Millat al-Islam

Chapter 22 · 78 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Hajj in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Hajj (1215 reciters)
Medinanسورة الحج78 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱتَّقُواْ رَبَّكُمۡۚ إِنَّ زَلۡزَلَةَ ٱلسَّاعَةِ شَيۡءٌ عَظِيمٌ ١Imi vanhu! Ityai Tenzi venyu! (Nokuti) zvirokwazvo, kundengendeka kwenyika pazuva rekupedzisira chinhu chinotyisa zvikuru يَوۡمَ تَرَوۡنَهَا تَذۡهَلُ كُلُّ مُرۡضِعَةٍ عَمَّآ أَرۡضَعَتۡ وَتَضَعُ كُلُّ ذَاتِ حَمۡلٍ حَمۡلَهَا وَتَرَى ٱلنَّاسَ سُكَٰرَىٰ وَمَا هُم بِسُكَٰرَىٰ وَلَٰكِنَّ عَذَابَ ٱللَّهِ شَدِيدٌ ٢Zuva iro muchazviona, amai vose vanoyamwisa vachakanganwa rusvava rwavo, uye (amai) avo vakazvitakura (vane mimba) vachadonhedza icho chavakasenga (mwana ari mudumbu), uye muchaona vanhu vachinge sevakadhakwa, asi vanenge vasina kudhakwa, asi kuti marwadzo aAllah achange ari makuru وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يُجَٰدِلُ فِي ٱللَّهِ بِغَيۡرِ عِلۡمٍ وَيَتَّبِعُ كُلَّ شَيۡطَٰنٍ مَّرِيدٍ ٣(Uye) pakati pavanhu pane uyo anopikisa maererano nezvaAllah asina ruzivo, uye anotevera shaitwaan (dhiyabhorosi) wese akapanduka (asingateereri Allah) كُتِبَ عَلَيۡهِ أَنَّهُۥ مَن تَوَلَّاهُ فَأَنَّهُۥ يُضِلُّهُۥ وَيَهۡدِيهِ إِلَىٰ عَذَابِ ٱلسَّعِيرِ ٤Zvakava zvinokomekedzwa paari (Shaitwaan) kuti uyo achamutevera, achamurasisa, uye achamuendesa kumarwadzo emoto يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِن كُنتُمۡ فِي رَيۡبٍ مِّنَ ٱلۡبَعۡثِ فَإِنَّا خَلَقۡنَٰكُم مِّن تُرَابٍ ثُمَّ مِن نُّطۡفَةٍ ثُمَّ مِنۡ عَلَقَةٍ ثُمَّ مِن مُّضۡغَةٍ مُّخَلَّقَةٍ وَغَيۡرِ مُخَلَّقَةٍ لِّنُبَيِّنَ لَكُمۡۚ وَنُقِرُّ فِي ٱلۡأَرۡحَامِ مَا نَشَآءُ إِلَىٰٓ أَجَلٍ مُّسَمًّى ثُمَّ نُخۡرِجُكُمۡ طِفۡلًا ثُمَّ لِتَبۡلُغُوٓاْ أَشُدَّكُمۡۖ وَمِنكُم مَّن يُتَوَفَّىٰ وَمِنكُم مَّن يُرَدُّ إِلَىٰٓ أَرۡذَلِ ٱلۡعُمُرِ لِكَيۡلَا يَعۡلَمَ مِنۢ بَعۡدِ عِلۡمٍ شَيۡـًٔاۚ وَتَرَى ٱلۡأَرۡضَ هَامِدَةً فَإِذَآ أَنزَلۡنَا عَلَيۡهَا ٱلۡمَآءَ ٱهۡتَزَّتۡ وَرَبَتۡ وَأَنۢبَتَتۡ مِن كُلِّ زَوۡجِۭ بَهِيجٍ ٥Imi vanhu! Kana musingabvumi zvokuti muchamutswa (Pazuva rekutongwa), zvirokwazvo, takakusikai kubva kuivhu (Adam), uye kubva kuNutfah (mbeu yemunhurume nemukadzi), uye kubva kuchigodo cheropa, uye kubva kuchidimbu chenyama, chimwe chakaumbika uye chimwe chisina kuumbika, kuti tizvijekese kwamuri (Kukuratidzai masimba nekugona kwedu kuita zvatinoda). Uye tinoita uyo watinoda kuti arambe ari mudumbu (maamai vake) kwenguva yakatarwa (mwedzi mipfumbamwe), uye tinokuburitsai (munhumbu) sevana (vacheche), uye tokukudzai kuti muve majaya. Uye pakati penyu pane uyo anofa achiri mwana, uye pakati penyu pane uyo anodzoserwa kuzera rakashata (anochembera kudzokera muhucheche zvakare), kusvikira pakuti anokanganwa zvose zvaaiziva. Uye unoona nyika (ivhu) yakaoma, asi tikaita kuti mvura inaye pairi (nyika/ivhu) inodzoswa kuhupenyu, uye yokura uye yobuditsa mbeu yese yakanaka ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّهُۥ يُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَأَنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٦Nokuti Allah, ndivo vechokwadi, uye ndivo vanopa hupenyu nerufu, uye ndivo vanokwanisa kuita zvinhu zvose وَأَنَّ ٱلسَّاعَةَ ءَاتِيَةٌ لَّا رَيۡبَ فِيهَا وَأَنَّ ٱللَّهَ يَبۡعَثُ مَن فِي ٱلۡقُبُورِ ٧Uye zvirokwazvo, nguva (zuva rekutongwa) iri kuuya (ichasvika), uye hapana kusagutsikana (kupokana) mairi; uye zvirokwazvo, Allah vachamutsa vose vari mumakuva وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يُجَٰدِلُ فِي ٱللَّهِ بِغَيۡرِ عِلۡمٍ وَلَا هُدًى وَلَا كِتَٰبٍ مُّنِيرٍ ٨Uye pakati pavanhu kune uyo anopikisa maererano nezvaAllah, asina ruzivo kana nhungamiro, kana Gwaro rinopa chiedza ثَانِيَ عِطۡفِهِۦ لِيُضِلَّ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِۖ لَهُۥ فِي ٱلدُّنۡيَا خِزۡيٌۖ وَنُذِيقُهُۥ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ عَذَابَ ٱلۡحَرِيقِ ٩Anokotamisa huro yake nokuzvitutumadza, uye achirasisa (vamwe) kubva munzira yaAllah. (Munhu iyeye) achava anonyadziswa paupenyu hwepanyika, uye pazuva rekutongwa tichaita kuti ave anoravidza marwadzo emoto ذَٰلِكَ بِمَا قَدَّمَتۡ يَدَاكَ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَيۡسَ بِظَلَّٰمٍ لِّلۡعَبِيدِ ١٠(Izvi zvichaitika) nokuda kwemaoko ako zvaakatumira mberi (zvakaipa), uye zvirokwazvo, Allah havadzvanyiriri varanda vavo وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يَعۡبُدُ ٱللَّهَ عَلَىٰ حَرۡفٍۖ فَإِنۡ أَصَابَهُۥ خَيۡرٌ ٱطۡمَأَنَّ بِهِۦۖ وَإِنۡ أَصَابَتۡهُ فِتۡنَةٌ ٱنقَلَبَ عَلَىٰ وَجۡهِهِۦ خَسِرَ ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةَۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡخُسۡرَانُ ٱلۡمُبِينُ ١١Uye pakati pavanhu pane uyo anonamata Allah nekusagutsikana (asingazvitendi kuti kuna Allah); asi chinhu chakanaka chikamuwira (chikaitika kwaari) anogutsikana nacho; asi chinhu chakaipa chikamuwira anofuratira nechiso chake (anodzokera mukusatenda sekuenda kun’anga). Munhu uyu anorasikirwa nezvose panyika nekudenga. Uku ndiko kurasikirwa kuri pachena يَدۡعُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَضُرُّهُۥ وَمَا لَا يَنفَعُهُۥۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلضَّلَٰلُ ٱلۡبَعِيدُ ١٢Anonamata achisiya Allah izvo zvisingamukuvadzi kana kumubatsira. Uku ndiko kurasika kuri kure يَدۡعُواْ لَمَن ضَرُّهُۥٓ أَقۡرَبُ مِن نَّفۡعِهِۦۚ لَبِئۡسَ ٱلۡمَوۡلَىٰ وَلَبِئۡسَ ٱلۡعَشِيرُ ١٣Anonamata (achisiya Allah) uyo wokuti marwadzo ake ari padyo kudarika rubatsiro rwake. Zvirokwazvo, uyu (munamatwa) mubatsiri akashata, uye zvirokwazvo ishamwari yakaipa إِنَّ ٱللَّهَ يُدۡخِلُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَفۡعَلُ مَا يُرِيدُ ١٤Zvirokwazvo, Allah vachapinza avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka muParadhiso iro rine nzizi dzinoerera pasi paro. Zvirokwazvo, Allah vanoita zvavanoda مَن كَانَ يَظُنُّ أَن لَّن يَنصُرَهُ ٱللَّهُ فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِ فَلۡيَمۡدُدۡ بِسَبَبٍ إِلَى ٱلسَّمَآءِ ثُمَّ لۡيَقۡطَعۡ فَلۡيَنظُرۡ هَلۡ يُذۡهِبَنَّ كَيۡدُهُۥ مَا يَغِيظُ ١٥Uyo zvake anofunga kuti Allah havambomubatsiri (Muhammad (SAW)), ngaazvisungirire netambo padenga azviuraye. Uye oona kuti hurongwa wake uchaita kuti izvo zvaasingadi zvibve وَكَذَٰلِكَ أَنزَلۡنَٰهُ ءَايَٰتِۭ بَيِّنَٰتٍ وَأَنَّ ٱللَّهَ يَهۡدِي مَن يُرِيدُ ١٦Naizvozvo takaridzikisa (Qur’aan iri kuna Muhammad (SAW)) sezviratidzo zviripachena, uye zvirokwazvo, Allah vanotungamira uyo wavanoda إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَٱلَّذِينَ هَادُواْ وَٱلصَّٰبِـِٔينَ وَٱلنَّصَٰرَىٰ وَٱلۡمَجُوسَ وَٱلَّذِينَ أَشۡرَكُوٓاْ إِنَّ ٱللَّهَ يَفۡصِلُ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ شَهِيدٌ ١٧Zvirokwazvo, avo vanotenda (kuna Allah nemutumwa wavo (SAW)), neavo vanova maJudha, uye maSwaabi’uoon, uye maKristu, uye maMajoos, uye avo vanonamata zvimwe zvinhu vachisiya Allah, zvirokwazvo, Allah vachatonga (vachajekesa) pakati pavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, Allah vanoona zvose (zvinoitika panyika) أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ يَسۡجُدُۤ لَهُۥۤ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَن فِي ٱلۡأَرۡضِ وَٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُ وَٱلنُّجُومُ وَٱلۡجِبَالُ وَٱلشَّجَرُ وَٱلدَّوَآبُّ وَكَثِيرٌ مِّنَ ٱلنَّاسِۖ وَكَثِيرٌ حَقَّ عَلَيۡهِ ٱلۡعَذَابُۗ وَمَن يُهِنِ ٱللَّهُ فَمَا لَهُۥ مِن مُّكۡرِمٍۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَفۡعَلُ مَا يَشَآءُ ۩ ١٨Hauoni here kuti uyo wese ari mumatenga neuyo ari pasi, uye zuva, nemwedzi nenyenyedzi, uye makomo, nemiti, nezvipuka zvose zvinofamba, uye vazhinji vevanhu vanopfugamira Allah. Asi vazhinji vevanhu marwadzo (aAllah) akatokomekedzwa pavari. Uye uyo munhu anodzikisirwa naAllah, hapana anogona kumukwidziridza. Zvirokwazvo, Allah vanoita izvo zvavanoda ۞ هَٰذَانِ خَصۡمَانِ ٱخۡتَصَمُواْ فِي رَبِّهِمۡۖ فَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ قُطِّعَتۡ لَهُمۡ ثِيَابٌ مِّن نَّارٍ يُصَبُّ مِن فَوۡقِ رُءُوسِهِمُ ٱلۡحَمِيمُ ١٩Ava vavengi vaviri (vatendi neavo vasingatendi) vanopikisana maererano naTenzi vavo, asi avo vasingatendi vachagadzirirwa nguwo dzemoto, uye mvura iri kufashaira (inopisa) ichadirwa mumisoro yavo يُصۡهَرُ بِهِۦ مَا فِي بُطُونِهِمۡ وَٱلۡجُلُودُ ٢٠Zvose zviri mumatumbu mavo zvichaitwa kuti zvinyungudike nemvura iyi, uye makanda avo (aperewo zvakare) وَلَهُم مَّقَٰمِعُ مِنۡ حَدِيدٍ ٢١Uye vachawana haka dzesimbi dzakasungirirwa (kuti vave vanorwadziwa semutongo wavo) كُلَّمَآ أَرَادُوٓاْ أَن يَخۡرُجُواْ مِنۡهَا مِنۡ غَمٍّ أُعِيدُواْ فِيهَا وَذُوقُواْ عَذَابَ ٱلۡحَرِيقِ ٢٢Pose pavachada kubuda imomo (kubva kumoto) nekuda kwemarwadzo, vachadzorerwa zvakare mauri, uye (vachataurirwa kuti): “Ravirai marwadzo ekutsva!” إِنَّ ٱللَّهَ يُدۡخِلُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ يُحَلَّوۡنَ فِيهَا مِنۡ أَسَاوِرَ مِن ذَهَبٍ وَلُؤۡلُؤًاۖ وَلِبَاسُهُمۡ فِيهَا حَرِيرٌ ٢٣Zvirokwazvo, Allah vachapinza avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) nekuita mabasa akanaka mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo, umo vachashongedzwa nefumba dzegoridhe (mabhenguru) nemapera, uye nguwo dzavo dzichave dziri dzesiriki وَهُدُوٓاْ إِلَى ٱلطَّيِّبِ مِنَ ٱلۡقَوۡلِ وَهُدُوٓاْ إِلَىٰ صِرَٰطِ ٱلۡحَمِيدِ ٢٤Uye (pano panyika) vakatungamirirwa mukutaura mashoko akanaka (Laa ilaaha illaallaahu – Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah, nekuverenga Qur’aan), uye vakatungamirirwa kunzira yeavo vanorumbidzwa (Allah) إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَيَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِ ٱلَّذِي جَعَلۡنَٰهُ لِلنَّاسِ سَوَآءً ٱلۡعَٰكِفُ فِيهِ وَٱلۡبَادِۚ وَمَن يُرِدۡ فِيهِ بِإِلۡحَادِۭ بِظُلۡمٍ نُّذِقۡهُ مِنۡ عَذَابٍ أَلِيمٍ ٢٥Zvirokwazvo, avo vasingatendi (muna Allah) uye vanodzivirira vamwe kubva kunzira yaAllah, uye kuenda kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) iyo yatakaita kuti isununguke kune munhu wese, anogaramo uye vashanyi kubva kune dzimwe nyika vanova vakaenzana (vakafanana) maererano nemutemo yemo. Uye uyo anoita mabasa akaipa arimo (muAl-Masjid Al-Haraam), tichaita kuti aravire marwadzo akaomarara وَإِذۡ بَوَّأۡنَا لِإِبۡرَٰهِيمَ مَكَانَ ٱلۡبَيۡتِ أَن لَّا تُشۡرِكۡ بِي شَيۡـًٔا وَطَهِّرۡ بَيۡتِيَ لِلطَّآئِفِينَ وَٱلۡقَآئِمِينَ وَٱلرُّكَّعِ ٱلسُّجُودِ ٢٦Uye (rangarirai) patakaratidza Ibrahim (Abrahamu) nzvimbo yekuvaka imba (Ka’bah kuMakkah) yekunamatira tichiti (Allah vari kutaura): “Musasanganise zvimwe zvinhu neni mukunamata, uye chenurai imba yangu (Ka’bah) kune avo vanoitenderera (Tawaaf), uye kune avo vanonamatiramo (Swalaah), uye avo vanokotama (Ruku), uye avo vanopfugama (Sajdah) (kunamata nekurumbidza Allah).” وَأَذِّن فِي ٱلنَّاسِ بِٱلۡحَجِّ يَأۡتُوكَ رِجَالًا وَعَلَىٰ كُلِّ ضَامِرٍ يَأۡتِينَ مِن كُلِّ فَجٍّ عَمِيقٍ ٢٧“Uye taurira vanhu maererano nezveHajj (Kushanyira Ka’bah kuMakkah kunonamata). Vachauya kwauri vachifamba netsoka uye nengamera yese isina kusimba, vachibva nenzira dzese dzemumakomo dziri kure (kuti vaite Hajj).” لِّيَشۡهَدُواْ مَنَٰفِعَ لَهُمۡ وَيَذۡكُرُواْ ٱسۡمَ ٱللَّهِ فِيٓ أَيَّامٍ مَّعۡلُومَٰتٍ عَلَىٰ مَا رَزَقَهُم مِّنۢ بَهِيمَةِ ٱلۡأَنۡعَٰمِۖ فَكُلُواْ مِنۡهَا وَأَطۡعِمُواْ ٱلۡبَآئِسَ ٱلۡفَقِيرَ ٢٨(Vanouya) kuti vaone zvinhu izvo zvinovabatsira (makomborero eHajj neUmrah, uye nemakomborero epanyika kuburikidza nekutengeserana), uye kuti varangarire Zita raAllah mumazuva akatarwa (10, 11, 12 na 13 Dhul-Hijjah) vachitenda mhuka dzavakavapa (kuti vauraye seQurbaan (Mupiro) vachiti: Bismillaahi Wallaahu Akbar, Allaahumma minka wa ilaika (Muzita raAllah, uye Allah ndivo Mukuru! Imi Allah! Izvi zvabva kwamuri uye zvirikudzokera kwamuri)). Idyai (nyama) kubva kwadziri uye mopa avo vanotambura vari