ملة الإسلام

السورة 54 · 55 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة القمر باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة القمر (1,232 قارئاً)
مكيةسورة القمر٥٥ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

ٱقۡتَرَبَتِ ٱلسَّاعَةُ وَٱنشَقَّ ٱلۡقَمَرُ ١Nguva yaswedera, uye mwedzi wapatsanurwa (Vanhu vakakumbira chiratidzo kunaMuhammad (SAW), uye akavaratidza kupatsanurwa kwemwedzi وَإِن يَرَوۡاْ ءَايَةً يُعۡرِضُواْ وَيَقُولُواْ سِحۡرٌ مُّسۡتَمِرٌّ ٢Uye kana vakaona humboo vanofuratira, vachiti: “Aya ndivo mapipi asingaperi.” وَكَذَّبُواْ وَٱتَّبَعُوٓاْ أَهۡوَآءَهُمۡۚ وَكُلُّ أَمۡرٍ مُّسۡتَقِرٌّ ٣Uye vakaramba (Qur’aan) ndokutevera zvido zvavo. Uye zvinhu zvose zvichagadziriswa (zvichifambirana nemabasa, vaiti vemabasa akanaka vachaenda kuParadhiso, uye vaiti vemabasa akaipa vachaenda kuGehena) وَلَقَدۡ جَآءَهُم مِّنَ ٱلۡأَنۢبَآءِ مَا فِيهِ مُزۡدَجَرٌ ٤Uye zvirokwazvo nhau dzakauya kwavari (muQur’aan) mune yambiro (inovarambidza zvakaipa) حِكۡمَةُۢ بَٰلِغَةٌۖ فَمَا تُغۡنِ ٱلنُّذُرُ ٥Huchenjeri hwakakwana (iri Qur’aan), asi kuparidza kwevayambiri hakuvabatsiri فَتَوَلَّ عَنۡهُمۡۘ يَوۡمَ يَدۡعُ ٱلدَّاعِ إِلَىٰ شَيۡءٍ نُّكُرٍ ٦Naizvozvo iwe (Muhammad (SAW)) vasiye. Zuva iro mudaidzi achavadaidzira kune chinhu chinotyisa chaizvo خُشَّعًا أَبۡصَٰرُهُمۡ يَخۡرُجُونَ مِنَ ٱلۡأَجۡدَاثِ كَأَنَّهُمۡ جَرَادٌ مُّنتَشِرٌ ٧Vachabuda mumakuva avo maziso aine kuzvininipisa sokunge vari hwiza idzo dzakapararira مُّهۡطِعِينَ إِلَى ٱلدَّاعِۖ يَقُولُ ٱلۡكَٰفِرُونَ هَٰذَا يَوۡمٌ عَسِرٌ ٨Vachimhanyira kune mudaidzi. Vasingatendi vachati: “Iri izuva rakaoma.” ۞ كَذَّبَتۡ قَبۡلَهُمۡ قَوۡمُ نُوحٍ فَكَذَّبُواْ عَبۡدَنَا وَقَالُواْ مَجۡنُونٌ وَٱزۡدُجِرَ ٩Vanhu vaNowa mushure mavo vakaramba. Vakaramba muranda wedu, uye ndokuti: “Munhu anopenga!” Uye akatyityidzirwa فَدَعَا رَبَّهُۥٓ أَنِّي مَغۡلُوبٌ فَٱنتَصِرۡ ١٠Zvino akadaidza Tenzi vake (achiti): “Ndakurirwa, naizvozvo ndibetserei!” فَفَتَحۡنَآ أَبۡوَٰبَ ٱلسَّمَآءِ بِمَآءٍ مُّنۡهَمِرٍ ١١Naizvozvo takavhura mikova yekudenga nemvura yainaya chaizvo وَفَجَّرۡنَا ٱلۡأَرۡضَ عُيُونًا فَٱلۡتَقَى ٱلۡمَآءُ عَلَىٰٓ أَمۡرٍ قَدۡ قُدِرَ ١٢Uye takaita kuti zvitubu zviyerere panyika. Naizvozvo mvura (yekudenga nepasi pano) yakasangana sekukomekedzwa kwakanga kwarongwa وَحَمَلۡنَٰهُ عَلَىٰ ذَاتِ أَلۡوَٰحٍ وَدُسُرٍ ١٣Uye takamutakura mungarava yakagadzirwa nemapuranga nezvipikiri تَجۡرِي بِأَعۡيُنِنَا جَزَآءً لِّمَن كَانَ كُفِرَ ١٤Ichiyangarara iri pamusoro pemvura mumaziso edu (tichiona). Semubairo kune uyo akarambwa وَلَقَد تَّرَكۡنَٰهَآ ءَايَةً فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ١٥Uye zvirokwazvo takaisiya sechiratidzo. Saka pane here angarangarira فَكَيۡفَ كَانَ عَذَابِي وَنُذُرِ ١٦Naizvozvo murango wangu nerangaridzo dzangu dzakanga dzakadii وَلَقَدۡ يَسَّرۡنَا ٱلۡقُرۡءَانَ لِلذِّكۡرِ فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ١٧Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa uye kurangarira. Pane here angarangarira كَذَّبَتۡ عَادٌ فَكَيۡفَ كَانَ عَذَابِي وَنُذُرِ ١٨(Vanhu va) Aad vakaramba (mutumwa wavo Hud), zvino mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga yakadii إِنَّآ أَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ رِيحًا صَرۡصَرًا فِي يَوۡمِ نَحۡسٍ مُّسۡتَمِرٍّ ١٩Zvirokwazvo, takatumira mhepo kwavari ine simba pazuva rakashata uye nematambudziko asingaperi تَنزِعُ ٱلنَّاسَ كَأَنَّهُمۡ أَعۡجَازُ نَخۡلٍ مُّنقَعِرٍ ٢٠Ichiburitsa vanhu panze sokunge midzi yemadheti yakadzurwa فَكَيۡفَ كَانَ عَذَابِي وَنُذُرِ ٢١Zvino mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga iri sei وَلَقَدۡ يَسَّرۡنَا ٱلۡقُرۡءَانَ لِلذِّكۡرِ فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ٢٢Uye zvirokwazvo Qur’aan takariita kuti rive nyore kunzwisisa uye kurangarira. Zvino pane here angarangarira كَذَّبَتۡ ثَمُودُ بِٱلنُّذُرِ ٢٣MaThamood (zvakare) vakaramba yambiro فَقَالُوٓاْ أَبَشَرًا مِّنَّا وَٰحِدًا نَّتَّبِعُهُۥٓ إِنَّآ إِذًا لَّفِي ضَلَٰلٍ وَسُعُرٍ ٢٤Vakati: “Tingatevera murume mumwechete pakati pedu? Chokwadi, tinenge tatorasika kana kukanganisika (kana kupenga)!” أَءُلۡقِيَ ٱلذِّكۡرُ عَلَيۡهِ مِنۢ بَيۡنِنَا بَلۡ هُوَ كَذَّابٌ أَشِرٌ ٢٥“Ndizvo here kuti yeuchidzo yakatumirwa kwaari iye chete (Swaalih (AS)) mukati medu? Asi iye munyepi akaipa!” سَيَعۡلَمُونَ غَدًا مَّنِ ٱلۡكَذَّابُ ٱلۡأَشِرُ ٢٦Mangwana vachaziva kuti ndiani anonyepa, akaipa إِنَّا مُرۡسِلُواْ ٱلنَّاقَةِ فِتۡنَةً لَّهُمۡ فَٱرۡتَقِبۡهُمۡ وَٱصۡطَبِرۡ ٢٧Zvirokwazvo, tirikutumira ngamera hadzi semuedzo kwavari. Saka vatarise (Swaalih (AS)), uye iva netariro وَنَبِّئۡهُمۡ أَنَّ ٱلۡمَآءَ قِسۡمَةُۢ بَيۡنَهُمۡۖ كُلُّ شِرۡبٍ مُّحۡتَضَرٌ ٢٨Uye vazivise kuti mvura inogovaniswa pakati pavo, kodzero dzeumwe neumwe dzichizadzikiswa فَنَادَوۡاْ صَاحِبَهُمۡ فَتَعَاطَىٰ فَعَقَرَ ٢٩Asi vakadaidza umwe wavo akatora banga (bakatwa) ndokubva aiuraya (ngamera) فَكَيۡفَ كَانَ عَذَابِي وَنُذُرِ ٣٠Saka mutongo wangu nerangaridzo yangu yakanga iri sei إِنَّآ أَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ صَيۡحَةً وَٰحِدَةً فَكَانُواْ كَهَشِيمِ ٱلۡمُحۡتَظِرِ ٣١Zvirokwazvo, takatumira kwavari Saihah imwe chete (murango weruzha rwakanyanya), uye vakabva vaita sokunge mashanga emafuro akaoma وَلَقَدۡ يَسَّرۡنَا ٱلۡقُرۡءَانَ لِلذِّكۡرِ فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ٣٢Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa uye kurangarira, zvino pane here angakwanisa kurangarira كَذَّبَتۡ قَوۡمُ لُوطِۭ بِٱلنُّذُرِ ٣٣Vanhu vaLoti vakaramba yambiro إِنَّآ أَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ حَاصِبًا إِلَّآ ءَالَ لُوطٍۖ نَّجَّيۡنَٰهُم بِسَحَرٍ ٣٤Zvirokwazvo, takavatumira mhepo yematombo (yakavaparadza vese) kusara kwemhuri yaLoti. Takavabetsera munguva yokupedzisira yemanheru نِّعۡمَةً مِّنۡ عِندِنَاۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي مَن شَكَرَ ٣٥Sechipo kubva kwatiri. Ndiwo mapiro atinoita mubairo kune uyo anopa kutenda وَلَقَدۡ أَنذَرَهُم بَطۡشَتَنَا فَتَمَارَوۡاْ بِٱلنُّذُرِ ٣٦Uye zvirokwazvo iye (Loti) akavayambira