Millat al-Islam

Chapter 25 · 77 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Furqan in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Furqan (1350 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

تَبَارَكَ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡفُرۡقَانَ عَلَىٰ عَبۡدِهِۦ لِيَكُونَ لِلۡعَٰلَمِينَ نَذِيرًا ١Vakakomborerwa (vakakura) ndivo vakatumira chipatsanuro (chezvivi uye zvakanaka) (Qur’aan) kumuranda wavo (Muhammad (SAW)) kuti ave muyambiri kune nyika yose (vanhu nemaJinn) ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَمۡ يَتَّخِذۡ وَلَدًا وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ شَرِيكٌ فِي ٱلۡمُلۡكِ وَخَلَقَ كُلَّ شَيۡءٍ فَقَدَّرَهُۥ تَقۡدِيرًا ٢Avo vane utongi hwematenga nenyika, uye havana (Allah) kutora mwanakomana (vana), uye havana mubatsiri muhutongi hwavo. Uye vakasika chinhu chose, uye vakachiera chiero chacho chakafanira وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةً لَّا يَخۡلُقُونَ شَيۡـًٔا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ وَلَا يَمۡلِكُونَ لِأَنفُسِهِمۡ ضَرًّا وَلَا نَفۡعًا وَلَا يَمۡلِكُونَ مَوۡتًا وَلَا حَيَوٰةً وَلَا نُشُورًا ٣Asi vakatora vamwe vanamwari vachisiya ivo, avo (vavanotora vachisiya Allah) hapana chavakasika, asi ivo vakasikwa, uye havakwanisi kuzvikuvadza pachezvavo uye kuzvibatsira (pachezvavo), uye havana simba rerufu (rekukonzera), kana (kupa) upenyu, kana kumutsa vafi وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّآ إِفۡكٌ ٱفۡتَرَىٰهُ وَأَعَانَهُۥ عَلَيۡهِ قَوۡمٌ ءَاخَرُونَۖ فَقَدۡ جَآءُو ظُلۡمًا وَزُورًا ٤Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Iri (Qur’aan) harisi kusara kwemanyepo akawagadzira (Muhammad (SAW)), uye vamwe vakamubatsira paizvozvo. Asi zvirokwazvo vaita udzvanyiriri (zvitadzo) uye manyepo.” وَقَالُوٓاْ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٱكۡتَتَبَهَا فَهِيَ تُمۡلَىٰ عَلَيۡهِ بُكۡرَةً وَأَصِيلًا ٥Uye vanotaura kuti: “Ingano dzavanhu vakare idzo dzaakanyora pasi, uye dzinodaidzirwa (dzinotaurwa) kwaari mangwanani nemasikati.” قُلۡ أَنزَلَهُ ٱلَّذِي يَعۡلَمُ ٱلسِّرَّ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّهُۥ كَانَ غَفُورًا رَّحِيمًا ٦Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Rakadzikiswa (Qur’aan) neavo vanoziva zvakavandika mudenga (kudenga) uye panyika. Uye zvirokwazvo, vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose.” وَقَالُواْ مَالِ هَٰذَا ٱلرَّسُولِ يَأۡكُلُ ٱلطَّعَامَ وَيَمۡشِي فِي ٱلۡأَسۡوَاقِ لَوۡلَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِ مَلَكٌ فَيَكُونَ مَعَهُۥ نَذِيرًا ٧Uye vanotaura kuti: “Mutumwa rudzii uyu (Muhammad (SAW)) anodya chikafu, uye anofamba mumisika? Sei pasina (kusina) kutumwa ngirozi kuti ive naye semuyambiri?” أَوۡ يُلۡقَىٰٓ إِلَيۡهِ كَنزٌ أَوۡ تَكُونُ لَهُۥ جَنَّةٌ يَأۡكُلُ مِنۡهَاۚ وَقَالَ ٱلظَّٰلِمُونَ إِن تَتَّبِعُونَ إِلَّا رَجُلًا مَّسۡحُورًا ٨“Kana (kuti) sei hupfumi husina kupihwa kwaari? Kana sei haana bindu iro raanodya (chikafu) kubva kwariri?” Uye vatadzi vanotaura kuti: “Muri kungotevera murume uyo akaroiwa.” ٱنظُرۡ كَيۡفَ ضَرَبُواْ لَكَ ٱلۡأَمۡثَٰلَ فَضَلُّواْ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ سَبِيلًا ٩Tarira (Ona) mapiro avanokupa mifananidzo (mienzaniso), asi vakarasika, uye havawani nzira (yakatwasuka) تَبَارَكَ ٱلَّذِيٓ إِن شَآءَ جَعَلَ لَكَ خَيۡرًا مِّن ذَٰلِكَ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ وَيَجۡعَل لَّكَ قُصُورَۢا ١٠Vakakomborerwa (vakakura) ndivo avo, kana vachida, vachakugadzirira (chinhu) chakanaka kudarika icho, mapindu awo ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso) uye vachakugadzirira dzimba dzakanaka (muParadhiso) بَلۡ كَذَّبُواْ بِٱلسَّاعَةِۖ وَأَعۡتَدۡنَا لِمَن كَذَّبَ بِٱلسَّاعَةِ سَعِيرًا ١١Asi vanoramba nguva (zuva rekutongwa), uye takavagadzirira moto (Gehena) avo vanoramba nguva (zuva rekutongwa) إِذَا رَأَتۡهُم مِّن مَّكَانِۭ بَعِيدٍ سَمِعُواْ لَهَا تَغَيُّظًا وَزَفِيرًا ١٢Kana iro (Gehena) richinge ravaona kubva kuchinhambwe chiri kure, vachanzwa kutsamwa kwaro uye kukuma kwaro وَإِذَآ أُلۡقُواْ مِنۡهَا مَكَانًا ضَيِّقًا مُّقَرَّنِينَ دَعَوۡاْ هُنَالِكَ ثُبُورًا ١٣Uye kana vachinge vakandwa panzvimbo yakamanikana mukati maro (Gehena) vakasungwa nengetani, vachechema ipapo ipapo kuti vaparare لَّا تَدۡعُواْ ٱلۡيَوۡمَ ثُبُورًا وَٰحِدًا وَٱدۡعُواْ ثُبُورًا كَثِيرًا ١٤(Vachaudzwa kuti): “Musachemera kuparara kamwe muzuva ranhasi, asi chemerai kuparara kazhinji.” قُلۡ أَذَٰلِكَ خَيۡرٌ أَمۡ جَنَّةُ ٱلۡخُلۡدِ ٱلَّتِي وُعِدَ ٱلۡمُتَّقُونَۚ كَانَتۡ لَهُمۡ جَزَآءً وَمَصِيرًا ١٥Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvakanaka here izvi kana kuti bindu rekugara zvachose (Paradhiso) iro rakavimbiswa avo vatsvene?” Richave (Paradhiso) kwavari mubairo uye magumo لَّهُمۡ فِيهَا مَا يَشَآءُونَ خَٰلِدِينَۚ كَانَ عَلَىٰ رَبِّكَ وَعۡدًا مَّسۡـُٔولًا ١٦Vachawana mariri zvose zvavanoda, uye vachagaramo zvachose. Ichi chivimbiso chechokwadi kubva kuna Tenzi vako chichaiitika وَيَوۡمَ يَحۡشُرُهُمۡ وَمَا يَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ فَيَقُولُ ءَأَنتُمۡ أَضۡلَلۡتُمۡ عِبَادِي هَٰٓؤُلَآءِ أَمۡ هُمۡ ضَلُّواْ ٱلسَّبِيلَ ١٧Uye zuva iro ravachavaunganidza pamwe neizvo zvavanonamata vachisiya Allah, uye vachataura kuti: “Makaita kuti varanda vangu ava varasike here, kana kuti ivo vakarasika pachawo kubva munzira (yakatwasuka)?” قَالُواْ سُبۡحَٰنَكَ مَا كَانَ يَنۢبَغِي لَنَآ أَن نَّتَّخِذَ مِن دُونِكَ مِنۡ أَوۡلِيَآءَ وَلَٰكِن مَّتَّعۡتَهُمۡ وَءَابَآءَهُمۡ حَتَّىٰ نَسُواْ ٱلذِّكۡرَ وَكَانُواْ قَوۡمَۢا بُورًا ١٨Vachataura kuti: “Kurumbidzwa kwese ndekwenyu! Zvaive