ملة الإسلام

السورة 16 · 128 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة النحل باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة النحل (1,197 قارئاً)
مكيةسورة النحل١٢٨ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

أَتَىٰٓ أَمۡرُ ٱللَّهِ فَلَا تَسۡتَعۡجِلُوهُۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ١Murawo wakatarwa naAllah (Zuva Rekutongwa) uchasvika, saka musave munoda kuukurumidzisa. Kurumbidzwa ngakuve kwavari uye vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo يُنَزِّلُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ بِٱلرُّوحِ مِنۡ أَمۡرِهِۦ عَلَىٰ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦٓ أَنۡ أَنذِرُوٓاْ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنَا۠ فَٱتَّقُونِ ٢Vanotumidzira ngirozi neRooh (Mashoko avo) nemurawo wavo kune wavada kubva kune varanda vavo (vachiti): “Yambirai (vanhu) kuti Laa ilaaha illaa Ana (Hapana anekodzero yekunamatwa kunze kwangu), saka ityai inini (nekusaita mabasa akaipa).” خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّۚ تَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ ٣Vakasika matenga nenyika muchokwadi. Vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ مِن نُّطۡفَةٍ فَإِذَا هُوَ خَصِيمٌ مُّبِينٌ ٤Vakasika munhu kubva kuNutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai), asi tarisai, anobva aita mupikisi ari pachena وَٱلۡأَنۡعَٰمَ خَلَقَهَاۖ لَكُمۡ فِيهَا دِفۡءٌ وَمَنَٰفِعُ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ ٥Uye nemombe, vakakusikirai; munowana kubva madziri kudziirwa (mbasha dzinodziya) nezvakati wandei zvinobatsira, uye kubva madziri munodya وَلَكُمۡ فِيهَا جَمَالٌ حِينَ تُرِيحُونَ وَحِينَ تَسۡرَحُونَ ٦Uye munowana kubva madziri runako pamunodzitora kubva kumafuro manheru, uye nepamunodziendesa kumafuro mangwanani وَتَحۡمِلُ أَثۡقَالَكُمۡ إِلَىٰ بَلَدٍ لَّمۡ تَكُونُواْ بَٰلِغِيهِ إِلَّا بِشِقِّ ٱلۡأَنفُسِۚ إِنَّ رَبَّكُمۡ لَرَءُوفٌ رَّحِيمٌ ٧Uye dzinotakura mikwende yenyu kusvika kunzvimbo yamusingakwanisi kusvika kunze kwekuti mashungurudzika zvakanyanya. Uye Tenzi venyu vazere nerudo, vane tsitsi zhinji وَٱلۡخَيۡلَ وَٱلۡبِغَالَ وَٱلۡحَمِيرَ لِتَرۡكَبُوهَا وَزِينَةًۚ وَيَخۡلُقُ مَا لَا تَعۡلَمُونَ ٨Uye (vakakusikirai) mabhiza, nyurusi nembongoro kuti muzvitasve uye senzira yekuzvishongedza. Uye vanosika zvinhu zvamusina ruzivo nazvo وَعَلَى ٱللَّهِ قَصۡدُ ٱلسَّبِيلِ وَمِنۡهَا جَآئِرٌۚ وَلَوۡ شَآءَ لَهَدَىٰكُمۡ أَجۡمَعِينَ ٩Uye Allah ndivo vane kodzero yekutsanangudza nzira yakatwasuka. Asi pane nzira dzinotsauka (Kunamata zvidhori, chiJudha nechiKristu). Uye dai vaida, vangadai vakakutungamirirai mose هُوَ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءًۖ لَّكُم مِّنۡهُ شَرَابٌ وَمِنۡهُ شَجَرٌ فِيهِ تُسِيمُونَ ١٠Ndivo (Allah) vanonaisa mvura kubva kudenga; kubva mairi munomwa uye zvirimwa (zvinokura) zvamunozotumira zvipfuwo zvenyu kunofura يُنۢبِتُ لَكُم بِهِ ٱلزَّرۡعَ وَٱلزَّيۡتُونَ وَٱلنَّخِيلَ وَٱلۡأَعۡنَٰبَ وَمِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّقَوۡمٍ يَتَفَكَّرُونَ ١١Vanokumereserai nemvura iyoyo zvirimwa nemaOrivhi (Zaitoon), nemadheti, nemagirepi, uye nemichero yese. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ وَٱلنُّجُومُ مُسَخَّرَٰتُۢ بِأَمۡرِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يَعۡقِلُونَ ١٢Uye vakakugadzikirai usiku nesikati, uye zuva nemwedzi, uye vakagadzika nyenyedzi nemurawo wavo. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanonzwisisa وَمَا ذَرَأَ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُخۡتَلِفًا أَلۡوَٰنُهُۥٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّقَوۡمٍ يَذَّكَّرُونَ ١٣Uye vakakusikirai zvese pano pasi zvine ndarama dzakasiyana-siyana. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanorangarira وَهُوَ ٱلَّذِي سَخَّرَ ٱلۡبَحۡرَ لِتَأۡكُلُواْ مِنۡهُ لَحۡمًا طَرِيًّا وَتَسۡتَخۡرِجُواْ مِنۡهُ حِلۡيَةً تَلۡبَسُونَهَاۖ وَتَرَى ٱلۡفُلۡكَ مَوَاخِرَ فِيهِ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ١٤Uye ndivo vakakugadzikirai gungwa, kuti muve munodya kubva mariri nyama nhete nyoro (hove), uye kuti muve munoburitsa kubva mariri zvinemo zvekupfeka. Uye unoona ngarava dzichifamba mariri, kuti muve munotsvaga makomborero avo, uye kuti muve munotenda وَأَلۡقَىٰ فِي ٱلۡأَرۡضِ رَوَٰسِيَ أَن تَمِيدَ بِكُمۡ وَأَنۡهَٰرًا وَسُبُلًا لَّعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ ١٥Uye vakagadzika panyika makomo akamira zvakabata, kuti zvimwe ingabvunde nemi; uye nzizi nenzira, kuti muve munotungamirirwa وَعَلَٰمَٰتٍۚ وَبِٱلنَّجۡمِ هُمۡ يَهۡتَدُونَ ١٦Uye zviratidzo (masikati) uye nenyenyedzi (husiku) munozvitungamirira أَفَمَن يَخۡلُقُ كَمَن لَّا يَخۡلُقُۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ ١٧Vakafanana here vanosika neuyo asingasiki? Hamurangariri here وَإِن تَعُدُّواْ نِعۡمَةَ ٱللَّهِ لَا تُحۡصُوهَآۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَغَفُورٌ رَّحِيمٌ ١٨Uye mukada kuverenga makomborero aAllah, hamukwanisi kumaverenga. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ مَا تُسِرُّونَ وَمَا تُعۡلِنُونَ ١٩Uye Allah vanoziva zvamunovanza nezvamunoburitsa وَٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ لَا يَخۡلُقُونَ شَيۡـًٔا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ ٢٠Avo (vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu) vavanokumbira kunze kwaAllah, havana kana chavakasika, asi ivo zvisikwa (vakasikwa) أَمۡوَٰتٌ غَيۡرُ أَحۡيَآءٍۖ وَمَا يَشۡعُرُونَ أَيَّانَ يُبۡعَثُونَ ٢١Zvitunha, havasi vapenyu, uye havazivi kuti vachamutswa rinhi إِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٌ وَٰحِدٌۚ فَٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ قُلُوبُهُم مُّنكِرَةٌ وَهُم مُّسۡتَكۡبِرُونَ ٢٢Mwari wenyu ndiMwari vamwechete (Allah). Asi avo vasingatendi muhupenyu hwemangwana, moyo yavo inoramba (kutenda muhumwechete hwaAllah), uye vanozvikudza لَا جَرَمَ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعۡلِنُونَۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُسۡتَكۡبِرِينَ ٢٣Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvavanovanza nezvavanoburitsa. Zvirokwazvo, (Allah) havadi vanozvikudza وَإِذَا قِيلَ لَهُم مَّاذَآ أَنزَلَ رَبُّكُمۡ قَالُوٓاْ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٢٤Uye kana zvikanzi kwavari: “Chii chakadzikiswa naTenzi venyu (kuna Muhammad (SAW))?” Vanoti: “Ingano dzemadzitateguru!” لِيَحۡمِلُوٓاْ أَوۡزَارَهُمۡ كَامِلَةً يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَمِنۡ أَوۡزَارِ ٱلَّذِينَ يُضِلُّونَهُم بِغَيۡرِ عِلۡمٍۗ أَلَا سَآءَ مَا يَزِرُونَ ٢٥Vachatakura mutoro wavo zvizere pazuva rekumutswa, uye nemutoro weavo vavakarunzira (vavakarasisa) vasina ruzivo. Zvirokwazvo, uipi ndeizvo zvavachatakura قَدۡ مَكَرَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ فَأَتَى ٱللَّهُ بُنۡيَٰنَهُم مِّنَ ٱلۡقَوَاعِدِ فَخَرَّ عَلَيۡهِمُ ٱلسَّقۡفُ مِن فَوۡقِهِمۡ وَأَتَىٰهُمُ ٱلۡعَذَابُ مِنۡ حَيۡثُ لَا يَشۡعُرُونَ ٢٦Zvirokwazvo, avo vakanga varipo mushure mavo vakaronga, asi Allah vakaparadza migero yemidhadhadha (dzimba) yavo, uye denga (remba) rakadonha pasi pavari kubva pamusoro pavo, uye marwadzo akavabata kubva kune mativi avakanga vasina kutarisira ثُمَّ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ يُخۡزِيهِمۡ وَيَقُولُ أَيۡنَ شُرَكَآءِيَ ٱلَّذِينَ كُنتُمۡ تُشَٰٓقُّونَ فِيهِمۡۚ قَالَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ إِنَّ ٱلۡخِزۡيَ ٱلۡيَوۡمَ وَٱلسُّوٓءَ عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ ٢٧Uye nezuva rekumutswa, vachavanyadzisa uye vachati: “Varipi vamwe vangu avo pamusoro pavo maipikisana nekukakavadzana (nevatendi musingateereri Allah)?” Avo vakapihwa ruzivo (rwemutongo waAllah kune vasingatendi) vachati: “Zvirokwazvo, kudzikisirwa nemarwadzo zvichave kune vasingatendi zuva iri.” ٱلَّذِينَ تَتَوَفَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ ظَالِمِيٓ أَنفُسِهِمۡۖ فَأَلۡقَوُاْ ٱلسَّلَمَ مَا كُنَّا نَعۡمَلُ مِن سُوٓءِۭۚ بَلَىٰٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٢٨“Avo hupenyu hwavo unotorwa nengirozi vachizvitadzira (vasingatendi munaAllah uye vachiita mabasa akaipa).” Vachapa uchapupu hwekunyepa (vachiti): “Taisaita zvakaipa.” (Ngirozi dzichapindura dzichiti): “Hongu! Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvamaiita.” فَٱدۡخُلُوٓاْ أَبۡوَٰبَ جَهَنَّمَ خَٰلِدِينَ فِيهَاۖ فَلَبِئۡسَ مَثۡوَى ٱلۡمُتَكَبِّرِينَ ٢٩“Naizvozvo pindai mikova yekuGehena kunogaramo, uye zvirokwazvo, inzvimbo yakaipa chaizvo kune vanozvikudza.” ۞ وَقِيلَ لِلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ مَاذَآ أَنزَلَ رَبُّكُمۡۚ قَالُواْ خَيۡرًاۗ لِّلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٌۚ وَلَدَارُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٌۚ وَلَنِعۡمَ دَارُ ٱلۡمُتَّقِينَ ٣٠Uye zvikanzi kune avo vakarurama: “Ko chii chatumirwa naTenzi venyu?” Vanoti: “Zvakanaka.” Avo vanoita zvakanaka pano panyika vachawana zvakanaka, uye imba yehupenyu hwemangwana yakanaka. Uye imba (Paradhiso) yeavo vakarurama (Al-Muttaqqoon) ichange yakanaka chose جَنَّٰتُ عَدۡنٍ يَدۡخُلُونَهَا تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ لَهُمۡ فِيهَا مَا يَشَآءُونَۚ كَذَٰلِكَ يَجۡزِي ٱللَّهُ ٱلۡمُتَّقِينَ ٣١Mapindu ehupenyu husingaperi avachapinda, nzizi dzichiyerera nechekuzasi kwavo, vachawana zvese zvavaishuvira ikoko. Saizvozvo, Allah vanopa muripo kune Al-Muttaqqoon (vakarurama) ٱلَّذِينَ تَتَوَفَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ طَيِّبِينَ يَقُولُونَ سَلَٰمٌ عَلَيۡكُمُ ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٣٢Avo ngirozi dzinotora hupenyu hwavo vakanaka (vachinamata Allah chete uye vachiita zvakanaka) dzinoti kwavari: “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri), pindai muParadhiso nekuda kwemabasa akanaka amaiita (panyika).” هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّآ أَن تَأۡتِيَهُمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ أَوۡ يَأۡتِيَ أَمۡرُ رَبِّكَۚ كَذَٰلِكَ فَعَلَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ وَمَا ظَلَمَهُمُ ٱللَّهُ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ٣٣Vanomirira (avo vasingatendi) here asi kuti ngirozi dziuye kwavari (kuzotora hupenyu hwavo), kana kuti murawo (marwadzo kana zuva rekumutswa) waTenzi vako uuye? Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo ivo vasati vavepo. Uye Allah havana kuvatadzira asi vakazvitadzira pachavo فَأَصَابَهُمۡ سَيِّـَٔاتُ مَا عَمِلُواْ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ ٣٤Zvakaipa zvemabasa avaiita zvakavawira, uye izvo zvavaishora zvakavakomberedza وَقَالَ ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ لَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَا عَبَدۡنَا مِن دُونِهِۦ مِن شَيۡءٍ نَّحۡنُ وَلَآ ءَابَآؤُنَا وَلَا حَرَّمۡنَا مِن دُونِهِۦ مِن شَيۡءٍۚ كَذَٰلِكَ فَعَلَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ فَهَلۡ عَلَى ٱلرُّسُلِ إِلَّا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ ٣٥Uye avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari mukunamata vakati: “Dai Allah vaida, tingadai tisina kunamata chimwe chinhu kunze kwaivo (Allah) isusu kana madzitateguru edu, kana kurambidza chimwe chinhu pasina ivo (murawo kubva kwavari).” Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo vasati vavepo. Naizvozvo vatumwa havana kutumwa asi kuzosvitsa shoko raAllah zviri pachena وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٍ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَۖ فَمِنۡهُم مَّنۡ هَدَى ٱللَّهُ وَمِنۡهُم مَّنۡ حَقَّتۡ عَلَيۡهِ ٱلضَّلَٰلَةُۚ فَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ٣٦Zvirokwazo, takatumira kudzinza rega-rega mutumwa achiti: “Namatai Allah, mova munosiya Taaghoot (vanamwari venhema).” Uye pakati pavo pane vakatungamirirwa naAllah, uye pakati pavo pane avo kurasika kwange kwakakodzera zvachose. Naizvozvo fambai nenyika muone kuti magumo eavo vakaramba chokwadi akanga akaita sei إِن تَحۡرِصۡ عَلَىٰ هُدَىٰهُمۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَن يُضِلُّۖ وَمَا لَهُم مِّن نَّٰصِرِينَ ٣٧Kunyange ukashuvira (Muhammad (SAW)) kutungamirwa kwavo, zvirokwazvo, Allah havatungamiriri avo vanoita kuti varasike (kana kuti hapana anokwanisa kutungamirira uyo Allah wavanoita kuti arasike). Uye vachange vasina vabatsiri وَأَقۡسَمُواْ بِٱللَّهِ جَهۡدَ أَيۡمَٰنِهِمۡ لَا يَبۡعَثُ ٱللَّهُ مَن يَمُوتُۚ بَلَىٰ وَعۡدًا عَلَيۡهِ حَقًّا وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ ٣٨Uye vanopika naAllah zvakasimba mukutenda kwavo kuti Allah havamutsi uyo munhu anenge afa. Hongu, (vachavamutsa), vimbiso yechokwadi kwavari, asi vanhu vazhinji havazivi لِيُبَيِّنَ لَهُمُ ٱلَّذِي يَخۡتَلِفُونَ فِيهِ وَلِيَعۡلَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَنَّهُمۡ كَانُواْ كَٰذِبِينَ ٣٩Kuti vavaburitsire pachena pane izvo zvavanopikisana, uye kuti vazive avo vasingatendi (mukumutswa neIslaam) kuti zvirokwazvo vaive vanyepi إِنَّمَا قَوۡلُنَا لِشَيۡءٍ إِذَآ أَرَدۡنَٰهُ أَن نَّقُولَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ ٤٠Zvirokwazvo, shoko redu kune chinhu chatinenge tada, tinongoti kwachiri: “Ivapo!” Chinobva chavepo وَٱلَّذِينَ هَاجَرُواْ فِي ٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ مَا ظُلِمُواْ لَنُبَوِّئَنَّهُمۡ فِي ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةًۖ وَلَأَجۡرُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَكۡبَرُۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ ٤١Uye avo vakatama munzira yaAllah, mushure mekunge vatadzirwa (vadzvinyirirwa), zvirokwazvo, tichavapa pekugara pakanaka pano pasi, asi muripo wehupenyu hunotevera wakakura chaizvo dai vachiziva ٱلَّذِينَ صَبَرُواْ وَعَلَىٰ رَبِّهِمۡ يَتَوَكَّلُونَ ٤٢Avo vakatsungirira (pasi pano) uye vakaisa vimbo yavo kuna Tenzi vavo وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ إِلَّا رِجَالًا نُّوحِيٓ إِلَيۡهِمۡۖ فَسۡـَٔلُوٓاْ أَهۡلَ ٱلذِّكۡرِ إِن كُنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ ٤٣Uye hatina kutumira (sevatumwa) kumashure kwako (Muhammad (SAW)) asi varume vataitumira mashoko. Bvunzai (imi vanonamata zvidhori) avo vanoziva Magwaro (Torah neVhangeri) kana musingazivi بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَٱلزُّبُرِۗ وَأَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلذِّكۡرَ لِتُبَيِّنَ لِلنَّاسِ مَا نُزِّلَ إِلَيۡهِمۡ وَلَعَلَّهُمۡ يَتَفَكَّرُونَ ٤٤Nezviratidzo zviri pachena neMagwaro (Takatuma vatumwa). Uye takatumira kwauri (Muhammad (SAW)) yeuchidzo (Qur’aan), kuti utsanangurire vanhu zviri pachena zvatumirwa kwavari, uye kuti zvimwe vangafunge أَفَأَمِنَ ٱلَّذِينَ مَكَرُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ أَن يَخۡسِفَ ٱللَّهُ بِهِمُ ٱلۡأَرۡضَ أَوۡ يَأۡتِيَهُمُ ٱلۡعَذَابُ مِنۡ حَيۡثُ لَا يَشۡعُرُونَ ٤٥Avo vanopangana zvakaipa vanonzwa kuchengetedzeka here kuti Allah havavanyudzi pasi, kana kuti marwadzo haavabati kubva kune mativi avasingatarisiri أَوۡ يَأۡخُذَهُمۡ فِي تَقَلُّبِهِمۡ فَمَا هُم بِمُعۡجِزِينَ ٤٦Kana kuti achavabata pakati pekuenda nekudzoka (kumabasa avo), kuti pasave nekupukunyuka kwavari (kubva kune mutongo waAllah) أَوۡ يَأۡخُذَهُمۡ عَلَىٰ تَخَوُّفٍ فَإِنَّ رَبَّكُمۡ لَرَءُوفٌ رَّحِيمٌ ٤٧Kana kuti achavabata (achavaparadza) zvishoma nezvishoma (muhupenyu nehupfumi hwavo)? Zvirokwazvo, Tenzi venyu vazere nenyasha netsitsi أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَىٰ مَا خَلَقَ ٱللَّهُ مِن شَيۡءٍ يَتَفَيَّؤُاْ ظِلَٰلُهُۥ عَنِ ٱلۡيَمِينِ وَٱلشَّمَآئِلِ سُجَّدًا لِّلَّهِ وَهُمۡ دَٰخِرُونَ ٤٨Havana kuona here izvo zvakasikwa naAllah kubva kune zvese, mimvuri yazvo inorerekera kurudyi nekuruboshwe zvichipfugamira Allah, uye ndevepasi وَلِلَّهِۤ يَسۡجُدُۤ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ مِن دَآبَّةٍ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَهُمۡ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ ٤٩Uye Allah vanopfugamirwa nezvinhu zvese zviri kudenga nepasi, kubva kumhuka nengirozi, uye havazvitutumadzi يَخَافُونَ رَبَّهُم مِّن فَوۡقِهِمۡ وَيَفۡعَلُونَ مَا يُؤۡمَرُونَ ۩ ٥٠Vanotya Tenzi vavo vari pamusoro pavo, uye vanoita zvavanenge vakomekedzwa ۞ وَقَالَ ٱللَّهُ لَا تَتَّخِذُوٓاْ إِلَٰهَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِۖ إِنَّمَا هُوَ إِلَٰهٌ وَٰحِدٌ فَإِيَّٰيَ فَٱرۡهَبُونِ ٥١Uye Allah vakati: “(Imi vanhu!) Musava munotora vanamwari vaviri. Zvirokwazvo (Allah) ndiMwari mumwechete. Naizvozvo ityai inini (Allah) zvakanyanya (mosiya zvese zvakaipa uye moita mabasa ese akanaka).” وَلَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَهُ ٱلدِّينُ وَاصِبًاۚ أَفَغَيۡرَ ٱللَّهِ تَتَّقُونَ ٥٢Ndivo muridzi wezviri kudenga nepasi, uye chitendero chechokwadi ndechavo (Allah). Naizvozvo mungatye chimwe chinhu kunze kwaAllah