Millat al-Islam

Chapter 21 · 112 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Anbiyaa in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Anbiyaa (1271 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

ٱقۡتَرَبَ لِلنَّاسِ حِسَابُهُمۡ وَهُمۡ فِي غَفۡلَةٍ مُّعۡرِضُونَ ١Mutongo wavanhu waswedera padyo apo ivo vanoramba nokushaya hanya مَا يَأۡتِيهِم مِّن ذِكۡرٍ مِّن رَّبِّهِم مُّحۡدَثٍ إِلَّا ٱسۡتَمَعُوهُ وَهُمۡ يَلۡعَبُونَ ٢Hapana yeuchidzo itsva (chitsauko chemuQur’aan) inouya kwavari kubva kuna Tenzi vavo, asi vanoiteerera vachiita zvekutamba (vachiita zvedambe) لَاهِيَةً قُلُوبُهُمۡۗ وَأَسَرُّواْ ٱلنَّجۡوَى ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ هَلۡ هَٰذَآ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُكُمۡۖ أَفَتَأۡتُونَ ٱلسِّحۡرَ وَأَنتُمۡ تُبۡصِرُونَ ٣Moyo yavo yakaputirwa (nezvivi). Avo vanoita mabasa akashata, vanoviga izvo zvavanotaura muchivande (vachiti): “Uyu mutumwa (Muhammad (SAW)) haasi here munhu wenyama semi? Zvirokwazvo, mungatevere here mapipi aya makatarisa?” قَالَ رَبِّي يَعۡلَمُ ٱلۡقَوۡلَ فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٤Muhammad (SAW)) akati: “Tenzi vangu vanoziva shoko rese rinotaurwa mumatenga nepanyika. Uye vanonzwa (zvese zvinotaurwa, kuimbwa), uye vanoziva zvese بَلۡ قَالُوٓاْ أَضۡغَٰثُ أَحۡلَٰمِۭ بَلِ ٱفۡتَرَىٰهُ بَلۡ هُوَ شَاعِرٌ فَلۡيَأۡتِنَا بِـَٔايَةٍ كَمَآ أُرۡسِلَ ٱلۡأَوَّلُونَ ٥Asi avo (vasingatendi vanoramba shoko raAllah) vanotaura kuti: “Izvi zvaanotaura (Muhammad (SAW) kuti iQur’aan raAllah) maroto akasangana nemanyepo! Azvifunga ega izvi! Uye ndinyanduri wenhetembo (mudetembi)! (Kana achida kuti timutende mune zvaari kutaura) ngaauye nehumboo sewakatumirwa nawo maporofita akauya asati auya!” مَآ ءَامَنَتۡ قَبۡلَهُم مِّن قَرۡيَةٍ أَهۡلَكۡنَٰهَآۖ أَفَهُمۡ يُؤۡمِنُونَ ٦Maguta (madzinza) ose atakaparadza hapana rimwe chete rakanga ratenda (mushoko raAllah) mushure mavo. Saka ava vangatende here وَمَآ أَرۡسَلۡنَا قَبۡلَكَ إِلَّا رِجَالًا نُّوحِيٓ إِلَيۡهِمۡۖ فَسۡـَٔلُوٓاْ أَهۡلَ ٱلذِّكۡرِ إِن كُنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ ٧Hapana chatakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)), kunze kwevarume vatakapa mashoko (kana magwaro). Saka vhunza vanhu vakapihwa yeuchidzo (Magwaro – Torah, Vhangeri) kana usingazivi وَمَا جَعَلۡنَٰهُمۡ جَسَدًا لَّا يَأۡكُلُونَ ٱلطَّعَامَ وَمَا كَانُواْ خَٰلِدِينَ ٨Hatina kusika vatumwa vaine miviri isingadyi chikafu, kana vari avo vanhu vasingafi ثُمَّ صَدَقۡنَٰهُمُ ٱلۡوَعۡدَ فَأَنجَيۡنَٰهُمۡ وَمَن نَّشَآءُ وَأَهۡلَكۡنَا ٱلۡمُسۡرِفِينَ ٩Uye takazadzisa chivimbiso chedu kwavari, tikavanunura neavo vataida, uye tikava tinoparadza avo vanotadza (nokusatenda nokuita mabasa akaipa) لَقَدۡ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكُمۡ كِتَٰبًا فِيهِ ذِكۡرُكُمۡۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ١٠Zvirokwazvo, takudzikisirai Bhuku (Qur’aan) rine yeuchidzo dzenyu mariri. Saka sei musinganzwisisi وَكَمۡ قَصَمۡنَا مِن قَرۡيَةٍ كَانَتۡ ظَالِمَةً وَأَنشَأۡنَا بَعۡدَهَا قَوۡمًا ءَاخَرِينَ ١١Maguta (madzinza) mangani aiita mabasa akaipa atakaparadza, uye tikava tinosika vamwe vanhu mushure mavo فَلَمَّآ أَحَسُّواْ بَأۡسَنَآ إِذَا هُم مِّنۡهَا يَرۡكُضُونَ ١٢Uye pavakaona mutongo (marwadzo) edu (uchiuya kwavari), vakaedza kutiza kubva kwauri لَا تَرۡكُضُواْ وَٱرۡجِعُوٓاْ إِلَىٰ مَآ أُتۡرِفۡتُمۡ فِيهِ وَمَسَٰكِنِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تُسۡـَٔلُونَ ١٣Musatize, asi dzokerai uko kwamaigara muri pamutambarakede, uye kudzimba dzenyu, kuti muve munobvunzwa قَالُواْ يَٰوَيۡلَنَآ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ ١٤Vakachema (vachitaura kuti): “Nhasi zvedu (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazvo, taive