zvisina kukodzera kwatiri kuti titore vabatsiri kusara kwenyu. Asi makavapa rugare ivo namadzibaba avo kusvikira vakanganwa yambiro, uye vakava vanhu vakarasika.” فَقَدۡ كَذَّبُوكُم بِمَا تَقُولُونَ فَمَا تَسۡتَطِيعُونَ صَرۡفًا وَلَا نَصۡرًاۚ وَمَن يَظۡلِم مِّنكُمۡ نُذِقۡهُ عَذَابًا كَبِيرًا ١٩Saka zvirokwazvo vachakurambai (vanamwari venhema) mune izvo zvamunotaura (kuti ndaanamwari), uye hamuzvokwanisi kuzvidzivirira (kubva kumutongo), kana kuwana rubatsiro. Uye uyo anoita udzvanyiriri pakati penyu, tichamuita kuti aravire murango wakakura (wakaomarara) وَمَآ أَرۡسَلۡنَا قَبۡلَكَ مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ إِلَّآ إِنَّهُمۡ لَيَأۡكُلُونَ ٱلطَّعَامَ وَيَمۡشُونَ فِي ٱلۡأَسۡوَاقِۗ وَجَعَلۡنَا بَعۡضَكُمۡ لِبَعۡضٍ فِتۡنَةً أَتَصۡبِرُونَۗ وَكَانَ رَبُّكَ بَصِيرًا ٢٠Uye hatina kutumira iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) vatumwa, kusara kwekuti zvirokwazvo vaidya chikafu uye vaifamba mumisika. Uye takaita kuti vamwe venyu vave miedzo kune vamwe. Muchatsungirira here? Uye Tenzi vako vanoona zvese

Juz 19

۞ وَقَالَ ٱلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ لِقَآءَنَا لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡنَا ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ أَوۡ نَرَىٰ رَبَّنَاۗ لَقَدِ ٱسۡتَكۡبَرُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ وَعَتَوۡ عُتُوًّا كَبِيرًا ٢١Uye avo vasina tarisiro yekusangana nesu (avo vanoramba zuva rekutongwa) vakati: “Seiko ngirozi dzisingatumirwewo kwatiri? Kana seiko tisingaone Tenzi vedu?” Zvirokwazvo, vanofunga kuti ndivo vanhu vepamusoro, uye vanhu vakazadzwa nekuzvitutumadza يَوۡمَ يَرَوۡنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ لَا بُشۡرَىٰ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُجۡرِمِينَ وَيَقُولُونَ حِجۡرًا مَّحۡجُورًا ٢٢Zuva iro vachaona ngirozi, hakuna mashoko akanaka pazuva iroro kune avo maMajrimoon (vatadzi). Uye (ngirozi) dzichati: “Mashoko ese akanaka arambidzwa kwamuri.” (Hakuna achabvumidzwa kupinda Paradhiso kunze kweuyo akati: Laa ilaaha illaa illaah (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah) uye akatevedzera mitemo yose وَقَدِمۡنَآ إِلَىٰ مَا عَمِلُواْ مِنۡ عَمَلٍ فَجَعَلۡنَٰهُ هَبَآءً مَّنثُورًا ٢٣Tichaenda kumabasa ose avakaita (vasingatendi, vatadzi), uye tichave tinoita kuti ave kunge guruva rakaparadzirwa أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ يَوۡمَئِذٍ خَيۡرٌ مُّسۡتَقَرًّا وَأَحۡسَنُ مَقِيلًا ٢٤Vagari vemuParadhiso musi uyo vachange vari munzvimbo yakanaka yekugara, uye nzvimbo yakanaka yekuzorora وَيَوۡمَ تَشَقَّقُ ٱلسَّمَآءُ بِٱلۡغَمَٰمِ وَنُزِّلَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ تَنزِيلًا ٢٥Uye (rangarirai) zuva iro apo denga richapatsanurwa nemakore, uye ngirozi dzichave dzinoburutswa dzakawanda, kuburutswa kwakanaka ٱلۡمُلۡكُ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡحَقُّ لِلرَّحۡمَٰنِۚ وَكَانَ يَوۡمًا عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ عَسِيرًا ٢٦Humambo hwose hwechokwadi pazuva iri huchange huri wenyanzvi yetsitsi (Allah), uye richave zuva rakaoma kune avo vasingatendi (muIslaam) وَيَوۡمَ يَعَضُّ ٱلظَّالِمُ عَلَىٰ يَدَيۡهِ يَقُولُ يَٰلَيۡتَنِي ٱتَّخَذۡتُ مَعَ ٱلرَّسُولِ سَبِيلًا ٢٧Uye (rangarirai) zuva iro mudzvanyiriri (mutadzi) paacharuma maoko ake, achataura kuti: “Aaa! Dai ndakatora nzira namutumwa (Muhammad (SAW)).” يَٰوَيۡلَتَىٰ لَيۡتَنِي لَمۡ أَتَّخِذۡ فُلَانًا خَلِيلًا ٢٨“Aaa! Matambudziko kwandiri! Dai ndisina kutora nhingi nanhingi seshamwari yangu yepedyo!” لَّقَدۡ أَضَلَّنِي عَنِ ٱلذِّكۡرِ بَعۡدَ إِذۡ جَآءَنِيۗ وَكَانَ ٱلشَّيۡطَٰنُ لِلۡإِنسَٰنِ خَذُولًا ٢٩“Zvirokwazvo akave anondishevedzera kure kubva kurangaridzo (Qur’aan) mushure mekunge yauya kwandiri. Uye Shaytwaan (Satani) munyengedzi wevanhu anotiza panguva iyo yekuda rubatsiro.” وَقَالَ ٱلرَّسُولُ يَٰرَبِّ إِنَّ قَوۡمِي ٱتَّخَذُواْ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ مَهۡجُورًا ٣٠Uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vari kusiya Qur’aan (havasi kuteerera Qur’aan).” وَكَذَٰلِكَ جَعَلۡنَا لِكُلِّ نَبِيٍّ عَدُوًّا مِّنَ ٱلۡمُجۡرِمِينَۗ وَكَفَىٰ بِرَبِّكَ هَادِيًا وَنَصِيرًا ٣١Nekudaro takave tinoita mutumwa wese ave nemuvengi kune avo vanotadza. Asi Tenzi vako vanokwana semutungamiri uye mubatsiri وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡلَا نُزِّلَ عَلَيۡهِ ٱلۡقُرۡءَانُ جُمۡلَةً وَٰحِدَةًۚ كَذَٰلِكَ لِنُثَبِّتَ بِهِۦ فُؤَادَكَۖ وَرَتَّلۡنَٰهُ تَرۡتِيلًا ٣٢Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Seiko Qur’aan risingadzikiswi kwaari kamwe chete?” Nokudaro (rinodzikiswa muzvidimbu) kuti tive tinosimbisa hana yako. Uye tinoridzikisa kwauri zvishoma-zvishoma, nguva nenguva. (Rakadzikiswa kuna Muhammad (SAW) mumakore makumi maviri nematatu وَلَا يَأۡتُونَكَ بِمَثَلٍ إِلَّا جِئۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ وَأَحۡسَنَ تَفۡسِيرًا ٣٣Havambokwanise kukupa muenzaniso (wekupikisa kana kutsvaga zvimhingamupini kwauri kana kubva muQur’aan), asi tinokudzikisira chokwadi uye tsanangudzo yakazara ٱلَّذِينَ يُحۡشَرُونَ عَلَىٰ وُجُوهِهِمۡ إِلَىٰ جَهَنَّمَ أُوْلَٰٓئِكَ شَرٌّ مَّكَانًا وَأَضَلُّ سَبِيلًا ٣٤Avo vachaunganidzwa muGehena nezviso zvavo, ichi chichave chidanho chakashata, uye kurasika kwakanyanya kubva munzira (yakatwasuka) وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ وَجَعَلۡنَا مَعَهُۥٓ أَخَاهُ هَٰرُونَ وَزِيرًا ٣٥Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro (Torah), uye takamupa mukoma wake Haaroon (Aroni) semubatsiri wake فَقُلۡنَا ٱذۡهَبَآ إِلَى ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا فَدَمَّرۡنَٰهُمۡ تَدۡمِيرًا ٣٦Uye takataura kuti: “Endai imi vaviri kune vanhu avo vakaramba zviratidzo zvedu.” Uye takave tinovaparadza zvachose وَقَوۡمَ نُوحٍ لَّمَّا كَذَّبُواْ ٱلرُّسُلَ أَغۡرَقۡنَٰهُمۡ وَجَعَلۡنَٰهُمۡ لِلنَّاسِ ءَايَةًۖ وَأَعۡتَدۡنَا لِلظَّٰلِمِينَ عَذَابًا أَلِيمًا ٣٧Uye vanhu vaNowa pavakaramba vatumwa, takavanyudza (nemafashamu), uye takavaita muenzaniso kuvanhu vose. Uye takave tinogadzirira avo vanoita mabasa akashata marwadzo akaoma وَعَادًا وَثَمُودَاْ وَأَصۡحَٰبَ ٱلرَّسِّ وَقُرُونَۢا بَيۡنَ ذَٰلِكَ كَثِيرًا ٣٨Uye vanhu veAad neveThamood, uye avo vaigara munzvimbo inonzi Ar-Rass, uye mapoka mazhinji evanhu aive pakati pavo وَكُلًّا ضَرَبۡنَا لَهُ ٱلۡأَمۡثَٰلَۖ وَكُلًّا تَبَّرۡنَا تَتۡبِيرًا ٣٩Uye mumwe nemumwe (pakati pavo) takamuisira mienzaniso (sehumboo), uye umwe neumwe (pakati pavo) takave tinovaparadza zvachose وَلَقَدۡ أَتَوۡاْ عَلَى ٱلۡقَرۡيَةِ ٱلَّتِيٓ أُمۡطِرَتۡ مَطَرَ ٱلسَّوۡءِۚ أَفَلَمۡ يَكُونُواْ يَرَوۡنَهَاۚ بَلۡ كَانُواْ لَا يَرۡجُونَ نُشُورًا ٤٠Uye zvirokwazvo, vanopfuura muguta (revanhu vaLoti) rakanaya mvura yemarwadzo. Avo vasingatendi havana kuriona here? Kwete! Asi vange vasina vimbo kuti vachamutswa وَإِذَا رَأَوۡكَ إِن يَتَّخِذُونَكَ إِلَّا هُزُوًا أَهَٰذَا ٱلَّذِي بَعَثَ ٱللَّهُ رَسُولًا ٤١Uye vakakuona (Muhammad (SAW)) vanongokubata zviya zvekudzikisira (zvekunyomba) (vachitaura kuti): “Uyu ndiye munhu akatumwa naAllah semutumwa here?” إِن كَادَ لَيُضِلُّنَا عَنۡ ءَالِهَتِنَا لَوۡلَآ أَن صَبَرۡنَا عَلَيۡهَاۚ وَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ حِينَ يَرَوۡنَ ٱلۡعَذَابَ مَنۡ أَضَلُّ سَبِيلًا ٤٢“Zvirokwazvo, ange aripedyo kutirasisa kubva muvanamwari vedu, dai kusiri kuti takaramba takatsungirira uye takashinga mukuvanamata!” Asi pavachaona marwadzo, vachaziva kuti ndeupi akanyanya kurasika kubva munzira (yakatwasuka) أَرَءَيۡتَ مَنِ ٱتَّخَذَ إِلَٰهَهُۥ هَوَىٰهُ أَفَأَنتَ تَكُونُ عَلَيۡهِ وَكِيلًا ٤٣Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) uyo munhu akatora zvido zvake samwari wake? Saka ungave mumiriri wake here (Ungave mutariri wake here) أَمۡ تَحۡسَبُ أَنَّ أَكۡثَرَهُمۡ يَسۡمَعُونَ أَوۡ يَعۡقِلُونَۚ إِنۡ هُمۡ إِلَّا كَٱلۡأَنۡعَٰمِ بَلۡ هُمۡ أَضَلُّ سَبِيلًا ٤٤Kana unofunga here kuti vazhinji vavo vanonzwa kana kunzwisisa? Vakangofanana nemombe, asi vakatonyanya kurasika kubva munzira tsvene (vakatonyanya kurasika kupinda mombe) أَلَمۡ تَرَ إِلَىٰ رَبِّكَ كَيۡفَ مَدَّ ٱلظِّلَّ وَلَوۡ شَآءَ لَجَعَلَهُۥ سَاكِنًا ثُمَّ جَعَلۡنَا ٱلشَّمۡسَ عَلَيۡهِ دَلِيلًا ٤٥Hauna kuona here kuwarirwa kunoitwa mumvuri naTenzi vako? Dai vaida, vaingourega wakamira kudaro, asi vakaita kuti zuva rive mutungamiri wavo (mumvuri unofamba nezuva) ثُمَّ قَبَضۡنَٰهُ إِلَيۡنَا قَبۡضًا يَسِيرًا ٤٦Uye tinoudzora kwatiri zvakavanzika pashoma nepashoma وَهُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ لِبَاسًا وَٱلنَّوۡمَ سُبَاتًا وَجَعَلَ ٱلنَّهَارَ نُشُورًا ٤٧Uye ndivo (Allah) vanoita kuti usiku huve chiputiro chenyu, uye kurara kuti muve munozorora, uye vanoita zuva kuti muve munomuka (muzvishandire) وَهُوَ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ ٱلرِّيَٰحَ بُشۡرَۢا بَيۡنَ يَدَيۡ رَحۡمَتِهِۦۚ وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً طَهُورًا ٤٨Uye ndivo vanotumira mhepo sechiratidzo chezvinhu zvakanaka pamberi petsitsi dzavo (mvura). Uye tinodzikisa mvura yakanaka (yakachena) kubva kudenga لِّنُحۡـِۧيَ بِهِۦ بَلۡدَةً مَّيۡتًا وَنُسۡقِيَهُۥ مِمَّا خَلَقۡنَآ أَنۡعَٰمًا وَأَنَاسِيَّ كَثِيرًا ٤٩Kuti tive tinopa upenyu kuvhu rinenge rakafa (raoma), uye tinopa (mvura) yokunwa kune mombe nevanhu avo vatakasika وَلَقَدۡ صَرَّفۡنَٰهُ بَيۡنَهُمۡ لِيَذَّكَّرُواْ فَأَبَىٰٓ أَكۡثَرُ ٱلنَّاسِ إِلَّا كُفُورًا ٥٠Uye zvirokwazvo tinova tinogova (mvura) kwavari kuti vagove vanorangarira (nyasha dzaAllah), asi vanhu vazhinji havatambiri kunze kwekusatenda وَلَوۡ شِئۡنَا لَبَعَثۡنَا فِي كُلِّ قَرۡيَةٍ نَّذِيرًا ٥١Uye dai taida, taiisa muyambiri muguta roga-roga فَلَا تُطِعِ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَجَٰهِدۡهُم بِهِۦ جِهَادًا كَبِيرًا ٥٢Saka usateerere avo vasingatendi, asi simbirira mavari (nekuparidza shoko raAllah) nekupikirira kukuru naro (Qur’aan) ۞ وَهُوَ ٱلَّذِي مَرَجَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ هَٰذَا عَذۡبٌ فُرَاتٌ وَهَٰذَا مِلۡحٌ أُجَاجٌ وَجَعَلَ بَيۡنَهُمَا بَرۡزَخًا وَحِجۡرًا مَّحۡجُورًا ٥٣Uye ndivo vanoita kuti nyanza mbiri (dzine mvura yakasiyana-siyana) kuti iyi yakachena uye inotapira, uye iyi ine munyu uye inovava. Uye vakave vanoisa muganhu uye nechivharo chizere pakati padzo (zvekuti hadzisanganisani) وَهُوَ ٱلَّذِي خَلَقَ مِنَ ٱلۡمَآءِ بَشَرًا فَجَعَلَهُۥ نَسَبًا وَصِهۡرًاۗ وَكَانَ رَبُّكَ قَدِيرًا ٥٤Uye ndivo vakave vanosika munhu kubva kumvura, vakave vanomusarudzira hukama hweropa, uye hukama hwekuroorerana. Uye Tenzi vako vane masimba ose وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَنفَعُهُمۡ وَلَا يَضُرُّهُمۡۗ وَكَانَ ٱلۡكَافِرُ عَلَىٰ رَبِّهِۦ ظَهِيرًا ٥٥Uye vanonamata zvimwe zvinhu zvisiri Allah izvo zvisingavabatsiri kana kuvakuvadza, uye munhu asingatendi mubatsiri (wasatani) pana Tenzi vake وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا مُبَشِّرًا وَنَذِيرًا ٥٦Uye takakutuma (Muhammad (SAW)) kuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri chete قُلۡ مَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍ إِلَّا مَن شَآءَ أَن يَتَّخِذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ سَبِيلًا ٥٧Taura kuti: “Handisi kuda mubhadharo kubva kwamuri weizvi, kusara kwekuti uyo anoda atore nzira yekuna Tenzi