Millat al-Islam

Chapter 14 · 52 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Ibrahim in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Ibrahim (1352 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

الٓرۚ كِتَٰبٌ أَنزَلۡنَٰهُ إِلَيۡكَ لِتُخۡرِجَ ٱلنَّاسَ مِنَ ٱلظُّلُمَٰتِ إِلَى ٱلنُّورِ بِإِذۡنِ رَبِّهِمۡ إِلَىٰ صِرَٰطِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَمِيدِ ١Alif – Laam – Raa. (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Iri i) Bhuku ratadzikisa kwauri (iwe Muhammad (SAW)) kuti uve unobuditsa vanhu kubva murima (Kusatenda) uchivaisa muchiedza (Islaam) nekuda kwaTenzi vavo, munzira yemukuru wezvose, muridzi werumbidzo ٱللَّهِ ٱلَّذِي لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۗ وَوَيۡلٌ لِّلۡكَٰفِرِينَ مِنۡ عَذَابٍ شَدِيدٍ ٢Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga nepano pasi! Uye matambudziko kune avo vasingatendi kubva kumutongo wakaomarara ٱلَّذِينَ يَسۡتَحِبُّونَ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا عَلَى ٱلۡأٓخِرَةِ وَيَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَيَبۡغُونَهَا عِوَجًاۚ أُوْلَٰٓئِكَ فِي ضَلَٰلِۭ بَعِيدٍ ٣Avo vanosarudza hupenyu hwepano pasi pane hwemangwana, uye vanodzivirira (vanhu) nzira yaAllah (Islaam), uye vanoda kuti ive yakaipa (yakatsweyama). Vakadaro vakarasika zvikuru وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن رَّسُولٍ إِلَّا بِلِسَانِ قَوۡمِهِۦ لِيُبَيِّنَ لَهُمۡۖ فَيُضِلُّ ٱللَّهُ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٤Uye hatina kutumira mutumwa kunze nemutauro wevanhu vake, kuti avajekesere (mashoko). Uye Allah vanorasisa ani nani wavanoda uye vanoratidza gwara ani nani wavanoda. Uye ndivo samasimba ose, vane huchenjeri hwese وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَآ أَنۡ أَخۡرِجۡ قَوۡمَكَ مِنَ ٱلظُّلُمَٰتِ إِلَى ٱلنُّورِ وَذَكِّرۡهُم بِأَيَّىٰمِ ٱللَّهِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّكُلِّ صَبَّارٍ شَكُورٍ ٥Uye zvirokwazvo, takatumira Musa nezviratidzo zvedu (tichiti): “Buritsa vanhu vako murima uchivapinza muchiedza, uye varangaridze makomborero aAllah. Zvirokwazvo, maari mune zviratidzo kune wese ane moyo murefu nekutenda.” وَإِذۡ قَالَ مُوسَىٰ لِقَوۡمِهِ ٱذۡكُرُواْ نِعۡمَةَ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡ إِذۡ أَنجَىٰكُم مِّنۡ ءَالِ فِرۡعَوۡنَ يَسُومُونَكُمۡ سُوٓءَ ٱلۡعَذَابِ وَيُذَبِّحُونَ أَبۡنَآءَكُمۡ وَيَسۡتَحۡيُونَ نِسَآءَكُمۡۚ وَفِي ذَٰلِكُم بَلَآءٌ مِّن رَّبِّكُمۡ عَظِيمٌ ٦Uye (rangarira) Musa paakati kuvanhu vake: “Rangarirai makomborero aAllah kwamuri, apo vakakubuditsai kubva kuvanhu vaFarawo avo vaikutambudzai nemarwadzo akaomarara, vachiuraya vanakomana venyu vachisiya vanasikana venyu; uye mazviri maive nemuedzo mukuru kubva kuna Tenzi