وَمَا بِكُم مِّن نِّعۡمَةٍ فَمِنَ ٱللَّهِۖ ثُمَّ إِذَا مَسَّكُمُ ٱلضُّرُّ فَإِلَيۡهِ تَجۡـَٔرُونَ ٥٣Uye zvese zvamunowana kubva mune zvakanaka, zvinobva kuna Allah. Naizvozvo kana muchinge mawirwa nematambudziko, kwavari munochema muchikumbira rubatsiro ثُمَّ إِذَا كَشَفَ ٱلضُّرَّ عَنكُمۡ إِذَا فَرِيقٌ مِّنكُم بِرَبِّهِمۡ يُشۡرِكُونَ ٥٤Naizvozvo kana vachinge vabvisa matambudziko pamuri, vamwe venyu vanosanganisa Tenzi vavo nevamwe vanamwari mukunamata لِيَكۡفُرُواْ بِمَآ ءَاتَيۡنَٰهُمۡۚ فَتَمَتَّعُواْ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ ٥٥Vanoramba zvatakavapa! Naizvozvo chimbofarai, asi muchasvika pakuziva (muchidemba) وَيَجۡعَلُونَ لِمَا لَا يَعۡلَمُونَ نَصِيبًا مِّمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡۗ تَٱللَّهِ لَتُسۡـَٔلُنَّ عَمَّا كُنتُمۡ تَفۡتَرُونَ ٥٦Uye vanopa chidimbu chezvatakavapa kune izvo zvavasingazivi (vanamwari venhema). Ndinopika naAllah, zvirokwazvo, muchabvunzwa maererano nezvamainyepa وَيَجۡعَلُونَ لِلَّهِ ٱلۡبَنَٰتِ سُبۡحَٰنَهُۥ وَلَهُم مَّا يَشۡتَهُونَ ٥٧Uye vanopa vanasikana kuna Allah! Kurumbidzwa kwese ngakuve kwavari vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo! Uye kwavari (vasingatendi) vanozvipa zvavanoshuvira وَإِذَا بُشِّرَ أَحَدُهُم بِٱلۡأُنثَىٰ ظَلَّ وَجۡهُهُۥ مُسۡوَدًّا وَهُوَ كَظِيمٌ ٥٨Uye kana nhau dzekuzvarwa kwemwanasikana dzikasvika kune umwe wavo, chiso chake chinosviba, uye wozara nekubatikana (nekushushikana) يَتَوَٰرَىٰ مِنَ ٱلۡقَوۡمِ مِن سُوٓءِ مَا بُشِّرَ بِهِۦٓۚ أَيُمۡسِكُهُۥ عَلَىٰ هُونٍ أَمۡ يَدُسُّهُۥ فِي ٱلتُّرَابِۗ أَلَا سَآءَ مَا يَحۡكُمُونَ ٥٩Anozvihwandisa kuvanhu nekuda kweuipi wechaanenge audzwa. Omuchengeta here nekushorwa kana kuti omuviga muivhu? Zvirokwazvo, zvakaipa ndezvavanoronga لِلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ مَثَلُ ٱلسَّوۡءِۖ وَلِلَّهِ ٱلۡمَثَلُ ٱلۡأَعۡلَىٰۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ ٦٠Kune avo vasingatendi muhupenyu hunotevera muenzaniso wakashata, uye Allah vane muenzaniso wakanaka wepamusoro, uye ndivo mukuru-kuru, vane hungwaru hwese وَلَوۡ يُؤَاخِذُ ٱللَّهُ ٱلنَّاسَ بِظُلۡمِهِم مَّا تَرَكَ عَلَيۡهَا مِن دَآبَّةٍ وَلَٰكِن يُؤَخِّرُهُمۡ إِلَىٰٓ أَجَلٍ مُّسَمًّىۖ فَإِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ لَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ سَاعَةً وَلَا يَسۡتَقۡدِمُونَ ٦١Uye dai Allah vaida kuparadza vanhu nekuda kwezvitadzo zvavo, havaizombosiya kunyangwe mhuka zvayo. Asi vanovamirira kusvikira nguva yavakanyorerwa yakwana. Naizvozvo kana nguva yavo yakwana, (vanhu) havagoni kuinonotsa neawa kana kuikurumidzisa neawa وَيَجۡعَلُونَ لِلَّهِ مَا يَكۡرَهُونَۚ وَتَصِفُ أَلۡسِنَتُهُمُ ٱلۡكَذِبَ أَنَّ لَهُمُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ لَا جَرَمَ أَنَّ لَهُمُ ٱلنَّارَ وَأَنَّهُم مُّفۡرَطُونَ ٦٢Uye vanopa kuna Allah zvavasingadi, uye ndimi dzavo dzinonyepa kuti zvirokwazvo zvakanaka zvichange zviri zvavo. Pasina kugunun’una, zvirokwazvo vachawana moto, uye vachava vanoendeswa ikoko nekukasika, uye vosiiwa vakarasirirwa تَٱللَّهِ لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَآ إِلَىٰٓ أُمَمٍ مِّن قَبۡلِكَ فَزَيَّنَ لَهُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ أَعۡمَٰلَهُمۡ فَهُوَ وَلِيُّهُمُ ٱلۡيَوۡمَ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ٦٣Ndinopika naAllah, zvirokwazvo takatumira vatumwa kumarwudzi akawanda iwe (Muhammad (SAW)) usati wavapo, asi Shaitwaan (Satani) akavashongedzera mabasa avo. Naizvozvo (Satani) ndiye mubatsiri wavo zuva ranhasi (pasi pano), uye vachawana marwadzo akaomarara وَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ إِلَّا لِتُبَيِّنَ لَهُمُ ٱلَّذِي ٱخۡتَلَفُواْ فِيهِ وَهُدًى وَرَحۡمَةً لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٦٤Uye hatina kutumira Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)), asi kuti uvajekesere izvo zvavanopikisana, uye segwara uye setsitsi kune avo vanotenda وَٱللَّهُ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءً فَأَحۡيَا بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّقَوۡمٍ يَسۡمَعُونَ ٦٥Uye Allah vanodzikisa mvura kubva kudenga, uye vanomutsa nyika nemvura iyoyo mushure mekunge yafa. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune avo vanhu vanonzwa (vanoteerera Allah) وَإِنَّ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَنۡعَٰمِ لَعِبۡرَةًۖ نُّسۡقِيكُم مِّمَّا فِي بُطُونِهِۦ مِنۢ بَيۡنِ فَرۡثٍ وَدَمٍ لَّبَنًا خَالِصًا سَآئِغًا لِّلشَّٰرِبِينَ ٦٦Uye zvirokwazvo, kwamuri kubva kumombe mune chidzidzo. Tinoita kuti mumwe kubva mune zviri mumatumbu adzo, kubva pakati pendove neropa, mukaka wakachena, unotapira kune vanonwa وَمِن ثَمَرَٰتِ ٱلنَّخِيلِ وَٱلۡأَعۡنَٰبِ تَتَّخِذُونَ مِنۡهُ سَكَرًا وَرِزۡقًا حَسَنًاۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّقَوۡمٍ يَعۡقِلُونَ ٦٧Uye kubva kune michero yemadheti nemagirepu, munowana kumwa neraramo yakanaka. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vane njere وَأَوۡحَىٰ رَبُّكَ إِلَى ٱلنَّحۡلِ أَنِ ٱتَّخِذِي مِنَ ٱلۡجِبَالِ بُيُوتًا وَمِنَ ٱلشَّجَرِ وَمِمَّا يَعۡرِشُونَ ٦٨Uye Tenzi vako vakaudza nyuchi vachiti: “Torai pekugara mumakomo, uye mumiti uye kubva kune zvavanodzimika (zvavanovaka).” ثُمَّ كُلِي مِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِ فَٱسۡلُكِي سُبُلَ رَبِّكِ ذُلُلًاۚ يَخۡرُجُ مِنۢ بُطُونِهَا شَرَابٌ مُّخۡتَلِفٌ أَلۡوَٰنُهُۥ فِيهِ شِفَآءٌ لِّلنَّاسِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةً لِّقَوۡمٍ يَتَفَكَّرُونَ ٦٩“Naizvozvo idyai kubva kune michero yese, uye teverai nzira dzaTenzi venyu dzakarerutswa.” Mumatumbu adzo munobuda chinwiwa (huchi) chine mavara akasiyana-siyana, mukati macho (chinwiwa) mune zvinorapa vanhu. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga وَٱللَّهُ خَلَقَكُمۡ ثُمَّ يَتَوَفَّىٰكُمۡۚ وَمِنكُم مَّن يُرَدُّ إِلَىٰٓ أَرۡذَلِ ٱلۡعُمُرِ لِكَيۡ لَا يَعۡلَمَ بَعۡدَ عِلۡمٍ شَيۡـًٔاۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمٌ قَدِيرٌ ٧٠Uye Allah vakakusikai uye vachaita kuti mufe; uye pakati penyu pane avo vanosvitswa pakuchembera zvekusvika pakusaziva zvavaimboziva. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvese, vane simba rose وَٱللَّهُ فَضَّلَ بَعۡضَكُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍ فِي ٱلرِّزۡقِۚ فَمَا ٱلَّذِينَ فُضِّلُواْ بِرَآدِّي رِزۡقِهِمۡ عَلَىٰ مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ فَهُمۡ فِيهِ سَوَآءٌۚ أَفَبِنِعۡمَةِ ٱللَّهِ يَجۡحَدُونَ ٧١Uye Allah vakasarudza vamwe venyu pamusoro pevamwe maererano neraramo. Naizvozvo avo vakasarudzwa neipi nzira zvayo, havazombofa vakapa mari yavo nehupfumi kune varanda vavo kuti vave vanoenzana navo. Saka vanoramba makomborero aAllah here وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ أَزۡوَٰجًا وَجَعَلَ لَكُم مِّنۡ أَزۡوَٰجِكُم بَنِينَ وَحَفَدَةً وَرَزَقَكُم مِّنَ ٱلطَّيِّبَٰتِۚ أَفَبِٱلۡبَٰطِلِ يُؤۡمِنُونَ وَبِنِعۡمَتِ ٱللَّهِ هُمۡ يَكۡفُرُونَ ٧٢Uye Allah vakakusikirai madzimai akafanana nemi, uye vakakusikirai kubva kune madzimai enyu vanakomana nevazukuru, uye vakakupai raramo kubva kune zvakanaka. Naizvozvo vanotenda here muna vanamwari venhema uye voramba makomborero aAllah وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَمۡلِكُ لَهُمۡ رِزۡقًا مِّنَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ شَيۡـًٔا وَلَا يَسۡتَطِيعُونَ ٧٣Uye vanonamata vamwe kunze kwaAllah seizvo zvisingapi raramo ipi zvayo kwavari kubva kumatenga nepasi, uye hazvikwanisi فَلَا تَضۡرِبُواْ لِلَّهِ ٱلۡأَمۡثَالَۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ وَأَنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ ٧٤Saka musava munoisa mberi mienzaniso naAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye imi hamuzivi ۞ ضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلًا عَبۡدًا مَّمۡلُوكًا لَّا يَقۡدِرُ عَلَىٰ شَيۡءٍ وَمَن رَّزَقۡنَٰهُ مِنَّا رِزۡقًا حَسَنًا فَهُوَ يُنفِقُ مِنۡهُ سِرًّا وَجَهۡرًاۖ هَلۡ يَسۡتَوُۥنَۚ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ٧٥Allah vanoisa mberi muenzaniso wemuranda (asingatendi) ari pasi peumwe munhu, haana simba rezvese, uye nemurume (mutendi) uyo watakapa raramo yakanaka kubva kwatiri uye anoishandisa muchivande uye nepachena. Vakaenzana here? Kurumbidzwa kwese nekutenda ndekwa Allah. Asi vakawanda vavo havazivi وَضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلًا رَّجُلَيۡنِ أَحَدُهُمَآ أَبۡكَمُ لَا يَقۡدِرُ عَلَىٰ شَيۡءٍ وَهُوَ كَلٌّ عَلَىٰ مَوۡلَىٰهُ أَيۡنَمَا يُوَجِّههُّ لَا يَأۡتِ بِخَيۡرٍ هَلۡ يَسۡتَوِي هُوَ وَمَن يَأۡمُرُ بِٱلۡعَدۡلِ وَهُوَ عَلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٧٦Uye Allah vanopa muenzaniso wevarume vaviri, mumwe chete wavo chimumumu (asingatendi), haana simba pane zvese, uye mutoro kune mukuru wake; zvese zvaanomutuma, haauyi nezvakanaka. Akaenzana here neuyo (mutendi) anoraira zvakafanira, uye ari pagwara rakatwasuka وَلِلَّهِ غَيۡبُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَمَآ أَمۡرُ ٱلسَّاعَةِ إِلَّا كَلَمۡحِ ٱلۡبَصَرِ أَوۡ هُوَ أَقۡرَبُۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ٧٧Uye Allah ndivo muridzi wezvese zvisingaoneki zviri mumatenga nepasi. Uye nyaya yenguva (zuva rekutongwa) yakafanana nekubwaira kweziso, kana kuti iri pedyo. Zvirokwazvo, Allah vane simba pamusoro pezvese وَٱللَّهُ أَخۡرَجَكُم مِّنۢ بُطُونِ أُمَّهَٰتِكُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ شَيۡـًٔا وَجَعَلَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَ لَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ ٧٨Uye Allah vakakuburitsai kubva munhumbu dzana amai venyu musingazivi kana chii zvacho, uye vakakupai nzeve, maziso nemoyo kuti zvimwe mungatende أَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَى ٱلطَّيۡرِ مُسَخَّرَٰتٍ فِي جَوِّ ٱلسَّمَآءِ مَا يُمۡسِكُهُنَّ إِلَّا ٱللَّهُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍ لِّقَوۡمٍ يُؤۡمِنُونَ ٧٩Havaoni here shiri dzichibhururuka mumhepo? Hapana anodzikata kunze kwaAllah. Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّنۢ بُيُوتِكُمۡ سَكَنًا وَجَعَلَ لَكُم مِّن جُلُودِ ٱلۡأَنۡعَٰمِ بُيُوتًا تَسۡتَخِفُّونَهَا يَوۡمَ ظَعۡنِكُمۡ وَيَوۡمَ إِقَامَتِكُمۡ وَمِنۡ أَصۡوَافِهَا وَأَوۡبَارِهَا وَأَشۡعَارِهَآ أَثَٰثًا وَمَتَٰعًا إِلَىٰ حِينٍ ٨٠Uye Allah vakakugadzirirai mudzimba dzenyu pekugara, uye vakakugadzirirai kubva kumatehwe emombe dzimba (matende), dzamunoona dzakareruka pamunofamba uye nepamunogara (munguva dzekufamba); uye kubva kumakushe adzo, mambava nemvere (hwai, ngamera nembudzi) midziyo nemufaro kwenguva diki وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّمَّا خَلَقَ ظِلَٰلًا وَجَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلۡجِبَالِ أَكۡنَٰنًا وَجَعَلَ لَكُمۡ سَرَٰبِيلَ تَقِيكُمُ ٱلۡحَرَّ وَسَرَٰبِيلَ تَقِيكُم بَأۡسَكُمۡۚ كَذَٰلِكَ يُتِمُّ نِعۡمَتَهُۥ عَلَيۡكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تُسۡلِمُونَ ٨١Uye Allah vakakugadzirirai kubva kune izvo zvavakasika mimvuri, uye vakakugadzirirai nzvimbo kubva mumakomo, uye vakakugadzirirai zvipfeko zvinokudzivirirai kune kupisa (nekutonhora), uye nemabhachi anokudzivirirai kubva kune simba renyu (kurwisana kwenyu). Naizvozvo (Allah) vanozadzisa makomborero avo