ملة الإسلام

السورة 67 · 30 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة الملك باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة الملك (1,412 قارئاً)
مكيةسورة الملك٣٠ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

تَبَٰرَكَ ٱلَّذِي بِيَدِهِ ٱلۡمُلۡكُ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ قَدِيرٌ ١Vakakomborerwa ndeavo mumaoko avo mune humambo wese. Uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose (Vane masimba pamusoro pezvinhu zvose) ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡمَوۡتَ وَٱلۡحَيَوٰةَ لِيَبۡلُوَكُمۡ أَيُّكُمۡ أَحۡسَنُ عَمَلًاۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡغَفُورُ ٢Avo vakasika rufu neupenyu kuti vave vanokuedzai kuti ndiani pakati penyu anemabasa akanaka. Uyezve ndivo samasimba ose, vane ruregerero rwese ٱلَّذِي خَلَقَ سَبۡعَ سَمَٰوَٰتٍ طِبَاقًاۖ مَّا تَرَىٰ فِي خَلۡقِ ٱلرَّحۡمَٰنِ مِن تَفَٰوُتٍۖ فَٱرۡجِعِ ٱلۡبَصَرَ هَلۡ تَرَىٰ مِن فُطُورٍ ٣Avo vakasika matenga manomwe rimwe pamusoro perimwe. Uye haukwanisi kuona chakakanganiswa pazvisikwa zvaane tsitsi dzose. Dzokororazve kutarisa! “Uri kuona here kutsemuka?” ثُمَّ ٱرۡجِعِ ٱلۡبَصَرَ كَرَّتَيۡنِ يَنقَلِبۡ إِلَيۡكَ ٱلۡبَصَرُ خَاسِئًا وَهُوَ حَسِيرٌ ٤Nokudaro dzokorora zvakare kutarisa! Asi maziso ako anodzoka kwauri anenyadzi uyezve aneta وَلَقَدۡ زَيَّنَّا ٱلسَّمَآءَ ٱلدُّنۡيَا بِمَصَٰبِيحَ وَجَعَلۡنَٰهَا رُجُومًا لِّلشَّيَٰطِينِۖ وَأَعۡتَدۡنَا لَهُمۡ عَذَابَ ٱلسَّعِيرِ ٥Uye zvirokwazvo, takashongedza denga repadyo nenyika nemarambi, uye takaaita marambi iwayo sezvombo kumaDhiyabhorosi, uye takavagadzirira marwadzo emoto unobvira وَلِلَّذِينَ كَفَرُواْ بِرَبِّهِمۡ عَذَابُ جَهَنَّمَۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ ٦Uye kune avo vasingatendi muna Tenzi vavo kune marwadzo eGehena, uye inzvimbo yokugara yakaipisisa إِذَآ أُلۡقُواْ فِيهَا سَمِعُواْ لَهَا شَهِيقًا وَهِيَ تَفُورُ ٧Apo pavachakandwa imomo mariri vachanzwa kukweva mariri (kwakasimba) apo parinenge richifema apo richibvira تَكَادُ تَمَيَّزُ مِنَ ٱلۡغَيۡظِۖ كُلَّمَآ أُلۡقِيَ فِيهَا فَوۡجٌ سَأَلَهُمۡ خَزَنَتُهَآ أَلَمۡ يَأۡتِكُمۡ نَذِيرٌ ٨Richasvika pakuda kuputsika nehasha. Nguva dzose chikwata pachinokandwa mariri, vachengetedzi varo vachabvunza: “Muyambiri haana kuuya kwamuri here?” قَالُواْ بَلَىٰ قَدۡ جَآءَنَا نَذِيرٌ فَكَذَّبۡنَا وَقُلۡنَا مَا نَزَّلَ ٱللَّهُ مِن شَيۡءٍ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا فِي ضَلَٰلٍ كَبِيرٍ ٩Vachati: “Hongu, zvirokwazvo muyambiri akauya kwatiri, asi takamuramba tikati: ‘Allah havana kutumira pano pasi