بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
الٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ وَقُرۡءَانٍ مُّبِينٍ ١Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah chete). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro uye neQur’aan riri pachena رُّبَمَا يَوَدُّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡ كَانُواْ مُسۡلِمِينَ ٢Pamwe avo vasingatendi vanoshuvira kuti dai vanga vari maMuslim (avo vanozvipira kutevedzera mirawo yaAllah, Islaam) ذَرۡهُمۡ يَأۡكُلُواْ وَيَتَمَتَّعُواْ وَيُلۡهِهِمُ ٱلۡأَمَلُۖ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ ٣Vasiyei vadye pamwe nekufara, uye vasiyei vakazadzwa nechishuwo chenhema. Vachasvika pakuziva وَمَآ أَهۡلَكۡنَا مِن قَرۡيَةٍ إِلَّا وَلَهَا كِتَابٌ مَّعۡلُومٌ ٤Hatina kuparadza musha asi wakanga une zvawakanyorerwa zvinozivikanwa مَّا تَسۡبِقُ مِنۡ أُمَّةٍ أَجَلَهَا وَمَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ ٥Hapana dzinza rinokwanisa kuwedzera nguva yaro (yekurarama) kana kuinonotsa وَقَالُواْ يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِي نُزِّلَ عَلَيۡهِ ٱلذِّكۡرُ إِنَّكَ لَمَجۡنُونٌ ٦Uye vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) wakapihwa Dhikr (Qur’aan)! Zvirokwazvo, uri murume anopenga!” لَّوۡمَا تَأۡتِينَا بِٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّٰدِقِينَ ٧“Ko sei usingauyi nengirozi kwatiri kana uri pachokwadi?” مَا نُنَزِّلُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَمَا كَانُوٓاْ إِذًا مُّنظَرِينَ ٨Hatitumire ngirozi pasi asi nechokwadi (murango), uye ipapo havambopihwi (vasingatendi) nguva yekurarama إِنَّا نَحۡنُ نَزَّلۡنَا ٱلذِّكۡرَ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ ٩Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Qur’aan), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa) وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ فِي شِيَعِ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٠Zvirokwazvo, takatumira vatumwa iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) kumapoka ekutanga وَمَا يَأۡتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ١١Uye muporofita haana kusvika kwavari asi vaiita zvedambe naye كَذَٰلِكَ نَسۡلُكُهُۥ فِي قُلُوبِ ٱلۡمُجۡرِمِينَ ١٢Saizvozvo tinoita (kusatenda nekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata) kuti zvipinde mumoyo yeavo vasingatendi لَا يُؤۡمِنُونَ بِهِۦ وَقَدۡ خَلَتۡ سُنَّةُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٣Havambotendi mariri (Qur’aan), uye mucherechedzo wemadzitateguru (murango wavo) wakatopfuura وَلَوۡ فَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَابًا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ فَظَلُّواْ فِيهِ يَعۡرُجُونَ ١٤Kunyangwe dai takavazarurira musuwo kudenga uye voramba vachikwira (zuva rese) لَقَالُوٓاْ إِنَّمَا سُكِّرَتۡ أَبۡصَٰرُنَا بَلۡ نَحۡنُ قَوۡمٌ مَّسۡحُورُونَ ١٥Zvirokwazvo vaizoti (manheru): “Meso