بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
قٓۚ وَٱلۡقُرۡءَانِ ٱلۡمَجِيدِ ١Qaaf (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Ndinopika) neQur’aan dzvene بَلۡ عَجِبُوٓاْ أَن جَآءَهُم مُّنذِرٌ مِّنۡهُمۡ فَقَالَ ٱلۡكَٰفِرُونَ هَٰذَا شَيۡءٌ عَجِيبٌ ٢Vanoshamiswa kuti kwakauya muyambiri kwavari (Muhammad (SAW)) kubva mukati mavo. Naizvozvo avo vasingatendi vanoti: “Ichi ndicho chishamiso!” أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابًاۖ ذَٰلِكَ رَجۡعُۢ بَعِيدٌ ٣“Kana tichinge tafa tave huruva (tichave tinomutswa here)? Ndiko kudzoka kuri kure.” قَدۡ عَلِمۡنَا مَا تَنقُصُ ٱلۡأَرۡضُ مِنۡهُمۡۖ وَعِندَنَا كِتَٰبٌ حَفِيظُۢ ٤Tinoziva izvo zvinotorwa nevhu kubva kwavari (vafi), uye tine gwaro rakachengetedzwa (gwaro remirairo) بَلۡ كَذَّبُواْ بِٱلۡحَقِّ لَمَّا جَآءَهُمۡ فَهُمۡ فِيٓ أَمۡرٍ مَّرِيجٍ ٥Asi vakaramba chokwadi (Qur’aan) apo chakange chauya kwavari, nokudaro vakave vanokanganisika (havakwanisi kuona chakaipa nechakanaka) أَفَلَمۡ يَنظُرُوٓاْ إِلَى ٱلسَّمَآءِ فَوۡقَهُمۡ كَيۡفَ بَنَيۡنَٰهَا وَزَيَّنَّٰهَا وَمَا لَهَا مِن فُرُوجٍ ٦Havana here kutarisa matenga ari pamusoro pavo, magadziriro atakaaiita uye kushongedza kwatakaaiita, uye haana kutsemuka وَٱلۡأَرۡضَ مَدَدۡنَٰهَا وَأَلۡقَيۡنَا فِيهَا رَوَٰسِيَ وَأَنۢبَتۡنَا فِيهَا مِن كُلِّ زَوۡجِۭ بَهِيجٍ ٧Uye pasi rino takariparadzira, uye tikadzika mariri makomo akamira zvakasimba, uye tikaburitsa mariri zvirimwa zvose zvakanaka تَبۡصِرَةً وَذِكۡرَىٰ لِكُلِّ عَبۡدٍ مُّنِيبٍ ٨Simba rekuona uye yeuchidzo kune muranda wose uyo anocheuka kuna Allah achikumbira ruregerero وَنَزَّلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً مُّبَٰرَكًا فَأَنۢبَتۡنَا بِهِۦ جَنَّٰتٍ وَحَبَّ ٱلۡحَصِيدِ ٩Uye tinodzikisa mvura yakakomborerwa kubva kudenga, zvadaro toburitsa mapindu uye zvirimwa zvikohwewa وَٱلنَّخۡلَ بَاسِقَٰتٍ لَّهَا طَلۡعٌ نَّضِيدٌ ١٠Uye miti yemadheti yakareba, ine bumburudzi dzakarongedzwa, dzimwe pamusoro pedzimwe رِّزۡقًا لِّلۡعِبَادِۖ وَأَحۡيَيۡنَا بِهِۦ بَلۡدَةً مَّيۡتًاۚ كَذَٰلِكَ ٱلۡخُرُوجُ ١١Raramo yevaranda (vaAllah). Uye tinopa raramo nayo kunyika yakanga yaparara. Kudaro kuchave kumutswa (kuchaiitwa vakafa) كَذَّبَتۡ قَبۡلَهُمۡ قَوۡمُ نُوحٍ وَأَصۡحَٰبُ ٱلرَّسِّ وَثَمُودُ ١٢Vaivepo ivo vasati vavepo (vasingatendi vekuMakkah) vakaramba, vanhu vaNowa, uye vagari vemuRassi, uye maThamood وَعَادٌ وَفِرۡعَوۡنُ وَإِخۡوَٰنُ لُوطٍ ١٣Uye Aad, uye Farawo, uye madzikoma aLoti وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡأَيۡكَةِ وَقَوۡمُ تُبَّعٍۚ كُلٌّ كَذَّبَ ٱلرُّسُلَ فَحَقَّ وَعِيدِ ١٤Uye vagari vemusango, uye vanhu vekuTubba’. Vose vakaramba vatumwa (vavo), nokudaro vakapiwa chirango changu أَفَعَيِينَا بِٱلۡخَلۡقِ ٱلۡأَوَّلِۚ بَلۡ هُمۡ فِي لَبۡسٍ مِّنۡ خَلۡقٍ جَدِيدٍ ١٥Takaneta here nezvisikwa zvokutanga? Asi vari mukusagutsikana maererano nezvisikwa zvitsva (Kumutswa kubva kuvafi) وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ وَنَعۡلَمُ مَا تُوَسۡوِسُ بِهِۦ نَفۡسُهُۥۖ وَنَحۡنُ أَقۡرَبُ إِلَيۡهِ مِنۡ حَبۡلِ ٱلۡوَرِيدِ ١٦Uye zvirokwazvo takasika munhu, uye tinoziva zvaanozevezera. Uye tiri padyo naye kukunda tsinga dzake dzepahuro (neruzivo rwedu) إِذۡ يَتَلَقَّى ٱلۡمُتَلَقِّيَانِ عَنِ ٱلۡيَمِينِ وَعَنِ ٱلشِّمَالِ قَعِيدٌ ١٧(Rangarirai) kuti avo vagashiri vaviri (ngirozi dzinonyora) vanogashira (munhu wese), imwe yakagara kurudyi imwe kuruboshwe (dzichinyora mabasa ese emunhu) مَّا يَلۡفِظُ مِن قَوۡلٍ إِلَّا لَدَيۡهِ رَقِيبٌ عَتِيدٌ ١٨Hapana izwi raanotaura asi kuti pane mutariri akamirira (kunyora pasi) وَجَآءَتۡ سَكۡرَةُ ٱلۡمَوۡتِ بِٱلۡحَقِّۖ ذَٰلِكَ مَا كُنتَ مِنۡهُ تَحِيدُ ١٩Uye kudhaka kwerufu kuchauya muchokwadi. Zvichanzi: “Izvi ndizvo zvawaidzivirira!” وَنُفِخَ فِي ٱلصُّورِۚ ذَٰلِكَ يَوۡمُ ٱلۡوَعِيدِ ٢٠Uye hwamanda icharidzwa, ndiro richava zuva rakayambirwa (zuva rekumutswa) وَجَآءَتۡ كُلُّ نَفۡسٍ مَّعَهَا سَآئِقٌ وَشَهِيدٌ ٢١Uye munhu wose achauya mberi pamwechete (nengirozi) ichimutinha uye (nengirozi) kuti igopa uchapupu لَّقَدۡ كُنتَ فِي غَفۡلَةٍ مِّنۡ هَٰذَا فَكَشَفۡنَا عَنكَ غِطَآءَكَ فَبَصَرُكَ ٱلۡيَوۡمَ حَدِيدٌ ٢٢(Zvichanzi kumutadzi): “Zvirokwazvo, waive usingazvizivi izvi. Zvino takubvisa zvakanga zvakakupfukidza, uye meso ako ajeka nhasi!” وَقَالَ قَرِينُهُۥ هَٰذَا مَا لَدَيَّ عَتِيدٌ ٢٣Uye shamwari yake yepedyo (ngirozi) ichati: “Izvi ndizvo