بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِيٓ أَسۡرَىٰ بِعَبۡدِهِۦ لَيۡلًا مِّنَ ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِ إِلَى ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡأَقۡصَا ٱلَّذِي بَٰرَكۡنَا حَوۡلَهُۥ لِنُرِيَهُۥ مِنۡ ءَايَٰتِنَآۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ ١Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah avo vakafamba nemuranda wavo (Muhammad (SAW)) neusiku kubva kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kuenda kuAl-Masjid Al-Aqsa (kuJerusarema), iyo yatakakomborera nzvimbo yayo, kuti tive tinomuratidza kubva muzviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru وَءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ وَجَعَلۡنَٰهُ هُدًى لِّبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ أَلَّا تَتَّخِذُواْ مِن دُونِي وَكِيلًا ٢Uye takava tinopa Musa, Gwaro uye tikariita nhungamiro kuvana vaIzirairi (maJudha) (tichiti): “Musava munotora kunze kwangu muchengeti.” ذُرِّيَّةَ مَنۡ حَمَلۡنَا مَعَ نُوحٍۚ إِنَّهُۥ كَانَ عَبۡدًا شَكُورًا ٣“Imi vana veavo vatakatakura (mungarava) naNowa! Zvirokwazvo, akanga ari muranda aitenda.” وَقَضَيۡنَآ إِلَىٰ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ فِي ٱلۡكِتَٰبِ لَتُفۡسِدُنَّ فِي ٱلۡأَرۡضِ مَرَّتَيۡنِ وَلَتَعۡلُنَّ عُلُوًّا كَبِيرًا ٤Uye takadzikisa kuvana vaIzirairi muGwaro: Zvirokwazvo, muchava munoita hunhubu panyika kaviri uye muchava vadzvanyiriri vakuru فَإِذَا جَآءَ وَعۡدُ أُولَىٰهُمَا بَعَثۡنَا عَلَيۡكُمۡ عِبَادًا لَّنَآ أُوْلِي بَأۡسٍ شَدِيدٍ فَجَاسُواْ خِلَٰلَ ٱلدِّيَارِۚ وَكَانَ وَعۡدًا مَّفۡعُولًا ٥Naizvozvo, payakauya vimbiso yekutanga kubva kuvimbiso mbiri, takakutumidzirai varanda vedu vanogona kurwa zvinotyisa. Vakapinda mukati-kati medzimba dzenyu. Uye yakava vimbiso yakazadziswa ثُمَّ رَدَدۡنَا لَكُمُ ٱلۡكَرَّةَ عَلَيۡهِمۡ وَأَمۡدَدۡنَٰكُم بِأَمۡوَٰلٍ وَبَنِينَ وَجَعَلۡنَٰكُمۡ أَكۡثَرَ نَفِيرًا ٦Uye takakupai kukunda pamusoro pavo. Uye takakubatsirai nehupfumi nevana uye takakuitai kuti muve makawanda muhuwandu إِنۡ أَحۡسَنتُمۡ أَحۡسَنتُمۡ لِأَنفُسِكُمۡۖ وَإِنۡ أَسَأۡتُمۡ فَلَهَاۚ فَإِذَا جَآءَ وَعۡدُ ٱلۡأٓخِرَةِ لِيَسُـُٔواْ وُجُوهَكُمۡ وَلِيَدۡخُلُواْ ٱلۡمَسۡجِدَ كَمَا دَخَلُوهُ أَوَّلَ مَرَّةٍ وَلِيُتَبِّرُواْ مَا عَلَوۡاْ تَتۡبِيرًا ٧(Uye takati): “Kana mukaita zvakanaka, munoita zvakanaka pachezvenyu; uye kana mukaita zvakashata, ndezvenyu.” Uye vimbiso yepiri payakauya, (takapa mvumo vavengi venyu) kuti vadzikisire zviso zvenyu uye kupinda muMasjid (yeJerusarema) sekupinda kwavakamboita mushure, uye kuti vaparadze zvese zvinowira mumaoko avo عَسَىٰ رَبُّكُمۡ أَن يَرۡحَمَكُمۡۚ وَإِنۡ عُدتُّمۡ عُدۡنَاۚ وَجَعَلۡنَا جَهَنَّمَ لِلۡكَٰفِرِينَ حَصِيرًا ٨(Uye takataura muTorah): “Zvimwe Tenzi venyu vangakuratidzei tsitsi, asi mukadzokera (kuzvitadzo), tinodzoka (nemutongo wedu). Uye takagadzira Gehena sejere reavo vasingatendi.” إِنَّ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ يَهۡدِي لِلَّتِي هِيَ أَقۡوَمُ وَيُبَشِّرُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٱلَّذِينَ يَعۡمَلُونَ ٱلصَّٰلِحَٰتِ أَنَّ لَهُمۡ أَجۡرًا كَبِيرًا ٩Zvirokwazvo, Qur’aan iri rinotungamira kune zvakatwasuka uye rinopa mashoko akanaka kune vanotenda (muIslaam), avo vanoita mabasa akanaka, kuti vachawana mubairo mukuru (Paradhiso) وَأَنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ أَعۡتَدۡنَا لَهُمۡ عَذَابًا أَلِيمًا ١٠Uye kuti avo vasingatendi muzuva remangwana, takavagadzirira marwadzo akaomarara (Gehena) وَيَدۡعُ ٱلۡإِنسَٰنُ بِٱلشَّرِّ دُعَآءَهُۥ بِٱلۡخَيۡرِۖ وَكَانَ ٱلۡإِنسَٰنُ عَجُولًا ١١Uye munhu anokumbira (Allah) zvakaipa sekukumbira kwaanoita (Allah) zvakanaka, uye munhu ane dzungu (anokurumidza, kana akatsamwa, anoti: “Imi Allah! Rengerai nhingi,” asi kutsungirira ndiko kwakamunakira) وَجَعَلۡنَا ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ ءَايَتَيۡنِۖ فَمَحَوۡنَآ ءَايَةَ ٱلَّيۡلِ وَجَعَلۡنَآ ءَايَةَ ٱلنَّهَارِ مُبۡصِرَةً لِّتَبۡتَغُواْ فَضۡلًا مِّن رَّبِّكُمۡ وَلِتَعۡلَمُواْ عَدَدَ ٱلسِّنِينَ وَٱلۡحِسَابَۚ وَكُلَّ شَيۡءٍ فَصَّلۡنَٰهُ تَفۡصِيلًا ١٢Uye takagadzira siku nesikati sezviratidzo zviviri. Uye takava tinobvisa chiratidzo cheusiku, uye takagadzira chiratidzo chesikati sechiwoneso (chiedza), kuti muve munotsvaga makomborero kubva kuna Tenzi venyu, uye kuti muve munoziva huwandu wemakore uye nekutongwa. Uye takava tinotsanangura zvese mune zvakazara وَكُلَّ إِنسَٰنٍ أَلۡزَمۡنَٰهُ طَٰٓئِرَهُۥ فِي عُنُقِهِۦۖ وَنُخۡرِجُ لَهُۥ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ كِتَٰبًا يَلۡقَىٰهُ مَنشُورًا ١٣Uye takava tinosunga mabasa emunhu wese pahuro yake, uye pazuva rekumutswa, tichava tinoburitsa kwaari gwaro raachaona rakavhurwa ٱقۡرَأۡ كِتَٰبَكَ كَفَىٰ بِنَفۡسِكَ ٱلۡيَوۡمَ عَلَيۡكَ حَسِيبًا ١٤(Zvichanzi kwaari): “Verenga gwaro rako. Pachezvako wakakwana pakuzvibvunzurudza zuva ranhasi.” مَّنِ ٱهۡتَدَىٰ فَإِنَّمَا يَهۡتَدِي لِنَفۡسِهِۦۖ وَمَن ضَلَّ فَإِنَّمَا يَضِلُّ عَلَيۡهَاۚ وَلَا تَزِرُ وَازِرَةٌ وِزۡرَ أُخۡرَىٰۗ وَمَا كُنَّا مُعَذِّبِينَ حَتَّىٰ نَبۡعَثَ رَسُولًا ١٥Wese anozvitungamirira, zvirokwazvo anozvitungamirira kuti abatsirikane pachezvake. Uye wese anorasika, zvirokwazvo anorasika orasikirwa pachezvake. Hapana achatakura mutoro weumwe. Uye hatitongi kudzamara tatumira mutumwa وَإِذَآ أَرَدۡنَآ أَن نُّهۡلِكَ قَرۡيَةً أَمَرۡنَا مُتۡرَفِيهَا فَفَسَقُواْ فِيهَا فَحَقَّ عَلَيۡهَا ٱلۡقَوۡلُ فَدَمَّرۡنَٰهَا تَدۡمِيرًا ١٦Uye kana tichida kuparadza musha, tinokomekedza vapfumi vemumusha imomo (kuti vateere Allah nekuita mabasa akanaka), ivo vobva vatadza. Saizvozvo shoko rinova chokwadi pamusoro pavo. Naizvozvo (musha iwowo) tinouparadza zvachose وَكَمۡ أَهۡلَكۡنَا مِنَ ٱلۡقُرُونِ مِنۢ بَعۡدِ نُوحٍۗ وَكَفَىٰ بِرَبِّكَ بِذُنُوبِ عِبَادِهِۦ خَبِيرَۢا بَصِيرًا ١٧Uye zvizvarwa zvingani zvatakaparadza mushure maNowa! Uye Tenzi vako vakazvikwanira pakuziva, uye nekuona zvitadzo zvevaranda vavo مَّن كَانَ يُرِيدُ ٱلۡعَاجِلَةَ عَجَّلۡنَا لَهُۥ فِيهَا مَا نَشَآءُ لِمَن نُّرِيدُ ثُمَّ جَعَلۡنَا لَهُۥ جَهَنَّمَ يَصۡلَىٰهَا مَذۡمُومًا مَّدۡحُورًا ١٨Uyo anoshuvira kukurumidza kwezvinhu (mufaro wepanyika), tinomupa nekukurumidza zvatinoda uyo watinoda. Uye takamugadzirira Gehena raachaenda, achidzikisirwa pamwe nekurambwa (ari kure netsitsi dzaAllah) وَمَنۡ أَرَادَ ٱلۡأٓخِرَةَ وَسَعَىٰ لَهَا سَعۡيَهَا وَهُوَ مُؤۡمِنٌ فَأُوْلَٰٓئِكَ كَانَ سَعۡيُهُم مَّشۡكُورًا ١٩Uye uyo anoshuvira hupenyu hwemangwana ohushandira nesimba, nesimba rinoenderana naizvozvo ari mutendi (muIslaam), vakadaro ndivo vanhu kushanda kwavo kuchatendwa كُلًّا نُّمِدُّ هَٰٓؤُلَآءِ وَهَٰٓؤُلَآءِ مِنۡ عَطَآءِ رَبِّكَۚ وَمَا كَانَ عَطَآءُ رَبِّكَ مَحۡظُورًا ٢٠Vese, ava neavo, tinovapa kubva mumakomborero aTenzi vako. Uye makomborero aTenzi vako haarambidzwi ٱنظُرۡ كَيۡفَ فَضَّلۡنَا بَعۡضَهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍۚ وَلَلۡأٓخِرَةُ أَكۡبَرُ دَرَجَٰتٍ وَأَكۡبَرُ تَفۡضِيلًا ٢١Tarisa kuti tinosarudza sei vamwe pamusoro pevamwe (pasi rino), uye zvirokwazvo, hupenyu hwemangwana uchange une zvigaro zvepamusoro uye nemakomborero makuru لَّا تَجۡعَلۡ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ فَتَقۡعُدَ مَذۡمُومًا مَّخۡذُولًا ٢٢Usasanganise Allah nevamwe vanamwari (iwe munhu), kana kuti uchagara pasi wakadzikisirwa pamwe nekurambwa (mumoto) ۞ وَقَضَىٰ رَبُّكَ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّآ إِيَّاهُ وَبِٱلۡوَٰلِدَيۡنِ إِحۡسَٰنًاۚ إِمَّا يَبۡلُغَنَّ عِندَكَ ٱلۡكِبَرَ أَحَدُهُمَآ أَوۡ كِلَاهُمَا فَلَا تَقُل لَّهُمَآ أُفٍّ وَلَا تَنۡهَرۡهُمَا وَقُل لَّهُمَا قَوۡلًا كَرِيمًا ٢٣Uye Tenzi vako vakakomekedza kuti musanamate umwe mwari kunze kwavo. Uye moitira vabereki venyu zvakanaka. Kana mumwe chete wavo, kana kuti vose vachembera iwe uri mupenyu, usava unovataurira mashoko akaipa kana kuvatuka, asi iva unotaura navo mashoko ane ruremekedzo وَٱخۡفِضۡ لَهُمَا جَنَاحَ ٱلذُّلِّ مِنَ ٱلرَّحۡمَةِ وَقُل رَّبِّ ٱرۡحَمۡهُمَا كَمَا رَبَّيَانِي صَغِيرًا ٢٤Ova unovadzikisira bapiro rekuzvipira uye nekuzvininipisa uchivaitira tsitsi, uye wotaura kuti: “Tenzi vangu! Vanzwirei tsitsi nekundirera kwavakaita ndiri kasvava (mudiki).” رَّبُّكُمۡ أَعۡلَمُ بِمَا فِي نُفُوسِكُمۡۚ إِن تَكُونُواْ صَٰلِحِينَ فَإِنَّهُۥ كَانَ لِلۡأَوَّٰبِينَ غَفُورًا ٢٥Tenzi venyu vanoziva zvakanaka zviri muhana dzenyu. Kana muri vanhu vanoita zvakanaka, naizvozvo zvirokwazvo (Allah) vanoregerera zvikuru avo vanovakumbira ruregerero وَءَاتِ ذَا ٱلۡقُرۡبَىٰ حَقَّهُۥ وَٱلۡمِسۡكِينَ وَٱبۡنَ ٱلسَّبِيلِ وَلَا تُبَذِّرۡ تَبۡذِيرًا ٢٦Uye ipa vehukama kodzero dzavo, uye anotambura uye mufambi wenzira. Asi usava unotambisa upfumi hwako (kana kuhupa munzira isiri yaAllah) إِنَّ ٱلۡمُبَذِّرِينَ كَانُوٓاْ إِخۡوَٰنَ ٱلشَّيَٰطِينِۖ وَكَانَ ٱلشَّيۡطَٰنُ لِرَبِّهِۦ كَفُورًا ٢٧Zvirokwazvo avo vanotambisa hupfumi (nekuhushandisa munzira isiri yaAllah) madzikoma anaSatani (Shayaatween), uye Shaitwaan haatendi Tenzi wake وَإِمَّا تُعۡرِضَنَّ عَنۡهُمُ ٱبۡتِغَآءَ رَحۡمَةٍ مِّن رَّبِّكَ تَرۡجُوهَا فَقُل لَّهُمۡ قَوۡلًا مَّيۡسُورًا ٢٨Kana ukavafuratira (iwe Muhammad (SAW) avo