kwamuri kuti muve munozvipira (muIslaam) فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّمَا عَلَيۡكَ ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ ٨٢Asi kana vakafuratira, chako (Muhammad (SAW)) kusvitsa shoko zviri pachena يَعۡرِفُونَ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ ثُمَّ يُنكِرُونَهَا وَأَكۡثَرُهُمُ ٱلۡكَٰفِرُونَ ٨٣Uye vanoziva makomborero aAllah, pamusoro pazvo vomaramba (nekunamata zvimwe kunze kwaAllah), uye vazhinji vavo havatendi (vanoramba Muhammad (SAW) وَيَوۡمَ نَبۡعَثُ مِن كُلِّ أُمَّةٍ شَهِيدًا ثُمَّ لَا يُؤۡذَنُ لِلَّذِينَ كَفَرُواْ وَلَا هُمۡ يُسۡتَعۡتَبُونَ ٨٤Uye neiro zuva ratichamutsa kubva kune madzinza ose mupupuri (mutumwa wavo), naizvozvo avo vasingatendi havazombopihwi mukana (hwekupa zvikonzero), uye havazombopihwi mukana wekuti vadzokere panyika kunoreurura nekukumbira Allah ruregerero وَإِذَا رَءَا ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ ٱلۡعَذَابَ فَلَا يُخَفَّفُ عَنۡهُمۡ وَلَا هُمۡ يُنظَرُونَ ٨٥Uye avo vakaita zvakaipa (vasingatendi) vachaona mutongo, uye havazomborerutsirwi kana kupihwa kanguva kekuzorora وَإِذَا رَءَا ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ شُرَكَآءَهُمۡ قَالُواْ رَبَّنَا هَٰٓؤُلَآءِ شُرَكَآؤُنَا ٱلَّذِينَ كُنَّا نَدۡعُواْ مِن دُونِكَۖ فَأَلۡقَوۡاْ إِلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلَ إِنَّكُمۡ لَكَٰذِبُونَ ٨٦Uye apo avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari vachaona vamwe vavo vaivasanganisa naAllah vachati: “Tenzi vedu! Ava ndivo vamwe vedu vataisheedza kunze kwenyu.” Asi vachadzorera shoko kwavari (vachiti): “Zvirokwazvo! Muri vanyepi!” وَأَلۡقَوۡاْ إِلَى ٱللَّهِ يَوۡمَئِذٍ ٱلسَّلَمَۖ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ ٨٧Uye vachava vanozvipira kuna Allah musi uyu, uye vanamwari vavo vavaisheedza vachasakatika kubva kwavari (vachashaya basa kwavari) ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ زِدۡنَٰهُمۡ عَذَابًا فَوۡقَ ٱلۡعَذَابِ بِمَا كَانُواْ يُفۡسِدُونَ ٨٨Avo vasina kutenda uye vachidzivirira vanhu nzira yaAllah, tichavawedzera marwadzo pamusoro pemarwadzo nekuti vaikonzeresa zvisakarurama وَيَوۡمَ نَبۡعَثُ فِي كُلِّ أُمَّةٍ شَهِيدًا عَلَيۡهِم مِّنۡ أَنفُسِهِمۡۖ وَجِئۡنَا بِكَ شَهِيدًا عَلَىٰ هَٰٓؤُلَآءِۚ وَنَزَّلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ تِبۡيَٰنًا لِّكُلِّ شَيۡءٍ وَهُدًى وَرَحۡمَةً وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُسۡلِمِينَ ٨٩Uye iro zuva ratichasimudza kubva kumadzinza ese mupupuri kwavari kubva mavari. Uye tichakuunza (Muhammad (SAW)) semupupuri kwavari. Uye takatumidzira kwauri Gwaro (Qur’aan) setsanangudzo yezvose, gwara, tsitsi, uye mashoko akanaka kune avo vakazvipira pachavo (kuna Allah semaMuslim) ۞ إِنَّ ٱللَّهَ يَأۡمُرُ بِٱلۡعَدۡلِ وَٱلۡإِحۡسَٰنِ وَإِيتَآيِٕ ذِي ٱلۡقُرۡبَىٰ وَيَنۡهَىٰ عَنِ ٱلۡفَحۡشَآءِ وَٱلۡمُنكَرِ وَٱلۡبَغۡيِۚ يَعِظُكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ ٩٠Zvirokwazvo, Allah vanokomekedza kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo, uye vanorambidza kuita mabasa akaipa nekusatenda uye neudzvanyiriri. Vanokurairai, zvimwe mungava munorangarira وَأَوۡفُواْ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ إِذَا عَٰهَدتُّمۡ وَلَا تَنقُضُواْ ٱلۡأَيۡمَٰنَ بَعۡدَ تَوۡكِيدِهَا وَقَدۡ جَعَلۡتُمُ ٱللَّهَ عَلَيۡكُمۡ كَفِيلًاۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا تَفۡعَلُونَ ٩١Uye zadzisai chibvumirano chaAllah kana maita chibvumirano ichocho, uye musava munoputsa mhiko mushure mekunge madzitora, uye zvirokwazvo mave munotora Allah semumiriri wenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvamunoita وَلَا تَكُونُواْ كَٱلَّتِي نَقَضَتۡ غَزۡلَهَا مِنۢ بَعۡدِ قُوَّةٍ أَنكَٰثًا تَتَّخِذُونَ أَيۡمَٰنَكُمۡ دَخَلَۢا بَيۡنَكُمۡ أَن تَكُونَ أُمَّةٌ هِيَ أَرۡبَىٰ مِنۡ أُمَّةٍۚ إِنَّمَا يَبۡلُوكُمُ ٱللَّهُ بِهِۦۚ وَلَيُبَيِّنَنَّ لَكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَا كُنتُمۡ فِيهِ تَخۡتَلِفُونَ ٩٢Uye musava munoita semukadzi uyo anorudunura shinda yaanenge aruka mushure mekunge yasimba, nekutora mhiko senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe rimwe dzinza ringawande kupfuura rimwe dzinza. Zvirokwazvo, Allah vanokuedzai nazvo. Uye zvirokwazvo vachava pazuva rekumutswa vanokuburitsirai pachena izvo zvamaipesana (umwe achitenda muhumwechete hwaAllah uye umwe achiramba) وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَجَعَلَكُمۡ أُمَّةً وَٰحِدَةً وَلَٰكِن يُضِلُّ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَلَتُسۡـَٔلُنَّ عَمَّا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ ٩٣Uye dai Allah vaida, vaikuitai dzinza rimwe chete (muve vechitendero chimwe chete), asi vanoita kuti wavanoda arasike, uye vanotungamira wavanoda. Uye zvirokwazvo muchava munobvunzwa pane izvo zvamaiita وَلَا تَتَّخِذُوٓاْ أَيۡمَٰنَكُمۡ دَخَلَۢا بَيۡنَكُمۡ فَتَزِلَّ قَدَمُۢ بَعۡدَ ثُبُوتِهَا وَتَذُوقُواْ ٱلسُّوٓءَ بِمَا صَدَدتُّمۡ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَلَكُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٌ ٩٤Uye musatore mhiko dzenyu senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe tsoka ingatsvedze mushure mekunge yasimbiswa, uye kuti muravire zvakaipa (murango pasi pano) nekudzivirira kwamakaita vanhu nzira yaAllah, uye muchawana murango mukuru wakaomarara (Gehena) وَلَا تَشۡتَرُواْ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ ثَمَنًا قَلِيلًاۚ إِنَّمَا عِندَ ٱللَّهِ هُوَ خَيۡرٌ لَّكُمۡ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ٩٥Uye musava munotengesa chibvumirano chaAllah nemari shoma. Zvirokwazvo, zvina