Millat al-Islam

Chapter 75 · 40 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Qiyama in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Qiyama (1375 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

لَآ أُقۡسِمُ بِيَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ ١Ndinopika nezuva rokumutswa وَلَآ أُقۡسِمُ بِٱلنَّفۡسِ ٱللَّوَّامَةِ ٢Zvekare ndinopika nemoyo unozvipomera mhaka (mutendi) أَيَحۡسَبُ ٱلۡإِنسَٰنُ أَلَّن نَّجۡمَعَ عِظَامَهُۥ ٣Asi munhu (asingatendi) anofunga kuti hatizounganidza mapfupa ake بَلَىٰ قَٰدِرِينَ عَلَىٰٓ أَن نُّسَوِّيَ بَنَانَهُۥ ٤Hongu. Tinokwanisa kuunganidza minwe yake zvakarongeka بَلۡ يُرِيدُ ٱلۡإِنسَٰنُ لِيَفۡجُرَ أَمَامَهُۥ ٥Asi munhu (anoramba chiito chokumutswa kubva kuvafi nekutongwa saka naizvozvo) anoshuwira kuramba achiita zvitadzo يَسۡـَٔلُ أَيَّانَ يَوۡمُ ٱلۡقِيَٰمَةِ ٦Anobvunza: “Zuva iri rokumutswa richave rinhiko?” فَإِذَا بَرِقَ ٱلۡبَصَرُ ٧Saka naizvozvo apo maziso paachabatwa nechipapadzungu (paachavhiringidzwa) وَخَسَفَ ٱلۡقَمَرُ ٨Zvekare mwedzi pauchadzikatidza (uchaora) وَجُمِعَ ٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُ ٩Uye apo pachabatanidzwa zuva nemwedzi (pazvichapindana) يَقُولُ ٱلۡإِنسَٰنُ يَوۡمَئِذٍ أَيۡنَ ٱلۡمَفَرُّ ١٠Pazuva iroro munhu achati: “Ko ndekupiko kwekutizira?” كـَلَّا لَا وَزَرَ ١١Kwete! Hakuna kwekuhwanda إِلَىٰ رَبِّكَ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡمُسۡتَقَرُّ ١٢Kuna Tenzi vako pazuva iroro ndiko kuchange kune nzvimbo yekuzororera يُنَبَّؤُاْ ٱلۡإِنسَٰنُ يَوۡمَئِذِۭ بِمَا قَدَّمَ وَأَخَّرَ ١٣Pazuva iroro munhu acharondedzerwa (achaudzwa) maererano nezvaakaita zvaakatungamidza (zvakanaka nezvakaipa), zvekare nezvaakasiya (zvakanaka nezvakaipa) بَلِ ٱلۡإِنسَٰنُ عَلَىٰ نَفۡسِهِۦ بَصِيرَةٌ ١٤Asi munhu achazvipupurira (sezvo nhengo dzomuviri wake (maoko, makumbo, ganda nezvimwewo) zvichitaura maererano nemabasa ake وَلَوۡ أَلۡقَىٰ مَعَاذِيرَهُۥ ١٥Nyangwe zvazvo anenge achipa maboterero (mirangariro) لَا تُحَرِّكۡ بِهِۦ لِسَانَكَ لِتَعۡجَلَ بِهِۦٓ ١٦Usatombofambisa rurimi rwako hako nayo (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuti rikurumidze kuuya kwauri إِنَّ عَلَيۡنَا جَمۡعَهُۥ وَقُرۡءَانَهُۥ ١٧Zvirokwazvo, zviri kwatiri isusu zvekuriunganidza uyezve nekukupa (iwe Muhammad (SAW)) masimba ekuriverenga (Qur’aan) فَإِذَا قَرَأۡنَٰهُ فَٱتَّبِعۡ قُرۡءَانَهُۥ ١٨Naizvozvo kana tichinge takuverengera (Qur’aan iwe Muhammad (SAW)) kuburikidza naJibreel (Gabriel (AS)) saka tevedzera maverengero aro (Qur’aan) ثُمَّ إِنَّ عَلَيۡنَا بَيَانَهُۥ ١٩Pedzezvo, zvirokwazvo zviri kwatiri isu kuti tinyatsoritsetsenura (tiri jekese) kwauri كـَلَّا بَلۡ تُحِبُّونَ ٱلۡعَاجِلَةَ ٢٠Kwete! (Semafungiro enyu, kuti imi (vanhu) hamuzomutswe kubva