ملة الإسلام

السورة 82 · 19 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الانفطار باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الانفطار (1,366 قارئاً)
مكيةسورة الانفطار١٩ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

إِذَا ٱلسَّمَآءُ ٱنفَطَرَتۡ ١Apo denga parichapatsanurwa وَإِذَا ٱلۡكَوَاكِبُ ٱنتَثَرَتۡ ٢Uye apo nyeredzi padzichadonha dzakamwararira (dzakafararira) وَإِذَا ٱلۡبِحَارُ فُجِّرَتۡ ٣Uye apo nzizi padzichazarisa (padzichapfachukira) وَإِذَا ٱلۡقُبُورُ بُعۡثِرَتۡ ٤Uye apo makuva paachashandurwa (achiburitsa zvinenge zviri maari) عَلِمَتۡ نَفۡسٌ مَّا قَدَّمَتۡ وَأَخَّرَتۡ ٥(Ipapo) Munhu achaziva zvaakaita uye zvaakasiya (zvaasina kuita) يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡإِنسَٰنُ مَا غَرَّكَ بِرَبِّكَ ٱلۡكَرِيمِ ٦Iwe munhu! Chii chakuita kuti ushaye hanya nezvaTenzi vako, vanoremekedzwa ٱلَّذِي خَلَقَكَ فَسَوَّىٰكَ فَعَدَلَكَ ٧Avo vakakusika, vakakupa chimiro chakanaka, uye vakakupa zvakaenzanirana فِيٓ أَيِّ صُورَةٍ مَّا شَآءَ رَكَّبَكَ ٨Mune ipi nzira yavaida, vakakuisa (vakakuunza) pamwechete كـَلَّا بَلۡ تُكَذِّبُونَ بِٱلدِّينِ ٩Asi munoramba Ad-Deen (zuva rekutongwa) وَإِنَّ عَلَيۡكُمۡ لَحَٰفِظِينَ ١٠Uye zvirokwazvo pamusoro penyu (pane ngirozi dzakasarudzwa) kuti dzikutarisei كِرَامًا كَٰتِبِينَ ١١Kiraaman (dzinoremekedzeka) Kaatibeen dzichinyora pasi (mabasa enyu) يَعۡلَمُونَ مَا تَفۡعَلُونَ ١٢Dzinoziva zvose zvamunoita إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ لَفِي نَعِيمٍ ١٣Zvirokwazvo, Al-Abraar (vatendi vatsvene) vachava mumufaro (Paradhiso) وَإِنَّ ٱلۡفُجَّارَ لَفِي جَحِيمٍ ١٤Uye zvirokwazvo, Al-Fujjaar (vatadzi) vachava mumoto unopisa يَصۡلَوۡنَهَا يَوۡمَ ٱلدِّينِ ١٥Vachapindamo, voravira marimi awo (moto) anopisa pazuva rekutongwa وَمَا هُمۡ عَنۡهَا بِغَآئِبِينَ ١٦Uye imomo havazomboshaikwi وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ ١٧Uye chii chichaita kuti uzive chinonzi zuva rekutongwa ثُمَّ مَآ أَدۡرَىٰكَ مَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ ١٨Zvakare, chii chichaita kuti uzive zuva rekutongwa يَوۡمَ لَا تَمۡلِكُ نَفۡسٌ لِّنَفۡسٍ شَيۡـًٔاۖ وَٱلۡأَمۡرُ يَوۡمَئِذٍ لِّلَّهِ ١٩Zuva iro hapana munhu achange aine simba rekuiitira mumwe chii zvacho, uye mutongo, zuva iroro uchange uina Allah

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.