Allah zvakanakira imimi kana muchiziva مَا عِندَكُمۡ يَنفَدُ وَمَا عِندَ ٱللَّهِ بَاقٍۗ وَلَنَجۡزِيَنَّ ٱلَّذِينَ صَبَرُوٓاْ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٩٦Zvese zvamunazvo zvichapera, asi zvina Allah hazviperi. Uye avo vanotsungirira, zvirokwazvo, tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحًا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٌ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةً طَيِّبَةًۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٩٧Upi neupi anoita mabasa akanaka, angave murume kana mukadzi, ari mutendi wechokwadi, tinomupa hupenyu hwakanaka (pasi pano), uye zvirokwazvo tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita (Paradhiso) فَإِذَا قَرَأۡتَ ٱلۡقُرۡءَانَ فَٱسۡتَعِذۡ بِٱللَّهِ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ ٱلرَّجِيمِ ٩٨Naizvozvo kana uchiverenga Qur’aan, kumbira kudzivirirwa kuna Allah kubva kuna Satani, akashorwa إِنَّهُۥ لَيۡسَ لَهُۥ سُلۡطَٰنٌ عَلَى ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَلَىٰ رَبِّهِمۡ يَتَوَكَّلُونَ ٩٩Zvirokwazvo, haana simba pamusoro peavo vanotenda uye vanoisa ruvimbo rwavo muna Tenzi vavo إِنَّمَا سُلۡطَٰنُهُۥ عَلَى ٱلَّذِينَ يَتَوَلَّوۡنَهُۥ وَٱلَّذِينَ هُم بِهِۦ مُشۡرِكُونَ ١٠٠Simba rake (Satani) riri pane avo vanomuteerera nekumutevera, uye neavo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu وَإِذَا بَدَّلۡنَآ ءَايَةً مَّكَانَ ءَايَةٍ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا يُنَزِّلُ قَالُوٓاْ إِنَّمَآ أَنتَ مُفۡتَرِۭۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ ١٠١Uye tikachinja ndima (yemuQur’aan) panzvimbo peimwe ndima, uye Allah vanoziva zvakanyanya izvo zvavanodzikisa, (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo uri munyepi.” Asi vazhinji vavo havazivi قُلۡ نَزَّلَهُۥ رُوحُ ٱلۡقُدُسِ مِن رَّبِّكَ بِٱلۡحَقِّ لِيُثَبِّتَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَهُدًى وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُسۡلِمِينَ ١٠٢Iti (Muhammad (SAW)): “Roohul-Qudus (Mweya Mutsvene Gabriel) akariunza (Qur’aan) pasi kubva kuna Tenzi venyu muchokwadi, kuti rive rinosimbisa avo vanotenda, uye segwara uye mashoko akanaka kune avo vanozvipira (kuna Allah semaMuslim).” وَلَقَدۡ نَعۡلَمُ أَنَّهُمۡ يَقُولُونَ إِنَّمَا يُعَلِّمُهُۥ بَشَرٌۗ لِّسَانُ ٱلَّذِي يُلۡحِدُونَ إِلَيۡهِ أَعۡجَمِيٌّ وَهَٰذَا لِسَانٌ عَرَبِيٌّ مُّبِينٌ ١٠٣Uye zvirokwazvo, tinoziva kuti (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo, ari kudzidziswa (Muhammad (SAW)) nendambasukuse.” Rurimi rwemurume avarikutaura nderwemubvakure, asi iri (Qur’aan) rurimi rwuri pachena rwechiArabhu إِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ لَا يَهۡدِيهِمُ ٱللَّهُ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ١٠٤Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah, Allah havavatungamiri uye vachawana marwadzo akaomarara إِنَّمَا يَفۡتَرِي ٱلۡكَذِبَ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡكَٰذِبُونَ ١٠٥Zvirokwazvo, ndeavo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah vanogadzira manyepo, uye ndivo vanyepi مَن كَفَرَ بِٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ إِيمَٰنِهِۦٓ إِلَّا مَنۡ أُكۡرِهَ وَقَلۡبُهُۥ مُطۡمَئِنُّۢ بِٱلۡإِيمَٰنِ وَلَٰكِن مَّن شَرَحَ بِٱلۡكُفۡرِ صَدۡرًا فَعَلَيۡهِمۡ غَضَبٌ مِّنَ ٱللَّهِ وَلَهُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٌ ١٠٦Upi zvake asingatendi muna Allah mushure mekutenda kwake, kunze kweuyo anomanikidzwa uye moyo wake wakazorora nekutenda, asi avo vanovhurira zvipfuva zvavo kusatenda, kwavari ihasha kubva kuna Allah, uye kwavari marwadzo makuru ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمُ ٱسۡتَحَبُّواْ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا عَلَى ٱلۡأٓخِرَةِ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡكَٰفِرِينَ ١٠٧Nekuda kwekuti vakada uye vakakoshesa hupenyu hwepano pasi kudarika hwemangwana. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi أُوْلَٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ طَبَعَ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ وَسَمۡعِهِمۡ وَأَبۡصَٰرِهِمۡۖ وَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡغَٰفِلُونَ ١٠٨Ndeavo Allah vakavhara moyo yavo, kunzwa (nzeve) kwavo uye kuona (maziso) kwavo. Uye ndeavo vasina hanya لَا جَرَمَ أَنَّهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ ١٠٩Hapana kugunun’una kuti muhupenyu hwemangwana, vachange vari vakarasikirwa ثُمَّ إِنَّ رَبَّكَ لِلَّذِينَ هَاجَرُواْ مِنۢ بَعۡدِ مَا فُتِنُواْ ثُمَّ جَٰهَدُواْ وَصَبَرُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٌ رَّحِيمٌ ١١٠Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vakatama mushure mekunge vaiswa pamuedzo uye vakarwa zvakanyanya uye vakanga vakatsungirira, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure mazvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji ۞ يَوۡمَ تَأۡتِي كُلُّ نَفۡسٍ تُجَٰدِلُ عَن نَّفۡسِهَا وَتُوَفَّىٰ كُلُّ نَفۡسٍ مَّا عَمِلَتۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ ١١١(Rangarira) zuva iro munhu wese achauya achikumbira (achizvidzivirira) pachezvake, uye munhu wese achapihwa zvakazara pane izvo zvaakaiita (zvakanaka kana zvakaipa), uye havambodzvanyirirwi وَضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلًا قَرۡيَةً كَانَتۡ ءَامِنَةً مُّطۡمَئِنَّةً يَأۡتِيهَا رِزۡقُهَا رَغَدًا مِّن كُلِّ مَكَانٍ فَكَفَرَتۡ بِأَنۡعُمِ ٱللَّهِ فَأَذَٰقَهَا ٱللَّهُ لِبَاسَ ٱلۡجُوعِ وَٱلۡخَوۡفِ بِمَا كَانُواْ يَصۡنَعُونَ ١١٢Uye Allah varikupa muenzaniso wedhorobha (Makkah), raigara