Millat al-Islam

Chapter 26 · 227 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Ash-Shu'araa in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Ash-Shu'araa (1194 reciters)
Meccanسورة الشعراء227 verses

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

طسٓمٓ ١Twaa – Seen – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah) تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ ٢Idzi ndidzo ndima dzeGwaro riri pachena (Qur’aan iri, iro rakavimbiswa naAllah muTorah neVhangeri) لَعَلَّكَ بَٰخِعٌ نَّفۡسَكَ أَلَّا يَكُونُواْ مُؤۡمِنِينَ ٣Zvimwe (Muhammad (SAW)) ungazviuraye nokuchema nokuti havazi vatendi (muIslaam) إِن نَّشَأۡ نُنَزِّلۡ عَلَيۡهِم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ ءَايَةً فَظَلَّتۡ أَعۡنَٰقُهُمۡ لَهَا خَٰضِعِينَ ٤Kana tichida, tinovatumira kubva kudenga chiratidzo icho chokuti huro dzavo dzinoramba dzakakotama (vachizvininipisa) وَمَا يَأۡتِيهِم مِّن ذِكۡرٍ مِّنَ ٱلرَّحۡمَٰنِ مُحۡدَثٍ إِلَّا كَانُواْ عَنۡهُ مُعۡرِضِينَ ٥Uye yambiro haiuyi kwavari semashoko matsva kubva kumupi wenyasha, kusara kwekuti vanowafuratira فَقَدۡ كَذَّبُواْ فَسَيَأۡتِيهِمۡ أَنۢبَٰٓؤُاْ مَا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٦Asi zvirokwazvo vanoramba (chokwadi chemuGwaro reQur’aan), uye mashoko eizvo zvavaidzikisira (zvavaiseka) achauya kwavari أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ كَمۡ أَنۢبَتۡنَا فِيهَا مِن كُلِّ زَوۡجٍ كَرِيمٍ ٧Havatarisi kune nyika here – zvingani zvatinoburitsa kubva mairi kubva kuchinhu chose chakanaka (chakakomborerwa) إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ٨Zvirokwazvo, mazviri mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi (muna Allah) وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ٩Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, chokwadi ndivo vari pamusoro-soro, uye vane tsitsi zhinji (kupinda zvose) وَإِذۡ نَادَىٰ رَبُّكَ مُوسَىٰٓ أَنِ ٱئۡتِ ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٠Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakadana Musa (vachiti): “Enda kune vanhu vanoita mabasa akashata.” قَوۡمَ فِرۡعَوۡنَۚ أَلَا يَتَّقُونَ ١١“Vanhu vaFarawo. Havatyi (Allah) here uye vova vanhu vakanaka?” قَالَ رَبِّ إِنِّيٓ أَخَافُ أَن يُكَذِّبُونِ ١٢(Musa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndinotya kuti vangandiramba.” وَيَضِيقُ صَدۡرِي وَلَا يَنطَلِقُ لِسَانِي فَأَرۡسِلۡ إِلَىٰ هَٰرُونَ ١٣“Uye hana yangu inhete (haina kusimba), uye rurimi rwangu runokakama. Saka tumirai kuna Haaroon (Aroni, kuti ave anoenda neni).” وَلَهُمۡ عَلَيَّ ذَنۢبٌ فَأَخَافُ أَن يَقۡتُلُونِ ١٤“Uye vane mutongo wemhosva yangu, saka ndinotya kuti vangandiuraye.” قَالَ كـَلَّاۖ فَٱذۡهَبَا بِـَٔايَٰتِنَآۖ إِنَّا مَعَكُم مُّسۡتَمِعُونَ ١٥(Allah) vakati: “Kwete! Endai muri vaviri nezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, tichave tinemi tichiteerera.” فَأۡتِيَا فِرۡعَوۡنَ فَقُولَآ إِنَّا رَسُولُ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٦“Uye endai mose muri vaviri kuna Farawo monoti (kwaari): ‘Tiri vatumwa vaTenzi vepasi rose.’” أَنۡ أَرۡسِلۡ مَعَنَا بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ١٧(Tatumwa kuti tikuudze kuti): “Titumire vana vaIzirairi tiende navo.” قَالَ أَلَمۡ نُرَبِّكَ فِينَا وَلِيدًا وَلَبِثۡتَ فِينَا مِنۡ عُمُرِكَ سِنِينَ ١٨(Farawo) akati: “Hatina kukuchengeta here pakati pedu uri kamwana? Ukagara nesu kwemakore mazhinji ehupenyu hwako.” وَفَعَلۡتَ فَعۡلَتَكَ ٱلَّتِي فَعَلۡتَ وَأَنتَ مِنَ ٱلۡكَٰفِرِينَ ١٩“Uye wakaita zvawakaita (zvekuuraya munhu), uye uri veavo vasingatendi.” قَالَ فَعَلۡتُهَآ إِذًا وَأَنَا۠ مِنَ ٱلضَّآلِّينَ ٢٠(Musa) akati: “Ndakazviita izvi ndichiri weavo vanhu vakarasika.” فَفَرَرۡتُ مِنكُمۡ لَمَّا خِفۡتُكُمۡ فَوَهَبَ لِي رَبِّي حُكۡمًا وَجَعَلَنِي مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٢١“Saka ndakatiza kubva kwamuri nekuda kwekukutyai. Asi Tenzi vangu vakandipa mutongo (ungwaru uye nehuporofita), uye vakandiita umwe wevatumwa.” وَتِلۡكَ نِعۡمَةٌ تَمُنُّهَا عَلَيَّ أَنۡ عَبَّدتَّ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٢٢“Urwu