edu aita kunge avhiringwa (hatina kumboona ngirozi kana denga). Pamwe tiri vanhu vakaroiwa.” وَلَقَدۡ جَعَلۡنَا فِي ٱلسَّمَآءِ بُرُوجًا وَزَيَّنَّٰهَا لِلنَّٰظِرِينَ ١٦Zvirokwazvo, takava tinoisa nyenyedzi hombe mudenga uye tikarishongedza kune avo vanoritarisa وَحَفِظۡنَٰهَا مِن كُلِّ شَيۡطَٰنٍ رَّجِيمٍ ١٧Uye takava tinorichengetedza kubva kuna dhiyabhorosi wese akashorwa إِلَّا مَنِ ٱسۡتَرَقَ ٱلسَّمۡعَ فَأَتۡبَعَهُۥ شِهَابٌ مُّبِينٌ ١٨Kunze kweuyo (dhiyabhorosi) anoda kuba kuteerera mashoko, uye naizvozvo oteverwa nenyenyedzi inemoto iri pachena وَٱلۡأَرۡضَ مَدَدۡنَٰهَا وَأَلۡقَيۡنَا فِيهَا رَوَٰسِيَ وَأَنۢبَتۡنَا فِيهَا مِن كُلِّ شَيۡءٍ مَّوۡزُونٍ ١٩Uye nyika takaiwaridza, uye tikadzika makomo akasimba mairi, uye tikaita kuti zvirimwa zvimere mairi nemuero wazvo وَجَعَلۡنَا لَكُمۡ فِيهَا مَعَٰيِشَ وَمَن لَّسۡتُمۡ لَهُۥ بِرَٰزِقِينَ ٢٠Uye takava tinokuisirai mairi nzira dzekurarama nadzo, pamwe neizvo zvamusingakwanisi kupa chikafu (zvipfuwo nemhuka dzesango) وَإِن مِّن شَيۡءٍ إِلَّا عِندَنَا خَزَآئِنُهُۥ وَمَا نُنَزِّلُهُۥٓ إِلَّا بِقَدَرٍ مَّعۡلُومٍ ٢١Uye hapana chinhu, asi kwatiri ndiko kune kwekuchengetera kwacho. Uye hatichitumiri pasi asi nechipimo chinozivikanwa chakafanira وَأَرۡسَلۡنَا ٱلرِّيَٰحَ لَوَٰقِحَ فَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَأَسۡقَيۡنَٰكُمُوهُ وَمَآ أَنتُمۡ لَهُۥ بِخَٰزِنِينَ ٢٢Uye tinotumira mhepo ichibatanidza makore, uye toita kuti mvura inaye kubva kudenga, uye tokupai kuti mumwe, uye hamusi varidzi vepainochengeterwa (kuti muchipa mvura wamunoda uye kunyima wamunoda) وَإِنَّا لَنَحۡنُ نُحۡيِۦ وَنُمِيتُ وَنَحۡنُ ٱلۡوَٰرِثُونَ ٢٣Uye zvirokwazvo isusu! Tisu tinopa hupenyu nekukonzeresa rufu, uye tisu vagari venhaka وَلَقَدۡ عَلِمۡنَا ٱلۡمُسۡتَقۡدِمِينَ مِنكُمۡ وَلَقَدۡ عَلِمۡنَا ٱلۡمُسۡتَـٔۡخِرِينَ ٢٤Uye zvirokwazvo, tinoziva madzinza enyu ekutanga, uye tinoziva madzinza enyu aiyezvino, uye neavo vachauya mushure وَإِنَّ رَبَّكَ هُوَ يَحۡشُرُهُمۡۚ إِنَّهُۥ حَكِيمٌ عَلِيمٌ ٢٥Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachavaunganidza pamwechete. Zvechokwadi, ndivo vazere nehungwaru, neruzivo وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن صَلۡصَٰلٍ مِّنۡ حَمَإٍ مَّسۡنُونٍ ٢٦Uye zvirokwazvo, takasika vanhu kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana وَٱلۡجَآنَّ خَلَقۡنَٰهُ مِن قَبۡلُ مِن نَّارِ ٱلسَّمُومِ ٢٧Uye maJinn, takamasika kare kubva kumoto usina hutsi وَإِذۡ قَالَ رَبُّكَ لِلۡمَلَٰٓئِكَةِ إِنِّي خَٰلِقُۢ بَشَرًا مِّن صَلۡصَٰلٍ مِّنۡ حَمَإٍ مَّسۡنُونٍ ٢٨Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Zvirokwazvo, ndichasika munhu (Adam) kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.” فَإِذَا سَوَّيۡتُهُۥ وَنَفَخۡتُ فِيهِ مِن رُّوحِي فَقَعُواْ لَهُۥ سَٰجِدِينَ ٢٩“Saka naizvozvo, kana ndichinge ndapedza kumushongedza uye ndafemera maari mweya wandakamusikira, ivai munomupfugamira moisa zviso zvenyu