rakachengetedzwa uye rakagadzikika, raramo yaro ichiuya muhuwandu kubva kune nzvimbo dzese, asi rakaramba makomborero aAllah. Naizvozvo Allah vakaita kuti varavire nzara yakaomarara nekutya, nekuda kweizvo zvavaiita وَلَقَدۡ جَآءَهُمۡ رَسُولٌ مِّنۡهُمۡ فَكَذَّبُوهُ فَأَخَذَهُمُ ٱلۡعَذَابُ وَهُمۡ ظَٰلِمُونَ ١١٣Uye zvirokwazvo, mutumwa (Muhammad (SAW)) akauya kwavari kubva pakati pavo, asi vakamuramba, naizvozvo marwadzo akavawira vari vatadzi فَكُلُواْ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُ حَلَٰلًا طَيِّبًا وَٱشۡكُرُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ إِن كُنتُمۡ إِيَّاهُ تَعۡبُدُونَ ١١٤Saka idyai kubva kune zvamakapihwa naAllah zvakabvumidzwa uye zvakachena. Uye ivai munotenda makomborero aAllah kana vari ivo vamunonamata إِنَّمَا حَرَّمَ عَلَيۡكُمُ ٱلۡمَيۡتَةَ وَٱلدَّمَ وَلَحۡمَ ٱلۡخِنزِيرِ وَمَآ أُهِلَّ لِغَيۡرِ ٱللَّهِ بِهِۦۖ فَمَنِ ٱضۡطُرَّ غَيۡرَ بَاغٍ وَلَا عَادٍ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٌ رَّحِيمٌ ١١٥Zvirokwazvo, vakakurambidzai Al-Maitah (nyama yemhuka yafa yoga), ropa, nyama yenguruve, uye nemhuka inouraiwa sechibairo kune zvimwe kunze kwaAllah (kana inouraiwa zita raAllah risina kutaurwa). Asi kana umwe ari panguva yakaoma pasina kuzviitira une kana kupfurikidza mwero, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji وَلَا تَقُولُواْ لِمَا تَصِفُ أَلۡسِنَتُكُمُ ٱلۡكَذِبَ هَٰذَا حَلَٰلٌ وَهَٰذَا حَرَامٌ لِّتَفۡتَرُواْ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَفۡتَرُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ لَا يُفۡلِحُونَ ١١٦Uye musataure maererano nezvamunotungamidza nendimi dzenyu zvemanyepo kuti: “Izvi zviri Halaal (zvinobvumidzwa) uye izvi zviri Haraam (zvinorambidzwa),” muchitaura manyepo kuna Allah. Avo vanotaura manyepo kuna Allah havabudiriri مَتَٰعٌ قَلِيلٌ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ ١١٧Kufara kushoma-shoma (vachakuwana), asi vachawana marwadzo akaomarara وَعَلَى ٱلَّذِينَ هَادُواْ حَرَّمۡنَا مَا قَصَصۡنَا عَلَيۡكَ مِن قَبۡلُۖ وَمَا ظَلَمۡنَٰهُمۡ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ ١١٨Uye maJudha takava tinovarambidza sezvatakakutaurira iwe (Muhammad (SAW)) kumashure (Qur’aan 6: 146). Uye hatina kuvadzvanyirira, asi vakazvidzvanyirira pachavo ثُمَّ إِنَّ رَبَّكَ لِلَّذِينَ عَمِلُواْ ٱلسُّوٓءَ بِجَهَٰلَةٍ ثُمَّ تَابُواْ مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ وَأَصۡلَحُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٌ رَّحِيمٌ ١١٩Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vanoita mabasa akaipa vasingazivi uye vokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure maizvozvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji إِنَّ إِبۡرَٰهِيمَ كَانَ أُمَّةً قَانِتًا لِّلَّهِ حَنِيفًا وَلَمۡ يَكُ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ١٢٠Zvirokwazvo, Abrahamu akanga ari Ummah (mutungamiri kana dzinza) aiteerera Allah, Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari شَاكِرًا لِّأَنۡعُمِهِۚ ٱجۡتَبَىٰهُ وَهَدَىٰهُ إِلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ١٢١Aitenda makomborero avo (Allah). Vakamusarudza (Allah) (seshamwari yepedyo) uye vakamutungamirira munzira yakatwasuka (Islaam) وَءَاتَيۡنَٰهُ فِي ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةًۖ وَإِنَّهُۥ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ لَمِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ١٢٢Uye takamupa zvakanaka munyika ino, uye muhupenyu hunotevera achange ari umwe wevatsvene ثُمَّ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ أَنِ ٱتَّبِعۡ مِلَّةَ إِبۡرَٰهِيمَ حَنِيفًاۖ وَمَا كَانَ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ ١٢٣Uye takakuudza (Muhammad (SAW)) kuti: “Tevera chitendero chaAbrahamu ange ari Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari.” إِنَّمَا جُعِلَ ٱلسَّبۡتُ عَلَى ٱلَّذِينَ ٱخۡتَلَفُواْ فِيهِۚ وَإِنَّ رَبَّكَ لَيَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كَانُواْ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ ١٢٤Zvirokwazvo, takava tinotara Sabata kune avo vaipokana maererano nayo, uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rekumutswa pane izvo zvavaipokana mazviri ٱدۡعُ إِلَىٰ سَبِيلِ رَبِّكَ بِٱلۡحِكۡمَةِ وَٱلۡمَوۡعِظَةِ ٱلۡحَسَنَةِۖ وَجَٰدِلۡهُم بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُۚ إِنَّ رَبَّكَ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَن ضَلَّ عَن سَبِيلِهِۦ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُهۡتَدِينَ ١٢٥Sheedzera (Muhammad (SAW)) kunzira yaTenzi vako (Islaam) nehungwaru uye nemharidzo yakanaka, uye pikisana navo nenzira yakanaka. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo akarasika kubva munzira yavo, uye ndivo vanoziva avo vakatungamirirwa وَإِنۡ عَاقَبۡتُمۡ فَعَاقِبُواْ بِمِثۡلِ مَا عُوقِبۡتُم بِهِۦۖ وَلَئِن صَبَرۡتُمۡ لَهُوَ خَيۡرٌ لِّلصَّٰبِرِينَ ١٢٦Uye kana muchiranga (muvengi, imi vatendi), naizvozvo rangai nenzira yakafanana neyamakarangwa nayo. Asi kana mukatsungirira, zvirokwazvo, zvakanakira vanotsungirira وَٱصۡبِرۡ وَمَا صَبۡرُكَ إِلَّا بِٱللَّهِۚ وَلَا تَحۡزَنۡ عَلَيۡهِمۡ وَلَا تَكُ فِي ضَيۡقٍ مِّمَّا يَمۡكُرُونَ ١٢٧Uye tsungirira (Muhammad (SAW)), uye kutsungirira kwako kunobva kuna Allah. Uye usava unobatikana pamusoro pavo (vasingatendi), uye usava unoshushikana maererano nezvavanoronga إِنَّ ٱللَّهَ مَعَ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَواْ وَّٱلَّذِينَ هُم مُّحۡسِنُونَ ١٢٨Zvirokwazvo, Allah vane avo vanovatya, uye neavo vanoita mabasa akanaka

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.