ملة الإسلام

السورة 53 · 62 آية · Abdullah J. M. Adini And Students

سورة النجم باللغة الشونية

السورة بالعربية مع التفسير استمع إلى سورة النجم (1,299 قارئاً)
مكيةسورة النجم٦٢ آية

بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ

وَٱلنَّجۡمِ إِذَا هَوَىٰ ١Ndinopika nenyeredzi apo inoenda pasi مَا ضَلَّ صَاحِبُكُمۡ وَمَا غَوَىٰ ٢Umwe wenyu (Muhammad (SAW)) haana kurasika kana kukanganisa وَمَا يَنطِقُ عَنِ ٱلۡهَوَىٰٓ ٣Uye haangotauri zvaanoda pachake إِنۡ هُوَ إِلَّا وَحۡيٌ يُوحَىٰ ٤Anongori mashoko anodzikiswa kubva kudenga عَلَّمَهُۥ شَدِيدُ ٱلۡقُوَىٰ ٥Akadzidziswa (Qur’aan) neuyo ane masimba makuru (Gabriel) ذُو مِرَّةٍ فَٱسۡتَوَىٰ ٦Uyo asina hurema pamuviri nepapfungwa dzake, uye akakwidza (Gabriel) akadzikama وَهُوَ بِٱلۡأُفُقِ ٱلۡأَعۡلَىٰ ٧Apo iye (Gabriel) paakanga ari pamusoro-soro pekupedzisira ثُمَّ دَنَا فَتَدَلَّىٰ ٨Ndokubva iye (Gabriel) aswedera ndokuuya padyo فَكَانَ قَابَ قَوۡسَيۡنِ أَوۡ أَدۡنَىٰ ٩Uye akanga ari padyo seuta miviri kana kuti padyo فَأَوۡحَىٰٓ إِلَىٰ عَبۡدِهِۦ مَآ أَوۡحَىٰ ١٠Ndokubva (Allah) vadzikisa kumuranda wavo (Muhammad (SAW) kuburikidza naGabriel) zvavaida kudzikisa مَا كَذَبَ ٱلۡفُؤَادُ مَا رَأَىٰٓ ١١Moyo hauna kunyepa pane zvaakaona (Muhammad (SAW) أَفَتُمَٰرُونَهُۥ عَلَىٰ مَا يَرَىٰ ١٢Munomupikisa here (Muhammad (SAW)) pane izvo zvaakaona (parwendo rwake rwekudenga, Mi’raaj) وَلَقَدۡ رَءَاهُ نَزۡلَةً أُخۡرَىٰ ١٣Uye zvirokwazvo (Muhammad (SAW)) akamuona (Gabriel) kechipiri عِندَ سِدۡرَةِ ٱلۡمُنتَهَىٰ ١٤Padyo neSidratul Muntaha (muti weLoti uri pamuganhu redenga rekupedzisira uyo usina mupfuuri) عِندَهَا جَنَّةُ ٱلۡمَأۡوَىٰٓ ١٥Padyo nawo pane nzvimbo yekugara yeParadhiso إِذۡ يَغۡشَى ٱلسِّدۡرَةَ مَا يَغۡشَىٰ ١٦Apo muti weLoti wakavharwa nezvakauvhara (Chiedza chaAllah uye nengirozi uye nemavara akasiyana siyana) مَا زَاغَ ٱلۡبَصَرُ وَمَا طَغَىٰ ١٧Maziso ake (Muhammad (SAW)) haana kutarisa mativi kana kukanganisa لَقَدۡ رَأَىٰ مِنۡ ءَايَٰتِ رَبِّهِ ٱلۡكُبۡرَىٰٓ ١٨Zvirokwazvo, (Muhammad (SAW)) akaona zviratidzo zvaTenzi vake zvihombe أَفَرَءَيۡتُمُ ٱللَّٰتَ وَٱلۡعُزَّىٰ ١٩Murikuona here Laat naUzza (zvidhori zviviri zvemaArabhu zvavainamata) وَمَنَوٰةَ ٱلثَّالِثَةَ ٱلۡأُخۡرَىٰٓ ٢٠Uye naManaat (chimwe chidhori chemaArabhu chavainamata) wechitatu أَلَكُمُ ٱلذَّكَرُ وَلَهُ ٱلۡأُنثَىٰ ٢١Ndizvo here kuti imi mune varume ivo (Allah) vane vakadzi تِلۡكَ إِذًا قِسۡمَةٌ ضِيزَىٰٓ ٢٢Zvirokwazvo, ikoko ndiko kugovanisa kwakaipa إِنۡ هِيَ إِلَّآ أَسۡمَآءٌ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍۚ إِن يَتَّبِعُونَ إِلَّا ٱلظَّنَّ وَمَا تَهۡوَى ٱلۡأَنفُسُۖ وَلَقَدۡ جَآءَهُم مِّن رَّبِّهِمُ ٱلۡهُدَىٰٓ ٢٣Anongori mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo Allah havana kudzikisa mvumo yazvo. Vanongotevedzera kufungidzira chete neizvo zvinoda moyo yavo, asi zvirokwazvo nungamiro yauya kwavari kubva kuna