بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
هَلۡ أَتَىٰ عَلَى ٱلۡإِنسَٰنِ حِينٌ مِّنَ ٱلدَّهۡرِ لَمۡ يَكُن شَيۡـًٔا مَّذۡكُورًا ١Paiva pasina here nguva apo munhu aive chimwe chinhu chaisataurwa إِنَّا خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن نُّطۡفَةٍ أَمۡشَاجٍ نَّبۡتَلِيهِ فَجَعَلۡنَٰهُ سَمِيعَۢا بَصِيرًا ٢Zvirokwazvo, takasika munhu kubva kuNutfah yakazangana (mvura yepabonde yemurume nemukadzi) kuti tive tino muedza. Saka takamuita kuti ave munzwi nemuoni إِنَّا هَدَيۡنَٰهُ ٱلسَّبِيلَ إِمَّا شَاكِرًا وَإِمَّا كَفُورًا ٣Zvirokwazvo, takamuratidza gwara, kunyangwe akave anotenda kana kusatenda إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلۡكَٰفِرِينَ سَلَٰسِلَاْ وَأَغۡلَٰلًا وَسَعِيرًا ٤Zvirokwazvo, takave tinogadzirira vasingatendi ngetani dzesimbi, zvichangadzo zvesimbi, uye nemoto unovirima إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ يَشۡرَبُونَ مِن كَأۡسٍ كَانَ مِزَاجُهَا كَافُورًا ٥Zvirokwazvo, avo vanotenda vachave vanomwa komichi (yewaini) yakasanganiswa ne (mvura kubva muchitubu chinonzi) Kaafoor عَيۡنًا يَشۡرَبُ بِهَا عِبَادُ ٱللَّهِ يُفَجِّرُونَهَا تَفۡجِيرًا ٦Chitubu icho varanda vaAllah vachamwa, vochiita kuti chipopome zvakanyanya يُوفُونَ بِٱلنَّذۡرِ وَيَخَافُونَ يَوۡمًا كَانَ شَرُّهُۥ مُسۡتَطِيرًا ٧Ndivo (avo) vanozadzikisa mhiko (dzavo), uye vanotya zuva zvakaipa zvaro zvichafararira وَيُطۡعِمُونَ ٱلطَّعَامَ عَلَىٰ حُبِّهِۦ مِسۡكِينًا وَيَتِيمًا وَأَسِيرًا ٨Uye vanopa chikafu, kunyangwe vanerudo nacho (kana kuti vachiratidza rudo kwavari Allah), kune anoshaya, nherera, uye mubatwi إِنَّمَا نُطۡعِمُكُمۡ لِوَجۡهِ ٱللَّهِ لَا نُرِيدُ مِنكُمۡ جَزَآءً وَلَا شُكُورًا ٩(Vachiti): “Tinokudyisai kuri kutsvaga Nyasha dzaAllah chete. Hatidi mubairo kana kutendwa kubva kwamuri.” إِنَّا نَخَافُ مِن رَّبِّنَا يَوۡمًا عَبُوسًا قَمۡطَرِيرًا ١٠“Zvirokwazvo, tinotya kubva kuna Tenzi vedu iro zuva rakaoma uye kushaiwa, richaita kuti zviso zvityise (kubva mukusarida).” فَوَقَىٰهُمُ ٱللَّهُ شَرَّ ذَٰلِكَ ٱلۡيَوۡمِ وَلَقَّىٰهُمۡ نَضۡرَةً وَسُرُورًا ١١Naizvozvo Allah vakave vanova nunura kubva muhuipi wezuva racho, uye vakave vanovapa Nadrah (chiedza cherunako) uye mufaro وَجَزَىٰهُم بِمَا صَبَرُواْ جَنَّةً وَحَرِيرًا ١٢Uye mubairo wavo uchave Paradhiso, uye magamenzi esiriki, nemhaka yokuti vaiva vanotsungirira مُّتَّكِـِٔينَ فِيهَا عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِۖ لَا يَرَوۡنَ فِيهَا شَمۡسًا وَلَا زَمۡهَرِيرًا ١٣Vakatsamhira imomo pamatendamo akakwirira. Havaoni varimo kupisa kwakanyanya, kana kutonhorwa kwakanyanya (sezvo kuParadhiso hakuna zuva kana mwedzi) وَدَانِيَةً عَلَيۡهِمۡ ظِلَٰلُهَا وَذُلِّلَتۡ قُطُوفُهَا تَذۡلِيلًا ١٤Uye mvuri wemo unenge uri pavari, uye nemapazi emichero achava anorembera pedyo navo وَيُطَافُ عَلَيۡهِم بِـَٔانِيَةٍ مِّن فِضَّةٍ وَأَكۡوَابٍ كَانَتۡ قَوَارِيرَا۠ ١٥Uye pakati pavo pachava pano fambiswa midziyo yesirivha uye nemakomichi egirazi قَوَارِيرَاْ مِن فِضَّةٍ قَدَّرُوهَا تَقۡدِيرًا ١٦Girazi rakachena, rakagadzirwa nesirivha. Vachave vanosarudza huwandu hwawo (nekuda kwavo) وَيُسۡقَوۡنَ فِيهَا كَأۡسًا كَانَ مِزَاجُهَا زَنجَبِيلًا ١٧Uye vachapiwa kuti vamwe komichi (yewaini) yakazanganiswa neZanjabeel (Tsangamidzi) عَيۡنًا فِيهَا تُسَمَّىٰ سَلۡسَبِيلًا ١٨Kune chitubu imomo chinonzi Salsabeel ۞ وَيَطُوفُ عَلَيۡهِمۡ وِلۡدَٰنٌ مُّخَلَّدُونَ إِذَا رَأَيۡتَهُمۡ حَسِبۡتَهُمۡ لُؤۡلُؤًا مَّنثُورًا ١٩Uye pavari pachave nemajaya (vachiva pakurira) vaine hujaya husingaperi. Kana ukavaona, unofunga kuti matombo akakosha (mapera) akafararira وَإِذَا رَأَيۡتَ ثَمَّ رَأَيۡتَ نَعِيمًا وَمُلۡكًا كَبِيرًا ٢٠Uye ukatarisa imomo (muParadhiso), unoona zvakanaka (izvo zvisingafungirike), uye nenyika huru عَٰلِيَهُمۡ ثِيَابُ سُندُسٍ خُضۡرٌ وَإِسۡتَبۡرَقٌۖ وَحُلُّوٓاْ أَسَاوِرَ مِن فِضَّةٍ وَسَقَىٰهُمۡ رَبُّهُمۡ شَرَابًا طَهُورًا ٢١Pavari vanenge vaine hanzu dzegirini dzakapfava dzakanaka uye siriki yakakora. Vanenge vakashongedzwa nejati dzesirivha, uye Tenzi vavo vachavapa kumwa kwakachena إِنَّ هَٰذَا كَانَ لَكُمۡ جَزَآءً وَكَانَ سَعۡيُكُم مَّشۡكُورًا ٢٢(Uye zvichanzi kwavari): “Zvirokwazvo mubairo ndewenyu, uye mabasa enyu atambirwa.” إِنَّا نَحۡنُ نَزَّلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡقُرۡءَانَ تَنزِيلًا ٢٣Zvirokwazvo, tisu takatumidza (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muzvidimbu فَٱصۡبِرۡ لِحُكۡمِ رَبِّكَ وَلَا تُطِعۡ مِنۡهُمۡ ءَاثِمًا أَوۡ كَفُورًا ٢٤Saka iva unotsungirira kumirairo ya Tenzi vako, uye usave unoteerera mutadzi kana asingatendi kubva mavari وَٱذۡكُرِ ٱسۡمَ رَبِّكَ بُكۡرَةً وَأَصِيلًا ٢٥Uye rangarira zita raTenzi vako mangwanani uye nemasikati (nekuita minamato yeFajr, Dhuhr neAsr) وَمِنَ ٱلَّيۡلِ فَٱسۡجُدۡ لَهُۥ وَسَبِّحۡهُ لَيۡلًا طَوِيلًا ٢٦Uye nguva yeusiku, pfugama kwavari (nekuita munamato weMaghrib neIsha), uye varumbidze muhusiku hurefu (Nemunamato weTahajjud) إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ يُحِبُّونَ ٱلۡعَاجِلَةَ وَيَذَرُونَ وَرَآءَهُمۡ يَوۡمًا ثَقِيلًا ٢٧Zvirokwazvo, ava (vasingatendi) vanoda upenyu wepano pasi, uye vanosendeka shure zuva rinorema (iro rinenge rakaoma) نَّحۡنُ خَلَقۡنَٰهُمۡ وَشَدَدۡنَآ أَسۡرَهُمۡۖ وَإِذَا شِئۡنَا بَدَّلۡنَآ أَمۡثَٰلَهُمۡ تَبۡدِيلًا ٢٨Tisu takavasika, uye tikavaiita zvigwindiri. Kana tichida, zvirokwazvo tinokwanisa kuunza vamwe vanhu vakafanana navo panzvimbo yavo إِنَّ هَٰذِهِۦ تَذۡكِرَةٌۖ فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ سَبِيلًا ٢٩Zvirokwazvo iyi (ndima) iyeuchidzo, saka kune uyo anoda, ngaasarudze nzira yekuna Tenzi vake (Allah) وَمَا تَشَآءُونَ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ عَلِيمًا حَكِيمًا ٣٠Asi hamudi, kunze ivo Allah vada. Zvirokwazvo Allah ndivo muzivi wezvose, muchenjeri يُدۡخِلُ مَن يَشَآءُ فِي رَحۡمَتِهِۦۚ وَٱلظَّٰلِمِينَ أَعَدَّ لَهُمۡ عَذَابًا أَلِيمَۢا ٣١Vachaisa mutsitsi dzavo uyo wevaranda wavanoda. Asi avo vanoita zvakaipa vakavagadzirira dambudzo rinorwadza