بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
وَيۡلٌ لِّلۡمُطَفِّفِينَ ١Matambudziko kune Al-Mutwaffifoon (avo vanobiridzira, vanopa zvishoma pakuera nepauremu) ٱلَّذِينَ إِذَا ٱكۡتَالُواْ عَلَى ٱلنَّاسِ يَسۡتَوۡفُونَ ٢Avo kana vachitambira mupimo kubva kuvanhu vanoda mupimo wakazara وَإِذَا كَالُوهُمۡ أَو وَّزَنُوهُمۡ يُخۡسِرُونَ ٣Uye kana vachipa nemupimo kana huremu kune (vamwe) vanhu vanopa zvishoma أَلَا يَظُنُّ أُوْلَٰٓئِكَ أَنَّهُم مَّبۡعُوثُونَ ٤Havafungi here kuti vachamutswa لِيَوۡمٍ عَظِيمٍ ٥Pazuva guru يَوۡمَ يَقُومُ ٱلنَّاسُ لِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ ٦Zuva iro vanhu vachamira pamberi paTenzi vepasi rose كـَلَّآ إِنَّ كِتَٰبَ ٱلۡفُجَّارِ لَفِي سِجِّينٍ ٧Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatadzi zviri muSijjeen وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا سِجِّينٌ ٨Uye chii chinoita kuti uzive kuti Sijjeen chii كِتَٰبٌ مَّرۡقُومٌ ٩Ibhuku rakanyorwa وَيۡلٌ يَوۡمَئِذٍ لِّلۡمُكَذِّبِينَ ١٠Matambudziko pazuva iroro kune avo vanoramba ٱلَّذِينَ يُكَذِّبُونَ بِيَوۡمِ ٱلدِّينِ ١١Avo vanoramba zuva rekutongwa وَمَا يُكَذِّبُ بِهِۦٓ إِلَّا كُلُّ مُعۡتَدٍ أَثِيمٍ ١٢Uye hapana anoriramba kusara kweuyo anopfurikidza miganhu (pakusatenda, pakudzvinyirira uye pakusateerera Allah), mutadzi إِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ءَايَٰتُنَا قَالَ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٣Kana ndima dzedu dzichiverengwa kwaari anoti: “Inyaya dzevanhu vakare!” كـَلَّاۖ بَلۡۜ رَانَ عَلَىٰ قُلُوبِهِم مَّا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ ١٤Kwete! Asi pamoyo yavo pane Raan (chivharo chezvitadzo nemabasa akaipa) avaiwana كـَلَّآ إِنَّهُمۡ عَن رَّبِّهِمۡ يَوۡمَئِذٍ لَّمَحۡجُوبُونَ ١٥Kwete! Zvirokwazvo, (vatadzi) vachavharidzirwa kuona Tenzi vavo pazuva iroro ثُمَّ إِنَّهُمۡ لَصَالُواْ ٱلۡجَحِيمِ ١٦Uye zvirokwazvo vachava vanopinda murima remoto weGehena ثُمَّ يُقَالُ هَٰذَا ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ ١٧Uye zvichanzi kwavari: “Izvi ndizvo zvamairamba!” كـَلَّآ إِنَّ كِتَٰبَ ٱلۡأَبۡرَارِ لَفِي عِلِّيِّينَ ١٨Kwete! Zvirokwazvo, zvinyorwa zvemabasa evatendi zviri muIlliyyoon وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا عِلِّيُّونَ ١٩Uye chii chinoita kuti uzive kuti Illiyyoon chii كِتَٰبٌ مَّرۡقُومٌ ٢٠Ibhuku rakanyorwa يَشۡهَدُهُ ٱلۡمُقَرَّبُونَ ٢١Iro rinoitirwa uchapupu nevaripedyo (ngirozi) إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ لَفِي نَعِيمٍ ٢٢Zvirokwazvo, vatendi (muIslaam) vachange vari mumafaro (Paradhiso) عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ يَنظُرُونَ ٢٣Pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose) تَعۡرِفُ فِي وُجُوهِهِمۡ نَضۡرَةَ ٱلنَّعِيمِ ٢٤Uchaona pazviso zvavo kubwinya kwemufaro يُسۡقَوۡنَ مِن رَّحِيقٍ مَّخۡتُومٍ ٢٥Vachapihwa waini yakavharwa kuti vamwe خِتَٰمُهُۥ مِسۡكٌۚ وَفِي ذَٰلِكَ فَلۡيَتَنَافَسِ ٱلۡمُتَنَٰفِسُونَ ٢٦Kwekupedzisira kwayo (waini) kuchange kuine munhuwi weMasiki (wakanaka) وَمِزَاجُهُۥ مِن تَسۡنِيمٍ ٢٧Ichange (waini) yakasanganiswa neTasneem عَيۡنًا يَشۡرَبُ بِهَا ٱلۡمُقَرَّبُونَ ٢٨Chitubu, chichange chichinwirwa nevari pedyo naAllah إِنَّ ٱلَّذِينَ أَجۡرَمُواْ كَانُواْ مِنَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ يَضۡحَكُونَ ٢٩Zvirokwazvo, (panyika) avo vaiita mabasa akaipa vaiseka avo vaitenda وَإِذَا مَرُّواْ بِهِمۡ يَتَغَامَزُونَ ٣٠Uye, pose pavaipfuura nepavari vaitsonyana وَإِذَا ٱنقَلَبُوٓاْ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمُ ٱنقَلَبُواْ فَكِهِينَ ٣١Uye pose pavaidzokera kuvanhu vavo, vaidzoka vachiseka vachifara وَإِذَا رَأَوۡهُمۡ قَالُوٓاْ إِنَّ هَٰٓؤُلَآءِ لَضَآلُّونَ ٣٢Uye pavaivaona vaiti: “Zvirokwazvo, ava ndivo vakarasika!” وَمَآ أُرۡسِلُواْ عَلَيۡهِمۡ حَٰفِظِينَ ٣٣Asi avo (vasingatendi, vatadzi) havana kutumwa sevachengetedzi (vevanotenda) فَٱلۡيَوۡمَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنَ ٱلۡكُفَّارِ يَضۡحَكُونَ ٣٤Asi zuva ranhasi (zuva rekutongwa) avo vanotenda vachange vachiseka vasingatendi عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ يَنظُرُونَ ٣٥Vari pazvigaro, vachitarisa (zvinhu zvose) هَلۡ ثُوِّبَ ٱلۡكُفَّارُ مَا كَانُواْ يَفۡعَلُونَ ٣٦Ko vasingatendi havana here kupihwa mubairo wavo (zvizere) wezvavaiita