vatadzi vakuru (vaisanganisa Allah nezvimwe zvinhu).” فَمَا زَالَت تِّلۡكَ دَعۡوَىٰهُمۡ حَتَّىٰ جَعَلۡنَٰهُمۡ حَصِيدًا خَٰمِدِينَ ١٥Uye kuchema kwavo hakuna kupera, kusvika tavaita semapindu akakohwewa zvinhu, vakafa وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَآءَ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا لَٰعِبِينَ ١٦Hatina kusika denga nenyika neizvo zviri pakati pazvo (denga nenyika zvakaita semakore, nezvimwe) tichiita zvekutamba (zvedambe) لَوۡ أَرَدۡنَآ أَن نَّتَّخِذَ لَهۡوًا لَّٱتَّخَذۡنَٰهُ مِن لَّدُنَّآ إِن كُنَّا فَٰعِلِينَ ١٧Dai takada (Allah) kutora zvinhu zvinotivaraidza (mukadzi kana mwana), zvirokwazvo taingozvitora kubva kwatiri, dai taida kuzviita بَلۡ نَقۡذِفُ بِٱلۡحَقِّ عَلَى ٱلۡبَٰطِلِ فَيَدۡمَغُهُۥ فَإِذَا هُوَ زَاهِقٌۚ وَلَكُمُ ٱلۡوَيۡلُ مِمَّا تَصِفُونَ ١٨Asi, tinotumira chokwadi (Qur’aan) chichipikisa manyepo, chowaparada (manyepo), uye nenguva shoma manyepo opera. Uye kwamuri kuchave nemarwadzo pamusoro peizvo zvamunotaura (zvekunyepa kuti Allah vane mukadzi nemwana) وَلَهُۥ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَمَنۡ عِندَهُۥ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ عَنۡ عِبَادَتِهِۦ وَلَا يَسۡتَحۡسِرُونَ ١٩Uye ndivo Ishe (Muridzi) wevose vari mudenga nepasi. Uye avo vari padyo navo (ngirozi) havazvitutumadzi pakuvanamata, uye havaneti (kuvanamata) يُسَبِّحُونَ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ لَا يَفۡتُرُونَ ٢٠Vanovarumbidza (Allah) siku nesikati, uye havasiyi (havaneti) kuzviita أَمِ ٱتَّخَذُوٓاْ ءَالِهَةً مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ هُمۡ يُنشِرُونَ ٢١Pamwe vakatora here vamwe vanamwari (kuti vanamate) panyika avo vanomutsa vakafa لَوۡ كَانَ فِيهِمَآ ءَالِهَةٌ إِلَّا ٱللَّهُ لَفَسَدَتَاۚ فَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ رَبِّ ٱلۡعَرۡشِ عَمَّا يَصِفُونَ ٢٢Dai makanga muna vamwe vanamwari (mumatenga nepasi) kusara kwaAllah, zvirokwazvo, zvose zviri zviviri (Matenga nenyika) dai zvakaparara. Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah, Tenzi vechigaro cheumambo (Arsh), vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo (zvidhori, moto, vanhu, mhuka) لَا يُسۡـَٔلُ عَمَّا يَفۡعَلُ وَهُمۡ يُسۡـَٔلُونَ ٢٣Havabvunzwi izvo zvavanoita, asi ivo (vanhu) vachabvunzwa أَمِ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةًۖ قُلۡ هَاتُواْ بُرۡهَٰنَكُمۡۖ هَٰذَا ذِكۡرُ مَن مَّعِيَ وَذِكۡرُ مَن قَبۡلِيۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ٱلۡحَقَّۖ فَهُم مُّعۡرِضُونَ ٢٤Pamwe vakatora vamwe vanamwari (vekunamata) vachisiya ivo? Taura kuti: “Huyai nehumboo hwenyu.” Iri (Qur’aan) iyeuchidzo kune avo vandinavo uye iyeuchidzo yeavo vari mushure mangu. Asi vazhinji vavo havazivi chokwadi, saka vanhu vanofuratira وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رَّسُولٍ إِلَّا نُوحِيٓ إِلَيۡهِ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنَا۠ فَٱعۡبُدُونِ ٢٥Hapana mutumwa atakatumira usati wavapo (Muhammad (SAW)) kusara kwekuti takamuudza kuti: Laa ilaaha illaa Ana (Hapana ane kodzero yekunamatwa kusara kwangu (Allah)), saka ndinamatei (ndoga) وَقَالُواْ ٱتَّخَذَ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَلَدًاۗ سُبۡحَٰنَهُۥۚ بَلۡ عِبَادٌ مُّكۡرَمُونَ ٢٦Uye vanotaura kuti: “Muridzi wetsitsi dzose (Allah) vakaita mwanakomana (kana vana).” Rumbidzo ngadzive kwavari! Asi avo (vavanoti vana vavo, ngirozi, Jesu, Ezira) varanda vakaremekedzwa (vavo) لَا يَسۡبِقُونَهُۥ بِٱلۡقَوۡلِ وَهُم بِأَمۡرِهِۦ يَعۡمَلُونَ ٢٧Havatauri kusvika ivo (Allah) vataura, uye vanoita mabasa semaudzirwo avanenge vaitwa navo (Allah) يَعۡلَمُ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡ وَلَا يَشۡفَعُونَ إِلَّا لِمَنِ ٱرۡتَضَىٰ وَهُم مِّنۡ خَشۡيَتِهِۦ مُشۡفِقُونَ ٢٨Vanoziva zviri mberi kwavo, uye zviri kumashure kwavo, uye havamiririri (munhu) kunze kweuyo wavafadzwa (Allah) naye. Uye vanozvininipisa nekuvatya (Allah) ۞ وَمَن يَقُلۡ مِنۡهُمۡ إِنِّيٓ إِلَٰهٌ مِّن دُونِهِۦ فَذَٰلِكَ نَجۡزِيهِ جَهَنَّمَۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلظَّٰلِمِينَ ٢٩Uyo anotaura pakati pavo (kuti): “Zvirokwazvo, ndiri mwari kwete ivo (Allah),” akadaro tinomupa (Allah vari kutaura) mutongo weJahannam (Gehena). Aya ndiwo matongero atinoita vatadzi أَوَلَمۡ يَرَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَنَّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ كَانَتَا رَتۡقًا فَفَتَقۡنَٰهُمَاۖ وَجَعَلۡنَا مِنَ ٱلۡمَآءِ كُلَّ شَيۡءٍ حَيٍّۚ أَفَلَا يُؤۡمِنُونَ ٣٠Avo vasingatendi havaoni here kuti denga nepasi zvakange zvakabatana kuva chinhu chimwechete, uye tikazvipatsanura? Uye takagadzira kubva kumvura chinhu chese chinorarama. Havangatendi zvino here وَجَعَلۡنَا فِي ٱلۡأَرۡضِ رَوَٰسِيَ أَن تَمِيدَ بِهِمۡ وَجَعَلۡنَا فِيهَا فِجَاجًا سُبُلًا لَّعَلَّهُمۡ يَهۡتَدُونَ ٣١Uye takava tinoisa panyika makomo akasimba kuti isave inozunguzika nawo, uye takagadzira mairi (nyika) nzira dzakafaranuka kuti vadarike, pamwe vangaratidzwa gwara rakatwasuka وَجَعَلۡنَا ٱلسَّمَآءَ سَقۡفًا مَّحۡفُوظًاۖ وَهُمۡ عَنۡ ءَايَٰتِهَا مُعۡرِضُونَ ٣٢Uye takava (Allah) tinoita denga sehwikwiyo iro rakanyatsochengetedzwa. Asi vanoramba humboo hwaro (zuva, nyenyedzi, mwedzi, mhepo, makore, nezvimwe zvinhu) وَهُوَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ كُلٌّ فِي فَلَكٍ يَسۡبَحُونَ ٣٣Uye ndivo (Allah) vakasika usiku nemasikati, uye zuva nemwedzi, chese chichifamba munzira yacho وَمَا جَعَلۡنَا لِبَشَرٍ مِّن قَبۡلِكَ ٱلۡخُلۡدَۖ أَفَإِيْن مِّتَّ فَهُمُ ٱلۡخَٰلِدُونَ ٣٤Uye hapana munhu (wenyama) watakaita kuti ararame nokusingaperi (haafi) iwe (Muhammad (SAW)) usati wavapo. Asi kana ukafa, vachagara zvachose here كُلُّ نَفۡسٍ ذَآئِقَةُ ٱلۡمَوۡتِۗ وَنَبۡلُوكُم بِٱلشَّرِّ وَٱلۡخَيۡرِ فِتۡنَةًۖ وَإِلَيۡنَا تُرۡجَعُونَ ٣٥Chinhu chese (chinorarama) chicharavira rufu, uye tichava (Allah) tinokuedzai nezvakaipa pamwe nezvakanaka. Uye muchava munodzoswa kwatiri وَإِذَا رَءَاكَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِن يَتَّخِذُونَكَ إِلَّا هُزُوًا أَهَٰذَا ٱلَّذِي يَذۡكُرُ ءَالِهَتَكُمۡ وَهُم بِذِكۡرِ ٱلرَّحۡمَٰنِ هُمۡ كَٰفِرُونَ ٣٦Uye avo vasingatendi (muIslaam) vakakuona (Muhammad (SAW)), vanokuita zvedambe (vanokunyomba) vachitaura vachiti: “Ndiye here uyu anotaura zvakaipa pamusoro panamwari venyu (zvidhori, midzimu)?” Havatendi mune yeuchidzo yemupi wengoni dzake (Allah) خُلِقَ ٱلۡإِنسَٰنُ مِنۡ عَجَلٍۚ سَأُوْرِيكُمۡ ءَايَٰتِي فَلَا تَسۡتَعۡجِلُونِ ٣٧Munhu akava anosikwa aine hana nhete (asingazvibate). Ndichava (Allah) ndinokuratidzai maAayah angu (umboo, mutongo, marwadzo). Saka ndikumbirei kuti ndisava ndinomatumira nekuchimbidza وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٣٨Vanotaura (vasingatendi) kuti: “Vimbiso yacho ichauya rinhiko kana uchitaura chokwadi?” لَوۡ يَعۡلَمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ حِينَ لَا يَكُفُّونَ عَن وُجُوهِهِمُ ٱلنَّارَ وَلَا عَن ظُهُورِهِمۡ وَلَا هُمۡ يُنصَرُونَ ٣٩Dai avo vasingatendi vaiziva (mamiriro enguva) apo vachange vasingagoni kupumha (kudzima, kubvisa) moto kubva kuzviso zvavo, kana kubva kumashure kwavo, uye havambova vakabatsirwa بَلۡ تَأۡتِيهِم بَغۡتَةً فَتَبۡهَتُهُمۡ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ رَدَّهَا وَلَا هُمۡ يُنظَرُونَ ٤٠Asi moto (wezuva rekutongwa) uchangouya kwavari vasingafungiri (vakavarairwa), uye uchavavhiringidza, uye havazowani simba rekuudzivirira, uye havambozorodzwi وَلَقَدِ ٱسۡتُهۡزِئَ بِرُسُلٍ مِّن قَبۡلِكَ فَحَاقَ بِٱلَّذِينَ سَخِرُواْ مِنۡهُم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٤١Zvirokwazvo, vatumwa vakauya usati wauya (Muhammad (SAW)) vakatukwa (nekusekwa), asi avo vaivatuka (vaiseka) vakakomberedzwa nazvo, izvo zvavaituka (nekuseka) قُلۡ مَن يَكۡلَؤُكُم بِٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ مِنَ ٱلرَّحۡمَٰنِۚ بَلۡ هُمۡ عَن ذِكۡرِ رَبِّهِم مُّعۡرِضُونَ ٤٢Taura kuti: “Ndiani angakudzivirirei usiku nesikati kubva kumupi ane nyasha (Allah)?” Asi vanopira makotsi kune rangaridzo (yeuchidzo) yaTenzi vavo أَمۡ لَهُمۡ ءَالِهَةٌ تَمۡنَعُهُم مِّن دُونِنَاۚ لَا يَسۡتَطِيعُونَ نَصۡرَ أَنفُسِهِمۡ وَلَا هُم مِّنَّا يُصۡحَبُونَ ٤٣Kana kuti vane vamwe vanamwari (vekunyepera) vanovadzivirira kubva kwatiri? Havana simba rekuzvibatsira, kana kuti vave vanodzivirirwa kubva kwatiri (kubva kumurango wedu) بَلۡ مَتَّعۡنَا هَٰٓؤُلَآءِ وَءَابَآءَهُمۡ حَتَّىٰ طَالَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡعُمُرُۗ أَفَلَا يَرَوۡنَ أَنَّا نَأۡتِي ٱلۡأَرۡضَ نَنقُصُهَا مِنۡ أَطۡرَافِهَآۚ أَفَهُمُ ٱلۡغَٰلِبُونَ ٤٤Asi takavapa ava nemadzibaba avo kugarika kweupenyu uhwu kusvika pakuti nguva (yekurarama) yakavarebera. Havaoni here kuti nyika iri kutapudzwa (hutongi hwavo huri kutapudzwa) kubva kumiganhu yavo? Nokudaro ndivo here vachakunda (muhondo) قُلۡ إِنَّمَآ أُنذِرُكُم بِٱلۡوَحۡيِۚ وَلَا يَسۡمَعُ ٱلصُّمُّ ٱلدُّعَآءَ إِذَا مَا يُنذَرُونَ ٤٥Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvirokwazvo, ini ndinokuyambirai neizvo zvandakatumirwa (Qur’aan).” Asi avo vasinganzwi (vane nharo vanongotevera zvitendero vasingazivi zvirimo) havanzwi sheedzo apo vanenge vachiyambirwa (kuti munhu anofanira kutevedzera Qur’aan ne Sunnah (Nzira) yaMuhammad (SAW) وَلَئِن مَّسَّتۡهُمۡ نَفۡحَةٌ مِّنۡ عَذَابِ رَبِّكَ لَيَقُولُنَّ يَٰوَيۡلَنَآ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ ٤٦Uye kana kachidimbu kemarwadzo aTenzi vako kavawira, zvirokwazvo, vanotaura kuti: “Maiwe (Marwadzo kwatiri)! Zvirokwazo, taiva vatadzi vakuru.” وَنَضَعُ ٱلۡمَوَٰزِينَ ٱلۡقِسۡطَ لِيَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ فَلَا تُظۡلَمُ نَفۡسٌ شَيۡـًٔاۖ وَإِن كَانَ مِثۡقَالَ حَبَّةٍ مِّنۡ خَرۡدَلٍ أَتَيۡنَا بِهَاۗ وَكَفَىٰ بِنَا حَٰسِبِينَ ٤٧Tichava tinogadzika zvikero zvinoenzanisa (zvisingabiridziri) pazuva rekutongwa, zvokuti hapana munhu achadzvanyirirwa kunyange nepadiki pose (pakaita sei). Uye kana pane chicharema zvishoma kurema kwekamhodzi kadiki, tichachiburitsa pachena. Tisu tinokwanisa kutonga وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ ٱلۡفُرۡقَانَ وَضِيَآءً وَذِكۡرًا لِّلۡمُتَّقِينَ ٤٨Uye takava tinopa Musa naHaaroon (Aroni) chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa), uye chiedza chinopenya (Torah), uye neyeuchidzo kune avo vanotya Allah ٱلَّذِينَ يَخۡشَوۡنَ رَبَّهُم بِٱلۡغَيۡبِ وَهُم مِّنَ ٱلسَّاعَةِ مُشۡفِقُونَ ٤٩Avo vanotya Tenzi vavo kunyange vasingavaoni, uye vanotya Nguva (zuva rekutongwa) وَهَٰذَا ذِكۡرٌ مُّبَارَكٌ أَنزَلۡنَٰهُۚ أَفَأَنتُمۡ لَهُۥ مُنكِرُونَ ٥٠Uye iyi iyeuchidzo yakakomborerwa yatakadzikisa. Saka munoiramba here ۞ وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَآ إِبۡرَٰهِيمَ رُشۡدَهُۥ مِن قَبۡلُ وَكُنَّا بِهِۦ عَٰلِمِينَ ٥١Zvirokwazvo, makare-kare takava tinopa Ibrahim (Abrahamu) nhungamiro yake (kunzira yakatwasuka), uye taiziva nezvake (kutenda kwake) إِذۡ قَالَ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦ مَا هَٰذِهِ ٱلتَّمَاثِيلُ ٱلَّتِيٓ أَنتُمۡ لَهَا عَٰكِفُونَ ٥٢Apo paakataura kuna baba vake nevanhu vake kuti: “Zviumbwa izvi, zviyi izvo munoperera pakuzvinamata?” قَالُواْ وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا لَهَا عَٰبِدِينَ ٥٣(Vanhu vake) vakataura kuti: “(Izvi) takawana zvichinamatwa namadzitateguru