venyu.” وَإِذۡ تَأَذَّنَ رَبُّكُمۡ لَئِن شَكَرۡتُمۡ لَأَزِيدَنَّكُمۡۖ وَلَئِن كَفَرۡتُمۡ إِنَّ عَذَابِي لَشَدِيدٌ ٧Uye (rangarira) apo Tenzi venyu vakati: “Kana mukatenda (nekunamata Allah chete), zvirokwazvo, ndichakuwedzerai (makomborero angu); asi kana mukasatenda, zvirokwazvo mutongo wangu wakaomarara.” وَقَالَ مُوسَىٰٓ إِن تَكۡفُرُوٓاْ أَنتُمۡ وَمَن فِي ٱلۡأَرۡضِ جَمِيعًا فَإِنَّ ٱللَّهَ لَغَنِيٌّ حَمِيدٌ ٨Uye Musa akati: “Kana mukasatenda imi nevanhu vese vari munyika, zvirokwazvo, Allah havana chavanoda, muridzi werumbidzo dzose.” أَلَمۡ يَأۡتِكُمۡ نَبَؤُاْ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ قَوۡمِ نُوحٍ وَعَادٍ وَثَمُودَ وَٱلَّذِينَ مِنۢ بَعۡدِهِمۡ لَا يَعۡلَمُهُمۡ إِلَّا ٱللَّهُۚ جَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَرَدُّوٓاْ أَيۡدِيَهُمۡ فِيٓ أَفۡوَٰهِهِمۡ وَقَالُوٓاْ إِنَّا كَفَرۡنَا بِمَآ أُرۡسِلۡتُم بِهِۦ وَإِنَّا لَفِي شَكٍّ مِّمَّا تَدۡعُونَنَآ إِلَيۡهِ مُرِيبٍ ٩Nhau dzeavo vaivepo musati mavapo hadzina kukusvikirai here? Vanhu vaNowa, uye maAad uye maThamood? Uye neavo vakavatevera? Hapana anovaziva kunze kwaAllah. Vatumwa vavo vakauya kwavari nemirairo iri pachena, asi vakapinza maoko avo mumiromo (nokuda kwekutsamwa) uye vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi kune izvo zvamatumwa nazvo, uye hatigutsikani zvikuru neizvo zvamunotikokera kwazviri (Islaam).” ۞ قَالَتۡ رُسُلُهُمۡ أَفِي ٱللَّهِ شَكٌّ فَاطِرِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ يَدۡعُوكُمۡ لِيَغۡفِرَ لَكُم مِّن ذُنُوبِكُمۡ وَيُؤَخِّرَكُمۡ إِلَىٰٓ أَجَلٍ مُّسَمًّىۚ قَالُوٓاْ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُنَا تُرِيدُونَ أَن تَصُدُّونَا عَمَّا كَانَ يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَا فَأۡتُونَا بِسُلۡطَٰنٍ مُّبِينٍ ١٠Vatumwa vavo vakati: “Pangava sei nekusagutsikana naAllah, Musiki wematenga nenyika? Vanokudanai (kuIslaam) kuti vave vanokuregererai zvitadzo zvenyu uye kukupai nguva yekurarama kwenguva yakatarwa.” Vakati: “Hausi umwe munhu mukuru wakangofanana nesu! Uri kushuvira kutitendeudza kubva kune izvo zvainamatwa nemadzibaba edu. Nokudaro tipei humboo huri pachena.” قَالَتۡ لَهُمۡ رُسُلُهُمۡ إِن نَّحۡنُ إِلَّا بَشَرٌ مِّثۡلُكُمۡ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يَمُنُّ عَلَىٰ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦۖ وَمَا كَانَ لَنَآ أَن نَّأۡتِيَكُم بِسُلۡطَٰنٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ١١Vatumwa vavo vakati: “Zvirokwazvo, tiri vanhu vakafanana nemi, asi Allah vanopa nyasha dzavo kuna ani-nani wavanoda kuvaranda vavo. Hazvisi kwatiri kuti tikuunzirei humboo kunze nekuda kwaAllah. Uye regai vatendi vavimbe naAllah.” وَمَا لَنَآ أَلَّا نَتَوَكَّلَ عَلَى ٱللَّهِ وَقَدۡ هَدَىٰنَا سُبُلَنَاۚ وَلَنَصۡبِرَنَّ عَلَىٰ مَآ ءَاذَيۡتُمُونَاۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُتَوَكِّلُونَ ١٢“Uye torega sei kuisa chivimbo chedu muna Allah mushure mekunge zvirokwazvo vatitungamirira munzira yedu? Uye zvirokwazvo ticharamba takatsungrira marwadzo ese amungaite kwatiri. Uye muna Allah regai vanovimba vavimbe.” وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِرُسُلِهِمۡ لَنُخۡرِجَنَّكُم مِّنۡ أَرۡضِنَآ أَوۡ لَتَعُودُنَّ فِي مِلَّتِنَاۖ فَأَوۡحَىٰٓ إِلَيۡهِمۡ رَبُّهُمۡ لَنُهۡلِكَنَّ ٱلظَّٰلِمِينَ ١٣Uye avo vasingatendi vakati kuvatumwa vavo: “Zvirokwazvo, tichakubuditsai munyika medu, kana kuti zvirokwazvo muchadzoka kuchitendero chedu.” Nokudaro Tenzi vavo vakavazarurira (vakavaudza kuti): “Zvirokwazvo, tichaparadza vaiti vezvakaipa.” وَلَنُسۡكِنَنَّكُمُ ٱلۡأَرۡضَ مِنۢ بَعۡدِهِمۡۚ ذَٰلِكَ لِمَنۡ خَافَ مَقَامِي وَخَافَ وَعِيدِ ١٤“Uye zvirokwazvo, tichakuitai vagari vemo mushure mavo. Izvi ndezvekune uyo anotya kumira pamberi pangu (pazuva rekutongwa) uye kutya kutyityidzira kwangu.” وَٱسۡتَفۡتَحُواْ وَخَابَ كُلُّ جَبَّارٍ عَنِيدٍ ١٥Uye (vatumwa) vakatsvaga rubatsiro (kubva kuna Tenzi vavo (Allah)); uye mudzvinyiriri wese anozvitutumadza nekusateerera akaparadzwa مِّن وَرَآئِهِۦ جَهَنَّمُ وَيُسۡقَىٰ مِن مَّآءٍ صَدِيدٍ ١٦Kumberi kwake (mudzvinyiriri) kune Gehena, uye achaitwa kuti anwe mvura inofashaira (inopisa) يَتَجَرَّعُهُۥ وَلَا يَكَادُ يُسِيغُهُۥ وَيَأۡتِيهِ ٱلۡمَوۡتُ مِن كُلِّ مَكَانٍ وَمَا هُوَ بِمَيِّتٍۖ وَمِن وَرَآئِهِۦ عَذَابٌ غَلِيظٌ ١٧Achaidzvuta asingadi, uye zvichamuomera zvikuru kuti aimedze pahuro pake, uye rufu ruchauya kwaari nemativi ose, asi hazombofi uye pamberi pake pachange paine murango wakaomarara مَّثَلُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِرَبِّهِمۡۖ أَعۡمَٰلُهُمۡ كَرَمَادٍ ٱشۡتَدَّتۡ بِهِ ٱلرِّيحُ فِي يَوۡمٍ عَاصِفٍۖ لَّا يَقۡدِرُونَ مِمَّا كَسَبُواْ عَلَىٰ شَيۡءٍۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلضَّلَٰلُ ٱلۡبَعِيدُ ١٨Muenzaniso (Parabhuro) yeavo vasingatendi muna Tenzi vavo, mabasa avo akafanana nemadota, zvokuti apo panovhuvhuta mhepo zvakasimba pazuva rokuvhuvhuta havazokwanisi kuwana chero chii zvacho pane zvavakaita. Uku ndiko kurasika kuri kure kure (nenzira yakatwasuka) أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّۚ إِن يَشَأۡ يُذۡهِبۡكُمۡ وَيَأۡتِ بِخَلۡقٍ جَدِيدٍ ١٩Hauoni here kuti zvirokwazvo Allah ndivo vakasika matenga nenyika zvechokwadi? Kana vakada vanokwanisa kukubvisai uye (pachinzvimbo chenyu) vounza chisikwa chitsva وَمَا ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ بِعَزِيزٍ ٢٠Uye kuna Allah izvi hazvivavomeri وَبَرَزُواْ لِلَّهِ جَمِيعًا فَقَالَ ٱلضُّعَفَٰٓؤُاْ لِلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُوٓاْ إِنَّا كُنَّا لَكُمۡ تَبَعًا فَهَلۡ أَنتُم مُّغۡنُونَ عَنَّا مِنۡ عَذَابِ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍۚ قَالُواْ لَوۡ هَدَىٰنَا ٱللَّهُ لَهَدَيۡنَٰكُمۡۖ سَوَآءٌ عَلَيۡنَآ أَجَزِعۡنَآ أَمۡ صَبَرۡنَا مَا لَنَا مِن مَّحِيصٍ ٢١Uye vose vachamira pamberi paAllah (pazuva rokutongwa), nokudaro avo vasina simba vachati kune avo vaizvitutumadza (madzimambo): “Zvirokwazvo, taitevera imi, saka munokwanisa here kutidzivirirawo chero nechii zvacho kubva kumarwadzo aAllah?” Vachati: “Dai Allah vakatipa gwara, dai takakutungamirirai. Zvakangofanana nesu (iyezvino) kushaya tarisiro, kana kutsungirira, hatina nzvimbo yokutizira.” وَقَالَ ٱلشَّيۡطَٰنُ لَمَّا قُضِيَ ٱلۡأَمۡرُ إِنَّ ٱللَّهَ وَعَدَكُمۡ وَعۡدَ ٱلۡحَقِّ وَوَعَدتُّكُمۡ فَأَخۡلَفۡتُكُمۡۖ وَمَا كَانَ لِيَ عَلَيۡكُم مِّن سُلۡطَٰنٍ إِلَّآ أَن دَعَوۡتُكُمۡ فَٱسۡتَجَبۡتُمۡ لِيۖ فَلَا تَلُومُونِي وَلُومُوٓاْ أَنفُسَكُمۖ مَّآ أَنَا۠ بِمُصۡرِخِكُمۡ وَمَآ أَنتُم بِمُصۡرِخِيَّ إِنِّي كَفَرۡتُ بِمَآ أَشۡرَكۡتُمُونِ مِن قَبۡلُۗ إِنَّ ٱلظَّٰلِمِينَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٢٢Uye Satani achati kana nyaya yatongwa: “Zvirokwazvo, Allah vakakuvimbisai vimbiso yechokwadi. Uye neniwo ndikakuvimbisai, asi ndakakurasisai. Ndakanga ndisina simba pamusoro penyu kunze kwekuti ndakakudanai mukandidavira. Nokudaro musandinenedzere, asi zvinenedzerei pachenyu. Handikwanisi kukubatsirai, kana imi kundibatsirawo. Ndinoramba muitiro wenyu wakare wokundisanganisa naAllah (nekunditeerera muhupenyu hwepasi). Zvirokwazvo, kune mutongo wakaomarara kuvaiti vezvakaipa.” وَأُدۡخِلَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ جَنَّٰتٍ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَا بِإِذۡنِ رَبِّهِمۡۖ تَحِيَّتُهُمۡ فِيهَا سَلَٰمٌ ٢٣Uye kune avo vaitenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, vachapinzwa muParadhiso iro rinoyerera mvura pasi paro, umo vachagara zvachose kuburikidza nekuda kwaTenzi vavo. Kumhoresana kwavo imomo kuchange kuri: “Salaam (Runyararo)!” أَلَمۡ تَرَ كَيۡفَ ضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلًا كَلِمَةً طَيِّبَةً كَشَجَرَةٍ طَيِّبَةٍ أَصۡلُهَا ثَابِتٌ وَفَرۡعُهَا فِي ٱلسَّمَآءِ ٢٤Hauoni here kuti Allah vanopa sei muenzaniso? Shoko rakanaka rakafanana nemuti wakanaka, midzi yawo yakabatirira zvakanyanya, uye mapazi awo anobata denga تُؤۡتِيٓ أُكُلَهَا كُلَّ حِينِۭ بِإِذۡنِ رَبِّهَاۗ وَيَضۡرِبُ ٱللَّهُ ٱلۡأَمۡثَالَ لِلنَّاسِ لَعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ ٢٥Uchipa michero yawo nguva dzose nokuda kwaTenzi wawo, uye Allah vanopa mienzaniso kuvanhu kuti vave vanorangarira وَمَثَلُ كَلِمَةٍ خَبِيثَةٍ كَشَجَرَةٍ خَبِيثَةٍ ٱجۡتُثَّتۡ مِن فَوۡقِ ٱلۡأَرۡضِ مَا لَهَا مِن قَرَارٍ ٢٦Uye muenzaniso weshoko rakashata wakafanana nemuti wakaipa wakadzurika kubva muivhu renyika, usina kutsigira