pasi.” فَسَجَدَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ كُلُّهُمۡ أَجۡمَعُونَ ٣٠Naizvozvo ngirozi dzakava dzinopfugama nekuisa zviso zvadzo pasi pamwe chete إِلَّآ إِبۡلِيسَ أَبَىٰٓ أَن يَكُونَ مَعَ ٱلسَّٰجِدِينَ ٣١Kusara kwa Iblees (Satani) akaramba kuva pakati peavo vanopfugama قَالَ يَٰٓإِبۡلِيسُ مَا لَكَ أَلَّا تَكُونَ مَعَ ٱلسَّٰجِدِينَ ٣٢Allah vakati: “Iwe Iblees (Satani)! Chikonzero chako ndecheyi kuti usave pakati peavo vakapfugama?” قَالَ لَمۡ أَكُن لِّأَسۡجُدَ لِبَشَرٍ خَلَقۡتَهُۥ مِن صَلۡصَٰلٍ مِّنۡ حَمَإٍ مَّسۡنُونٍ ٣٣(Satani) akati: “Hazviite kuti ndipfugamire munhu, uyo wamakasika kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.” قَالَ فَٱخۡرُجۡ مِنۡهَا فَإِنَّكَ رَجِيمٌ ٣٤(Allah) vakati: “Kana zvakadaro buda muno, zvirokwazvo, uri Rajeem (akashorwa).” وَإِنَّ عَلَيۡكَ ٱللَّعۡنَةَ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلدِّينِ ٣٥“Uye zvirokwazvo, kutsamwa (kwaAllah) kuchange kuri pauri kusvika zuva rekutongwa.” قَالَ رَبِّ فَأَنظِرۡنِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ ٣٦(Satani) akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo nguva kusvikira zuva rekutongwa (zuva ravachamutswa kubva kuvafi).” قَالَ فَإِنَّكَ مِنَ ٱلۡمُنظَرِينَ ٣٧(Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri pakati peavo vakapihwa nguva.” إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡوَقۡتِ ٱلۡمَعۡلُومِ ٣٨“Kusvika zuva renguva yakatarwa.” قَالَ رَبِّ بِمَآ أَغۡوَيۡتَنِي لَأُزَيِّنَنَّ لَهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَأُغۡوِيَنَّهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٣٩(Satani) akati: “Tenzi vangu! Nechikonzero chekuti mandirasisa gwara, zvirokwazvo, ndichavashongedzera (vanhu) nzira dzezvakaipa panyika, uye ndichavatsaudza vose mugwara rakatwasuka.” إِلَّا عِبَادَكَ مِنۡهُمُ ٱلۡمُخۡلَصِينَ ٤٠“Kusara kwevaranda venyu vamakasarudza pakati pavo.” قَالَ هَٰذَا صِرَٰطٌ عَلَيَّ مُسۡتَقِيمٌ ٤١(Allah) vakati: “Iyi ndiyo nzira yakatwasuka inotungamira kwandiri.” إِنَّ عِبَادِي لَيۡسَ لَكَ عَلَيۡهِمۡ سُلۡطَٰنٌ إِلَّا مَنِ ٱتَّبَعَكَ مِنَ ٱلۡغَاوِينَ ٤٢“Zvirokwazvo, hauna masimba kune varanda vangu, kusara kweavo vanokutevera vanoita zvakaipa uye vasingatendi.” وَإِنَّ جَهَنَّمَ لَمَوۡعِدُهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٤٣“Uye zvirokwazvo, Gehena ndiyo nzvimbo irikuvimbiswa kwavari vose (pamwe chete).” لَهَا سَبۡعَةُ أَبۡوَٰبٍ لِّكُلِّ بَابٍ مِّنۡهُمۡ جُزۡءٌ مَّقۡسُومٌ ٤٤“Rine (Gehena) misuwo minomwe, musuwo wese kubva kwavari une boka (revatadzi) rakatarwa.” إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي جَنَّٰتٍ وَعُيُونٍ ٤٥“Zvirokwazvo! Avo vanoita mabasa akanaka (Al-Muttaqqoon), vachange vari muminda uye nezvitubu zvemvura (Paradhiso).” ٱدۡخُلُوهَا بِسَلَٰمٍ ءَامِنِينَ ٤٦“(Zvichanzi kwavari): ‘Pindai mariri (Paradhiso) murugare uye mukudzivirirwa.’” وَنَزَعۡنَا مَا فِي صُدُورِهِم مِّنۡ غِلٍّ إِخۡوَٰنًا عَلَىٰ سُرُرٍ مُّتَقَٰبِلِينَ ٤٧“Uye tichava tinobvisa kubva muhana dzavo shanje. Naizvozvo vachave vanotarisana semadzikoma vari pazvigaro.” لَا يَمَسُّهُمۡ فِيهَا نَصَبٌ وَمَا هُم مِّنۡهَا بِمُخۡرَجِينَ ٤٨“Hapana marwadzo achavawira imomo kana kubuditswa imomo.” ۞ نَبِّئۡ عِبَادِيٓ أَنِّيٓ أَنَا ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ ٤٩Udza (Muhammad (SAW)) varanda vangu, kuti zvirokwazvo, inini ndiri muregereri zvikuru, ane nyasha zhinji ۞ وَأَنَّ عَذَابِي هُوَ ٱلۡعَذَابُ ٱلۡأَلِيمُ ٥٠Uye kuti zvirokwazvo marwadzo angu marwadzo akaomarara وَنَبِّئۡهُمۡ عَن ضَيۡفِ إِبۡرَٰهِيمَ ٥١Uye vaudze nezve vaenzi (ngirozi) vaAbrahamu إِذۡ دَخَلُواْ عَلَيۡهِ فَقَالُواْ سَلَٰمًا قَالَ إِنَّا مِنكُمۡ وَجِلُونَ ٥٢Pavakapinda maakanga ari, vakati: “Salaam (Rugare)!” (Abrahamu) akati: “Zvirokwazvo! Tirikukutyai.” قَالُواْ لَا تَوۡجَلۡ إِنَّا نُبَشِّرُكَ بِغُلَٰمٍ عَلِيمٍ ٥٣(Ngirozi) dzikati: “Usatye! Zvirokwazvo, tiri kukupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo nehungwaru.” قَالَ أَبَشَّرۡتُمُونِي عَلَىٰٓ أَن مَّسَّنِيَ ٱلۡكِبَرُ فَبِمَ تُبَشِّرُونَ ٥٤(Abrahamu) akati: “Muri kundipa mashoko akanaka (emwanakomana) ini ndachembera? Saka nhau yenyu ndeyeyi?” قَالُواْ بَشَّرۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ فَلَا تَكُن مِّنَ ٱلۡقَٰنِطِينَ ٥٥(Ngirozi) dzikati: “Tinokupa mashoko akanaka muchokwadi. Saka usave weavo vasina tarisiro.” قَالَ وَمَن يَقۡنَطُ مِن رَّحۡمَةِ رَبِّهِۦٓ إِلَّا ٱلضَّآلُّونَ ٥٦(Abrahamu) akati: “Ndiani asina tarisiro yenyasha dzaTenzi vake kusara kweavo vakarasika?” قَالَ فَمَا خَطۡبُكُمۡ أَيُّهَا ٱلۡمُرۡسَلُونَ ٥٧(Abrahamu) akatizve: “Saka nyaya yenyu ndeipi, imi vatumwa?” قَالُوٓاْ إِنَّآ أُرۡسِلۡنَآ إِلَىٰ قَوۡمٍ مُّجۡرِمِينَ ٥٨(Ngirozi) dzikati: “Zvirokwazvo, tave tinotumwa kune vanhu vasingatendi (vanotadza).” إِلَّآ ءَالَ لُوطٍ إِنَّا لَمُنَجُّوهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٥٩“Kusara kwemhuri yaLut (Loti). Zvirokwazvo tichave tinovadzivirira (tinovanunura) vese (kubva mukuparadzwa).” إِلَّا ٱمۡرَأَتَهُۥ قَدَّرۡنَآ إِنَّهَا لَمِنَ ٱلۡغَٰبِرِينَ ٦٠“Kusara kwemukadzi wake, uyo takava tinotara zvirokwazvo kuti achave weavo vanosara mumashure (vanoparadzwa).” فَلَمَّا جَآءَ ءَالَ لُوطٍ ٱلۡمُرۡسَلُونَ ٦١Naizvozvo vatumwa (ngirozi) pavakauya kune mhuri yaLut (Loti) قَالَ إِنَّكُمۡ قَوۡمٌ مُّنكَرُونَ ٦٢(Loti) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivikanwi kwandiri.” قَالُواْ بَلۡ جِئۡنَٰكَ بِمَا كَانُواْ فِيهِ يَمۡتَرُونَ ٦٣(Ngirozi) Dzikati: “Asi tauya kwauri neizvo zvavaisatenda mazviri.” وَأَتَيۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ وَإِنَّا لَصَٰدِقُونَ ٦٤“Uye taunza chokwadi kwauri (nyaya yekuparadzwa kwevanhu vako), uye zvirokwazvo, tinotaura chokwadi.” فَأَسۡرِ بِأَهۡلِكَ بِقِطۡعٍ مِّنَ ٱلَّيۡلِ وَٱتَّبِعۡ أَدۡبَٰرَهُمۡ وَلَا يَلۡتَفِتۡ مِنكُمۡ أَحَدٌ وَٱمۡضُواْ حَيۡثُ تُؤۡمَرُونَ ٦٥“Saka chiva unofamba muchidimbu