edu.” قَالَ لَقَدۡ كُنتُمۡ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُمۡ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٥٤(Abrahamu) akataura kuti: “Zvirokwazvo, imi nemadzibaba enyu makarasika zviri pachena.” قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا بِٱلۡحَقِّ أَمۡ أَنتَ مِنَ ٱللَّٰعِبِينَ ٥٥(Vanhu) vakapindura vachiti: “Wauya nechokwadi here kwatiri kana kuti uri kuita zvekutamba?” قَالَ بَل رَّبُّكُمۡ رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ ٱلَّذِي فَطَرَهُنَّ وَأَنَا۠ عَلَىٰ ذَٰلِكُم مِّنَ ٱلشَّٰهِدِينَ ٥٦(Abrahamu) akataura kuti: “(Zivai kuti) Tenzi venyu ndiTenzi (mumwechete Allah) vedenga nenyika, avo vakazvisika, uye ini kwazviri (pakusikwa kwazvo naAllah) ndinopa uchapupu.” وَتَٱللَّهِ لَأَكِيدَنَّ أَصۡنَٰمَكُم بَعۡدَ أَن تُوَلُّواْ مُدۡبِرِينَ ٥٧“Uye ndinopika naAllah, zvirokwazvo ndichatsvaga zano rekuputsa zvidhori zvenyu mushure mekunge imi mambofamba-famba.” فَجَعَلَهُمۡ جُذَٰذًا إِلَّا كَبِيرًا لَّهُمۡ لَعَلَّهُمۡ إِلَيۡهِ يَرۡجِعُونَ ٥٨Nokudaro, akazviputsa kuita zvidimbu-zvidimbu, zvese kusara kwechihombe pakati pazvo, kuitira kuti vachibvunze (aputsa zvidhori) قَالُواْ مَن فَعَلَ هَٰذَا بِـَٔالِهَتِنَآ إِنَّهُۥ لَمِنَ ٱلظَّٰلِمِينَ ٥٩(Vanhu vadzoka) vakataura kuti: “Ndiani aita izvi kunanamwari vedu? Zvirokwazvo, mutadzi mukuru.” قَالُواْ سَمِعۡنَا فَتًى يَذۡكُرُهُمۡ يُقَالُ لَهُۥٓ إِبۡرَٰهِيمُ ٦٠(Vamwe) vanhu vakati: “Takanzwa kamwe kamukomana kanonzi Abrahamu kachingotaura nezvazvo (zvidhori kuti kachazviputsa).” قَالُواْ فَأۡتُواْ بِهِۦ عَلَىٰٓ أَعۡيُنِ ٱلنَّاسِ لَعَلَّهُمۡ يَشۡهَدُونَ ٦١(Vamwe) vakati: “Huyai naye pamberi pevanhu kuti vave vanomuona (vave neuchapupu nezvake (Abrahamu)).” قَالُوٓاْ ءَأَنتَ فَعَلۡتَ هَٰذَا بِـَٔالِهَتِنَا يَٰٓإِبۡرَٰهِيمُ ٦٢(Vanhu) vakati: “Ndiwe here waita izvi kuvanamwari vedu, iwe Abrahamu?” قَالَ بَلۡ فَعَلَهُۥ كَبِيرُهُمۡ هَٰذَا فَسۡـَٔلُوهُمۡ إِن كَانُواْ يَنطِقُونَ ٦٣(Abrahamu) akati: “Asi ichi chihombe chazvo (zvidhori) ndicho chaita izvi. Zvibvunzei kana zvichigona kutaura!” فَرَجَعُوٓاْ إِلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ فَقَالُوٓاْ إِنَّكُمۡ أَنتُمُ ٱلظَّٰلِمُونَ ٦٤Saka vakataura pachavo kuti: “Zvirokwazvo, muri vatadzi vakuru.” ثُمَّ نُكِسُواْ عَلَىٰ رُءُوسِهِمۡ لَقَدۡ عَلِمۡتَ مَا هَٰٓؤُلَآءِ يَنطِقُونَ ٦٥Uye vakazova vanopindura (pfungwa yavo) vakati: “Zvirokwazvo, iwe (Abrahamu) unoziva kuti (zvidhori) hazvitauri!” قَالَ أَفَتَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَنفَعُكُمۡ شَيۡـًٔا وَلَا يَضُرُّكُمۡ ٦٦(Abrahamu) akati: “Saka munonamatirei izvo zvisingakubatsirei, kana kukukuvadzai muchisiya Allah?” أُفٍّ لَّكُمۡ وَلِمَا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ ٦٧“Mashoko akaipa kwamuri, imi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah! Hamupfungi here?” قَالُواْ حَرِّقُوهُ وَٱنصُرُوٓاْ ءَالِهَتَكُمۡ إِن كُنتُمۡ فَٰعِلِينَ ٦٨(Vanhu) vakati: “Mupisei (Abrahamu) mubatsire vanamwari venyu, hunge muchizviita (muchizvikwanisa).” قُلۡنَا يَٰنَارُ كُونِي بَرۡدًا وَسَلَٰمًا عَلَىٰٓ إِبۡرَٰهِيمَ ٦٩Takataura (Allah) kuti: “Iwe Moto! Iva unotonhora wopa ruchengetedzo kuna Abrahamu!” وَأَرَادُواْ بِهِۦ كَيۡدًا فَجَعَلۡنَٰهُمُ ٱلۡأَخۡسَرِينَ ٧٠Uye vaida kumukuvadza, asi takavaita vanhu vakarasikirwa zvikuru وَنَجَّيۡنَٰهُ وَلُوطًا إِلَى ٱلۡأَرۡضِ ٱلَّتِي بَٰرَكۡنَا فِيهَا لِلۡعَٰلَمِينَ ٧١Uye takamuponesa iye naLoti (Lut) kunyika yakakomborerwa kuvanhu nezvinhu zvose وَوَهَبۡنَا لَهُۥٓ إِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَ نَافِلَةًۖ وَكُلًّا جَعَلۡنَا صَٰلِحِينَ ٧٢Uye takamupa (vana) Ishaaq (Isaka) uye (muzukuru) Ya’qoob (Jakobho). Vose takavaita vana vakatwasuka وَجَعَلۡنَٰهُمۡ أَئِمَّةً يَهۡدُونَ بِأَمۡرِنَا وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡهِمۡ فِعۡلَ ٱلۡخَيۡرَٰتِ وَإِقَامَ ٱلصَّلَوٰةِ وَإِيتَآءَ ٱلزَّكَوٰةِۖ وَكَانُواْ لَنَا عَٰبِدِينَ ٧٣Uye takavaita vatungamiriri vaitungamira vanhu nokuda kwedu, uye tikavakomekedza kuita mabasa akanaka, kuita Swalaah (Minamato), uye kupa Zakaah (kupa Swadaqah kwevapfumi kuvarombo mushure kwegore), uye vainamata Isu (Allah) chete وَلُوطًا ءَاتَيۡنَٰهُ حُكۡمًا وَعِلۡمًا وَنَجَّيۡنَٰهُ مِنَ ٱلۡقَرۡيَةِ ٱلَّتِي كَانَت تَّعۡمَلُ ٱلۡخَبَٰٓئِثَۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمَ سَوۡءٍ فَٰسِقِينَ ٧٤Uye Loti takamupa ungwaru neruzivo, uye tikamuponesa kubva muguta iro raiitwa zvakashata. Zvirokwazvo, vaiva vanhu vakashata vaiita zvivi وَأَدۡخَلۡنَٰهُ فِي رَحۡمَتِنَآۖ إِنَّهُۥ مِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٧٥Uye takamupinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, aiita mabasa akanaka وَنُوحًا إِذۡ نَادَىٰ مِن قَبۡلُ فَٱسۡتَجَبۡنَا لَهُۥ فَنَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥ مِنَ ٱلۡكَرۡبِ ٱلۡعَظِيمِ ٧٦Uye (rangarirai) apo Nowa akachema kwatiri makare. Takamupindura uye tikamuponesa iye nemhuri yake kubva kumarwadzo makuru وَنَصَرۡنَٰهُ مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمَ سَوۡءٍ فَأَغۡرَقۡنَٰهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٧٧Takamubatsira kubva kune vanhu avo vairamba mashoko edu. Zvirokwazvo, vaiva vanhu vaiita mabasa akashata. Saka vese takavanyudza وَدَاوُۥدَ وَسُلَيۡمَٰنَ إِذۡ يَحۡكُمَانِ فِي ٱلۡحَرۡثِ إِذۡ نَفَشَتۡ فِيهِ غَنَمُ ٱلۡقَوۡمِ وَكُنَّا لِحُكۡمِهِمۡ شَٰهِدِينَ ٧٨Uye (rangarirai) Dawood (Dhavhidha) naSulaimaan (Soromoni) pavaitonga maererano nebindu iro rakanga radyiwa namakwai avanhu usiku, uye takanzwa kutonga kwavo فَفَهَّمۡنَٰهَا سُلَيۡمَٰنَۚ وَكُلًّا ءَاتَيۡنَا حُكۡمًا وَعِلۡمًاۚ وَسَخَّرۡنَا مَعَ دَاوُۥدَ ٱلۡجِبَالَ يُسَبِّحۡنَ وَٱلطَّيۡرَۚ وَكُنَّا فَٰعِلِينَ ٧٩Uye takaita kuti Sulaimaan (Soromoni) anzwisise (nyaya yacho), uye vose takavapa hungwaru neruzivo. Uye takaita kuti makomo neshiri zvitirumbidze pamwechete naDhavhidha. Uye ndisu takazviita (zvese) وَعَلَّمۡنَٰهُ صَنۡعَةَ لَبُوسٍ لَّكُمۡ لِتُحۡصِنَكُم مِّنۢ بَأۡسِكُمۡۖ فَهَلۡ أَنتُمۡ شَٰكِرُونَ ٨٠Uye takamudzidzisa kugadzira nguwo dzehondo dzesimbi, kuti dzikudzivirirei mukurwa kwenyu. Muchava munotenda here وَلِسُلَيۡمَٰنَ ٱلرِّيحَ عَاصِفَةً تَجۡرِي بِأَمۡرِهِۦٓ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ ٱلَّتِي بَٰرَكۡنَا فِيهَاۚ وَكُنَّا بِكُلِّ شَيۡءٍ عَٰلِمِينَ ٨١Uye Soromoni takaita kuti mhepo ive inovhuvhuta zvakasimba nekuda kwake ichienda kunzvimbo iyo yatakakomborera. Uye tinoziva zvese وَمِنَ ٱلشَّيَٰطِينِ مَن يَغُوصُونَ لَهُۥ وَيَعۡمَلُونَ عَمَلًا دُونَ ذَٰلِكَۖ وَكُنَّا لَهُمۡ حَٰفِظِينَ ٨٢Uyezve kune mamwe maJinn (zvisikwa zvakasikwa nemoto) ayo haimunyurira (Soromoni mumvura achitsvaga matombo akakosha nezvimwe zvinhu), uye zvakare achiita rimwe basa rakasiyana neirori, uye takanga tirisu taivachengetedza ۞ وَأَيُّوبَ إِذۡ نَادَىٰ رَبَّهُۥٓ أَنِّي مَسَّنِيَ ٱلضُّرُّ وَأَنتَ أَرۡحَمُ ٱلرَّٰحِمِينَ ٨٣Uye (rangarirai) Ayyoob (Jobho) apo paakachema kuna Tenzi vake (achiti): “Zvirokwazvo, marwadzo ava pandiri, uye imi ndimi mune tsitsi kudarika vose vanopa tsitsi.” فَٱسۡتَجَبۡنَا لَهُۥ فَكَشَفۡنَا مَا بِهِۦ مِن ضُرٍّۖ وَءَاتَيۡنَٰهُ أَهۡلَهُۥ وَمِثۡلَهُم مَّعَهُمۡ رَحۡمَةً مِّنۡ عِندِنَا وَذِكۡرَىٰ لِلۡعَٰبِدِينَ ٨٤Takava tinopindura kuchema kwake, tikabvisa marwadzo aiva paari. Uye tikamudzorera mhuri yake pamwechete nevamwe vakafanana navo setsitsi kubva kwatiri, uye seyeuchidzo kune avo vanotinamata وَإِسۡمَٰعِيلَ وَإِدۡرِيسَ وَذَا ٱلۡكِفۡلِۖ كُلٌّ مِّنَ ٱلصَّٰبِرِينَ ٨٥Uye Ismail (Ishumaeri) naIdrees (Inoki) naDhul-Kifl (Isaiah), vose vaiva vakatsungirira