يُثَبِّتُ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِٱلۡقَوۡلِ ٱلثَّابِتِ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِۖ وَيُضِلُّ ٱللَّهُ ٱلظَّٰلِمِينَۚ وَيَفۡعَلُ ٱللَّهُ مَا يَشَآءُ ٢٧Allah vanotsigira (vanosimbisa) avo vanotenda neshoko rine simba muhupenyu hwepasi pano, uye muhupenyu hwemangwana. Uye Allah vanoita kuti vasingatendi (vaiti vezvakaipa) varasike. Uye Allah vanoita zvavanoda ۞ أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ بَدَّلُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ كُفۡرًا وَأَحَلُّواْ قَوۡمَهُمۡ دَارَ ٱلۡبَوَارِ ٢٨Hauna kuona here avo vakashandura makomborero aAllah kuva kusatenda (nekuramba Muporofita Muhammd (SAW)), uye vakaita kuti vanhu vavo vapinde muimba yokuparadzwa جَهَنَّمَ يَصۡلَوۡنَهَاۖ وَبِئۡسَ ٱلۡقَرَارُ ٢٩Gehena, kwavachatsvira, uye inzvimbo yakaipa yokugara وَجَعَلُواْ لِلَّهِ أَندَادًا لِّيُضِلُّواْ عَن سَبِيلِهِۦۗ قُلۡ تَمَتَّعُواْ فَإِنَّ مَصِيرَكُمۡ إِلَى ٱلنَّارِ ٣٠Uye vakarongera Allah vapikisi kuti vave vanobuditsa (vanhu) munzira yavo (Allah)! Iti: “Farai (nekahupenyu kenyu kapfupi)! Asi zvirokwazvo, magumo enyu imoto (Gehena)!” قُل لِّعِبَادِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ يُقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَيُنفِقُواْ مِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ سِرًّا وَعَلَانِيَةً مِّن قَبۡلِ أَن يَأۡتِيَ يَوۡمٌ لَّا بَيۡعٌ فِيهِ وَلَا خِلَٰلٌ ٣١Iti (Muhammad (SAW)) kuvaranda vangu avo vakatenda, kuti vave vanoita munamato (Swalaah), uye kupa kubva kune izvo zvatakavapa muchihwande uye pachena, risati rasvika zuva iro risina kutengeserana kana ushamwari ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَأَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَأَخۡرَجَ بِهِۦ مِنَ ٱلثَّمَرَٰتِ رِزۡقًا لَّكُمۡۖ وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلۡفُلۡكَ لِتَجۡرِيَ فِي ٱلۡبَحۡرِ بِأَمۡرِهِۦۖ وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلۡأَنۡهَٰرَ ٣٢Allah ndivo vakasika matenga nenyika uye vanotumira mvura kubva kudenga, uye kubva mairi munobuda michero sechikafu chenyu; uye vakakugadzirirai ngarava idzo dzinofamba pamusoro pemvura nemurairo wavo; uye vakakugadzirirai nzizi وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ دَآئِبَيۡنِۖ وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ ٣٣Uye vakakugadzirirai zuva uye mwedzi, izvo zvinotevedza nzira yazvo, uye vakava vanokugadzirirai husiku nemasikati وَءَاتَىٰكُم مِّن كُلِّ مَا سَأَلۡتُمُوهُۚ وَإِن تَعُدُّواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ لَا تُحۡصُوهَآۗ إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَظَلُومٌ كَفَّارٌ ٣٤Uye vakava vanokupai zvese zvamunovakumbira, uye kana mukati muverenge makomborero aAllah, hamufi makakwanisa