ndirwo rubatsiro rwavakandiitira kare rwaunondirangaridza, asi iwe uchiita varanda (nekudzvanyirira) vana vaIzirairi.” قَالَ فِرۡعَوۡنُ وَمَا رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٢٣Farawo akati: “Uye chii Tenzi vepasi rose (vanhu, nemaJinn nezvose zviripo)?” قَالَ رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَآۖ إِن كُنتُم مُّوقِنِينَ ٢٤(Musa) akati: “Tenzi vepasi nekudenga, nezvose zviri pakati pazvo, kana uchida kunyatsotenda.” قَالَ لِمَنۡ حَوۡلَهُۥٓ أَلَا تَسۡتَمِعُونَ ٢٥(Farawo) akati kune avo vakamutenderedza (makurukota ake anenge akagara navo samambo): “Muri kunzwa here zvaari kutaura?” قَالَ رَبُّكُمۡ وَرَبُّ ءَابَآئِكُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٢٦(Musa akataura) akati: “Tenzi venyu uye Tenzi vemadzitateguru enyu!” قَالَ إِنَّ رَسُولَكُمُ ٱلَّذِيٓ أُرۡسِلَ إِلَيۡكُمۡ لَمَجۡنُونٌ ٢٧(Farawo) akati: “Zvirokwazvo, mutumwa wenyu uyo atumirwa kwamuri anopenga (anorwara nepfungwa)!” قَالَ رَبُّ ٱلۡمَشۡرِقِ وَٱلۡمَغۡرِبِ وَمَا بَيۡنَهُمَآۖ إِن كُنتُمۡ تَعۡقِلُونَ ٢٨(Musa) akati: “Tenzi vekumabvazuva uye kumavirira (Madokero), uye zvose zviri pakati pavo, ndokunge kana muchinzwisisa!” قَالَ لَئِنِ ٱتَّخَذۡتَ إِلَٰهًا غَيۡرِي لَأَجۡعَلَنَّكَ مِنَ ٱلۡمَسۡجُونِينَ ٢٩(Farawo) akati: “Kana mukatora umwe mwari muchisiya ini, zvirokwazvo, ndinokuita umwe wevasungwa.” قَالَ أَوَلَوۡ جِئۡتُكَ بِشَيۡءٍ مُّبِينٍ ٣٠(Musa) akati: “Nyangwe ndakuvigira chinhu chiri pachena?” قَالَ فَأۡتِ بِهِۦٓ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٣١(Farawo) akati: “Uya nacho, kana uri umwe weavo vanotaura chokwadi!” فَأَلۡقَىٰ عَصَاهُ فَإِذَا هِيَ ثُعۡبَانٌ مُّبِينٌ ٣٢Saka (Musa) akakanda tsvimbo yake pasi, uye nechinguva chisipi yakava nyoka mhenyu iri pachena وَنَزَعَ يَدَهُۥ فَإِذَا هِيَ بَيۡضَآءُ لِلنَّٰظِرِينَ ٣٣Uye akaburitsa ruoko rwake (kubva muhapwa), uye rwaivaima kune avo vose vaiona قَالَ لِلۡمَلَإِ حَوۡلَهُۥٓ إِنَّ هَٰذَا لَسَٰحِرٌ عَلِيمٌ ٣٤(Farawo) akati kune makurukota akanga aripo akamutenderedza: “Zvirokwazvo, uyu munhu anoziva mapipi zvikuru.” يُرِيدُ أَن يُخۡرِجَكُم مِّنۡ أَرۡضِكُم بِسِحۡرِهِۦ فَمَاذَا تَأۡمُرُونَ ٣٥“Ari kuda kukubvisai munyika menyu nekuda kwemapipi ake, saka munoraira chii?” قَالُوٓاْ أَرۡجِهۡ وَأَخَاهُ وَٱبۡعَثۡ فِي ٱلۡمَدَآئِنِ حَٰشِرِينَ ٣٦Vakati: “Chimbomudzorera zvishoma nemukoma wake, uye wotumira vadaidzi kumaguta ese vachidaidza.” يَأۡتُوكَ بِكُلِّ سَحَّارٍ عَلِيمٍ ٣٧“Kuti vakuvigire muzivi zvakanyanya wese wemapipi.” فَجُمِعَ ٱلسَّحَرَةُ لِمِيقَٰتِ يَوۡمٍ مَّعۡلُومٍ ٣٨Nokudaro vazivi vemapipi vakaunganidzwa nenguva yakatarwa pazuva rakatarwa وَقِيلَ لِلنَّاسِ هَلۡ أَنتُم مُّجۡتَمِعُونَ ٣٩Uye zvakanzi kuvanhu: “Muchava munounganawo here?” لَعَلَّنَا نَتَّبِعُ ٱلسَّحَرَةَ إِن كَانُواْ هُمُ ٱلۡغَٰلِبِينَ ٤٠“Kuti tive tinotevera n’anga (vaiti vemapipi) kana vave vanokunda.” فَلَمَّا جَآءَ ٱلسَّحَرَةُ قَالُواْ لِفِرۡعَوۡنَ أَئِنَّ لَنَا لَأَجۡرًا إِن كُنَّا نَحۡنُ ٱلۡغَٰلِبِينَ ٤١Saka n’anga padzakasvika dzakataura kuna Farawo kuti: “Zvirokwazvo, tichave nomubairo here kana tave tinokunda?” قَالَ نَعَمۡ وَإِنَّكُمۡ إِذًا لَّمِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ ٤٢(Farawo) akati: “Hongu, uye muchave zvirokwazvo avo vanogara pedyo neni.” قَالَ لَهُم مُّوسَىٰٓ أَلۡقُواْ مَآ أَنتُم مُّلۡقُونَ ٤٣Musa akati kwavari: “Kandai (tione) izvo zvamurikuda kukanda!” فَأَلۡقَوۡاْ حِبَالَهُمۡ وَعِصِيَّهُمۡ وَقَالُواْ بِعِزَّةِ فِرۡعَوۡنَ إِنَّا لَنَحۡنُ ٱلۡغَٰلِبُونَ ٤٤Nokudaro vakakanda tambo dzavo uye zvitanda (tsvimbo) dazvo, uye vakati: “Nesimba raFarawo, zvirokwazvo tisu tichave tinokunda!” فَأَلۡقَىٰ مُوسَىٰ عَصَاهُ فَإِذَا هِيَ تَلۡقَفُ مَا يَأۡفِكُونَ ٤٥Uye Musa akakanda tsvimbo yake (pasi), uye yakamedza zvose zvamanyepo zvavairatidza فَأُلۡقِيَ ٱلسَّحَرَةُ سَٰجِدِينَ ٤٦Uye vaiti vemapipi vose vakabva vapfugama pasi قَالُوٓاْ ءَامَنَّا بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٤٧Vachiti: “Tinotenda muna Tenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).” رَبِّ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ ٤٨“Tenzi vaMusa naHaaroon (Aroni).” قَالَ ءَامَنتُمۡ لَهُۥ قَبۡلَ أَنۡ ءَاذَنَ لَكُمۡۖ إِنَّهُۥ لَكَبِيرُكُمُ ٱلَّذِي عَلَّمَكُمُ ٱلسِّحۡرَ فَلَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَۚ لَأُقَطِّعَنَّ أَيۡدِيَكُمۡ وَأَرۡجُلَكُم مِّنۡ خِلَٰفٍ وَلَأُصَلِّبَنَّكُمۡ أَجۡمَعِينَ ٤٩Farawo akati: “Munotenda maari ndisati ndakupai mvumo. Zvirokwazvo, uyu ndiye mukuru wenyu akakudzidzisai mapipi? Nekudaro zvirokwazvo, muchazvia zvenyu. Zvirokwazvo, ndichadambura maoko enyu uye makumbo enyu kumativi akapesana (ruoko rwerudyi negumbo rekuruboshwe kana kupindura), uye ndichakurovererai mose pamuchinjikwa.” قَالُواْ لَا ضَيۡرَۖ إِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا مُنقَلِبُونَ ٥٠Vakati: “Hapana chakaipa! Zvirokwazvo, kuna Tenzi vedu tichava tinodzokera.” إِنَّا نَطۡمَعُ أَن يَغۡفِرَ لَنَا رَبُّنَا خَطَٰيَٰنَآ أَن كُنَّآ أَوَّلَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٥١“Zvirokwazvo, tinovimba kuti Tenzi vedu vachatiregerera zvitadzo zvedu sezvo tiri vekutanga kutenda (muIslaam uye muna Musa naHaaroon (Aroni)).” ۞ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنۡ أَسۡرِ بِعِبَادِيٓ إِنَّكُم مُّتَّبَعُونَ ٥٢Uye takave tinodzikisa kuna Musa kuti: “Famba husiku nevaranda vangu (kubva kuna Farawo), asi zvirokwazvo muchateverwa.” فَأَرۡسَلَ فِرۡعَوۡنُ فِي ٱلۡمَدَآئِنِ حَٰشِرِينَ ٥٣Farawo akatumira vadani mumaguta ose إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ لَشِرۡذِمَةٌ قَلِيلُونَ ٥٤(Achiti): “Zvirokwazvo, vanhu ava kaboka kadiki.” وَإِنَّهُمۡ لَنَا لَغَآئِظُونَ ٥٥“Uye zvirokwazvo, vaita zvinhu zvatigumbura.” وَإِنَّا لَجَمِيعٌ حَٰذِرُونَ ٥٦“Asi zvirokwazvo, tisu tose takaungana nekuyambirwa.” فَأَخۡرَجۡنَٰهُم مِّن جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ٥٧Saka takavadzinga kubva mumapindu uye zvitubu وَكُنُوزٍ وَمَقَامٍ كَرِيمٍ ٥٨Hupfumi, uye nzvimbo dzose dzakarurama كَذَٰلِكَۖ وَأَوۡرَثۡنَٰهَا بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٥٩Nokudaro takaita kuti vana vaIzirairi vave vanogara nhaka yavo فَأَتۡبَعُوهُم مُّشۡرِقِينَ ٦٠Saka vakavatevera panguva yekubuda kwezuva فَلَمَّا تَرَٰٓءَا ٱلۡجَمۡعَانِ قَالَ أَصۡحَٰبُ مُوسَىٰٓ إِنَّا لَمُدۡرَكُونَ ٦١Mapoka maviri aya paakaonana, vanhu vaMusa vakati: “Zvirokwazvo, tava kuzobatwa zvino.” قَالَ كـَلَّآۖ إِنَّ مَعِيَ رَبِّي سَيَهۡدِينِ ٦٢(Musa) akati: “Hazviiti. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vaneni. Vachava vanonditungamira.” فَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنِ ٱضۡرِب بِّعَصَاكَ ٱلۡبَحۡرَۖ فَٱنفَلَقَ فَكَانَ كُلُّ فِرۡقٍ كَٱلطَّوۡدِ ٱلۡعَظِيمِ ٦٣Takava tinodzikisa kuna Musa (kuti): “Rova nyanza netsvimbo yako.” Uye yakapatsanuka, uye mafasho (emvura) akasiyana-siyana akaita kunge mazikomo mahombe وَأَزۡلَفۡنَا ثَمَّ ٱلۡأٓخَرِينَ ٦٤Takave tinounza vamwe (vanhu vaFarawo) padyo nenzvimbo iyoyo وَأَنجَيۡنَا مُوسَىٰ وَمَن مَّعَهُۥٓ أَجۡمَعِينَ ٦٥Uye takanunura Musa neavo vaiva naye ثُمَّ أَغۡرَقۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ ٦٦Uye takave tinonyudza vamwe (Farawo nevanhu vake) إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ٦٧Zvirokwazvo, umu (munyaya yaFarawo naMusa) mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ٦٨Uye chokwadi, Tenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ndivo vakurusa, uye vane tsitsi zhinji وَٱتۡلُ عَلَيۡهِمۡ نَبَأَ إِبۡرَٰهِيمَ ٦٩Uye vaverengere nyaya yaIbrahim (Abrahamu) إِذۡ قَالَ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦ مَا تَعۡبُدُونَ ٧٠Apo paakati kuna baba vake uye vanhu vake: “Munonamatei?” قَالُواْ نَعۡبُدُ أَصۡنَامًا فَنَظَلُّ لَهَا عَٰكِفِينَ ٧١Vakati: “Tinonamata zvidhori, uye takazvipira kwazviri.” قَالَ هَلۡ يَسۡمَعُونَكُمۡ إِذۡ تَدۡعُونَ ٧٢Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Zvinokunzwai here kana manamata kwazviri?” أَوۡ يَنفَعُونَكُمۡ أَوۡ يَضُرُّونَ ٧٣“Kana (kuti) zvinokubatsirai here kana kukukuvadzai?” قَالُواْ بَلۡ وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا كَذَٰلِكَ يَفۡعَلُونَ ٧٤Vakati: “Asi takawana madzibaba edu achiita zvakadai.” قَالَ أَفَرَءَيۡتُم مَّا كُنتُمۡ تَعۡبُدُونَ ٧٥Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Munoona here izvo zvamunonamata.” أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُمُ ٱلۡأَقۡدَمُونَ ٧٦“Imi nemadzibaba enyu?” فَإِنَّهُمۡ عَدُوٌّ لِّيٓ إِلَّا رَبَّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٧٧“Zvirokwazvo vavengi vangu kusara kwaTenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvese zviripo).” ٱلَّذِي خَلَقَنِي فَهُوَ يَهۡدِينِ ٧٨“Vanova vakandisika, uye ndivo vanonditungamira.” وَٱلَّذِي هُوَ يُطۡعِمُنِي وَيَسۡقِينِ ٧٩“Uye ndivo vanondipa kudya, uye vanondipa zvekunwa.” وَإِذَا مَرِضۡتُ فَهُوَ يَشۡفِينِ ٨٠“Uye kana ndichirwara, ndivo vanondiporesa.” وَٱلَّذِي يُمِيتُنِي ثُمَّ يُحۡيِينِ ٨١“Uye vachandiita kuti ndife, uye vachandiita kuti ndive mupenyu zvakare.” وَٱلَّذِيٓ أَطۡمَعُ أَن يَغۡفِرَ لِي خَطِيٓـَٔتِي يَوۡمَ ٱلدِّينِ ٨٢“Uye avo vandovimba kuti vachandiregerera zvivi zvangu pazuva rekutongwa.” رَبِّ هَبۡ لِي حُكۡمًا وَأَلۡحِقۡنِي بِٱلصَّٰلِحِينَ ٨٣“Tenzi vangu! Ndipeiwo ungwaru, uye ndiisei pavaranda avo vakanaka.” وَٱجۡعَل لِّي لِسَانَ صِدۡقٍ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ ٨٤“Uye ndiitei nditaurwe zvakanaka pamusoro pangu pamapoka evanhu achatevera.” وَٱجۡعَلۡنِي مِن وَرَثَةِ جَنَّةِ ٱلنَّعِيمِ ٨٥“Uye ndiitei umwe wevagari venhaka yeParadhiso yemufaro.” وَٱغۡفِرۡ لِأَبِيٓ إِنَّهُۥ كَانَ مِنَ ٱلضَّآلِّينَ ٨٦“Uye regererai baba vangu, zvirokwazvo, vanova vakarasika.” وَلَا تُخۡزِنِي يَوۡمَ يُبۡعَثُونَ ٨٧“Uye musava munondinyadzisa pazuva iro (zvipuka zvose) zvichamutswa.” يَوۡمَ لَا يَنفَعُ مَالٌ وَلَا بَنُونَ ٨٨“Zuva iro rokuti upfumi kana vana havabatsiri (hazvishandi kuti wakapfuma here kana kuti une vana vakawanda).” إِلَّا مَنۡ أَتَى ٱللَّهَ بِقَلۡبٍ سَلِيمٍ ٨٩“Kusara kweuyo achauya kuna Allah nemoyo wakachena (kubva mukusatenda nehunyengedzi).” وَأُزۡلِفَتِ ٱلۡجَنَّةُ لِلۡمُتَّقِينَ ٩٠Uye paradhiso ichaiswa pedyo peavo vanotya (Allah) vachiita mabasa akanaka (Tarisai Qur’aan) وَبُرِّزَتِ ٱلۡجَحِيمُ لِلۡغَاوِينَ ٩١Uye Gehena richaburitswa pachena pamberi pevanhu vaiita mabasa akashata وَقِيلَ لَهُمۡ أَيۡنَ مَا كُنتُمۡ تَعۡبُدُونَ ٩٢Uye zvichanzi kwavari: “Varipiko avo (vanamwari venhema vamaifananidza naAllah) vamainamata.” مِن دُونِ ٱللَّهِ هَلۡ يَنصُرُونَكُمۡ أَوۡ يَنتَصِرُونَ ٩٣“Kunze kwaAllah? Vanokwanisa here kukubatsirai kana kuzvibatsira pachavo?” فَكُبۡكِبُواْ فِيهَا هُمۡ وَٱلۡغَاوُۥنَ ٩٤Vachakandwa mumoto vachitanga nezviso zvavo, ivo nemaGhaawoon (vanaSatani, uye vanhu vakarasika) وَجُنُودُ إِبۡلِيسَ أَجۡمَعُونَ ٩٥Vachange vari vose nemauto aIblees (Satani) قَالُواْ وَهُمۡ فِيهَا يَخۡتَصِمُونَ ٩٦Vachati vavemo vachipokana تَٱللَّهِ إِن كُنَّا لَفِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٩٧“Tinopika naAllah, chokwadi taive takarasika zviri pachena.” إِذۡ نُسَوِّيكُم بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٩٨“Apo pataikufananidzai (pakunamata) naTenzi vepasi rose.” وَمَآ أَضَلَّنَآ إِلَّا ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٩٩“Uye hapana munhu akatirasisa kunze kwemaMujrimoon (vanaSatani uye vanhu vaitadza).” فَمَا لَنَا مِن شَٰفِعِينَ ١٠٠“Iye zvino hatina vamiriri.” وَلَا صَدِيقٍ حَمِيمٍ ١٠١“Kana shamwari yepedyo.” فَلَوۡ أَنَّ لَنَا كَرَّةً فَنَكُونَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١٠٢“Kana tikawana mukana wekudzokera (Panyika), tichava zvirokwazvo pakati peavo vanotenda!” إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٠٣Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٠٤Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane simba rakawanda, vane tsitsi zhinji كَذَّبَتۡ قَوۡمُ نُوحٍ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٠٥Vanhu vaNowa vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese) إِذۡ قَالَ لَهُمۡ أَخُوهُمۡ نُوحٌ أَلَا تَتَّقُونَ ١٠٦Apo mukoma wavo Nowa paakati kwavari: “Hamutye Allah nekuvateerera?” إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٠٧“Ndiri mutumwa wechokwadi anovimbika kwamuri.