vatati vape kodzero dzavo nekuda kokushaya mari) uchimirira tsitsi kubva kuna Tenzi vako dzaurikutarisira, iva unovataurira mashoko manyoro ane ruwadzano وَلَا تَجۡعَلۡ يَدَكَ مَغۡلُولَةً إِلَىٰ عُنُقِكَ وَلَا تَبۡسُطۡهَا كُلَّ ٱلۡبَسۡطِ فَتَقۡعُدَ مَلُومًا مَّحۡسُورًا ٢٩Uye usava unoita kuti ruoko rwako rwusungirirwe pahuro pako (semunhu akaomera), kana kurutambanudza kusvika kwarinogumira (kushandisa hupfumi nenzira inopfurikidza), kuti ugozoshorwa pamwe nekuva nehurombo إِنَّ رَبَّكَ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُۚ إِنَّهُۥ كَانَ بِعِبَادِهِۦ خَبِيرَۢا بَصِيرًا ٣٠Zvirokwazvo, Tenzi vako vanowedzera raramo kune uyo wavanoda kana kudzikisa (kune uyo wavanoda). Zvirokwazvo, vanoziva zvikuru, uye vanoona varanda vavo وَلَا تَقۡتُلُوٓاْ أَوۡلَٰدَكُمۡ خَشۡيَةَ إِمۡلَٰقٍۖ نَّحۡنُ نَرۡزُقُهُمۡ وَإِيَّاكُمۡۚ إِنَّ قَتۡلَهُمۡ كَانَ خِطۡـًٔا كَبِيرًا ٣١Uye musava munouraya vana venyu muchitya nzara. Tichavapa raramo pamwe chete nemi. Zvirokwazvo, kuvauraya chitadzo chihombe وَلَا تَقۡرَبُواْ ٱلزِّنَىٰٓۖ إِنَّهُۥ كَانَ فَٰحِشَةً وَسَآءَ سَبِيلًا ٣٢Uye usava unoswedera pedyo necheupombwe. Zvirokwazvo, iFaahishah (chitadzo chihombe), uye inzira yakaipa وَلَا تَقۡتُلُواْ ٱلنَّفۡسَ ٱلَّتِي حَرَّمَ ٱللَّهُ إِلَّا بِٱلۡحَقِّۗ وَمَن قُتِلَ مَظۡلُومًا فَقَدۡ جَعَلۡنَا لِوَلِيِّهِۦ سُلۡطَٰنًا فَلَا يُسۡرِف فِّي ٱلۡقَتۡلِۖ إِنَّهُۥ كَانَ مَنصُورًا ٣٣Uye usava unouraya moyo wakaitwa Haraam (wakarambidzwa) naAllah, kunze kwekuti pane chikonzero chechokwadi. Uye wese anourayiwa zvisina kodzero, tinopa mugari wenhaka wake simba (rekuti muurayi ngaauraiwe, kana kuregererwa, kana kupihwa muripo). Asi ngaasava anopfurikidza pakuuraya (ngaauraye muurayi chete kwete mumwe munhu kana vamwe vanhu). Zvirokwazvo, anobatsirwa (nemutemo weIslaam) وَلَا تَقۡرَبُواْ مَالَ ٱلۡيَتِيمِ إِلَّا بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُ حَتَّىٰ يَبۡلُغَ أَشُدَّهُۥۚ وَأَوۡفُواْ بِٱلۡعَهۡدِۖ إِنَّ ٱلۡعَهۡدَ كَانَ مَسۡـُٔولًا ٣٤Uye musava munoswedera pedyo nehupfumi hwenherera, kunze kwekuuchengetedza mune zvakanaka kusvika abva zera. Uye zadzisai zvibvumirano. Zvirokwazvo, chibvumirano chichava chinobvunzwa وَأَوۡفُواْ ٱلۡكَيۡلَ إِذَا كِلۡتُمۡ وَزِنُواْ بِٱلۡقِسۡطَاسِ ٱلۡمُسۡتَقِيمِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٌ وَأَحۡسَنُ تَأۡوِيلًا ٣٥Uye ipai muero wakazara pamunenge muchiera, uye pimai nemuero wakatwasuka. Zvinhu zvakanaka uye zviri nani kumagumo وَلَا تَقۡفُ مَا لَيۡسَ لَكَ بِهِۦ عِلۡمٌۚ إِنَّ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡبَصَرَ وَٱلۡفُؤَادَ كُلُّ أُوْلَٰٓئِكَ كَانَ عَنۡهُ مَسۡـُٔولًا ٣٦Uye usava unotevera izvo zvausina ruzivo nazvo. Zvirokwazvo, nzeve, maziso nemoyo, zvese zvichava zvinobvunzwa (naAllah) وَلَا تَمۡشِ فِي ٱلۡأَرۡضِ مَرَحًاۖ إِنَّكَ لَن تَخۡرِقَ ٱلۡأَرۡضَ وَلَن تَبۡلُغَ ٱلۡجِبَالَ طُولًا ٣٧Uye usava unofamba panyika uchizvikudza. Zvirokwazvo, haukwanisi kupinda munyika, kana kugadzira muturu unenge makomo كُلُّ ذَٰلِكَ كَانَ سَيِّئُهُۥ عِندَ رَبِّكَ مَكۡرُوهًا ٣٨Zvese izvi zvakaipa zvakavengwa naTenzi vako ذَٰلِكَ مِمَّآ أَوۡحَىٰٓ إِلَيۡكَ رَبُّكَ مِنَ ٱلۡحِكۡمَةِۗ وَلَا تَجۡعَلۡ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ فَتُلۡقَىٰ فِي جَهَنَّمَ مَلُومًا مَّدۡحُورًا ٣٩Uwu ndiwo hungwaru (tsika dzakanaka) hwakadzikiswa naTenzi vako kwauri (Muhammad (SAW)). Uye usava unosanganisa Allah nevamwe vanamwari, zvimwe ungangokandwe kumoto, uchishorwa nekurambwa أَفَأَصۡفَىٰكُمۡ رَبُّكُم بِٱلۡبَنِينَ وَٱتَّخَذَ مِنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ إِنَٰثًاۚ إِنَّكُمۡ لَتَقُولُونَ قَوۡلًا عَظِيمًا ٤٠Tenzi venyu (imi vanamati vezvidhori vekuMakkah) vakakusarudzirai here vanakomana, uye vakatora pachezvavo kubva kune ngirozi vanasikana? Zvirokwazvo, munotaura shoko rakaipa وَلَقَدۡ صَرَّفۡنَا فِي هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ لِيَذَّكَّرُواْ وَمَا يَزِيدُهُمۡ إِلَّا نُفُورًا ٤١Uye zvirokwazvo, takatsanangura (vimbiso neyeuchidzo nezviratidzo zvedu) muQur’aan iri kuti vangarangarire, asi hazvivawedzeri kusara kwekuramba قُل لَّوۡ كَانَ مَعَهُۥٓ ءَالِهَةٌ كَمَا يَقُولُونَ إِذًا لَّٱبۡتَغَوۡاْ إِلَىٰ ذِي ٱلۡعَرۡشِ سَبِيلًا ٤٢Iti (Muhammad (SAW)): “Dai panga pane vamwe vanamwari pamwe naivo (Allah) sezvavanotaura, vangadai vakatsvaga nzira kuna Tenzi vechigaro (vachida kufarirwa nekuva pedyo navo).” سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يَقُولُونَ عُلُوًّا كَبِيرًا ٤٣Kurumbidzwa kwese ndekwavo! Uye vari pamusoro-soro pezvakaipa zvavanotaura! (Kuti