَلَّىٰ بِرُكۡنِهِۦ وَقَالَ سَٰحِرٌ أَوۡ مَجۡنُونٌ ٣٩Asi (Farawo) pamwe nevatsigiri vake vakafuratira, uye akati: “Munhu anoita masaramusi kana kuti anopenga.” فَأَخَذۡنَٰهُ وَجُنُودَهُۥ فَنَبَذۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡيَمِّ وَهُوَ مُلِيمٌ ٤٠Naizvozvo takamutora iye nemauto ake, uye tikavanyudza mugungwa, nokuda kwekuti ndiye akanga aine mhosva وَفِي عَادٍ إِذۡ أَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمُ ٱلرِّيحَ ٱلۡعَقِيمَ ٤١Uye kumaAad (kune chiratidzo), apo takatumira kwavari mhepo inoparadza مَا تَذَرُ مِن شَيۡءٍ أَتَتۡ عَلَيۡهِ إِلَّا جَعَلَتۡهُ كَٱلرَّمِيمِ ٤٢Haina kusiya kana chii zvacho chayakasvikira, asi kuti yakasiya yaita marara وَفِي ثَمُودَ إِذۡ قِيلَ لَهُمۡ تَمَتَّعُواْ حَتَّىٰ حِينٍ ٤٣Uye kuma Thamood (kune chiratidzo), apo zvakanzi kwavari: “Nakirwai kwekanguvana!” فَعَتَوۡاْ عَنۡ أَمۡرِ رَبِّهِمۡ فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّٰعِقَةُ وَهُمۡ يَنظُرُونَ ٤٤Asi havana kuteerera mirairo yaTenzi vavo vakazvikudza, ndokubva varohwa nemheni apo vakatarisa فَمَا ٱسۡتَطَٰعُواْ مِن قِيَامٍ وَمَا كَانُواْ مُنتَصِرِينَ ٤٥Zvino vakanga vasingachakwanisi kusimuka, kana kukwanisa kuzvibetsera وَقَوۡمَ نُوحٍ مِّن قَبۡلُۖ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمًا فَٰسِقِينَ ٤٦Uye vanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vaive vanhu vasinganzwisisi (vasingateereri Allah) وَٱلسَّمَآءَ بَنَيۡنَٰهَا بِأَيۡيْدٍ وَإِنَّا لَمُوسِعُونَ ٤٧Uye matenga takaagadzira nesimba. Uye zvirokwazvo tinokwanisa kuwawedzera وَٱلۡأَرۡضَ فَرَشۡنَٰهَا فَنِعۡمَ ٱلۡمَٰهِدُونَ ٤٨Uye nyika takaiparadzira, (uye) tiri nyanzvi dzakadii pakuparadzira zvakanaka وَمِن كُلِّ شَيۡءٍ خَلَقۡنَا زَوۡجَيۡنِ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ ٤٩Uye pazvinhu zvose takasika zviviri zviviri kuitira kuti mugorangarira (makomborero aAllah) فَفِرُّوٓاْ إِلَى ٱللَّهِۖ إِنِّي لَكُم مِّنۡهُ نَذِيرٌ مُّبِينٌ ٥٠Naizvozvo chimhanyirai kuna Allah (Islaam). Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari وَلَا تَجۡعَلُواْ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَۖ إِنِّي لَكُم مِّنۡهُ نَذِيرٌ مُّبِينٌ ٥١Uye musatora chimwe chinamatwa pamwechete naAllah. Zvirokwazvo, ini (Muhammad (SAW)) ndiri muyambiri ari pachena kwamuri kubva kwavari كَذَٰلِكَ مَآ أَتَى ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا قَالُواْ سَاحِرٌ أَوۡ مَجۡنُونٌ ٥٢Saizvozvo, hakuna mutumwa akauya kune avo mushure mavo kunze kwekuti vakati: “In’anga kana kuti anopenga!” أَتَوَاصَوۡاْ بِهِۦۚ بَلۡ هُمۡ قَوۡمٌ طَاغُونَ ٥٣(Vanhu vekare) Vakavasiira here mashoko aya (maQuraish)? Kana kuti ivo vanhu vanotsaudzira mirairo فَتَوَلَّ عَنۡهُمۡ فَمَآ أَنتَ بِمَلُومٍ ٥٤Zvino enda (Muhammad (SAW)) kure navo (vasingatendi), naizvozvo iwe hauna mhaka (nokuti wasvitsa shoko raAllah) وَذَكِّرۡ فَإِنَّ ٱلذِّكۡرَىٰ تَنفَعُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٥٥Uye chiyeuchidza (Muhammad (SAW)), nokuti zvirokwazvo yeuchidzo inobetsera vanotenda وَمَا خَلَقۡتُ ٱلۡجِنَّ وَٱلۡإِنسَ إِلَّا لِيَعۡبُدُونِ ٥٦Uye handina (ini Allah) kusika maJinn nevanhu asi kuti vandinamate مَآ أُرِيدُ مِنۡهُم مِّن رِّزۡقٍ وَمَآ أُرِيدُ أَن يُطۡعِمُونِ ٥٧Handidi raramo kubva kwavari, uye handidi kana kuti vandipe chikafu إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلرَّزَّاقُ ذُو ٱلۡقُوَّةِ ٱلۡمَتِينُ ٥٨Zvirokwazvo, Allah ndivo muridzi wechengeto, muridzi wemasimba, vakasimba chaizvo فَإِنَّ لِلَّذِينَ ظَلَمُواْ ذَنُوبًا مِّثۡلَ ذَنُوبِ أَصۡحَٰبِهِمۡ فَلَا يَسۡتَعۡجِلُونِ ٥٩Naizvozvo, zvirokwazvo kune avo vatadzi pane chidimbu chemurango wakafanana newevamwe vavo (mushure). Zvino ngavarege kundimhanyira mberi فَوَيۡلٌ لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن يَوۡمِهِمُ ٱلَّذِي يُوعَدُونَ ٦٠Naizvozvo, matambudziko kune avo vasingatendi (muhumwechete hwaAllah) kubva pazuva ravo ravakavimbiswa

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.