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٠٨“Saka ityai Allah, mova munochengetedza mirairo, uye mova munoteerera ini.” وَمَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٠٩“Handina mubairo wandinoda kubva kwamuri weizvi (Islaam); mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١١٠“Saka chengetedzai mirairo yaAllah, movatya, uye mova munonditeerera.” ۞ قَالُوٓاْ أَنُؤۡمِنُ لَكَ وَٱتَّبَعَكَ ٱلۡأَرۡذَلُونَ ١١١Vakati: “Tingatenda mauri ivo varombo (vanhu vari pasi pasi) vachikutevera?” قَالَ وَمَا عِلۡمِي بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ١١٢Akati: “Uye ndorwupi ruzivo rwandinarwo rezvavaiita?” إِنۡ حِسَابُهُمۡ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّيۖ لَوۡ تَشۡعُرُونَ ١١٣“Kutongwa kwavo kuna Tenzi vangu, kana muchiziva.” وَمَآ أَنَا۠ بِطَارِدِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١١٤“Uye handingadzingi vatendi.” إِنۡ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٌ مُّبِينٌ ١١٥“Ini ndiri muyambiri chete ari pachena.” قَالُواْ لَئِن لَّمۡ تَنتَهِ يَٰنُوحُ لَتَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡمَرۡجُومِينَ ١١٦Vakati (kuna Nowa): “Iwe Nowa! Ukaramba uchiita izvozvo, zvirokwazvo, uchava veavo vachatemwa nemabwe (kusvikira rufu).” قَالَ رَبِّ إِنَّ قَوۡمِي كَذَّبُونِ ١١٧(Nowa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vave vanondiramba.” فَٱفۡتَحۡ بَيۡنِي وَبَيۡنَهُمۡ فَتۡحًا وَنَجِّنِي وَمَن مَّعِيَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ١١٨“Nekudaro ivai mutongi pakati pangu navo, uye ivai munondinunura uye nevatendi vaneni.” فَأَنجَيۡنَٰهُ وَمَن مَّعَهُۥ فِي ٱلۡفُلۡكِ ٱلۡمَشۡحُونِ ١١٩Uye takave tinomununura nevose vaakanga ainavo mungarava yakatakura ثُمَّ أَغۡرَقۡنَا بَعۡدُ ٱلۡبَاقِينَ ١٢٠Takabva tanyudza vose vakanga vasara (vasina kupinda mungarava) إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٢١Zvirokwazvo! Umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٢٢Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakurusa, uye vane tsitsi zhinji كَذَّبَتۡ عَادٌ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٢٣MaAad (vanhu vaHud) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese) إِذۡ قَالَ لَهُمۡ أَخُوهُمۡ هُودٌ أَلَا تَتَّقُونَ ١٢٤Apo mukoma wavo Hud akataura kwavari kuti: “Hamutyewo Allah here?” إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٢٥“Zvirokwazvo ndini mutumwa akavimbika kwamuri.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٢٦“Saka ityai Allah uye moteerera ini.” وَمَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٢٧“Handina mubairo wandinobvunza kubva kwamuri weizvi. Mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.” أَتَبۡنُونَ بِكُلِّ رِيعٍ ءَايَةً تَعۡبَثُونَ ١٢٨“Munovaka dzimba panzvimbo yese yakakwirira asi musingadzigari?” وَتَتَّخِذُونَ مَصَانِعَ لَعَلَّكُمۡ تَخۡلُدُونَ ١٢٩“Uyezve mungatore (mungavake) dzimba (dzikuru dzakanaka) sezvinonzi muchagaramo zvachose?” وَإِذَا بَطَشۡتُم بَطَشۡتُمۡ جَبَّارِينَ ١٣٠“Uye kana muchibata (mumwe munhu), munobata zveutsinye?” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٣١“Saka ityai Allah, uye mova munonditeerera.” وَٱتَّقُواْ ٱلَّذِيٓ أَمَدَّكُم بِمَا تَعۡلَمُونَ ١٣٢“Uye ityai avo vakakupai zvose izvo zvamunoziva.” أَمَدَّكُم بِأَنۡعَٰمٍ وَبَنِينَ ١٣٣“Vakakupai zvipfuwo nevana.” وَجَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ١٣٤“Uye mapindu nezvitubu.” إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ١٣٥“Zvirokwazvo, ndinokutyirai marwadzo ezuva guru (zuva rekutongwa).” قَالُواْ سَوَآءٌ عَلَيۡنَآ أَوَعَظۡتَ أَمۡ لَمۡ تَكُن مِّنَ ٱلۡوَٰعِظِينَ ١٣٦Vakati: “Zvakafanana kwatiri kutiudza kana kusatiudza.” إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا خُلُقُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٣٧“Idzi ndidzo nyaya dzevanhu vekutanga (vekare).” وَمَا نَحۡنُ بِمُعَذَّبِينَ ١٣٨“Uye isu hatisi kuzombotongwa (kuzomborangwa).” فَكَذَّبُوهُ فَأَهۡلَكۡنَٰهُمۡۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٣٩Saka vakamuramba, uye tikavaparadza. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٤٠Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakuru, uye vane tsitsi zhinji كَذَّبَتۡ ثَمُودُ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٤١Uye maThamood vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese) إِذۡ قَالَ لَهُمۡ أَخُوهُمۡ صَٰلِحٌ أَلَا تَتَّقُونَ ١٤٢Rangarirai mukoma wavo Swaalih paakati kwavari: “Hamutyi Allah here?” إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٤٣“Ndini mutumwa anovimbika kwamuri.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٤٤“Saka ityai Allah, uye monditeerera.” وَمَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٤٥“Uye handidi mubairo kwamuri weizvi; mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi venyika yose.” أَتُتۡرَكُونَ فِي مَا هَٰهُنَآ ءَامِنِينَ ١٤٦“Muchasiiwa here makasununguka (makachengetedzeka) nezvamuinazvo pano?” فِي جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ١٤٧“Mumapindu nezvitubu.” وَزُرُوعٍ وَنَخۡلٍ طَلۡعُهَا هَضِيمٌ ١٤٨“Uye zvirimwa zvakasvika uye madheti akapfava.” وَتَنۡحِتُونَ مِنَ ٱلۡجِبَالِ بُيُوتًا فَٰرِهِينَ ١٤٩“Uye munoveza mumakomo dzimba nehunyanzvi hukuru.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٥٠“Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye monditeerera.” وَلَا تُطِيعُوٓاْ أَمۡرَ ٱلۡمُسۡرِفِينَ ١٥١“Uye musava munoteerera mirairo yemaMusrifoon (vatadzi, mhondi, vatungamiriri vezvose zvakaipa).” ٱلَّذِينَ يُفۡسِدُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا يُصۡلِحُونَ ١٥٢“Avo vanoita huori munyika, uye havaiiti zvakanaka.” قَالُوٓاْ إِنَّمَآ أَنتَ مِنَ ٱلۡمُسَحَّرِينَ ١٥٣Vakati: “Iwe uri weavo vakaroiwa!” مَآ أَنتَ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُنَا فَأۡتِ بِـَٔايَةٍ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ١٥٤“Iwe uri munhu akafanana nesu. Tipe chiratidzo kana uri munhu anotaura chokwadi.” قَالَ هَٰذِهِۦ نَاقَةٌ لَّهَا شِرۡبٌ وَلَكُمۡ شِرۡبُ يَوۡمٍ مَّعۡلُومٍ ١٥٥Akabva ati: “Heyo ngamera hadzi iyo. Ine kodzero yekunwa mvura, uye imi mune kodzero yekunwa mvura pazuva rinozivikanwa (zvijana zvekunwa mvura).” وَلَا تَمَسُّوهَا بِسُوٓءٍ فَيَأۡخُذَكُمۡ عَذَابُ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ١٥٦“Uye musava munoibata (ngamera hadzi) zvakaipa muchiikuvadza, nekuti marwadzo ezuva guru achava anokubatai (anokuwirai).” فَعَقَرُوهَا فَأَصۡبَحُواْ نَٰدِمِينَ ١٥٧Asi vakaiuraya, asi vakazova vadembi فَأَخَذَهُمُ ٱلۡعَذَابُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٥٨Saka vakava vanosangana nemarwadzo. Zvirokwazvo, uyu ndiwo muenzaniso, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٥٩Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose كَذَّبَتۡ قَوۡمُ لُوطٍ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٦٠Vanhu vaLoti vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese) إِذۡ قَالَ لَهُمۡ أَخُوهُمۡ لُوطٌ أَلَا تَتَّقُونَ ١٦١Apo mukoma wavo Loti akati: “Hamutyi Allah nekuvateerera here?” إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٦٢“Zvirokwazvo, ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٦٣“Saka ityai Allah, chengetedzai mirairo yavo, uye nditeererei.” وَمَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٦٤“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.” أَتَأۡتُونَ ٱلذُّكۡرَانَ مِنَ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٦٥“Munoenda kuvarume vose.” وَتَذَرُونَ مَا خَلَقَ لَكُمۡ رَبُّكُم مِّنۡ أَزۡوَٰجِكُمۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٌ عَادُونَ ١٦٦“Uye muchisiya avo vamakasikirwa naAllah sevakadzi venyu? Zvirokwazvo, muri vanhu vanopfurikidza mirairo!” قَالُواْ لَئِن لَّمۡ تَنتَهِ يَٰلُوطُ لَتَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡمُخۡرَجِينَ ١٦٧Vakabva vati (kuna Loti): “Iwe Loti! Chokwadi, ukaramba uchidaro, zvirokwazvo, uchava umwe wevanhu vatichadzinga (mudunhu redu)!” قَالَ إِنِّي لِعَمَلِكُم مِّنَ ٱلۡقَالِينَ ١٦٨Akabva ati: “Ndiri mumwe wevanhu avo vanopokana nemi nekugumbuka zvakanyanya nezvamunoita zvakashata (Chingochani).” رَبِّ نَجِّنِي وَأَهۡلِي مِمَّا يَعۡمَلُونَ ١٦٩“Tenzi vangu! Ndichengetedzei ini nemhuri yangu kubva kune zvavanoita.” فَنَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ أَجۡمَعِينَ ١٧٠Saka