kune vamwe vanamwari pamwechete naAllah) تُسَبِّحُ لَهُ ٱلسَّمَٰوَٰتُ ٱلسَّبۡعُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهِنَّۚ وَإِن مِّن شَيۡءٍ إِلَّا يُسَبِّحُ بِحَمۡدِهِۦ وَلَٰكِن لَّا تَفۡقَهُونَ تَسۡبِيحَهُمۡۚ إِنَّهُۥ كَانَ حَلِيمًا غَفُورًا ٤٤Matenga manomwe nepasi nezvese zviri imomo zvinovarumbidza, uye hapana chinhu asi chinorumbidza kukudzwa kwavo. Asi hamunzwi kurumbidza kwazvo. Zvirokwazvo, vane tsitsi zhinji, vanoregerera zvikuru وَإِذَا قَرَأۡتَ ٱلۡقُرۡءَانَ جَعَلۡنَا بَيۡنَكَ وَبَيۡنَ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ حِجَابًا مَّسۡتُورًا ٤٥Uye paunoverenga Qur’aan (Muhammad (SAW)), tinoisa pakati pako nepakati peavo vasingatendi muzuva rekupedzisira, chidziviso chakavanzika (kuti vasanzwe kana kurinzwisisa) وَجَعَلۡنَا عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ أَكِنَّةً أَن يَفۡقَهُوهُ وَفِيٓ ءَاذَانِهِمۡ وَقۡرًاۚ وَإِذَا ذَكَرۡتَ رَبَّكَ فِي ٱلۡقُرۡءَانِ وَحۡدَهُۥ وَلَّوۡاْ عَلَىٰٓ أَدۡبَٰرِهِمۡ نُفُورًا ٤٦Uye takava tinoputira moyo yavo kuti vasarinzwisise (Qur’aan), uye munzeve dzavo havanzwi. Uye kana ukataura Tenzi vako vega muQur’aan, vanofuratira kumashure kwavo nekusada نَّحۡنُ أَعۡلَمُ بِمَا يَسۡتَمِعُونَ بِهِۦٓ إِذۡ يَسۡتَمِعُونَ إِلَيۡكَ وَإِذۡ هُمۡ نَجۡوَىٰٓ إِذۡ يَقُولُ ٱلظَّٰلِمُونَ إِن تَتَّبِعُونَ إِلَّا رَجُلًا مَّسۡحُورًا ٤٧Tinoziva zvakanyanya zvavanoteerera pavakunoteerera. Uye pavanotaurirana muchivande, vanoita zvakaipa vanoti: “Munotevera murume akaroiwa.” ٱنظُرۡ كَيۡفَ ضَرَبُواْ لَكَ ٱلۡأَمۡثَالَ فَضَلُّواْ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ سَبِيلًا ٤٨Tarisa mienzaniso yavanopa pamusoro pako. Naizvozvo vakarasika, uye havawani nzira وَقَالُوٓاْ أَءِذَا كُنَّا عِظَٰمًا وَرُفَٰتًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ خَلۡقًا جَدِيدًا ٤٩Uye vanoti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichava tinomutswa here sezvisikwa zvitsva?” ۞ قُلۡ كُونُواْ حِجَارَةً أَوۡ حَدِيدًا ٥٠Iti (Muhammad (SAW)): “Ivai matombo kana simbi.” أَوۡ خَلۡقًا مِّمَّا يَكۡبُرُ فِي صُدُورِكُمۡۚ فَسَيَقُولُونَ مَن يُعِيدُنَاۖ قُلِ ٱلَّذِي فَطَرَكُمۡ أَوَّلَ مَرَّةٍۚ فَسَيُنۡغِضُونَ إِلَيۡكَ رُءُوسَهُمۡ وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هُوَۖ قُلۡ عَسَىٰٓ أَن يَكُونَ قَرِيبًا ٥١“Kana chimwe chisikwa chakakura mumoyo yenyu (muchamutswa).” Naizvozvo vachati: “Ndiani achatidzorera (hupenyu)?” Iti: “Avo vakakusikai pakutanga!” Naizvozvo vachadzungudza misoro yavo kwauri vachiti: “Zvichaitika rinhi?” Iti: “Zvimwe manje manje!” يَوۡمَ يَدۡعُوكُمۡ فَتَسۡتَجِيبُونَ بِحَمۡدِهِۦ وَتَظُنُّونَ إِن لَّبِثۡتُمۡ إِلَّا قَلِيلًا ٥٢Pazuva iro ravachakusheedzai, uye muchadavira nekurumbidzwa kwavo, uye muchafunga kuti makagara (pano panyika) kwenguva diki وَقُل لِّعِبَادِي يَقُولُواْ ٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُۚ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ يَنزَغُ بَيۡنَهُمۡۚ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ كَانَ لِلۡإِنسَٰنِ عَدُوًّا مُّبِينًا ٥٣Uye taura kune varanda vangu kuti vanofanirwa kutaura mashoko akanaka. Zvirokwazvo, Satani anoita kuti vapokane pakati pavo. Zvirokwazvo, Satani muvengi ari pachena wevanhu رَّبُّكُمۡ أَعۡلَمُ بِكُمۡۖ إِن يَشَأۡ يَرۡحَمۡكُمۡ أَوۡ إِن يَشَأۡ يُعَذِّبۡكُمۡۚ وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ عَلَيۡهِمۡ وَكِيلًا ٥٤Tenzi venyu vanokuzivai zvakanaka; kana vada, vachakunzwirai tsitsi; uye kana vada, vachakutongai. Uyezve hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) semuchengetedzi wavo وَرَبُّكَ أَعۡلَمُ بِمَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۗ وَلَقَدۡ فَضَّلۡنَا بَعۡضَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ عَلَىٰ بَعۡضٍۖ وَءَاتَيۡنَا دَاوُۥدَ زَبُورًا ٥٥Uye Tenzi vako vanoziva zvakanyanya vese vari mumatenga nepasi. Uye zvirokwazvo, takasarudza mamwe maporofita pane mamwe, uye takapa Davhida maPisarema (Zaboor) قُلِ ٱدۡعُواْ ٱلَّذِينَ زَعَمۡتُم مِّن دُونِهِۦ فَلَا يَمۡلِكُونَ كَشۡفَ ٱلضُّرِّ عَنكُمۡ وَلَا تَحۡوِيلًا ٥٦Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai avo vamunotora saanamwari kunze kwavo (Allah). Havana simba rekubvisa nhamo pamuri kuiisa pane umwe.” أُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ يَبۡتَغُونَ إِلَىٰ رَبِّهِمُ ٱلۡوَسِيلَةَ أَيُّهُمۡ أَقۡرَبُ وَيَرۡجُونَ رَحۡمَتَهُۥ وَيَخَافُونَ عَذَابَهُۥٓۚ إِنَّ عَذَابَ رَبِّكَ كَانَ مَحۡذُورًا ٥٧Avo vavanosheedza (saJesu mwana waMariya, Ezira, Ngirozi) vachitsvaga nzira yekuna Tenzi vavo, kuti ndiani pakati pavo