Millat al-Islam

Chapter 77 · 50 verses · Abdullah J. M. Adini And Students

Surah Al-Mursalat in Shona

Arabic with tafsir Listen to Surah Al-Mursalat (1212 reciters)

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلۡمُرۡسَلَٰتِ عُرۡفًا ١(Ndinopika) Ne (mhepo kana ngirozi, kana nhumwa dzaAllah) dzakatumwa imwe mushure meimwe فَٱلۡعَٰصِفَٰتِ عَصۡفًا ٢Uye nemhepo dzinovhuvhuta zvine simba وَٱلنَّٰشِرَٰتِ نَشۡرًا ٣Uye nemhepo inopararidza makore nemvura فَٱلۡفَٰرِقَٰتِ فَرۡقًا ٤Uye ne (ndima dzemuQur’aan) dzinosiyanisa (zvakanaka nezvakaipa) فَٱلۡمُلۡقِيَٰتِ ذِكۡرًا ٥Uye ne (ngirozi) dzinounza zvidzikiswa (kunhumwa) عُذۡرًا أَوۡ نُذۡرًا ٦Kunobvisa zvose zvimhingamupini kana kuyambira إِنَّمَا تُوعَدُونَ لَوَٰقِعٌ ٧Zvirokwazvo, zvawakavimbiswa zvichadarika فَإِذَا ٱلنُّجُومُ طُمِسَتۡ ٨Apo nyenyedzi dzichadzima chiedza chadzo وَإِذَا ٱلسَّمَآءُ فُرِجَتۡ ٩Uye denga richatsemuka وَإِذَا ٱلۡجِبَالُ نُسِفَتۡ ١٠Uye nemakomo paachafuridzwa kure وَإِذَا ٱلرُّسُلُ أُقِّتَتۡ ١١Uye nenhumwa padzichaunganidzwa panguva yakatarwa لِأَيِّ يَوۡمٍ أُجِّلَتۡ ١٢Zuva ripi (zviratidzo izvi) zvirikunonotserwa لِيَوۡمِ ٱلۡفَصۡلِ ١٣Zuva resarudzo (avo veParadhiso kubva kune avo vekuGehena) وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا يَوۡمُ ٱلۡفَصۡلِ ١٤Uye uchaziva sei kuti zuva resarudzo chii وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ١٥Matambudziko pazuva iri kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) أَلَمۡ نُهۡلِكِ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٦Hatina here kuparadza avo vange vari kumberi kwenyu ثُمَّ نُتۡبِعُهُمُ ٱلۡأٓخِرِينَ ١٧Uye tichaita vari mumashure mavo vave vanovatevera كَذَٰلِكَ نَفۡعَلُ بِٱلۡمُجۡرِمِينَ ١٨Nenzira iyi tinoshanda nevapari vemhosva (vasingatendi nevatadzi) وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ١٩Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) أَلَمۡ نَخۡلُقكُّم مِّن مَّآءٍ مَّهِينٍ ٢٠Hatina kukusikai kubva kumvura inoshorwa فَجَعَلۡنَٰهُ فِي قَرَارٍ مَّكِينٍ ٢١Uye tikaigadzika munzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu) إِلَىٰ قَدَرٍ مَّعۡلُومٍ ٢٢Kwenguva inozivikanwa (yemwana kuti aberekwe) فَقَدَرۡنَا فَنِعۡمَ ٱلۡقَٰدِرُونَ ٢٣Saka takaera, uye tisu nyanzvi dzekuera (zvinhu) وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٢٤Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) أَلَمۡ نَجۡعَلِ ٱلۡأَرۡضَ كِفَاتًا ٢٥Hatina here kugadzira pasi senzvimbo yokugara أَحۡيَآءً وَأَمۡوَٰتًا ٢٦Kune vapenyu nevakafa وَجَعَلۡنَا فِيهَا رَوَٰسِيَ شَٰمِخَٰتٍ وَأَسۡقَيۡنَٰكُم مَّآءً فُرَاتًا ٢٧Uye tikagadzika imomo makomo akasimba nekureba, uye tikakupai mvura yekunwa inonaka وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٢٨Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) ٱنطَلِقُوٓاْ إِلَىٰ مَا كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ ٢٩(Zvichanzi kune vasingatendi): “Gundumukai kubva kune izvo zvamairamba!” ٱنطَلِقُوٓاْ إِلَىٰ ظِلٍّ ذِي ثَلَٰثِ شُعَبٍ ٣٠“Gundumukai kumumvuri (wemoto weGehena hutsi huchikwidza) muzvikwata zvitatu.” لَّا ظَلِيلٍ وَلَا يُغۡنِي مِنَ ٱللَّهَبِ ٣١“Pasina mumvuri, kana kubatsira chimwe chinhu kubva murimi remoto.” إِنَّهَا تَرۡمِي بِشَرَرٍ كَٱلۡقَصۡرِ ٣٢Zvirokwazvo, iro (Gehena) richakanda zvingaimi seAl-Qasr (zidanda rechitsiga) كَأَنَّهُۥ جِمَٰلَتٌ صُفۡرٌ ٣٣Sekunge ingamera dzeruvara rwegoride kana tsapo retambo وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٣٤Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) هَٰذَا يَوۡمُ لَا يَنطِقُونَ ٣٥Iri ndiro zuva ravasingatauri (padzimwe nguva dzaro) وَلَا يُؤۡذَنُ لَهُمۡ فَيَعۡتَذِرُونَ ٣٦Uye havabvumidzwe kupa zvikonzero وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٣٧Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) هَٰذَا يَوۡمُ ٱلۡفَصۡلِۖ جَمَعۡنَٰكُمۡ وَٱلۡأَوَّلِينَ ٣٨Iri izuva resarudzo (remutongo). Takuunzai imi nevanhu vekutanga pamwechete فَإِن كَانَ لَكُمۡ كَيۡدٌ فَكِيدُونِ ٣٩Saka kana pane zvamakaronga, shandisirai ini (Allah) وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٤٠Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي ظِلَٰلٍ وَعُيُونٍ ٤١Zvirokwazvo, vanotya Allah vachave pakati pemimvuri nezvitubu وَفَوَٰكِهَ مِمَّا يَشۡتَهُونَ ٤٢Uye nemichero iyo vachada كُلُواْ وَٱشۡرَبُواْ هَنِيٓـَٔۢا بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٤٣“Idyai nekunwa makasununguka nekuda kwezvamaiita.” إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ ٤٤Zvirokwazvo, kudaro tinopa mubairo kuvanhu vezvakanaka وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٤٥Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) كُلُواْ وَتَمَتَّعُواْ قَلِيلًا إِنَّكُم مُّجۡرِمُونَ ٤٦(Imi vasingatendi)! Idyai nekufara (muhupenyu hwepano pasi) kwechinguva chidiki. Zvirokwazvo, muri vaiti vezvakaipa وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٤٧Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱرۡكَعُواْ لَا يَرۡكَعُونَ ٤٨Kana zvikanzi kwavari: “Kotamai (mumunamato)! Havakotami (havaite minamato yavo) وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ٤٩Matambudziko kune avo vanoramba (Zuva Rekutongwa) فَبِأَيِّ حَدِيثِۭ بَعۡدَهُۥ يُؤۡمِنُونَ ٥٠Saka munhaurwa ipi mushure meiri (Qur’aan) vachatenda

Translation: Abdullah J. M. Adini And Students.