takamununura nemhuri yake yese إِلَّا عَجُوزًا فِي ٱلۡغَٰبِرِينَ ١٧١Kusara kwechembere (mukadzi wake) akava weavo vakasara (muguta) ثُمَّ دَمَّرۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ ١٧٢Mushure mezvo takaparadza vamwe vose وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِم مَّطَرًاۖ فَسَآءَ مَطَرُ ٱلۡمُنذَرِينَ ١٧٣Uye takava tinovatumira marwadzo ainaya. Uye kunaya kwacho kwaiva kwakashata kune avo vakayambirwa إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٧٤Zvirokwazvo, umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٧٥Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, vane chokwadi masimba ose, uye vane tsitsi dzose كَذَّبَ أَصۡحَٰبُ لۡـَٔيۡكَةِ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ١٧٦Vagari veAl-Aikah (Nzvimbo iri pedyo neMadyan) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese) إِذۡ قَالَ لَهُمۡ شُعَيۡبٌ أَلَا تَتَّقُونَ ١٧٧Apo Shuaib akati kwavari: “Hamutyi Allah here?” إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٌ ١٧٨“Ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.” فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ ١٧٩“Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye nditeererei.” وَمَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَىٰ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٨٠“Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.” ۞ أَوۡفُواْ ٱلۡكَيۡلَ وَلَا تَكُونُواْ مِنَ ٱلۡمُخۡسِرِينَ ١٨١“Ipai (vanhu) zvierwa zvakazara, uye musava munoderedza.” وَزِنُواْ بِٱلۡقِسۡطَاسِ ٱلۡمُسۡتَقِيمِ ١٨٢“Uye ivai munopima zviri pachokwadi uye zvakaenzana.” وَلَا تَبۡخَسُواْ ٱلنَّاسَ أَشۡيَآءَهُمۡ وَلَا تَعۡثَوۡاْ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُفۡسِدِينَ ١٨٣“Uye musava munobira vanhu nekudzikisa zvinhu zvavo, kana kuita zvakashata, kuita huori nehuumambara munyika.” وَٱتَّقُواْ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ وَٱلۡجِبِلَّةَ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٨٤“Uye ivai munotya avo vakakusikai (Allah) nemadzitateguru.” قَالُوٓاْ إِنَّمَآ أَنتَ مِنَ ٱلۡمُسَحَّرِينَ ١٨٥Vakabva vati: “Uri mumwe weavo vakaroiwa!” وَمَآ أَنتَ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُنَا وَإِن نَّظُنُّكَ لَمِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ ١٨٦“Uye uri munhu akafanana nesu, uye zvirokwazvo, tinofunga kuti uri mumwe wevanyepi!” فَأَسۡقِطۡ عَلَيۡنَا كِسَفًا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ١٨٧“Saka ita kuti zvidimbu zvidimbu zvedenga zvitidonhere, kana uri mumwe weavo vanotaura chokwadi!” قَالَ رَبِّيٓ أَعۡلَمُ بِمَا تَعۡمَلُونَ ١٨٨Akabva ati: “Tenzi vangu ndivo muzivi mukuru wezvamunoita.” فَكَذَّبُوهُ فَأَخَذَهُمۡ عَذَابُ يَوۡمِ ٱلظُّلَّةِۚ إِنَّهُۥ كَانَ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٍ ١٨٩Asi vakaramba kutenda maari, saka marwadzo ezuva remvuri (gore rakasviba) akavabata. Zvirokwazvo, aiva marwadzo ezuva guru إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةًۖ وَمَا كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّؤۡمِنِينَ ١٩٠Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi وَإِنَّ رَبَّكَ لَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ ١٩١Uye zvirokwazvo Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose وَإِنَّهُۥ لَتَنزِيلُ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ١٩٢Uye zvirokwazvo, aya mashoko (Qur’aan) akadzikiswa naTenzi vepasi rose نَزَلَ بِهِ ٱلرُّوحُ ٱلۡأَمِينُ ١٩٣Ayo akauya nemweya (Rooh) unovimbika (Jibreel – Gabriel (AS) عَلَىٰ قَلۡبِكَ لِتَكُونَ مِنَ ٱلۡمُنذِرِينَ ١٩٤Mumoyo mako (Muhammad (SAW)) kuti ugova muyambiri بِلِسَانٍ عَرَبِيٍّ مُّبِينٍ ١٩٥Mururimi rwechiArabhu rwuri pachena وَإِنَّهُۥ لَفِي زُبُرِ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٩٦Uye zvirokwazvo, rakataurwa (Qur’aan) muMagwaro (Torah neVhangeri) evanhu vekutanga أَوَلَمۡ يَكُن لَّهُمۡ ءَايَةً أَن يَعۡلَمَهُۥ عُلَمَٰٓؤُاْ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ١٩٧Hachisi chiratidzo kwavari here kuti vakadzidza vevana vaIzirairi (saAbdullah Ibn Salaam) vanoriziva (kuti ichokwadi) وَلَوۡ نَزَّلۡنَٰهُ عَلَىٰ بَعۡضِ ٱلۡأَعۡجَمِينَ ١٩٨Uye dai takaridzikisa (Qur’aan) kune asiri wechiArabhu فَقَرَأَهُۥ عَلَيۡهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ مُؤۡمِنِينَ ١٩٩Uye ori verenga kwavari, vaisatenda mariri كَذَٰلِكَ سَلَكۡنَٰهُ فِي قُلُوبِ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ٢٠٠Saka takaita kuti zvipinde (zvigare) mumoyo yevatadzi (kuramba Qur’aan) لَا يُؤۡمِنُونَ بِهِۦ حَتَّىٰ يَرَوُاْ ٱلۡعَذَابَ ٱلۡأَلِيمَ ٢٠١Havatendi mariri kusvikira vaona marwadzo فَيَأۡتِيَهُم بَغۡتَةً وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ ٢٠٢Achauya kwavari nekuchimbidza, vasingatarisiri فَيَقُولُواْ هَلۡ نَحۡنُ مُنظَرُونَ ٢٠٣Apo vachataura kuti: “Hatingambomisirwi here (kuparadzwa)?” أَفَبِعَذَابِنَا يَسۡتَعۡجِلُونَ ٢٠٤Vanoda here kuti marwadzo edu akurumbidze أَفَرَءَيۡتَ إِن مَّتَّعۡنَٰهُمۡ سِنِينَ ٢٠٥Funga! Nyangwe tikaita kuti vafare kwemakore ثُمَّ جَآءَهُم مَّا كَانُواْ يُوعَدُونَ ٢٠٦Uye mushure mezvo kouya kwavari izvo zvavakavimbiswa مَآ أَغۡنَىٰ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يُمَتَّعُونَ ٢٠٧Zvose izvo zvaivafadza hazvizovadziviriri وَمَآ أَهۡلَكۡنَا مِن قَرۡيَةٍ إِلَّا لَهَا مُنذِرُونَ ٢٠٨Uye hatina kuparadza dunhu kusara kwekuti range rine vayambiri ذِكۡرَىٰ وَمَا كُنَّا ظَٰلِمِينَ ٢٠٩Sekurangaridza, uye hatina kumbova vadzvanyiriri وَمَا تَنَزَّلَتۡ بِهِ ٱلشَّيَٰطِينُ ٢١٠Uye haasi maShayaatween (vanasatani) akaridzikisa (Qur’aan) pasi وَمَا يَنۢبَغِي لَهُمۡ وَمَا يَسۡتَطِيعُونَ ٢١١Uye hazvienderani navo uye havazvikwanisi إِنَّهُمۡ عَنِ ٱلسَّمۡعِ لَمَعۡزُولُونَ ٢١٢Zvirokwazvo, vakaendeswa kure kuti vasarinzwe فَلَا تَدۡعُ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ فَتَكُونَ مِنَ ٱلۡمُعَذَّبِينَ ٢١٣Saka musava munodaidza vanamwari vamwe naAllah, nokuti mungava veavo vanowana marwadzo وَأَنذِرۡ عَشِيرَتَكَ ٱلۡأَقۡرَبِينَ ٢١٤Uye yambira rudzi rwako (Muhammad (SAW)) kubva kuhama dzepadyo وَٱخۡفِضۡ جَنَاحَكَ لِمَنِ ٱتَّبَعَكَ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٢١٥Uye iva netsitsi uye kuzvininipisa kune vatendi vanokutevera فَإِنۡ عَصَوۡكَ فَقُلۡ إِنِّي بَرِيٓءٌ مِّمَّا تَعۡمَلُونَ ٢١٦Uye kana vakasakuteerera, taura kuti: “Ndakachena kubva kune izvo zvamunoita.” وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱلۡعَزِيزِ ٱلرَّحِيمِ ٢١٧Uye isa chivimbo kuna samasimba, vane tsitsi dzose ٱلَّذِي يَرَىٰكَ حِينَ تَقُومُ ٢١٨Avo vanokuona (Muhammad (SAW)) paunosimuka (kuti unamate usiku Tahajjud) وَتَقَلُّبَكَ فِي ٱلسَّٰجِدِينَ ٢١٩Uye zvaunoita uri pakati peavo vanopfugama (kunaAllah muminamato mishanu yepazuva) إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ ٢٢٠Zvirokwazvo, ivo ndivo vanonzwa zvikuru, vanoziva zvese هَلۡ أُنَبِّئُكُمۡ عَلَىٰ مَن تَنَزَّلُ ٱلشَّيَٰطِينُ ٢٢١Ndingakuudzei here (imi vanhu) maererano neavo maShayaatween (anasatani) anoenda kwavari تَنَزَّلُ عَلَىٰ كُلِّ أَفَّاكٍ أَثِيمٍ ٢٢٢Vanoenda (maShayaatween) kune wese munyepi anotadza يُلۡقُونَ ٱلسَّمۡعَ وَأَكۡثَرُهُمۡ كَٰذِبُونَ ٢٢٣Vanoteerera (maShayaatween, uye vanovapa zvavanenge vanzwa zvakavanzika kubva kungirozi), uye vazhinji vavo vanyepi وَٱلشُّعَرَآءُ يَتَّبِعُهُمُ ٱلۡغَاوُۥنَ ٢٢٤Uye vadetembi, vanhu vakarasika vanovatevera أَلَمۡ تَرَ أَنَّهُمۡ فِي كُلِّ وَادٍ يَهِيمُونَ ٢٢٥Hauoni here kuti vanotaura pamusoro penyaya dzese (vachirumbidza vanhu, vakanaka here kana kuti vakaipa) munhetembo dzavo وَأَنَّهُمۡ يَقُولُونَ مَا لَا يَفۡعَلُونَ ٢٢٦Uye vanotaura izvo zvavasingaiti إِلَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ وَذَكَرُواْ ٱللَّهَ كَثِيرًا وَٱنتَصَرُواْ مِنۢ بَعۡدِ مَا ظُلِمُواْۗ وَسَيَعۡلَمُ ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ أَيَّ مُنقَلَبٍ يَنقَلِبُونَ ٢٢٧Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, uye vanorangarira Allah zvakanyanya, uye nekuzvidzivirira mushure mekunge vatadzirwa (vachipindura nenhetembo avo vadetembi vanotaura zvakaipa pamusoro peIslaam). Uye avo vanoita mabasa akashata vachaziva kuti vachapindurwa sei pavachapindurwa (magumo avo achange akaita sei)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.