بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
لَآ أُقۡسِمُ بِهَٰذَا ٱلۡبَلَدِ ١Ndinopika neguta iri (Makkah) وَأَنتَ حِلُّۢ بِهَٰذَا ٱلۡبَلَدِ ٢Uyezve hauna mhosva neguta iri (Wakasununguka muGuta iri) وَوَالِدٍ وَمَا وَلَدَ ٣Uyezve nemubereki (Adam (AS)) nezvaakabereka (vana vake) لَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ فِي كَبَدٍ ٤Zvirokwazvo, tave tinosika munhu mumatambudziko أَيَحۡسَبُ أَن لَّن يَقۡدِرَ عَلَيۡهِ أَحَدٌ ٥Anofunga here kuti hapana anomukurira يَقُولُ أَهۡلَكۡتُ مَالًا لُّبَدًا ٦Anoti (mukuzvikudza): “Ndave ndinorasa hupfumi hwakawanda!” أَيَحۡسَبُ أَن لَّمۡ يَرَهُۥٓ أَحَدٌ ٧Anofunga here kuti hapana anomuona أَلَمۡ نَجۡعَل لَّهُۥ عَيۡنَيۡنِ ٨Hatina here kumugadzirira maziso maviri وَلِسَانًا وَشَفَتَيۡنِ ٩Uye rurimi nemiromo (wezasi newepamusoro) وَهَدَيۡنَٰهُ ٱلنَّجۡدَيۡنِ ١٠Uye tikamuratidza nzira mbiri (yakanaka neyakaipa) فَلَا ٱقۡتَحَمَ ٱلۡعَقَبَةَ ١١Asi haana kumboedza kupfuura nenzira yakatevenuka (yakareruka) وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا ٱلۡعَقَبَةُ ١٢Uye chii chichakuita kuti uzive kuti nzira yakatevenuka chii فَكُّ رَقَبَةٍ ١٣Kusunungura muranda (musungwa) أَوۡ إِطۡعَٰمٌ فِي يَوۡمٍ ذِي مَسۡغَبَةٍ ١٤Kana kupa chikafu muzuva renzara يَتِيمًا ذَا مَقۡرَبَةٍ ١٥Kunherera yepedyo أَوۡ مِسۡكِينًا ذَا مَتۡرَبَةٍ ١٦Kana kune murombo akarara muvhu (nokuda kweurombo) ثُمَّ كَانَ مِنَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَتَوَاصَوۡاْ بِٱلصَّبۡرِ وَتَوَاصَوۡاْ بِٱلۡمَرۡحَمَةِ ١٧Uye akazove umwe weavo vanotenda (muIslaam), uye vakakomekedzana kutsungirira, uye vakakomekedzana kunzwira tsitsi أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَيۡمَنَةِ ١٨Ndivo avo veruoko rwerudyi (vanhu veParadhiso) وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِـَٔايَٰتِنَا هُمۡ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَشۡـَٔمَةِ ١٩Asi avo vasina kutenda muzviratidzo zvedu, ndeavo veruoko rweruboshwe (vanhu vekumoto) عَلَيۡهِمۡ نَارٌ مُّؤۡصَدَةُۢ ٢٠Vachave vanovharirwa nemoto (Moto uchavakomberedza kubva kumativi ese)