kumaverenga. Zvirokwazvo, munhu mukuru wekuita zvakaipa, nekusatenda وَإِذۡ قَالَ إِبۡرَٰهِيمُ رَبِّ ٱجۡعَلۡ هَٰذَا ٱلۡبَلَدَ ءَامِنًا وَٱجۡنُبۡنِي وَبَنِيَّ أَن نَّعۡبُدَ ٱلۡأَصۡنَامَ ٣٥Uye (rangarira) apo Ibrahim (Abrahamu) akati: “Imi Tenzi vangu! Itai kuti Guta iri (Makkah) rive rine runyararo uye kugadzikana, uye ndichengetedzei uye nevanakomana vangu mukunamata zvidhori.” رَبِّ إِنَّهُنَّ أَضۡلَلۡنَ كَثِيرًا مِّنَ ٱلنَّاسِۖ فَمَن تَبِعَنِي فَإِنَّهُۥ مِنِّيۖ وَمَنۡ عَصَانِي فَإِنَّكَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ٣٦“Imi Tenzi vangu! Zvirokwazvo, zvarasisa vanhu vakawanda munyika. Asi ani nani achanditevera, zvirokwazvo ndewangu. Uye ani nani asinganditeereri, magara muzvirokwazvo mune ruregerero rwese, netsitsi dzose.” رَّبَّنَآ إِنِّيٓ أَسۡكَنتُ مِن ذُرِّيَّتِي بِوَادٍ غَيۡرِ ذِي زَرۡعٍ عِندَ بَيۡتِكَ ٱلۡمُحَرَّمِ رَبَّنَا لِيُقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ فَٱجۡعَلۡ أَفۡـِٔدَةً مِّنَ ٱلنَّاسِ تَهۡوِيٓ إِلَيۡهِمۡ وَٱرۡزُقۡهُم مِّنَ ٱلثَّمَرَٰتِ لَعَلَّهُمۡ يَشۡكُرُونَ ٣٧“Imi Tenzi vedu! Ndaita kuti vamwe vevana vangu vagare mubani risingarimike padyo nemba yenyu tsvene (Ka’abah iri kuMakkah). Imi Tenzi vedu! Kuti vave vanoita munamato (Swalaah). Nokudaro zadzai moyo yevamwe vanhu nerudo kwavari, uye vapei michero kuti vave vanotenda.” رَبَّنَآ إِنَّكَ تَعۡلَمُ مَا نُخۡفِي وَمَا نُعۡلِنُۗ وَمَا يَخۡفَىٰ عَلَى ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِي ٱلسَّمَآءِ ٣٨“Imi Tenzi vedu! Zvirokwazvo, munoziva zvatinovanza nezvatinobuditsa. Hapana chiri munyika kana kumatenga chakavigika kubva kuna Allah.” ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي وَهَبَ لِي عَلَى ٱلۡكِبَرِ إِسۡمَٰعِيلَ وَإِسۡحَٰقَۚ إِنَّ رَبِّي لَسَمِيعُ ٱلدُّعَآءِ ٣٩“Rumbidzo dzose uye nekutenda ndezva Allah, avo vandipa ndachembera Ishumaeri naIsaka. Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo zvirokwazvo munzwi mukuru wezvikumbiro.” رَبِّ ٱجۡعَلۡنِي مُقِيمَ ٱلصَّلَوٰةِ وَمِن ذُرِّيَّتِيۚ رَبَّنَا وَتَقَبَّلۡ دُعَآءِ ٤٠“Imi Tenzi vangu! Ndiitei umwe weavo vanomira vachiita munamato (Swalaah), uye nekuvana vangu, Imi Tenzi vedu! Uye gamuchirai chikumbiro changu.” رَبَّنَا ٱغۡفِرۡ لِي وَلِوَٰلِدَيَّ وَلِلۡمُؤۡمِنِينَ يَوۡمَ يَقُومُ ٱلۡحِسَابُ ٤١“Imi Tenzi vedu! Ndiregererei nevabereki vangu, uye nevatendi vose pazuva iro kubvunzurudzwa (kutongwa) kuchaitika.” وَلَا تَحۡسَبَنَّ ٱللَّهَ غَٰفِلًا عَمَّا يَعۡمَلُ ٱلظَّٰلِمُونَۚ إِنَّمَا يُؤَخِّرُهُمۡ لِيَوۡمٍ تَشۡخَصُ فِيهِ ٱلۡأَبۡصَٰرُ ٤٢Musafunga kuti Allah havazivi zvinoitwa nevaiti vezvakaipa, asi vanovapa nguva kusvika zuva iro maziso avo achange akadzvokora akatarisa zvinotyisa مُهۡطِعِينَ مُقۡنِعِي رُءُوسِهِمۡ لَا يَرۡتَدُّ إِلَيۡهِمۡ طَرۡفُهُمۡۖ وَأَفۡـِٔدَتُهُمۡ هَوَآءٌ ٤٣(Vachange) vachimhanya vakarebesa huro dzavo, misoro yavo yakasimudzwa, maziso avo asingadzoke kwavari uye moyo yavo isina chinhu (nekutya zvikuru) وَأَنذِرِ ٱلنَّاسَ يَوۡمَ يَأۡتِيهِمُ ٱلۡعَذَابُ فَيَقُولُ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ رَبَّنَآ أَخِّرۡنَآ إِلَىٰٓ أَجَلٍ قَرِيبٍ نُّجِبۡ دَعۡوَتَكَ وَنَتَّبِعِ ٱلرُّسُلَۗ أَوَلَمۡ تَكُونُوٓاْ أَقۡسَمۡتُم مِّن قَبۡلُ مَا لَكُم مِّن زَوَالٍ ٤٤Uye (Muhammad (SAW)) yambira vanhu nezve zuva richauya marwadzo kwavari; uye vaiti vezvakaipa vachati: “Tenzi vedu! Tipeiwo kanguva kadiki, tichadavira kudana kwenyu uye kutevera vatumwa!” (Zvichanzi): “Hamuna here mushure kupika kuti hamusi kuzobva (munyika muchienda kuhupenyu hwamangwana)?” وَسَكَنتُمۡ فِي مَسَٰكِنِ ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَتَبَيَّنَ لَكُمۡ كَيۡفَ فَعَلۡنَا بِهِمۡ وَضَرَبۡنَا لَكُمُ ٱلۡأَمۡثَالَ ٤٥“Uye maigara mudzimba dzeavo vakazvitadzira pachavo, uye zvakanga zviri pachena kwamuri kuti takaita navo sei. Uye tikava tinokupai mienzaniso.” وَقَدۡ مَكَرُواْ مَكۡرَهُمۡ وَعِندَ ٱللَّهِ مَكۡرُهُمۡ وَإِن كَانَ مَكۡرُهُمۡ لِتَزُولَ مِنۡهُ ٱلۡجِبَالُ ٤٦Zvirokwazvo, vakaronga hurongwa hwavo, uye hurongwa hwavo hwanga huna Allah, kunyange hurongwa hwavo hwanga usingakwanisi kubvisa makomo kubva panzvimbo yawo (makomo chaiwo kana mitemo yeIslaam) فَلَا تَحۡسَبَنَّ ٱللَّهَ مُخۡلِفَ وَعۡدِهِۦ رُسُلَهُۥٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَزِيزٌ ذُو ٱنتِقَامٍ ٤٧Musafunge kuti Allah havakwanisi kuchengetedza vimbiso yavo kuvatumwa vavo. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba ose, vanokwanisa kutsiva يَوۡمَ تُبَدَّلُ ٱلۡأَرۡضُ غَيۡرَ ٱلۡأَرۡضِ وَٱلسَّمَٰوَٰتُۖ وَبَرَزُواْ لِلَّهِ ٱلۡوَٰحِدِ ٱلۡقَهَّارِ ٤٨Pazuva richachinjwa nyika kuita imwe nyika kunyange matenga, uye (zvisikwa zvese) zvichamira pamberi paAllah, vamwechete, vasingakundike وَتَرَى ٱلۡمُجۡرِمِينَ يَوۡمَئِذٍ مُّقَرَّنِينَ فِي ٱلۡأَصۡفَادِ ٤٩Uye uchaona vatadzi pazuva iri vakasungwa pamwechete nengetani سَرَابِيلُهُم مِّن قَطِرَانٍ وَتَغۡشَىٰ وُجُوهَهُمُ ٱلنَّارُ ٥٠Zvipfeko zvavo zviri zverudzi rwebhitumini, uye moto wakavhara zviso zvavo لِيَجۡزِيَ ٱللَّهُ كُلَّ نَفۡسٍ مَّا كَسَبَتۡۚ إِنَّ ٱللَّهَ سَرِيعُ ٱلۡحِسَابِ ٥١Allah vachapa mubairo munhu wega wega maererano nezvaakaita. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza mumatongero avo هَٰذَا بَلَٰغٌ لِّلنَّاسِ وَلِيُنذَرُواْ بِهِۦ وَلِيَعۡلَمُوٓاْ أَنَّمَا هُوَ إِلَٰهٌ وَٰحِدٌ وَلِيَذَّكَّرَ أُوْلُواْ ٱلۡأَلۡبَٰبِ ٥٢Iri (Qur’aan) ishoko revanhu vose kuti vave vanoyambirwa naro, uye kuti vave vanoziva kuti ndivo Mwari voga (hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah), uye kuti vanhu vanonzwisisa vave vanorangarira

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.