kuvafi uyezve nekutongwa pamwe nekupihwa mibairo yemabasa enyu), asi kuti munoda hupenyu hwepasi pano وَتَذَرُونَ ٱلۡأٓخِرَةَ ٢١Zvekare, munokanganwa hupenyu hwekuAakhirah (hwamangwana) وُجُوهٌ يَوۡمَئِذٍ نَّاضِرَةٌ ٢٢Zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Naadirah (Zvichipenyerera) إِلَىٰ رَبِّهَا نَاظِرَةٌ ٢٣Zvakatarisa kuna Tenzi vazvo (zviso izvozvo) وَوُجُوهٌ يَوۡمَئِذِۭ بَاسِرَةٌ ٢٤Zvekare zvimwe zviso pazuva iroro zvichange zviri Baasirah (zvakafinyama, zvakatsamwa kwete zvokutamba zviya, zvakasvibirira) تَظُنُّ أَن يُفۡعَلَ بِهَا فَاقِرَةٌ ٢٥(Zviso izvi) zvichange zvichifunga kuti nhamo yavakuda kuzviwira كـَلَّآ إِذَا بَلَغَتِ ٱلتَّرَاقِيَ ٢٦Kwete! Kana (mweya womunhu) uchinge wasvika pabondo (mapfupa ari pedyo nehuro) وَقِيلَ مَنۡۜ رَاقٍ ٢٧Zvekare zvichanzi: “Ndiani angamurape (uyezve nekumubatsira kubva kurufu)?” وَظَنَّ أَنَّهُ ٱلۡفِرَاقُ ٢٨Uyezve iye (uyo avakuda kufa) achatenda kuti yave nguva yekusiyana (rufu) وَٱلۡتَفَّتِ ٱلسَّاقُ بِٱلسَّاقِ ٢٩Zvekare rimwe gumbo richabatanidzwa nerimwe (aputirwa mumicheka yeKAFAN) إِلَىٰ رَبِّكَ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡمَسَاقُ ٣٠Pazuva iroro svudzo (kutinhirwa kwevanhu vese vakananga kuna Allah) inenge iri, kuna Tenzi vako (Allah) فَلَا صَدَّقَ وَلَا صَلَّىٰ ٣١Saka naizvozvo, (uyo asingatendi) haana kutenda (muQur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) kana kunamata وَلَٰكِن كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰ ٣٢Asi akaramba (Qur’aan neshoko raMuhammad (SAW)) pamwe nekufuratira ثُمَّ ذَهَبَ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِۦ يَتَمَطَّىٰٓ ٣٣Pedzezvo ndokuenda kune mhuri yake achizvikudza (achizvida chose) أَوۡلَىٰ لَكَ فَأَوۡلَىٰ ٣٤Yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri ثُمَّ أَوۡلَىٰ لَكَ فَأَوۡلَىٰٓ ٣٥Pedzezvo yambiro kwauri (iwe usingatendi)! Uyezve (zvekare) yambiro kwauri أَيَحۡسَبُ ٱلۡإِنسَٰنُ أَن يُتۡرَكَ سُدًى ٣٦Asi munhu anofunga here kuti achangosiiwa (asina kutongeswa kana kuti asina kurangwa pamwe nekupihwa mibairo yake yezvaaiita naTenzi vake Allah) أَلَمۡ يَكُ نُطۡفَةً مِّن مَّنِيٍّ يُمۡنَىٰ ٣٧Akanga asiri Nutfah (urete hwababa naamai) here hwehurete hwakaburitswa ثُمَّ كَانَ عَلَقَةً فَخَلَقَ فَسَوَّىٰ ٣٨Pedzezvo akava Alaqah (kagovo – karopa kakagwamba). Naizvozvo (Allah) ndokuzomuumba nekumunatsurudza zvakaenzana فَجَعَلَ مِنۡهُ ٱلزَّوۡجَيۡنِ ٱلذَّكَرَ وَٱلۡأُنثَىٰٓ ٣٩Naizvozvo kubva maari (Allah) vakagadzira zvisikwa zviviri (mhando mbiri), chirume nechikadzi أَلَيۡسَ ذَٰلِكَ بِقَٰدِرٍ عَلَىٰٓ أَن يُحۡـِۧيَ ٱلۡمَوۡتَىٰ ٤٠Havasirivo here (Allah avo) vane simba rokupa hupenyu kuvafi? (Hongu! Allah vane masimba ekuita zvose)

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.