vake.” وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱلۡحَيِّ ٱلَّذِي لَا يَمُوتُ وَسَبِّحۡ بِحَمۡدِهِۦۚ وَكَفَىٰ بِهِۦ بِذُنُوبِ عِبَادِهِۦ خَبِيرًا ٥٨Uye iva (Muhammad (SAW)) unovimba neavo vanorarama hupenyu usingaperi vasingafi, uye varumbidze rumbidzo yavo, uye ndivo voga vakakwana (hapadi umwe semubatsiri), vanoziva zvitadzo zvevaranda vavo ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا فِي سِتَّةِ أَيَّامٍ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ ٱلرَّحۡمَٰنُ فَسۡـَٔلۡ بِهِۦ خَبِيرًا ٥٩Uyo vakasika denga nenyika nezvose zviri pakati pazvose mumazuva matanhatu. Uye vakakwidza vakave pachigaro chehumambo (nenzira iyo inoenderana nehushe hwavo (Allah)). Mupi wetsitsi. Saka vabvunze (Allah), sezvo vachiziva zvose وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱسۡجُدُواْۤ لِلرَّحۡمَٰنِ قَالُواْ وَمَا ٱلرَّحۡمَٰنُ أَنَسۡجُدُ لِمَا تَأۡمُرُنَا وَزَادَهُمۡ نُفُورًا ۩ ٦٠Uye pazvinonzi kwavari: “Pfugamai (nehuso hwenyu) kune mupi wetsitsi!” vanotaura kuti: “Chii ichocho mupi wetsitisi? Tingapfugama (Muhammad (SAW)) kune izvo zvaunotiudza?” Uye izvi (kuzvitutumadza kwavo) kunovawedzera kurasika chete تَبَارَكَ ٱلَّذِي جَعَلَ فِي ٱلسَّمَآءِ بُرُوجًا وَجَعَلَ فِيهَا سِرَٰجًا وَقَمَرًا مُّنِيرًا ٦١Vakakomborerwa ndeavo (Allah) vakaisa nyenyedzi mudenga, uye vakaisa mwenje mukuru (zuva) mariri, uye mwedzi unopa chiedza وَهُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ خِلۡفَةً لِّمَنۡ أَرَادَ أَن يَذَّكَّرَ أَوۡ أَرَادَ شُكُورًا ٦٢Uye ndivo vanoita kuti usiku uye masikati zvive zvinoteverana, kune uyo anoda kurangarira (Tenzi vake), uye uyo anoda kuratidza kutenda kwake وَعِبَادُ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلَّذِينَ يَمۡشُونَ عَلَى ٱلۡأَرۡضِ هَوۡنًا وَإِذَا خَاطَبَهُمُ ٱلۡجَٰهِلُونَ قَالُواْ سَلَٰمًا ٦٣Uye varanda vemupi wengoni (Allah) ndeavo vanoti pavanofamba munyika vanofamba vakazvininipisa, uye vanhu vakarasika vakavataudza (nemashoko akaipa) vanoti: “Rugare! (Vanopindura nemashoko akanaka).” وَٱلَّذِينَ يَبِيتُونَ لِرَبِّهِمۡ سُجَّدًا وَقِيَٰمًا ٦٤Uye neavo vanopedza usiku hwose vachinamata Tenzi vavo, vachipfugama, uye vakamira وَٱلَّذِينَ يَقُولُونَ رَبَّنَا ٱصۡرِفۡ عَنَّا عَذَابَ جَهَنَّمَۖ إِنَّ عَذَابَهَا كَانَ غَرَامًا ٦٥Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Ivai munotidzivirira kumarwadzo ekuGehena. Zvirokwazvo, marwadzo arwo (Gehena) marwadzo asingaperi.” إِنَّهَا سَآءَتۡ مُسۡتَقَرًّا وَمُقَامًا ٦٦Chokwadi iyi ndiyo nzvimbo yakashata kugara nekuzororera وَٱلَّذِينَ إِذَآ أَنفَقُواْ لَمۡ يُسۡرِفُواْ وَلَمۡ يَقۡتُرُواْ وَكَانَ بَيۡنَ ذَٰلِكَ قَوَامًا ٦٧Uye avo vanoti kana vachishandisa hupfumi hwavo, havatambisi uye havaomere, asi vanoshandisa nenzira iri pakati nepakati panzira mbiri (Kutambisa nekuomera) وَٱلَّذِينَ لَا يَدۡعُونَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ وَلَا يَقۡتُلُونَ ٱلنَّفۡسَ ٱلَّتِي حَرَّمَ ٱللَّهُ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَلَا يَزۡنُونَۚ وَمَن يَفۡعَلۡ ذَٰلِكَ يَلۡقَ أَثَامًا ٦٨Uye avo vasingadani vamwe vanamwari pamwechete naAllah, uye havauraye munhu uyo Allah wavakarambidza kusara pane chinangwa chakakodzera, uye havaite chehupombwe. Uye uyo anoita izvi achawana murango (unorwadza) يُضَٰعَفۡ لَهُ ٱلۡعَذَابُ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَيَخۡلُدۡ فِيهِۦ مُهَانًا ٦٩Marwadzo achapamidzwa kaviri paari pazuva rekutongwa, uye achagaramo akadzikisirwa (achinyadziswa) إِلَّا مَن تَابَ وَءَامَنَ وَعَمِلَ عَمَلًا صَٰلِحًا فَأُوْلَٰٓئِكَ يُبَدِّلُ ٱللَّهُ سَيِّـَٔاتِهِمۡ حَسَنَٰتٍۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورًا رَّحِيمًا ٧٠Kusara kweuyo anokumbira ruregerero (anoita Taubah) uye otenda (muhumwechete hwaAllah), uye oita mabasa akanaka. Ava Allah vachachinja zvitadzo zvavo zvova mabasa akanaka, uye Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose وَمَن تَابَ وَعَمِلَ صَٰلِحًا فَإِنَّهُۥ يَتُوبُ إِلَى ٱللَّهِ مَتَابًا ٧١Uye uyo anokumbira ruregerero uye oita mabasa akanaka, zvirokwazvo, anokumbira ruregerero rwaAllah nekumbiro yechokwadi وَٱلَّذِينَ لَا يَشۡهَدُونَ ٱلزُّورَ وَإِذَا مَرُّواْ بِٱللَّغۡوِ مَرُّواْ كِرَامًا ٧٢Uye avo vasingapi uchapupu hwemanyepo, uye vakadarika nepari kutaurwa zvakashata kana pari kutambwa zvakashata, vanodarikapo vane rukudzo وَٱلَّذِينَ إِذَا ذُكِّرُواْ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ لَمۡ يَخِرُّواْ عَلَيۡهَا صُمًّا وَعُمۡيَانًا ٧٣Uye avo vokuti kana vakarangaridzwa mashoko aTenzi vavo, havaite sekunge vasinganzwi (vanamatsi) kana mapofu kwaari وَٱلَّذِينَ يَقُولُونَ رَبَّنَا هَبۡ لَنَا مِنۡ أَزۡوَٰجِنَا وَذُرِّيَّٰتِنَا قُرَّةَ أَعۡيُنٍ وَٱجۡعَلۡنَا لِلۡمُتَّقِينَ إِمَامًا ٧٤Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Isai matiri runyevenuko rwemeso edu pavakadzi vedu uye vana vedu, uye tiitei vatungamiriri veavo vanotya Allah.” أُوْلَٰٓئِكَ يُجۡزَوۡنَ ٱلۡغُرۡفَةَ بِمَا صَبَرُواْ وَيُلَقَّوۡنَ فِيهَا تَحِيَّةً وَسَلَٰمًا ٧٥Avo vachapiwa mugove wenzvimbo yepamusoro-soro muParadhiso nokuda kwekutsungirira kwavo. Varimo vachasanganikwa navo nekwaziso uye mashoko erugare uye rukudzo خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ حَسُنَتۡ مُسۡتَقَرًّا وَمُقَامًا ٧٦Vachagaramo (zvisingaperi). Inzvimbo yakanaka yokugara uye nzvimbo yokuzororera قُلۡ مَا يَعۡبَؤُاْ بِكُمۡ رَبِّي لَوۡلَا دُعَآؤُكُمۡۖ فَقَدۡ كَذَّبۡتُمۡ فَسَوۡفَ يَكُونُ لِزَامَۢا ٧٧Taura kuti (Muhammad (SAW) kune vasingatendi): “Tenzi wangu vanotarira kwamuri nokuda kwekuita kwenyu maDua (Minamato) kwavari. Asi zvino mavaramba. Saka murango uchava wenyu zvachose.”

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.