chimwe chinhu (mashoko), asi makarasika zvakanyanya.’” وَقَالُواْ لَوۡ كُنَّا نَسۡمَعُ أَوۡ نَعۡقِلُ مَا كُنَّا فِيٓ أَصۡحَٰبِ ٱلسَّعِيرِ ١٠Uye vachati: “Dai takateerera kana kushandisa huchenjeri hwedu, taisazowanikwa muvanhu vekumoto!” فَٱعۡتَرَفُواْ بِذَنۢبِهِمۡ فَسُحۡقًا لِّأَصۡحَٰبِ ٱلسَّعِيرِ ١١Vachapupura zvitadzo zvavo. Nokudaro, ngavave kure vanhu vekumoto unobvira إِنَّ ٱلَّذِينَ يَخۡشَوۡنَ رَبَّهُم بِٱلۡغَيۡبِ لَهُم مَّغۡفِرَةٌ وَأَجۡرٌ كَبِيرٌ ١٢Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakavanzika, vachawana ruregerero uye mubairo mukuru وَأَسِرُّواْ قَوۡلَكُمۡ أَوِ ٱجۡهَرُواْ بِهِۦٓۖ إِنَّهُۥ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ ١٣Uye taurai mashoko enyu muchizevezeve kana kuwaburitsa pachena, zvirokwazvo (Allah) vanoziva zvakanyanya izvo zviri muzvipfuva (zvevanhu) أَلَا يَعۡلَمُ مَنۡ خَلَقَ وَهُوَ ٱللَّطِيفُ ٱلۡخَبِيرُ ١٤Havangazivi here ivo vari ivo vakasika? Uye ndivo vane tsitsi dzose, muzivi wezvose هُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ ذَلُولًا فَٱمۡشُواْ فِي مَنَاكِبِهَا وَكُلُواْ مِن رِّزۡقِهِۦۖ وَإِلَيۡهِ ٱلنُّشُورُ ١٥Ndivo vakaita kuti nyika ive inozvipira kwamuri (muchifamba nokugara pamusoro payo uye nekuirima), nokudaro fambai munzira dzayo uye idyai zvokudya zvayo. Uye kwavari ndiko kune kumutswa kwenyu ءَأَمِنتُم مَّن فِي ٱلسَّمَآءِ أَن يَخۡسِفَ بِكُمُ ٱلۡأَرۡضَ فَإِذَا هِيَ تَمُورُ ١٦Munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga (Allah) havaiiti nyika kuti inyure nemi, apo paino dengenyeka أَمۡ أَمِنتُم مَّن فِي ٱلسَّمَآءِ أَن يُرۡسِلَ عَلَيۡكُمۡ حَاصِبًاۖ فَسَتَعۡلَمُونَ كَيۡفَ نَذِيرِ ١٧Kana kuti munogadzikana here kuti avo vari pamusoro pematenga havakwanisi kukutumirai kwamuri mhepo yakasimba? Nokudaro muchaziva kuti yambiro yangu yakaita sei وَلَقَدۡ كَذَّبَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ فَكَيۡفَ كَانَ نَكِيرِ ١٨Uye zvirokwazvo avo vaiva kumashure kwenyu vakaramba, nokudaro kwakaipa sei kuvaramba kwangu (chirango changu) أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَى ٱلطَّيۡرِ فَوۡقَهُمۡ صَٰٓفَّٰتٍ وَيَقۡبِضۡنَۚ مَا يُمۡسِكُهُنَّ إِلَّا ٱلرَّحۡمَٰنُۚ إِنَّهُۥ بِكُلِّ شَيۡءِۭ بَصِيرٌ ١٩Havaoni here shiri pamusoro pavo dzichitambanudza mapapiro adzo, nekumadzosa mukati? Hapana anodzitakura kunze kwamuzvina tsitsi dzose. Zvirokwazvo, ndivo muoni wezvose أَمَّنۡ هَٰذَا ٱلَّذِي هُوَ جُندٌ لَّكُمۡ يَنصُرُكُم مِّن دُونِ ٱلرَّحۡمَٰنِۚ إِنِ ٱلۡكَٰفِرُونَ إِلَّا فِي غُرُورٍ ٢٠Ndiani kunze kune vane tsitsi dzose (Allah) vanokwanisa kuva masoja kwamuri kuti akubetserei? Vasingatendi hapana mavari kunze kwemumanyepo (munyengedzo) أَمَّنۡ هَٰذَا ٱلَّذِي يَرۡزُقُكُمۡ إِنۡ أَمۡسَكَ رِزۡقَهُۥۚ بَل لَّجُّواْ فِي عُتُوٍّ وَنُفُورٍ ٢١Ndiani angakupai imi (zvokushandisa, kudya) kana vakabata zvokudya (vakasakupai) zvavo? Asi vanoenderera mberi nekuzvitutumadza, uye nekutiza (kubva pachokwadi) أَفَمَن يَمۡشِي مُكِبًّا عَلَىٰ وَجۡهِهِۦٓ أَهۡدَىٰٓ أَمَّن يَمۡشِي سَوِيًّا عَلَىٰ صِرَٰطٍ مُّسۡتَقِيمٍ ٢٢Ndizvo here kuti uyo anofamba nechiso chake asingaoni, akatungamirirwa zvakanyanya kudarika uyo anofamba akatwasuka munzira yakatwasuka (Islaam) قُلۡ هُوَ ٱلَّذِيٓ أَنشَأَكُمۡ وَجَعَلَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَۚ قَلِيلًا مَّا تَشۡكُرُونَ ٢٣Iti: “Ndivo vakakusikai, uye vakakupai nzeve uye maziso uye nemoyo. Asi munotenda zvishoma.” قُلۡ هُوَ ٱلَّذِي ذَرَأَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَإِلَيۡهِ تُحۡشَرُونَ ٢٤Iti: “Ndivo vakakusikai munyika, uye kwavari muchaunganidzwa (muhupenyu hwamangwana).” وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٢٥Vanoti: “Ndiriniko pachauya vimbiso iyi (zuva rekutongwa) kana muchitaura chokwadi?” قُلۡ إِنَّمَا ٱلۡعِلۡمُ عِندَ ٱللَّهِ وَإِنَّمَآ أَنَا۠ نَذِيرٌ مُّبِينٌ ٢٦Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ruzivo rwuna Allah voga, uye zvirokwazvo ndiri muyambiri ari pachena.” فَلَمَّا رَأَوۡهُ زُلۡفَةً سِيٓـَٔتۡ وُجُوهُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَقِيلَ هَٰذَا ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تَدَّعُونَ ٢٧Asi pavachaona (marwadzo eZuva Rokutongwa) achiuya, zviso zveavo vasingatendi zvichachinja zvoita zvitema uye zvichanzi: “Iyi ndiyo (vimbiso) yamaidana!” قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِنۡ أَهۡلَكَنِيَ ٱللَّهُ وَمَن مَّعِيَ أَوۡ رَحِمَنَا فَمَن يُجِيرُ ٱلۡكَٰفِرِينَ مِنۡ عَذَابٍ أَلِيمٍ ٢٨Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana Allah vakandiparadza neavo vandinavo, kana kuti votiitira tsitsi, ndiani achabatsira vasingatendi kubva kumarwadzo akaoma?” قُلۡ هُوَ ٱلرَّحۡمَٰنُ ءَامَنَّا بِهِۦ وَعَلَيۡهِ تَوَكَّلۡنَاۖ فَسَتَعۡلَمُونَ مَنۡ هُوَ فِي ضَلَٰلٍ مُّبِينٍ ٢٩Iti (Muhammad (SAW)): “Ndivo vane tsitsi dzose (Allah), kwavari tinotenda, uye tinovimba navo. Nokudaro muchaziva kuti ndiani akarasika zviri pachena.” قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِنۡ أَصۡبَحَ مَآؤُكُمۡ غَوۡرًا فَمَن يَأۡتِيكُم بِمَآءٍ مَّعِينِۭ ٣٠Iti (Muhammad (SAW)): “Ndiudzei! Kana mvura yenyu yose ikanyura, ndiani achakupai mvura inoyerera?”

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.