ملة الإسلام

السورة 84 · 25 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الانشقاق باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الانشقاق (1,276 قارئاً)
مكيةسورة الانشقاق٢٥ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

إِذَا ٱلسَّمَآءُ ٱنشَقَّتۡ ١Apo denga parichapatsanurwa وَأَذِنَتۡ لِرَبِّهَا وَحُقَّتۡ ٢Uye roteerera Tenzi waro – uye rinofanira kudaro وَإِذَا ٱلۡأَرۡضُ مُدَّتۡ ٣Uye apo pasi richatambanudzwa وَأَلۡقَتۡ مَا فِيهَا وَتَخَلَّتۡ ٤Uye parichabuditsa zvose zvaiva mariri rosara risina chinhu وَأَذِنَتۡ لِرَبِّهَا وَحُقَّتۡ ٥Uye roteerera Tenzi waro - uye rinofanira kudaro يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡإِنسَٰنُ إِنَّكَ كَادِحٌ إِلَىٰ رَبِّكَ كَدۡحًا فَمُلَٰقِيهِ ٦Iwe munhu! Zvirokwazvo, uchadzokera kuna Tenzi vako nemabasa ako (akanaka neakaipa) kudzokera kwechokwadi, uye uchasangana nawo (mabasa awaiita) فَأَمَّا مَنۡ أُوتِيَ كِتَٰبَهُۥ بِيَمِينِهِۦ ٧Kune uyo achapihwa gwaro (bhuku) rake kuruoko rwake rwekurudyi فَسَوۡفَ يُحَاسَبُ حِسَابًا يَسِيرًا ٨Chokwadi achawana mutongo wakareruka وَيَنقَلِبُ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِۦ مَسۡرُورًا ٩Uye achadzokera kumhuri yake aine mufaro وَأَمَّا مَنۡ أُوتِيَ كِتَٰبَهُۥ وَرَآءَ ظَهۡرِهِۦ ١٠Asi uyo achapihwa gwaro rake nekumashure kwake فَسَوۡفَ يَدۡعُواْ ثُبُورًا ١١Achava anodaidzira matambudziko (kuparadzwa kwake) وَيَصۡلَىٰ سَعِيرًا ١٢Uye achava anopinda moto unopisa إِنَّهُۥ كَانَ فِيٓ أَهۡلِهِۦ مَسۡرُورًا ١٣Zvirokwazvo, aiva pakati pevanhu vake aine mufaro إِنَّهُۥ ظَنَّ أَن لَّن يَحُورَ ١٤Zvirokwazvo, aifunga kuti haazombodzokeri (kwatiri) بَلَىٰٓۚ إِنَّ رَبَّهُۥ كَانَ بِهِۦ بَصِيرًا ١٥Hongu! Zvirokwazvo, Tenzi vake vaimuona فَلَآ أُقۡسِمُ بِٱلشَّفَقِ ١٦Saka ndinopika nemadeukazuva (nguva dzerubvunzavaeni) وَٱلَّيۡلِ وَمَا وَسَقَ ١٧Uye neusiku nezvose zvaunofukidza nerima وَٱلۡقَمَرِ إِذَا ٱتَّسَقَ ١٨Uye nemwedzi apo paunenge wakazara لَتَرۡكَبُنَّ طَبَقًا عَن طَبَقٍ ١٩Muchava munofamba kubva kune chimwe chikamu kuenda kune chimwe chikamu (paupenyu hwepano pasi nehwuchatevera) فَمَا لَهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ ٢٠Dambudziko ravo nderei rekuti havatendi وَإِذَا قُرِئَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقُرۡءَانُ لَا يَسۡجُدُونَۤ ۩ ٢١Uye kana Qur’aan richiverengwa kwavari, havaisi zviso zvavo pasi بَلِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ يُكَذِّبُونَ ٢٢Asi, avo vasingatendi vanoramba (Muhammad (SAW) nezvose zvaakauya nazvo, Qur’aan iri nekutenda muhumwechete waAllah وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا يُوعُونَ ٢٣Uye Allah vanoziva zvikuru zvavanounganidza (zvakanaka nezvakaipa) فَبَشِّرۡهُم بِعَذَابٍ أَلِيمٍ ٢٤Saka vaudze nezvemutongo unorwadza إِلَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ لَهُمۡ أَجۡرٌ غَيۡرُ مَمۡنُونِۭ ٢٥Kusara kweavo vanotenda vachiita mabasa akanaka, vachava nemugove usingazombofa wakasvika kumagumo (Paradhiso)

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.