بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
عَمَّ يَتَسَآءَلُونَ ١Vanobvunzana maererano nei عَنِ ٱلنَّبَإِ ٱلۡعَظِيمِ ٢Maererano nenhaurwa huru (Islaam, Qur’aan iri uye Zuva Rekutongwa) ٱلَّذِي هُمۡ فِيهِ مُخۡتَلِفُونَ ٣Pamusoro payo vanopokana كـَلَّا سَيَعۡلَمُونَ ٤Hongu, vachazviziva ثُمَّ كـَلَّا سَيَعۡلَمُونَ ٥Hongu, vachazviziva zvekare أَلَمۡ نَجۡعَلِ ٱلۡأَرۡضَ مِهَٰدًا ٦Hatina here kusika pasi semubhedha وَٱلۡجِبَالَ أَوۡتَادًا ٧Uye makomo sehoko وَخَلَقۡنَٰكُمۡ أَزۡوَٰجًا ٨Zvakare tikave tinokusikai muri vaviri vaviri (murume nemukadzi, akareba neakapfupika, akanaka neakaipa) وَجَعَلۡنَا نَوۡمَكُمۡ سُبَاتًا ٩Uye tikava tinokupai hope kuti muve munozorora وَجَعَلۡنَا ٱلَّيۡلَ لِبَاسًا ١٠Uye tikave tinosika usiku sehwidibiro وَجَعَلۡنَا ٱلنَّهَارَ مَعَاشًا ١١Uye takasika masikati kuti muwane raramo وَبَنَيۡنَا فَوۡقَكُمۡ سَبۡعًا شِدَادًا ١٢Tikava tinovaka pamusoro penyu matenga manomwe وَجَعَلۡنَا سِرَاجًا وَهَّاجًا ١٣Uye tikasika mwenje unopenya (zuva) وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلۡمُعۡصِرَٰتِ مَآءً ثَجَّاجًا ١٤Uye tikatumira mvura zhinji kubva kumakore لِّنُخۡرِجَ بِهِۦ حَبًّا وَنَبَاتًا ١٥Kuti tive tinoburitsa zvirimwa وَجَنَّٰتٍ أَلۡفَافًا ١٦Uye nemapindu ezvirimwa zvakabatana zvakasvibira إِنَّ يَوۡمَ ٱلۡفَصۡلِ كَانَ مِيقَٰتًا ١٧Zvirokwazvo, zuva remutongo inguva yakatarwa يَوۡمَ يُنفَخُ فِي ٱلصُّورِ فَتَأۡتُونَ أَفۡوَاجًا ١٨Zuva iro richaridzwa hwamanda, uye muchauya muri muzvikwata وَفُتِحَتِ ٱلسَّمَآءُ فَكَانَتۡ أَبۡوَٰبًا ١٩Uye matenga achavhurwa oita segonhi وَسُيِّرَتِ ٱلۡجِبَالُ فَكَانَتۡ سَرَابًا ٢٠Uye makomo achabviswa munzvimbo dzawo sezvinonzi aiva madzimudzangara إِنَّ جَهَنَّمَ كَانَتۡ مِرۡصَادًا ٢١Zvirokwazvo, Gehena inzvimbo yakaipa لِّلطَّٰغِينَ مَـَٔابًا ٢٢Nzvimbo ichapindwa neavo vanotyora mirawo yaAllah لَّٰبِثِينَ فِيهَآ أَحۡقَابًا ٢٣Vachapindamo zvachose لَّا يَذُوقُونَ فِيهَا بَرۡدًا وَلَا شَرَابًا ٢٤Hapana kana chinwiwa chichange chichitonhorera chavachamwa imomo, kana chinwiwa chipi zvacho إِلَّا حَمِيمًا وَغَسَّاقًا ٢٥Kusara kwemvura yakwatiswa, uye nezvose zvakaipa zvinobuda pamuviri جَزَآءً وِفَاقًا ٢٦Mubairo unoenderana nezvavaiita إِنَّهُمۡ كَانُواْ لَا يَرۡجُونَ حِسَابًا ٢٧Zvirokwazvo, vakange vasingambotarisiri kuzotongwa وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا كِذَّابًا ٢٨Uye vakaramba zviratidzo zvedu zvachose وَكُلَّ شَيۡءٍ أَحۡصَيۡنَٰهُ كِتَٰبًا ٢٩Uye zvinhu zvose takave tinozvinyora muGwaro فَذُوقُواْ فَلَن نَّزِيدَكُمۡ إِلَّا عَذَابًا ٣٠Saka chiravirai (magumo emabasa enyu akaipa). Hatisi kuzokuwedzerai kusara kwemarwadzo إِنَّ لِلۡمُتَّقِينَ مَفَازًا ٣١Muzvokwadi, kune avo vanotya Allah kuchange kune budiriro (Paradhiso) حَدَآئِقَ وَأَعۡنَٰبًا ٣٢Yemapindu nemagirepi وَكَوَاعِبَ أَتۡرَابًا ٣٣Uye mhandara dzezera rimwe dzakanaka وَكَأۡسًا دِهَاقًا ٣٤Uye komichi izere newaini لَّا يَسۡمَعُونَ فِيهَا لَغۡوًا وَلَا كِذَّٰبًا ٣٥Havambonzwi imomo nhaurwa dzakaipa kana manyepo جَزَآءً مِّن رَّبِّكَ عَطَآءً حِسَابًا ٣٦Mubairo kubva kuna Tenzi vako, chipo chakaverengwa (chinoenderana nezvakanaka zvavaiita) رَّبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا ٱلرَّحۡمَٰنِۖ لَا يَمۡلِكُونَ مِنۡهُ خِطَابًا ٣٧Kubva kuna Tenzi vematenga nepasi rino uye zvose zviri mukati mavo, vane ngoni zhinji, avo vasingakwanise kutaura navo (kunze kwekuti vavapa mvumo) يَوۡمَ يَقُومُ ٱلرُّوحُ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ صَفًّاۖ لَّا يَتَكَلَّمُونَ إِلَّا مَنۡ أَذِنَ لَهُ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَقَالَ صَوَابًا ٣٨Pazuva iro Ar-Rooh (Gabriel kana imwe ngirozi) nengirozi dzichange dzakamira mumitsara, hapana achataura kana nani kusara kweuyo Allah vavanopa mvumo, uye achitaura zvinhu zvakanaka ذَٰلِكَ ٱلۡيَوۡمُ ٱلۡحَقُّۖ فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ مَـَٔابًا ٣٩(Pasina kana kusagutsikana) Iri ndiro zuva rechokwadi. Saka, uyo anoda ngaave anotsvaga nzvimbo yakanaka (kana nzira yakanaka ye) kuna Tenzi vake (nekuvateerera pasi rino) إِنَّآ أَنذَرۡنَٰكُمۡ عَذَابًا قَرِيبًا يَوۡمَ يَنظُرُ ٱلۡمَرۡءُ مَا قَدَّمَتۡ يَدَاهُ وَيَقُولُ ٱلۡكَافِرُ يَٰلَيۡتَنِي كُنتُ تُرَٰبَۢا ٤٠Zvirokwazvo, takakuyambirai pamusoro pemarwadzo epadyo epazuva iro munhu wese achange achiona zvose zvakatungamidzwa nemaoko ake (zvaaita), uye uyo akange asingatendi achati: “Ndinokungura kuti ndingadai ndaiva ivhu.”