angave pedyo; uye (Jesu, Ezira, Ngirozi nevamwe) vanoshuvira tsitsi dzavo (Allah) uye vanotya mutongo wavo. Zvirokwazvo, mutongo waTenzi vako unotyisa (unofanira kutyiwa) وَإِن مِّن قَرۡيَةٍ إِلَّا نَحۡنُ مُهۡلِكُوهَا قَبۡلَ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ أَوۡ مُعَذِّبُوهَا عَذَابًا شَدِيدًاۚ كَانَ ذَٰلِكَ فِي ٱلۡكِتَٰبِ مَسۡطُورًا ٥٨Uye hapana guta asi tichariparadza zuva rekumutswa risati rasvika, kana kuritonga nemutongo wakaomarara. Izvi zvakanyorwa muGwaro (remirau yedu) وَمَا مَنَعَنَآ أَن نُّرۡسِلَ بِٱلۡأٓيَٰتِ إِلَّآ أَن كَذَّبَ بِهَا ٱلۡأَوَّلُونَۚ وَءَاتَيۡنَا ثَمُودَ ٱلنَّاقَةَ مُبۡصِرَةً فَظَلَمُواْ بِهَاۚ وَمَا نُرۡسِلُ بِٱلۡأٓيَٰتِ إِلَّا تَخۡوِيفًا ٥٩Uye hapana chinotimisa kutumira zviratidzo, asi kuti vanhu vekare vakaramba (zviratidzo). Uye takatumira ngamera hadzi kumaThamood sechiratidzo chiri pachena, asi vakaitadzira (vakaiuraya). Uye hatina kutumira zviratidzo kunze kwekurangaridza, nekuvachichidzira (kuti vachaparadzwa) وَإِذۡ قُلۡنَا لَكَ إِنَّ رَبَّكَ أَحَاطَ بِٱلنَّاسِۚ وَمَا جَعَلۡنَا ٱلرُّءۡيَا ٱلَّتِيٓ أَرَيۡنَٰكَ إِلَّا فِتۡنَةً لِّلنَّاسِ وَٱلشَّجَرَةَ ٱلۡمَلۡعُونَةَ فِي ٱلۡقُرۡءَانِۚ وَنُخَوِّفُهُمۡ فَمَا يَزِيدُهُمۡ إِلَّا طُغۡيَٰنًا كَبِيرًا ٦٠Uye (rangarira) apo patakakuudza: “Zvirokwazvo, Tenzi vako vakakomberedza vanhu (vari mumaoko avo).” Uye hatina kuita chiratidzo chatakakuratidza (Muhammad (SAW), Mi’raaj (Rwendo rwekudenga)) asi semuedzo kune vanhu, uye nemuti (weZaqqoom) wakashorwa muQur’aan. Uye tinovatsiura uye tovaita kuti vatye, asi zvinovawedzera kusatenda kukuru nekusateerera Allah وَإِذۡ قُلۡنَا لِلۡمَلَٰٓئِكَةِ ٱسۡجُدُواْ لِأٓدَمَ فَسَجَدُوٓاْ إِلَّآ إِبۡلِيسَ قَالَ ءَأَسۡجُدُ لِمَنۡ خَلَقۡتَ طِينًا ٦١Uye (rangarira) apo patakati kune ngirozi: “Pfugamirai pachenyu Adam.” Dzakapfugama kusara kwaIblees (Satani). Akati: “Ndingapfugamire uyo wamakasika kubva mudhaka?” قَالَ أَرَءَيۡتَكَ هَٰذَا ٱلَّذِي كَرَّمۡتَ عَلَيَّ لَئِنۡ أَخَّرۡتَنِ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ لَأَحۡتَنِكَنَّ ذُرِّيَّتَهُۥٓ إِلَّا قَلِيلًا ٦٢(Satani) akati: “Tarisa uyu wamakudza kudarika ini, kana mukandipa nguva kusvika zuva rekumutswa, ndicharasisa vana vake kusara kwevashoma!” قَالَ ٱذۡهَبۡ فَمَن تَبِعَكَ مِنۡهُمۡ فَإِنَّ جَهَنَّمَ جَزَآؤُكُمۡ جَزَآءً مَّوۡفُورًا ٦٣(Allah) vakati: “Enda, uye wese achakutevera pakati pavo, zvirokwazvo, Gehena richave mubairo wenyu (mese), mubairo wakazara.” وَٱسۡتَفۡزِزۡ مَنِ ٱسۡتَطَعۡتَ مِنۡهُم بِصَوۡتِكَ وَأَجۡلِبۡ عَلَيۡهِم بِخَيۡلِكَ وَرَجِلِكَ وَشَارِكۡهُمۡ فِي ٱلۡأَمۡوَٰلِ وَٱلۡأَوۡلَٰدِ وَعِدۡهُمۡۚ وَمَا يَعِدُهُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ إِلَّا غُرُورًا ٦٤“Uye vafurire avo vaunokwanisa pakati pavo neizwi rako (mimhanzi nezvimwe zvakadaro), uye varwise nemauto ako epamabhiza neetsoka, uye govana navo hupfumi nevana (nekuvanyengedza kuti vawane mari nenzira dzisina kunaka, kana kuita hupombwe), uye vavimbise.” Asi Satani haavavimbisi kusara kwekuvanyengedza إِنَّ عِبَادِي لَيۡسَ لَكَ عَلَيۡهِمۡ سُلۡطَٰنٌۚ وَكَفَىٰ بِرَبِّكَ وَكِيلًا ٦٥“Zvirokwazvo, varanda vangu (vatendi vechokwadi), hauna simba kwavari. Uye vakakwana Tenzi vako semuchengetedzi.” رَّبُّكُمُ ٱلَّذِي يُزۡجِي لَكُمُ ٱلۡفُلۡكَ فِي ٱلۡبَحۡرِ لِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ كَانَ بِكُمۡ رَحِيمًا ٦٦Tenzi venyu ndivo vanofambisa ngarava mugungwa, kuti muve munotsvaga makomborero avo. Zvirokwazvo, ndivo vane tsitsi zhinji kwamuri وَإِذَا مَسَّكُمُ ٱلضُّرُّ فِي ٱلۡبَحۡرِ ضَلَّ مَن تَدۡعُونَ إِلَّآ إِيَّاهُۖ فَلَمَّا نَجَّىٰكُمۡ إِلَى ٱلۡبَرِّ أَعۡرَضۡتُمۡۚ وَكَانَ ٱلۡإِنسَٰنُ كَفُورًا ٦٧Uye kana zvinokuvadza zvakubatai mugungwa, avo vamunosheedza vanotsakatika kusara kwaivo (Allah). Asi kana vakuburitsai kuuya panyika zvakanaka, munofuratira. Uye munhu haatendi أَفَأَمِنتُمۡ أَن يَخۡسِفَ بِكُمۡ جَانِبَ ٱلۡبَرِّ أَوۡ يُرۡسِلَ عَلَيۡكُمۡ حَاصِبًا ثُمَّ لَا تَجِدُواْ لَكُمۡ وَكِيلًا ٦٨Munonzwa kuchengetedzeka here kuti havazokonzeri divi renyika kukumedzai, kana kuti kutumira kwamuri dutu rejecha? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri أَمۡ أَمِنتُمۡ أَن يُعِيدَكُمۡ فِيهِ تَارَةً أُخۡرَىٰ فَيُرۡسِلَ عَلَيۡكُمۡ قَاصِفًا مِّنَ ٱلرِّيحِ فَيُغۡرِقَكُم بِمَا كَفَرۡتُمۡ ثُمَّ لَا تَجِدُواْ لَكُمۡ عَلَيۡنَا بِهِۦ تَبِيعًا ٦٩Kana kuti munonzwa kuchengetedzeka kuti havazokudzorerari kechipipiri mugungwa uye vokutumirai mhepo yakaomarara uye yokunyudzai nekuda kwekusatenda kwenyu? Naizvozvo, muchashaiwa mubetseri mariri pamusoro pedu ۞ وَلَقَدۡ كَرَّمۡنَا بَنِيٓ ءَادَمَ وَحَمَلۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِ وَرَزَقۡنَٰهُم مِّنَ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَفَضَّلۡنَٰهُمۡ عَلَىٰ كَثِيرٍ مِّمَّنۡ خَلَقۡنَا تَفۡضِيلًا ٧٠Uye zvirokwazvo takaremekedza vana vaAdam, uye tinovatakura panyika nemugungwa, uye tinovapa At-Tayyibaat (zvinhu zvakanaka zvinobvumirwa), uye takavasarudza zvikuru pane vazhinji veavo vatakasika يَوۡمَ نَدۡعُواْ كُلَّ أُنَاسِۭ بِإِمَٰمِهِمۡۖ فَمَنۡ أُوتِيَ كِتَٰبَهُۥ بِيَمِينِهِۦ فَأُوْلَٰٓئِكَ يَقۡرَءُونَ كِتَٰبَهُمۡ وَلَا يُظۡلَمُونَ فَتِيلًا ٧١(Uye rangarira) zuva ratichasheedza vanhu vese nevatungamiriri vavo (maporofita avo, kana magwaro ezviito zvavo, kana Mabhuku avo seQur’aan, Torah neVhangeri, kana kuti vatungamiriri vavo panyika vavaitevera). Saka uyo achapihwa gwaro rake kuruoko rwake rwerudyi, vakadaro vachavarenga magwaro avo, uye havazombodzvanyirirwi وَمَن كَانَ فِي هَٰذِهِۦٓ أَعۡمَىٰ فَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ أَعۡمَىٰ وَأَضَلُّ سَبِيلًا ٧٢Uye wese asingaoni pano pasi (zviratidzo zvaAllah nekusatenda mavari), achange asingaoni muhupenyu hwemangwana, uye akarasika zvikuru kubva mugwara وَإِن كَادُواْ لَيَفۡتِنُونَكَ عَنِ ٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ لِتَفۡتَرِيَ عَلَيۡنَا غَيۡرَهُۥۖ وَإِذًا لَّٱتَّخَذُوكَ خَلِيلًا ٧٣Zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukuedza kubva kune zvatakadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), kuti uve unogadzira uchipokana nesu zvimwe zvakasiyana nazvo, uye naizvozvo vangadai zvirokwazvo vakakutora seshamwari وَلَوۡلَآ أَن ثَبَّتۡنَٰكَ لَقَدۡ كِدتَّ تَرۡكَنُ إِلَيۡهِمۡ شَيۡـًٔا قَلِيلًا ٧٤Uye dai tisina kukumisa zvakadzama, ungadai wakarerekera kwavari zvishoma إِذًا لَّأَذَقۡنَٰكَ ضِعۡفَ ٱلۡحَيَوٰةِ وَضِعۡفَ ٱلۡمَمَاتِ ثُمَّ لَا تَجِدُ لَكَ عَلَيۡنَا نَصِيرًا ٧٥Naizvozvo tingadai zvirokwazvo takakuravidza mugove wakapetwa (wemurango) muhupenyu uno uye mugove wakapetwa (wemurango) kumberi kwerufu. Uye waishaiwa mubetseri pakupokana nesu وَإِن كَادُواْ لَيَسۡتَفِزُّونَكَ مِنَ ٱلۡأَرۡضِ لِيُخۡرِجُوكَ مِنۡهَاۖ وَإِذًا لَّا يَلۡبَثُونَ خِلَٰفَكَ إِلَّا قَلِيلًا ٧٦Uye zvirokwazvo, vakanga vave pedyo kukutyisa zvakanyanya kuti vakuburitse panyika. Naizvozvo vaisagara mushure mako kusara kwenguva shoma سُنَّةَ مَن قَدۡ أَرۡسَلۡنَا قَبۡلَكَ مِن رُّسُلِنَاۖ وَلَا تَجِدُ لِسُنَّتِنَا تَحۡوِيلًا ٧٧Nzira (Sunnah) yeavo vatakatumira usati wavepo (Muhammad (SAW)) kubva kuvatumwa vedu, uye hauzowani kusiyana mune Sunnah (Nzira) yedu أَقِمِ ٱلصَّلَوٰةَ لِدُلُوكِ ٱلشَّمۡسِ إِلَىٰ غَسَقِ ٱلَّيۡلِ وَقُرۡءَانَ ٱلۡفَجۡرِۖ إِنَّ قُرۡءَانَ ٱلۡفَجۡرِ كَانَ مَشۡهُودًا ٧٨Ita Swalaah (minamato) kubva masikatikati kusvika parima reusiku (minamato yeDhuhr, Asr, Maghrib neIsha), uye verenga Qur’aan mangwanani-ngwanani (munamato wemangwanani, Fajr). Zvirokwazvo, kuverenga Qur’aan mangwanani zvinopupurwa (nengirozi dzemasikati nedzeusiku dzinotarisa vanhu) وَمِنَ ٱلَّيۡلِ فَتَهَجَّدۡ بِهِۦ نَافِلَةً لَّكَ عَسَىٰٓ أَن يَبۡعَثَكَ رَبُّكَ مَقَامًا مَّحۡمُودًا ٧٩Uye kubva muusiku, ita munamato naro (verenga Qur’aan mumunamato) sekupamhidza munamato (Tahajjud) wako (Muhammad (SAW)). Zvimwe Tenzi vako vangakusimudzire paMaqaam Mahmood (nzvimbo yerukudzo nerumbidzo, yekumiririra vanhu pazuva rekumutswa) وَقُل رَّبِّ أَدۡخِلۡنِي مُدۡخَلَ صِدۡقٍ وَأَخۡرِجۡنِي مُخۡرَجَ صِدۡقٍ وَٱجۡعَل لِّي مِن لَّدُنكَ سُلۡطَٰنًا نَّصِيرًا ٨٠Uye iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu! Ndipinzei mune zvakanaka (muguta reAl-Madinah), uye ndibuditsei mune zvakanaka (muguta reMakkah). Uye ndipeiwo simba kubva kwamuri rinondibetsera (kana kuti chiratidzo).” وَقُلۡ جَآءَ ٱلۡحَقُّ وَزَهَقَ ٱلۡبَٰطِلُۚ إِنَّ ٱلۡبَٰطِلَ كَانَ زَهُوقًا ٨١Uye iti: “Chokwadi (Islaam) chauya uye manyepo (kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu) aparara. Zvirokwazvo, manyepo anova anoparara.” وَنُنَزِّلُ مِنَ ٱلۡقُرۡءَانِ مَا هُوَ شِفَآءٌ وَرَحۡمَةٌ لِّلۡمُؤۡمِنِينَ وَلَا يَزِيدُ ٱلظَّٰلِمِينَ إِلَّا خَسَارًا ٨٢Uye tinodzikisa muQur’aan izvo zvinorapa uye tsitsi kuvatendi (muIslaam), uye hazviwedzeri vanoita zvakaipa kunze kwekurasikirwa وَإِذَآ أَنۡعَمۡنَا عَلَى ٱلۡإِنسَٰنِ أَعۡرَضَ وَنَـَٔا بِجَانِبِهِۦ وَإِذَا مَسَّهُ ٱلشَّرُّ كَانَ يَـُٔوسًا ٨٣Uye apo patinodzikisa nyasha dzedu kumunhu (asingatendi), anofuratira wozvikudza. Uye kana zvakaipa zvamubata, anodemba zvakanyanya قُلۡ كُلٌّ يَعۡمَلُ عَلَىٰ شَاكِلَتِهِۦ فَرَبُّكُمۡ أَعۡلَمُ بِمَنۡ هُوَ أَهۡدَىٰ سَبِيلًا ٨٤Iti (Muhammd (SAW) kune vanhu): “Mumwe nemumwe anoita nekuda kwake (Shaakilatihi), uye Tenzi venyu vanoziva zvakanyanya uyo nzira yake yakatwasuka.” وَيَسۡـَٔلُونَكَ عَنِ ٱلرُّوحِۖ قُلِ ٱلرُّوحُ مِنۡ أَمۡرِ رَبِّي وَمَآ أُوتِيتُم مِّنَ ٱلۡعِلۡمِ إِلَّا قَلِيلًا ٨٥Uye vanokubvunza (Muhammad (SAW)) maereano neRooh (Mweya). Iti: “Rooh (Mweya) chimwe chezvinhu, ruzivo rwayo rwuna Tenzi vangu. Uye hamuna kupihwa ruzivo kusara kwerwushoma.” وَلَئِن شِئۡنَا لَنَذۡهَبَنَّ بِٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ ثُمَّ لَا تَجِدُ لَكَ بِهِۦ عَلَيۡنَا وَكِيلًا ٨٦Uye dai takada, zvirokwazvo, dai takatora izvo zvatakadzikisa kwauri (Qur’aan). Naizvozvo waishaiwa muchengeti nazvo kubva kwatiri إِلَّا رَحۡمَةً مِّن رَّبِّكَۚ إِنَّ فَضۡلَهُۥ كَانَ عَلَيۡكَ كَبِيرًا ٨٧Kunze kwetsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, nyasha dzavo kwauri (Muhammad (SAW)) izhinji قُل لَّئِنِ ٱجۡتَمَعَتِ ٱلۡإِنسُ وَٱلۡجِنُّ عَلَىٰٓ أَن يَأۡتُواْ بِمِثۡلِ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ لَا يَأۡتُونَ بِمِثۡلِهِۦ وَلَوۡ كَانَ بَعۡضُهُمۡ لِبَعۡضٍ ظَهِيرًا ٨٨Iti: “Kunyangwe vanhu nemaJinn vakaungana kugadzira zvakafanana neQur’aan iri, havagadziri zvakafanana naro, kunyangwe vamwe vavo vakabetsera vamwe.” وَلَقَدۡ صَرَّفۡنَا لِلنَّاسِ فِي هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ مِن كُلِّ مَثَلٍ فَأَبَىٰٓ أَكۡثَرُ ٱلنَّاسِ إِلَّا كُفُورًا ٨٩Uye zvirokwazvo, takatsanangurira vanhu muQur’aan iri mienzaniso yese, asi vanhu vazhinji vanoramba (Chokwadi) kusara kwekusatenda وَقَالُواْ لَن نُّؤۡمِنَ لَكَ حَتَّىٰ تَفۡجُرَ لَنَا مِنَ ٱلۡأَرۡضِ يَنۢبُوعًا ٩٠Uye vanoti: “Hatitendi mauri (Muhammad (SAW)) kusvika watiburitsira chitubu panyika.” أَوۡ تَكُونَ لَكَ جَنَّةٌ مِّن نَّخِيلٍ وَعِنَبٍ فَتُفَجِّرَ ٱلۡأَنۡهَٰرَ خِلَٰلَهَا تَفۡجِيرًا ٩١“Kana kuti une bindu remadheti nemagirepu, uye unoita nzizi dziyerere pakati paro.” أَوۡ تُسۡقِطَ ٱلسَّمَآءَ كَمَا زَعَمۡتَ عَلَيۡنَا كِسَفًا أَوۡ تَأۡتِيَ بِٱللَّهِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ قَبِيلًا ٩٢“Kana kudonhedza denga muzvidimbu sekutiudza (sekunyengedza) kwawakatiita, kana kuunza Allah nengirozi kwatiri.” أَوۡ يَكُونَ لَكَ بَيۡتٌ مِّن زُخۡرُفٍ أَوۡ تَرۡقَىٰ فِي ٱلسَّمَآءِ وَلَن نُّؤۡمِنَ لِرُقِيِّكَ حَتَّىٰ تُنَزِّلَ عَلَيۡنَا كِتَٰبًا نَّقۡرَؤُهُۥۗ قُلۡ سُبۡحَانَ رَبِّي هَلۡ كُنتُ إِلَّا بَشَرًا رَّسُولًا ٩٣“Kana kuti ova neimba yeZukhruf (Sirivha negoridhe), kana kuti okwira kudenga, uye hatimbotendi mukukwira kwako kusvika wadzikisa kwatiri gwaro kuti tiverenge.” Iti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vangu! Ndingave chimwe chinhu here asi munhu akatumirwa semutumwa?” وَمَا مَنَعَ ٱلنَّاسَ أَن يُؤۡمِنُوٓاْ إِذۡ جَآءَهُمُ ٱلۡهُدَىٰٓ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ أَبَعَثَ ٱللَّهُ بَشَرًا رَّسُولًا ٩٤Uye hapana chakamisa vanhu kutenda kana gwara rauya kwavari, kunze kwekuti vanoti: “Allah vakatumira munhu semutumwa here?” قُل لَّوۡ كَانَ فِي ٱلۡأَرۡضِ مَلَٰٓئِكَةٌ يَمۡشُونَ مُطۡمَئِنِّينَ لَنَزَّلۡنَا عَلَيۡهِم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ مَلَكًا رَّسُولًا ٩٥Iti: “Dai panyika pane ngirozi dzichifamba murunyararo, zvirokwazvo tingadai takadzikisa kwavari kubva kudenga ngirozi semutumwa.” قُلۡ كَفَىٰ بِٱللَّهِ شَهِيدَۢا بَيۡنِي وَبَيۡنَكُمۡۚ إِنَّهُۥ كَانَ بِعِبَادِهِۦ خَبِيرَۢا بَصِيرًا ٩٦Iti: “Allah vanokwana semupupuri pakati pangu nemi. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvakanyanya, vanoona varanda vavo.” وَمَن يَهۡدِ ٱللَّهُ فَهُوَ ٱلۡمُهۡتَدِۖ وَمَن يُضۡلِلۡ فَلَن تَجِدَ لَهُمۡ أَوۡلِيَآءَ مِن دُونِهِۦۖ وَنَحۡشُرُهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ عَلَىٰ وُجُوهِهِمۡ عُمۡيًا وَبُكۡمًا وَصُمًّاۖ مَّأۡوَىٰهُمۡ جَهَنَّمُۖ كُلَّمَا خَبَتۡ زِدۡنَٰهُمۡ سَعِيرًا ٩٧Uye uyo anotungamirwa naAllah, ndiye akatungamirwa; asi uyo wavanorasisa, hauzombovawaniri vabetseri kunze kwavo, uye tichavaunganidza pazuva rekumutswa nezviso zvavo, vasingaoni, vasingatauri uye vasinganzwi. Gehena ichange iri nzvimbo yavo yokugara. Pese parinonyarara, tinovawedzerera ukasha hwemoto ذَٰلِكَ جَزَآؤُهُم بِأَنَّهُمۡ كَفَرُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَقَالُوٓاْ أَءِذَا كُنَّا عِظَٰمًا وَرُفَٰتًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ خَلۡقًا جَدِيدًا ٩٨Uyu ndiwo mubairo wavo, nekuti vairamba zviratidzo zvedu uye vachiti: “Kana tava mapfupa uye taparadzwa, tichamutswa here sezvisikwa zvitsva?” ۞ أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ قَادِرٌ عَلَىٰٓ أَن يَخۡلُقَ مِثۡلَهُمۡ وَجَعَلَ لَهُمۡ أَجَلًا لَّا رَيۡبَ فِيهِ فَأَبَى ٱلظَّٰلِمُونَ إِلَّا كُفُورًا ٩٩Havaoni here kuti Allah vakasika matenga nenyika, vanokwanisa kusika zvakafanana nazvo. Uye vakavapa nguva yakatarwa iyo isina kupokana. Asi vanoita zvakaipa vakaramba kunze kwekusatenda قُل لَّوۡ أَنتُمۡ تَمۡلِكُونَ خَزَآئِنَ رَحۡمَةِ رَبِّيٓ إِذًا لَّأَمۡسَكۡتُمۡ خَشۡيَةَ ٱلۡإِنفَاقِۚ وَكَانَ ٱلۡإِنسَٰنُ قَتُورًا ١٠٠Iti (kune vasingatendi): “Dai makawana hupfumi hwetsitsi dzaTenzi vangu, naizvozvo zvirokwazvo, maisauburitsa muchitya kuperevedza, uye munhu anoomera!” وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَىٰ تِسۡعَ ءَايَٰتِۭ بَيِّنَٰتٍۖ فَسۡـَٔلۡ بَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ إِذۡ جَآءَهُمۡ فَقَالَ لَهُۥ فِرۡعَوۡنُ إِنِّي لَأَظُنُّكَ يَٰمُوسَىٰ مَسۡحُورًا ١٠١Uye zvirokwazvo, takapa Musa zviratidzo pfumbamwe (9) zviri pachena. Naizvozvo bvunza vana vaIzirairi. Apo paakauya kwavari, Farawo akati kwaari: “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndinofunga kuti wakaroiwa.” قَالَ لَقَدۡ عَلِمۡتَ مَآ أَنزَلَ هَٰٓؤُلَآءِ إِلَّا رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ بَصَآئِرَ وَإِنِّي لَأَظُنُّكَ يَٰفِرۡعَوۡنُ مَثۡبُورًا ١٠٢(Musa) akati: “Zvirokwazvo, unoziva kuti zviratidzo izvi hazvina kudzikiswa naani kunze kwaTenzi vematenga nenyika. Uye zvirokwazvo, ndinofunga kuti uchaparadzwa, iwe Farawo!” فَأَرَادَ أَن يَسۡتَفِزَّهُم مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ فَأَغۡرَقۡنَٰهُ وَمَن مَّعَهُۥ جَمِيعًا ١٠٣Naizvozvo akada kuvaburitsa kubva munyika (yeEgypt), asi takamunyudza uye nevese vakanga vainaye وَقُلۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِۦ لِبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ ٱسۡكُنُواْ ٱلۡأَرۡضَ فَإِذَا جَآءَ وَعۡدُ ٱلۡأٓخِرَةِ جِئۡنَا بِكُمۡ لَفِيفًا ١٠٤Uye takati kuvana vaIzirairi mumashure make: “Garai panyika, asi kana vimbiso yekupedzisira yauya pedyo (Zuva rekumutsva kana kudzoka kwaJesu panyika), tichakuunzai pamwe chete seboka rakasanganiswa (madzinza akasiyana-siyana akaunganidzwa) وَبِٱلۡحَقِّ أَنزَلۡنَٰهُ وَبِٱلۡحَقِّ نَزَلَۗ وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا مُبَشِّرًا وَنَذِيرًا ١٠٥Uye muchokwadi takaridzikisa (Qur’aan), uye nechokwadi rakadzika. Uye hatina kukutumira (Muhammad (SAW)) saani kunze kwemupi wemashoko akanaka (eParadhiso kune vanoita mabasa akanaka), uye semuyambiri (kubva kuGehena kune vanoramba Islaam) وَقُرۡءَانًا فَرَقۡنَٰهُ لِتَقۡرَأَهُۥ عَلَى ٱلنَّاسِ عَلَىٰ مُكۡثٍ وَنَزَّلۡنَٰهُ تَنزِيلًا ١٠٦Uye iQur’aan ratakapatsanura kuti uve unoriverenga kune vanhu muzvinhambwe. Uye takaridzikisa muzvidimbu (kwemakore makumi maviri nematatu) قُلۡ ءَامِنُواْ بِهِۦٓ أَوۡ لَا تُؤۡمِنُوٓاْۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ مِن قَبۡلِهِۦٓ إِذَا يُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ يَخِرُّونَۤ لِلۡأَذۡقَانِۤ سُجَّدًاۤ ١٠٧Iti (Muhammad (SAW)) kwavari: “Tendai mariri (Qur’aan) kana kusatenda. Zvirokwazvo, avo vakapihwa ruzivo mushure maro (MaJudha nemaKristu saAbdullah bin Salaam naSalman Al- Farisi), kana richiverengwa kwavari, vanopfugama pasi nezviso zvavo vachizvininipisa.” وَيَقُولُونَ سُبۡحَٰنَ رَبِّنَآ إِن كَانَ وَعۡدُ رَبِّنَا لَمَفۡعُولًا ١٠٨Uye vanoti: “Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vedu! Zvirokwazvo, vimbiso yaTenzi vedu inofanirwa kuzadziswa.” وَيَخِرُّونَ لِلۡأَذۡقَانِ يَبۡكُونَ وَيَزِيدُهُمۡ خُشُوعًا ۩ ١٠٩Uye vanopfugama pasi nezviso zvavo vachichema uye zvinowedzera unyoro hwavo قُلِ ٱدۡعُواْ ٱللَّهَ أَوِ ٱدۡعُواْ ٱلرَّحۡمَٰنَۖ أَيًّا مَّا تَدۡعُواْ فَلَهُ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ وَلَا تَجۡهَرۡ بِصَلَاتِكَ وَلَا تُخَافِتۡ بِهَا وَٱبۡتَغِ بَيۡنَ ذَٰلِكَ سَبِيلًا ١١٠Iti (Muhammad (SAW)): “Sheedzai Allah kana sheedza vane tsitsi zhinji (Allah), nezita ripi zvaro ramunovasheedza, ndivo vane mazita akanaka. Uye usaita munamato wako nezwi repamusoro kana repasi, asi tevera nzira iri pakati.” وَقُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي لَمۡ يَتَّخِذۡ وَلَدًا وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ شَرِيكٌ فِي ٱلۡمُلۡكِ وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ وَلِيٌّ مِّنَ ٱلذُّلِّۖ وَكَبِّرۡهُ تَكۡبِيرَۢا ١١١Uye iti: “Kurumbidzwa nekutenda kwese ndekwa Allah, avo vasina kutora mwana, uye havana umwe pamasimba (avo), uye havasi vepasi kuti vangave nemubetseri. Uye vakudze nemukudzo mukuru, (Allaahu Akbar (Allah ndivo vakuru pamusoro pezvese)).”