وَأَدۡخَلۡنَٰهُمۡ فِي رَحۡمَتِنَآۖ إِنَّهُم مِّنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٨٦Uye takavapinza mutsitsi dzedu. Zvirokwazvo, vaiva varanda vakatwasuka وَذَا ٱلنُّونِ إِذ ذَّهَبَ مُغَٰضِبًا فَظَنَّ أَن لَّن نَّقۡدِرَ عَلَيۡهِ فَنَادَىٰ فِي ٱلظُّلُمَٰتِ أَن لَّآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنتَ سُبۡحَٰنَكَ إِنِّي كُنتُ مِنَ ٱلظَّٰلِمِينَ ٨٧Uye (rangarirai) Dhun-Noon (Yunus (Jonah)) apo paakabva achienda akatsamwa (munzvimbo iyo yaaiva atumirwa), uye akafunga kuti hatimubati! Akava anochema ari murima hombe (achiti): “Laa ilaaha illaa Anta (Hakuna umwe mwari anokodzera kunamatwa kunze kwenyu (Allah))! Kukudzwa ngakuve kwamuri! Zvirokwazvo ndini mutadzi.” فَٱسۡتَجَبۡنَا لَهُۥ وَنَجَّيۡنَٰهُ مِنَ ٱلۡغَمِّۚ وَكَذَٰلِكَ نُـۨجِي ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٨٨Takava tinopindura kuchema kwake, tikamuponesa kubva kumarwadzo. Uye saizvozvo ndiwo maponesero atinoita vatendi (muIslaam) وَزَكَرِيَّآ إِذۡ نَادَىٰ رَبَّهُۥ رَبِّ لَا تَذَرۡنِي فَرۡدًا وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡوَٰرِثِينَ ٨٩Uye (rangarirai) Zakariyya apo paakachema kuna Tenzi vake achiti: “Tenzi vangu! Musandiite ndingova ndega (ndisina mwana). Kunyangwe ndimi vanonyatsogona kugara nhaka.” فَٱسۡتَجَبۡنَا لَهُۥ وَوَهَبۡنَا لَهُۥ يَحۡيَىٰ وَأَصۡلَحۡنَا لَهُۥ زَوۡجَهُۥٓۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ يُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِ وَيَدۡعُونَنَا رَغَبًا وَرَهَبًاۖ وَكَانُواْ لَنَا خَٰشِعِينَ ٩٠Takamupindura munamato wake, uye tikamupa Yahya (Johwani), uye tikamurapira mukadzi wake (ange achembera kuti aite mwana). Zvirokwazvo, vaimhanyidzana mukuita mabasa akanaka, uye vaitisheedza vaine zvishuwo (zvekupindurwa) uye nokutya, uye vaizvininipisa kwatiri وَٱلَّتِيٓ أَحۡصَنَتۡ فَرۡجَهَا فَنَفَخۡنَا فِيهَا مِن رُّوحِنَا وَجَعَلۡنَٰهَا وَٱبۡنَهَآ ءَايَةً لِّلۡعَٰلَمِينَ ٩١Uye uyo akazvichengetedza humhandara hwake (Mariam (Mariya)), takava tinofuridza mweya wedu kwaari (munguwo dzake kuburikidza neNgirozi, Gabriel, kuti ave nemwana), uye takaita kuti iye (Mariam) nemwana wake (Jesu) vave chiratidzo kumunhu wose (nemaJinn) إِنَّ هَٰذِهِۦٓ أُمَّتُكُمۡ أُمَّةً وَٰحِدَةً وَأَنَا۠ رَبُّكُمۡ فَٱعۡبُدُونِ ٩٢Zvirokwazvo, vanhu vako ava vamwe chete (chitendero chavo chimwe chete, Islaam), saka ndini Tenzi venyu, saka ndinamatei (ndega) وَتَقَطَّعُوٓاْ أَمۡرَهُم بَيۡنَهُمۡۖ كُلٌّ إِلَيۡنَا رَٰجِعُونَ ٩٣Asi vakava vanopatsanurana pakati pavo maererano nechitendero chavo. Asi vese vachadzoka kwatiri فَمَن يَعۡمَلۡ مِنَ ٱلصَّٰلِحَٰتِ وَهُوَ مُؤۡمِنٌ فَلَا كُفۡرَانَ لِسَعۡيِهِۦ وَإِنَّا لَهُۥ كَٰتِبُونَ ٩٤Asi uyo anoita mabasa akanaka ari mutendi (muhumwechete hwaAllah), mabasa ake haamborambwi. Zvirokwazvo, takamanyora pasi (mubhuku rake remabasa) وَحَرَٰمٌ عَلَىٰ قَرۡيَةٍ أَهۡلَكۡنَٰهَآ أَنَّهُمۡ لَا يَرۡجِعُونَ ٩٥Takarambidza guta rese (vanhu varo) ratakaparadza kuti havambodzoki (panyika ino kuti vanamate) حَتَّىٰٓ إِذَا فُتِحَتۡ يَأۡجُوجُ وَمَأۡجُوجُ وَهُم مِّن كُلِّ حَدَبٍ يَنسِلُونَ ٩٦Kusvikira Ya’jooj naMa’jooj (rudzi rweGogu naMagogu) vavhurirwa umo mavakavharirwa, uye vodzika vakawanda kubva kunzvimbo dzese dzakakwirira وَٱقۡتَرَبَ ٱلۡوَعۡدُ ٱلۡحَقُّ فَإِذَا هِيَ شَٰخِصَةٌ أَبۡصَٰرُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ يَٰوَيۡلَنَا قَدۡ كُنَّا فِي غَفۡلَةٍ مِّنۡ هَٰذَا بَلۡ كُنَّا ظَٰلِمِينَ ٩٧Uye vimbiso yechokwadi (zuva rekutongwa) ichava padyo. Uye (kana vanhu vamutswa kubva mumakuva), muchaona maziso eavo vasingatendi atuzura panzvimbo imwechete nokutya. Vachataura kuti: “Nhasi zvedu (Maiwee)! Taiva tisina hanya neizvi (tisingazviisi mupfungwa), asi taiva vatadzi vakuru.” إِنَّكُمۡ وَمَا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ حَصَبُ جَهَنَّمَ أَنتُمۡ لَهَا وَٰرِدُونَ ٩٨Zvirokwazvo, imi vasingatendi neizvo zvamunonamata muchisiya Allah, muchava huni dzekuGehena! Zvirokwazvo, mucharipinda لَوۡ كَانَ هَٰٓؤُلَآءِ ءَالِهَةً مَّا وَرَدُوهَاۖ وَكُلٌّ فِيهَا خَٰلِدُونَ ٩٩Dai zvidhori izvi zvaiva vanamwari, vaisaripinda (Gehena), asi zvose navose vachagaramo chete لَهُمۡ فِيهَا زَفِيرٌ وَهُمۡ فِيهَا لَا يَسۡمَعُونَ ١٠٠Varimo vachange vachifemera padenga nekudzvova kukuru, uye imomo vachange vasinganzwi إِنَّ ٱلَّذِينَ سَبَقَتۡ لَهُم مِّنَّا ٱلۡحُسۡنَىٰٓ أُوْلَٰٓئِكَ عَنۡهَا مُبۡعَدُونَ ١٠١Zvirokwazvo, avo zvakanaka zvakatungamirirwa kwavari kubva kwatiri, vachaiswa kure naro (Gehena) لَا يَسۡمَعُونَ حَسِيسَهَاۖ وَهُمۡ فِي مَا ٱشۡتَهَتۡ أَنفُسُهُمۡ خَٰلِدُونَ ١٠٢Havambonzwi kutinhira kwaro (kungave kushoma), vachigara umo maidiwa nemoyo yavo (Paradhiso) لَا يَحۡزُنُهُمُ ٱلۡفَزَعُ ٱلۡأَكۡبَرُ وَتَتَلَقَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ هَٰذَا يَوۡمُكُمُ ٱلَّذِي كُنتُمۡ تُوعَدُونَ ١٠٣Kushungurudzika kukuru (kwezuva rekutongwa) hakumbovabati, uye ngirozi dzichasangana navo (dzichitaura kuti): “Iri ndiro zuva renyu iro maigarovimbiswa.” يَوۡمَ نَطۡوِي ٱلسَّمَآءَ كَطَيِّ ٱلسِّجِلِّ لِلۡكُتُبِۚ كَمَا بَدَأۡنَآ أَوَّلَ خَلۡقٍ نُّعِيدُهُۥۚ وَعۡدًا عَلَيۡنَآۚ إِنَّا كُنَّا فَٰعِلِينَ ١٠٤Uye (rangarirai) zuva iro tichapeta denga semapetero anoitwa mabhuku. Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga, tichazvidzokorodza (Allah vari kutaura). Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita وَلَقَدۡ كَتَبۡنَا فِي ٱلزَّبُورِ مِنۢ بَعۡدِ ٱلذِّكۡرِ أَنَّ ٱلۡأَرۡضَ يَرِثُهَا عِبَادِيَ ٱلصَّٰلِحُونَ ١٠٥Uye zvirokwazvo takanyora muZaboor (Mabhuku ese akadzikiswa, Torah, Vhangeri, Mapisarema, Qur’aan) mushure mekunge tanyora muyeuchidzo (Al-Lauh Al-Mahfoodh, Bhuku rina Allah kumatenga), kuti varanda vangu vakanaka vachagara nyika iyi nhaka (Paradhiso) إِنَّ فِي هَٰذَا لَبَلَٰغًا لِّقَوۡمٍ عَٰبِدِينَ ١٠٦Zvirokwazvo, umu (muQur’aan) mune mashoko ari pachena eavo vanonamata Allah (maMuslim) وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا رَحۡمَةً لِّلۡعَٰلَمِينَ ١٠٧Uye takava tinokutumira (Muhammad (SAW)) uri nyasha kune vanhu vose (nemaJinn nezvose zviripo pasi) قُلۡ إِنَّمَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ أَنَّمَآ إِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٌ وَٰحِدٌۖ فَهَلۡ أَنتُم مُّسۡلِمُونَ ١٠٨Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, zvakatumirwa kwandiri kuti Mwari wenyu mumwe chete. Saka muchazvipira here muzvido zvavo (mova maMuslim)?” فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقُلۡ ءَاذَنتُكُمۡ عَلَىٰ سَوَآءٍۖ وَإِنۡ أَدۡرِيٓ أَقَرِيبٌ أَم بَعِيدٌ مَّا تُوعَدُونَ ١٠٩Asi vakaramba (Islaam) taura (kwavari) kuti: “Ndinokuyambirai (hondo) iyo yakafanana neiyo yatinoziva. Asi handizivi kuti zvamakavimbiswa (Zuva reQiyaamah) zviri padyo here kana kuti zviri kure.” إِنَّهُۥ يَعۡلَمُ ٱلۡجَهۡرَ مِنَ ٱلۡقَوۡلِ وَيَعۡلَمُ مَا تَكۡتُمُونَ ١١٠“Zvirokwazvo, vanoziva (Allah) izvo zvamunotaura zviri pachena (neizwi riri pamusoro), uye vanoziva izvo zvamunotaura muchiwande.” وَإِنۡ أَدۡرِي لَعَلَّهُۥ فِتۡنَةٌ لَّكُمۡ وَمَتَٰعٌ إِلَىٰ حِينٍ ١١١“Uye handizivi kuti pamwe muedzo kwamuri, kana kuti kamufaro kekanguva kadiki.” قَٰلَ رَبِّ ٱحۡكُم بِٱلۡحَقِّۗ وَرَبُّنَا ٱلرَّحۡمَٰنُ ٱلۡمُسۡتَعَانُ عَلَىٰ مَا تَصِفُونَ ١١٢Akataura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Tongai nechokwadi! Tenzi vedu ndevengoni, vanokumbirwa pakurwisa izvo zvamunotaura (pamusoro paAllah kuti vane mwanakomana kana kuti vana, kana kuti Muhammad (SAW) ndewemapipi, kana kuti Qur’aan inhetembo)!”

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.