cheusiku nemhuri yako, uye iwe wotevera kumashure kwavo, uye pakati penyu ngapasave nemunhu anocheuka kumashure, asi endai kwamakakomekedzwa.” وَقَضَيۡنَآ إِلَيۡهِ ذَٰلِكَ ٱلۡأَمۡرَ أَنَّ دَابِرَ هَٰٓؤُلَآءِ مَقۡطُوعٌ مُّصۡبِحِينَ ٦٦Uye takaita basa iri kuti rizivikamwe kwaari, kuti midzi yeavo (vatadzi) ichave inodamburwa mangwanani ngwanani وَجَآءَ أَهۡلُ ٱلۡمَدِينَةِ يَسۡتَبۡشِرُونَ ٦٧Uye vagari vemudhorobha vakauya vachifara (nenyaya yemajaya ange auya aya) قَالَ إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ ضَيۡفِي فَلَا تَفۡضَحُونِ ٦٨(Loti) Akati: “Zvirokwazvo, ava vaenzi vangu, saka musandinyadzisewo.” وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَلَا تُخۡزُونِ ٦٩“Uye ityai Allah uye musave munondinyadzisa.” قَالُوٓاْ أَوَلَمۡ نَنۡهَكَ عَنِ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٧٠(Vagari vemudhorobha) vakati: “Hatina kukurambidza here kutambira (kana kudzivirira) vanhu?” قَالَ هَٰٓؤُلَآءِ بَنَاتِيٓ إِن كُنتُمۡ فَٰعِلِينَ ٧١(Loti) akati: “Ava vanasikana vangu (kana muchida kuroora zviri pamutemo), kana muchikwanisa kudaro.” لَعَمۡرُكَ إِنَّهُمۡ لَفِي سَكۡرَتِهِمۡ يَعۡمَهُونَ ٧٢Zvirokwazvo, ndinopika nehupenyu hwako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo varimukudhakwa vaingofamba فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ مُشۡرِقِينَ ٧٣Naizvozvo vakava vanoparadzwa neAs-Swaaihah (Ruzha) panguva dzemangwanani فَجَعَلۡنَا عَٰلِيَهَا سَافِلَهَا وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِمۡ حِجَارَةً مِّن سِجِّيلٍ ٧٤Uye takapindurudza (Sodom kuPalestine) tikaita kuti pamusoro paende pasi, uye tikave tinonaisa matombo akaumbwa nedhaka إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّلۡمُتَوَسِّمِينَ ٧٥Zvirokwazvo, mukati meizvi mune micherechedzo kune avo vanoona وَإِنَّهَا لَبِسَبِيلٍ مُّقِيمٍ ٧٦Uye zvirokwazvo, maguta maviri aya akanga ari munzira hombe (kubva kuMakkah kuenda kuSyria, pane gungwa reDead Sea iyezvino) إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّلۡمُؤۡمِنِينَ ٧٧Zvokwadi, zvirokwazvo mune izvi mune mucherechedzo kune avo vanotenda وَإِن كَانَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡأَيۡكَةِ لَظَٰلِمِينَ ٧٨Uye vagari vemusango (vekuMadyan (Midian)) avo vakatumirwa Muporofita Shuaib (AS)) vakanga vari vanhu vaiita zvakaipa فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ وَإِنَّهُمَا لَبِإِمَامٍ مُّبِينٍ ٧٩Naizvozvo takatsiva nemutongo wakaomarara kwavari. Ari maviri ari munzira hombe iri pachena وَلَقَدۡ كَذَّبَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡحِجۡرِ ٱلۡمُرۡسَلِينَ ٨٠Uye zvirokwazvo, vagari vemu Al-Hijr (Nzvimbo ine matombo) vakaramba vatumwa وَءَاتَيۡنَٰهُمۡ ءَايَٰتِنَا فَكَانُواْ عَنۡهَا مُعۡرِضِينَ ٨١Uye takavapa zviratidzo zvedu, asi vakazviramba وَكَانُواْ يَنۡحِتُونَ مِنَ ٱلۡجِبَالِ بُيُوتًا ءَامِنِينَ ٨٢Uye vaigadzira dzimba mumakomo, vachifunga kuti vakachengetedzeka فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ مُصۡبِحِينَ ٨٣Asi vakave vanoparadzwa neruzha munguva dzemangwanani (pazuva rechina kubva kumazuva vange vavimbiswa murango) فَمَآ أَغۡنَىٰ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ ٨٤Uye zvavaiwana hazvina kukwanisa kuvabatsira وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّۗ وَإِنَّ ٱلسَّاعَةَ لَأٓتِيَةٌۖ فَٱصۡفَحِ ٱلصَّفۡحَ ٱلۡجَمِيلَ ٨٥Hatina kusika matenga nenyika nezvese zviri pakati pazvo asi muzvokwadi, uye zvirokwazvo nguva ichakwana, saka naizvozvo iva (Muhammad (SAW)) unovaregerera mune zvakanaka. (Izvi zvange zvakadaro kurwa (munzira yaAllah) kusati kwakomekedzwa إِنَّ رَبَّكَ هُوَ ٱلۡخَلَّٰقُ ٱلۡعَلِيمُ ٨٦Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo musiki vanoziva zvese وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَٰكَ سَبۡعًا مِّنَ ٱلۡمَثَانِي وَٱلۡقُرۡءَانَ ٱلۡعَظِيمَ ٨٧Uye zvirokwazvo, takupa Al-Mathaani (ndima nomwe dzinoramba dzichidzokorodzwa, Surah Al-Faatihah), pamwe neQur’aan hombe لَا تَمُدَّنَّ عَيۡنَيۡكَ إِلَىٰ مَا مَتَّعۡنَا بِهِۦٓ أَزۡوَٰجًا مِّنۡهُمۡ وَلَا تَحۡزَنۡ عَلَيۡهِمۡ وَٱخۡفِضۡ جَنَاحَكَ لِلۡمُؤۡمِنِينَ ٨٨Usava zvirokwazvo unotarisa nemaziso ako aine ruchiva pane izvo zvatakapa mamwe mapoka avo (vasingatendi), uye usava unobatikana pamusoro pavo. Uye iva unodzikisa mapapiro ako kune avo vanotenda (kuvaremekedza) وَقُلۡ إِنِّيٓ أَنَا ٱلنَّذِيرُ ٱلۡمُبِينُ ٨٩Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, inini ndiri muyambiri ari pachena.” كَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَى ٱلۡمُقۡتَسِمِينَ ٩٠Sekudzikisa kwatakaita kune avo vanopatsanura (maQuraish anonamata zvidhori, kana maJudha nemaKristu) ٱلَّذِينَ جَعَلُواْ ٱلۡقُرۡءَانَ عِضِينَ ٩١Avo vakapatsanura Qur’aan muzvidimbu zvidumbu (vakatenda muzvimwe uye vakaramba zvimwe) فَوَرَبِّكَ لَنَسۡـَٔلَنَّهُمۡ أَجۡمَعِينَ ٩٢Saka ndinopika naTenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, tichava tinovabvunza vese عَمَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٩٣Maererano neizvo zvavaiita فَٱصۡدَعۡ بِمَا تُؤۡمَرُ وَأَعۡرِضۡ عَنِ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ٩٤Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi إِنَّا كَفَيۡنَٰكَ ٱلۡمُسۡتَهۡزِءِينَ ٩٥Zvirokwazvo! Tichava tinokukwanira kune avo vanokushoropodza ٱلَّذِينَ يَجۡعَلُونَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَۚ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ ٩٦Avo vanosanganisa Allah neumwe mwari; asi vachasvika pakuziva وَلَقَدۡ نَعۡلَمُ أَنَّكَ يَضِيقُ صَدۡرُكَ بِمَا يَقُولُونَ ٩٧Zvirokwazvo, tinoziva kuti zvavanotaura zvinokubata-bata muhana mako فَسَبِّحۡ بِحَمۡدِ رَبِّكَ وَكُن مِّنَ ٱلسَّٰجِدِينَ ٩٨Naizvozvo rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako uye ova pakati peavo vanopfugama وَٱعۡبُدۡ رَبَّكَ حَتَّىٰ يَأۡتِيَكَ ٱلۡيَقِينُ ٩٩Uye namata Tenzi vako kusvikira rufu rwauya kwauri