zvatakanyora zvatinazvo!” أَلۡقِيَا فِي جَهَنَّمَ كُلَّ كَفَّارٍ عَنِيدٍ ٢٤(Allah vachati kune ngirozi): “Imi muri vaviri, kandai mumoto, wese aive nemukonyo asingatendi (muhumwechete waAllah nemuvatumwa vavo).” مَّنَّاعٍ لِّلۡخَيۡرِ مُعۡتَدٍ مُّرِيبٍ ٢٥“Muwomesi wezvakanaka, mupfurikidzi, uyo asingagutsikani.” ٱلَّذِي جَعَلَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ فَأَلۡقِيَاهُ فِي ٱلۡعَذَابِ ٱلشَّدِيدِ ٢٦“Aisanganisa vamwe vanamwari naAllah. Nokudaro mukandei muri vaviri mumutongo wakaomarara.” ۞ قَالَ قَرِينُهُۥ رَبَّنَا مَآ أَطۡغَيۡتُهُۥ وَلَٰكِن كَانَ فِي ضَلَٰلِۭ بَعِيدٍ ٢٧Wepedyo pake (Satani) achati: “Tenzi vedu! Handina kumumanikidza kuti atadze, asi ndiye akanga akarasika zvakanyanya.” قَالَ لَا تَخۡتَصِمُواْ لَدَيَّ وَقَدۡ قَدَّمۡتُ إِلَيۡكُم بِٱلۡوَعِيدِ ٢٨Allah vachati: “Musava munopikisana pamberi pangu, ndakatokutumidzirai yambiro kare.” مَا يُبَدَّلُ ٱلۡقَوۡلُ لَدَيَّ وَمَآ أَنَا۠ بِظَلَّٰمٍ لِّلۡعَبِيدِ ٢٩“Mashoko abva kwandiri haashanduki uye handidzvanyiriri varanda.” يَوۡمَ نَقُولُ لِجَهَنَّمَ هَلِ ٱمۡتَلَأۡتِ وَتَقُولُ هَلۡ مِن مَّزِيدٍ ٣٠Iro zuva ratichati kuGehena: “Wazara here?” Richati: “Pane vamwe here (vari kuuya)?” وَأُزۡلِفَتِ ٱلۡجَنَّةُ لِلۡمُتَّقِينَ غَيۡرَ بَعِيدٍ ٣١Uye Paradhiso richaunzwa padyo nevatendi vanotya Allah kwete kure navo هَٰذَا مَا تُوعَدُونَ لِكُلِّ أَوَّابٍ حَفِيظٍ ٣٢(Zvichanzi): “Izvi ndizvo zvamakanga mavimbiswa, kune avo vanokumbira ruregerero kuna Allah, uye vanochengetedza chitsidzo chavo kuna Allah (kuti vachatevera chitendero chaAllah, Islaam).” مَّنۡ خَشِيَ ٱلرَّحۡمَٰنَ بِٱلۡغَيۡبِ وَجَآءَ بِقَلۡبٍ مُّنِيبٍ ٣٣“Uyo aitya avo vane tsitsi dzakawanda (Allah) mune izvo zvisingaoneki uye ouya nemoyo wekukumbira ruregerero (kubva kuzvitadzo zvese).” ٱدۡخُلُوهَا بِسَلَٰمٍۖ ذَٰلِكَ يَوۡمُ ٱلۡخُلُودِ ٣٤“Pinda mariri nerunyararo uye chengetedzo. Iri ndiro zuva rehupenyu husina magumo!” لَهُم مَّا يَشَآءُونَ فِيهَا وَلَدَيۡنَا مَزِيدٌ ٣٥Imomo vachawana zvido zvemoyo yavo uye tine zvizhinji (kwavari, sekuona Allah) وَكَمۡ أَهۡلَكۡنَا قَبۡلَهُم مِّن قَرۡنٍ هُمۡ أَشَدُّ مِنۡهُم بَطۡشًا فَنَقَّبُواْ فِي ٱلۡبِلَٰدِ هَلۡ مِن مَّحِيصٍ ٣٦Uye madzinza mangani atakaparadza mushure mavo ange anemasimba kuvakunda. Uye (apo mutongo wedu wakauya) vakamhanya vachitsvaga rubatsiro kune dzimwe nzvimbo! Vakawana nzvimbo yekuhwanda here (kubva mukuparadzwa) إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَذِكۡرَىٰ لِمَن كَانَ لَهُۥ قَلۡبٌ أَوۡ أَلۡقَى ٱلسَّمۡعَ وَهُوَ شَهِيدٌ ٣٧Zvirokwazvo, mune izvozvo mune yambiro kune uyo ane moyo kana anopa nzeve dzake achiteerera وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا فِي سِتَّةِ أَيَّامٍ وَمَا مَسَّنَا مِن لُّغُوبٍ ٣٨Uye zvirokwazvo takasika matenga nenyika uye zviri pakati pawo nemazuva matanhatu, uye hatina kuneta nazvo فَٱصۡبِرۡ عَلَىٰ مَا يَقُولُونَ وَسَبِّحۡ بِحَمۡدِ رَبِّكَ قَبۡلَ طُلُوعِ ٱلشَّمۡسِ وَقَبۡلَ ٱلۡغُرُوبِ ٣٩Nokudaro tsungirira (Muhammad (SAW)) mune zvose zvavanotaura, uye rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako zuva risati rabuda uye risati ranyura (nekuita minamato yeFajr, Dhuhr ne Asr) وَمِنَ ٱلَّيۡلِ فَسَبِّحۡهُ وَأَدۡبَٰرَ ٱلسُّجُودِ ٤٠Uye muchidimbu cheusiku varumbidze (nekuita minamato yeMaghrib neIsha), uyezve mushure meminamato (nekuita minamato isingamanikidzirwi maSunnah nekurumbidza uchiti Subhaanallaah, Alhamdulillaah, Allaahu Akbar) وَٱسۡتَمِعۡ يَوۡمَ يُنَادِ ٱلۡمُنَادِ مِن مَّكَانٍ قَرِيبٍ ٤١Uye teererai iro zuva apo mudaidzi achadaidzira munzvimbo iri padyo يَوۡمَ يَسۡمَعُونَ ٱلصَّيۡحَةَ بِٱلۡحَقِّۚ ذَٰلِكَ يَوۡمُ ٱلۡخُرُوجِ ٤٢Iro zuva ravachanzwa kusheedzera kwechokwadi. Iri ndiro richava zuva rekubuda (kubva kumakuva) إِنَّا نَحۡنُ نُحۡيِۦ وَنُمِيتُ وَإِلَيۡنَا ٱلۡمَصِيرُ ٤٣Zvirokwazvo, tisu tinopa upenyu uye tinokonzera rufu, uye kwatiri ndiko kwamuchadzokera يَوۡمَ تَشَقَّقُ ٱلۡأَرۡضُ عَنۡهُمۡ سِرَاعًاۚ ذَٰلِكَ حَشۡرٌ عَلَيۡنَا يَسِيرٌ ٤٤Pazuva iro nyika ichatsemuka, vobuda vachimhanya. Uku ndiko kuchava kuunganidza kwatiri kuri nyore نَّحۡنُ أَعۡلَمُ بِمَا يَقُولُونَۖ وَمَآ أَنتَ عَلَيۡهِم بِجَبَّارٍۖ فَذَكِّرۡ بِٱلۡقُرۡءَانِ مَن يَخَافُ وَعِيدِ ٤٥Tinoziva zvakanyanya izvo zvavanotaura. Uye (iwe Muhammad (SAW)) hausi iwe unovamanikidza (kutenda). Asi yambira neQur’aan uyo anotya tyisidziro yangu (yemurango)