munguva yakaoma ثُمَّ لۡيَقۡضُواْ تَفَثَهُمۡ وَلۡيُوفُواْ نُذُورَهُمۡ وَلۡيَطَّوَّفُواْ بِٱلۡبَيۡتِ ٱلۡعَتِيقِ ٢٩Saka ngavapedzise izvo zvavakatarirwa (muHajj) uye vopedzisa ivo zvavakapikira, uye votenderera imba yakavakwa kare (Ka’bah kuMakkah) ذَٰلِكَۖ وَمَن يُعَظِّمۡ حُرُمَٰتِ ٱللَّهِ فَهُوَ خَيۡرٌ لَّهُۥ عِندَ رَبِّهِۦۗ وَأُحِلَّتۡ لَكُمُ ٱلۡأَنۡعَٰمُ إِلَّا مَا يُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡۖ فَٱجۡتَنِبُواْ ٱلرِّجۡسَ مِنَ ٱلۡأَوۡثَٰنِ وَٱجۡتَنِبُواْ قَوۡلَ ٱلزُّورِ ٣٠Naizvozvo, uyo anoremekedza izvo zvakakosha zvaAllah, zvakamunakira kuna Tenzi vake. Mombe dzakabvumidzwa kwamuri, kunze kweidzo dzamunoudzwa (kuti dzakarambidzwa). Saka, siyai chitadzo chekunamata zvidhori uye mashoko emanyepo حُنَفَآءَ لِلَّهِ غَيۡرَ مُشۡرِكِينَ بِهِۦۚ وَمَن يُشۡرِكۡ بِٱللَّهِ فَكَأَنَّمَا خَرَّ مِنَ ٱلسَّمَآءِ فَتَخۡطَفُهُ ٱلطَّيۡرُ أَوۡ تَهۡوِي بِهِ ٱلرِّيحُ فِي مَكَانٍ سَحِيقٍ ٣١Hunafaa’ Lillaah (Vanonamata Allah chete), vasingavasanganise nezvimwe zvinhu; uye uyo anosanganisa Allah nezvimwe zvinhu, anoita kunge uyo adonha kubva kudenga, uye shiri dzomujombora (dzomubata) kana kuti mhepo yamukanda nzvimbo iri kure ذَٰلِكَۖ وَمَن يُعَظِّمۡ شَعَٰٓئِرَ ٱللَّهِ فَإِنَّهَا مِن تَقۡوَى ٱلۡقُلُوبِ ٣٢Saizvozvo (zvataurwa mundima 27, 28, 29, 30 ne 31 ndivo mabasa vanhu vanofanira kuitira Allah), uye uyo anoremekedza zviratidzwa zvaAllah, zvirokwazvo, ane moyo wakachenurwa zvakanaka (unotya Allah) لَكُمۡ فِيهَا مَنَٰفِعُ إِلَىٰٓ أَجَلٍ مُّسَمًّى ثُمَّ مَحِلُّهَآ إِلَى ٱلۡبَيۡتِ ٱلۡعَتِيقِ ٣٣Mune zvinokubatsirai madziri (mombe/mhuka) kwemazuva akatarwa, uye mushure maizvozvo dzinounzwa kuimba yekare yakakomborerwa (Ka’bah kuMakkah) kuti dziuraiwe semupiro وَلِكُلِّ أُمَّةٍ جَعَلۡنَا مَنسَكًا لِّيَذۡكُرُواْ ٱسۡمَ ٱللَّهِ عَلَىٰ مَا رَزَقَهُم مِّنۢ بَهِيمَةِ ٱلۡأَنۡعَٰمِۗ فَإِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٌ وَٰحِدٌ فَلَهُۥٓ أَسۡلِمُواْۗ وَبَشِّرِ ٱلۡمُخۡبِتِينَ ٣٤Uye kune vanhu vose vakauya (Panyika), takavapa nzira dzavo dzekunamata kuti vave vanorangarira zita raAllah maererano nemhuka idzo dzavakavapa kuti vadziite chikafu. Saka Mwari venyu Mwari mumwe chete. Zvipirei kwavari mukunamata. Ova (Muhammad (SAW)) unoudza avo vanoteerera Allah mashoko akanaka (kuti vachapinda Jannah) ٱلَّذِينَ إِذَا ذُكِرَ ٱللَّهُ وَجِلَتۡ قُلُوبُهُمۡ وَٱلصَّٰبِرِينَ عَلَىٰ مَآ أَصَابَهُمۡ وَٱلۡمُقِيمِي ٱلصَّلَوٰةِ وَمِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ يُنفِقُونَ ٣٥(Vanhu vacho) avo vanoti Allah vakarangarirwa, moyo yavo inozadzwa nekutya, uye avo vanotsungirira pane izvo zvose zvinovawira, uye avo vanoita Swalaah (Munamato), uye avo vanoshandisa (munzira yaAllah) kubva kuizvo zvatakavapa وَٱلۡبُدۡنَ جَعَلۡنَٰهَا لَكُم مِّن شَعَٰٓئِرِ ٱللَّهِ لَكُمۡ فِيهَا خَيۡرٌۖ فَٱذۡكُرُواْ ٱسۡمَ ٱللَّهِ عَلَيۡهَا صَوَآفَّۖ فَإِذَا وَجَبَتۡ جُنُوبُهَا فَكُلُواْ مِنۡهَا وَأَطۡعِمُواْ ٱلۡقَانِعَ وَٱلۡمُعۡتَرَّۚ كَذَٰلِكَ سَخَّرۡنَٰهَا لَكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ٣٦Uye mhuka (mombe, ngamera, mbudzi, hwai) takadziita kuti dzive zviratidzwa zvaAllah kwamuri, umo munowana zvakanaka zvakawanda. Saka ivai munorangarira (munotaura) zita raAllah pamusoro padzo kana dzaiswa mumitsetse (kuti dziurawe). Kana dzichinge dzarara nemativi adzo dzafa, idyai kubva kwadziri (nyama yadzo), mova munopa uyo anotambura (nyama) uyo asingakumbiri vanhu uye uyo anokumbira. Saizvozvo takadziisa (mhuka) pasi penyu kuti muve munotenda (Allah) لَن يَنَالَ ٱللَّهَ لُحُومُهَا وَلَا دِمَآؤُهَا وَلَٰكِن يَنَالُهُ ٱلتَّقۡوَىٰ مِنكُمۡۚ كَذَٰلِكَ سَخَّرَهَا لَكُمۡ لِتُكَبِّرُواْ ٱللَّهَ عَلَىٰ مَا هَدَىٰكُمۡۗ وَبَشِّرِ ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٣٧Nyama yadzo kana ropa radzo harisvika kuna Allah, asi kuti kutya kwenyu ndiko kunosvika kuna Allah. Nokudaro takadziisa (mhuka) pasi penyu kuti muve munorumbidza Allah nekukutungamirai kwavanoita. Uye Ipa (Muhammad (SAW)) mashoko