maererano nemutongo wedu, asi vakataridza kusagutsikana neyambiro وَلَقَدۡ رَٰوَدُوهُ عَن ضَيۡفِهِۦ فَطَمَسۡنَآ أَعۡيُنَهُمۡ فَذُوقُواْ عَذَابِي وَنُذُرِ ٣٧Uye zvirokwazvo vaida kunyadzisa vaenzi vake (nekuita hungochani navo). Naizvozvo takavhara maziso avo (tichiti): “Ravirai murango wangu neyambiro yangu.” وَلَقَدۡ صَبَّحَهُم بُكۡرَةً عَذَابٌ مُّسۡتَقِرٌّ ٣٨Uye zvirokwazvo murango wakafanira wakavasvikira rungwanani فَذُوقُواْ عَذَابِي وَنُذُرِ ٣٩“Naizvozvo ravirai mutongo wangu neyambiro yangu.” وَلَقَدۡ يَسَّرۡنَا ٱلۡقُرۡءَانَ لِلذِّكۡرِ فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ٤٠Uye zvirokwazvo takaita kuti Qur’aan rive nyore kunzwisisa nekurangarira; zvino pane here umwe angarangarira وَلَقَدۡ جَآءَ ءَالَ فِرۡعَوۡنَ ٱلنُّذُرُ ٤١Uye zvirokwazvo yambiro yakauya kune vanhu vaFarawo (kuburikidza naMusa naAroni) كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا كُلِّهَا فَأَخَذۡنَٰهُمۡ أَخۡذَ عَزِيزٍ مُّقۡتَدِرٍ ٤٢Vakaramba humboo hwedu hwese, naizvozvo takavaparadza kuparadza kwemukuru anemasimba, uye anokwanisa kuita zvose أَكُفَّارُكُمۡ خَيۡرٌ مِّنۡ أُوْلَٰٓئِكُمۡ أَمۡ لَكُم بَرَآءَةٌ فِي ٱلزُّبُرِ ٤٣Vari nani here avo venyu vasingatendi (imi maQuraish) pane avo (vari mushure mavo, vanhu vaNowa, Loti, Swaalih, naFarawo avo vakaparadzwa)? Kana kuti imi mune rusununguko rwakanyorwa (kuti hamuzowani chirango) mumabhuku أَمۡ يَقُولُونَ نَحۡنُ جَمِيعٌ مُّنتَصِرٌ ٤٤Kana kuti vanoti: “Tiri vakundi vakawanda?” سَيُهۡزَمُ ٱلۡجَمۡعُ وَيُوَلُّونَ ٱلدُّبُرَ ٤٥Kuwanda kwavo kuchakurirwa uye vachafuratira vachitiza بَلِ ٱلسَّاعَةُ مَوۡعِدُهُمۡ وَٱلسَّاعَةُ أَدۡهَىٰ وَأَمَرُّ ٤٦Asi (Kumutswa) inguva yakatarwa kwavari, uye inguva ichange ichityisa zvikuru uye ichirwadza إِنَّ ٱلۡمُجۡرِمِينَ فِي ضَلَٰلٍ وَسُعُرٍ ٤٧Zvirokwazvo, vatadzi vakarasika uye vachatsva (mumoto weGehena) يَوۡمَ يُسۡحَبُونَ فِي ٱلنَّارِ عَلَىٰ وُجُوهِهِمۡ ذُوقُواْ مَسَّ سَقَرَ ٤٨Zuva iro vachadhonzerwa mumoto nezviso zvavo, (zvichanzi kwavari): “Ravirai imi kutsva nemoto!” إِنَّا كُلَّ شَيۡءٍ خَلَقۡنَٰهُ بِقَدَرٍ ٤٩Zvirokwazvo, takasika zvinhu zvose neQadar (nemarongero edu nekuda kwedu) وَمَآ أَمۡرُنَآ إِلَّا وَٰحِدَةٌ كَلَمۡحِۭ بِٱلۡبَصَرِ ٥٠Uye kukomekedza kwedu kunongove kumwe chete sekubwaira kweziso وَلَقَدۡ أَهۡلَكۡنَآ أَشۡيَاعَكُمۡ فَهَلۡ مِن مُّدَّكِرٍ ٥١Uye zvirokwazvo, takaparadza vakafanana nemi, saka hapana here umwe angayeuka وَكُلُّ شَيۡءٍ فَعَلُوهُ فِي ٱلزُّبُرِ ٥٢Uye zvose zvavakaita zvakatonyorwa mumabhuku (emabasa) وَكُلُّ صَغِيرٍ وَكَبِيرٍ مُّسۡتَطَرٌ ٥٣Uye chinhu chose, chiduku kana chihombe chakanyorwa pasi (mu Al-Lauh Al-Mahfoodh chisati chaitika kana kuitwa) إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي جَنَّٰتٍ وَنَهَرٍ ٥٤Zvirokwazvo, avo vanotya (Allah), vachange vari mumapindu nenzizi (muParadhiso) فِي مَقۡعَدِ صِدۡقٍ عِندَ مَلِيكٍ مُّقۡتَدِرِۭ ٥٥Vachave muchigaro chechokwadi (Paradhiso), padyo naMambo (mukuru) ane simba rekuita zvose

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.