ملة الإسلام

السورة 68 · 52 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة القلم باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة القلم (1,276 قارئاً)
مكيةسورة القلم٥٢ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

نٓۚ وَٱلۡقَلَمِ وَمَا يَسۡطُرُونَ ١Noon. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Ndinopika) nechinyoreso uye (ndinopika) neizvo zvazvinonyora (ngirozi) (mumabhuku emabasa evanhu) مَآ أَنتَ بِنِعۡمَةِ رَبِّكَ بِمَجۡنُونٍ ٢Iwe (Muhammad (SAW)) nenyasha dzaTenzi vako haupengi وَإِنَّ لَكَ لَأَجۡرًا غَيۡرَ مَمۡنُونٍ ٣Uye zvirokwazvo, uchawana (Muhammad (SAW)) mubairo usingagumi وَإِنَّكَ لَعَلَىٰ خُلُقٍ عَظِيمٍ ٤Uye zvirokwazvo, (iwe Muhammad (SAW) ndiwe une tsika dzepamusoro-soro فَسَتُبۡصِرُ وَيُبۡصِرُونَ ٥Uchawona uyezve vachawona بِأَييِّكُمُ ٱلۡمَفۡتُونُ ٦Ndeupi pakati penyu asina kukwana (anopenga) إِنَّ رَبَّكَ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَن ضَلَّ عَن سَبِيلِهِۦ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُهۡتَدِينَ ٧Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muzivi mukuru weavo vakarasika kubva munzira, uye ndivo muzivi mukuru wevari pagwara فَلَا تُطِعِ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ٨Nokudaro (iwe Muhammad (SAW)) usava unoteerera avo vanoramba (kutenda) وَدُّواْ لَوۡ تُدۡهِنُ فَيُدۡهِنُونَ ٩Vanoshuvira kuti uve unonzwisisana navo (Panyaya dzechitendero). Nokudaro ivo vonzwisisana newe وَلَا تُطِعۡ كُلَّ حَلَّافٍ مَّهِينٍ ١٠Uye (iwe Muhammad (SAW)) usava unoteerera wega wega ari Hallaaf Maheen (uyo anopika zvakanyanya achinyepa kana asina maturo) هَمَّازٍ مَّشَّآءِۭ بِنَمِيمٍ ١١Uye mupomeri manyepo (munyeyi) anofamba nemakuhwa مَّنَّاعٍ لِّلۡخَيۡرِ مُعۡتَدٍ أَثِيمٍ ١٢Uye mudziviriri wezvakanaka, mutyori wemutemo, mutadzi mukuru عُتُلِّۭ بَعۡدَ ذَٰلِكَ زَنِيمٍ ١٣Uye ane utsinye pamusoro pazvo akazvarwa zvisiri pamutemo أَن كَانَ ذَا مَالٍ وَبَنِينَ ١٤Anga akadaro nokuti anga aine hupfumi nevana إِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ءَايَٰتُنَا قَالَ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ١٥Kana ndima dzedu dzichiverengwa (Qur’aan) kwaari anoti: “Ingano dzevanhu vakare!” سَنَسِمُهُۥ عَلَى ٱلۡخُرۡطُومِ ١٦Tichamuisa muchiso pamhuno إِنَّا بَلَوۡنَٰهُمۡ كَمَا بَلَوۡنَآ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ إِذۡ أَقۡسَمُواْ لَيَصۡرِمُنَّهَا مُصۡبِحِينَ ١٧Zvirokwazvo, tinovaedza semaedzero atakaita vanhu vebindu, pavakapika kukohwa michero mangwanani وَلَا يَسۡتَثۡنُونَ ١٨Vasina kuti: “Kana Allah vakatitendera (Inshaa Allaah).” فَطَافَ عَلَيۡهَا طَآئِفٌ مِّن رَّبِّكَ وَهُمۡ نَآئِمُونَ ١٩Nokudaro wakapfuura napo muenzi (moto) kubva kuna Tenzi vako ivo vakarara فَأَصۡبَحَتۡ كَٱلصَّرِيمِ ٢٠Nokudaro (bindu) rakava dema sehusiku hutema فَتَنَادَوۡاْ مُصۡبِحِينَ ٢١Vakashevedzana mangwanani ngwanani أَنِ ٱغۡدُواْ عَلَىٰ حَرۡثِكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰرِمِينَ ٢٢Vachiti: “Endai kubindu renyu, kana muchida kukohwa michero.” فَٱنطَلَقُواْ وَهُمۡ يَتَخَٰفَتُونَ ٢٣Nokudaro vakasimuka vachitaura chinyararire nezwi riri pasi pasi أَن لَّا يَدۡخُلَنَّهَا ٱلۡيَوۡمَ عَلَيۡكُم مِّسۡكِينٌ ٢٤Hakuna murombo achakupindirai mariri zuva ranhasi وَغَدَوۡاْ عَلَىٰ حَرۡدٍ قَٰدِرِينَ ٢٥Uye vakaenda mangwanani nechinangwa chakasimba vachifunga kuti vane samba (rokunyima varombo michero) فَلَمَّا رَأَوۡهَا قَالُوٓاْ إِنَّا لَضَآلُّونَ ٢٦Asi pavakariwona (bindu) vakati: “Zvirokwazvo, tarasika.” بَلۡ نَحۡنُ مَحۡرُومُونَ ٢٧Vakati: “Pamwe zvirokwazvo tiri kudzvinyirirwa (pamuchero)!” قَالَ أَوۡسَطُهُمۡ أَلَمۡ أَقُل لَّكُمۡ لَوۡلَا تُسَبِّحُونَ ٢٨Akanaka pakati pavo akati: “Handina kukuudzai here kuti sei musingati kana Allah vachida (Inshaa Allaah)?” قَالُواْ سُبۡحَٰنَ رَبِّنَآ إِنَّا كُنَّا ظَٰلِمِينَ ٢٩Vakati: “Rumbidzo ngadzive kuna Tenzi vedu. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.” فَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍ يَتَلَٰوَمُونَ ٣٠Vakatendeukirana umwe neumwe pakati pavo vachipomerana قَالُواْ يَٰوَيۡلَنَآ إِنَّا كُنَّا طَٰغِينَ ٣١Vakati: “Marwadzo kwatiri. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.” عَسَىٰ رَبُّنَآ أَن يُبۡدِلَنَا خَيۡرًا مِّنۡهَآ إِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا رَٰغِبُونَ ٣٢“Tinovimba kuti Tenzi vedu vachatipa rinani (bindu) kupfuura iri. Zvechokwadi, tinotendeukira kuna Tenzi vedu (tichishuvira zvakanaka neruregerero nemubairo muhupenyu unotevera).” كَذَٰلِكَ ٱلۡعَذَابُۖ وَلَعَذَابُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَكۡبَرُۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ ٣٣Aya ndiwo marwadzo, asi zvirokwazvo marwadzo ehupenyu hwamangwana makuru dai henyu maiziva إِنَّ لِلۡمُتَّقِينَ عِندَ رَبِّهِمۡ جَنَّٰتِ ٱلنَّعِيمِ ٣٤Zvirokwazvo, kuvatsvene kune mapindu akanaka kuna Tenzi vavo أَفَنَجۡعَلُ ٱلۡمُسۡلِمِينَ كَٱلۡمُجۡرِمِينَ ٣٥Tobata here maMuslim (vatendi) sevatadzi مَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ ٣٦Mhaka yenyu ndeyeyi? Munotonga sei أَمۡ لَكُمۡ كِتَٰبٌ فِيهِ تَدۡرُسُونَ ٣٧Kana kuti mune bhuku ramunodzidza mariri إِنَّ لَكُمۡ فِيهِ لَمَا تَخَيَّرُونَ ٣٨Kuti zvirokwazvo kwamuri mariri mune zvose zvamunosarudza أَمۡ لَكُمۡ أَيۡمَٰنٌ عَلَيۡنَا بَٰلِغَةٌ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ إِنَّ لَكُمۡ لَمَا تَحۡكُمُونَ ٣٩Kana kuti mune mhiko kubva kwatiri, kusvika pazuva rokutongwa, kuti kwamuri kuchava zvamunotonga سَلۡهُمۡ أَيُّهُم بِذَٰلِكَ زَعِيمٌ ٤٠Vabvunzei: “Ndiani pakati pavo achamira pazviri?” أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَآءُ فَلۡيَأۡتُواْ بِشُرَكَآئِهِمۡ إِن كَانُواْ صَٰدِقِينَ ٤١“Kana kuti vane shamwari?” Nokudaro vasiyei vauye neshamwari dzavo kana vari pachokwadi يَوۡمَ يُكۡشَفُ عَن سَاقٍ وَيُدۡعَوۡنَ إِلَى ٱلسُّجُودِ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ ٤٢(Rangarirai) zuva iro gumbo (raAllah) richaburitswa pachena, uye vachadanwa kuti vapfugame (pamberi paAllah), asi vachakundikana (avo vasinganamati kana kuti avo vasinganamati nemoyo wese) خَٰشِعَةً أَبۡصَٰرُهُمۡ تَرۡهَقُهُمۡ ذِلَّةٌۖ وَقَدۡ كَانُواْ يُدۡعَوۡنَ إِلَى ٱلسُّجُودِ وَهُمۡ سَٰلِمُونَ ٤٣Maziso avo akadzikiswa uye nyadzi dzakavavhara, nokuti zvirokwazvo vaidanwa kuti vapfugame vari vatano (asi vaitadza kudaro) فَذَرۡنِي وَمَن يُكَذِّبُ بِهَٰذَا ٱلۡحَدِيثِۖ سَنَسۡتَدۡرِجُهُم مِّنۡ حَيۡثُ لَا يَعۡلَمُونَ ٤٤Saka ndisiyei neavo vanoramba Qur’aan iri. Tichavaranga zvishoma nezvishoma kubva kumativi avasingazivi وَأُمۡلِي لَهُمۡۚ إِنَّ كَيۡدِي مَتِينٌ ٤٥Uye ndichavapa nguva. Zvirokwazvo, hurongwa hwangu hwakakura أَمۡ تَسۡـَٔلُهُمۡ أَجۡرًا فَهُم مِّن مَّغۡرَمٍ مُّثۡقَلُونَ ٤٦Kana kuti (iwe Muhammad (SAW)) uri kuvabvunza mubhadharo, nokudaro vakaomerwa nezvikwereti أَمۡ عِندَهُمُ ٱلۡغَيۡبُ فَهُمۡ يَكۡتُبُونَ ٤٧Kana kuti zvisingaonekwi zviri mumaoko avo kuti vazvinyore pasi فَٱصۡبِرۡ لِحُكۡمِ رَبِّكَ وَلَا تَكُن كَصَاحِبِ ٱلۡحُوتِ إِذۡ نَادَىٰ وَهُوَ مَكۡظُومٌ ٤٨Saka mirira nekutsungirira hurongwa hwaTenzi vako, uye usava unoita semuvakidzani wehove, paakachema (kwatiri) aine kushushikana kwakanyanya لَّوۡلَآ أَن تَدَٰرَكَهُۥ نِعۡمَةٌ مِّن رَّبِّهِۦ لَنُبِذَ بِٱلۡعَرَآءِ وَهُوَ مَذۡمُومٌ ٤٩Dai dzisiri nyasha dzaTenzi vake dzakamusvikira, aisiiwa (mudumbu mehove), asi akanorutsirwa (akakandwa) kumahombe kombe achipomerwa mhosva فَٱجۡتَبَٰهُ رَبُّهُۥ فَجَعَلَهُۥ مِنَ ٱلصَّٰلِحِينَ ٥٠Nokudaro Tenzi vake vakamusarudza uye vakamuita umwe wevatsvene وَإِن يَكَادُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَيُزۡلِقُونَكَ بِأَبۡصَٰرِهِمۡ لَمَّا سَمِعُواْ ٱلذِّكۡرَ وَيَقُولُونَ إِنَّهُۥ لَمَجۡنُونٌ ٥١Uye zvirokwazvo, avo vasingatendi vanoposa zvishoma kukuita kuti utsvedze nekuda kwemaziso avo (aneruvengo) apo pavanonzwa yeuchidzo (Qur’aan), uye vanoti: “Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) munhu anopenga!” وَمَا هُوَ إِلَّا ذِكۡرٌ لِّلۡعَٰلَمِينَ ٥٢Asi hapana chiripo kunze kweyeuchidzo kuzvisikwa zvose (vanhu nemaJinn)

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.