akanaka kune avo vanoita mabasa akanaka ۞ إِنَّ ٱللَّهَ يُدَٰفِعُ عَنِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُحِبُّ كُلَّ خَوَّانٍ كَفُورٍ ٣٨Zvirokwazvo, Allah vanodzivirira avo vanotenda. Zvirokwazvo, Allah havadi avo vasingatendi vasingavimbiki (avo vasingateereri Allah vachiteerera satani) أُذِنَ لِلَّذِينَ يُقَٰتَلُونَ بِأَنَّهُمۡ ظُلِمُواْۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ نَصۡرِهِمۡ لَقَدِيرٌ ٣٩Kurwisa (vasingatendi) kwabvumidzwa kune avo (vatendi) varikuriswa, nokuti ndivo vatadzirwa; uye zvirokwazvo, Allah vanokwanisa kuti vatendi vakunde (mukurwisa vasingatendi) ٱلَّذِينَ أُخۡرِجُواْ مِن دِيَٰرِهِم بِغَيۡرِ حَقٍّ إِلَّآ أَن يَقُولُواْ رَبُّنَا ٱللَّهُۗ وَلَوۡلَا دَفۡعُ ٱللَّهِ ٱلنَّاسَ بَعۡضَهُم بِبَعۡضٍ لَّهُدِّمَتۡ صَوَٰمِعُ وَبِيَعٌ وَصَلَوَٰتٌ وَمَسَٰجِدُ يُذۡكَرُ فِيهَا ٱسۡمُ ٱللَّهِ كَثِيرًاۗ وَلَيَنصُرَنَّ ٱللَّهُ مَن يَنصُرُهُۥٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَقَوِيٌّ عَزِيزٌ ٤٠Avo vakadzingwa mudzimba dzavo pasina chinangwa (chikonzero) nekuti vanotaura kuti: “Tenzi vedu ndiAllah.” Dai kusiri kuti Allah vanodzivirira vanhu kuburikidza nevamwe (vanhu), nzvimbo dzavo dzekunamatira (MaKristu, maJudha, maMuslim), umo mavanorangarira zita raAllah kazhinji, dai dzakadonhedzwa pasi (dzakaparadzwa). Zvirokwazvo, Allah vanobatsira avo vanobatsira nzira yavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, mukuru-kuru ٱلَّذِينَ إِن مَّكَّنَّٰهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ أَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتَوُاْ ٱلزَّكَوٰةَ وَأَمَرُواْ بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَنَهَوۡاْ عَنِ ٱلۡمُنكَرِۗ وَلِلَّهِ عَٰقِبَةُ ٱلۡأُمُورِ ٤١Avo (vatungamiriri vemaMuslim) vanoti kana tikavapa simba (rekutonga) panyika, vanokurudzira kuitwa kweSwalaah (Minamato mishanu pazuva), uye kupa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vokurudzira kuitwa kwezvinhu zvakanaka uye vorambidza kuitwa kwezvinhu zvakaipa. Uye kuna Allah ndiko kunoperera nyaya dzese (dzezvisikwa zvavo) وَإِن يُكَذِّبُوكَ فَقَدۡ كَذَّبَتۡ قَبۡلَهُمۡ قَوۡمُ نُوحٍ وَعَادٌ وَثَمُودُ ٤٢Uye kana vakakuramba (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, vanhu vaNowa, maAad nemaThamud vakarambawo (vatumwa vavo) ivo (maArabhu ekuSaudi Arabia) vasati vavapo وَقَوۡمُ إِبۡرَٰهِيمَ وَقَوۡمُ لُوطٍ ٤٣Uye vanhu vaIbrahim (Abrahamu) uye vanhu vaLut (Loti) وَأَصۡحَٰبُ مَدۡيَنَۖ وَكُذِّبَ مُوسَىٰۖ فَأَمۡلَيۡتُ لِلۡكَٰفِرِينَ ثُمَّ أَخَذۡتُهُمۡۖ فَكَيۡفَ كَانَ نَكِيرِ ٤٤Uye vagari vemuMadyan (Midian); uye Musa akarambwa. Asi avo vasingatendi ndakambovarega kwekanguva kadiki, asi ndakazovatumira marwadzo, uye marwadzo angu aiva akaoma (kune avo vanotadza) فَكَأَيِّن مِّن قَرۡيَةٍ أَهۡلَكۡنَٰهَا وَهِيَ ظَالِمَةٌ فَهِيَ خَاوِيَةٌ عَلَىٰ عُرُوشِهَا وَبِئۡرٍ مُّعَطَّلَةٍ وَقَصۡرٍ مَّشِيدٍ ٤٥Maguta mazhinji takamaparadza aiita mabasa akashata, tikamaita kuti ave marara (kusvika nhasi), uye matsime (akawanda) haasi kushandiswa uye dzimba (dzavo) guru أَفَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَتَكُونَ لَهُمۡ قُلُوبٌ يَعۡقِلُونَ بِهَآ أَوۡ ءَاذَانٌ يَسۡمَعُونَ بِهَاۖ فَإِنَّهَا لَا تَعۡمَى ٱلۡأَبۡصَٰرُ وَلَٰكِن تَعۡمَى ٱلۡقُلُوبُ ٱلَّتِي فِي ٱلصُّدُورِ ٤٦Havana kumbofamba here panyika, kana kuti havana moyo here yavanonzwisisa nayo kana kuti nzeve dzekunzwa nadzo? Zvirokwazvo, haasi maziso anopofumara, asi kuti moyo iri mukati mezvipfuva ndiyo inopofumara وَيَسۡتَعۡجِلُونَكَ بِٱلۡعَذَابِ وَلَن يُخۡلِفَ ٱللَّهُ وَعۡدَهُۥۚ وَإِنَّ يَوۡمًا عِندَ رَبِّكَ كَأَلۡفِ سَنَةٍ مِّمَّا تَعُدُّونَ ٤٧Uye vanokumanikidza kuti uite marwadzo auye nekuchimbidza! Asi Allah havakundikani muvimbiso yavo. Uye zvirokwazvo zuva rimwe chete kuna Tenzi vako chiuru chemakore (1000) kana imi mava kuverenga وَكَأَيِّن مِّن قَرۡيَةٍ أَمۡلَيۡتُ لَهَا وَهِيَ ظَالِمَةٌ ثُمَّ أَخَذۡتُهَا وَإِلَيَّ ٱلۡمَصِيرُ ٤٨Uye maguta mazhinji