Tenzi vavo أَمۡ لِلۡإِنسَٰنِ مَا تَمَنَّىٰ ٢٤Kana kuti munhu achawana zvaanoda فَلِلَّهِ ٱلۡأٓخِرَةُ وَٱلۡأُولَىٰ ٢٥Asi Allah ndivo muridzi wenyika yekupedzisira (hupenyu hwemangwana) uye wenyika yekutanga (pasi rino) ۞ وَكَم مِّن مَّلَكٍ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ لَا تُغۡنِي شَفَٰعَتُهُمۡ شَيۡـًٔا إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ أَن يَأۡذَنَ ٱللَّهُ لِمَن يَشَآءُ وَيَرۡضَىٰٓ ٢٦Uye ngirozi ngani dziri kumatenga idzo kureverera kwadzo hakuzombobetseri kana chimwechete, kunze kwekuti mushure mokunge Allah vabvumidza uyo wavanenge vada uye kufadzwa naye إِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ لَيُسَمُّونَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةَ تَسۡمِيَةَ ٱلۡأُنثَىٰ ٢٧Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzuva rekupedzisira vanotumidza ngirozi nemazita echikadzi وَمَا لَهُم بِهِۦ مِنۡ عِلۡمٍۖ إِن يَتَّبِعُونَ إِلَّا ٱلظَّنَّۖ وَإِنَّ ٱلظَّنَّ لَا يُغۡنِي مِنَ ٱلۡحَقِّ شَيۡـًٔا ٢٨Asi havana ruzivo nazvo. Asi vanongotevera kufungidzira. Uye zvirokwazvo kufungidzira hakungatori nzvimbo yechokwadi فَأَعۡرِضۡ عَن مَّن تَوَلَّىٰ عَن ذِكۡرِنَا وَلَمۡ يُرِدۡ إِلَّا ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا ٢٩Naizvozvo siyana (Muhammad (SAW)) neuyo anofuratira yeuchidzo yedu (Qur’aan) uye hapana chaanoda kunze hwehupenyu hwepanyika ذَٰلِكَ مَبۡلَغُهُم مِّنَ ٱلۡعِلۡمِۚ إِنَّ رَبَّكَ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَن ضَلَّ عَن سَبِيلِهِۦ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِمَنِ ٱهۡتَدَىٰ ٣٠Ndipo pavanosvika neruzivo rwavo. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo anorasika kubva munzira yavo, uye vanoziva uyo ane kutungamirirwa وَلِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ أَسَٰٓـُٔواْ بِمَا عَمِلُواْ وَيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ بِٱلۡحُسۡنَى ٣١Uye kuna Allah ndiko kune zviri kumatenga nepanyika, kuti vagopa mugove kune avo vanoita zvakashata neizvo zvavakaita, uye kupa mugove wakanaka kune avo vanoita zvakanaka ٱلَّذِينَ يَجۡتَنِبُونَ كَبَٰٓئِرَ ٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡفَوَٰحِشَ إِلَّا ٱللَّمَمَۚ إِنَّ رَبَّكَ وَٰسِعُ ٱلۡمَغۡفِرَةِۚ هُوَ أَعۡلَمُ بِكُمۡ إِذۡ أَنشَأَكُم مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ وَإِذۡ أَنتُمۡ أَجِنَّةٌ فِي بُطُونِ أُمَّهَٰتِكُمۡۖ فَلَا تُزَكُّوٓاْ أَنفُسَكُمۡۖ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَنِ ٱتَّقَىٰٓ ٣٢Avo vanosiya zvitadzo zvihombe neFawaahish (zvitadzo nebonde risiri pamutemo) kusara kwezvidiki, zvirokwazvo, Tenzi vako vane kuregerera kukuru. Vanokuzivai chaizvo apo vakakusikai kubva muivhu, uye pamakanga muri mudumbu mavanaamai venyu. Naizvozvo musazvichenure. Vanoziva chaizvo uyo anotya (Allah) أَفَرَءَيۡتَ ٱلَّذِي تَوَلَّىٰ ٣٣Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anofuratira (Islaam) وَأَعۡطَىٰ قَلِيلًا وَأَكۡدَىٰٓ ٣٤Uye akapa zvishoma ndokubva arega (kupa) أَعِندَهُۥ عِلۡمُ ٱلۡغَيۡبِ فَهُوَ يَرَىٰٓ ٣٥Ane ruzivo here rwezvisingaonekwi kuti anoona أَمۡ لَمۡ يُنَبَّأۡ بِمَا فِي صُحُفِ مُوسَىٰ ٣٦Kana kuti haana kuziviswa nezviri mubhuku raMusa وَإِبۡرَٰهِيمَ ٱلَّذِي وَفَّىٰٓ ٣٧Uye neraAbrahamu uyo akazadzikisa zvose (zvaakatumwa) أَلَّا تَزِرُ وَازِرَةٌ وِزۡرَ أُخۡرَىٰ ٣٨Kuti hakuna munhu ane musengwa wake (zvitadzo) achatakura musengwa wemumwe munhu وَأَن لَّيۡسَ لِلۡإِنسَٰنِ إِلَّا مَا سَعَىٰ ٣٩Uyezve kuti munhu hapana chaachawana kunze kwezvaanoita وَأَنَّ سَعۡيَهُۥ سَوۡفَ يُرَىٰ ٤٠Uye kuti mabasa ake achaonekwa ثُمَّ يُجۡزَىٰهُ ٱلۡجَزَآءَ ٱلۡأَوۡفَىٰ ٤١Uyezve kuti achapiwa mubairo wakafanira wakakwana وَأَنَّ إِلَىٰ رَبِّكَ ٱلۡمُنتَهَىٰ ٤٢Uye kuti kuna Tenzi vako ndiko kune magumo وَأَنَّهُۥ هُوَ أَضۡحَكَ وَأَبۡكَىٰ ٤٣Uye ndivo vanoita kuti (munhu) aseke uye kuchema وَأَنَّهُۥ هُوَ أَمَاتَ وَأَحۡيَا ٤٤Uye kuti ndivo vanokonzera rufu uye neupenyu وَأَنَّهُۥ خَلَقَ ٱلزَّوۡجَيۡنِ ٱلذَّكَرَ وَٱلۡأُنثَىٰ ٤٥Uye kuti vanosika mapoka maviri, varume nevakadzi مِن نُّطۡفَةٍ إِذَا تُمۡنَىٰ ٤٦Kubva muNutfah (mbeu yemukadzi nemurume) painobuditswa وَأَنَّ عَلَيۡهِ ٱلنَّشۡأَةَ ٱلۡأُخۡرَىٰ ٤٧Uye kuti Allah ndivo vachamutsa zvakare (vafi) وَأَنَّهُۥ هُوَ أَغۡنَىٰ وَأَقۡنَىٰ ٤٨Uye kuti ndivo vanopa hupfumi hwakawanda uye nehushoma وَأَنَّهُۥ هُوَ رَبُّ ٱلشِّعۡرَىٰ ٤٩Uye kuti Allah ndivo muridzi weAsh-shi’raa (nyenyedzi yainamatwa nemaArabhu) وَأَنَّهُۥٓ أَهۡلَكَ عَادًا ٱلۡأُولَىٰ ٥٠Uye kuti ndivo (Allah) vakaparadza vanhu vekutanga vemhuri yaAad وَثَمُودَاْ فَمَآ أَبۡقَىٰ ٥١Uye maThamood, havana kusiya kana umwechete wavo وَقَوۡمَ نُوحٍ مِّن قَبۡلُۖ إِنَّهُمۡ كَانُواْ هُمۡ أَظۡلَمَ وَأَطۡغَىٰ ٥٢Uye nevanhu vaNowa mushure. Zvirokwazvo, vakanga vari vatadzi zvakanyanya vasinganzwi وَٱلۡمُؤۡتَفِكَةَ أَهۡوَىٰ ٥٣Uye (Allah) vakaparadza maguta akarasirwa (eSodom uko kwakatumwa Loti) فَغَشَّىٰهَا مَا غَشَّىٰ ٥٤Naizvozvo vakavharwa neizvo zvakavavhara (chirango nematombo) فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكَ تَتَمَارَىٰ ٥٥Zvino ndeapi makomborero aTenzi venyu (imi vanhu) amusingagutsikani nawo هَٰذَا نَذِيرٌ مِّنَ ٱلنُّذُرِ ٱلۡأُولَىٰٓ ٥٦Uyu (Muhammad (SAW)) muyambiri wevayambiri venguva yekutanga (kare) أَزِفَتِ ٱلۡأٓزِفَةُ ٥٧Zuva rekutongwa raswedera padyo لَيۡسَ لَهَا مِن دُونِ ٱللَّهِ كَاشِفَةٌ ٥٨Hakuna mumwe kunze kwaAllah anogona kuridzosa (shure kana mberi) أَفَمِنۡ هَٰذَا ٱلۡحَدِيثِ تَعۡجَبُونَ ٥٩Murikushamiswa here nemashoko aya (Qur’aan) وَتَضۡحَكُونَ وَلَا تَبۡكُونَ ٦٠Uye muchiwaseka musingachemi وَأَنتُمۡ سَٰمِدُونَ ٦١Apo muchitambisa nguva yenyu (nemafaro) فَٱسۡجُدُواْۤ لِلَّهِۤ وَٱعۡبُدُواْ ۩ ٦٢Naizvozvo pfugamirai Allah uye munamatei (ari ega)

الترجمة: Abdullah J. M. Adini And Students.