ndakambowarega zvishoma asi achiita mabasa akaipa. Uye (pakupedzisira) ndakamatumira marwadzo. Uye kwandiri muchava munodzoka (mafa uye mushure merufu) قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنَّمَآ أَنَا۠ لَكُمۡ نَذِيرٌ مُّبِينٌ ٤٩Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ndiri muyambiri ari pachena kwamuri.” فَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ لَهُم مَّغۡفِرَةٌ وَرِزۡقٌ كَرِيمٌ ٥٠Avo vanotenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachawana ruregerero uye vachawana raramo yakanaka (Paradhiso) وَٱلَّذِينَ سَعَوۡاْ فِيٓ ءَايَٰتِنَا مُعَٰجِزِينَ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَحِيمِ ٥١Asi avo vanoshingirira mukurwisa zviratidzo zvedu (Aayaat) kuti vazvikanganise, zvirokwazvo, vachava vagari vemumoto وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رَّسُولٍ وَلَا نَبِيٍّ إِلَّآ إِذَا تَمَنَّىٰٓ أَلۡقَى ٱلشَّيۡطَٰنُ فِيٓ أُمۡنِيَّتِهِۦ فَيَنسَخُ ٱللَّهُ مَا يُلۡقِي ٱلشَّيۡطَٰنُ ثُمَّ يُحۡكِمُ ٱللَّهُ ءَايَٰتِهِۦۗ وَٱللَّهُ عَلِيمٌ حَكِيمٌ ٥٢Hatina kumbotumira mutumwa kana muporofita iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)), asi paakaverenga zvatumirwa (bhuku) kana kutsanangura kana kutaura (nezvebhuku), Satani akakanda manyepo mariri. Asi Allah vanobvisa (vanodzivirira) izvo zvinouya naSatani, uye Allah vanogadza (nekusimbisa) ndima dzavo. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, uye vane hungwaru hwese لِّيَجۡعَلَ مَا يُلۡقِي ٱلشَّيۡطَٰنُ فِتۡنَةً لِّلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٌ وَٱلۡقَاسِيَةِ قُلُوبُهُمۡۗ وَإِنَّ ٱلظَّٰلِمِينَ لَفِي شِقَاقِۭ بَعِيدٍ ٥٣Izvi kuitira kuti (zviri paAayah 52) Allah vaite izvo zvinokandwa naSatani miedzo kune avo vane moyo ine chirwere (cheunyengedzi), uye vane moyo yakaomarara. Uye zvirokwazvo, avo vanotadza vanopikisa zvikuru (Chokwadi) وَلِيَعۡلَمَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ أَنَّهُ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكَ فَيُؤۡمِنُواْ بِهِۦ فَتُخۡبِتَ لَهُۥ قُلُوبُهُمۡۗ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَهَادِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٥٤Uyezve kuitira kuti avo vakapihwa ruzivo vazive kuti (iri Qur’aan) ichokwadi kubva kuna Tenzi vako, kuti vatende mariri, uye kuti moyo yavo izvipire kwavari (Allah) ichizvininipisa. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vanotungamira avo vanotenda kunzira yakatwasuka وَلَا يَزَالُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فِي مِرۡيَةٍ مِّنۡهُ حَتَّىٰ تَأۡتِيَهُمُ ٱلسَّاعَةُ بَغۡتَةً أَوۡ يَأۡتِيَهُمۡ عَذَابُ يَوۡمٍ عَقِيمٍ ٥٥Uye avo vasingatendi vacharamba vaine kusagutsikana maererano naro (Qur’aan iri) kusvikira Nguva yasvika kwavari (Zuva reQiyaamah) vasingafungiri, kana kuti zuva remarwadzo ravasvikira iro mushure maro kuchange kusina husiku ٱلۡمُلۡكُ يَوۡمَئِذٍ لِّلَّهِ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡۚ فَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ فِي جَنَّٰتِ ٱلنَّعِيمِ ٥٦Zuva iro utongi huchava huri hwaAllah. Vachatonga pakati pavo. Saka avo vakatenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachapinda mumapindu emufaro (Paradhiso) وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا فَأُوْلَٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٌ مُّهِينٌ ٥٧Asi avo vakaramba kutenda, uye vakaramba ndima dzedu (dziri muQur’aan), ndivo vachave nemarwadzo anodzikisira (muGehena) وَٱلَّذِينَ هَاجَرُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ ثُمَّ قُتِلُوٓاْ أَوۡ مَاتُواْ لَيَرۡزُقَنَّهُمُ ٱللَّهُ رِزۡقًا حَسَنًاۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَهُوَ خَيۡرُ ٱلرَّٰزِقِينَ ٥٨Uye avo vakatama munzira yaAllah ndokubva vaurawa kana kufa (vega), zvirokwazvo, Allah vachavapa raramo yakanaka (Paradhiso). Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vanopa raramo yakanaka kukunda vapi vese لَيُدۡخِلَنَّهُم مُّدۡخَلًا يَرۡضَوۡنَهُۥۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَعَلِيمٌ حَلِيمٌ ٥٩Zvirokwazvo, vachaita kuti vapinde nenzira inovafadza, uye zvirokwazvo, Allah vane ruzivo rwese, vane tsitsi zhinji ۞ ذَٰلِكَۖ وَمَنۡ عَاقَبَ بِمِثۡلِ مَا عُوقِبَ بِهِۦ ثُمَّ بُغِيَ عَلَيۡهِ لَيَنصُرَنَّهُ ٱللَّهُۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَعَفُوٌّ غَفُورٌ ٦٠Saizvozvo zvinoitwa. Uye uyo anodzorera (marwadzo) zvinoenderana nemarwadzisirwo aaitwa, uye otadzirwa zvekare, zvirokwazvo Allah vachamubatsira. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ يُولِجُ ٱلَّيۡلَ فِي ٱلنَّهَارِ وَيُولِجُ ٱلنَّهَارَ فِي ٱلَّيۡلِ وَأَنَّ ٱللَّهَ سَمِيعُۢ بَصِيرٌ ٦١Nokuti Allah vanopinza usiku mumasikati, uye vanopinza masikati muhusiku. Uye zvirokwazo, Allah ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvose ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ هُوَ ٱلۡبَٰطِلُ وَأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ ٦٢Nokuti Allah ndivo Chokwadi (Mwari mumwechete vane kodzero yokunamatwa), uye izvo zvinonamatwa (zvidhori, moto, nezvimwe zvakadaro) kunze kwavo, ndezvenhema. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro pezvese, uye ndivo mukuru wezvose أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَتُصۡبِحُ ٱلۡأَرۡضُ مُخۡضَرَّةًۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَطِيفٌ خَبِيرٌ ٦٣Hauoni here kuti Allah vanotumira mvura kubva kudenga (inonaya), nyika yobva yaevedza (zvirimwa zvopukira)? Zvirokwazvo, Allah ndivo vane tsitsi dzose, uye vane ruzivo rwezvose لَّهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَهُوَ ٱلۡغَنِيُّ ٱلۡحَمِيدُ ٦٤Ndivo muridzi hwezvese zviri mumatenga uye zvose zviri panyika. Uye zvirokwazvo, vane upfumi (havana chavanoda kubva kuvanhu), vanofanirwa kurumbidzwa أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ سَخَّرَ لَكُم مَّا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَٱلۡفُلۡكَ تَجۡرِي فِي ٱلۡبَحۡرِ بِأَمۡرِهِۦ وَيُمۡسِكُ ٱلسَّمَآءَ أَن تَقَعَ عَلَى ٱلۡأَرۡضِ إِلَّا بِإِذۡنِهِۦٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ بِٱلنَّاسِ لَرَءُوفٌ رَّحِيمٌ ٦٥Hauoni here kuti Allah vakakupai zvose zviri panyika, uye ngarava dzinofamba mumakungwa nokuda kwavo? Ndivo vakabata denga kuti risadonhere pasi kusara nekuda kwavo. Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi kuvanhu, nenyasha zhinji وَهُوَ ٱلَّذِيٓ أَحۡيَاكُمۡ ثُمَّ يُمِيتُكُمۡ ثُمَّ يُحۡيِيكُمۡۗ إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَكَفُورٌ ٦٦Ndivo (Allah) vanokupai upenyu, uye vanoita kuti mufe, uye vachakupaizve upenyu (pazuva rokutongwa). Asi zvirokwazvo, munhu haatendi (zvose zvaanoitirwa naAllah) لِّكُلِّ أُمَّةٍ جَعَلۡنَا مَنسَكًا هُمۡ نَاسِكُوهُۖ فَلَا يُنَٰزِعُنَّكَ فِي ٱلۡأَمۡرِۚ وَٱدۡعُ إِلَىٰ رَبِّكَۖ إِنَّكَ لَعَلَىٰ هُدًى مُّسۡتَقِيمٍ ٦٧Kune vanhu vose (vari panyika neavo vakadarika) takavapawo nzira dzekunamata idzo dzavanofanira kutevera. Saka, ngavasapokane newe (vasingatendi) mune nyaya dzacho (kudya nyama dzakachekwa uye kusiya idzo dzafa dzega). Asi daidzira kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) uri panhungamiro yakatwasuka (Islaam) وَإِن جَٰدَلُوكَ فَقُلِ ٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا تَعۡمَلُونَ ٦٨Uye kana vakakupikisa (maererano nekucheka mhuka), vaudze kuti: “Allah vanoziva zvakanaka izvo zvamunoita.” ٱللَّهُ يَحۡكُمُ بَيۡنَكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كُنتُمۡ فِيهِ تَخۡتَلِفُونَ ٦٩“Allah vachatonga pakati penyu pazuva rekumutswa maererano neizvo zvamaisiyana (pakunamata).” أَلَمۡ تَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ذَٰلِكَ فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٌ ٧٠Hauzivi here kuti Allah vanoziva zviri mumatenga uye zviri panyika? Zvirokwazvo, zvese zviri muGwaro (rina Allah, Al-Lauh Al-Mahfoodh). Zvirokwazvo, zviri nyore kuna Allah (kuita zvose) وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَمۡ يُنَزِّلۡ بِهِۦ سُلۡطَٰنًا وَمَا لَيۡسَ لَهُم بِهِۦ عِلۡمٌۗ وَمَا لِلظَّٰلِمِينَ مِن نَّصِيرٍ ٧١Uye vanonamata zvimwe zvinhu vachisiya ivo (Allah) izvo zvavasina kudzikisa mvumo yacho kuti vaite, uye zvavasina ruzivo nazvo. Uye avo vanoita zvitadzo havawani mubatsiri وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتُنَا بَيِّنَٰتٍ تَعۡرِفُ فِي وُجُوهِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ ٱلۡمُنكَرَۖ يَكَادُونَ يَسۡطُونَ بِٱلَّذِينَ يَتۡلُونَ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتِنَاۗ قُلۡ أَفَأُنَبِّئُكُم بِشَرٍّ مِّن ذَٰلِكُمُۚ ٱلنَّارُ وَعَدَهَا ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ ٧٢Uye kana ndima dzedu dziri pachena vakadziverengerwa, unoona zviratidzo zvekuramba pameso peavo vasingatendi! Vakatogadzirira kurwisa nehondo avo vanoverenga ndima dzedu kwavari. Iti (Muhammad (SAW)): “Ndingakuudzai here izvo zvakashata kudarika izvozvo? Moto weGehena uyo wakavimbiswa naAllah avo vasingatendi, uye (Gehena) inova iri nzvimbo yakashata kusvika!” يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ضُرِبَ مَثَلٌ فَٱسۡتَمِعُواْ لَهُۥٓۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ لَن يَخۡلُقُواْ ذُبَابًا وَلَوِ ٱجۡتَمَعُواْ لَهُۥۖ وَإِن يَسۡلُبۡهُمُ ٱلذُّبَابُ شَيۡـًٔا لَّا يَسۡتَنقِذُوهُ مِنۡهُۚ ضَعُفَ ٱلطَّالِبُ وَٱلۡمَطۡلُوبُ ٧٣Imi vanhu! Enzaniso yakava inopuhwa, saka iteererei (zvakadzama). Zvirokwazvo, avo vamunonamata muchisiya Allah, havakwanisi kana kusika nhunzi, kunyangwe vakaungana kuti vazviite. Uye kana nhunzi ikatora chimwe chinhu kubva kwavari, havana simba rekuchibvisa (rekuchitora) kubva kwairi (nhunzi). Vanotsvaga uye vanotsvagwa vese havana simba مَا قَدَرُواْ ٱللَّهَ حَقَّ قَدۡرِهِۦٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَقَوِيٌّ عَزِيزٌ ٧٤Havana kumbofungidzira Allah semafungidzirwo avanofanirwa kuitwa. Zvirokwazvo, Allah vane masimba ese, nehukuru ٱللَّهُ يَصۡطَفِي مِنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ رُسُلًا وَمِنَ ٱلنَّاسِۚ إِنَّ ٱللَّهَ سَمِيعُۢ بَصِيرٌ ٧٥Allah vanosarudza vatumwa kubva kungirozi uye kubva kuvanhu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvese, uye vanoona zvese يَعۡلَمُ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡۚ وَإِلَى ٱللَّهِ تُرۡجَعُ ٱلۡأُمُورُ ٧٦Vanoziva (Allah) zviri mberi kwavo uye mumashure mavo. Saka kuna Allah ivai munopira nyaya dzose يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱرۡكَعُواْ وَٱسۡجُدُواْۤ وَٱعۡبُدُواْ رَبَّكُمۡ وَٱفۡعَلُواْ ٱلۡخَيۡرَ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ ۩ ٧٧Imi vanotenda! Kotamai, uye pfugamai, uye namatai Tenzi venyu, uye itai mabasa akanaka kuti muve munobudirira وَجَٰهِدُواْ فِي ٱللَّهِ حَقَّ جِهَادِهِۦۚ هُوَ ٱجۡتَبَىٰكُمۡ وَمَا جَعَلَ عَلَيۡكُمۡ فِي ٱلدِّينِ مِنۡ حَرَجٍۚ مِّلَّةَ أَبِيكُمۡ إِبۡرَٰهِيمَۚ هُوَ سَمَّىٰكُمُ ٱلۡمُسۡلِمِينَ مِن قَبۡلُ وَفِي هَٰذَا لِيَكُونَ ٱلرَّسُولُ شَهِيدًا عَلَيۡكُمۡ وَتَكُونُواْ شُهَدَآءَ عَلَى ٱلنَّاسِۚ فَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتُواْ ٱلزَّكَوٰةَ وَٱعۡتَصِمُواْ بِٱللَّهِ هُوَ مَوۡلَىٰكُمۡۖ فَنِعۡمَ ٱلۡمَوۡلَىٰ وَنِعۡمَ ٱلنَّصِيرُ ٧٨Uye shingirirai munzira yaAllah kushingirira kwechokwadi (nemoyo yose). Vakakusarudzai (kuti muparidze shoko ravo reIslaam), uye havana kumbokuomeserai muchitendero. Chitendero chababa venyu Ibrahim (Abrahamu). Ndivo (Allah) vakakupai zita rekuti maMuslim mose musati mavapo uye mariri (Qur’aan), kuti mutumwa (Muhammad (SAW)) vape humboo pamusoro penyu uye imi muve vanopa humboo pamusoro pevanhu! Saka itai Swalaah (Minamato), mopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye mobatisisa kuna Allah (movimba navo munyaya dzenyu dzese). Ndivo mutungamiriri (muchengeti) wenyu. Muchengeti akanaka zvikuru (anokwanisa kudzivirira zvose) uye mubatsiri akanaka zvikuru (anokwanisa kukubatsirai muzvose zvinoitika)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.